0% found this document useful (0 votes)
22 views

Betrayal

The document is a narrative titled 'Betrayal' by Amai Lex, depicting the emotional turmoil of a man named Addie who learns about the death of his newborn child. The story explores themes of grief, family dynamics, and societal expectations as Addie grapples with his feelings of inadequacy and the burden of loss. The narrative also highlights the support from his father, Gono, who attempts to uplift Addie by sharing news of a new home and vehicle, contrasting the despair of the situation.

Uploaded by

sevenedavide
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
0% found this document useful (0 votes)
22 views

Betrayal

The document is a narrative titled 'Betrayal' by Amai Lex, depicting the emotional turmoil of a man named Addie who learns about the death of his newborn child. The story explores themes of grief, family dynamics, and societal expectations as Addie grapples with his feelings of inadequacy and the burden of loss. The narrative also highlights the support from his father, Gono, who attempts to uplift Addie by sharing news of a new home and vehicle, contrasting the despair of the situation.

Uploaded by

sevenedavide
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 798

Written By Amai lex

*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

#+27 65 8407108#

*Free book*

please read and share

Chapter **

"Ko nhai Addie mwana wangu, hausi kunzwa here


kuti chiremba vari kutaura newe?" Vakadero amai
vangu vachindizungunutsa mushure mekunge
vandiona ndakatsikitsira ndisingadaire zvaitaurwa
nachiremba wedu.

Ndakaramba ndakanyarara ndakati tsiki tsiki


ndichiita kunge ndakanga ndisina chandainzwa.

Chiremba vakadzokorora vakati "Ndaikumbirawo


Mr Adrian muende kundoona mudzimai wenyu
nekukurumidza akakumirirai , ati ane zvaanoda
kutaura nemi"

Ipapo ndakasimudza musoro zvishoma nezvishoma


ndakapukuta ziya ndokubva ndikati "Mwana
azvarwa here nhai Doctor ,uye murudzii ?" Doctor
vakanditarisa vakabva vawisira chiso chavo pasi
vakandibata mafudzi ndokubva vakati

"Ndine hurombo Mr Addie, mwana hongu abuda


mudumbu raamai asi anga akatoora nechekare
kuratidza kuti akafira mudumbu kare kare anga ari
mukomana "

Pakadero Doctor ndakaona amai vangu vachibata


madziro vakabva vati

" No- no - no" not again Doctor !!! "

Mwana wangu chii chaicho chaakatadza,

munyama rudziiko waaita chokwadi.

Ipapo ndakangosimuka ndichipukuta misodzi


ndakabva ndafamba ndichienda ku room kwaive
nemudzimai wangu. Ndichisvika ndakawanikwa
achiratidza kuti aitozama kusimuka paakandiona
akabva atanga kuyeredza misodzi achidzokera pa
bed. Ndakamumbukira ndokubva ndikati "Chirega
kuzvidya moyo mudzimai wangu Mwari aita kuda
kwake , zvimwe mwana wacho anga asiri we..."
ndisina kupedzisa ndakaona mudzimai wangu
achitendeka ku door akatanga kudzungudza
musoro wake ndokubva akati

" father in law" achibata pahuro pake

Ndakacheuka ku door ndokubva ndaona vari baba


vangu vaipinda , ndakangosimuka ndokubva
ndikati "baba mauya" ndaidero ndichivambundukira
sezvo ndainzwa kakurerukirwa . Baba vangu ndiye
munhu wandinonyanya kuda mumba medu. Rudo
rwavanondiratidza rukuru chaizvo zvekuti
vanosarudza kusarura vamwe vana vavo

vachida kufadza inini. Ndakambochema kwenguva


refu ndiri muma shoulders avo ndakazobva pavari
ndava kunzwa kugomera kwemudzimai wangu.
Ndakamhanya ndichienda kwaari ndichingosvika
chete akabva atanga kutopindura maziso.
Akatanga kuyeredza furo iro raipupuma richibuda
mumuromo nemumhino paakangondibata ruoko
rwangu akabva angoomera ari mumaoko angu.

Baba vangu vakamhanya vachindodeedza Doctor,

Dzakanga dzangovawo shungu dzebere kuteera


madhongi akasungwa rari pangoro.

"Zvaingove pachena kuti mudzimai wangu anga


afuka rake ega."

Doctor pavakasvika vakaramba vakamira


vakatarisa kwataive ipapo mai vangu ndipo
pavakazopinda vakati

"Inga Mwari aseka rudzi rwevaera Gono chokwadi


atisiya zvekare Masithole, munhu anga
akangogwinya makuseni ipapa seiko zvichidai
nhai Musikavanhu" vaidero mai vangu
vachimhanya vachibuda mataive.

Bhudhi vangu vakangodongorera vakabva


vadzungudza musoro wavo vachienda zvekare.

Munhu wandakasara naye ndibaba vangu , ndivo


vakazoronga zvese.

Inini ndakanga ndisingachataure ndakanga


ndangonyarara ndainyatsokunzwa ndisina kana
mashoko ekutaura.

Dai pasina baba vangu zvimwe chitunha


chemudzimai wangu chaigona kuorera kumochari ,
sezvo pakanga pasina kana umwe airatidza
kusimudza musoro.

Inini ndakanga ndapera simba zvekutadza kana


kuita chimwe chinhu, mai vangu chaivaingogona
kuchema chete. Mukoma vanguwo vaingogona
kudzungudza musoro vasina kana action yavaitora.

"Baba vangu vakamira mira kubvisa mari yaive ku


bank kwavo , vakabhadhara zvese zvaidiwa kuti
mudzimai wangu aradzikwe " Kuroora vakanga
vakandiroorera vakapedza saka kuvabereki
vemukadzi kwakanga kusinganetse , policy ndo
yandakanga ndisina kubhadhara saka
vakatombobuda mari yakawanda kwazvo kubvisa
chitunha kumochari kuchiunza pamba. Zvese
zvakaitwa naGono ndivo vaimira mira . "Gono ndi
baba vangu ndiro zita ravanodeedzwa naro mu
village" Vamwe chataigona kusvimha misodzi , ivo
vairatidza kubatanidza kwese kuti zvinhu zvifambe
zvakanaka.

Mudzimai wangu akachengetwa zvakanaka, guva


ndiro rakamboda kuramba kuchereka.
Ndakazongonzwa kuti Gono ndivo vakamira chaizvo
kuti richereke ,vanhu vaitovatenda kunyanya
varume vaichera nokuti vaiti vakanga vanzwa
nekubuda mhoni vachitsvaka pangangochereka
pasina matombo.

Inini handina kuda kuzobvunza kuti vakazoita sei


kuti guva racho richereke chandakagona
kungovatenda nokuti dai vasipo handizive
ndaizozvigona sei?.

Ndakagara mazuva maviri ndiri mumba ndisina


kana chandaidya. Handaida kutaura chero nani
zvake. Zuva retatu ndakanzwa knock pa door ne
voice chete ndakabva ndaziva kuti ndibaba vangu.

"Ndivhurireiwo door Addie , ndine zvandinoda


kutaura newe" vakadero baba vangu neinzwi ravo
gobvu gobvu.

Handina kuda kutora nguva , nekuti baba vangu


ndinovaremekedza .

"Ndakangovhura door, ndokubva ndawanikwa vabva


pa door " ndakatanga kufamba ndichivatsvaka
ndakaona vakagara pama chair aive ku Orchard.
Ndakabva ndaenda ikoko ndichisvika ndakangoti

"mangwanai baba ?"

Ndaibvunza ndichigara pasi

"Ndamuka Chirandu , marara seiwo?" Vaidero baba


vangu vachibata dama rangu sevari kubata ka
mwana kacheche kuratidza kundifarira. Ipapo
ndakabva ndati
"Ndizvozvovo baba, chete madeko ndakanonoka
kurara zvangu"

"Ko chii nhai Gono ?" Vakabvunza baba vangu


vakandisvorera kunge vaiva vasiri kuziva
zvainditadzisa kurara.

Ndakangovatarisa ndokubva ndati

"Kurara rugare Moyo ndizvo , pfungwa nendangariro


zvinondikurira" ndarara ndichifunga zvakawanda
wanda nezveupenyu hwangu, zvanditorera nguva
kuti hope dzibate.

Pandakadero ndakaona baba vangu vachisimuka,


vakafamba vakaenda ku fridge vakadzoka zvavo
vakabata mabhotoro akati wandei edoro.

Zvakatondishamisa kuti doro rakanga riri rei


rungwanani rwakadero.

Handina kuda kutaura navo zvakawanda


ndakangovasiya vachidira doro ravo muma glass ,
vapedza ndakazonzwa vachiti

"Taurai neni Moyo Chirandu , gono remombe "


vaidero vachinditambidza glass redoro ivo
vachimwa ravo ravakanga vakabata.
Munoda kuti nditaure kuti chii nhai baba? Chii
chitsva chamusingazive pandiri. Now ndava
nemakore makumi maviri nemasere ekuberekwa asi
handina kana mwana muupenyu, chero mukadzi
zvake wandinoti wangu.

Mukadzi wese wandinoroora akangobata nhumbu


chete anobva afa ndiudzei kuti upenyu rudzii
hwakadero ndiyani achada kuva mudzimai wangu.

Hanzvadzi yangu Cherry mwana mudiki chaizvo


kwandiri , akaroorwa gore rakapera ireri asi izvezvi
atova nemwana wake mumaoko. Mukoma Olga
vava nevana vavo vaviri nemukadzi wavo umwe
chete iyeye wehujaya hwavo.

Ndiudzei kuti inini chii chaicho chandakatadza


panyika ino.

Zita rangu ratekeshera nenyika kuti ndiri murombi.

Pese pandasvika vanhu vanototi vasuduruke vachiti


ndiri muipi,

Vanhu vanofunga kuti ndini ndinoita kuti vakadzi


vandinoroora vaparare.

Vanotaura vachiti ndinochekeresa ropa randinenge


ndasima mudumbu remudzimai .

"Tell me Father , pane here pandingaita moyo


wakaipa kuuraya mukadzi wandinenge ndaroora
ndichimuda nemoyo wangu wese."

"Masisiba ndakamuroora ndichimuda nemoyo


wangu wese , akabata nhumbu akafa "

Ndakati aiwa pamwe zviwira vanhu sezvo rufu


inzira yedu tese semurume ndakazvishingisa."

Ndakaroora Machuma akabva afa zvekare mufiro


umwe chete waitwa nhasi uno na Masithole

Ndiudzei kuti vakadzi vatatu vese vachifa mufiro


umwe chete zvinoda kuzama kurevei?

" i am confused father!!"

Ndakadero ndichitora glass redoro ndichiti kutu,


ndakabva ndatanga kuyeredza misodzi. Ndainyatso
kunzwa ndiine bundu pamoyo pangu .
Ndaimbozama kuda kuzvisimbisa semurume asi
zvaitondirambira.

Ndakatanga kuchema ndichidhudhudzira doro


mumuromo , ndainyatso kunzwa ndiine zironda
pahuro.
Baba vangu vaingodira chete doro inini ndichimwa ,
misodzi yaisamira kubuda . Vakambonditarisa
kwekanguva ndakazonzwa vava kuti

"Ko unozvitambudzireiko nhai Addie, vakadzi


havamboperi ava" Mangwana chaiko unomuka
wawana umwe usatya zvako kundonyurura imwe
tsvarakadenga , mari yeroora ndinobvisa handi
unoziva kuti inini baba vako muno mese mu
Chendambuya ndini ndinemombe dzinozadza
danga. Infact ndingangoti Makoni yese . Ko ndiri
Gono anozikamwa nekurima donje ndichiibvisa
zvekurevesa mari ne zvipfuyo hazvisi zvenhamo.

Unogotyei ivo baba vako vakafuma kudai

, pliz stop crying unorwadzisa moyo wangu handi


unoziva kuti ndiwe wega mwana wangu
wandinodisisa.

"My only intelligence son . "

Vaidero baba vangu vava kundipukuta misodzi ne


shirt yavo.

Ndakanyatsoshamisika nekutaura kwavo ,


ndaigoramba ndichitakurana nevana vevanhu seiko
ivo vachizorasikirwa nehupenyu mumaoko angu.
Ndakangonzwa ndava kuti

"Money is not everything father, i can see you


don't understand anything " ndakadero ndichibvisa
maoko avo pandiri.

"Noo son you are wrong, money is so important "


money is everything

Uchaona zvako ndinoda kukufadza jaya rangu.

Kutanga mwangwana uchange wava nemufaro


wega wega.

"Look here "

Ndakatarisa kwavari ndakanzwa vachiti

" tata " vaidero vachinditambidza ma papers.

Ndakangovhura ma paper aya ndakarohwa nehana


ndichiona achiratidza kuti baba vangu vatenga imba
hombe chaizvo mu Headlands.

Ndakadzika nema paper ndikaona imba yavo ine


zita rangu pamwe chete neravo. Ramukoma Olga
rakanga risipo.

Ndakangovatarisa ndokuramba ndichimwa doro


rangu, ndakaona ivo vachisekerera vakabva vati

"Ndinovimba mafarira surprise yenyu Gono,


mangwana chaiko tava kubva pano tava kutanga
kundogara kumagetsi"

Izvi zvekutamburira kuita zvima fridge zvema


parafin muruzevha kuenda kuchigayo nengoro aiwa
zvapera.

Ndatenga imba yangu, pamwe chete nemota

"Ndinonzi Gono inini, i very proud of my self"


hahaha vaidero zvavo vachiita kunonzi kuseka .
Handizive kuti rimwe ranga rava doro here kana kuti
vaitoziva zvavaiita. Ndakaita kunonzi kupererwa
ndakabvuta ma papers acho evaive vakabata avaiti
ndeemota.

Ndakaramba ndaka sticker pandakaona ma papers


akanyorwa kuti Toyata Hulux.

Ndakatanga kuhutisa maoko ndakabata ma


paper , ivo vaitowedzera kumwa zvavo hwahwa
vachiratidza kuti zvese zvakarongeka kuside kwavo.

Ndakatora doro ravaive naro ndokubva ndikati

"But how come father, Makaiwana kupi mari


yakawanda kudero 2 days back takachengeta
Masithole ende sekuziva kwangu mari yese ndimi
makabvisa kuti tikwanise kumuchengeta kubva
kuchikafu kusvika ku coffin. Nhasi mava kutoti
matenga imba pamwe chete nemota , makaiwana
kuti mari yeku afforder zvese izvi.?" Ndakabvunza
ndichinyatso kunzwa kuti baba vangu pane zvavasiri
kundiudza chete.

Ndakaona vachisimuka vakabva vati

" easy my boy" inini ndiri munhu anoshanda


nesimba . Imba ndakatanga kuibhandara kare kare
kwazvo , rino ratove gore re shanu ndichirwa nayo
kuti ive yangu. Kana iri semota ndakaitengeserwa
nemurungu wangu wandakatengesera donje gore
rapera ne cheap price.

Chandinoda kungokuudza Addie ndechekuti

"Ino haichasi nguva yekufunga zvakawanda


wanda,chigara uchifara mwana wangu nokuti inini
baba vako zvandava nemari yakawanda kudai,
ndichakuitira zvidhafu"

Chauchada ndicho chandichakuitira,

get prepared
" Kutanga mangwana tava kubva muno
mumaruzevha ndichindogara kuchirungu. Regedza
ndiudze mai na Mukoma vako kuti vagadzirire,
mukomana webasa wandichasiya pano
ndatomuwana nechekare" vakadero zvavo vava
kufamba.

"Inini handina kuzokwanisa kuramba


ndichivabvunza twumibvunzo , nekuda
kwepfungwa dzanga dzandiwandira ndakangotora
rimwe doro ndokubva ndatanga zvangu kumwira mu
bhotoro "

Ndaiita rekudhudhudzira ndisingambozvipe nguva


yekufema, Amai vangu ndivo vakatozouya
vachimhanya vakasvika vakati

"Ko nhai Addie mwana wangu , wadireiko


kuzviurayira upenyu?" Zvino ndiko kugadzirisa
zvinhu kwacho here uku .

"Doro harina zvarinogadzira mwana wangu , dai uri


umwe wagara na baba vako pasi wataura navo
tazama kufamba tione kuti chii chirikuuraya vakadzi
vako"

"Izvi hazvisi zvega izvi" vaidero vachizama kuda


kubvuta doro.
"Leave me mhamha!! Ndati ndisei mhani "
ndaidero ndichivasundira kwakadero ndichiwedzera
kukutura doro. Ndakatanga zvangu kudzvova
ndakabudisa ziso. Ndainyatso kunzwa musoro
wangu uchindiremera , ndainzwa ka dzungu ende
ndaiti ndikatarisa kuna mhamha ndaivaona kunge
chimunhu chidiki diki zvekuti ndaitovhura maziso
chaiko kuti ndinyatovaonesesa.

"Ndakanzwa mhamha vachiti , Nhai Mwari mati


ndidiko inini na Addie uyu?"

Pavakataura zva Mwari baba vakauya vachimhanya


vakabva vati

"Stop it women !!" Nhai Mwari ,nhai Mwari kuita


sei kwacho.

Ndakati chii nezita iroro pamba pano.

Pano hapataurwe nezva Mwari pano nokuti hakuna


chinonzi Mwari

"Hakuna, Mwari, hakuna Jehovha ,Lord ,


God ,Jesus what ever yu called it"

"Ndakazvitaura kuti handide kunzwa zvizita izvozvo


pano pamba pa Gono , ucharisiya sadza uchiri
kumborida iri ukaramba uchida kupikisana neni
mark my words!!!" Vakadero zvino Gono vava
kufemera mudenga.

"But why father ? " Akabvunza Olga achikandira


badza kwakadero nemudzimai wake vairatidza kuti
vaibva kumunda.

"Kana kwaive na Mwari mwana wangu angadai


achifirwa nevakadzi here? Vakabvunza baba vangu
"

Olga akaswedera pedyo navo ndokubva akati


"Aiwa ka baba , nyaya haisi yekuti hakuna Mwari"

Ndofunga nyaya iyi ndakaitaura first day rakafa


mainini Masisiba. " ndakazvireva inini kuti munhu
haana kungofa nerufu rwaMwari uyu pane
zvakatoitika chete

Ende pandakapinda mu room yaaive inini pane


zvaaida kutaura asati afa , akazongoita kunge
arohwa nezvidhoma ndokubva angobata pahuro
pake ndokunyarara. "Ndakakuudzai kuti tifambe
kune vanonzwa mweya nguva ichipo, asi imimi sa
baba makatipa Advice ipi? "

Handi makaramba mukati maporofita anonyepa


zvirinane kuenda kun'anga ! Inini zvangu zii

" Ndezvemeso muromo zvinyarare, chandinoda


kukuudzai ndechekuti chero zvikaoma sei inini
musandiverenga, nokuti hakuna kun'anga
kwandinoenda. "

"I believe in God , chero baba muchitirambidza


kuenda ku church " Ndichingova ipo pano pamba
penyu ndicharamba ndichingomunamata Mwari
ende musafunga kuti muchazonzwa kuti Tariro na
Tarisai vatisiya. Vana vangu vacharamba
vachingokura pasina kana anorwara.

"Ikozvino yava misoro mitatu yachererwa pano pa


Gono nokuda kwa Addie uyu , basa ndiro
rekungomwa doro achitadza kusimudza musoro"

Pa fair Addie na baba munenge munoziva zvinodya


vana vevanhu imimi, handikuchenesei zvangu .

Pakadero mukoma vangu ndakanyatso kunzwa ,


senge ndagadzikwa chidhinha pamoyo.

"Ndakanzwa kurwadziwa zvakanyanyisa kudarika


chero marwadzo ekufirwa nevana ne vadzimai."

Zvimwe zvipomerwa zvinoda uchizviudzwa nema


next door, kwete newe ropa veduwe .

Baba vangu vakatsvukisa ziso vachienda kuna


mukoma vakasvika vakati

"Olga !! pwaa " mukoma Olga vakaridzwa mbama


yakasimba.

Iye haana zvaakataura akafamba akaenda kuimba


yake. Mukadzi wake akabva ateera.

Mhamha vangu vakamhanya vachienda ku


bedroom kwavo.

Mukoma Olga vakabata dama ravo vachienda.

Baba vangu vakauya vakandi huger vakabva vati


"Don't mind your brother mwana wangu, i am sure
ndiye arikubata bata uyoyo ndichazvitsvaka zvangu"

Ndakangodzedzereka ndichienda ku room kwangu,


uko kwandakangosvika nekurara.

Mangwana makuseni baba vakamuka vachiti


munhu wese ku chirungu hakuna anosara.

Mukoma Olga vakati

" Inini hakuna kwandinoenda ndisiyei pano nemhuri


yangu"
Mhamha vakabvawo vati

" kana Olga asina kwaanoenda neniwo hakuna


kwandinoenda ndichasara zvangu pano "

Inini ndakanga ndatopedza kurongedza sezvo


ndaisada kupikisana na baba vangu. "Ndakaona
Gono vachibuda mumba vakabata chitorobho
vakaita kunonzi kutsamwa vakabva vati , ndiyani
arikutaura zvekuti haade kundogara ku chirungu
uyoyo?"

Ndiyani ari kupikisana na Gono!!

Ndakatarisa kuna Mukoma Olga ndikaona


vakanyarara baba vakabva vati.....

End of chapter 1

Ndinotarisira ma comments akawanda pa free


book redu, ende ndine zvandinoda kumbozama
kudzidzisawo mu book iri saka rambai kusaririra.

Stay tuned
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow my channel muchange muchiwana


book iri 2 Chapters pa zuva imomo

*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

+27 65 840 7103 &

*Free book*

please read and share

Chapter **

*Addie*

Baba vangu vakaenda kuna mukoma Olga


vakasvika vakati "Mukomana handide
zvekunetsana newe kana iwewe uchiona kuti
haude zvekuenda neni ku Headlands , woto maker
sure kuti wava kuzvionera pazvese. Handitongwe
nemunhu wandakashandira usiku hwese kuti avepo
inini.

Mai Tee endai munotora ma bhagi enyu tiende ,


pano hapana anosarapo kunze kwemushandi
chete .

Pane vana vangu ndopandiri , munoda kusara


muchiitei mega kuno. Munhu wese kuchirungu.

Pakadero baba Mukoma vakabva vati

"Endai na boy boy wenyu Addie , inini nemhuri


yangu ndisiyei" Mai Tee hauna ma bhagi aunotora
gara pasi .

Maiguru mai Tee nekutya baba vakamhanya


vakandotora ma bhagi, mai vangu vakanga
vakazvipeta vari muchi corner.

Baba vakafamba vakaenda kuna Mukoma vakaita


kunonzi kuguta nehasha vakasvika vakati

" Olga handide zvekunetsana newe , inga


unozviziva wani kuti handide kupiswa .

Handi unochiona chikanda chandakabata ichi,


chinogona kukunamira kumusana kwako izvezvi"
Inini handimbozeze kukurova zvekuti wava ne
makore 30 handinei nazvo !

" As long uri mwana wandakabereka chete,


uchingori under my roof hauna kodzero yekupikisa
zvandinotaura tirikunzwanana here ? " vakabvunza
vakaita kuvhurira mukoma ziso

Mukoma vakanyatsomira vakabva vati

" Chamunofarira kuziva Mr Gono ndechekuti ,


kuchikoro ndakagumira grade 5 " makaramba
kundiendesa kumberi nechikoro nekuda
kwezvikonzero zvenyu.

"This idiot wamunodeedza your special son anodya


vana vake , ndiye wamakagona kuti ave graduate "

Makatsunga kumuendesa kuzvikoro zvinodhura ,


inini na Cherry muchitiregerera kunge tisiri vana
venyu.

Muri baba rudzii vasingarwadziwe ne vana vavo. "


Fungai kuti mwanasikana wenyu umwe chete iye
ega Charity, hamuna kana kuda kuti aendewo ku
grade 1 zvayo."

Tototenda Mwari akamupa murume mudzidzisi ane


anerudo . Ikozvino Charity ava kugonanawo
kuverenga nokuda kwake, zvakatadzwa na baba
vake vanozviti Gono.

" Adrian makamubhadharira kuchikoro ma level ese


kusvika apedza , zvekutozosvika pakumubvunza
kuti agutsikana here ? Handisati ndakamboona
baba vane moyo wakasindimara semi .

"Quite Olgado, ndati nyarara iwewe usada kumutsa


hasha dzangu" vakadero baba

"Noo , pandakanyarara pakakwana. Ikozvino yava


nguva yekuti nditaure chokwadi "

Makatadza kutora chidanho chekuva baba


muupenyu hwangu.

Nhasi uno ndinongoita serombe ndinongombeya


nemadziro semunhu asina kukwana, ndinotenda
Mwari vakandipa mudzimai anonzwisisa .

" Mai Tee vakandida sezvandiri , havana kutsvaka


kuti ndiri dofo , ndiri rombe kana kuti handina
chandinacho" Vakabvuma kuva mai vevana vangu
munhamo nemurugare.

"Plz Mr Gono , musazonditorera Advantage


yekuti ndimi munoita kuti inini nevana vangu tidye "

Musada kundiitisa zvandisingade ,

ndisiyei pano murunyararo nemhuri yangu.

Ndinozviziva kuti handina dzidzo , asika simba


ndinaro rekushanda .

Vana Tee havambofe nenzara nekuti baba vavo


havana chirungu mumusoro.

" Ikozvino ndava baba va hombe chaizvo, ndava


murumewo akangofanana nemi.

Zvenyu zvekuda kundivhundutsira ngazvipere


nhasi!! Mbama yamandirova ngaive iyo yekutanga
nekuguma kana muchida kuti zvikunakirei.

"Iwe Mai Tee enda unodzosera zvibag zvawakabata


mumba , hakuna kwatiri kuenda"

Baba vangu vachinzwa mashoko emwana wavo


vakabva varegedzera chitirobho kuna mukoma
Olga.

"Mukoma Olga vakatendeuka vakabva vati,


mukaramba muchiita zvamuri kuita muzive kuti
nyaya iyi haizopere zvakanaka "
Chamuri kundirovera chii pamberi pemukadzi
nevana vangu.

"I am no longer a little boy, sa Addie ka anogara


ari muhapwa dzenyu. "

At his 28 age haaone kunobva nyaya


nekwadzinoenda. Chake kungogutsurira musoro
pane zvese zvataurwa nenyaya yekungoti ndibaba
vataura chete.

Handisati ndakamboona fuza rakadai pachokwadi.

Pakadero mukoma ndakaona kuti zvechokwadi vava


kutoenderera ,ndakaisa bhagi rangu pasi ndikaenda
kwavari ndikati

"Olga , Mutaurire rudzii wauri kuita na baba nhaiwe.


" Kana waona inini ndiri fuza wadii kutuka inini
chete asi wachisiyana na baba zvako.

Olga akaombera maoko akabva ati

" Heeede vangu here baba vacho, Handi baba


ndevako here nhai Addie chinin'ina?" Inini handina
baba , vangu vakafa zuva ravakasarudza kudya
vazukuru nevaroora.

"Olga !!! " ndakamudeedza ndichimukava bhutsu


yakasimba, kutaura chokwadi vanga vava kusvota
mukoma vangu."

Ndakasvika ndikavabata cola ye hembe ndokubva


ndikati

" kutaura rudziiko kwauri kuita nemunhu


akakubereka, false accusations always "

Mukoma ndinoda kukuudzai kutanga nhasi, Inini


handide kushungurudzirwa baba ndichiona. "Kana
muchida kuti tirimirane kumuganhu rambai muchiita
zvauri kuita"

Kana imimi musingaone kukosha kwemubereki at


least inini ndinokuona , Imhosva here kuti nguva
yamakakura baba vakanga vasina mari havana
kuzokwanisa kuenderera mberi nekukubhadhariai
kuchikoro.

Pandakazokurawo inini , zvinhu ndipo


pazvakatambanuka mbichana. Vakandiendesawo
kuchikoro chiri nane. "Chekutanga zivai kuti
tinogara mumaruzevha, maida kuti baba vaiwanepi
mari yekusanganisa zvese"

Cherry haana kuenda ku chikoro ndinozvibvuma ,


asi yaisave mhosva ya baba. Ndofunga nemiwo
maingozviona kuti ku Boarding kwandaidzidza
kwaida mari yakawanda.

Hazvaimboita kuti baba varege kubhadharira inini


kuchikoro , ndatombofamba nendima kuti vawane
kubhadharira Cherry .

Havana kutaura here kuti inini ndikapasawo ndini


ndichazobetserawo vari kumashure kwangu
kuvagadzirira ramangwana ririnane .

"Cherry ndiye zvake akazongomhanyira


kuwanikwa , achine makore 17 anga atoenda
kumurume" Izvezvi ane 18yrs chaidzo asi atova
nemwana saka waida kuti baba vaitewo sei
pakadero?"

"Noo Olga, kana uchitaura zvimwe zvinhu tanga


wafunga" Regedza kungopomera vanhu mhaka
pasina mhosva mhani.

"Wava kungoda kuti tipesane nezvinhu zvisina basa


apa! " Ndakadero ndava kufemuruka ndichifungawo
mashoko ababa vangu ekare pandaivabvunza kuti
sei vachingoitira inini favour asi vamwe
vachivasarura.

"Baba vangu mazuva andaivabvunza mibvunzo,


vakandionesawo imwe point yekuti neniwo
ndakazobvuma kuti varambe vachindiendesa
kumberi nedzidzo. " Vakandiudza kuti kubudirira
kwangu ndiko kuchachengeta vamwe vangu , saka
ndisatya kuvengwa navo vachazvinzwisisa kana
vakura.

Izvi zvakazondipawo kudzidza nesimba, ndichiitira


kuzotendwa nevana vamai vangu kana ndava
kushanda ndichivaitira zvese.

Inini ramangwana rangu rakajeka chaizvo zvekuti


handingatadze kuchengeta mukoma Olga ne
hanzvanzi yangu.

"Chikoro ndakapasa ndangomirira kushanda ,


Inyaya yematambudziko chete anogara akandiwira
kuti ndikaroora mukadzi akaita nhumbu anobva
ashaya asi mabasa ndinomawana ane mari
yakanaka chaizvo"

Ishuviro yangu kuti ndifadze mukoma vangu nokuti


ndinovafarira , asi apa varatidza kuti ivo havana
hanya neni.

Pandakavaonesa kuti baba havana mhosva


ndakafunga kuti zvimwe vachadzora muromo wavo
manje ndakashamisika vachiti ,
"Ko ungagoti chii zvako imimi muchitetena
mabhonzo mese. Iwewe neni hatina kumbosiyana
zvakanyanya zvekuti ungati vakatadza kubatanidza.
Rangarira kuti takasiyana nemakore maviri chete.
Pavakaita mari ipapo pacho vakadii kuregesa
iwewe vakaendesa inini kumberi sezvo ndiri inini
mukuru ?" Usada kupa reason isina basa apa,
handina kuvharika zvekudero.

"Obvious ka baba vako havangaite mhosva


kwauri , Ko handi munozivana ma deal here?"

Masithole ane mazuva mana ashaya saka muchiri


kunzwanana nekuti yekugwangura iripo.

Zvikati mainini vangu vakanga vasimba chaizvo ,


haa ndofunga mafuta ega ega mumuviri wako.

"Ndatoona ka nebhutsu yawandikava kuti ndeye


munhu arikudya fresh meat achiguta.

Ende nyama dzevakadzi vako nevana dziri kukupa


mhasuro chose zvekusvika pakumisidzana neni
mukoma vako wow."

Regai ndivhare gaba rangu mungazoti Olgado


anotaurisa .
Asi ndisati ndavhara chandoda kukuudza Addie
ndechekuti "hakuna zuva risingasvike , hakuna
zuva rinobuda risingadoke" Inini changu
ndechekuvhura ipapo pacho panonzi hapavhurike .

