Pjs Shona Paper 1

Download as docx, pdf, or txt
Download as docx, pdf, or txt
You are on page 1of 12

NAPH MANICALAND PROVINCE

Prudence Junior School


GRADE SEVEN EXAMINATION 2024

CHISHONA 7040/1
PAPER 1

MIRAIRO KUVANYORI

1. Verenga mirairo yebvunzo usati wanyora

2. Usavhura bepa rebvunzo usati wapiwa mvumo

3. Shandisa penzura yemhando yeHB chete pane zvose zvauchanyora pabepa rekupindura mibvunzo

4. Kwizira chibhokisi chimwe chete chinomirira mhinduro sezvakaitwa pamucherechedzo uri

pamusoro pebepa rekupindurira

5. Kana waona kuti wakanganisa, dzima zvipere zvose wozokwisira pane mhinduro yakanaka

6. Ukakwizira mabhokisi maviri kana kudarika, unenge watadza

7. Kana usina kunzwisisa mirairo iyi, bvunza mudzidzisi akutsanangurire usati watanga kunyora

8. Pindura mibvunzo yose pabepa rekupindurira mibvunzo

Enda Kuseri
VERENGA NYAYA IYI UGOPINDURA MIBVUNZO

Kubva zvaakasiiwa nevabereki vake munjodzi yemotokari kuChivhu, Kundai akanga


ongogara akabata shaya. Mufaro wake waive wapera sedova zuva rakadeedzwa vabereki
vake nedenga. Kundai akazonochengetwa nasekuru hanzvadzi yamai vake.

Sekuru vaimuchengeta vaimubata neseri kweruoko. Hapana basa rapamusha raaive


asingagoni sezvo aitarisirwa kuita chero chinodiwa pamusha apa ari oga. Vana vasekuru
vake vaiti Tofara naMarwei vakanga vongogarira maoko sezvo Kundai aiita zvese.
Aishandiswa sedhongi siku nesikati.

Vanhu vemunharaunda yeBerejena kunova kumusha kwasekuru vake vakanga vasingafari


nezvaiitirwa Kundai. Harahwa dzakazama kuuya pamusha apa kuzotaura nasekuru
vaKundai pamusoro pemabatiro avaimuita asi sekuru vakaisa zvitanda munzeve.
Vakatovaudza kuti havatongerwi musha wavo nevamwe vanhu uye hakuna musha
unotongwa nemachongwe maviri kana matatu. Mashoko ese edzoredzero avaipiwa vaiaita
ekugotsi kwatsuro.

Kundai aitozorohwa senyoka yapinda mumba achinzi ndiye aifukura hapwa pane zvaiitika
pamusha pavo. Vakatozomuvimbisa kuti vanhu vakaramba vachiuya kwavari
vaizomudzosera kumusha kwake kuChomuruvati anogara padongo. Kundai akaudza hama
dzaida kumubatsira idzi vakazokandawo mapfumo pasi. Vanhu vemunharaunda ava
vakakumbirana kuti vaise mwana uyu paminyengetero yavo kuti Mwari amusimbise
nekumupa ramangwana rakajeka.

Pamhemberero dzokuwana kuzvitonga kuzere gore iroro, Kundai akaita detembo pamusoro
penyika yeZimbabwe zvakabata hana yemutungamiri wenyika pamwe nemudzimai wavo.
Chiriporipotyo mudzimai wemutungamiri wenyika akazvipira kutora Kundai kugara naye
uye kumudzidzisa kusvika paanoda.

Mushure memakore manomwe Kundai akava chiremba wemandiriri, zvekunhuwa nhamo


zvikava ngano. Parizvino anotova nemusha wake unochengetwa vana vanenge vasangana
neshungurudzo. Kutaura kuno Kundai ave kupura nyemba nemusana.

