Svetuka kuchirochemo

Kunzwa

Kubva Wikipedia
(runangakatsva kubva kuMunzwi)
  • Kunzwa neNzeve (to hear, to listen) Muenzaniso: Ndanzwa bhutsu kurira, ndikati tsvarakadenga yasvika.
  • Kunzwa neRurimi (to taste). Muenzaniso: Ravira unzwe kunaka kwesadza rerukweza.
  • Kunzwa neMhuno (to smell). Muenzaniso: Nhuwidza unzwe kunhuwirira kwechingwa ichi.
  • Kunzwa neMukubata (to perceive by touch). Muenzaniso: Bata unzwe kupfavirira kwakaita gumbeze raMbuya.
  • Kunzwa neMuviri (to sense, to feel). Muenzaniso: Fadzai aenda kumba, anga achinzwa musoro kutema.
  • Achiri Kunzwa (Live, be alive, have life). Muenzaniso: Sekuru Maruva vachiri kunzwa, vanofamba makiromita 7 mazuvaose.
  • Ichiri kunzwa (Be sound, in good condition) Muenzaniso: Motokari yako ichiri kunzwa, wakasvika nayo kuCape Town?
  • Kuzvinzwa (to feel self-important). Muenzaniso: Mukomana uyu anozvinzwa, tarisa uone mafambiro ake kana opfuura pano.
  • Kunzwika (to be heard, understood, perceived) zvnoireva kuti chinhu chinokwanisika kubatwa neunzwi uri pamuviri wemunhu.

Mitauro yeBantu

[chinjirudza | chinjirudza mabviro]
  • MaZulu vanoti zwa (1. Perceive with the various senses; understand) kureva kunzwa.
  • MaZulu vanoti zwa (2. Hear, listen; Listen to, give ear to; obey) kureva kunzwa nenzeve kana kuteerera.
  • MaZulu vanoti zwa (3. taste with the tongue; perceive with the tongue) kureva kunzwa nerurimi. Mamwe mazwi: ukuzwa ngolimi (to taste).
  • MaZulu vanoti zwa (4. smell an odour; perceive with the nose) kureva kunzwa nemhuno. Mamwe mazwi: ukuzwa iphunga (to smell an odour).
  • MaZulu vanoti zwa (5. feel, touch; perceive with the touch) kureva kunzwa nekubata. Mamwe mazwi: ukuzwa ngeminwe (to feel with the fingers).
  • MaZulu vanoti zwa (6. Sense, feel) kureva kunzwa nemuviri. Mamwe mazwi: ukuzwa ubuhlungu (to feel pain).
  • MaZulu vanoti zwa (7. Live, be alive, have life) kureva kunzwa zvakanaka. Mamwe mazwi: usezwa (He is still alive) kureva achiri kunzwa.
  • MaZulu vanoti zwa (8. Be sound, in good condition) kureva kunzwa zvakanaka. Mamwe mazwi: Leli-tafula lisezwa (This table is still in sound condition). ) kureva tafura iyi ichiri kunzwa.
  • MaZulu vanoti ukuzizwa (9. to feel self-important) kureva kuzvinzwa.
  • VaRwanda vanoti kumva (hear) kureva kunzwa. VaKongo vanoti kúwa (v. to sense, to perceive, to listen; to understand) kureva kunzwa.
  • VaMambwe vanoti kuvwa (to hear, to listen to, pay attention to) vachireva kunzwa. Mamwe mazwi: kuvwana zvichireva kunzwana.


Zanhi rinori ndere kutsauranisa chirevo, rino dorongotsa sipwi dzine matumidzo akafanana.
Kana kochekedzo yorukati yakuunzai pano, ringai matumidzo akadorongotswa pamusoro apo kuti muwane ramunoda uye mukwanise kuenda kwariri.
pFad - Phonifier reborn

Pfad - The Proxy pFad of © 2024 Garber Painting. All rights reserved.

Note: This service is not intended for secure transactions such as banking, social media, email, or purchasing. Use at your own risk. We assume no liability whatsoever for broken pages.


Alternative Proxies:

Alternative Proxy

pFad Proxy

pFad v3 Proxy

pFad v4 Proxy