Ndichazama nepandinogona napo chero


kundomutsa mweya ye..

Asina kupedza kutaura baba vakabva vaita


zvekudambura shirt yavo nehasha , Vakasvika
pana Olga vakabva vati

"Nhasi ndinoda kukuuraya mwana iwewe , you


cross your Limits today Olgado!!"

Mukoma vangu vakaratidza kusatya zvachose


vakaseka vakati

Gegege " vurayai zvenyu muwane


kuzondigwangura kana ya Masithole yapera,
chinorwadza ka chokwadi , like father like son nxiii
" vaidero vachiridza zitsamwa

Baba vakaratidza kutsamwa nokuti vakabva


vamuendera vakanyatso tsamwa zvekurevesa.

"Vakatanga kumuzvambura zvakaipa ne zvitirobho


zviviri zvakabatanidzwa,
Mukoma vakatanga vachichema kusvika vanyarara,
vakarohwa zvekuti ndakavanzwira tsitsi." Apa
vakanga vakamaniwa huro. Gono vairatidza kuti
vanga vabatikana.

Mhamha vakambozama kubata asi vakasundirwa


kure.

Munhu akazodzimura nyonga nyonga yese ndi


Charity uyo anga auya kuzobata maoko erufu rwa
Masithole.

Akangosvika akati "ko nhai Gono madii


machiregerera mucheche wenyu, haana
chaanoziva kani moyo Chirandu.

Kunongovawo kutadza kwemwana wenyu, zvino


mochiranga nedemo here chokwadi "

Baba pavakanzwa inzwi ra Charity ndipo


pavakazorega kurova Olga, asi vakanga
vakatsamwa..

Iyewo Cherry paakaona kuti baba vasiya Olga


haana zvizhinji zvaakataura , akangotanga
nekubvunza vanhu mufaro akabva andimbundukira
akandiudza kuti ndicheme netariro zvese
zvichanaka.

Ndakanzwa misodzi yava kuita zvekudururuka.


Cherry mwana mudiki asi akaratidza ku reasoner
kudarika mukoma Olga munhu mukuru ,
vanongondipa zvipomerwa ndisina chandinoziva.

" Pane here pandingazodyawo vana vangu ,


ndinenge ndine chinangwa chei chaizvo"

Vanhu vakazogara pasi, vava kutaura sezvo Charity


anga auya nehama dzekwaakaroorwa.
Kusanganisira nemurume wake aivepowo.

Baba vakazomuudza kuti tese tiri kuenda ku


Chirungu saka kana ava kuzoshanya anofanira
kuuya ku Headlands, vakamuudza nepaive neimba
yacho.

"Iye haana kana kuda kubvunza zvakawanda ,


akangoti aiwa ndichashanya baba makagona
chaizvo."

Akazoenderera kumberi akati

" Chete nhasi tiri kumhanyira kwa tete hanzvanzi


yemurume havasi kunzwa zvakanaka , dai zvisiri
izvozvo taenda tese kundoona imba"

Akakumbira mukomana webasa kuti aburutse


Grocery raanga auya naro sezvo vaiti
havachanyanye kugara.

Mwana waamai vangu akaroorwa na Teacher saka


haasi zvake munhu anganzi anotambura, ende
iyewo akavhurirwa chi tuckshop chaanotengesa
achiita mari saka pese paanoshanya anotomaker
sure kuti auyawo akabata something .

Akaita luck akaroorwa kuvanhu vane rudo, vese


vanomufarira ende nemwana mukomana
waakazotovabarira havade naye Mamoyo wavo
vanhu vekwa Madzore.

Grocery parakapedzwa kuburutswa vakabva vati


vava kuenda, vanhu tese takatanga kufamba
tichivaperekedza iye Cherry akabva andidhonzera
kwangu ndega.

Ndakatoshaya kuti aida kundiudza kuti chii


ndakangoteera kwandaidhonzerwa ndakanzwa achiti

"Mukoma muri kumbofambawo here kuti munzwe


chiri kudya vakadzi venyu?" Akabvunza
Ndakamubata ruoko ndikati aiwa mwana waamai
vangu , ndakazama kuonesa mukoma na baba
kuti tifambe manje unongoziva baba vedu kuti
vanoti hakuna Mwari ndosaka vazukuru vavo
vachipera kufa , havade kuzvinzwa chavanoda
kuenda kun'anga. Manje mukomawo vanoti
kun'anga bodo inini handichazivewo kuti ndoita sei.

Ndakangoenda kune imwewo church ka 1


muporofita wacho akati ndiende na baba kwaari,
pandakazouya ndikavaudza ndakaita kunonzi
kunhongwa zvekuti vakanga vasingachade kutaura
neni, inini zvangu zvekutsamwisa baba handide sisi.

"Munongoziva how he sacrifice everything kuti


tidye ,tipfeke, kana ndiri seni nhasi uno ndine
certificate re Engineering nekuda kwavo. Pane
here pandingazopesana nekutaura kwavo,
ndiudzeiwo sisi ndakaita kunonzi kuremerwa
zvamunondiona ndiri pano kudai" Ndakadero
maziso atozenga musodzi.

Cherry akangonditarisa akati be strong bhudhi,


chandoda kukuudzai inini ndiri mwana wemusikana
pamusoro pazvo Ndiri gotwe saka ndaitawo
mucheche. Gadzirisai zvinhu zvenyu vakomana
otherwise muchaguma kuona rutsoka rwangu pano
nhasi!! Akadero ava kutofamba kuenda.
Ndakazosara ndomudeedza anga atova mumota.

Ende zveshuwa mota yakasimuka ikaenda. Mai


vakasara vachingochema vachichemera mwana
wavo

"kwanzi aenda asina kumbosiyawo hope. "

Baba vakati munhu wese mumota ma bhagi


vakazomaisa vari ivo. Tese takakwira mu bhaki
ranga rauya kuzotitakura tinanga kuchirungu. Na
mukoma Olga vakabva vakwirawo asi vakanga
vasingachataure chero shoko rimwe chete.

Hazvina kutitorera nguva kusvika sezvo kubva Ku


Chembuya kuenda Ku Headlands pari pedyo.

Tichisvika ndakashamisika neimba yakanga


yatengwa na baba vangu.

Headlands haisi town zvayo town yeko iri


kuRusape asi kune nzvimbo dzine dzimba
dzakanaka.

Ndakaita kunonzi kurohwa nehana imba yakanga


yakakura iyoyo apa yakanaka chaizvo ,regai naivo
baba vairovera vanhu vachiti munhu wese
kuchirung.
Chokwadi imba yacho hayaimboita kuti baba na
mhamha vagare vari vaviri chete.

Ndakaona ndava kusekerera ndichifamba, ndaida


kunyatsoona zvishandwa zva baba vangu.

Mai vakaburukawo vakabata muromo


vachishamisika, Olga ndiye akaburuka akabata chi
radio chake airatodza kuti anedzakewo aisatova
nebasa nekuona imba.

"The house is so beautiful " vakadero mhamha


vakabata muromo wavo.

Inini ndakabva ndati "Aiwa apa Gono makashanda


imba yakanaka zvayo iyi"

Baba vangu vakasekerera vakati

"YOU ARE WELCOME TO OUR NEW HOME MY


LOVELY FAMILY "

Ndinovimba tese tinofanira kukangamwa zvese


zvaiitika ku Chembuya, totanga hupenyu hwedu
hutsva.

Olga akatarisa imba , Akatarisa mudenga akabva


ati kuna baba
" Ruregerero baba nezvese zvandakakutadzirai "

Ndakaona baba vangu vachisekerera vakabva vati


maratidza kuva Gono manje apa baba Tee

" Ndakuregerera mwana wangu , come here "


vaidero vachivambundukira vachiratidza kufara
chaizvo.

Inini ndakaona kuti neniwo ndatadzira mukoma


vangu, ndakangokumbira ruregerero
ndichivambundukira .

Ndakaona baba vachititarisa vasingasekerere,


vairatidza kusafara nekuwirirana kwedu.

Ndakatoshaya kuti zviri kumbofamba sei?

Ndakazonzwa vava kuti "Addie mwana wangu vuya


kuno"

Ndakangoteera ndichimhanya hameno zvavaida


kundondiudza

End of chapter 2

Stay tuned musakangamwa kuenda ku link repa


face book riri pamusoro apo mutotanga kuvhota .
Mavotes iwayo achazobatanidzwa muna August ne
amuchavhotera ku what's App .

kana ku vhota kwepa App kwatanga


ndichakuudzai

Ndipeiwo support neniwo ndiwane simba


rekunyora book redu nehunyanzvi kuti rinakidze.

Love yu guys, this book verengai


makanyatsodzikama muchadzidza zvakati wandei
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow our channel for more chapters

*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

+27 65 840 7103 &

*Free book*

please read and share

Chapter **

*Addie*

Semunhu akanga adeedzwa na baba ndakaenda


ndichifambisa. Ndichisvika ndakamira
nechekumashure kwavo nekuti vairatidza kusafara
zvachose.

Pavakaona mumvuri wangu vakabva vati "Addie


mwana wangu ndinozviziva kuti wakanyanya
kupfava, Chokwadi ndechekuti inini handibvume
kuti mukoma vako vanokufarira " Kuona kwangu
vanenge vari kuita zino irema chete.

Nenguva yaanga achiti tiri kutetena mabhonzo ava


kuda kutisekerera , hauone here kuti kunyepa
kwega kwega.

"Tinofanira kumungwarira mukomana uyu, Olga


mwana wangu wandakabereka ndikamurera kubva
ari mudiki kusvika parinhasi asi handimuchenesi
zvachose especially pandufu dzese dzatiri
kusangana nadzo mumba medu anenge aneruoko
chete ipapo ."

"Kuti kudero here baba ? " Ndakabvunza


ndichinyatsodzeya mashoko avo

Ndakanzwa vachiti "hongu mwana wangu, sei vake


vana vakakwana , ende hauna kana zuva rimwe
chete raunonzwa kuti mwana wa Olga arwara"

Iwewe ndiwe chete unongofirwa nokuti wakaita sei?

Handisi kupanzwisisa ipapo.

Kutaura kwa Olga anoti ndiwe uri kuzvidyira vana


vako,
hauzvione here kuti pane nyaya apa?

" Unless kana achirevesa kuti iwewe uri kudya


mazai ako , ndibudirewo pachena mwana wangu
nokuti ndakaita kuvhiringika chaiko semubereki"

"Father!!" Ndakangovadeedza neinzwi riri


pamusoro kuri kuvhunduka mashoko avo.

Vakanditarisa vakati " Ohh sorry nekutaura kwangu


Chirandu , kunongovawo kutaura kwemunhu
arikutsvaka chaita kuti musoro uteme "

"How could yu think such a thing father,


ndakakuudzai kubva kare ende ndicharamba
ndichingokuudzai . Hapana pandingambouraya
ropa rangu never!!" Ndakataura ndakwidza inzwi
nokuti mashoko ababa anga andigumbura

"Easy son , kana usina chezivo saka Olga ndiye


anotoziva chete"

Tinofanira kuzvitsvaka tiri variri tione chiri kutora


nzvimbo. Tikaramba tiri murima , tese tingapedzwa
takasvinura sematemba."

Pakadero baba vangu ndakabva ndafunga mashoko


a sisi vangu kuti ndinofanira kumbofamba ndinzwe
chiri kuuraya vakadzi vangu. Ndakanzwa kufara
nemuono wababa vangu nekuti kufamba ndiko
kwandaitoda. "Ende kwandakamboenda kare
muporofita wacho akati , ndinofanira kuenda na
baba vangu ndiko kuti akwanise kundiudza
zvinouraya vakadzi vangu"

Zvinongova pachena kuti kufamba na baba vangu


chete zvese zvichabuda pachena. Ndakanzwa
kufara nekuti kare kwese baba vairamba , asi apa
vanga vazvitaurira vega.

Ndakangotanga kusekerera nekuti ndakaona zvese


zvatondinakira.

Ndakambundukira baba vangu ndiine mufaro


mukuru.

Ndakaona mufaro pachiso chavo ende zvakabva


zvawedzera kundifadza, nekuti mufaro wa baba
vangu ndicho chinhu chimwe chete
chinondifadzawo. Takazodzokera kwaive nevamwe
tatoudzana kuti mangwana tiri kumukira kuseni.

Sevanhu vanga vatanga kusvikawo paimba itsva,


ma nextdoor akauya achipemberera imba yedu.
Vaimwa vaimwa zvayo vanodya vachidya inini
pfungwa dzangu dzaingove kwataizoda kuenda
mangwana kuti kuchandobudei?

Manheru achisvika vamwe nevamwe vakaenda


kundorara inini ndakambosara ndakagara ndiri
ndega ndiichita kunge munhu aiona T.V .

Chokwadi ndechekuti kwaingovewo kutarisa


pachitikitivha asi pfungwa dzaive parefu.

Ndainyatsofunga kuti mwana waamai vangu


angandiitira zvakadero here?

"Ndakatarisa mukoma vangu vanoratidza kuva


very Innocent ,asizve sei vachifungira inini. "

Ndakatanga kufunga zvekuzosvika pakubatirwa ne


hope ndiri pa Couch , mangwana makuseni
ndakamutswa na baba avo vaitondiseka kuti
ndanakirwa ne T.V zvekusvika pakurarirapo.

Vakatanga zvavo kundiwanzira kuti ndanga ndajaira


kumaruzevha kusina malights ne T.V,

dai vaiziva zvavo kuti chandiradza mu Launch haisi


nyaya haisi yekufarira T.V vaisambondidero.

Ndakazovamutsa hope vakadaira ,vakabva vati


tichitoenda vamwe vakarara.
"Ndakangopfeka Jacket rangu sezvo kwaive neka
Chando, takabva taenda zvedu kumota."

Baba ndivo vaka driver tikabva tabuda gate

Tava munzira baba vakatanga kubvunza kuti zvino


toenda kupi sezvo ivo vasina kwavaiziva.

Ipapo ndakatanga kufunga ,ndakazonzwa ndava


kuti tadini taenda kwa

"Bishop Tashinga vanonamata church


yezviratidzo ava , ndakangonzwa nembiri kuti
vanooneswa chaizvo "

Pakashaika Machuma ndakamboendako vakangoti


ndiuye nemi mukaramba, zvino nhasi zvamabvuma
pamwe tingawana rubatsiro ikoko.

Pandakadero baba vangu vaka breaker mota fast


vachimira vakabva vati

" Tashinga wauri kutaura nezvake ndeupi iyeye ?


hausi kureva here mwana wa Amara na I.J vekwa
Jackson"

Pavakabvunza kudero ndakasekerera ndikati ndiye


chaiye chaiye
" Achie T.J Bishop vanombobuda pa T.V vane
sangano pedyo ne hospital mu town. "

"Okay ndamuziva zvangu mbavha inobira vanhu


iya , hauone chero imba yaanogara kuti ndeye
mbavha plus vakaromba vanhu vaya.

Hatide kuwedzera nhamo pamusoro peimwe, uko


hatingaende kutamba nenguva mwana wangu "
Vakadero baba vabata rushaya apa vachinzwisa
tsitsi , zvekuti neniwo ndakatopererwawo .

Ndaisada kupikisa baba vangu saka ndakazongoti

"Todini manje nhai Gono imimi zvamusinawo


kwamunoziva?"Ndakabvunza

Ndakanzwa vachiti "regedza ndifonere

Akash , i am sure angangotibetsera."

"Mufonerei zvenyu, but make sure hamundiendese


kun'anga " ndakadero ndakarova ma serious
nokuti ndaitorevesa.

Inini handinamate zvangu, asi kubva ndichikura


ndongonzwa kuvenga n'anga.

"Don't worry son rega ndingozama kumubvunza ,


kana akati haanawo muporofita waanoziva
tozongoenda kumbavha dzako idzodzi." Vaidero
vachitoisa phone panzeve

Ndakangovasiya vachimufonera nokuti

Akash ishamwari yavo kubva kare.

"Vaviri ava vakawirirana ndichiri mudiki chaizvo ,


namanje vanongonzwanana.

Pandakatanga kuziva Mr Akash baba vangu.


vaisave ne mari chero Huku zvayo asi Mr Akash
vaitofamba nemota vachiita dzekuchinjanisa
munguva yacho. "

Mai vaitombotsiura baba vachiti

" Gono hamuone here kuti , ma level enyu na


Akash haaenderani."

Baba vaingoti "musatya zvenyu mai Gono


zveushamwari hazvina maLevel,

kuzoenda nekuenda ndichange ndavawo neyangu


mari."

"Baba vaitaura semafunnies munguva yacho, asi


izvezvi vava kufamba neyavowo mota. Ndoinonzi
dreams come true zvee iyi" I am so happy for him.

Ndakangotanga kusekerera zvangu ndakatarisa


baba vangu vaive vakabata starring apa vari pafoni
na Sahwira wavo. Pavakazokata foni vakabva
vandiudza kuti

"Vaudzwa kune umwe muporofita arinane "

Ndakangoti " zvakanaka Gono handei zvedu"

Vakai driver mota Gono vakananga kwa Jemedza


kwacho kwainzi kune muporofita shangwiti.

Tichisvika takawanikwa vacho vainzi

Va JEMEDZA vakapfugama vachinamata.


Ndakashaya kuti ndomuporofita wacho here aiva
nebvudzi rakamonewa kuita rasta. Ndakazongoona
garment rakanga rakapfekwa ndakabva ndanzwa
kurerukirwa .

Takatanga kufamba tichida kuenda kwaari, tisati


tatombodarika gedhe takanzwa achiti

"Heyii, tarisai kwamabva mubvise bhutsu dzenyu


musiye ku gedhe ikoko muuye pano
nechamunhendesure "

Takangoita sezvatanga taudzwa , patakasvika


ndipo patakazotendeukira kwaaive.

Murume uye akatora mucheka wake mutsvuku ,


akatanga kuunyora nyora akazoti .

"Saka mauya makashota muchizviitirei?" Masiyaka


muridzi wenyaya ane zvese.

Baba vangu vakanditarisa , inini


ndakangovatarisawo ndichishaya zvekutaura.

Ndakanzwa Va Jemedza vachiti. "Zita rangu


ndinonzi Jemedza , ndinonamata church ye
Jekenishen" Ndiri ma pipi, godobori murapi.

"Nyaya iri pano ndeyekuti , mukomana wamasiya


kumba uyo ndiye anoziva nyaya dzese. Handi
iwewe urikufirwa nevakadzi ne vana muupenyu
hwako ?" Akabvunza muporofita uya .

Paakadero hana yangu yakarova kwazvo nokuti


ndakabva ndaona kuti zvechokwadi ndava
kutaurwa neni nevakatumwa.

Muporofita uyu aisatiziva saka zvaive pachena kuti


zvaaitaura aizvioneswa nematenga.
Ipapo ndakabvuma inzwi rakakwira ndikati

"Hongu vakadzi vava 4 vachifa "

Akatanga kutaura zvaaitaura nerudzi rwaaiziva ega


apedza akabva ati "Aiwa hapana chakaipa zvese
zvapera" Chiripo chandaona

Uyu anonzi Olga ndiyani?

"Mukoma vangu , ndakapindira ndichinzwa


kusvibirirwa "

Muporofita uya akabva ati

"hoo inga zvakaoma , zvino zvaari iye arikudya


vakadzi vako nevana "

Ucharamba uchimudeedza mukoma here?

Makuva mana amakachera akakonzerwa naiye.

Olga akaromba uyo, akaona asina chikoro akati


zvirinane andobata mushonga. Aifunga kuti zvimwe
achafuma akauraya vakadzi vako chaasina kuziva
ndechekuti aizviwedzera hurombo.

Kana uchida kundozvibatira wega tora chidhende


ichi. Usachivhura zvako enda nacho chakasungwa
kudero "Kana wasvika kumba uende muroom
make , unofanira kundovhura chibag chiri
pamusoro pe wardrobe uchaona ma photos
evakadzi vako vese vakashaya akasungirirwa
netambo tema aripamwe chete. "

"Iwewe chizomasunungura umadzosere


panzvimbo. Usamubvunza kana kudii asi isa
chidhedhe ichocho mubhagi iroro .

Ndinoda kuti muzoona zvichaitika, Muchaona


kunonzi kubata kwa Mwari. "

Ndakatambira chidhende chiya ndikanzwa kunge


chaive nechinhu chaipfakanyika, ndakazama kuda
kuterera asi handina kuzozvinzwa zvekare.
Ndakangoisa muhomwe asi ndakaita kunonzi
kuzarirwa chaiko. Ndakanzwa kuvenga Olga
zvekuti ndimukoma ndakazvidzima mumoyo
mangu.

Baba vakazobvisa mari yekutenda muporofita ,

"Muporofita akairamba , akati simba ra Mwari


haribhadharwe endai zvenyu nemari yenyu."

Takatanga kudzokera kumota baba


vachingochema .
Mota ndini ndakatozoi driver , baba vangu vakanga
vasingachataure chinhu vaingoeredza misodzi
chete.

Ndaka driver mota kubva pamba pa Jemedza


kusvika kumba pasina aitaura neumwe.

Tavakusvika kumba baba vakaburitsa banga vakati


"Nhasi ndiri kundourauya Olga chokwadi
kundiurayira vazukuru vangu here"

Ndakatozopinda busy kuvaonesa kuti vakadero


zvese zvinodhakwa. Ndakatanga kuvanyararidza
ndaiita kuona kurwadziwa kwavo kwese. Gono
havasi munhu vanoyeredza misodzi nhando asi apa
vakauyereza , kuchema kwavo kwakandirwadza
zvekuti ndakawedzera ruvengo kuna Olga.

Izvi ndizvo zvandisingade zvekuchemedzerwa baba


vangu. Tichisvika kumba ndakawanikwa Olga
akabhara 4 achiona T.V ndakanzwa kudedera
nehasha asi ndakazvishingisa.

"Wanga waendepi mwana wamai ? ndanguva


ndakutsvaka ndichida kuti mwini mwini newe "
akadero Olga.

"Ndanga ndiripo zvangu " ndakangodero


ndichifamba kuenda ku room kwangu.

Ndaisanzwa kuda kutarisana na Olgado zvachose.

"Addie mirapo" akadero achisimuka kuda kuuya


kwandaive

Nguva idzodzo baba vakabva vapinda. Ndakaona


vaviri vachiita kunonzi kutarisana nemaziso
matsvuku pasina anotaura neumwe .

"Inini ndakatofamba ndikaenda ku room kwa Olga,


ndakaona mai Tee vachibudamo " ndakabva
ndawana mukana wekupinda.

Ndakaita exactly zvandanga ndaudzwa na


Jemedza, ndakanzwa kurwadziwa ndichiona ma
photos arimo.

Ndakangoasunungura ndikabva ndasiya mucheka


wandanga ndapiwa imomo.

Ndakabatwa ne stress zvekuti handina kuda


kuswera pamba musi uyu.

Mai vangu vakazviona pandaifamba ndichibuda


gate kuti pane zvainditambudza.

Vakandimisa ndisati ndabuda chivanze vakabva


vati "Chii chiri kukunetsa nhai mwana wangu? Inga
tese taingova happy happy nezuro. Manje chii
chakutsamwisa zvekuti kubva zvawasvika hauna
chawambotaura ikozvino wava kutobuda zvekare
usina kana nekudya zvako."

Ndakacheuka ndichida kuvaudza zvaindinetsa ,


ipapo ndakabva ndasanganidzana maziso na Olga
uyo aive aive akazendama ne garage akanditarisa.
Ndakangoridza tsamwa ndikatanga kufamba.

Mai vakada kundimisa asi ndakaramba


ndichifamba , ndakanzwa baba vachiti .

"Usatya mai Gono , Addie is a grown man he will


tac care of himself "

"But sekuru va Tee hamuone here kuti mwana ane


zviri kumutambudza uyu ?" Vakabvunza mai
vangu .

Zvakazopindura baba handina kuzvinzwa nekuti


ndakanga ndatova kure.

Ndakaenda zvangu kubhawa ndikatanga kundomwa


doro, ndainyatso kunzwa ndiine hasha dzekuda
kuuraya munhu. Ndaiti ndikafunga , Maphotos
andaona a Masisiba , Machuma na Masithole .
Then ndozofunga mashoko a Jemedza yoo
ndainzwa kushatirwa chaiko.

Ndakaridzasa doro kusvika ndava kungodzvova,


pandakazodzokera kumba ndakawanikwa Olga
asisataure maoko ake akanga apetana zvekuti
akanga asingachakwanise chero kubata chinhu.

Mhamha na mai Tee ndivo vaiita kubongomora


mhere, pavakandiona vese vakandimhanyira mai
Tee ndivo vakabva vatanga kuti

"Pliz bamunini batsirai mukoma venyu, pavavhura


bhegi vachida kundibetsera kurongedza hembe
ndipo pavaita sezvavari izvi"

Vasati varemara vanoratidza kuti vane zvavanga


vachida kundiudza nokuti vangoti hope dzavakarota
dzakashatisa, pavazoda kutaura vabva vavhura
bhegi .

Ipapo ndipo pavatanga kugomera vachigara pasi.

"Bamunini ndibatsireiwo , murume wangu kani "


vakadero vachiwedzera kuchema.

Mai vakabva vati "Yes Addie , pliz do something "


baba vako vakangogara apo havana kana action
vanoratidza kuti vari mu shock chaimo.

Pakadero mai ndakaseka zvangu ndikarova maoko


ndakabva ndati " Musatya mhamha, zvaakabata
zvava kumudzokera mwana wenyu" Nhasi tafamba
na baba tikaudzwa kuti munhu akauraya vakadzi
vangu zvichamudzokera

"Hezvo ka , zvabuda pachena " Olgado the


person i call my brother , was busy destroying my
life behind my back!! Ohhh God

"I didn't know my brother is a betrayer , the real


snake " Nhasi zvaiwana ngwarati

"I wonder achaenda kunyika dzimu nguvai? "


ndakadero ndichidzedzera ndichinyatsodzvova

Ndakanzwa mai Tee vachiti

"Noo !! It can not be " not my Husband

"Why ? Muchiti hazviite " endai ka munovhura


muchikwama chazoita kuti aremare muone kuti
munei

Mai Tee vakaramba vakamira mhamha ndivo


vakazomhanya, vakauya vakabata ma photos
pavakasvika vakamakandira pasi . Vakatanga
kuchema vachienda kuna Olgado,
vakamuzungunutsa zvehasha chaizvo.

Vachimubvunza chaakauraira vazukuru vavo.

"Mai Tee vakabata mhamha vakabva vati , i


believe in my husband there is no way he can do
such a thing. "

Mhamha vakabva vati "Quite !!" Ndanga ndiri busy


kutokunyararidza izvo iwewe nemurume wako muri
varoyi nhai

Ndiudze kuti makavadyirei vazukuru vangu.

"Chokwadi mwana wangu Addie aiita kunge


achapenga nekuda kwekurasikirwa nevakadzi.
Takazama kutsvaka chaikonzeresa asi
tichichishaya ,

Pese apa murume wako aitonditukira murume


wangu ndichinyarara ,

Iye atoziva zvake kuti ndiye arikuuraya vana


vevanhu.

"I am very disappointed today , chero kudeedza


Olga kuti mwana handichakwanise"

Mai Tee vakatanga kuchema vakabva vati

'"But mom, munoti Olga anga..."

Vasina kupedzisa vakabva vadirwa mbama na


vamwene vavo vakanzi

"Vhara muromo wangu, don't mom me!!" Ndiwe


wakauya neuroyi ukapa mwana wangu iwewe .

Ndaiti wakanyarara izvo wakanyararira nhema nhai,


Addie mangwana makuseni handide kuona this
women pano pamwe chete nemurume wake .

Make sure kuti uchavabuditsa gate uri iwewe. Dai


pasina vazukuru vangu vaitofanira kuenda izvezvi.

Ndakangotarisa mai Tee avo vakanga vava


kuchema vakabata murume wavo, Olga aisataura
asi aiyeredza misodzi chete.

Mhamha vakazoenda vakandokumbira ruregerero


murume wavo , inini ndakabva ndaenda kundorara
ndakasiya mai Tee vakaita kugara pasi
vachichema.

Ndaimbobatwa nemweya wekuvanzwira tsitsi


nekuti havana chavakanditadzira , ndaizongoti
ndikafunga kuti murume wavo ndiye akandidyira
mufaro wangu , ndaibva ndanzwa kuvavenga naivo .

Kurara kwemunhu ambomwa doro , kurara


sekacheche chaiko, mangwana makuseni
ndakatomutswa nenoise ya muchembere avo vai...

End of chapter *3*

Stay tuned , keep comments book redu rinakidze


guys.

Vasati vandoisa ma votes pa face book pliz click


link riri pamusoro apo. Ndiwane mavotes akawanda
ndipo pandichazowanayo ye data ipapo , kana
ndikahwina thanks a lot.
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow our channel for more:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

+27 65 840 7103 &

Chapter **

*Harleen*

"Iwe mwana wa Chikara !! Harleen "


ndakavanzwa mbuya vangu vachideedzera nenzwi
riri pamusoro, apa inini ndaitove busy kurwizi
kwandaitamba ndichikushana majecha nevamwe
vana vechidiki kwandiri. "Harleen iweee"
vakadero vava kuwedzera kukwidza voice.
Ndakanzwa kubhoikana chaizvo nekuti murwizi
mainakidza apa taitamba nezvimwe zvivana
zvevarungu .
Ndakanonga mugomo wangu ndokuzadza nemvura
ndakabva ndaturika pamusoro ndikatanga
kumhanya.

Ndakaona kuti chero ndikadaira havambozvinzwa


sezvo nzeve dzava shoma nekukura .

Ndakatanga kumhanya ndakananga ikoko, imwe


mvura yaidira pamuviri wangu zvekuti
ndakatozosvika ne bucket riri mu half.

Ndichisvika vakamboramba vakanditarisa , inini


ndakatarisa kuside nekuti ndaiziva kuti ndogona
kutukwa ndakazoona vava kuseka vakabva vakati

" Unopenga here mwana wa Phidza na Pretty ,


urikubvepi wakaita kunge chigure muviri wese
kudero"

"Ummm mbuya , ndikubva kundochera mvura pasi


pe bridge" ndakadero ndichigadzika mugomo
wangu pasi

"Mvura yeiko yaunochera nhai Harleen , pano


zvapane mugodhi .? Izvezvi kana vabereki vako
vakasvika wakasengana nemvura handi vanoti
ndinokushungurudza."
Tarisa nezera rako iroro hunyanga hwaunahwo ,
munhu ava ne makore 17 unondiudza kuti uchiri
kutamba nemadhaka. ?

Hauone here kuti watobva zera iwewe , manje


manje unenge wava kutondovaka musha.

Ndiudze kuti ndiyani angada kundokugamuchira


semuroora mumba make uri zvauri zvi.

Kutanga nhasi handide kukuona uchitamba nevana


vane makore 5 to 10 vandinosiona
uchindendereka navo. Ndichatoudza Bridget kuti
auye achikutora amboswera newe zvimwe ungakura.

"Unofunga kuti urikudzoka kuita mwana mudiki


nhai , munhu ava kuenda kunguva yevakadzi
mazamu atokura kudero uchiri kutamba nemajecha"

"Haa chiiko nhai mbuya ndanga ndaenda


kumbondoona varungu ku Bridge , mvura
ndazocherawo zvemutemo.

Nhasi vachena vanga vakazara vachiona basa


rakabatwa na Doman Long. Yoo kwanga
kuchinakidza mufunge sorry wena "

ndaidero ndakarereka musoro .


