Shona Note
Shona Note
Shona Note
Mupanda
MIPANDA YEMAZITA
(Table of noun classes)
Maumbirwo amazita
a) Zvivakashure
Zvivakashure zvakafanana zvinoita kuti mazita apinde mumupanda
mumwe chete semuenzaniso:
rukukwe
rukova
ruvanze
b) Zvaanoreva
Mazita anoreva zvakafanana anopinda mumupanda mumwe chete
somuenzaniso:
murume
mukadzi
musikana
Mazita evanhu nokudaro anopinda mumupanda 1.
c) Sungawirirano
Pane mazita ane zvivakashure zvakafanana asi achipinda
mumupanda yakasiyana.
Mazita aya kuti apinde mumupanda yawo panoshandiswa
sungawirirano.
Sungawirirano ikange yakasiyana kureva kuti mazita acho ari kupinda
mumipanda yakasiyana somuenzaniso:
Iye mukomana. (1)
Iwo musana. (3)
Imo mupurazi. (18)
Kune mamwe mazita ane zvivakashure zvakasiyana asi
sungawirirano iri imwe chete somuenzaniso:
garwe iri (ri-) + -karwe
bhuku iri Ø- + -bhuku
zana iri (ri-) + -zana
joki iri Ø- + -joki
Chivakashure Dzitsi
mu- -rume
mu- -komana
mw- -enga/p>
mu- -dzidzisi
Zvaanoreva
Ose mazita ari mumupanda 1 anomirira mazita avanhu.
Chivakashure chacho mu-, mw- chinomirirazve ushoma hwama zita
acho.
Sungawirirano
Mazita emupanda 1 ane sungawirirano inoenderana seizvi,
murume uyo
mukomana uyo
mudzidzisi uyo
mwenga uyo
mweni
Chivakashure mu-chinogona kubatana nemadzitsi anobva
muzviito,sokuti
o mutauri
o mudzidzisi
o murapi
Mupanda 2
Chivakashure /va- v-/
Chivakashure ichi chinotaura nezvo uzhinji hwomupanda 1
Mienzaniso,
vakomana
veni
varapi
Mupanda 1a
Chivakashure Ø-
Mupanda 2a
Chivakashure /va- Va- /
Mupanda 3
Chivakashure /mu- /
Mupanda 4
Chivakashure /mi- /
Mazita omumupanda uyu uzhinji hwemumupanda 3 sekuti;
o misika
o mitohwe
o miromo
o mimwe
Mamwe mazita emumupanda 3 haashanduki kana ave muuzhinji
hwawo saka chivakashure /mw- / chinoonekwazve mumupanda 4
sekuti;
o mw-edzi
o mw-ando
Mazita anoti moto,moyo ari mumupanda uyu asi chivakashure chawo
ndi-/m- /
Mupanda 5
Chivakashure /(ri-) / Ø-/
Mupanda 6
Aya mazita anoratidza uzhinji hwamazita ari mumupanda 5, 11, 21
sekuti;
o makudo
o machira
o madzikana.
Anoratidzazve mazita enzvimbo kana enguva yegore sekuti;
o materu
o mavirira
o mahombekombe.
Mupanda 7
Chivakashure /chi- /ch-
Chi-+ -koro
Ch- + -anza
Ch- + -oto
Mienzaniso yemazita
Chigero
Chipako
Chihuta
Chikadzi
Chamupidigori
Churu
Zita rokuti chamupidigori rinovakwa seizvi;cha- + -mupidigori
Mupanda 8
Chivakashure /zvi-/ /zv-/
Mienzaniso
zvi-pusha
zvi-huta
zv-ombo
Mazita aya uzhinji hwamazita omumupanda 7
Mupanda 9
/n-/ Ø-/ i-/
Aya mazita anoratidza ushoma hwemazita angave eshiri kana mhuka
sekuti mbizi, mhembwe,hurekure,njiva
Mazita emidziyo yemumba kana nhumbi dzekupfeka sekuti;
o shashiko
o nhembe
Maumbirwo acho ndeanotevera;
N- + -mombe
N- + -ngwena
Kune mamwe mazwi ekuti dzitsi rinotorwa kubva kuchiito
semuenzaniso;
Mhondi inoshandisa dzitsi -pond- ratorwa kubva kuna kuponda.
o N- + -pond-a (mhondi)
o N- + -paradz-a (mharadzi)
o Mharadzi inoshandisa dzitsi -paradz- ratorwa kubva
pachiito kuparadza.
Mupanda 10
Chivakashure /dzi-/ Ø- /i-/ n-/
Muenzaniso
dzi- + -mba
Ø- + -nzou
Mazita aya anoratidza uzhinji hwemumupanda 9
Mupanda 11
Chivakashure /ru-/ /rw- / /rwu- /
Mienzaniso
rujazi
rugotwe
rukweza
Zvaanoreva
Mazita anotaura zvinhu zvinoshoreka sekuti;
o rwana
o rukuni
Mamwe anotaurawo zvisingashoreki sekuti;
o rwaivhi
o rukodzi
o rudo
Mupanda 12
Chivakashure /ka-/
Mupanda 13
Chivakashure /tu-/ tw-/twu-/
Mupanda 14
Chivakashure/u-/ /hu-/ hw-/
Mupanda 15
Chivakashure /ku-/
Mupanda 16
Chivakashure /pa-/
Mupanda 17
Chivakashure /ku-/
Mupanda 18
Chivakashure /mu- /
Mupanda 21
Chivakashure /zi-/