Enda Kuseri
1. Vabereki vaKundai vakafa nei?
A. Nekuroiwa
B. Nekurohwa
C. Netsaona
D. Nekuvengwa
2. Kundai akakura ari chii?
A. Mhondoro
B. Vahosi
C. Nherera
D. Mhondi
3. Kubata munhu neseri kweruoko kudini?
A. Kumufarira
B. Kumusundidzira
C. Kumushungurudza
D. Kumutya
4. Sekuru vaKundai vaiva nevana vangani?
A. Vaviri
B. Vatatu
C. Vashanu
D. Vana
5. Kumusha kwaKundai kwaiva kupi?
A. Chivhu
B. Berejena
C. Chumuruvati
D. Buhera
6. Kuisa zvitanda munzeve kudini?
A. Kuzvikudza
B. Kusateerera
C. Kufara
D. Kutsamwa
7. Zvinorevei kuti kupura nyemba nemusana?
A. Kufa
B. Kugarika
C. Kutambudzika

Enda Kuseri
D. Kutamba nhamo
8. Nemhaka yei mudzimai wemutungamiri wenyika akazvipira kuchengeta nekudzidzisa
Kundai?
A. Akashungurudzwa nasekuru vake
B. Akakumbira kuti vamuchengete
C. Akaita detembo rakavafadza
D. Akanzwisa tsitsi

ZADZISA NEZWI RAKAKODZERA

9. Vabereki vaKundai vakasiya mwana ______.


A. yavo
B. kavo
C. dzavo
D. wavo
10. Vamwe vemunharaunda vaida kuti Kundai apiwe kodzero _______.
A. dzake
B. zvake
C. hwake
D. wadzo

ISA IZWI RAKANYORWA NEMAVARA MAKURU MUUZHINJI

11. MUNHU akasuwa paakafirwa.


A. Munhu
B. Vanhu
C. Zvinhu
D. Twunhu
12. Munyika muno mune GOMO guru.
A. zigomo
B. twukomo
C. makomo
D. zvikomo

Enda Kuseri
DUDZIRA ZVIRAHWE IZVI

13. Ndakwira mugomo ndikaona midzimu yakanyenama.


A. Nhengeni
B. Tsubvu
C. Matohwe
D. Matamba
14. Imba yababa vangu isina fafitera.
A. Zai
B. Chirugwi
C. Hohwa
D. Bikiro

VERENGA UGOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA

Zunga Primary School

Post Office Box 127

Chibi

17 Gunyana 2023

Vadiwa amai

Ndanyora tsamba iyi kwamuri misodzi ichiti mokoto mokoto pamatama angu. Atove makore
mapfumbamwe kubva zvamakaenda amai asi nanhasi hamuna kumbodzoka. Hanzvadzi yangu
yamakasiya iri chindumure yave kutoenda kuchikoro. Ndinozviziva kuti makaita zvekutandaniswa
pamusha nababamukuru vachida pfuma yababa asizve hamungafuratiri zvachose imi makabereka.

Ini nehanzvadzi yangu hatichatozivi kuti chinonzi rudo rwaamai chii? Kana iri shuku chaiyo
handichatauri Marengenya ndiko kupfeka kwedu kwezuva nezuva. Mumakumbo munogara muine

Enda Kuseri
manyatera. Shangu dzinopfeka vamwe vana vezera redu kwatiri zviroto chaizvo. Shamwari chaidzo
hatina nekuti vanosema nhamo inonhuwa patiri. Chekudya tinotopona nemichero yesango nguva
zhinji. Kana riri iro jena muponesi, tinoriona kamwe pamazuva matatu.

Hambautare yedu iya ndochatova chifambiso chababamukuru kwese kwavanoda kuenda nyangwe
kumunda chaiko. Chitoro chakatotengeserwa VaMunzwa. Midziyo yese yechirume inosanganisira
tsvimbo dzababa, zvipfeko, matemo nemagejo vakapedza kutengesa mari yacho vachiisa
pamupinyi. Kunyora kwandiri kuita uku musha wedu vakatoudyira mari. Tave kutogara kumba
kwavo kwatiri kurarama upenyu hunovava segavakava.

Dzokai amai vedu muzotinyurura mukanwa mamupere matiri. Mapudzi enyu amakasiya
azoshungurudzika zvino. Tinochema kuti dai Nyadenga asina kutora baba vedu tisina nhamo
yakadai.

Ndinovimba muchafunga kairi maona tsamba yedangwe renyu iyi.