Mbuya vakaseka vakati saka kurereka musoro
kwanzi chii ? "Unoti varungu vangatadza kuzara
here ,Bridge redu rakavakwa zvine unyanzvi ka iro
vazhinji vanotorwaririra kuda kuona racho rinonzi
Birchenough Bridge" pavakadero ndakabva
ndafurwa nemhepo, ndakabva ndati

"You see , that's why ndichifarira kutambirako"

Zvinongondinakidza kumhorosa varungu , ndakaisa


maoko muhomwe apa ndakabata mhino ndichiti

"Hawu are you sir ?" Ndaidero ndichitobata mhino


yacho , ndichiita ma actions kutaura semurungu kuti
mbuya vangu vaseke.

Ndakanzwa mbuya vachiti" Harleen hauna


kukwana chete iwewe ,manje varungu ungavapedza
here muzukuru wangu nokuti vanouya vakasiyana
siyana zuva rega rega vachida kutoona Bridge.

"Neniwo ndongoendawo zuva nezuva kundovaona


ka nhai , it's not like kure ku Bridge kwacho"
ndakadero ndichigara pasi sezvo ndanga ndaneta
nekumhanya mumajecha.

Mbuya vakati "Handikurambidze kuenda kwaunoda


inini, asi nyaya iripakuti
at least famba wagezawo ,wopfeka zviri nane
kwete zvako zvekuda kuzviita se nherera."

Vona kana icho chi dress chawakapfeka


chakatodambuka musana wese , hindava uchida
kungokwidza B.P yangu.

"Chero ivo vakomana vanokuridzira muridzo sei ,


iwewe uchingoita kunge unenjere dzakashota "
vakadero mbuya vangu vachiratidza kusafara
nekupfeka kwangu. Inini ndaitonzwa
zvakandinakira zvakadero.

Kutaura wo chokwadi ndine hembe dzakawandisa


dzimwe dziri mumabhero handisati
ndatombodzivhura, dzakangotumirwa nevabereki
vangu kubva ku Australia kwavanogara.

Vabereki vangu vane mari yakawanda , vane imba


ku Harare ndiko kunogara vamwe vana vamai
vangu ikoko.

Inini ndini gotwe mumba medu asi ndakasarudza


kugara na mbuya mai va baba avo vamanzwa
ndichinetsana navo. Togara zvedu mu
BIRCHENOUGH.

"Mumaruzevha asi pamba patogara pakanaka


chaizvo, handina chatingati tinoshaiwa"

Kugara kumaruzevha mazvokuda edu, nokuti


mbuya vangu vanofarira kurima saka vakakumbira
vana vavo kutengerwa munda.

Inini ndinofarirawo zvemaruzevha saka


ndakatonamirana navo.

"Ndinonzwa kufara nekahupenyu kekumusha ,


zvese zvinoitwa mumamisha zvinondinakidza.

Ende imwe nyaya yekuti ndinozviona ndiri bhuru


kuvana vazhinji inondifaya iyoyo."

Ku Harare haukwanise kuita mu bully nekuti


rinozosara kuvira wambondorohwa
nevakomana(Police). Manje kumamisha naivo vana
ndini ndakubata ivavo tosvitsana kure ,
ndovarumisa nemago vakati baba nemuridzo.

Zvese zvakandinakira kana ndina mbuya


vangu ,zvekuti handitombofunge chirungu
zvachose .

"Nyaya yava kungondinetsa manje inondisvota


ndeyekuti , mbuya vanogara vachitaura zvekuti
ndinofanira kuzvishambidza kuti ndizowana
anondiroora."
Nyaya iyi inondibhowa zvekurevesa , apa mbuya
harivire vasina kutaura nezvayo.

Ndakatanga zvangu kufunga ndigere pachitombo


kuti ndoipedza sei nyaya iyi?

"Semunhu akangwarira ndakabva ndatowana zano


nekukurumidza, ndakatanga kutodeedzera mbuya
Harleen avo vanga vava busy mu kitchen hameno
zvavaiita imomo"

Ndakatanga kuti

"Mbuya Harini " ndakadeedza vakaramba


vakanyarara ndakabva ndaziva kuti vagumbukira
nya ye dress rangu . Ndakatofamba ndikaenda
kwavaive ndakasvika ndikati

"Eee mbuya zvamunondiona ndakadai ndine


nyaya yandakakangamwa kukuudzai."

"Inyaya yei iyoyo ?" vakabvunza vari busy kukuira


sherefu yavo

"Inyaya diki zvayo , inini ndava kunzi Sister


Harleen. Ndakatendeuka church ye Roma saka
ndakajoiner kuva Sister handina munhu
wandinofanira kudanana naye kusvika ndafa
Musazozvinetsa zvenyu kuti muzukuru wenyu
zvaanogara nematsvina acharoorwa nani.

Ndakapika mutembere ya Mwari kuti handife


ndakaroorwa kana kuita mukomana" ndakadero
ndakavasvorera ndichida kuona kuti vanoita sei

Ndakanzwa vachiti, Harleen mangwana urikuenda


kwa Rusape kwa Sekuru vako Tashinga handide
zvekunetsana newe. "Vabereki vako vakati
vanouya Manje manje, ndiudze kuti vakasvika
vachinzwa shura rakaita seiri vanozvigamuchira sei
aiwa zvako ndazvikonewa "

Muzukuru wangu ndinokuda chose asi, ichocho


chinoda muzukuru pandiri ndava kumbodzinga
chiende kure"

"Unoda kuva sister pakudii chaizvo nxaaa

wandibhowa "

vaidero vachiisa phone panzeve kufonera Sekuru


Tashinga.

Ipapo ndakanzwa kuzvituka nechandanga


ndazvitangira , kuparadzana na mbuya ndaisada
zvachose plus kwa Sekuru T.J handide kunzwa
nezvako. Uko ndiko kusingagarike manje
munomutswa na 12 hope dzichinyatsonaka
muchinzi munhu wese pamunamato.

"Ndakatanga kufamba famba ndakamirira gogo kuti


vabve pa call , ndaifanira kutova convincer kuti
vasandiendesa kwa Rusape"

Pavakangoti "Ndinotenda Bishop , mozotumira


driver nemota auye kuzomutora mangwana
makuseni ikozvino kwavira vakabva vakata foni"
kuratidza kuti vapedzerana

Vakatanga kufamba vachibuda panze,


ndakakwenya musoro ndichifunga zano .
Ndakazongonzwa ndava kuti

"Eee Gogo Harini.." ndakaona vachinditatisa


vasingaseke vakabva vati gadzirira Harleen
mangwana urikuenda !

*Addie*

Pandakamuka ndakatarisa ku gedhe ndakaona mai


vangu vachikwekweredza ma bhegi a mai Tee
vachimakandira panze.
Mai Tee vakatanga kuchema vakamira , nevana
vavo vakanga vava kuchemawo.

Moms vakacheukira kwandaive vakabva vati Addie


watogona wamuka ndibetserewo kubuditsa vanhu
ava gedhe vaende zvavo.

Ndakatanga kufunga kuti zvino ndoita sei?


Ndovadhonzera kunze here sezvataurwa na mai
kana kuti ndongovasiya vari pamba Mwari atonge
ari iye.

Chandaizva zvazvafumuka kuti Olga akaromba


anytime aifanira kutoenda kunyika dzimu. Pane
here paaizoramba achirama iye akateura ropa
rakawanda kudero. Ndakango sticker ndakamira
ndichishaya zvekuita ndakazongonzwa inzwi
rababa richiti "zvakwana mai Gono ndinozviziva
kuti warwadziwa."

Hausi wega mudzimai wangu, tarwadziwa tese asi


hatina need yekudzinga vaviri ava pano. Pliz mai
Gono dzoserai mabhegi avo mumba.

Mai vachudzwa mashoko ababa vakabva vakwidza


voice vakati

"But , Gono munoda here kuti Addie asvike pakufa


asina mukadzi kana mwana "

Pane here paangaroora kana muroyi tinaye pamba


pano? Zvimwe zvinhu fungai Gono hamusi kuona
here munenge muchirwadzisa mwana.

Baba vakafamba vakaenda kuna mai Tee


vakasvika vakati " Mai Tee uchagara pano hakuna
kwaunoenda nokuti une vana verudzi rwepano,

Uchagara pano asi uchange kuchigara kunze


kweimba ku cottage uko nevana vako, pamwe chete
nemurume wako"

Uchagara semushandi gate women asingawane


off.

"Hamubvumirwe kubuda gedhe iri , kana mune


zvamunoda kunze kwe gate munoudza inini kana
vamwene venyu votumira ma maids
kundokutsvakirai zvamunoda zvacho tiri
kunzwanana ?" Vakabvunza.

Mai Tee vakangotarisa murume wavo , vakaona iye


achigutsurira musoro vakabva vati "zviri munzeve
baba ,ndinotenda" Vaidero vachitakura ma bhegi
kundomaisa ku cottage kwavanga vaudzwa.
Vakabva vatopfeka suhat ndokugara zvavo pa chair
semuvhuri wegedhe. Vairatidza kuti vanga
vatomirira kuti mota ibude vatange basa.

Inini handina zvandakambokwanisa kutaura nokuti


ndainzwawo ndakatsamwira Olga zvekurevesa.
Ndanga ndangomirira zuva rake rekufa kuti
zvitsivane ne vana vangu vaakaurauya.

Moms vakauya vakandimbundukira vakandiudza


kuti "Ndisatya nokuti zvese zvichanaka "

Baba vakauyawo vakati ichokwadi my son ,


ndataura na Akash taona zvakanaka kuti uroore
mwanasikana wake umwe chete ega.

"Luck yu son" vaidero vachindibata matama angu.

"Mai vakauruka vachibva mumarms vakabva vati "


You mean musikana wake wekudzidza kunze kwe
nyika uyu Bianca "

Baba vakasekerera vakati iyeye chaiye chaiye,


tagara pasi nasahwira wangu tikaona zvakanaka
kusimbisa ushamwari hwedu kuhukwiridzira kuti
huve nehukama pakati. "Vana vedu
ndovachazadzisa zvishuviro zvedu"

"Wow nice, vakadero mai vangu vakatarisa


mudenga " vakatambanudza maoko avo vakabva
vati mazviita zvenyu Mwari

Jehovha jaire we... vasina kupedzisa baba


vakabva vati

"Ndakati chii nezve zita iroro mai Addie!"

Vakabvunza neinzwi riri pamusoro.

Mai vangu vakangoseka vakati "Sorry daddy"


kwanga kwangovawo kutaura kwemunhu afarira
muroora akamboenda kuchando. Vaidero
vachimhanya vachibva pataive . Baba vangu
vakangosara vachiseka.

Inini handina kupa Comment nezvenyaya ya


Bianca ,nokuti musikana wacho handitombomuzive
ndakaguma kumuona ari mudiki .

"Ndakanga ndisinei naye , ende nyaya


yekutsvakirwawo mukadzi handina kumbobvira
ndakaishuvira muupenyu hwangu.. '

Chete zvekupikisana na baba vangu handide saka


ndakaona zvakanaka kumbosuduruka panzvimbo.

"Ndakakumbira baba vangu kuti vandipe mari"


wakava murumo umwe chete vakabva
vatondibvunza kuti ndinoda marii.

Ndakatanga nda searcher pamhepo kuti ma


Guitar anoita marii ndakabva ndatovaudza amount
yandaida.

Ndakaona mufaro mukuru pachiso chavo, vairatidza


kuti vafara kwazvo nekuvakumbira mari kwandanga
ndaita.

" Inini handisi munhu anongotora Advantage yekuti


baba vane mari saka ndongovakumbira mari pese
pese, aiwa handidero"

Apa ndakanga ndatokumbira nokuti ndaive


nechinangwa. Ndanga ndava ready kutanga
hupenyu hwangu hwutsva. Ende ndakazviudza kuti
nema Emotions andinawo ehupenyu hwangu
ndikava muimbi ndichaimba zvichafarirwa
neruzhinji.

Baba vakandipa mari yandaida

"Ndichingopiwa chete ndakabva ndavaudza kuti


ndava kumboenda ku Harare "

Vakabvunza kuti ndaida kuenda kundoitei kuguta


guru? Ndakavaudza kuti
"ndinoda kundotanga kutsikisa nziyo dzangu ndiri
ikoko"

ndakaenderera kumberi ndichiti

" Kana ndikaona ndava kugona , ndichafamba


ndichiridza pese pandinoziva kuti panosvikira
varungu. "

Ndinotenda imimi baba makandiendesa kuchikoro ,


ndakadzika ndikapasa.

Nhasi uno ndinechivimbo chekuzoimba zvinofadza


vanhu .

"Ende dziyo dzangu zhinji ndichadziimba dziri


dzechirungu , zvekuti music yangu ichafarirwa ne
world yese."

Baba vangu vakatanga kundiseka pavakanzwa


ndichiti ndinoda kuva muimbi.

Vakatodeedza mhamha vakati " mai Addie vuya


unzwe mwana wako"

Mai vachisvika vakawanika Gono vachiita kunonzi


kuseka , zvekutosvika pakubuda misodzi chaiyo
nesetswa.
Inini handina kuda kudzokera
kumashure ,ndakaramba ndakatsungirira nenyaya
yangu.

Izvo zvekuti ndaizoramba ndichichengetwa na baba


ndakazviramba ende zvekuramba ndichionana
namukoma vakaita kuti nhasi uno ndive wekuchema
ndakazviramba zvekare.

Kuti nditangane zvekare ne ku Applier basa


randakadzidzira ndakaona zvichinditorera nguva.

" Imwe nyaya yandaida kutiza pamba ndeya


Bianca, ndainyatso kunzwa moyo wangu usingade
kuva nemukadzi wekutsvakirwa."

Ndakazviudza kuti nomatter what

"i will be a Rockstar! Muimbi achava


nemukurumbira "

ende ndaizvinzwa muropa kuti zvichandiitisa mari


chete izvozvo

Baba vangu pavakaona kuti ndatsunga panyanya


yangu, sezvamunoziva havade neni chese
chandataura vanotochibvuma vakaverenga mari
yandanga ndataura vakabva vandipa ne extra
Mai vakabvunza kuti saka ndoenda here muroora
wavo asati auya, inini ndakavaudza kuti

"Don't worry mother , i want to be a Rockstar" I


believe in my self, ndinoziva kuti ndichaimba
zvichafadza vanhu ende ndichaita mari yakawanda
kana ndava nemari achauya zvake.

"Wadii kumirira kutanga waroora nhai Addie


wozoenda zvako, hauone here kuti hauzomuwane
mukana wekuunza Bianca pano" vakadero mai
vangu vachiratidza kusatoda kurasikirwa na Bianca
uyo wavanoziva kuti ane mari .

Ko Bianca wacho mwana weshoroma zve


zvotozoti iye anonzi anoita zve beauty and therapy
iyo yaakadzidza kunze kwenyika ndongonzwa
nembiri kuti iye pachakewo ane mari dzake.

Ndakabata mai vangu maoko ndikabva ndavati

" onai mhamha muroora wenyu wamuri kuda


munhu ane mari dzake .

Kana ndatoda nezvake ndinofanira kutanga ndava


nemari kuti asazonditonga. Zvinonakidza here
kuunza mwana wevanhu pano inini
ndichitotengerwawo underwear na baba ."

"Shuwa hazviite" vakadero mai vangu .

Ndakabva ndati you see , ndipei mwedzi muviri


chete zvese zvichange zvatonaka .

Baba vangu vakati " mwedzi muviri kuresa son ,


Bianca anofanira kuva mukadzi wako
nekukurumidza hazvichatode kunonokera

Mai vangu vakaswedera pana baba vakati

"Asi mwana ane point Gono , mukadzi akangoita


mari yakadarika yemurume anotonga regai mwana
aiite sarudzo dzake aite zvinhu nenguva yake"

Gono vakati "Handina kurambidza Addie kuti aende


kwaanoda , ngaaende zvake asi ndichasara
ndichindoroora Bianca paanodzoka anowanikwa ari
pano "

"What's the hurry father ? " ndakabvunza


ndisingafare nekuita kwavo.

Ndakanzwa vachiti "Don't tell me kuti unoda


kupikisana neni baba vako Addie?"
Ndakangovatarisa ndikati " aiwa baba , yu know
what's good for me itai zvamunofunga zvese
zvakangonaka chiregai ndiende " rwendo rwangu
rurefu ndaidero ndichivabhabhaisa.

Ivo vakangoti "usazondoita musikanzwa ikoko ziva


kuti wava nemukadzi kare. Imwe nyaya usazombofa
wakafunga kuenda kuzviporofita zvenhema
unokuvara"

Ndakangoseka ndichiva huger ndikati "musatya


Gono ndokuvara nei zvangu?" Rangariraika kuti
ndiri Gono remombe.

Vakasema vakati "Go well son , ufambire chimwe


sadriver we ambulance ma Eri kaka ka siyana
nawo "

"Don't worry father, gegege" ndakadero


ndichiseka ndichibereka chi secho changu .

Ndakatanga kufamba ndichienda ku gate mai Tee


vakamhanya vachida kundivhurira , ndakavanzwira
tsitsi ndikati

"Musazvinetsa maiguru ndinovhura ndega, i am


only angry at my brother, asi hazvirevi kuti
ndakakutsamwirai nemiwo .
Maiguru hamuna chamakanditadzira"

"I am not a bad person ndofunga munozviziva ,


shungu ndidzo chete dzinondikurira "

Dzimwe ndinozvibvunza kuti why mukoma vangu


vakada kundicheka nerakagomarara kudero? Now
ndava kuenda ku Harare without even say good
bye to him

nekuda kwehunhu hwavo .

"Eish i hate yu Olgado, how i wish kuti uchingofa


ndikangamwe nezvako"

Ndakataura ndakatarisa mukoma vangu avo


vaingoyeredza musodzi vakagara parukukwe.

Ndainyatsodeedzera kuti vazvinzwe asi ndaive


neshungu pamoyo nokuti ndinonzwa ndichichine ka
mweya kekuvada.

Maiguru vanditarisa vachibuda musodzi vakabva


vati "But bamnn munofunga here kuti mukoma
venyu vanga ..."

Vasina kupedzisa baba vakabva vati "Ko Addie


uchiri Ipapo?"
"Ndakangopukuta misodzi ndikabva ndati aiwa
ndava kuenda baba " ndaidero ndivhura gate
ndichibuda panze pandanga ndakamirirwa nemota.

Ndakangopinda mumota ndikaudza driver kuti


atsike mafuta tisvike ku Harare nenguva .

Ndaitoda kukangamwa nezve Headlands,


ndakazviudza kuti ndichadzoka kana ndava nemari
inoti yangu.

I am sure panguva iyoyo Olga achange afawo!!

End of chapter 4

Stay tuned guys, Keep comments .

Ngoma ndiyoyo vasati va voter click link riri


pamusoro muvhote ndiwanewo mavotes akawanda.
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

Please follow our Channel for more:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Mutyairi wemota akatyaira kusvika tasvika kuguta


guru. Munzira mese ndaisataura ndaive ndakaisa
ma earphones ndichiridza music ndichifunga
zveupenyu hwangu.

Tichisvika chinhu chandakatanga kuita kutenga


midziyo iyo yandaizokwanisa kushandisa pakuridza
music yangu.

Ndapedza ndakabva ndatanga ku searcher


kwandingawana accommodation iri nane , sezvo
ndisina wandaiziva mu Harare ndaitoita zve Google.
Ndakatsvaka kusvika ndaona yaive yakanzi Royal
guest iyo yairatidza kuti yaiwanikaa ku Avondale.

Ndakatsvaka mota yakandiendesa ikoko


ndichisvika ndakabhara pekugara mwedzi wese.
Paidhura zvapo asi ndakazviudza kuti ndinofanira
kusanganisa zvese kusvika zvanaka .

"Mari yandanga ndapiwa na baba vangu , zhinji


yanga yaperera pakutenga ma instruments."

Ndichipiwa ma key e room yangu ndakabva


ndarongedzera mbatya dzangu mu Wardrobe.

Ndichingopedza ndakabva ndaenda pa Google


kutanga kutsvaka munhu angandibetsera
zvandanga ndafambira mu Harare. Chokwadi
ndechekuti ndakanga ndisina ruzivo nezvekuimba
zvakanyanya asi ndainyatso kuzvinzwa mu ropa kuti
handimbokundikane.

Ndiri pakati pekutsvaka munhu angandibetsera ku


achiever dream rangu , ndakanzwa knock pa
door . Ndakati munhu wacho apinde , ndakaona ari
mukomana angangoitawo wemazera angu asi iye
airatidza zvake kuti aive mudiki mbichana kwandiri.

Mukomana uya akandimhoresa akabva ati


"Hello sir , my name is Rolix i am working here as a
cleaner " Ndauya kuzotarisa kana mune
zvakakwana nokuti ndava kuda kuchaisa.

"No problem Roxie wakasununguka zvako


kutarisa , kunyanya mu bathroom nokuti handina
kumbopindamo " ndakadero ndichidzokera pa
computer yangu.

"Thank you sir " akadero Roxie achiisa ma towels


nezvimwe zvaaiona zvaishota.

Apedza ndaona achibata keyboard rangu


akaramba akabata achiratidza kuriyemurira
chaizvo.

Ndakangosimudza musoro ndakaona achiridzosera


pasi nekukurumidza.

Ndakada kuseka asi ndaisave mu mood yacho.

Iye akatanga kufamba paakasvika pa door akabva


adzoka, akandibvunza kuti ndinoita nezvei zvandine
midziyo yekuridza mimhanzi.

"I am a singer " ndakadero ndakarova ma serious.

Ndakanzwa iye achiti "oh really , inini handina


zvangu chipo chekuimba asi gitare ne keyboard
ndinozvigonesa"
Pandakanzwa achidero ndakanzwa kufara ,

Ndakatomupa keyboard kuti aridze ndakanga


ndisingabvume kuti angangoigona.

Ndakashamisika mukomana achiridza keyboard


zvekuti neniwo ndakaona ndava kutotsvaka nziyo
yandingaimba pamuridziro waaita.

Ndakatanga kufunga situation yangu kubva


pekutanga kusvika pandiri . Ndakaona misodzi
yava kuerera. Ndakatanga kuita semunhu anotaura
kusvika ndava kuimba. Ndakanyatso kutsinzinha
maziso angu ndokuramba ndichiimba .

Ndakatora Guitar ndikatanga kuridza zvishoma


nezvishoma. Ndakanga ndisati ndakambobata
gitare muupenyu hwangu asi nekuda kweshungu ,
ndakaridza zvaienderana nezvandaiimba Rolix
akati zvake oita kunge munhu osvikirwa ne
Keyboard. Akaridza mukomama zvekuti
takazongoona vanhu vatozara muroom yangu.

Pakapinda vanhu ndopatakazonyarara.


Ndakanzwa vanhu vachiombera maoko kuratidza
kufarira zvatairidza. Ndakanzwa kufara chaizvo
ende ndakanyatsoona kuti zvechokwadi zvekuimba
ndizvo zvangu asi ndakanga ndisingazive chete.
Rolixie akazoenda kumba kwake asi aionekwa kuti
aitoda nezvangu, zvakamutorera nguva kuti aende.

"Ndakazosara ndikambotaura na baba vangu avo


vaida kunzwa kuti ndafamba sei. Ndichipedza
ndakabva ndarara " mangwana makuseni
ndakamutswa na Roxie uyo anga atondimukirira.

Ndakangondovhura door kuti apinde nokuti ainoita


knock yeruzha chaiyo. Achipinda akabva
andibvunza kuti studio yangu iri kupi anokumbira
kuenda neni.

Ipapo ndakaudza Roxie chokwadi changu kuti ndiri


kutotanga kuda kuimba, Roxie airatidza kuva
munhu akasununguka akato resigner basa rake
ipapo ipapo. Akatanga kundibetsera kutsvaka
kune ma Vocal coach avo vanodzidzisa vanhu
kuimba. Rolix mugare wemu Harare hapana
paasingazive saka zvaimurerukira.

Akatombotsvaka tsvaka asi vaaiwana vacho vaiti


vari busy .

Papera chinguva

ndakazongomuona ava kusekerera akabva ati


"ndanga ndatokangamwa Addie ufunge ,kune
wandinoziva anonyatsodzidzisa zvine unyanzvi
anogara ku Borrowdale Mugranoce" Iyeye
haamboite busy nokuti anodhura let's go.

Takangotora mota yakatiendesa ikoko.


Zvechokwadi Vocal coach takamuwana .
Ndakatanga kuimba ndichiridza Guitar Roxie aripa
Keyboard.

Vocal coach akatoseka akati vakomana munoda


kudzidziswa chiiko imimi?

"Inga mune mari yakakuwandisirai zvenyu "


akaenderera kumberi achiti

" chitotangai kuita ma show mudye mari nokuti


munogona"

Ma instruments enyu munawo zvipo munazvo


saka makamiswa nei?

Takazongomupira nyaya yedu kuti hatina ruzivo


zvakanyanya nokuti tiri kutanga. Vocal coach
wedu "akatanga kutidzidzisa zvimwe
zvezvatinofanira kuita kana tazova pa stage" takaita
two weeks tichidzidziswa zvakasiyana siya uye ku
tuner ma voice.
Pa 2 weeks ndanga ndatova ne nziyo dzangu 6
dzandanga nda former . Asi pane dzese
ndainyanya kufarira yekuti " Situation " .

Ndaiti kana ndoiimba nziyo iyoyo misodzi yangu


yaingotanga kuyerera zvisinei nekuti ndinoda here
kana kuti handide.

Ndakazobhadhara Vocal coach mari yake nebasa


guru raanga andiitira.

Pandakazobva mumaoko ake ndakanga ndava


muimbi wekuti ndega ndainzwa kuti zvaringana.
Pandakapa teacher mari yake " mari yangu yese
yakabva yaperera ipapo "

Imba ndanga ndabhadhara asi mari yechikafu


ndakanga ndisina . Ndakaona zvisingaite
kukumbira baba mari sezvo vaiti vakatondobvisa
roora ra Bianca atova kuden amirira inini.

Ndainyatsoona kuti kuvakumbira mari kuvanetsa


chaizvo, hongu ndaizviziva kuti baba vangu
havangapererwe nemari sezvo vava kutanga kuva
rich asi ndaitomboda kuzviitira zveziya rangu
zvisinei na baba mukati izvi zvakandipa
kutsungirira. Kutenga chingwa chema $1 for 2 ne
zi fusion rangu 5 liter.
Roxie handina kuda kumuudza kuti handina
Chikafu aiuya achiswera neni , inini ndaitomaker
sure kuti ndafana kudya chingwa changu asati
asvika ndaisamboda kumuratidza situation
yandaive nayo.

Rakazoti rimwe zuva Rolix akauya achiita kunge


munhu aidzingirirwa neimbwa nhatu akasvika
achindiudza kuti

"A applier kuva singer pa Birthday remukuru


wechikoro ku Bev, saka tiri kutodiwa na 12 o'clock .
Ndakatarisa nguva ndikaona dzichiti half past ten
ndakatogeza fast ndikabva ndatanga kugadzirira.
Pandakapedza tisati tasimuka Rolix akati

" Addie ngatinamate zvinhu zvedu zvifambe


zvakanaka , kwatiri kuenda kuchikoro chevarungu
zvekuti kana tikangoimba zvavafarira mhepo
dzikasasimuka uchaona tichitozodeedzwa kuma
functions akasiyana siyana."

Pakadero Roxie ndakaseka zvangu kuita kunge


ndichabuda musodzi , ndakaona iye akanditarisa
anenge aitoshamisika kuti ndiri kusekei.

Paakazoona kuti setsa dzangu dzapera akabva ati


" What's so funny pakuti ngatipfugame tinamate?"
Ndakatangidza kuseka zvekare ndakazobva ndati
"Nothing buddy, it's only i don't believe in
prayers" ndakadero ndichiwedzera kuseka . Aiwa
Roxie anga andinakidza zvangu.

Inini kubva ndichikura ndaingoziva kuti hakuna


chinonzi Mwari . Mukoma Olga ndivo vaimbozama
kundiudza kuti Mwari ariko asi nokuda kwemabasa
avo ndakatozoona kuti zvechokwadi vaitonyepawo
hakuna chinhu chinonzi kunamata Mwari.

" God does not exist !" Kunongova Kunyengana


mukanwa kwega kwega ikoko.

Rolix akangonditarisa akabva ati inga utori


serious , anyway regedza zvangu ndinamate
ndega "I have faith in God , iye Mwari
akandisanganisa newe kuti uve Destiny helper
yangu" I really believe kuti upenyu hwangu
hwuchachinja chete . Aidero achitogwadama .

"Rolixie akatanga kunamata inini ndaive busy


kurongedza ma Instruments ndakamirira kupedza
kwake."

Achingopedza takabva taenda zvedu uko kwatanga


takamirirwa.
Tichisvika ndakashamisika kuona pakazara
varungu , vanhu vatema vaivepo asi vaive vashoma

"Ende vashoma vacho, waingoona wega kuti


ndevaya vane mari dzavo."

Takagamuchirwa zvakanaka , takazopiwa ground.

"Tichipinda pa stage vanhu vakatanga kuita noise ,


vasati vatombonzwa nezvacho zvataida kuimba"

Inini ndatanga kuimba nziyo yangu yaiti " Be mine "

Vanhu vakaratidza kuifarira chaizvo.

Ndichipedza ndakaimba " Situation " yoo iyi


yakafarirwa nemunhu wese ndakaona varungu
vachitanga kutamba, Roxie akatanga zvake kuridza
Keyboard yake akanyatsotsinzinira . Mwana aive
nechipo chekurova Keyboard iyeye.

Takaridza " Situation " kusvika taidzokororeswa


katatu. Vaitora ma video's vaitora . Takazopendera
Show yedu nesong

"BEST WISH MR BARAK ENJOY YOUR DAY ,


HAPPY BIRTHDAY " Ndakanyatsoimba yakati
siyanei nemuimbirwo wajairwa nawo nevazhinji. "
Pakafarwa zvakanyanyisa. Tapedza vakazosara
kucheka cake ravo isusu tabhadharwa mari yedu
kare.

Mr Barak vakafara nekuimba kwedu , vakakumbira


kuenda nesu ku Zambia vakati vane Function
yavanayo ikoko yezvechikoro.

Ndakaona umwe wangu achibata hana kufarira,


neniwo ndakanzwa kufara .

Takaudzwa zuva rekuenda ma Passports ndivo


vakatoagadzirisa e emergency.

Zuva rekuenda ku Zambia richikwana baba vangu


vakandifonera makuseni seni vachibvunza kuti
ndichauya rinhi kumukadzi nekuti mwedzi
watokwana ndisina kudzoka.

"Ndakangoudza baba vangu kuti vasandityira


ndinouya, vakandisendera number dza Bianca"
Ndakabva ndatotanga kutaura naye.

Munhu wacho airatidza kuti ari sweet uye rude


zvekare"

Ndakamuudza kuti ndouya after 2 weeks dai


ndaiziva zvaive kumberi kwangu ndaisambodero .
Mr Barak vakatitora vakaenda nesu ku Zambia uko
kwatakagara vhiki mbiri tichiimba mari ichipinda.
Tava kuda kudzokera ku Zim takabva tawana imwe
Opportunity yekuenda ku Ghana. Kwaive
nevanoita zvema films vaida kutsikisa ma Movies
avo saka vakati type ye music yedu ndoino
qualifier.

Mr Barak vakatiendesa ikoko

Zvinhu zvedu zvakatanga kuita mutserendende


zvakuti neni ndakatanga kuona kuti Mwari vanenge
variko. Rolix aisarara asina kunamata kana kuenda
ku stage asina kuudza musiki izvo aisaita.

Takagara mwedzi mitanhatu tiri kunze kwenyika


tichichideedzwa nyika dzakasiyana . Mr Barak ndivo
vaimira nesu pane zvese.

Chipo changu chakatanga kukura zvekuti


ndakanga ndava kutozikamwa kuti kune mwana we
ku Zimbabwe anoimba zvinodadisa. Nziyo
dzakanga dzava kungouya mumusoro dzega
dzakasiyana siyana.

Ndakatotanga kudeedzwa ndichinzi The Rockstar


ende ndakatopiwa nema guards nokuti pese
pandasvika vanhu vanenge vachitoda kundibata
ruoko manje zvaizondinonotsa kusvika pa Stage.

After 6 month's ndakanga ndava nemari


yakawanda chaizvo.

Ndakatenda Mr Barak nerudo rwavo,


vakangondiudza kuti "it's nothing ndinofanira
kutenda Mwari akandipa voice rakanaka."

Ndakaudza Rolix kuti yava nguva yekudzokera ku


Zim , akafara chaizvo naiye anoratidza kuti anga
akusuwa kunyika yedu.

Takatora fight yedu , ichingosvika vanhu vakanga


vakatigarira pa Airport hameno anga afambisa
shoko kuti the Rockstar varikuuya ku Zim.

" Kungoburuka mundege kwedu chete, vanhu


vakabva vatanga kufara vachiti our Rock Star is
back"

Munhu wese aitoda kuvapedyo neni , ma Guards


akapinda busy kuswededza vanhu kure neni.
Ndakamhanya ndichipinda mumota kuti vanhu
vasakuvadzana nekusundana pandakangopinda
mumota ndakanzwa Roxie achiti the real celebrity
"Rockstar" ndakango smiler zvangu ndikati all
thanks to yu Rolix.
Takatakurwa nemota tikaendeswa kumba kwairoja
Roxie , tichingosvika ndakabva ndaudza Rolix kuti
ndoda kutenga imba mu Harare imomo, uye mota
dzangu nhatu.

Roxie akandibetsera kutenga zvandaida one mota


ndakapa iye se gift yekumutenda nerubatsiro
rwake.

"Ndakamupa zvekare mari yekuti atenge


zvaaida,Roxie akanditenda kasingapere."

Akazogara neni pasi akabva andiudza kuti

"Addie zvimwe zvese ungaita asi chekutanga


tungamidza Mwari mberi kuti zvinhu zvako zvifambe
zvakanaka "

Akaenderera kumberi achiti

" kazhinji ukaona une usimbe hwekunamata pane


chinenge chichito kuforcer kuti unzwe usimbe."

Paakadero ndakatanga kuyeredza misodzi ,

Ndakamuudza zvekushaika kwevakadzi vangu 4


nevana vavo, uye zvekuti mukoma vangu ndiye
honzeresi
Rolix akandiudza kuti "Chekutanga namatira kuti
zvakavanzika zvifumuke , akaenderera kumberi
akati kazhinji munhu ari innocent ndiye anobatwa
nemhosva."

Zvaunoona majere akazara nevanhu vazhinji vari


muma cells iwayo varikutopikira dzavasingazive.
Akazobva ati inini handina ku church kwandinoenda
nokuti ndinoziva kuti maporofita enhema awandisa
asi hazvindikonese kunamata izvozvo.

Akatanga kuchema akati zvaunoona inini ndakadai


handina wandinoti wangu, ndakashaikirwa
nevabereki ndiri mwana mudiki ndikasiiwa ndine
hanzvadzi yangu. Pandakazouyawo kuno kuHarare
kutsvaka zvingandiraramisa memwana wamai
vangu ndakazonzwa kuti akasara akaroorwa
nerombewo zvaro risina charinacho .

Kubva ipapo ndiwo akava magumo ekuvonana


naye izvezvi handizive kana kwaari kuti arisei. My
poor sister akadero ava kuwedzera kuchema .
Ndakangomupukuta musodzi nokuti ndakanga
ndamunzwira tsitsi.

Iye akati

"Ngatipfugame timamate Addie Mwari arambe


achizadzisa zvishuvo zvemoyo yedu." Akadero
Rolix achigwadama akandibata maoko.

Inini ndakagwadama asi ndainzwa hana yangu


kurova

"Roxi akatanga kuimba dziyo dzerutendo inini


ndakanyarara ,

paakazoda kuti Ngatinamatei phone yangu


yakabva yaringer. Kundotarisa kudai wanei ndibaba .

Ndakangosimuka ndichimhanyira kudaira

"Hello father, makadini?"

Ndakanzwa vachitaura neinzwi rakatsvetera


vakangoti "Addie siya zvauri kuda kuita , ndiri
kurwara serious vuya kuno nhasi chaiye"

Okay father ndouya .

"Vuya izvezvi ,Handikate foni kusvika ndanzwa kuti


wava ku driver mota kuuya." Ndakanzwa vachidero

Okay father ndakadero ndava kutorongedza,


"shemu vanga vanzweiko baba vangu."

Ndakaudza Rolix kuti aone nezveimba yangu uye


imwe mota inini ndava kutoenda ku Headlands.

"Kwakanaka here Addie? " akabvunza

"Noo hakuna kunaka buddy , baba vangu


varikurwara serious saka handizive kuti
ndichadzoka rinhi tac care "Ndakadero ndava
kutoisa mabhegi mumota.

"Okay vuya tinamate usati wasimuka , usatya zvako


vanoita zvakanaka " akadero Roxie ava
kutondidhonza .

Ndakanzwa baba vava kuwedzeresa kukosora


vainzwikwa nepafoni vakabva vati

" Addie urikunonoka uchawanikwa ndava


chitunha ,pandakangonzwa kuti situation ina baba
vangu irikuwedzera ndakangoti kuna Roxie
tozonamata rimwe zuva regedza ndiende" ndaidero
ndichimumbundukira.

Iye akati

"I will mic yu Rockstar " akadero ava kutochema.

"Me too ufunge" ndakadero ndava kutopinda


mumota.
Ndakabva ndati kuna Driver wangu a drive fast
tikurumidze kusvika.

Driver akaita sezvandanga ndareva ndakasiya


Roxie akangonditarisa , baba pavakanzwa kufamba
kwemota vakabva vati

"thank yu son, i am really appreciate " vaidero


vachikata foni.

Munzira mese ndaive worried kuti baba vangu vari


pa state yakadini ? Ndaiita kunzwa kurwadziwa
nokuti baba vangu handide navo

Ndichisvika ndakashamisika ndichivaona vakagara


zvavo na Bianca vachimwa Champaign , ende
vaitoratidza kuti havarware zvese zvitori bho.

Pavakangondiona vakabva vati look who is here


muroora , auya ka murume wako wawanga
uchichemera.

"I am very happy today , my son is here.

you are welcome Rockstar .

Ndanga ndanzwa nekukuonera pa T.V


mwanawangu , i am very proud of you. " Vakadero
vachindimbundukira vachiita kuseka
Inini ndakangoti inga manga muchiti muri...

Ndisina kupedzisa vakangoti hahahaha *Forget


about that son*

Vona mudzimai wako uyu

End of chapter *5*

Keep comments guys , book redu richanakidza


chaizvo kana mukaramba muchiripa support
sezvamuri kuita. I love yu all

Gono nemuroora wake bho here?


https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow our channel for more:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103#

Chapter **

*Gono*

"Ko nhai Gono urikufunga kuita sei nemwana wako


anoratidza kuti ari kunakirwa nenyika rutivi arikunze
kwenyika. "

Ndakarohwa nehana ndichiona iri msg yandanga


ndasenderwa na Sahwira wangu Akash.

Ndichingopedza kuiverenga ndakabva


ndatomuchaira runhare ipapo ipapo . Foni
yakangoringer kamwe chete akabva ato receiver
akangotanga nekuti

"Gono unonyatso kuziva kuti hatina nguva


yakawanda , hindava uchiregerera mwana wako
achirovera ku chando.

Unoda here kuti mhiko dzisafamba zvakanaka


zvese zvifumuke °°" akadero achitaurira pamusoro
kuratidza kunyangadzwa chaiko.

Inini semunhu ndaiziva kuti chidzoro chava changu ,


Akash akatopedza zvese mwana wake ava pamba
pangu ndakadzikamisa inzwi ndikabva ndati
"Don't worry Akash , inga unoziva wani kuti
mukomana wacho zvandataura ndizvo zvaanoita .
Be patient zvese zvinofamba zvakanaka ndioona
kuti ndikamurambidza kuita zvaanodawo muupenyu
anogona kuzokurumidza kundifungira " Rangarira
tiri kutamba nemunhu akadzidza.

"Please give me more time , to handle the


situation on my own way . Trust me , very soon we
will make JEMEDZA proud!" Ndakadero ndichiita
kunonzi kudedera ndainyatsoonawo kuti zveshuwa
nguva yacho yafamba.

"No Gono , we don't have much time mwana


wangu ava ne mwedzi mishanu akagara ikoko.
Rangarira kuti ma rituals atakaita ane mitemo
kana Bianca akangorara chete nemunhu asiri
weropa rako zvese zvichadhakwa!"

Achasvika pakuneta mwana onzwawo kuti nyama


dzoda kumboshandirwa, achabuda achitsvaka
service kunze . "Ende once angodero unofanira
kuziva kuti ndiko kuchava kuparara kwedu."
Akadero Akash achindiyeuchidza mhiko dzatapiwa
na Jemedza kuti zvinhu zvedu zvifambe negwara .

Pakadero Akash handina kumupindura nokuti

ndakanzwa hana yangu kurova, zvechokwadi


Bianca wacho anoratidza kuti zvepasi peguvhu
zvinodiwa zvakanyanyisa unongonzwa nenyaya
dzake.

"Hongu Jemedza akati after ritual, Addie haafanire


kurara neumwe munhu kunze kwa Bianca. " Bianca
wo akanzi haafanire kuzorara nemunhu asiri wekwa
Gono.

Vaviri ava vakanzi vanofanira kurara vese


nekukurumidza kuti vakwanise kubara chidhoma
icho chichaita kuti tive nemari yakawanda kudarika
yatinayo."
Jemedza akati zvekare

" Addie hazviite kumujoinisa kuhurombwa kana


asati arara na Bianca.

Nyaya iyi inotondinetsa kuti sei zvichidero nokuti


pana Bianca hazvina kumbonetsa.

Bianca akatanga ku joiner pakafa mukadzi wa


Addie wekutanga , ende akatoudzwa na baba vake
kuti ndozviripo akatenda .

Ikozvino ava kuziva iri kutambika yese, ende


zvinoratidza kutomunakidza."

Manje Addie ndiwo makata chaiwo haana


chaanoziva ari murima , ndinotoita zvekumubatisa
mushonga asingazive, sezvaakaita pakuremadza
mukoma vake."

Ndakaudzwa na Jemedza kuti ndisambofa


ndakamuudza kuti ndakaromba nezita rake
otherwise he will expose me .

Jemedza akati ndinofanira kutanga ndasanganisa


vaviri ava vava mukadzi nemurume. Kuti ndiko kuti
zvireruke kuti Addie afambe munzira dzedu.
Ndakatanga kuzvivhunza kuti asi takakanganisa
kuita ma rituals Addie wacho arikure . Musoro
wangu wangu wakatanga ku boiler ndichifunga kuti
Addie wacho ndichamuwana kupi dai aive mu
Zimbabwe zvaive nane ndimutevera pese paari.
Manje kunze kwenyika kwaakatanga kuda kuenda
uko zvichandinetsa chete.

"Zvanga zvareruka mufunge nekuti

Bianca ndakatomupiwa na baba vake mahara sezvo


vachiziva deal , chasara ndiye mukomana
wemhino refu iyeyu kuti auye mhiko ichizadziswa. "

"Zvino ndichamuunza sei kuna Bianca ? iye arikure


kure kwakadero" ndakatanga kuzvitongesa ndega
mumoyo ndanga ndatokangamwa kuti Akash achiri
pa call neni haasati akata ndakatozonzwa ava kuti

"Ko wanyararire ? " nhai Gono

Ukaona Addie wako akaita musikanzwa asati arara


na Bianca zvichadhakwa !! Uyowo Bianca
akandoradzikwa kunze usingazive akabata
nhumbu woziva kuti zvadhakwa. "Inini ndava
kusiira zvese mumaoko ako pangu ndakapedza ,
mwana sikana wangu ndakakupa " akadero Akash
achiratidza kakudhiniwa
"Usatya Akash i will make sure kuti Addie auye
kuno mwedzi uno , zviri zvekurara neumwe munhu
kunze handimutyire zvangu nokuti muchini wake
ndakamusota." Haumbofe wakamuka kana asiri
pana Bianca, ndosaka ndakamubvumidza kuenda
kure neni. Ndaitoziva kuti haana zvaanomboita.
Wandingatotyira ndiye muroora wangu uyu
ndakadero ndakatarisa Bianca aifamba akapfeka
chi skirt chidiki diki achienda ku room kwake.

Akash akazokata foni , ndakabva ndafamba


ndichienda kuna Bianca ndine kamwe ka feeling
kandaingonzwa kubva zvandanga ndamuona
achidarika pedyo neni.

Ndichisvika ku room kwake ndakawanikwa mai va


Addie variko vari busy kumutsiura kuti mupfekero
wake hauite.

Iye akangoridza tsamwa achitobuda.

Mai Addie vakada kuti nditaure naye inini


ndakangorambira ipapo ndaiitanga sei zvangu
nyaya yacho.

Ndabva mukutaura na Akash takangogara vhiki


imwe chete , ndakabva ndaona pa T.V zvichinzi the
Rockstar varikuuya vachibva ku Kenya
ndakanzwa kufara nokuti ndaiziva kuti zvinhu
zvangu zvava kuzobatana manje. Musi waakasvika
mu Harare , Jemedza akabva atondiudza kuti

"mwana wangu ava kuda ku crosser limit,


ndikatadza kumutsiura anogona kumuuraya
rakacheka nyika nokuti nzira yaava kuda kusarudza
haiisi iyo. "

Ndakabvunza kuti chiizve chooda kuurairwa .

Ndakanzwa Jemedza achiti "Ane munhu waari


kutamba naye ava kuda kumudzisa
nezvekunamata"

"What?" Ndakadero ndichishamisika Jemedza


akangoti do something before it's too late.

Ndakanzwa kutya nemashoko a Jemedza ko Addie


anga atanga zveshamwari na rinhi ? Uye kuda
kudzidza kunamata . Ndakazvivimbisa kuti akauya
hakuna kuHarare kwaanodzokera. Anofanira
kutorara na Bianca achiva umwe wedu otherwise
angazondinetsa zvooda kuita izvi zvinokuvadzisa.

Ndakatsamwa zvekuti ndakamufonera


nekukurumidza. Wakava muromo umwe chete kuti
ndarwara ndakanzwa iye achiti
" i am coming father."

Ndakato maker sure kuti hakuna foni yandaizokata


kusvika ndanzwa kuti munhu abva panzvimbo.
Ndakazodeedza Bianca kuti timwe Champaign tichi
celebrater kuuya kwa Addie. Ndaiona mufaro
mukuru pachiso cha Bianca zvairatidza kuti iye
anga aperera pana Rockstar.

"Addie paakazosvika akawanikwa ndisingarware


akaratidza kusafara nazvo"

Semunhu ane mwana wake ndakagara naye pasi


ndikamuonesa kuti ndanga ndichimudeedzera
mukadzi wake , 6 months dzese akangomirira
murume asingasvike.

Ndakaona Addie achinditarisa akabva ati

"But father, manga musingafanire kudero nokuti


ndanga ndichiuya nenguva yangu."

Ndine zvizhinji zvandanga ndichiri kuda kugadzirisa


sezvo ndava nemari dzanguwo , akaenderera
kumberi achiti

"Zvisinei mangwana ndiri kudzokera ku Harare,


ndichazodzoka kana zvese zvava mugwara izvezvi
ndasiira zvinhu zvese Rolix , iye ane zvakewo
zvaanoda kuita saka zvinogona kumuremera
kuzvibatanidza let's hope you understand father ,
where is mom ?" Akabvunza achitofamba
kundovatsvaka mumba.

Ndakangosara ndakavhura maziso ndakaona


Bianca achishatisa kumeso akabva ati

"Ndohunhu hwemunhu wandakamirira kwe mwedzi


mitanhatu yese here uhwu?

Addie Kana kuda kundicheuka zvake kutondi


ignore kunge arikuona chinhu chakaora noo my
father must here this " aidero achiisa phone
panzeve .

Ndakaona kuti nyaya yacho ikasvika kuna


Akash haipere zvakanaka Addie anogona
kuurawa, nokuti Akash ndozvaasingade kunzwa kuti
mwana wake atsamwiswa.

Ndakapinda busy kunyengerera Bianca


ndakatozoita zvekumbundukira chaiko ndichimu
comforter kuti ave ne patience.

Ndichakamumbundukira ndakanzwa ndichitoda


kumukisa , iye airatidza kuti aive ne ginger kare
nekuti akaramba akanamira pandaive.

Pandakangodzisa musoro wangu, ndakanzwa


munhu achikosora pandakati cheu ndakabata hana
ndichiona vari mai Tee

"yoo it was so close" Ndakatura mafemo ivo kuzoita


kunge munhu akadzungaira vakangiramba
vakamira vakatitarisa ndakapopota zvekuti naivo
ndakaona vachidududza kudzokera kumashure .

"Hey Come back here !! " Akadero Bianca.

Ivo vakangosiya ma Key vakabva varamba


vachifamba ndakanzwa varidzwa zenya na Bianca .

Ndakaona vachiyeredza musodzi vachienda vasina


kwavasvika vakabva vasangana na mai va Addie
avo vakatiwo

"Ko iwewe urikuchemeiwo "

Mai Tee vakaramba vachifamba mai va Addie


vakabva vati

"Nherera munonetsa mhani , kungogara


muchifunga zvekuroya !! Izvezve urikutofunga kuti
mwana wangu zvaauya achazadza mudzimai wake
nguvai kuti uzowana kutetena mabonzo nxiii this
time haugwazi mwana we Hure."

Aikazve ndakaona ruvengo rwukuru pana mai


Addie na Mai Tee izvi zvakandipa kusekerera.
Ndakaziva kuti mai Tee ega haangazvigone ,
murume akaremara haataure haakwanise kana
kunyora zvako chero ane zvaaona achazviudza sei
vanhu gegege ndakaseka zvangu ndichibva pana
Bianca kuti mai Addie vasazobvunza zvakawanda.

Manheru handina kurara ndichifunga kuti Addie ava


papi na Bianca chandaitoda ndechekuti vaviri ava
varare vese mhiko isimbe. Ndakada kundoteerera
ndiri pa door asi ndakazoona kuti hazviite. Hope
dzakatondibata kwava kundoedza zvekuti
ndakanonoka kumuka.

Pandakamuka ndipo pandakasangana neshura


randaiudzwa na Bianca kuti Addie haana
zvaakamuita akati achiri kumboda nguva asi
anomuda chaizvo. Ndakaudza Bianca kuti asatya
manheru zvinoita ndicha maker sure kuti ndamuisira
drug rinosimudza ma feelings.

Bianca akanditarisa akabva ati "mwana wenyu


haapo pano, aenda ku Birchenough Bridge
kundoridza kune varungu vamudeedza ikoko atobva
pano ari makuseni chaiwo muchakarara ati
haangakumutsei"
Ndakatarisa Bianca ndikabva ndati "Uri kuti chiiko
iwewe?"

Bianca akanditarisa akatsvuka ziso akabva ati

"It's all your fault Gono, you allow your son to be a


singer right "

Hawoka ma results , the Rockstar is vanished inini


ndava kutomboenda kundotsvaka angandifadza
handingazvigone zvekumirira mazai akaora
remember anoda hupfumi ndiwe . Inini baba
vangu vakafuma kare ..

Vaka sacrificer nemukadzi wavo , mwana wavo


musikana , baba na amai vavo kuti vaite mari saka
usafunga kuti chero mhiko dzikaenda nepamwe
vachapererwa nehupfumi .

"Vanotoitirawo iwewe kuti uvewo parinane udarike


zvauri izvi zvekufamba ne mota imwe chete
uchigara mu 6 roomed."

"I am done here " aidero Bianca achifamba kubva


muroom make. Ndakangomudhonza ndikabva
ndavhara door ndakazviudza kuti ndava kutotora
risk pamba ipapo chero mai Addie vaizondiona
ndaingovauraya , mukadzi anotsvakwa umwe.
Ndakabata Bianca kusvika ava kundideedza
nemutupo kuti Gono kani chipedzisai zvamatanga.
Ndakanyatsorova usavi hwangu bho bho zvekuti
ndaida kuti Bianca asambofunga kubva pamba
pangu. Ndakazviudza kuti Addie yava nguva
yekumuteera manje , ende zvekumusekerera zvava
kufanira kuchipera.

"Inga ava kutoda kundikonewa chaizvo. "

Ndichipedza kubata Bianca panovhuta ipapo


ndakasiya adzikama ndakabva ndamufukidza ma
gumbezi ndikati ndiri kudzoka ndoda kuwanikwa
uripo ndizokupamha zvakare. Ndakaona achi smiler
ndikabva ndaziva kuti ndamugona ko tiri vana Gono
zvee kuchembera zvako asi toziva zvatinoita.

Ndakazobuda muroom ma Bianca ndakananga ku...

*Harleen*

"Mbuya Harini" ndakadeedza mbuya vangu


mushure mekunge vabva mukufonerana na Sekuru
Tashinga. Ndakaona vachiramba vakaomesa gotsi
kuratidza kusada kunzwa zvandaida kutaura.
Ndakavamhanyira ndokubva ndikati

"I am sorry Girlfriend kutaura chokwadi ndanga


ndichifara Gogo handina kuRoma kwandakaenda
inini, pliz Ndokumbirawo musandiendesa kwa
sekuru Tashinga"

Mbuya vakangoti aiwa hapana chakaipa muzukuru


hakuna kwaunoenda"

Ndakanzwa kufara chaizvo nekuti ndakanga


ndisina kwaRusape kwandaizoenda. Mangwana
makuseni ndakashamisika umwe wema driver a
sekuru Tashinga achisvika . Mbuya vakati ee
watogona ukauya nguva dzino rwuchiri rungwanani
tingaenda zvedu . "Harleen pinda mumota tione"
vakadero gogo

"Toenda kupizve nhai Gogiri , inga mati hatisi


kuenda kwa sekuru T.J wani" ndakabvunza
ndakaisa muromo mumhino.

Mbuya vakati " inga hon'o zvee hatisi kuenda


kwaunofungira, Iwewe pinda mumota chete."

"Okay regai ndimbogeza mbuya ndiwane kufamba


ndakatsvinda " ndaidero ndichida kuwana
kunzvenga .
Ndakanzwa mbuya vachiti aiwa pinda zvako
wakadero muzukuru wangu hakuna kure kwatiri
kuenda.

Pandakanzwa kudero ndakazopinda zvangu asi


ndisingafare.

Ndakashamisika driver otora nzira yekwa Rusape


straight , ndakanzwa kusvotwa tichisvika pamba pa
Sekuru vangu. Tichisvika vakatigamuchira
nemufaro pamwe chete nemukadzi wavo.

Mbuya vakabva vati ndatoti ndiuye naye ndimene


Harleen anditambudza uyu. "Anorova vana
vevanhu ku village , hutsvina zvekare ndihwo
hwamuri kungoona uhwohwu. " Kana ndikada
kumutsiura anobva ataurawo zvake zvemusoro
wake inini handide kukwidzwa B.P yangu ndakura
kudai.

"Chimbogarai naye imimi kusvika vabereki vake


vauya ,ndoziva kuti kana mai vake vakauya ndivo
vega vanomugona." Vaidero gogo vachitopinda
mumota vakabva vati driver Ndokumbirawo
udzokere neni kumba kwangu ndine nzungu
dzandoda kudzura dzingamera dzikaramba dziri
muvhu.
"Okay Gogo " akadero driver achienda kumota.

Sekuru T.J vakazoraira mbuya zhezha ravaida


vakati vape driver kana odzoka.

Gogo vakangoti ndichaisa zvishoma asi anoda jira


ndiye anokwenya.

"I love yu mwana wemwana wangu tac care"


vakadero mbuya mota yava kubuda pa gedhe.
Handina zvangu kudaira chandakagona kumhanya
ku bath kundogeza.

Ndakabva ndandochinja mbatya dzangu , Sekuru


vaingondiseka .

Akati asvika manheru nguva dzekunamata


dzakwana

" sekuru vakatanga zvavo zvekudeedza vanhu kuti


vauye pamunamato" Iyi ndiyo yega nyaya
yandakavengera kwa Sekuru havanei nekuti uri
maid , guard, gate man kana nguva dzakwana
chete mese munotomutswa.

Monzi pamunamato.

Seizvinei tese takapfugama vainamata


vachinamata , Inini zvangu ndaingobetsera vamwe
kupfugama asi zvekunamata chaizvo ndainyatso
kunzwa kuti hazvisi zvangu. Handina kana shoko
rimwe chete randakataura panguva yainamata
vamwe chandakazongogona ndechekuti Amen.

Tichipedza kunamata "Bishop vakabva


vazopendera nemunamato vachipedza, takabva
taparadzana vamwe nevamwe voenda kundorara
kwavo 00:00 midnight ichongokwana ndanzwa
sekuru vava kutoimba varipanze. Haa ipapo
ndakanyatsozvipfinyira gumbezi ndakazviudza kuti
hakuna kwandinoenda pasina nguva ndakanzwa
ndakushwa mvura ende mvura yacho
yainyatsonzwika kuti yakushwa yakawanda
chaizvo. Ndakamuka ipapo ndiri bara ndainzwa
kuda kuisa munhu chibhakera ndakazodzora maoko
ndaona vari sekuru Tashinga.

Pavakaona kuti ndamuka vakabva vati

"uri kutononoka Harleen , munhu wese ava


panzvimbo tamirira iwewe "

Ndakatanga kukwenya mudunhu ndichishama n'ai


ndichiti "Ahh sekuru hazviite here kuti munamate
musina inini?"

Sekuru Tashinga vakatondibata ruoko vakati


"Hazvigone muzukuru pano pamba pa Bishop
panobviswa vanhu mabvuri vakawanda chaizvo,
kana tava kunamata munhu wese anofanira
kunamata otherwise uyo anenge asinganamate
zvinomu attacker " Ende sewe zvinogona
kusabatira pauri nokuti uchiri mwana mudiki, asi
zvichando attacker gogo vako"

"Izvezvi patanamata mumato wa 9 ndazonzwa


vachindifonera vachiti havasi kugona kumedza
chikafu vanonzwa kunge varikudzvinyiwa ndiudze
chokwadi patanga tichinamata wanamatawo here
iwewe?" Vakabvunza

Ndakatanga kudedera ndakamira , mbuya vangu


handide navo.

"Zvimwe zvese zvingaitika kuhama dzese


ndikazvigamuchira , asi kana tava kutaura zva
Mbuya aiwa apo ndinomira mira "

"Ohh haude kutaura hako , inini ndava


kundonamata kana ukazongonzwa kuti mbuya vako
vaoma kumusha uko woziva kuti ndiwe
wavaomesa" Vakadero sekuru vachifamba kuenda.

"Wait for me sekuru Tashinga " ndakadero


ndichimhanya kuvateera.
Sekuru Tashinga vatova munhu muhombe
kwandiri , vanotova nemwana ane 10yrs asi inini
ndinongovadeedza nezita ndakanyanya kuvajairira.

Ndakamhanya ndichivateera ndichisvika


ndakawanikwa vamwe vatova pakati pekunamata.
Ndakamboda kunyarara asi ndakazofunga kuti
mbuya vangangodzvinyiwa.

Ndakatanga kuda kuti Mwari ndi... chakandinetsa


handina kuzotaura izvozvo rurimi rwangu
rwaindituma kutaura zvanguwo zvisinei
nezvandaida kunamata mamwe emashoko
andaibuditsa pakunamata kwangu ndeekuti "
Abrakadhabhura Adoskaravash"

Zvaitondinetsa kuti mashoko iwayo aibvepi


ndakanamata nguva refu, vamwe vakasvika
pakunyarara inini na Bishop tikasara tichinamata.

Pakazoti Bishop Amen , neniwo ndakabva ndati


"Amen"

Ndichingopedza gogo mukadzi wa Bishop vakabva


vati "Nhaiwe Harleen munamatiro rudzii wawanga
uchiita? hindava uchitamba nezvimwe zvinhu
zvisingatambwe nazvo.
"Ndaita sei nhai gogo ?" Ndakabvunza

"Kuita sei kwekudini , iwewe hauone kuti unoita ma


funnies pasingatombode zvema jokes. " vakadero
vachiratidza kugumbuka inini ndakanyarara nokuti
ndaitoshayawo remumuromo.

Sekuru ndivo vakatozoti "Mai Bishop siyai mwana,


hamuzive here kuti ndi Prophettes Harleen ava"
musiyei anamate munamatiro waanoda as long
angonamata chete hapana chakaipa.

But Bishop muri kukurudzira mwana kuita zvisina


kunaka . "Chero iye muporofita makambomuonepi
anonamata achoti , Bhurakadhabhura" vakadero
Gogo vachiratidza kuonesa sekuru kuti zvandaita
hazviite zvachose.

Sekuru vakangoseka vakati " Kana kwedu kwa


mugodhi tisinganamate tichidero ivo nengirozi
dzekwavo vanodero , ma Pentecostal ka vana
Prophettes Harleen " vaidero vachiwedzera
kuseka zvekuti chero vashandiwo vasekuru
vakaseka. Takazoenda kundorara sekuru
vakaramba kundipa mamwe magumbezi kwanzi
ndokuti umuke na 3.

Ndakaita vhiki yese zvichindirwadza zvekunamata ,


ende ndaisachinja munamatiro wangu waingove
uyoyo. Sekuru ndovaingondiseka vachiti ma
tounges ari kuwedzera ka aya Prophettes rambai
makatsika ipapo.

Mbuya vainzwa kusvotwa nokuti vaifunga kuti


ndaizviitisa.

Ndakazogara kwa sekuru mwedzi 4


pandakangokwanisa 18yrs dzangu , ndakabva ndati
ndoda kundo celebrater birthday rangu na Gogo
kumusha. Sekuru havana kuramba vakabva
vaenda neni.

Vakaudza gogo kuti at least munhu wenyu achinja.


Gogo vakafara nekudzoka kwangu inini ndakanga
ndisingachanyanye musikanzwa zvakanga zvava
kuita zvichiita nane. Ende ndakanga ndawana
shamwari yangu iyo yainzi Bridget
yandakatsvakirwa na mbuya.

Inini ndaimudeedza ndichiti Brege zvangu.

Brege munhu airatidza kuva nemoyo murefu


aindidzidzisa zvinoitwawo nevasikana kuti
vaonekere. Ende airatidza kundifarira chaizvo
raisavira zuva asina kusvika kumba kwedu
aitambura zvake asi aive nerudo . Rimwe zuva
ndichimuperekedza kumba kwavo takasangana
nerimwe boys iro rakangotanga kuwanza richiti "Ko
nhaiwe Bridget unowirirana na Miss Violence ava
pakuita sei chaizvo hauzive here kuti Harleen i
mhuka zvayo , haakodzere kugara muvanhu asi
mugomo chaimo "

Vakomana vaya vakatanga kundiseka , Inini


ndakamira ndakafunda zvibhakera ,umwe ndiye
akazoti guys ngatitizei tingatozotadza kundoona
Rockstar mangwana tabviswa mazino zvedu na
Viorenci uyu.