Ndini mwana wenyu

Fleka

15. Tsamba iyi yakanyorwa nani?


A. Fleka
B. Amai
C. Hanzvadzi
D. Shamwari
16. Ava makore mangani kubva zvaenda amai wemunyori nehanzvadzi yake?
A. Maviri
B. Mashanu
C. Rimwe
D. Mapfumbamwe
17. Vana vakasiiwa naamai ava vaiva ____
A. vasikana vose
B. vakomana vose

Enda Kuseri
C. mukomana nemusikana
D. baba naamai
18. Chii chinonzi shuku?
A. Nhamo yezvipfeko
B. Nhamo yezvokudya
C. Nhamo yemubereki
D. Nhamo yaamai
19. Nemhaka yei amai vemunyori vakaenda?
A. Vakatiza pamba
B. Vakarambwa
C. Vakadzingwa
D. Vakasekwa
20. Zvinorevei kuti mari yose vakaisa pamupinyi?
A. Vakaviga
B. Vakaba
C. Vakadya
D. Vakabirwa
21. Baba vevana ava vari kupi?
A. Kumunda
B. Vakafa
C. Muhambautare
D. Vakaenda kubasa

ZADZISA NEMAZITA ANOKODZERA

22. Imba inorara vakomana inonzi ____________.


A. hozi
B. nhanga
C. gota
D. dongo
23. Mwana wetsuro anonzi ________.
A. nzvenzvana
B. nhowa
C. mhuru
D. tsvana

Enda Kuseri
24. Mufaro achiona baba vababa vake anoti _____
A. babamudiki
B. sekuru
C. tsano
D. severe

DUDZIRA MADIMIKIRA ANOTEVERA

25. kudya nhoko dzezvironda.


A. Kutambura
B. Kuwanda kwenhoko
C. Kufarisa
D. Kumanikidzwa
26. Kuzvisikira moto muziso
A. Kuzvipinza mumatambudziko
B. Kuresva kubata moto
C. Kuvhunduka
D. Kuvesa moto

ZADZISA NEZWI RAKAKODZERA

27. Anorwa se____________.


A. Shumba
B. nyoka
C. kiti
D. mvumba
28. ane bwoni se_____________ inoruma akaitakura.
A. inda
B. nyoka
C. mwana
D. vhudzi

Enda Kuseri
ZUVA 06 BANDWE 2024

KUNA MUKURU WECHIKORO

NZVIMBO MURAMBINDA

MUNYORI CHIONISO MASAWI

MUSORO ZVAKAITIKA PAMHEMBERERO YEKURANGARIRA ZUVA


RATAKAWANA KUZVITONGA

Chokwadi vakuru vakareva pavakati chitaurirwa hunyimwa sembare dzekumusana. Zvemusi uyu
zvaida kuzvionera pamhuno sefodya.

Wakange uri musi wa18 Kubvumbi 2024 apo ruzhinji rweZimbabwe rwakaungana munzvimbo
yeBuhera pachikoro chinonzi Murambinda ‘A’ Primary. Zvakange zviripo zvaikanga mate
mukanwa. Pakange pasina kana pekusvipira mate. Ndakatombofunga kuti mweya wekufema
uchapera nemhomho yakange iripo.

Zvekudya zvaive panzvimbo iyi isu veruzhinji taingoziva kuzvionera muzvitoro. Vanhu vose
vakauya panzvimbo iyi vakadya kusvika miromo yaenda parutivi. Nyama yehuku, mbatatisi
nezvinwiwa ndokwaiva kudya kwezuva iri. Vaya vekuruta vaionekwa nekututira zvimwe zvekudya
munhava dzavakabva nadzo kumba.

Mukuru wenyika akasvika vanhu vakasimuka kuratidza kupa ruremekedzo. Pakaimbwa rwiyo
rwenyika vanhu vakagara pasi. Mukuru wenyika VaMunangagwa vakapa nhaurwa yavo mhururu
nemiridzo zvikatsva vave kugara pasi.