Ndakanzwa kurwadziwa nekunzi ndiri mhuka


ndakatanga kumhanyisa vakomana vaya asi
ndakatadza kuvabata. Ipapo ndakasvibirirwa
ndakamhanya ndichidzokera kumba ndaitoda
kupfeka zviri nane zvinoenderana ne musindo
Bridget akambozama kunditsiura asi akandikonewa
hasha dzangu dzaitozopera kana ndamborova uyo
anditsamwisa chete uyu ndomutemo wangu.

Ndichisvika kumba gogo vakabva vati Harleen


watogona ukauya kwanzi mangwana mu village
muno tiri kushanyirwa na the Rockstar saka
ndoziva kuti haungade kusaririra mwana wemwana
wangu . Wotorara watsvaira waita rimwe basa kuti
zvikurerukire mangwana . Inini handina kudaira
ndakangomhanya ndichipinda mumba mangu ,
ndakabvisa dress randanga ndakapfeka ndikapfeka
chikabudura.

Bridget akatanga kuti pliz gogo va Harleen do


something "Muzukuru wenyu audzwa kuti imhuka
manje apa akatsamwa zvekurevesa"

Mbuya vakatanga kuti nhaiwe Harleen chiiko


chinokunetsa iwewe , Saka ukanzi uri mhuka
unofa here.,

" Mwana wa Pretty zvaunoda kundiitira mabasa


pamba pano , zvino ukada kutodza hunhu hwa mai
vako uchanditambudza chose ."

Tigarire pasi otherwise ndofonera Tashinga


azokutora zvekare handide kunetswa inini.

Pandakanzwa zvekuendwa neni kwa Rusape


zvekare ndakabva ndapeta muswe.

Ndakazviudza kuti boys iroro ndicharibata chete ,


otherwise haingapere mushe nyaya yacho.

Inini ndikatsamwisa chero dzimba ndotungidza


handizeze . Ndiri munhu anehutsinye zvekuti
handide kuudzirwa ndizvizivira ndega.
Avo ndovachaudza vamwe ende ndoda
kundovabatira kwa Rockstar ikoko.

End of chapter *6*

Keep comments, vasati vandovhotera book redu


endai munoisa like link ndoriri pamusoro apo.
Vasinganzwisise asi vane chido chekupa support
munyori wavo pliz inbox me
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow our channel for more:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Kungoona chete kuti baba vangu havarware


ndakabva ndarurama muroom mangu. Ndakasvika
nekugeza kwava kupinda muma blankets.
Ndakazoona Bianca ava kuuya kwandiri asina kana
kupfeka, ndakamutarisa ndichida kuona kuti aida
kunyatso kuita sei chaizvo.

Akasvika akati

"don't tell me kuti wanga usina kundisuwa Addie ?"


Aitaura achifamba zvishoma nezvishoma achiuya
kwandaive.

Ndakanyatsomutarisa ndikaona kuti zveshuwa


mwana akazvarwa zvake . Muviri wake
waisatombova chero nevanga zvaro. Ndakanzwa
chero muviri wangu wese uchinyatsokuti zhwarara
pandaimutarisa achipesanisa makumbo ake
achiuya pandaive.

Bianca akasvika akawira pamusoro pangu apa


aingova chiberekerwa zvacho, ndakanzwa nyama
dzangu dzichisimukawo zvekuti ndakanga ndava
ready kupinda maari.

Ndakabvisa mbatya dzangu dzese ndokubva ndikati


"I love yu Bianca ndichimubata bata"

Pandakangoenda pamusoro pake foni yangu


yakabva yatanga kuringer.

"Bianca akada kuramba achindidhonzera paari kuti


ndaisatarisa foni , manje inini nekuda
kwekukoshesa nhare mbozha yangu ndakabva
ndatobva paari ndokuenda kwaive ne foni yangu."

Ndichisvika ndakaona ari Rolix ndakabva


ndatodaira "Hello buddy, kwakanaka here
kwawabva wafona usiku huno"

Rolix akaseka akati "Kungagoipei zvako nhai


Rockstar ndati ndinzwe kuti mafamba sei, uye
varisei baba?"

"Aiwa ndafamba zvakanaka umwe wangu, baba


vanga vachinyepa kuti vanorwara vatori right
chaizvo" Ndakapindura

Ndakanzwa achiti "Okay saka zvakanaka chose


vanenge vanga vasuwavo mwana wavo asi iwewe
uribho zvako?" Akabvunza zvekare.

Ndakaseka ndikati "Easy ndiri bho chaizvo ,


wafona ndichitoda kumbofara nemudzimai wangu
unenge unema Jealous wo iwewe wadii kuzofona
later"

Rolix akati "zvani kovo hameno zviri kungoita


pfungwa dzangu , kungoti ndakagara izvezve ipapa
kuona uchitungwa nemombe zvakaipa. Ndotoshaya
kuti zvorevei

dai ndaibhema mbanje ndaiti ndatadza kudzi


mixer ,manje unongozivawo kuti hapana hapana."
Ndosaka ndafunga kukufonera ufunge zvako.
Pakadero Rolix ndakaridza chikwee , ndakabva
ndati "Unenge wava kupengeswa naiwo ma
*Kenyan Shilling* kureva mari yeku (Kenya)
ndakaseka zvekare ndikati

Madii mambodzikama nhai mupfanha Tsano.

Rolix akati "hoo wava kudero inini hamayako?"


ndakawedzera kuseka . Bianca akabva ati chiuyai
kani daddy.

Ndakangotarisa kwaaive ndikamupa sign yekuti


ndiri kuuya. Rolix anenge akazvinzwa kuti ndava
kudeedzwa ndakazongomunzwa ava kuti

"Pedzisai basa Mkwasha Rock inini bhachura regai


ndimbonamata zvangu aidero achiseka"

Ndakazokata foni ndokudzokera kuna Bianca.

Chinondinetsa feeling yandanga ndichinzwa


pakutanga yanga yapera apa iye Bianca aiita
kutonhora kunge munhu abuda mu fridge zvake.

Ndakazama kuda kumubata asi ndainzwa


asingandiitire zvachose. Aita kunge Ice
mwanasikana. Ndakangoburuka pamusoro pake
ndokuenda zvangu ku toilet ndichidzoka ndakabva
ndatopfeka mbatya dzangu dzekurarisa ,
ndokuenda kwaive nefoni yangu ndokutanga
kutamba nayo ndichimboona ma comments ema
shows andakaita.

Ndakazongoona imwe post ku internet


ndichikumbirwa ku Birchenough kundoridza ende
Mr Barak vanga vatondiisirawo msg
vachindikumbirisisa kuti ndisarega kuendako.

Ndakangovafonera ipapo ipapo ,ndichivaudza kuti


handirege ndinoenda.

Ndakatanga kutotsvaka vaizondondibatsira kuimba


uye kuridza Keyboard sezvo Roxie ndaiziva kuti
aive busy kuvaka imba yake.

"Tichiri ku Kenya akati shuviro yake haade kutenga


yakavakwa kare, anoda kuzvivakisira ega"

Saka pandakazomuti afane kugara pamba pangu


akatofara akati ava kuchitanga kuvaka sezvo
ground akatenga kare.

Ndakaona kuti handitomboudze nezve show iyi


otherwise ndingamudzosera kumashure.
Ndakatsva vanhu vangu pedyo ndikavawana.
Ndichipedza ndakabv ndadzokera pa bed. Bianca
akada kundibata bata manje ndakanga ndisisiri mu
mood zvachose, hongu ndainzwa ndine kakumuda
asi zvebonde ndainzwa ndisiri ready.

Ndakangotaura naye zvakanaka kuti andisati ndava


ready asi ndinomuda chaizvo. Ndakazongotaurawo
mamwe mashoko anoita kuti asagumbuka.

Kwakandinonokera kuedza kuti ndiende ku


Birchenough.

Kuchingoedza chete ndakabva ndatotanga


kugadzirira handina kuda kueneka vabereki vangu
asi Bianca ndakamuudza.

Ndakabuda rungwanani sezvo ndaida kuona kuti


team yandawana yaizogona zvandaida here?

Ndava pa gate ndakaona maiguru mai Tee


vachikwiridzira skirt vachimhanya kundovhura
gate , ndakashamisika nekudzikira kwavanga vaita
ndakanzwa kunge ndichabuditsa misodzi
ndakazongozvishingisa semurume.

Maiguru vaionekwa kuti varikurarama hupenyu


hunogozha .
"Ndakavhura window ndokubva ndikati ko chii nhai
maiguru zvomotoita kunge muchapeperetswa
nemhepo , inga mangova guva muchifamba nhai
maimwana " ndaidero ndichiseka kuti vaone kuti
handina zvangu kuvatsamwira.

"Maiguru vakanditarisa vakati hupenyu hwenherera


bmnn handina kana wekuchemera , munhu
wandaifunga kuti achava mubereki wangu
akangopepereka nenyika zvimwe kutaura kuno
akatofa. Zvino ndichaudza ani zvangu zvese
zvinonditambudza nekuti pandangosvika
ndinosvaiwa senhudzi" vaidero vachipukuta musodzi

Ndakaburuka mumota ndikabva ndati "zvese


zvichanaka maiguru varisei vana Tee ? Ko iko
kuonda kwanzi chiiko veduwe?

Maiguru vakatotanga kuchema vati murume


wangu bamunini, ndiudzei kuti anopora sei inini
ndichingoswera pa gate . Ndichamubatsira sei?
Izvezvi ava worse haachadye ava kungorarama
nemvura ndangomirira kumucherera.

Pandakanzwa vachidero ndakanzwa moyo wangu


kurwadza hongu mukoma vakanditadzira asi zvee
vangori mukoma vangu.
Ndakada kufamba kuendako ndakazofunga
vachindiudza kuti "ndava nemhasuro nekuda
kwenyama yemukadzi wangu " ipapo ndakatotanga
kudzokera kumashure ndakashatirwa
zvakanyanya , mashoko avo akadzoka
sechibhakera mumoyo mangu kuti chokwadi
munhu aindituka iye achiziva chokwadi nhai.

"Musare bho maiguru " ndakadero ndichitopinda


mumota mangu.

Maiguru vakazoda kuti "but bamunini "

Inini ndakanga ndava kutoudza driver kuti


amhanyise mota andibvise pamba , aende neni
kwandamuudza kuti tirikuenda.

Driver akaita sezvandakamuudza , aka driver fast


kubva mu Headlands akazondomira maRusape
umo mandaida kutora vanhu vangu vandaienda
navo ku show.

Tichisvika maRusape takaita zvaida kuitwa


takazobvamo atova masikati.

Ende ndakafara kuti team randanga nda higher


raigona zvese?
Takatanga tadya ndokubva tasimudzira nerwendo
rwedu. Tichisvika pa Birchenough
ndakashamisika ndichiona pakaita kunonzi kuzara
vanhu. Vatema nevarungu vaive vakaita mavhu
nemarara. Waizomboziva here kuti murwizi nokuti
mumajecha imomo mainge nakagadzirwa
zvakanakisa.

Inini ndakasara mumota "Vandaishanda navo ndivo


vakatanga kuenda pa stage vachindoisa ma
Instruments vapedza vakabva vandifonera."

Pandakangoburuka mumota chete , vanhu


vakabva vaita mhere mhere vachideedzera

"Rockstar !! Rockstar " ma Guards angu


akatanga kufamba 3 vari ku side vamwe 3
varikuside vachidzinga vanhu kuti vasatsikirirana
inini ndaingosimudza maoko kuti vanhu vaone kuti
zveshuwa ndiri kuvaona asi handina mukana
wekuvamhoresa nekuti vakawandisa.

Ndasvika pa stage ndakabva ndatora Mic ndikati


"Ndinokukwazisai mese , mauya kuzotandara neni
muzuva ranhasi ndinovimba mese muchanakidzwa
nhai "

Vanhu vakabva vati "you are welcome Rockstar ,


we love you"

"Ndakatanga kusekerera ndichiona mufaro waive


nevanhu,

ndakatanga kufunga kuti zvino ndichatanga ne


nziyo ipi?"

Ndiri pakati pekufunga ,

ndakazongonzwa voice remwana musikana rakati

"Tsviyo kuridza muridzo wakavharisa pa bridge


kusimudza musoro kuona kamunhu kacho kakati
nenga kari pamusoro pe Bridge "

Kamusikana kaya pakakaona kuyi ndasimudza


musoro kakabva kati

"Come on Rockstar"

" Be mine Rocky , Be with me i can not live without


you" kaidero kachitamba dance inoenderana
nenziyo yangu inonzi "be mine "

Ndakaona varungu vava kuombera maoko


kakatanga kumhanya kachibva pamusoro ipapo
kachisunda vanhu kachiuya pa stage.
Kakasunda vanhu kusvika kakwira pamusoro
pandaive.

Kachisvika ndakada kumboseka ne dressing yacho


ndakazoona kuti handingasekere munhu urombo.
Mwana aive akapfeka hembe yakabvaruka
kumusana nepadumbu. Ndakangotora imwe yema
shirts angu akanyorwa kuti "Rockstar ndakabva
ndamukandira akapfeka"

Ndakazotanga kuti

"oh - Be with me- be mine forever" ndichiimba.


Kamusikana kaya kakati kotanga kutamba ma
dance echirungu. Ndakashamiswa nekuita kweka
village girl ikako , mwana akatamba zvekuti neni
ndainzwa manyuku nyuku kuramba ndichiimba.
Varungu vakati vomukandira mari akakandirwa
mari yakawanda chaizvo.

Chakazondishamisa akazongobva ndakavarairwa ,


ende mari yacho haana kana yaakatora.
Ndakazama kumutsvaka kuti ndimupe mari make
yake asi handina kumuwana ndakabvunza vamwe
vapfanha vakati anonzi "Violence ndi trouble
courser mu village"

Ndakangoseka zvangu ndikati nechemumoyo


trouble maker vanoiziva here kana kuti vava
kungonyepera mwana.

Ndakazoimba amwe ma songs vanhu vachifara


ndakapedza ndakabva ndafamba kuenda kumota ,
mari ndakanga ndabhadharwa kare ndisati
ndatanga basa saka chekumirira panga pasina.

Pakatanga kufamba mota yangu vanhu vakatanga


kuteerera vachifara "Ndakazoti ndava pakati
nepakati Petara ndakaona musikana uya amira
kumberi kwemota." Driver akamisa mota inini
ndakafunga kuti zvimwe atevera mari yake
ndakabuda mumota ndichifambisa.
Chakandishamisa mota ichimira akatanga zvake
kufamba achipinda muvanhu. Ndakazoona ava
kutakura umwe mukomana achimuisa pamafudzi
akatanga kufamba naye achipinda mumasango.

Umwe musikana ndiye akati

"Harleen pliz siya zvaunoda kuita , mbuya vako


vakati chii nenyaya yemusindo"

Ipapo ndipo pandakaziva kuti musikana uya anonzi


Harleen .

Ndakanzwa Harleen achiti "ndisiye Bridget ndoda


kuratidza mwana wekwa Hwiza kuti ndiri mhuka
chaiyo sekutaura kwake"

Akatanga kufamba achipinda mumasango , inini


ndakakumbira vanhu kuti vaende kudzimba sezvo
show yanga yapera vanhu vakaita sekudero"

Ainzi Bridget akati ava kuenda kundodeedza


mbuya va Harleen sezvo vari ivo vega
vanomugona. Ndakatomuudza kuti ngaamhanye
chaiko.

Vanhu pavakapandakara ndakasara ndikateera


Harleen kwaanga aenda kusango.

Ndichisvika ndakawanikwa akagarira mukomana


uya achiita kunonzi kumurova zvakaipa.

Mukomana uya anga akazara ropa zvekuti ainzwisa


tsitsi.

Harleen paakandiona akabva asimuka, mukomana


uya paakangoona kuti Harleen asimuka akatanga
kumhanya achienda nekwaive ne mota yangu.

Ndakaona Harleen achitora zidombo.

"Hey stop it !" Ndakadero ndichizama kubata ruoko


rwa Harleen.
Iye akabva apumhura ruoko rwangu kure ,

akabva apotsera dombo kwaive nemukomana uya.

Mukomana uye akahwanda kuseri kwemota yangu


zvekuti dombo rasvika , richipwanya Screen yese .

Ndakanzwa kushatirwa nokuti mota iyi yanga iri


itsva , iri raive zuva rechi two kufamba nayo.

Ndakatanga kuhuta ndichishaya kuti ndoita sei


nemwana uyu. The fact yekuti ndatombomuudza
kuti asadero iye akaita nharo ndiye yaindipa hasha
zvakanyanya.

Iye Harleen akanga akavhura maziso asingataure,


akatarisa screen yemota yanga yatsakatika yese.

Inini ndakatora mari yanga yakandirwa Harleen


nevarungu ndikapa mukomana uya ndakamuudza
kuti aende kumba asawana waanoudza kuti ndini
ndaenda na Harleen.

"Ndanga ndafunga kugadzirira Harleen size


inomukwanira , kana iye aifunga kuti kurarama
semhuka kwakanaka aifanira kuchi fila chete mota
yangu ndiyo yaaizoripa zvake."

Ndakambomira ndakamutarisa ndichifunga kuti


ndingamuitira zvipi chaizvo zvingangomurwadza,
ndakaona kuti kuita forced marriage ndochega
chinhu chinorwadza vana vevasikana.

Haisi nyore kuroorwa nemunhu wausina


kumbodanana naye apa wozosvika ku den kwake
wowanikwa kuti ane mukadzi kare kkk .

Ndakatanga zvangu kusekera mumoyo ndakaudza


mamonya angu kuti amubate amuise mubhazi raive
nevashandi vandanga ndauya navo uye ma
Instruments.

Ndanga ndatofunga kushandisawo bhazi sezvo


mota yanga yaparadzwa .

Harleen paakanzwa ndichiti vakomana vamubate


akatanga kupfumbura guruva achitiza. Mamonya
akazama kumumhanyisa asi akamukonewa.

Ndakatozoita zvekubvisa bhutsu ndokumutandanisa


ndiri inini,

ndakamubata ava kuda kujamba rwizi hameno


akapingwa sei ndokuwira pasi ndo luck randakaita

" ndakabva ikoko ndakaita zvemusenga bere


chaiwo."
Iye aingozama kuda kubva mumaoko angu asi
akakundikana , ndaitova ndakatsamwira mota
yangu saka hapana pandaizombomurega achienda
zvangu.

Kungwara kwese ndaida kukupedza , ndakazviudza


kuti mangwana ndofanira kutotumira vanhu
vachandosvitsa shoko kumba kwa gogo vake kuti
ndini ndine mwana wavo kuti vasaita stress.

Harleen aifanira kutombogara neni,


ndichimuonesa nhamo kusvika ndanzwa kuti
zvatsivana ne screen remota yangu.

Ndichipinda muchibhazi naye ndakakumbira umwe


wema Guards angu kuti aende nemota yangu ku
Harare kuna Rolix ndiye aizoigadzirisa sezvo inini
ndaida kumboita busy nezva Harleen.

Ndaifanira kumbogara maRusape zve 2 weeks


ndichimirira kuti kundomuroora then ndozoenda
naye ku Headlands.

Ende vanhu vandaizotuma kundoroora vaifanira


kutondotaura kuti Harleen ava nenhumbu kuti
vabereki vake vagamuchire pfuma.

Bhazi richisimuka ndakaona mota yababa vangu


ichindomira kwaive kune mota yangu ndaiziva kuti
vaitotevera inini,

ivo havana kuziva kuti ndaive mu bhazi .


Ndakangosendera msg kuna driver ndichimuudza
kuti audze baba vangu kuti ndaenda ku
Headlands kare neimwe mota.

Ndaisada kuvhiringidzwa ma deals angu na baba .

Ndakatochinja line kuti vasandiwana zvachose ,


ndaizoenda ndega kumba kana ndava ready !

Bhazi rakatanga kufamba richienda kwa Rusape ivo


baba vakatozotipfuura vaionekwa kuti vaimhanyira
ku Headlands dai vaiziva zvavo vaidzora speed .

Ndakangoti nechemumoyo "sorry father mwana


wenyu ndichauya kana ndambogadzirisa benzi
randinaro pano iri!"

End of chapter *7*

Kkk dzungu haribhadharwe hoyo Harini wenyu


oroorwa zvino asina fungidziro .

Keep comments, vasina kuisa mavotes link riri


pamusoro pe book apo endai muno clicker muise
ka like book redu rihwine
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow our channel for more:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Hazvina kutitorera nguva kusvika ma Rusape ,


tichingosvika ndakabata munhu wangu ruoko
ndichenda naye kuimba yandanga ndabhadhara
kugara kwe 2 weeks chete.

Ndaiona achifinyamisa kumeso ndakazviudza kuti


handizombomurege kusvika zvandaida zvaita.
Kungoziva chete kuti arikubhoikana neni ndaibva
ndanzwa kufara "ko handi anga andibhowa zvake ,
saka ndaitofanira kumubhowawo kana asina kubuda
misodzi yeropa handaizombomurega."

Ndichipinda mumba ndakabva ndatoita order ye


grocery rinokwana 2 weeks , ndaisada kuti
Harleen abude panze aigona kuzonditiza munhu
wacho haatembeki.

Grocery richiuya ndakabva nda kiya door nemukati


ma key ndakaisa muhomwe , ndakabva ndaenda
kundogeza.

Ndichidzoka ndakawanikwa mwanasikana akagara


pa Couch achiona zvake ma Cartoons hameno
kwanzi "peppa Chii here" handina kuzviisa
mumusoro ndakangoona chete kuti zvima cartoons
zvakaita zvinguruve.

Ndakangoseka zvangu nechemumoyo ndikati T.V


yagonekwa kuitwa on asizve kuti munhu achichinja
channel hazvichagonekamwi. Munhu ongosimbirira
izvo zvima Cartoons zvaawanikwa zviri pekutanga

" nxiii village girl."

Cartoon raaiona parakapera akabva asimuka


akaenda kundogeza , achipedza akapfeka tracksuit
yangu without my permission apa asingataure
neni.
Ndakada kubvunza asi ndakati regai ndinyarare,
ndakaona uyo munhu ku kitchen akabva atanga
zvake kubika. Ndakashamisika hama ichigona
kubatidza stove apa inini ndakanga ndakawisa ma
breaker acho ndichida kutanga ndaona kuti
hapana pane fault here.

Ndakazongonzwa mumba mese mava kunhuwirira


beef curry yoo my favourite ndakanzwa
nekumedzera mate. Ndaitononomerwa nekuti
musikana apedze kubika ndidye zvangu.

Hazvina kumutorera nguva kupedza kubika

Sadza ne beef iyo yakanga yaiswa netuma vegs

" ndakadongorera paakanga agara pa sofa


achizvidyira." Ndakafunga kuti achandideedza
kana kundipawo rangu, asi haana kuita sekudero
akarikinditsa zimukonde resadza kusvika aripedza
kuti tsvai.

Channel yanga yachinjwa zvino yachiiswa ye


boxing , munhu achinakirwa nesadza rake. Ipapo
ndakazoona kuti T.V inogonekamwa zvoreva kuti
maCartoons aakanga achiona ndiwo aanga achida
chaizvo.
Achipedza akabva anhanzva maoko ndokumwa
mvura ndakanzwa odzvova akabata dumbu
ndakaziva kuti nyama yakanga yakaguma kudyiwa
kare. Achipedza akaenda ku kitchen ndakanzwa
mvura yavhurirwa pa tape ndikanzwa yava
gwedemu gwedemu ndikaziva kuti indiro dzava
kusukwa.

Apedza ndakazongonzwa runyararo hameno


kwanga kwaendwa.

Inini ndakasimuka ndikati ndichindotora chikafu


changu mu Oven kundodai wanei dololo.

Ndichindovhura mu Microwave ndakaona musina.

Ndakatsvaka pese pese pangangochengeterwa


chikafu asi handina kana kuchiwana.

Ndakaenda mu room ndikawanikwa munhu atova


pabed ,akarara zvake nemanhede achiridza
ngonono.

"Where is my food Harleen " Ndakabvunza


akararamba achiridza ngonono.

Ndakazoita zvekuzungunutsa nehasha ndokubva


ndikati " iwe hapasi pa mbuya vako pano , ndati
chikafu changu chiripi"

Ndakaona achimuka achinditarisa zviya zvekuita


kunge asinganyatsoona zvakanaka akabva ati
"Chikafu ndiyani iyeye?"

Ndakanzwa kusvotwa apa mudumbu manga manga


mava kukuma uye kumonya nzara

Ndakabva ndati "Harleen handisi pakuita ma


funnies ndati sadza pane rawabika rangu waisa
pai?"

Harleen akasimudza ruoko rwake akaisa pahuma


kunge munhu arikuteewa nezuva akabva ati
"hezvo inga zviri serious ko arikubvunza sadza
ndiyani?"

Ipapo ndakatoona kuti kuswera kunetsana naye


kutamba nenguva zvirinane ndibude zvangu
ndinotenga something chekudya , taive pedyo ne
restaurant saka zvaizoita nyore. Ndakaenda mu
washing room mandanga ndaisa trouse raive nema
key mu washen busket ne mistake .

Ndakatanga kutsvaka ma keys , ma keys akati


wakandiisepi? Ndakatadza kunzwisisa kuti anga
awirepi nokuti ndaive nechokwadi kuti ndanga
ndamaisa mutrouse ndisati ndageza.

Ndakaenda kuna Harleen ndakaguta nehasha


nokuti ndakaziva kuti ndiye chete anga amatora.
Ndichisvika ndakawanikwa asisimo mu bedroom
anga aenda mu imwe room yekutandarira apa
atakura machira ese.

"Harleen!!." Ndakadeedza ndichi knocker door


nehasha nokuti anga azvikiira mukati. Mwanasika
haana kudaira. Akaramba akanyarara kusvika
ndatozonetawo neku knocker. Ndakarara
ndichibvurwa nacho chando zvikati nguva yacho
ndeyekutonhora zvotozotiwo nemaRusape magara
munozvitonhorera zvamo.

Ndakafunga mashoko evakomana vaya vekuti


Harleen anonzi Violence

"she is a troble koza " Ndakanyatsoona kuti


zveshuwa munhu wacho madrama ega ega.
Ndakatanga kufunga kuti ndodini naye chaizvo ,
kuti ndimudzosere kumba kwavo asina
kumborwadziwawo sezvandakaita pamota yangu
ndakaona zvisingaite.

Phone ndanga ndabvisa line ende ndanga ndisina


kutenga rimwe ndaida kuti ndifore Roxie
ndimbomuudzawo nyaya yangu manje hazvaiita
zvachose .

Kuti ndiise rangu ndaitoziva kuti mudhara


varikunditsvaka ndaisada kutsamwisa baba vangu
saka iro rekare zvaisaita kuriisa.

Ndakaenda kundorara pasofa nokuti mattress


yanga yatakurwa nevakangwara base riri rega
raigogona.

Ndakatora kamucheka kepatable kamunoti


dressing table , ndikokandakazofuga makumbo kuti
zviite nani.

Handitombozive kuti hope dzakazondibata nguvai.

Ndichimuka makuseni ndakazoona Harleen ava


pabed manje , apa achitamba ma game pa foni
yangu.

Paakangoona kuti ndamuka akabva ati

"Good morning Rockstar " how was my game


yesterday?

Ndakaramba ndakanyarara ndichinzwa kusvibirirwa


ndainzwa kuda kumudira zenya asi ndakangoti "it's
too early ndichamubata zvangu"
Iye akaseka abva akandibata matama anenge
akazviona kuti ndakatsamwa nekuti akabva ati

"Wow i like it, that is the spirit"

My name is Viorence the drama Qeen, zvawaona


zvishoma izvi kana uchida kuti zvikunakire
Rockstar ndikwidze tractor undidzosere
kwawakanditora . Kana washaya tarakita inosvika
ikoko unozogona hako kundiisa mubhazi.

Ndakasimuka ndokubva ndikati " handina


kwandinokuendesa Harleen!"

"Why ?" akabvunza

"Nokuti unofanira kubhadhara mota yangu


yawakapwanya screen!" Ndakadero ndichitaurira
pamusoro

Ndakanzwa achiti "ohh that, saka ndoibhadhara


sei inini ndisingashande?" Akabvunza

"Uchava mukadzi wangu, ndokuti next time kana


woita misindo yako uite wakachenjera" ndakadero
ndakafinyamisa kumeso kuti aone kuti handisi
kutomboseka.

Ndaiziva kuti achavhunduka chete akandikumbira


ruregerero , musatamba zveimi nekungonzi wava
mukadzi wangu usingafungire.

Ndakaona achinditarisa , akatanga kufamba


achienda ku door asingataure ndakabva ndaziva
kuti ndamubaya pamoyo . Ndakangomirira kuti
akiinure door chete pandakaona kuti avhura door
ndakamhanya ndichimusundira mukati ndokukiya
door nepanze ndakabva ndatora ma keys angu
ndokuenda.

Ndakaenda enda kumashops ndikandotenga

new line , ndapedza ndakafonera vanhu vangu avo


vandakatuma neshoko kuna Mbuya va Harleen.

Ndakatenga kudya kwangu ndikabva ndavigirawo


Harleen kumwe. Hongu ndaida kumuitira utsinye
asizve ndaisada kuti afe nenzara. Ndichidzoka
ndakawanikwa munhu akarara apa akazvimba
huma. Ndakazama kufunga kuti asara achiita
nezvei chaizvo ndakazoona ropa pamadziro
ndikabva ndaziva kuti angachitungana nemadziro
yoo ndakanzwa kufara ndakaziva kuti yekuroorwa
yamurwadza iyi , ndakaona zvakanaka kuramba
ndakadzvanya ipapo. Ko handi vakuru vakati gona
ana gona wakewo here ?
Ndakarwadziwa nekushaikwa kwema Camera
mumba , ndingadai ndombondobaya ndione

(CCTV) yezvese zvasara zvichiitika.


Ndakazomumutsira chikafu haana kana kutaura
neni asi aionekwa kuti akaguta nehasha.

Vanhu vandanga ndatuma kwa mbuya vake


vakazondifonera vachiti mbuya vacho varikuchema
kuti vanoda muzukuru wavo.

Ndakaudza vanhu vaya kuti ngavaudze mbuya kuti


muzukuru akazvitakura ndosaka tatora mhuri yedu
asi mutano zvake ngavasachema.

Mbuya vakazokumbira kutaura nemuzukuru wavo


ndakabva ndaudza Harleen kuti chiona ka
chisikana .

"Wotokumbira ruregero mbuya , wovaudza kuti


zvechokwadi wava nenhumbu saka ngavatore
pfuma " ndakamuraisisa kuti kana akakasadero
mbuya vake varikuurawa ndiwo mubairo wemota
yangu uyoyo.

Harleen akangonditarisa akapfumba zvibhakera


zvehasha, inini ndakabva ndati
"I mean it Harleen!" Any silly mistake woziva kuti
hakuchina munhu anonzi mbuya Harleen muupenyu.

Ndakaona maziso achitanga kutsvuka apa


akazenga misodzi ,asi aisachema zvake.
Aingofemera pamusoro kuratidza hasha ndakangoti
hanya nani chidhoma chekwa Chivi.

Ndaruridza runhare ku Birchenough ndikaudza


vanhu kuti ngavape gogo phone vataure
nemuzukuru wavo. Ndakapa Harleen phone
ndakamubuditsira ziso ndakanzwa achiti " hello
mbuya Harini "

Mbuya Harleen : "iwe Harleen inyaya dzeiko


dzandiri kunzwa idzi " ndiudze kuti urikupi izvezve
ndiudze sekuru vako vauye kuzokutora ikoko

Harleen : "Ndine hurombo gogo , zvamatonzwa


ndizvozvo chaizvo zvakatoitika"

Ndokumbirawo mundiregererewo.

Mbuya Harleen: "Hezvo unoti haushure here


nhaiwe mwana wa Pretty, wakada kutoredzera
aniko mai zvavakazongoroorwa vachembera . Inini
kuti dzidzira kugeza uwane anokuti tsviyo handina
kuti uvhure makumbo zvee inini! Inga
wakangwarira paduri sehuku wazvimhanyira
chizukuru , zvino ndiudze kuti ndovaudza sei
vabereki vako nai Jeso we Nazaretha" vakadero
vava kuungudza pa phone.

Harleen aingoti " sorry mbuya motogamuchira


vanhu ivavo nokuti yakatodeuka "

Ndakazokata phone ndava kunzwa kuti mbuya


havasi kunyarara.

Ndakagara kwe 2 hours ndakamirira kunzwa kuti


gogo vazoti chii.

Vandanga ndatuma vakazondiudza kuti finally


mbuya vati vuyai mushure memazuva matatu
muchizoroora nokuti yakatodeuka hatichina
zvekuzviita.

Ndakanzwa kufara nokuti plan yangu yanga yaita


nenzira kwayo.

Mazuva matatu achikwana ndakabva ndatuma


vanhu vangu , Neumwe wandakabhadhara kuti
andonyepa kunge ndiye murume wa Harleen
zvaizoita here kuti inini munhu wa Rockstar
ndizikamwe kuti ndakaita musenga bere aiwa
zvaiuraya image yangu.
Marooro akandoitwa ende akafamba zvakanaka ,
nokuti ndakapa vanhu vangu mari yakawanda kuti
mbuya vasazoitawo stress.

Pfuma ichingopedzwa kundobvisa ndakabva


ndafonera mbuya kuti vaudze Muzukuru wavo kuti
zvechokwadi roora raitwa.

Mbuya vakatanga kutenda Harleen kuti aiwa


vakwasha vauya vanga vakarongeka chose.

Ndanzwa kufara muzukuru wangu kuti


wabvisirwawo pfuma yakawanda .

Vabereki vako havana kukwanisa kuuya asi


tichavachengetera nokuti shoko ratosvika kwavari
kuti waroorwa.

"Sekuru vako nehanzvadzi dzako ndivo


vazofambisa mashoko. Roora rako rafamba
zvakanaka muzukuru " vainzwika nepafoni kuti
varikufara mbuya Harleen.

Iye Harleen

paakanzwa kudero akawisira phone pasi.

Ndofunga pamwe pese aifunga kuti zvimwe


ndaitamba naye , manje apa anga azobvuma kuti
zvechokwadi roora rabviswa.

Ndakaseka zvangu ndikati easy mai moyo


"Finally you are now my wife Harleen "

Ndakaona achinditarisa kuti ndee , ndakafunga kuti


achachema asi haana ndakazonzwa ava kuombera
maoko ake akabva ati

"Wow , the God is good kutaura chokwadi "


Finally ininiwo zvangu Village girl Harleen
ndawana favour mumaziso a the Rockstar. Mwari
akanaka chose , mvana yakaita seni kuroorwa ne
fine guy rakaita seriripameso pangu apa , akauya
akandimbundikira akabva ati "Thank yu my
husband , thank you very much "

Akamhanya akamira pamusoro pe table akabva


abata muromo semunhu akabata bhosvo akabva
ati "I love you Rockstar "

Munoziva ndakashamisika ndakanga ndakatarisira


kuona misodzi ya Harleen asi handina kuiona .

Ndakafamba ndikaenda kwaari ndakabva ndati "tell


me Harleen kana uchiti mvana yakaita sewe
unorevei chaizvo?" Ndakabvunza ndisingaseke
zvachose.
Iye akaseka akati " vana Rockstar next time kana
muchindoroora munhu mutange ma bvunza zvamuri
kukumbana nazvo"

Inini ndakabvisa mimba shanu , ende


ndakatozondobviswa chibereko mushure mekunge
madoctor aona kuti ndingangofa.

Varume vese vemu

" Birchenough , Buhera , Muredzi " hapana


asingazive kuti kuna Harleen musikana asingagone
kudzungudza musoro.

" Inga wandigonera chose mbuya vangu


vatoravirawo pfuma , unoti vaizoiwanepi nokuti
hapana munhu aizomboda kundiroora.

Kutozviita munhu wetsvina kuvhara ma 1 kuti vanhu


vaone kunge ndakadhibha otherwise handina
chandisingazive pane zvevakuru inini. " aidero
achinyatso ndiseka zvekuti ndakanzwa
kurwadziwa . Zvandaitarisira kuti zvicharwadza
Harleen ndaitozvinyepera zvangu ndanga
ndatambwa yakapenga ndakangoti

"Harleen !" Ndakamudzeedza zvehasha


ndakanzwa achiti
"That's my name lover boy" come here umwaa
aidero achindikisa pa dama .

Ndakapukuta paanga andikisa nehasa ndakabva


ndamutakura ndokuenda naye pamubhedha ndaida
kumuita inonzi

"Rough Sex" chaiyo kurara naye zvechisimba .

Manje ndakashamisika muchini uchindoramba


kumuka zvachose. Ndakazama kuda kuubata
kuugombetedza paari,

Muchini wakaramba zvachose ,

Kuramba kakaita kakavi kunge dora rasvinwa


zvaro. Zvakatondinetsa kuti zvinorevei nokuti i
remember ndichitombotambura nawo makuseni ega
ega kana ndava kundoita wiwi unenge uchitomuka
zvekuratidza kuti unoshanda. Ende chero pana
Bianca wakatombomuka why apa waramba
kumuka .

"Kuti inyaya yekuti ndiri kuda kuita zvechisimba


ndakazvibvunza"

Ndakaburuka pamusoro pa Harleen ndokuvhara Zip


ndakagara kumucheto kwebed ndichifunga kuti
chii chaizvo chiri kuda kuitika.

Ndakazovhundutswa na Harleen uyo akati ,

Inga zviri serious saka vaigokusunga ne wire kuti


zviite seiko ?

Pakadero Harleen ndipo pandakaona kuti


zvechokwadi , ndakatakurana nezvimwe "Harleen
pane inotoregerera imwe, anotopenga chete"
Kusunga kwei kwaaiziva mwana mudiki

Akanditarisa akabva ati , i am very surprised kuti


nekusvika kwako ikoko ungatadza kuona zviri
kuitika .

" Dai ndaigona kunamata zvimwe, ndaikubetsera"

"Uri kutaura nyaya yei nhaiwe ?" Ndakabvunza.

Iye akaisa musoro paside akati , ndaona uchinzi


haufanire kurara nevamwe vakadzi vese , asi
mukadzi umwe chete.

" Ende umwe chete wacho iyeye , chitunha


chakafa kare kare " Mhiko dzinoda kuti ukangorara
naye akabata nhumbu musi wekuti anoda kuzvara
anosiya chikwambo, chichatanga kudya iwewe baba
vacho wobva wangofira ipapo"
"Harleen pwaaa" ndakadero ndichimukwiza
nembama . Anga ava kuzvinyanya manje

"I nonsense ipi yauri kutaura nezvayo? "


ndakabvunza ndaita kunonzi kutsamwa manje.

Iye haana kupindura asi akabva atanga kuchema .

Ndakamuzuza zuza ndokubva ndikati waoneswa


nani ? Uye ndakanzi ndinofanira kurara nechitunha
nani wacho?

Akatanga kuchema akati handizive kuti zvandataura


ndazviwana kupi sorry Addie.

Ndakatora bhande ndakabva ndanyatsomurova


naro nekunesimbi ,anga andigumbura zvekurevesa .

Ndakaona achibuda ropa mumusoro , achichema


zvakaipa.

Inini ndakanga ndisina basa naye chero aifa zvake


anga andigumbura chaizvo.

Ndichipedza kumurova ndakabva ndamukiira


mumba ,ndokubuda ndichienda ku Bhendi

ku "Hot spring " uko kwandaida kumbondobvisa


stress ,
ndakazviudza kuti ndofanira kumbondo kecha ma
babe ndione kuti zvechokwadi pipi yangu
haishande here?

Inini zvechihure hazvisi zvangu asi zvanga zvaitika


pana Harleen zvanga zvandivhiringidza zvekuti
ndainzwa kunge musoro wangu usingachashande
zvakanaka.

Zvekuti iye achasara akaita sei handina kuita hanya


nazvo , asi aionekwa zvake kuti bhande ranga
rapinda chaizvo nokuti ropa raaibuda ranga
rakawandisa.

End of chapter *8*

Ohh Addie !!!

Keep comments guys , stay tuned thanks nevari


kuisa ma votes vasati endai muno clicker
mundobaya pane ka like vasinganzwisise pliz inbox
me musazosaririra

Weekend handisi kunyora ngatisanganei Monday


gys i love yu
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow channel kana muchida kuwana book


nenguva:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103#

Chapter **

*Addie*

Ndakadeedza vese vanondishandira ndikavaudza


kuti tinofanira kutoenda ku Hot spring.

Kwaive nevaimbi vakasiyana siyana saka


ndaitoziva kuti kunenge kwakawandiwa , inini plan
yangu yaisave yekundoimba asi ndaive
nezvandaida ikoko.

Kufamba nevamwe vangu ndaitira ku avoider noise


nokuti pese pandasvika vanhu vanotorwirana kuda
kuswedera pandiri ende zvinopedzisira zvaita kuti
vanhu vakuvadzane. "Kana ndine ma Guards
angu , vanhu vanongondiona ndiri kure chete.

Frm Rusape kuenda kune hot spring hakusi kure


zvakanyanya zvekuti takasvika nguva dzichiripo.

Tichingosvika ndakambogara mumota vamwe


vangu ndovakaburuka vachimhanyira kundoona
vaimba.

Inini ndakasara mumota ndichifunga nezvemwana


anonzi Harleen kuti zvaanotaura nekuita
anombozviwana kupi.

Chokwadi munhu kundituka achiti ndakasungwa


newaya aiwa hakuna zvakadero , nyaya iyoyo
yakandirwadza zvekusvika pakuwedzera ruvengo
paari. Pamusoro pazvozve akandiradza nenzara
pamwe chete nekunditonheresa nechando.

Dai aive mwana mudiki zvimwe ndaizoti


huhwanana hwunomudero manje munhu ava
kuziva kusvotorana nevana vari mudumbu tingati
mwana mudiki here. Izvozvo ndizvo zvandanga
ndanyaya kumurovera zvekuda kuita hunhu
hwemucheche iye angochembera.
Vaimbi vese vakaimba inini ndichingori mumota
ndichifunga kuti ndoita sei ku prover Harleen
wrong , ndaitoda kumuwachisa. Ndaifanira kurara
nemusikana pamaziso ake kuti aone hu wrong
hwake.

Ndakagara zvangu ndiri mumota ndichiteera


vaiimba vese, pandakazonzwa voice ra Terry Gee
ndakabva ndaburuka mumota nokuti ndiye muimbi
wandinofarira zvakanyanya.

Vanhu pavakaona kuti ndasvika vakatanga


kudeedzera "Rockstar!!!" The Rockstar .

Inini ndaisave mu mood yeizvozvo ndangopfeka hat


ye jacket rangu ndokunzvenga ndichienda kune
dzimba dzinozororera vanhu vanenge vauya

Kuzofara vachiona hot spring.

Pa Hot spring panotova nedzimba dzakanaka


chaizvo dzema Guest , mari yako chete ndiyo inoita
kuti upinde mudzimba dzacho.

Ndiri mukumhanya ndakadhonza umwe mukadzi


aive busy kutambisa chiunu ari muchaunga.

Ndakamudhonzera mu room yandanga ndati boys


ribhadhare nechekare. Ndichisvika naye
akashamisika kuona ndiri inini.

Ndakanzwa achiti "Rockstar " achibata muromo


wake zvekushamisika ndakangosekerera ndokubva
ndati

" ndini zvangu Beautiful"

Ndakaona achiuya achindihuger, paakangouya


chete mumarms angu ndakabva ndatora mukana
uyoyo, ndakatanga ku romancer musikana uya
akavarairwa. Papi pacho paaizoramba romance ya
Rockstar vanozikamwa nekuremera ma streets.
Ndakanzwa mwana wevanhu avakufemera
pamusoro ndikaziva kuti kanjiva kacharger kudhara.
Haana kumirira kuunzwa zvekuita mwanasikana ,
akabva atozumbura mbatya dzake dzese kusara
asina kana chakavharira. Aive munhu mutsvuku ane
makumbo akaita kunge fanta orange zvekuti
akanditora moyo.

Nekungomutarisa chete ndakatanga kunzwa


mutezo wangu kutamba tamba.

Ipapo ndakangosekerera ndikati dzawira


mutswanda hadzichabvire kudyorera.
Ndakazviudza kuti ndava kutonama kamwana
kevanhu handichadzokere kumashure.

Ndaida kuti kana ndapedza ndoenda nako kwa


Rusape , ndondokanama Harleen achiona then
ozondiudza kuti zvaanga achitaura anga
achizviwana kupi.

Ndaifanira kumuwedzera bhande, ndomubuditsa


mumba asina kana mari yekudzokeresa kumba
kwavo kuti apfidze.

Handi anga andiudza kuti imvana isingadzungudze


musoro , aitofanira kuita chihure ma Rusape kuti
awane mari ye bhazi ndokuti angware.

Ko inino ndingamuchengeterei nokuti zvandaifunga


kuti zvichamurwadzisa hazvitombomurwadze
zvachose. Ndakangoona ndichisekerera
pandakaona Sabhuku vangu vava kutambudza
mutrouse.

Ndakanyatsoradzika musikana uya zvakanaka


ndakatoti chero P.P handipfeke.

Ndichingoda kuti chimusoro pamusikana uya


ndakavhunduka mudziyo wangu uchidzoka kuita
kadiki kadiki kusvika kasvava .
Ndakaramba ndichigombetedzera asi akaramba ku
functioner zvachose.

Zvakanditambudza zvekuti ndakanga ndava


kungoti " no " ndichichukucha chiuni ndichiti pipi
ingamuka manje zvakarambisisa.

Musikana uya akatanga kuti " Rockstar mava


kundisvuura , pliz kana muchini wenyu
usingashande siyanai nazvo. "

Ndakanzwa kuzvinyarira ndakangotora mari yakati


wandei ndikapa mwana uya ndakabva ndamuudza
kuti "Sorry dea i am very stressed , ndanga
ndichida kubvisa stress manje it looks like vadzimu
vangu vandirambira "

Iye akangonditarisa zvekushamisika akabva abuda


achienda.

Nekusatenda kuti muchini hausande ndakakumbira


umwe wema Guards kuti andivigire vasikana
vanokwana kuita vashanu.

Zvechokwadi ndakazama vese asi mukomana


akaramba kupinda mavari.

Zvaingoramba zvichiita zvimwe chete, yaimira


nguva yekubatana chete kana yava nguva yekuti
ndichidya namambo kaibva katanga kupweva
kusvika kaita sekadora kakasviniwa.

Ndakanyatsoona kuti ndiri kutamba nenguva


hapana chinobuda.

Ndakarara negotsi ndichinyatsofunga kuti mashoko


a Harleen angava echokwadi here.

Ndakadzungudza musoro ndikati hakuna


zvakadero, inini ndakatomboroora vakadzi vatatu
vese ndichitomitisa zvaizongoitawo hazvo nepamwe
kuti vaizofa asi zvingori pachena kuti handina
kusungwa nekuti ndaipinda mavari.

Ndakaona zvakanaka kubvunza baba vangu nokuti


ndiye ega munhu aikwanisa kundibetsera panyaya
idzi. Ndakadzosera line rangu rekare mufoni
ndikabva ndafonera mudhara yakango ringer
kamwe chete vakabva vatodaira.

Him: " Ko nhai Chirandu murikupi?" Vakabvunza

Ndakatanga ndadhonzerera tumadzibwa kuti baba


vasambondituka zvachose ndakabva ndati "Sorry
baba ndakadzokera ku Harare, mota yangu
yakazoita accident saka ndiyo yandichiri
kugadzirisa"
"Ko kusataura kwanzi chii, ndakakutadzirei nhai
Addie zvaunondishungurudza kudero ?"
Vakabvunza

Inini ndakabva ndati

" Sorry father , pandakabva ku Show ndakarurama


kumba ndichida kukuudzai nezve accident , manje
ndakakushaiwai ndikaona zvakanaka kuenda ku
Harare." Ndakanyepa kuti vasanyanya kurwadziwa.

Ndakanzwa vachitura mafemo ndokubva vakati

"Inga kwanzi hauna kumbosvika wani? Ndanga


ndakuteera ku Birchenough ku show, ndaida
kumboona uchiridza manje ndakanonoka ,
ndakasvika mapedza kare "

"Haa tinenge takapesana , kumba ndakasvika wani


ndikaona mukoma Olga chete munogona
kuvabvunza " ndakanzwa ndava kunyepa kudero ,
ko handi ndaiziva kuti baba Tee havataure chero
vakada kundovabvunza havana mhinduro
yavanowana. Chandaisada ndechekuti baba vangu
vazive kuti ndinovanyepera.

Ndakanzwa vachiti " hoo ndakabvunza mai vako


chete , nemudzimai wako" saka kuzodzima foni
kwanzi chii nokuti yanga isiri kupinda

"Unodzoka rinhi kumba? " vakabvunza

"Very soon father , phone yakapwanyika


pakatsemuka screen yemota ndatotenga imwe
nhasi" ndakanyepa zvekare ndichidero.

Ndakanzwa vachiti "ho-o ,saka uri mu Harare papi


pacho ndoda kuuyako ?"

Pavakadero hana yangu yakarova nokuti


ndainyatsoziva kuti handisi ku Harare ndakaona
zvakanaka kuramba ndichinyepa ndakabva ndati

"Ndichazobvunza mangwana kune vanwe inini


ndakangamwa kuti kwandiri kunonzi chii."

Ndakamhanyira kuchinja nyaya ndokubva ndati

" muchiona ndafona baba ndine nyaya iri


kunditambudza mufunge" ndakadero ndichitaura
neinzwi rakadzikamira.

Ndakanzwa baba vachibvunza kuti

" inyaya yei iyoyo"


Ndakatanga kufunga kuti zvino ndotangira nepapi
ndakazongonzwa ndava kuti

"Semurume ndambozama kutsvaka wekutamba


naye kunze manje..."

Ndisina kupedzisa ndakanzwa baba vachidzvova


zvainzwika nepafoni vakaita zvekuti

"Adiie !! " how could you? Munhu ane mukadzi !


Chokwadi ungaenda kundorara nevamwe vasikana
kunze uko uchisiya mudzimai wako asina
chaakakutadzira.

"I am very disappointed in you Addie ! " vaidero


vachikata foni.

Inini ndakaziva kuti baba vangu vatadza


kundinzwisisa , vachikata foni ndakazovanyorera
riri zigwaro ndichivarondedzera nyaya yangu kuti
ndanga ndichida kuzama kurara nemunhu asi
zvazongoramba sinhi raramba kumira.
Ndakavaudza kuti vangazivawo here kuti
zvingakonzwerwa nei?

Msg ichingoti Delivered vakabva vadzosa


mhinduro yekuti "dzoka kumukadzi wako kana
uchida kuti ndirambe ndichikuverenga kuti
urimwana wangu pasina izvozvo, ndinenge ndava
kutoziva kuti you are dead to me nokuti wava kuita
zvemusoro wako" vakapindura msg yavo baba
vangu zvakasiyana nezvandanga ndavabvunza

Ndakanyatsofunga mashoko avo ndikaona kuti


zvechokwadi Bianca haana chaakanditadzira, baba
vangu vakaita rudo vakandiroorerawo mukadzi
wakanaka zvino inini wacho kutenda ndiko kwanga
kwava kuda kundinetsa.

Ndakafonera vakomana vakabva vauya kuzonditora


nemota, takadzokera kwa Rusape njere dzangu
dzichiita kupisana chaiko. Ndaishaya kuti ndoita
zvekudini kuti zvindinakire, ndichisvika
ndakawanikwa Harleen akarara apa ropa ranga
raomera mumusoro.

Ndakangosvika nekumumutsa, chekutanga


ndakamukumbira ruregerero kumurova kwandanga
ndaita.

Iye haana kudaira akangomuka akandogeza


akabva apfeka short rangu , ndokubika ma noodles
ndokudya.

Ndakaona musoro wake wakazvimba ndakanyatso


kumunzwira tsitsi asi kuti ndiswedere pedyo naye
nekunyarara kwake ndaisaziva kuti anofungei.

Ndaitya zvangu kudirwa mafuta anopisa munhu


wacho haasi munhu anotembeka.

Yava nguva yekurara ndakamhanyira kukwira pa


bed ndichifunga kuti zvimwe ndingatorerwa ma
chira ndikabvurwa ne chando , ndakashamisika iye
asina kana basa nazvo.

Akafamba akandorara zvake pasofa kusvika


kwaedza, ndini ndakatozoita zvekumufukidza
magumbezi iye airatidza kusava nebasa nawo.

Ndakatanga kufunga kuti ndingaita sei kuti ataure


kunyarara kwake kwanga kwava kundishungurudza,
ndanga ndatosuwa ma drama ake . Apa kungoziva
chete kuti kunyarara kwaakaita ndini
ndamutsamwisa ndaibva ndanzwa kusurukirwa
zvakanyanya.

Ndakarara ndakamurinda chero pa bed pacho


paisamborarika, mangwana makuseni achimuka
akawanika ndakagwadama ndiri pedyo naye.

Pandakangoona kuti asvinura maziso ndakabva


ndati Ndokumbirawo kutaura newe Harleen.
Iye akasimuka paanga akarara akabva agara pasi
akanditarisa asingataure asi aifemera pamusoro
zvekuti ndega ndaiona kuti ane hasha
dzakawandisa.

Ndakatanga kuti ndinoziva ndakutadzira asi


chekutanga ndinokumbirawo kuti undiregererewo.

Ndakamubata maoko ndokubva ndikati


"Uchindiona ndiri pano handisi munhu ane moyo
wakashata, asi ndakarwadziwa nemota yangu
yawakatema mushure mekunge ndakuudza kuti
usadero"

Ndakakubvisira pfuma ndichifunga kuti zvimwe


ucharwadziwa ne forced marriage manje
ndakatoona kuti ndaitamba nenguva sezvo uri
mvana nechekare. Inini handina kana interested
newe , ndiri munhu akatoroora ndine mukadzi
nechekare. Uchiona mudziyo wangu uchitadza
kushanda inyaya yekuti ndinenge ndichizama kuita
zvakashata kutadzira mudzimai wangu.

Pawakandituka kuti ndakasungwa newaya zuro


ndakarwadziwa nekutaura kwako ndosaka
ndakurova.

Handina kukurovera kuti wanga uchitaura


Chokwadi, asi kuti ndakurovera muromo wako
chete wakarebesa.

Ndakambonyarara ndichifunga kuti zvimwe


achataura manje haana kumbobvira ashama
muromo wake.

Chaakaita akabvisa maoko ake pane angu


ndokubva aswedera nechekure neni.

Ndakaenderera kumberi ndichiti,

"Inini zvangu zvekuramba ndakakuchengeta


handichakwanise , ndava kukupa mari yebus yekuti
uchienda kumba kwenyu nhasi chaiko"

"Yava nguva yekuti neniwo ndichidzokera kumba


kwedu , ndine zvizhinji zvandinoda kundogadzirosa
plus ndasuwa zvekare mudzimai wangu"

"I am the Rockstar , handikodzere kugara musango


semhuka ndisingazikamwe nevabereki vangu kuti
ndiri kupi" ndaidero ndichimutambidza mari.

Ndakaona achisimuka akabva apfeka mbatya


dzake , ndokutora mari yandanga ndamupa.

Haana kana shoko rimwe chete raakataura


akatanga kufamba achibuda panze.
Ndakatanga kunzwa kakurwadziwa kumuona
achienda, apa ndakanga ndisingazive kuti
arikufungei sezvo angaasingataure. Ndakatanga
kuzvitongesa kuti zvandiri kuita ndizvo here ,
ndakadongorera nepa window ndikaona achitobuda
gate.

Ndakangoona ndava kupukuta musodzi , handizive


zvangu chainyanya kundirwadza pakuenda kwake ,

ndainyatso kunzwa kuti pane chandava kurasikirwa


nacho muhupenyu hwangu.

Achingobuda gate ndakasara ndikagara pa sofa


ndikambochema , ndakaona kuti kuchema
hakubetseri sezvo munhu aenda nechekare.

Ndakatanga kurongedza tumbatya twangu


ndichindoisa mumota yangu imwe yandanga
ndatenga ma Rusape.

Ndakaona zvirinane kuti ndikangamwe nezva


Harleen ndidzokere ku Headlands kuna baba
vangu . Ndichitanga upenyu hwangu hutsva na
Bianca.

Ndanga ndafunga kundotakura mudzimai wangu


kuti ndiende naye ku Harare.
Ndapedza kurongedza zvinhu zvangu ndakageza
ndokubva ndazotanga ku driver mota kubva ma
Rusape kuenda ku Headlands.

Ndiri munzira ndakafonera baba vangu


ndichivaudza kuti ndiri munzira kuenda kwavari
ndaisada kuvarova ne suprise, vakaratidza kufara
chaizvo.

Kubva ma Rusape kuenda ku Headlands


padhuzesa zvekuti nenguva shoma ndanga
ndasvika.

Ndichisvika ndakagamuchirwa na baba vangu


kutanga, Bianca akauya achindimhanyira
ndokundimbundikira. Kana vari samhamha vangu
vakaratidza kufara zvekare nokundiona.

Yakambova happy moment.

Baba vakatanga kufamba vachiona mota yangu,


vakauya vakandibata ruoko vakabva vati aiwa zviri
kuita moyo mota yawava kufamba nayo
ndeyembozha ka iyi.

Ndakangosekerera ndikati

"mwana wenyu ava Rockstar baba masuwo


akazaruka mari haichasi yenhamo , mota
ndinofamba neinodiwa nemoyo wangu."

"I am very proud of you son " vakadero baba


vachindimbundukira .

Inini ndakangosekerera ndainzwa kufara nokuona


mufaro waive na baba vangu

Ndakazotanga kufamba ndichida kundopinda


mumba ndakaona maiguru vakagara pamukova
vachizama kupa murume wavo porridge
achiramba .

Ndakamboda kuendako asi ndakanzwa


kungosvotwa .

Bianca andibata ruoko akatanga kundidhonza akati


"I was miss you hun , pliz let's go to the bedroom"
kungonzwa inzwi rake chete rakatetepera ndanzwa
muviri wangu wese uchiti zhwararara.

Ndakatanga kufamba ndichimuteera kumashure.

Ndiri pakati pekufamba ndakazongonzwa voice


remunhu rakati " wait for me !!"

Ndakacheuka ndichirohwa nehana neinzwi


randainzwa richibva nemu booty.
Ndakaona Bianca achimira achitoratidza
kushamisika.

Baba vangu vakamirawo vakatarisa ku booty.

Hana yangu yakati bhamu

ndichiona Harleen achibuditsa musoro arimu


booty.

Ndakatadza kuziva kuti ndoita zvekudini naye


chaizvo .

Ndakaona baba vangu vachinditarisa iye akabva


ati...

Ko nhai Addie zvaunoramba uchinditarisa iwewe


uchiona kuti ndiri kutadza kubuda "heropu me zve
nhai" aidero achinenekedza chiruoko chake.

Veduwe ndakatanga kupukuta ziya pamwe chete


nemaziso , ndakazvitsunya kuti ndinzwe kana
ndakanga ndisiri kurota.

Ndakanzwa kurwadziwa ndikabva ndaziva kuti


zveshuwa Harleen hakuna kwaanga aenda
paabuda gate adzoka apinda mu booty .

"Ndakatanga kuhuta ndakamira, baba vangu


ndaivaudza kuti chii "

Ndakangomundonza zvehasha ndichimuburitsa mu


booty iye akabva ati

"easy my husband zvoode kukuvanza inini


tsvarakadenga yako ." Aidero zvekusvotesa

Gono vakanditarisa vakabva vati " Chii chirukuitika


pano Adiie , ndiyani uyu? "

Vakabvunza vakanyatso nditsvukisira ziso.

Inini ndakatanga kuti " Ee- umm anonzi .. " ndisati


ndapedzisa sisi vanga vatozvi introducer nechekare

Her : "Makadini baba , zita rangu ndinonzi mai


Rockstar " ndini ndakatora moyo wemwana wenyu
Addie , ndiri muroora wenyu

Ndakaona Bianca achimhanya achida kuenda


mumba , akabva abatwa namoms vakatanga kumu
nyararidza .

Inini ndakabva ndati " Harleen!! " ndaimudeedza


zvehasha.

Iye akabva ati " Ndiri pano ishe wangu "


Maiguru mai Tee vakatarisa kwatiri vakatanga
kuseka.

Ndakatanga kuhuta ndichimudhonza kumubvisa


pane vanhu ndaitoda Explanation kuti andiudze
kuti , anga anditeerera chii?

Ndakasiya mai vangu vachinyararidza muroora


wavo ndakabva ndadhonzera Harleen ku swimming
pool ndakasvika ndichimurasira kure ndokubva
ndikati

"Why are you here Harleen ? " akafamba akauya


kwandiri akati

"what do you mean by that babe?"

"Yu know exactly what i am talking about , ndati sei


wanditeera don't babe me!" Ndabvunza
ndichinzwa ndiine hasha dzekuda kumurova

Iye akauya akandibata pahuro akati "Usafunga kuti


zvawakandirova ndikanyarara ndainyararira
kupusa" Iwewe ndiwe murume wangu ,
wakandobvisa roora wega ku Birchenough uko
usina akukumbira.

Inini handirambike zvekudero, usafa wakazviedza


zvako.
Enda izvezvi undoudza baba vako kuti ndiri mukadzi
wako otherwise..

"Otherwise what? " ndakabvunza

Obvious " i will ruin your image kuti sinhi rako


harishande "

Ndinokwanisa kunyora article pamusoro pako


ndikakuburitsa muma newspaper ndikaita mari
newe izvezvi.

Imagine ne mbiri yaunayo vanhu voziva kuti pauri


haukwanise kurara nechinonzi mukadzi kusvika
zvakasungwa pauri zvasunungurwa

"i don't think kune angazonakirwa newe zvekare."

Respect yese yaunopiwa inopera iyi ,

ende ma witness ndinawo anokwanisa kupasisa


article yangu kwawanga wandozama zvikaramba
zvekare .

Rockstar , Rockstar , Rockstar hakuna munhu


anondirova zvikarova inini. Baba vangu chaivo
nyakundishandira husiku hwese kuti ndivepo
havasati vakambondirova. Unoda kuzviita ani
iwewe, ndangokunyara chete kuti uri murume
wangu ndingadai ndakubvisa mazino.

"My name is Viorence usafa wakazviedza


zvawakaita zvekundirova ,

Or zvekundisiya zvawaita izvi . Ndiri mukadzi wako


ndiwe wakanditsvaka wega pauri ndopandiri"

Aidero achifamba kuda kuenda ndakamudhonza


ndokubva ndikati saka unondiudza kuti wanga
uchinditeerera kwese kwandaenda here iwewe.

"Agh kukuteera nekushaiweiko nhaiwe , i know kuti


watombozama kunyudza mudziyo ukaramba uyu"
Inini ndogara ndiri kumberi pane zvese , pano
handibve pachava pamba pangu pano
anedambudziko neni ndiye achabva zvake.