Zvikoro zvitatu zvakaita rombo rakanaka zvikapiwa gomborero nemutungamiri wenyika rezvinoti
zvibhorani zvinoshanda nemagetsi ezuva, dzimba dzekudzidzira, zvimbuzi pamwe nemakombiyuta
makumi matatu pachikoro chega chega. Zvipo izvi zvakaunza mufaro kuvana vechikoro, vabereki
nevarairidzi. Mukuru wenyika mbune vakakumikidza zvinhu izvi. Ruzhinji rwakasara rwusina
neromuromo nezvakaitwa naVaMunangagwa nehurumende yavo.

Ruzhinji rweZimbabwe rwakazovaraidzwa nekuona mutambo wenhabvu pakati peDynamos


neHighlanders zvichitatsurana zvisina kana mukare akamboona. Zvakazoitwa mushure meizwi
kuzvitaura kungava kupedza nguva asi chokwadi ndechekuti mhuri yeZimbabwe yakafara

Enda Kuseri
zvekurasa miswe. Chikuru chakaenda chiri mundangariro dzevanhu ndechekuti Zimbabwe inyika
inodadisa uye inotovakwa nevene vayo.

29. Mhan’arwa iyi yakanyorerwa ani?


A. Chioneso
B. Mutungamiri wenyika
C. Mukuru wechikoro
D. Mapurisa
30. Mutambo wekurangarira zuva ratakawana kuzvitonga kuzere wakaitirwa kupi?
A. Heroes Acre
B. Harare
C. Magamba
D. Buhera
31. Pakanga pasina pekusvipira mate zvinoreva kuti ___.
A. vanhu vaiva vakawandachose
B. vanhu vaityisa chose
C. vanhu Vaidya chose
D. vanhu vaifara chose
32. Mutungamiri wenyika akapa zvinhu zvingani kuzvikoro zvakapoteredza?
A. Gumi
B. Zvina
C. Zvishanu
D. Zvitanhatu
33. Kurasa muswe kuita sei?
A. Kuchema
B. Kuchekwa
C. Kufara zvikuru
D. Kudumbirwa
34. Kuti nyika inovakwa nevene vayo zvinorevei?
A. Vabereki vedu vachatigadzirira nyika
B. VaMunangagwa vakavaka nyika
C. Magamba ndiwo anomisa nyika
D. Umwe neumwe ane chekuita kuti nyika ibudirire

Enda Kuseri
35. Zvii zvakafadza vana vechikoro, vabereki nevarairidzi?
A. Zvekudya zvaivepo
B. Mutambo webhora
C. Zvipo zvavakapiwa
D. Kusvika kwemutungamiri wenyika
36. Nderipi izwi kubva mundima rinoreva zvakafanana nekukara?
A. gomborero
B. kuruta
C. ruremekedzo
D. ndangariro
37. Nemhaka yei vanhu vakasimuka pakasvika mutungamiri wenyika?
A. Kupa ruremekedzo
B. Kutya
C. Kufarisa
D. Kupemberera

ZADZISA ZVIREVO ZVINOTEVERA NENYAUDZOSINGWI DZAKAKODZERA

38. VaChara vakachera gomba remarara rakadzika kuti __________.


A. dzii
B. ndii
C. dzaa
D. dode
39. Paaipomerwa mhoswa yekutyora mwanasika wavanhu gumbo, Peter akati ___________
kuramba.
A. ware
B. tuzu
C. tana
D. hezvo

Enda Kuseri
SARUDZA CHIREVO CHAKANYORWA ZVAKANAKA

40.
A. “Aaa! Aaa! Ndicho chii ichi Maidei?” , vakakanuka VaChimbwari.
B. “Aaa! Aaa! Ndicho chii ichi Maidei” vakakanuka vaChimbwari.
C. aaa aaa Ndicho Chii ichi? Maidei vakakanuka Vachimbwari.
D. Aaa! Aaa Ndicho chii ichi Maidei vakakanuka VaChimbwari.

Enda Kuseri

You might also like

pFad - Phonifier reborn

Pfad - The Proxy pFad of © 2024 Garber Painting. All rights reserved.

Note: This service is not intended for secure transactions such as banking, social media, email, or purchasing. Use at your own risk. We assume no liability whatsoever for broken pages.


Alternative Proxies:

Alternative Proxy

pFad Proxy

pFad v3 Proxy

pFad v4 Proxy