Ndakatarisa Harleen ndikaona kuti anotopenga


chete ndakabva ndati

"Unodero nokuti hauzive baba vangu, avo


vachakudzinga rakacheka nyika nokuti pano panoti
ivo"

Harleen akaseka zvake akabva ati "We shall see"


"Rega ndimbondoona vanotadza kudya avo kuti
varikunetsekana nei " aidero achifamba achienda
ku cottage .

Inini ndakangosara ndakamira ndichishaya


zvekutaura

Ndakatanga kucheuka cheuka kuda kuona kana


panga pasina ainzwa conservation yedu.
Ndakaona pasina ndikabva ndafamba ndichienda
kuna baba vangu ndichisvika ndakawanikwa
vakagara pa chair inotenderera pavakandiona
vakabva vati...

End of chapter *9*

Stay tuned , keep comment.

Vane ma facebook vasati vavhotera book redu


endai munobaya link riri pamusoro apo mundobaya
like yenyu pakanzi let's for mai lex kune
vasinganzwisise inbox me
*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103#

Chapter **

*Harleen*

Pakandirova Addie ndakanyatsokurwadziwa,


ndakachema kusvika ndava kunzwa kuti misodzi
yapera yese. Ndakazama kuda kubuda kuti
ndiende kwa sekuru vangu manje ndakakundikana
nokuti ndakaona andikiira mumba. Ndakatanga
kufunga kuti achingouya ndomuudza kuti
andiendese kumba kwedu kana akangotadza chete
ndomuendera kumapurisa for kidnapping.

Ndakamborara ndichimirira kuuya kwake , musoro


ndanga ndautova nemvura inopisa saka wakanga
usingachanyanye kurwadza.

Achisvika ndaida kutaura naye manje nehasha


dzandainzwa ndaiona kuti hapana zvisvinu
zvandingataura. Ndakarara ndakadumbirwa
mangwana makuseni ndichimuka ndakawanikwa iye
amuka kare, pandakada kumuudza kuti
andiendese kumba kwedu ndakashamisika iye
achitotanga kundiudza kuti ndava kufanira kuti
ndichienda kumba kwedu nekuti haana basa neni.

Ndakanzwa kudikitira izvozvo ndizvo zvandisingade


zvekuenderwa kumberi kwenjere dzangu.
Ndakatora mari ndikabuda gate ndichifunga kuti
ndingaita zvipi zvingangomurwadza. Ndakaona
zvakanaka kupinda mubhuti remota
yaaizoshandisa iyoyo. Ndakataimira apedza
kurongedza zvese ndokunzwa achigeza inini
ndakabva ndapinda. Akazosara kukiya boot rake
inini ndavamo kare. Ndaiita kunge ndichapera
mweya sezvo ndakanga ndakamanidzirwa asi
nokuda kwekuti ndaitoda kumuwachisa
ndakatsungirira. Paakandiudza kuti haana basa
neni iye akandibvisira pfuma ndopaakairesva tsoro
yake ipapo.

Ndakaona zvakanaka kutodzidzira kumuda


chaizvo , kuti ndinyatso kumutosvora .

Tichisvika akada kumbondivhundutsira ndikabva


ndamubvundutsirawo neye article , ndakanga
ndisina chokwadi nezvandaitaura ndakangoti regai
nditaure sekudero zvimwe ndingabudirira .
Ndakaona achipeta muswe ndikabvandaziva kuti ,
ndiri right paambobuda andozama zvikaramba .

Inini kana ndakamutarisa ndine ma visions


andinomboona achiita kunge akasungwa newaya
zvekuti mudziyo wake uenge wakaita
kudzvanyidzirwa.

Kuti ndizoziva kuti ichokwadi here kana kuti injere


dzangu ipapo handina chezivo.

Pandakaona adzikama ndakabva ndati chiregai


ndibve paari , ndakafunga zano kuti zvino ndoenda
kupi inini pamba apa patsva handina pandinoziva
ndakaona zvakanaka kuenda ku Cottage kune
vashandi vandanga ndaona vari ikoko.

Nguva dzatasvika ndanga ndaona mai vacho


vachizama kupa murume wavo chikafu zvinoratidza
kuti airwara ndaida kumbondoona kuti
arikudzimbikana nei.

Ndichisvika ndakawanikwa mudzimai wacho


akapfugama achinamata paakanzwa ma footsteps
angu akabva ati Amen achisimuka zviya zvekutya.

Inini ndakangotiwo Amen ndakamira kumashure


kwake.
Paakaona kuti ndini akabva abata hana akatanga
ku breather in and out.

Ndakangoseka zvangu ndikati hezvo kwakanaka


here?

Mukadzi uya akagara pachituro akabva ati " Hongu


kwakanaka , mandibvundutsa chete"

"Ndakabvundutsai sei ?" Ndakabvunza


ndichisimudza mwana musikana ndiye airaridza kuti
muhombe, ndichigara paanga akagara iye
ndakabva ndamuisa pamakumbo angu.

Mukadzi uya akanditarisa akabva ati "Ndanga


ndafunga kuti ndi father in law "

"Father in law kureva vatezvara venyu here?"


Ndakabvunza ndichitoshamisika kuti mai ava vana
vatezvara vanogara pamba apa .

Mukadzi akaseka akabva ati " inga monakirwa


zvenyu, hongu father in law ndoreva baba
vakabereka murume wangu" Ndanga ndafunga
kuti ndivo vasvika ndichinamata ,ndikati pangu
pandiperera havade kuona munhu anonamata
pamba pano kwanzi hakuna chinonzi Mwari.
Pakadero mukadzi uya ndakaridza chi kwee
ndakabva ndati "kikikiki inga vakawana muroora
akanaka chose , vanotoda inini ivavo" nekungoziva
chete kuti havade kunzwa zva Mwari chero ndanga
ndisingagone kunamata ndobva ndatotangira ipapo.

"Haa dai vari vatezvara vangu raidoka vandi joiner


pama prayers. " ndaidero ndichiwedzera kuseka

Mukadzi uya akaseka akati " Inga zvanaka zvee


nokuti vatezvara vangu , ndovamwe chete
nevenyuwo"

Toti zvamauya zvanaka mainini,

ndanzwa muchiti shewe kuna bamnn Addie panze


apo kuratidza kuti muri mudzimai wavo.

Inini ndonzi mai Tee ndiri maiguru venyu , ava


vakagara parukukwe ndibamukuru venyu ndiye
mwana wa VaGono wekutanga uyoyu.

Ava vana vangu Tariro ndiye wamakabata , Tarisai


ndiye akarara apo ndine vana vaviri chete.

Ndichinzwa mukadzi uya achitaura kuti ndi maiguru


va Addie ndakashamisika zvaaive akapfeka
hazvaimbokodzera zvachose apa room yacho
yavairara nevana zvaiita kunzwisa tsitsi.

Ndakatarisa vainzi ndimukoma vake ndikanzwa


kunge ndichabuditsa musodzi .

"Vakanga vakapetana maoko , muromo wakaenda


pa side" ndakasimuka ndikaenda pavari ndikati
"makadini bamukuru?"

Vakangonditarisa vakabva vatanga kungoyeredza


musodzi .

Ndakavabata maoko avo ndikabvunza kuti

"Ko vakaitwa seiko?" Munondiudza here kuti


vakazvarwa vakadai

Maiguru vakatanga kuchema vakati

"Havana kana gore vakadai mwedzi uno vava kuda


kushandira wechi 8 vakangodero , ikozvino zvava
kuita zvichivakurira nokuti havachadye zvimwe
dzimwe ipfungwa dzekuti ivo vakaremara apa inini
ndiri kushungurudzwawo nevabereki vavo.

Vanenge vanonyanya kufunganya ndosaka


vaperezeka zvakanyanya kudai ikozvino
ndinongovapa mapanado kuti zvimwe vangaita nani
"Ko kuenda navo kumaporofita nhaimi? Chokwadi
mungaregerera munhu akadai mwedzi misere
yese !" Ndakaderowo ndotonzwira maiguru hasha
chero kumwe kukanzi kupusa pane paungapa
panado munhu akapetana maoko kudero.

Maiguru vakawedzera kuchema vakati shungu


ndinadzo mainini dzekurapisa murume wangu

asi , vatezvara vangu havabvume

" kwanzi maporofita ava enhema" vakadero


vachipukuta misodzi

"That's ridiculous , maporofita enhema hongu ariko


asizve havasi vese vanoporofita nhema. Munozama
kwese kusvika zvaita chero naiye Mwari anobetsera
vanozvibetsera saka makagara pano ndipo
pavangaporeswa here !"

"Torai munhu tiende naye kumaporofita! "


ndakadero ndava kutojima bamukuru ndanga
ndafunga kuenda navo kwasekuru T.J ndinongoona
vachibatsira vanhu vachipora inini ndaivimba kuti
vaizozvigona chete.

Maiguru mai Tee vakandibata vakabva vati


"Mainini please, kana muchida kuti bamukuru
venyu varambe vari nupenyu motoenda navo
kumaporofita pasina kana wepano anoziva kuti
mabuda navo"

Zvirinane kutobuda navo husiku vanhu varara. Inini


ndinenge ndisingachaende nemi nokuti tese
tikaonekwa kuti hatipo zvinodhakwa. "Handizive
chakaremedza murume wangu , asi
ndinongofungira kuti munhu akavaremadza
aripamba pano" vakadero maiguru vapfugama
chaiko vachikumbira kuti ndisamboenda nemurume
wavo rakacheka nyika.

Ndakazogadzika bamukuru pasi ndokubva ndikati


"Okay sezvamareva maiguru, ndichauya na 3 a.m
ndovatora garai makagadzirira transport ndinayo
kare chenyu muchazongondibatsirawo nekuvhura
gate"

"Ndinotenda nerudo rwenyu mainini " vakadero


maiguru mai Tee vachindimbundukira.

Ndakangovaudza kuti vasazvidya moyo zvese


zvinofamba zvakanaka.

Ndakazobuda mumba mavo ndava kufunga kuti


zvino bamukuru baba Tee ndichavaendesa nemota
yani ya Mr Gono here ? Kana kuti ya Addie inini ku
driver ndogona ku Harare ndine mota mbiri dzese
dzandakatengerwa nevabereki vangu,
kungofambawo netsoka mazvokuda angu .

Ndakazoona kuti ya Mr Gono ndochaiyo chaiyo


inoita nokuti vanonzi vakaoma musoro, changa
chasara kutsvaka ma key ayo.

Ndichibva ku Cottage ndaingozviseka


kamusimudzire kandanga ndaita bamukuru baba
Tee

"Dai ndaive mudzimai wa Addie chaiye


ndaisambovasimudza , nokuti bamukuru vanenge
vachinzi ndi vatezvara vanenge vachifanira
kuremekedzwa."

Inini hwangu hwumainini ndehweku fixer Addie


chete asi pachokwadi havasi bamukuru vangu.

Baba Tee ndinongovaona sehanzvanzi yangu


handingatadze kuvatakura kana zvava
zvekuvabetsera , kungoti bamukuru kuitira kuti
Addie anzwe seanotsva nokuti haazvide, anoramba
kuti haasi murume wangu.

"Achandida zvake akambondiroorerei , pamba pana


Addie ndichabva kana ndaona kuti vaneta nema
drama angu"

"Yeess" ndakaseka ndichinyatso kunzwa


kunakirwa nezvandaiita.

Ndakatanga kufamba ndichienda kwaive na Addie


na baba vake ndaida kuona panogara ma keys
emota ndaitoda kugara ndamaviga kuitira
mangwana.

Ndaitoziva kuti kupinda kwangu mustudy room


mavaive Gono vachatombotsamwa, ndakanga
ndakagadzirira.

Ndakadongorera nepa window ndikaona vaviri


vachiratidza kuti vane nyaya iri serious yavaitaura.

Ndakaenda pa door ndoda kuvhura ndakanzwa


Addie achiti

"Hazviite kuti ndimudzosere , musikana uyu ane ma


threats akawandisa. Mungamuona sekuti akapusa
nekuti akakurira kumamisha asi ane simba
rekundiurayira hupenyu hwangu" Zvirinane
mungomusiya aripano achabva ega , nokuti inini
handimude. Mangwana ndiri kutoenda na Bianca
ku Harare ndondotanga hupenyu hwangu ikoko.
Ndichinzwa izvi ndakabva pa door ndokubva
ndaenda kwaive navamwene vangu ndakavabvunza
kune room ya Addie ndakavaudza kuti ndoda
kuzorora ndainzwa ndiine kamwe kakungorwadziwa
nemashoko a Addie.

Vamwenewo vakati voda kutondishura kwanzi


unodei muupenyu hwemwana wangu , avo
ndakanga ndisina nguva navo ndakangosiya
vachipaumba ndakabva ndafamba nema doors
ndichitsvaka room ya Addie ndakazoona yaive
yakanamirwa sticker re Guitar ndakabva ndapinda
imomo.

Ndichingopinda chete ndakatanga kunzwa bvudzi


rangu kumira zvakatondinetsa kuti zvirikufamba sei?

Ndakatarisa ku door ndokubva ndikaona mukadzi


wa Addie akamira kuseri kwedoor akatarisa
kuside . Airatidza kuti aisada kutarisana neni , inini
ndakanga ndisina basa nayewo chandakagona
kutora chese chairatidza kuti ndechake ndikabva
ndarasira panze . Ndaingoda kutsamwisa Addie
chete .

Pandakakandira zvinhu panze ndakanzwa iye ava


kuridza zimhere achideedzera
"Adiie!!" Adiie iwe

Addie akauya akadungamidzana na baba vake


achingosvika akabva ati "waitwa seiko nhai
Bianca ?"

Bianca wacho akabva ati "hona munhu wako


wawauya naye zvaava kuita, zvinhu zvangu zvese
zvarasirwa panze tarisa uone"

Vamwene vakafamba vakabata Bianca vakabva vati


" Inga muroora wangu ndinoziva uchigona
kuzvimiririra , ko sei uchiratidza kuti unotya this
village girl hautode kana kutarisana naye chaiko ,
this is not you?"

Bianca uya akatanga kuzvimara kumeso, achiti "


no, i can not face her , i can not !" Aidero achiradza
kuva nehasha dzekutoda kuuraya munhu .

Kuti atarisane neni aisada zvachose , airatidza


kunditya neniwo ndaitoshaya kuti sei aidero nokuti
akanga asingandizive.

"But why Bianca , ungabvuma kubvundutsirwa ne


gold digger pamurume wako here? You have to
fight her ! You have my support nokuti ndinokuda
muroora wangu" vakadero vamwene vachiratidza
kupa muroora wavo simba

Bianca akatanga kuti "I can't , she is a ... "

Haana kuzopedzisa akabva amhanya achibva


pataive.

Ndakaona Gono vachinditarisa neziso rinotaura ,


vakabva vatangawo kufamba vachitevera Bianca.

Mai Gono vakandibata ruoko vakabva vati "What


have you done , you little tsetsefly!"

Ndakangozunzira ruoko rwavo kure ndikavaudza


kuti "Tsetsefly ndewamakapotyora kwete inini!
Ndaidero ndichitovasunda , ndakatoona kuti vanhu
ava havade softness.

Kushungurudza kwavaita mai Tee , vakatoona kuti


vakanyanya kunyorova manje inini ndichavagadzika
umwe neumwe panzvimbo yake.

Pandakarasira mai va Addie ruoko rwavo ndakaona


vachishamisika , Vakatarisa Addie vachifunga kuti
zvimwe achaita action ndakaona iye achitovanda
nemadziro ndakabva ndaziva kuti uyo ndakapedza
naye.

Ndapedza kurasira mbatya dza Bianca panze


vamwene vacho ndovakazoita busy kudzitakura
vachindoisa kune imwe room.

Inini ndakangotora salt yematombo ndikaisa


mumvura , ndokukusha room yese ndapedza
Ndakabva ndatanga kuvhura ma window,
ndokutsvaira ,ku duster , ku mopa floor, kuwacha
hembe dza daddy Rocky , ndapedza ndakaisa mu
dryer. Dzaoma ndakabva ndato ironer
ndokurongedzera panzvimbo.

Ma sheets ndakatora matsva ndoku spreader bed


rangu bhobho. Mumba mangu manga mava ne
order yandaida, manga manyatsonaka
muchinhuwirira smell iribho.

Ndapedza ndakabva ndageza, mbatya ndakanga


ndisina kutengerwa saka ngoma ndiyo ndiyo
kutopfeka dza daddy idzodzo kusvika vazofunga
vega kuti madam havana chekupfeka.

Ko handi ndava responsibility yavo,


vakasandifungira ndivo vanoshakarirwa nokuti
ndonyatsotora dzacho dzandoona kuti dziri special.

Manheru ndakabika chikafu chemunhu wese


vamwe vakaramba kudya ndakabva ndapa mudiwa
wangu chake .
Akada kumboramba sezvanga zvaita vabereki
vake , ndakamuudza kuti asakangamwa kuti ndini
ndakabata upenyu hwake akada kungofarisa
ndozvidhakisa.

Kungonzwa kudero ndakaona achiritsindira sadza


kusvika apedza kuti tsvai, ndakaendesera maiguru
mai Tee nyama yakawanda ndakawanikwa vari
busy kufurura tumuboora ndakavaudza kuti

" zvenhamo zvapera hakuna muroora wa Gono


anodya nemuboora ivo vatezvara vedu vakafuma. "

Maiguru vakaseka vakati mainini zvivindi zvenyu


makazviwana kupi hamutye here?

Ndakangovatarisa ndikati kutyei zvangu ndotya


anondityawo .

"Ndakavaudza kuti mangwana ndikambobuda na


bamukuru , zvikangofamba zvakanaka chete
ndichakudzoserei ku main house zvehu gate
women zvinofanira kuchipera!"

Kana ndimiwo makamboonepi muroora anogariswa


pa gate, aiwa kana ndikatonzi Violence ngaribate
zvaro zita racho asi ndichigadzirisa zvinhu kuti
zvive ne order.
Kwamaiguru mai Tee handina kugarisako, ndanga
ndaneta ndava kuda kundozorora. Ndichisvika
muroom ndakabhoikana ndichiona Chirandu
vasimo.

Ndakangoridza tsamwa

Inga murume wangu anga oda kunditambudza ,


ndakatanga kufamba nema room ndichimutsvaka,
ndakanzwa hiri hiri muroom yenumber 6 ndakabva
ndato knocker ndikati

"Daddy kwadoka chitouya ndode kuvhara door"

Wakava muromo umwe chete ndakaona Addie


achiuya achimhanya airatidza kuti aive busy na
baba vake hameno lecturing yavaimupa.

Baba vake vakauya vakati

"Harleen tambokusekerera kubva masikati


tikasiyana newe ,zvawava kuda kuramba uchiita
izvi unenge wava kufarisa. Haudeedze Addie
ndichiri kutaura naye nyaya dzakakosha."

"Ndangobata Addie ndikati ngatimutsanei


mangwana baba , Chirandu yava nguva yekuti
vazorore ndaidedo ndichisundira Addie ku room
yake ."
Ndichipinda akauya akati " Harleen haunditonge
pamba pa baba vangu unondinzwa!"

"I can tolarate everything but zvawava kuda kuita


zvekutonga munhu wese pamba pano ngazvigume ,
mind the way yaunotaura nevabereki vangu
unondinzwa! "

Ndakaswedera paari ndokubva ndikati

"Ndiri muroora wepano , ndiri kugadzirisa


pakaresveka ndisiye ndigadzire zvinhu munzira
dzangu!" I don't care kuti iwewe haundide but inini
ndinokuda nemoyo wangu wese.

"Vabereki vangu pfuma vakadya saka ndava kutora


chidanho samakhoti kuchengetedza murume wangu
"

Kana vabereki vako vasingandigamuchire


semuroora wavo ndinogovapa respect yei zvangu.

Vachawana zvakavafanira , inini chandinoziva


ndechekuti iwewe ndiwe wangu inini ndiri wako .

Wakandisarudza wega hapachina kudzokera


kumashure kusvika taparadzaniswa nerufu.

"The only way ichaita kuti ndirambe ndinewe


mudiwa wangu ,kumira semukadzi wa nhasi
kurwira rudo rwedu"

Vabereki vako vanofanira kuziva kuti mai Rockstar


munhu akaita sei ndichambotanga kusvika kudai,
otherwise ndikapusa ndingangodzingwa zvangu.

Ndiudze kuti kana ndikadzingwa ndinozouwanepi


umwe mukana wekuroorwa na Rockstar , the most
rich handsome guy .

"Pamuri ndofa ndaedza daddy , i love yu so much "


ndakadero ndakamusvorera ndakaona
achifinyameso kumeso kuratidza kunyangadzirwa.

"Ndakangoti nechemumoyo wanzwa butter , kwa


mbuya Harini wakatuma vanhu wega
mwanakomana ."

"Stop your madness Harleen, there is no love


between us ! " akadero achihutisa maoko
ndaimuona zvangu kuti aitoda zvekundirova asi
aitya nyaya yepeba nhau randanga ndamuudza kuti
ndoribuditsa.

Ndakanyatso seka ndikati , dai pasina rudo munhu


aizobvisa mombe nhatu dzinotsika here? Aiwa rudo
rwuripo zvaro chete kungoti satani chiri pabasa
hauone chete kuti ndini mudzimai wako chaiye.

"Harleen!"

Aidero achindisundira pa bed akabva andidzvanya


minyatso yangu zvinorwadza zvekuti ndakashaya
simba rekuramba ndichitaura.

Ndakanyatsorwadziwa , handina kuzoda kuramba


ndichinetsana naye.

Ndakabva ndatorara ipapo ipapo. Iye handizive kuti


akasara achiitei .

Nguva dzichingoti 3 am ndakabva ndamuka


ndakanzwa ne vibration ye Alarm ya Addie
yandanga nda seta inini handina foni saka
ndoshandisa yake iyoyo .

Ndichimuka ndakaona mudiwa wangu akafa


nehope, ndakatora ma keys emota yake ndikabva
ndatoenda ku Cottage kundotora bamukuru.

Ndanga ndarangarira nyaya yeku Harare, saka


ndaitoziva kuti ndikatora mota yake hakuna
kwaanoenda achiisiya isiri pamba.

Ndichisvika ndakawanikwa maiguru vatova panze


navo kare, ndakangovaisa mumota ndikavaradzika
kuma seats ekumashure. Ndakaudza maiguru kuti
vasawana wavanoudza kuti ndabuda na bamukuru
vanhu vakabvunza vangotaura kuti ndini ndatora
mota ya Addie

" asi zvekuzoti ndaendepi nayo, ngavasawana


wavanoudza. "

Chandaiziva vese vaisave nebasa na bamukuru


saka hapana aizombo noticer kuti havapo
pamba ,sezvo vasingambovatarisewo kuti vamuka
sei?

Ndanga ndatora foni ya Addie kuenda nayo just for


Emergency sezvo kwanga kuchakasviba, iye
aizosara achiona yekutamba.

Ndakatanga ku driver mota yangu ,ndisina kana


kure kwandasvika ndichangobuda mu Headlands
ndakangoona munhu akamira mberi kwemota .
Ndakanyatsotarisisa ndikaona akapfeka kunge
Bianca zvakatondinetsa kuti anga achiitei mutara
kwakasviba kudero. Ndakaridza huta ndikaona
asirikuda kudzuura pa road, ndakamisa mota
ndikapukuta maziso ndichida kuburuka
pandakazotarisa ndakaona aikazve zvaiiri mombe
zvayo yakaita ku mira.
Ndakatoona kuti miyedzo zvayo , inoda kuti ndiite
accident ne mota ya Addie , pamusoro pazvo
ndikuvadzise bamukuru. Ipapo ndakatanga
kungonzwa zvichindituma kunamata. Inini
handingati ndogona kunamata nokuti chero
ndikazama kuda kutaura mashoko mururimi
rwechishona

ndinozongonzwa ndava kutoti

"ABHURAKADHABHURA ADHOSKARAVASH,
VOSIA VOSENDERE"

Pamwe ndinositi ndikanzwa ndava kunamata


ndichidero ndinonyarara,

Manje apa ndakaramba ndichinamata munamatiro


uyoyu, ndakabva ndatomutsa mota yangu ndika
driver zvekuti kune mombe ndakamboisa paside
ndakaona kuti kwaingoedza ndakamira panzvimbo
imwe chete ndakabva nda...

End of chapter *10*

ADHOSKARAVASH vakabudirira here kusvika na


bamukuru kwavari kuenda .

Vanhu veku Headlands munofanira kuvharira


mombe dzenyu veduwe mava kutambudzisa mai
Rockstar kufamba zvakanaka manje.

Thanks nema comments guys munamato wangu


zvizhinji kune vari kundipa ma Airtime

Dai Mwari awedzera pamunotapudza.

Kune varikukanda ma likes zvekare ku competition


yatinawo yevanyori ku Face book ndinokutendai.

Kune vasati vavhota link riripamusoro iro


mukaripabaya rinokuendesi kumavotes straight
pakanzi let's vote for mai Lex imimi munongobaya
ka like ke blue kari ipapo vote rotoverengwa .

Vasinganzwisise inbox me kana mune face book


muchida kuvhotera book redu Betrayal kuti rihwine
ridarike mamwe ma books evanyori inzwai kufarira
kuvhota uye kushare book neniwo ndinozofarawo .

Ndinotenda
*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Harleen*

Pandakaramba ndichinamata ndakabva nda driver


mota , ndavakuda kusvika pane mombe ndakanzwa
phone ya Addie ichiringer ndakatsika ma break
ndichimira. Hana yangu yakarova nokuti
ndakafunga kuti pamwe ndiye andifonera amuka
akaona ndisimo mumba. Ndakatarisa aifona
ndikaona pakanyorwa kuti Sister Cherry .
Ndakaona kuti kudaira ma calls ake hazvizoite
ndakasiya phone ichiringer . Ndakamutsa mota
ndikaona kumberi kwanga kune mombe kwava
kupfuta moto muzhinji kwazvo, ipapo ndipo
pandakaona kuti zvinhu zvandiri kusangana nazvo
zvitori zvehusiku. Hana yangu yairova asi ndainzwa
ndine zvivindi. Ndakatarisa nguva ndikaona
dzichiti 03:20a.m

Ndakatanga kunamata ndakagara mumota , moto


waiwedzera kupfuta uchiuya kwataive. Sisi va
Addie vakaramba vachingofona ndakatozoona
zvakanaka kudaira ndivaudze kuti handisi pana
Addie.

Ndichingo receiver ndakaisa pa loud ndokutsveta


phone pa dashboard .

Ndakanzwa ivo vachiti

"thank Godness Addie , are you okay?

Inini ndakaramba ndakanyarara ndakatarisa moto


wairatidza kuti wanga wava kusvika pedyo nemota.

Sisi va Addie vakabva vati

" Mufundisi vangu vandimutsa izvezvi vakati


ndikufonere, havana zvizhinji zvavataura ivo
varikungonamata saka ndoda kuziva kuti uri safe
here mwana wamai vangu i am scared!"

Ndakada kutaura kuti Addie ndamusiya kumba ,


manje ndisati ndataura ndakanzwa munhu akati
"RAVASHAI ADHOSHIRAVATO"
Ndakatanga kuona chiedza mumaziso angu
ndokubva ndikati

"Rabhatera tosia vosiya sendere"

Voice riya rakatanga kuwedzera richiti

"ABHURAKADHABHURA "

Inini ndakabva ndati "adhosikaravash"

Murume aive pafoni akatanga kunamata nema


tounges zvekuti ndakatozonzwisisa kuti ndivo
mufundisi vanga vachitaurwa na tete Cherry kuti
vanga vachida kutaura na Addie.

Inini ndaingonzwa zvichindituma kuramba


ndichinamata. Ndakatanga kutaura nema tounges
zvandisati ndakamboita muupenyu.
Ndainyatsokunzwa kuti mweya mutsvene uri
pandiri. Ndakanzwa bamukuru vava ku screamer
vari ku back seat , ipapo ndakatanga kunzwa simba
rekunamata richiwedzera mandiri though ndaive
nekakutya.

Munjere dzangu ndaingofunga kuti bamukuru


zvavava ku screamer zvimwe vava kuda kufa.

Ndaka driver mota ndichienda nepaive nemoto


ipapo , ndakazviudza kuti handidzokere
kumashure nezita raJeso panopfuurika.

Ndakaimhanyisa mota kusvika ndadarika ne paive


ne rivi remoto. Pandakadarika paive nemoto
ndakanzwa kurerukirwa.

Handina kuregedza kunamata nekuti ndadarika


panga pakaoma.

Ndakangoramba ndichinamata apa ndakabata


steering ndakatsika mafuta , bamukuru
vaingozhamba munzira mese phone ya tete yanga
yakatwa saka ndakanga ndava kungonamata ndega.

Nguva dzandakazoti Amen ndakanga ndanzwa


runyararo rwa bamukuru. Ndakamisa mota
ndichida kuona kuti zvavanga vanyarara vanga
vachiri kurarama here. Ndichicheuka ku back seat
ndakarohwa nehana kuvaona vakaita kugara
zvakanaka vasisina kurara.

Muromo wavo wanga wanyatso kudzokera


panzvimbo.

Maoko avo zvekare anga atasamuka asisina


kupetana. Ndakangosekerera ndikati bamukuru
matopora. ! Ndaidero ndichivhura door kuenda
kuback seat kwavaive ivo vakangoramba
vakanditarisa.

Ndakazama kutaura navo asi vairatidza kuti


vaikundikana kubuditsa inzwi.

Ndakajambira mumota ndichifarira miracle yanga


yaitika . Ndakazo driver mota ndichipinda mutown
sezvo ndanga ndava pedyo.

Ndichisvika pamba pa sekuru ndakavaona


vachivhura gate vakatopfeka ma Gemenzi avo
vaitoratidza kuti vanga vachangobva mukunamata.

Ndakaburuka mumota ndikabva ndavakwazisa. Ivo


vakandibvunza kuti wakadini musha urikuzvikunda
here muzukuru wangu ? Inini ndakabva ndati
"Izvozvo tozotaura time time sekuru parizvino
ndauya nemurwere arikurwara serious "

Sekuru vakangoti "vuyai naye tione kuti Mwari


arikuti chii paropa rake" Ndakamhanya ndikabata
bamukuru ruoko ndakabva ndadzika navo mota
ndichivagadzika pasi. Sekuru vakavabata maoko ,
vakabva vambonyarara vakazoti ndiyani wenyu uyu
nhai vamasibanda?

"Ndi Bamukuru , mukoma vemurume wangu "


ndakapindura ndichigara pasi.

Sekuru vakabva vati "varikurwara nei , inga vapora


wani hindava muchishoora simba rinoshanda riri
mamuri. Munamato wamanamata une simba
zvekuti dai pamangovona vanaka madzokera navo
kumba. Inini handina umwe munamato
wandichaita pamunhu aporetswa kare"

Ndichinzwa sekuru vachidero ndakashamisika kuti


vanogoti bamukuru vapora sei ivo vachitadza
kutaura, vanga vaguma nguva dzavachema kubva
ipapo havana kuzombobuditsa inzwi.

Ndakasimuka ndikati "Sei muchidero sekuru ,


bamukuru vangu havasi kukwanisa kutaura havana
kuzvarwa vari mbeveve ka ava"

Sekuru vakaseka vakabva vati "huro dzavo


dzirikurwadza chete saka kubuditsa inzwi
kunovanetsa .

Vaitirei mvura inodziya moisa salt kana mapedza


movabikira porridge dete dete vakapedza kudya
vanotaura havasi mbeveve avo , handi ndizvo
bamukuru va Harini" Vakabvunza

Ndakaona bamukuru vachigutsurira nemusoro


vachinyemwerera , ndakanzwa kufara kuona smile
ya bamukuru vangu for the first time.

Ndakandoisa mvura mu kettle , vachifana kumwa


mvura yavo inodziya ndaitobika bota kuside
zvekukurumidza chaizvo ndichingopedza ndakabva
ndavapa.

Bamukuru vakadya porridge ravo kupedza kuti


tsvai vapedza vakabva vati "Madii maita kari ka
sadza mainini ndakaguma kuridya pava nenguva
chaizvo"

Ndichinzwa voice ra bamukuru vangu ndakafara ,


ndakasvika ndikagwadama ndikati makadini
bamukuru?

Ndakanzwa vachiti "ndinosimba makadiniwo?


Ndinotenda chaizvo neminamato yenyu ndanga
ndakadzamirwa zvakanyanyisa vaidero vava
kupukuta musodzi "

Pakamboita runyararo kwekanguva bamukuru


vachimbochema . Inini ndanga ndakamira
ndakatarisa ndichivanzwira tsitsi.

Ndakazoona kuti vachema nguva refu shungu


dzapera ndakabva ndati "Ndiudzei bamukuru
zvakafamba sei kuti muremare muremariro uya?"
Ndakabvunza ndichigara pasi

Bamukuru vakatura mafemo ndokubva vakati "Eee


muchiona.." vasina kupedzisa sekuru vakabva vati

Ko nhai Harleen hauna kunzwa here bamukuru


vako vachiti vanenzara enda ku chirugu ubate
broiler uvabikire sadza rakaita dete. Ndakanzwa
kubhoikana na sekuru vaindivharira kunzwa nyaya
ndakabva ndati "But sekuru , bamukuru vane
zvavanoda kundiudza zviri important "

"Enda unobika uko ! Bamukuru vako vakangamwa


zvava zvinhu zvekare ukaramba uchipikisana neni
ndokuisa tsvimbo zvekuti wakaroorwa
ndozvikangamwa izvezvi" Vakadero sekuru vava
kutosimuka vachibata tsvimbo yavo yeku church.

Ndakasimuka ndichimhanya sekuru vangu


havatembeki havasati vakambondirova zvavo asi
ndinongovatya.

"Ndakaenda kundobata huku yacho yandanga


ndaudzwa , kungovaorora ndakabata dziri mbiri"
Mbuya vakazosara kumuka chivanze ndachenesa
ndichibetserana nevashandi nyama yavapedyo
kutoibva.
Vakafara nekundiona ndakazobhoikana vava
kundiudza kuti inga watogona muzukuru wabika
huku mbiri tine vaenzi vanosvika manje manje.
Ndakanzwa kusvotwa apa ndaiti ndiri kuorora
sekuru vanga vandimhanyisa apa ndonzwa mbuya
vachiti zvawaita ndizvo chaizvo.

Ndichipedza kubika ndakapa bamukuru na sekuru


chikafu chavo , vaidya zvavo vachiita nyaya.
Pandanga ndoda kuti ndidyewo ndakatanga kunzwa
foni ya Addie yava kuringer ndakatarisa ndikaona
aifona pakanyorwa kuti "my lovely Father" hana
yangu yakarova ndakabva ndaziva kuti ndiye
arikufona nefoni yababa vake. Ndakangoisa foni pa
silent ndokuzvidyira sadza rangu ndichipedza
ndakaenda kuna Sekuru na Bamukuru ndaida
kundonzwisisa nyaya dzekuremara kwavo ndaive ne
feeling yekuti vanoziva zvaive zvakavaremadza.

Ndichingosvika sekuru vakabva vati "Iwe Harleen


kupfeka rudzii kwawakaita munhu asina mwedzi
aroorwa , unoona kunge kumba kwemurume kumba
kwambuya vako here kwawaiita zvaunoda?"

"Sekuru chiiko veduwe, moda kuti ndipfekei ? "


Ndakabvunza ndakamira kure navo ndichitya
tsvimbo yavanga vakabata.
"Unoshaya chekupfeka nekushayeiko iwewe,
ukaramba une hunhu hwako hwekuda kuzviita
murume ucharambwa nemurume . Ende inini
handina muzukuru anoroorwa kaviri ndichakurova
kusvika zvanaka"

"Tora card iri uende nambuya vako kumashops


ezvezvi , undotenga hembe dzinoonekera unoda
kutisvodesa haikona izvezvi urikufamba na
bamukuru wakapfeka zi vhesi iroro ndicho chii?
Kasira kuenda kwandakuudza!" Vaidero
vachinditambidza card

Ndakanzwa kufara nokuti ndaizowana masvikiro


kuna Addie ,

ndaitomuudza kuti ndanga ndaenda ku shopping


ipapo ndakafarira nyaya ya sekuru.

Ndakaenda na mbuya kundotenga mbatya.


Vachindiraira semuzuku wavo kuti ndezvipi
zvandinofanira kuita semunhu wemuroora . Inini
handina kuda kuvaudza kuti i fake marriage
ndaingobvumira zvese zvavaindiudza ende zvizhinji
ndaitozvichengeta mumusoro wangu kuitira gore
randicharoorwawo.

Ndakatenga mbatya dzakanaka chaizvo mbuya


vachindibetsera kusarudza taingotsvaka
dzinodhura dzega dzega kuregerei zvangu ndina
sekuru vane mari.

Ndichidzokera kumba kwa sekuru ndakawanikwa


bamukuru vagara pasi vachiratidza kuti njere dzavo
dziri parefu. Handizive zvangu sei vainzwisa tsitsi
kudero.

Inini ndakangosvika nekuvaudza kuti tichidzokera


ku Headlands. Takabva tatopinda mumota ndiye
hutu takananga ikoko!

*OLGA*

Regai ndingotenda Mwari vakaunza Prophettes


Harleen muupenyu hwangu. Inini ndiri munhu
akanga asingachaone ramangwana rake. Mudzimai
wangu ainamata zuva rega rega rakasikwa naMwari
aigara akandiudza kuti iye haana simba rekupikisa
baba vangu asi arikunamata kuna Mwari kuti
vatume munyaradzi muupenyu hwedu.

Panguva yacho ndaisagona kutaura asi painamata


mai Tee neniwo ndaitonamatawo. Pakazosvika
mainini Violence ndipo pandakaona kuti tatumirwa
munyaradzi zvechokwadi , ndakanzwa kufara mhuri
yangu ichidyawo sadza nenyama .
Zvese zvaiitwa ndaizviona asi kutaura ndiko
kwandakanga ndisingagone.

Pandakaiswa mumota ndichinzi ndava kuendwa


neni kwa Bishop ndaingonamata kuti zvese
zvifambe zvakanaka. Tisina nekure kwataenda
mainini vakanamata zvakandibvundutsa kuti nezera
ravo vanotoshimanda zvakadero , nekuda
kweminamato yavo ndakabva ndapora ipapo
Ipapo.

Takazoenda zvedu kwa Bishop ndatova right.

Tichisvika mainini vakazoti vonetsera kuda kuziva


chakanga chakandiremadza. Ndakaona Bishop
vachivhara vhara nyaya vakatozosvika pakuvatuma
kuma shops.

Vachingoenda chete Bishop vakabva vati tiende


panzvimbo yavanonamatira.

Tichisvika vakaimba vachipedza vakabva vati


tinamate . Takambonamata kwenguva refu zvekuti
neniwo ndakanga ndava kunzwa kuti kubata kwa
Mwari kuri panzvimbo iyi. Bishop vachipedza
kunamata vakabva vati

"Munganditendera here kuti nditaura nemi


zvishoma ?" Vakabvunza

Ndakapfugama ndokubva ndati hongu mungataura


neni ndakasununguka

Ivo vakati " aiwa garai zvenyu pasi, musazvinetsa


nekupfugama handisi kuda kukuporofitai." Vaidero
vachiseka ndakanyatsoona kuti Bishop munhu
akasununguka ndokusaka zvavo vakakomborerwa.

Vakatanga kuti "chekutanga ndinoda kuziva kana


muchiziva munhu akakuremadzai?

Inini ndanyatsogara pasi ndichifunga ndakabva ndati

"Handina chokwadi , asi ndine kakufungira


kuburikidzawo nehope dzandakaroteswa ndisati
ndaremara"

"Makarotei?" Vakabvunza

" Ndakarota mwana waamai vangu achiisa chinhu


mubhegi ende the same bhegi iroro
pandakangoribata ndiro rakaita kuti ndizoremara."

Bishop vakati "Inini handisi kuda kukupesanisai


nehama dzenyu, handide kuva muipi pakati penyu
asi ndichangotaura sezvandanzi na baba vangu
nditaure ."
Hope dzenyu dzaitaura chokwadi mwana waamai
venyu ndiye akakuremadzai mushure mekunge aa...

Vasina kupedzisa ndakabva ndati

"I knew it ! My little brother is a betrayer "

Ko seiko Mwari vakasarudza kundipa mwana


waamai asina rudo.

"I am going to kill him today " ndaidero


ndichitosimuka ndakanga ndaguta nehasha
zvekurevesa kuti chokwadi munhu ava kutonzi
Rockstar achinyepera vanhu kuti ava mupfumi
nekuimba izvo imari yehurombwa.

Adiie aizondiguta chete.

Bishop vakandibata vakati

"garai pasi handisati ndapedza zvandanzi


ndikuudzei , inini ndinofamba nechokwadi chega ,
ichi chipo chandakazvarwa ndakapfumbata.
Ndikatadza kutaura sezvazviri ndingazvitorera
mhosva"

Munodiwa na Mwari baba Tee ndosaka nhasi uno


muri mupenyu. Vana venyu vese vakakwana
nokuda kweminamato inonamatwa nemunhu
wamusati mambosangana naye.

Munhu iyeye pese paari anongoti "Ishe tarisai


mwana waamai vangu nokuti inherera haagone
kumira ari ega, ndinoda kuti kana mazosangana
nemunhu anonzi Rolix nerimwe ramakore
chizonditenderai munhu iyeye " Akarwa hondo
isingagonekwe nani zvake ,nhasi uno kuti munzi
baba Tee inyaya yekuti mudzimai wamakaroora
vana vake havadyike!

Imimi na Addie mese makangogara matarirwa kuti


hamufanire kubata chinonzi vana muupenyu.

Zvakazoramba pamuri zvikabvuma kuna Addie


ndosaka muchiona baba venyu vachikusarudzai
vachida mwana umwe chete.

"Muri kuti chiiko Bishop muri kusanganisa nyaya,


saka muri kuti Adiie arikutoshandiswawo here
zvekusvika pakudyirwa vana?" Ndakabvunza
ndatovhiringidzika.

Bishop vakati " Hongu ,Addie haasi munhu


anemoyo wakashata asi kuti arikutowana betrayal
kubva kuna baba venyu"

Baba venyu ndivo varikubata bata, vakadzi vese va


Addie vakafa pamwe chete nenhumbu dzese
dzakatsakatika baba venyu vanoziva."

Vanofunga kuti varikugona chavasiri kuziva


ndechekuti varikutoshandiswawo nasahwira wavo
iye achiita mari!

"What? " ndakabvunza ndichishamisika nokuti inini


kugara kwese ndaingofunga kuti Addie ndiye
akaromba.

Bishop : "Yes, ndichataura muchidumbu muzukuru


wa mbuya Harini asati adzoka nekuti akangozviziva
chete kuti baba venyu vanobata bata
anondobvondora zvese , ende iye haasati asimba
pamweya saka vanomuuraya .

Handide zvangu kurasikirwa nemuzukuru wangu"

Nyaya iripo ndeyekuti , Addie ari innocent


akangotumwawo kuisa chinhu mubhegi icho
chaaifunga kuti achipiwa nemuporofita iye haana
kuziva kuti ndezven'anga ya baba venyu. Bishop
vakatanga kundirondedzera nyaya yacho yese
kubva Addie na baba vachibva pamba kuenda kwa
jemedza kusvika vadzoka!

Ndakavhunduka nokuti handina kumboziva kuti


baba vangu vangaita hunhu hwakadero.

Ndakabvunza Bishop kuti "ndinofanira kuita sei


kuti zvibude pachena kuti baba vakaromba"

Bishop vakanditarisa vakadzungudza musoro vakati

"murandarume zvirinane kuita sebofu usafa wakati


bufu nyaya idzi chero kuna Addie zvake nokuti
achaudza baba vako , ukaurawa rakacheka nyika.

Mishonga yakabatwa na Gono yakasimba ende


yakabva kure kwazvo ikozvino atosimba pahuroi
haachazeze kuuraya"

Regedza Mwari vatonge vari ivo , nguva ichakwana


chizochengetedzai mainini venyu. Musatendera
vachivagerwa musoro nokuti simba ravo riri
muvhudzi. Kubva achizvarwa haasati akambogerwa
musoro uyoyo.

Chipo chiri pane muzukuru wangu chakakurisa


akagona kutsanya achizvinamatira anokwanisa
kudonhedza Gono! Inini chaiye personal ndega
handingamugone. Ndaona kune n'anga
yavanoshanyira inotaura rurimi rwe *Yoruba*

"So mean n'anga yavo yakabva ku Nigeria?"


Ndakabvunza
Bishop: "Correct n'anga iyi inesimba remweya
werima wakawandisa . Kana iri ku Nigeria inogara
mu dark land"

Kune vese vakapiwa upfumi nayo vakazosvika


pakuideedza nezita rekuti Jemedza nokuti mumhuri
yaapinda anototi ateure ropa rakawanda kwazvo.

N'anga iyi haizeze kuuraya handide kukunyepera


ende inoona zvemberi zvekuti kutaura Gono
atopiwa Warning yekudzinga Harleen .

Ndichinzwa Bishop vachiti ivo vanotozezawo


kutangana na Jemedza nembiri yavanayo
ndakabva ndagara pasi kupera simba chaiko.

"Saka kana imimi mati maita mucheche


achatiyamura muhondo ya Jemedza ndiyani? "
ndakabvunza ndichinzwa kuda kuchema chaiko

Bishop vakati " Kurudzirai mainini venyu, kugara


vachinamata vakwanise kuona ma visions vega
ndokuti vagone kutanga hondo dzacho" Imwe
nyaya vanofanira kuva connected ne ku church
kunoenda sisi venyu ndiko kuna Mufundisi
vanokwanisa kukudza chipo chiri pavari. Iye
akazvarwa akapfumbata chiporofita chekuma
Pentecostal inini ndiri we Positori ngirozi
dzinoshanda patiri dzakasiyana saka handikwanise
kusimbisa chiporofita chiri paari.

Ndichinzwa vachidero ndakabva ndaziva kuti


downfall yana Gono ndi Prophettes Harleen.
Ndakazobvunza Bishop ndikati

"Saka Addie zvaane vakadzi vaviri


achazokwanisawo here kuita mwana ?"
Ndakabvunza nokuti ndakanga ndava kunzwira
mwana waamai vangu urombo.

Bishop vakatarisa ku gate vakati "Mbuya


nemuzukuru vadzoka, chizorangarirai
zvandakuudzai kuti bvudzi rina Harleen
musavatendera vachirigera. Uye musawana
wamunoudza kuti Gono vakaromba mungapera
mese kufa siirai zvese mumaoko a Mwari
ndichagara ndichinamata kuti mhuri yenyu
isunungurwe muhutapwa! " vakadero Bishop vava
kutosimuka kundogamuchira mainini na mbuya vavo
vanga vasvika.

Mainini vachingosvika vakabva vati "Handei


bamukuru tava kutsvakwa"

Bishop vakatarisa muzukuru wavo vakabva


vamubata maoko vakati
" dai Mwari akupa simba Harleen. "

Ivo mainini vakaseka vakabva vati "Ndine simba


sera Samson nechekare musandityira, ndakaita
luck kuti ndiri mukadzi saka hakuna Dherira
anondikunda" vaidero vachimbundukira sekuru
vavo.

Bishop vakapukuta misodzi vakati

"famba nenyasha muzukuru wangu gara uchiziva


kuti ndinokuda"

Mbuya vacho vakati vodeedzera vakati "Hey ndichiri


mupenyu mozodanana kana mandiisa mu coffin "
Mainini vakaseka zvavo vakati bye gogo musare
munyasha mundimhoroserewo Gogo Harini ,
vaidero vachipinda mumota.

Inini ndakatenda Bishop nemudzimai wavo


ndikabva ndaenda mumota. Mainini vaka driver
mota zvemufirimu chaizvo apa vairatidza kuti vanga
va loader nziyo dza Dorcas mufoni ya Addie .
Munzira mese vaingoridza gospel tava kusvika
vakabva vaisa song yekuti

* havakotsire Mwari uyu* volume yaive pa full


blaster. Inini hana yangu yairova asi kuti ndivaudze
chokwadi nezve mu family medu ndainzwa kutya.

Tichisvika takawanikwa Gono vakamira pa gate


Addie achifamba famba nechivanze chese. Moms
na Bianca vaive vakamirawo rimwe divi.

Mainini vakaseka zvavo vakati ndiyo mota bvaa


yaita kuti mhuri yese itsve nezuva iri panze. Inini
handina kutaura ndakaramba ndakatarisa kwaive
nevanhu.

Mainini vakaridza huta vakabva vati

" Father in law , pliz open the gate for me!"

Gono vakatarisa kwataive vakaramba vaka sticker,


mai Tee ndovakamhanya vakavhura gate.

Mainini vakaishoshonodza mota apa volume ye


song ya Dorcas yakwidzwa pamusoro.

Ndakaona Addie achipukuta maziso airatidza


kushamiswa nekuona Mainini vachi driver.

Mainini vakaburuka ,inini ndakasara zvangu ndakati


kwati ne seat zvekuti vaive panze vaisandiona.
"Mainini vachiona vanhu vese vakavatarisa vakabva
vati "

Gegege murikutoshaya kuti zviri kufamba sei ka ,


muchioma village girl achigona ku driver.

Gono vakatsvukisa ziso vakatarisa kuna mainini


vakabva vati "Arikupi Olga?"

Mainini vakaisa maoko muhomwe vakabva vati


"Olga ndiyani?"

Gono vakafamba vakaenda pana mainini vakabva


vati "What have yu done to my son you village
girl?"

Mainini vakaseka zvavo vakabva vati munenge


mambomwawo chikokiyana imimi Handina nguva
nemi

Vakasiya Gono vachitaura vega vakabva vati

"Eee Bianca , hanzii kuti kwati nemadziro, vuya ka


undiudze kuti ndeyipi yawanga uchida kunditamba
makuseni?"

"Bianca wacho akangomhanya achienda achiratidza


kutsamwa" mainini vakabva vaseka.
"Addie akafamba achienda kuna mainini achiratidza
kuti akaguta nehasha ,apa anga akachena chena
hameno kwaaida kuenda"

Achisvika pavari akabva abvisa bhande rake ,


akavabata ruoko achida kuvarova .

Ipapo ndakabva ndangovhura door remota


ndokubuda panze, ndakaona Addie achirasira
bhande pasi achiramba akanditarisa.

Mr Gono vazvondora vakatarisa kwandaive.

Ndakatanga zvangu kufamba ka step kenyasha


ndichienda kwavaive. Ndakaona ivo vachimhanya
vachipinda mumota yavo vaka driver vachibuda
gate hameno kwanga kwafungwa.

Addie akaramba akanditarisa neniwo


Ndakangomutarisawo takazovhundutswa nevoice
rakaita mukoma Olga ! Mukoma Addie

Tese takati cheu ndokuona ari Cherry .

Ndakangomhanya ndichindomugamuchira
ndakaona Addie wo achimhanya tese takangosvika
tikamuti mbunde!!

Cherry akatanga kuti....


End of chapter 11

Keep comments book redu ,

Ko Gono vaenda kupizve gegege


*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103#

Chapter *12*

*Addie*

Pandakaona Harleen achisvika nemota yangu


isina kana scratch ndakanzwa kufara ndakanga
ndakangobatira hana mumaoko ndichifunga kuti
achandiitira zvimwe. Munhu akakurira kumamisha
aigonerepi ku driver. Ndakaona achipinda pagate
zvakanaka zvekuti ndakasekerera. Ndakada
kumumhanyira asi pandakazofunga kuti anga
aenda nefoni yangu ndakanzwa hasha ndakabvisa
bhande ndichida kumurova anga ava kuzonyanya
kundijairira kukangamwa kuti ndakandobvisa
mombe nhatu dzinotsika kumba kwavo nhai.

Ndichingomubata ruoko ndakaona Olga achibuda


mumota achiita kuzvifambira . Ndakashamisika
nokuti ndakanga ndisina kuzvitarisira, ndakaramba
ndakamira ndichifunga kuti ndimumhanyire here
kana kuti ndisiyane naye. Ndichiri mukufunga
ndakanzwa voice re hanzvadzi yangu richideedzera
ku gedhe. Ndakanzwa kufara nokuti gore ranga
rava pedyo kutokwana ndisina kumbomuona.

Olga akamumhanyira ndakaona kuti neniwo


handingasare. Tese takasvika tikamumbundukira
pamwe chete.

Cherry akaratidza kufara nekutiona, akatibvunza


mufaro tese tikadairirana pamwe chete namukoma.

Ndakangovatarisa ndikaona ivo


vachinditarisawo ,takangoramba takadzvokorana.

Takatozobvundutswa na Cherry akati " Ko maitana


sei ,zvamava kuda kuita kunge mucharumana "

Ipapo ndakabva ndati

"Nothing sisi, masiya varisei vamwe? " ndakavhara


nyaya ndikabvunza mubvunzo.

"Vamwe ndavasiya varibho zvavo , pakadini pano


pandaona pane ma yellow born matsva
andisingazive ?" Akabvunza achigara pasi

"Ndakatanga kukwenya musoro ndichishaya kuti


ndoitangira papi nyaya yacho ndisati ndadaira
Bianca akabva auya akakwazisa Cherry"

Ipapo ndakatora mukana ndokubva ndikati

"Bianca ava ndi sisi vangu, Ee sisi pliz meet my ..."


ndisati ndapedzisa ndakanzwa Harleen achikosora
kosora akamira kumashure kwangu.

Bianca akangosimudza musoro, paakangoti ba-a


Harleen akabva atotanga kufamba achienda.

Ndakanyatsoona kutya kwa Bianca kwese ,


ndakazviudza kuti zvinofanira kupera. Mwana
wevanhu haachina rugare nekuda kwa Harleen.

Harleen paakaona Bianca achienda akabva


asekerera akasvika akati "Makadini tete , ndini
muroora wenyu mai Rocky " aidero achivamhoresa
muruoko.

Cherry akaseka akati "I like your confidence


makoti , ndafara chaizvo nekukuzivai maiguru aiwa
bhudhi vangu vanesarudzo chose "

Harleen akatanga zvake kugegedzera ndokubva ati


kwati pana Cherry apa akandisvorera akabuditsa
karurimi zvekusvotesa.

Ndakanzwa kunyangadzwa asi ndakanga ndisina


zvekuita. Ndakazofara mhamha pavakauya vachiti

" Ko iwewe zvaunogoti kwati nemwana wangu


unomuzivirepi ,kasira kubvapo" vaidero
vachiumburudza Harleen.

Ndakashamisika kuona Harleen achiramba


akanyarara apa achizvuzvurudzwa.

Cherry ndiye akatozoti

"Moiteiko makoti wangu mhamha, ko havasi ivo mai


Rockstar here?" Aibvunza achiseka.

Mom vakati " zvani kovo mukadzi wa Addie chaiye


waakaroora ndiye atanga kuuya kwauri akaenda.
Ndiye watinoziva pano uyu hatimuzive anotoshaisa
muroora wangu mufaro.

Pliz kana woenda wotosengana nemhepo idzi


wondodzisisa kuna Tugwi chaiko nokuti mwana
haana hunhu zvake iyeye."

Cherry akawedzera kuseka akati "chiiko chiri


kuitika pano?"
Olga akaseka akati "wotobvunza bhudhi vako

nokuti Bianca na Harleen vakadzi vavo vese. Manje


hatizive kuti aripamoyo pavo ndeupi.

Inini ndakangotarisa pasi ndichinzwa kuda


kutosekawo.

Harleen paakanzi i mhepo akabva atanga kufamba


achibva kwaanga asiiwa na mhamha achienda.

Mhamha vakambotaura na Cherry vakabva


vaendawo kuna Bianca wavo.

Takabva tasara tiri vatatu inini ,Olga na Cherry.

Cherry akazotanga kuti

" zvandauya kudai inini handigarise ,ndangoti


ndidarike nekuno ndichimboona kuti muri
kurarama here?"

Olga akabva ati

" zvamatouya imimi tete magona.

Muchitiona takadai nemunin'ina wangu hatisi


kutaudzana ndakanga ndichirwara mwedzi dzese
idzi kutotangawo kutaura ndinhasi chaiko
Olga akatanga kuchema , akarondedzera sisi
kurwara kwake kwese uye kuti dai pasina Harleen
zvimwe angadai atova muguva"

Ndakaona Cherry achinditarisa akabva ati

"Why are you so wicked Addie ?" Ungarega bhudhi


vachifira mumba kana kuita action , kana
kundifonera zvako.

Ipapo ndakangotaura side ranguwo , asi ndainyatso


ku feeler guilty.

Olga akandikumbira ruregerero nekundituka


kwaaiita makare , akabva andiudza kuti
"kwaazoenda andoudzwa chokwadi kuti handina
chandoziva ingori mhepo isingade chakanaka
yakandiurayira vana nevakadzi ,asi ndikagara
pamunamato uye ndikawana mudzimai anonamata
zvese zvinopera ndikatozomubatawo mwana
anorarama"

Ndichinzwa izvi ndakafara , ndakanga ndisisina


tariro yekuti ndingawirirana na bhudhi vangu
zvekare. Ndakangovakumbira ruregerero
ndikataurawo chokwadi changu kuti muporofita
watakaenda na baba ndiye akandiudza kuti
mukoma vanobata bata.
Cherry akazotiyananisa akati

" kangamwai zvakataurwa nemuporofita, hapana


chakavanzika chisingabude chakakosha
ndechekuti maregererana"

Ndafara vana vamai vangu kuti mava kuwirirana,


musawana chinokuparadzanisai kana muchinge
matadzirana kumbiranai ruregerero zvidarike "

Ndisati ndaenda ndichangotaurawo zvandakanzi na


Mufundisi ndiudze Addie.

" Kwanzi bhudhi makasungwa kuti musarara


nemukadzi , munotoda minamato yakasimba kuti
zvakasungwa zvisunungurike munofanira kugeza
nesalt manheru ega ega musati marara."

Cherry paakadero mashoko a Harleen akatanga


kudzoka mumusoro.

Ndakazviudza kuti ndinofanira kutomubvunza


nyaya yekusungwa kwangu zvimwe aizondibetsera.

Zvakanga zvavakuita zvichi maker sense kuti pane


zviripo.

Cherry akazoeneka akati ava kuenda ndakanzwa


kurwadziwa Harleen achiita chiname akabva
anyatso kuti "neniwo ndiri kutoenda nemi tete "

Ndakazama kumurambidza sezvo ndaive


nezvandaida kunzwisisa pane

zvaakambotaura

Ndakaenda paaive ndokubva ndati "Hakuna


kwaunoenda Harleen"

Iye akabva ati

"Ndanzi na mhamha ndiri mhepo, ende mhepo


inongopepereka ichienda nekwainoda inini
ndotoenda na tete handisare"

Moms vachinzwa Harleen achidero vakatanga


kupururudza vakabva vati zvokwadi ngazviende!

Ndakanzwa mukoma baba Tee vachitiwo "Ko


iwewe unovarambidzirei kuenda na tete vavo vasiye
vaende"

Ndakazongoti "ita zvaunoda Harleen, asi


ndaisatoda kuti aende"

Ndichingodero akatotanga kufamba achibuda gate.

Ndakaona Bianca achiratidza ufara.


Cherry akauya akandibhabhaisa akati "musatya
zvenyu bhudhi mangwana vanodzoka regai
ndiwane munhu anonditandadza zvanhasi
ndinotovawo ndega kumba."

Akauya akandizevezera munzeve akati

"Musazokangamwa nyaya ye salt yandataura."

Achipedza kudero akaoneka maiguru mai Tee na


mhamha akatanga kumhanya ava kutoteera
Harleen nokuti anga ava kutobuda gate.

Inini ndakasara ndikambopinda mumba ndainzwa


musinganakidzire Harleen asipo. Ndakarara pa
bed ndichifunga kuti ndichatozobatawo mwana
mumaoko wandinoti wangu here.

Ndatanga kufunga zvakawanda wanda kuti ndiyani


wandakatadzira zvekusvika pakuda kuti ndife
ndisina mwana!

"Vana vangu vakauraya ,ikozvino ndasungwa


hubaba hwacho zvekare " Ndakatanga kufunga kuti
zvechokwadi iye anombonzi Mwari achitovakowo
here? Zvino kana asiko akamboitisika ndiyani?

Ndakafunga zvinhu zvakawanda wanda zvekuti


pfungwa dzakatanga kupisana. Ndichiri mukufunga
ndakazongonzwa voice rababa vangu
richindideedzera panze

Ndakabuda ndichimhanya ndichisvika vakabva vati


arikupi?

Ndakatotadza kuziva kuti vaireva ani


ndakangoramba ndakavatarisa vakabva vati

"Ndati arikupi Harleen?"

Zvakatondinetsa kuti sarinhi baba vangu kubvunza


Harleen , ndava kuda kudaira mukoma Olga
vakabva vauya vachimhanya vakangosvika vakati

"Harleen aenda kumba kwavo father"

"Ko makadini?" Mazobuda ka ndisati ndakukwazisai


aidero achivambundukira.

Ndakaona baba vachiratidza kuvhunduka


vakazombundukirawo mukoma Olga patombopera
chinguva.

Vaviri vakambotora chinguva vakadero baba


vakazoti

"Ko Harleen aenda nguvai kumba kwavo ndiyani


zvake amugona iyeye?" Vakabvunza

Mukoma Olga vakabva vati "Handi masiya


akabatirwa bhande ndoraavhunduka akatiza"

Inini zvakatondinetsa kuti seimukoma vachinyepera


baba .

Baba vakaratidza kufara nekunzwa kuti Harleen


aenda vanoratidza kuti vanga vaneta nema drama
ake.

Vanhu vatakazodya chikafu chemanheru inini


hachina kumbondinakira ndanga ndajara zvabikwa
na mai Rockstar.

Ndava kuenda ku room Bianca akandimisa


ndokubva akati "Nhasi uuye kuroom kwangu Addie
handi Harleen haapo "

Inini ndakangobvuma asi ndaitozvinzwira


usimbe .Ndichisvika ku room kwangu ndakabva
ndageza ne salt sezvandanga ndaudzwa.

Ndichingopedza ndakabva ndarara.

Zvekuenda kuna Bianca yaitova imwe nyaya hope


dzava kuda kundibata ndakaona Bianca akamira
mberi kwangu.
Zvakatondinetsa kuti anga apinda sei inini ndanga
nda kiya door rangu.

Ndakabva pa bed ndichimhanya ndokubva ndikati

"Wapinda seiko muno iwewe?"

Iye akaseka akabva ati "wanga uchiti wangwara


here zvawatadza kuuya ku room kwangu, wazosara
kukiya door ndatova muno kare"

"Addie uri wangu iwewe, baba vako vakanditora


kumba kwedu kuti ndive wako. " Aidero achifamba
kuuya pandaive akasvika akandibata mudziyo
wangu. Ndakashamisika mudziyo uchiramba
kumira. Zvakandinetsa kuti sei waramba nokuti
kuna Bianca unombosimira

Iye akamhanyira kuregedza ndokubva akati

"What have you done Addie!"

Aidero achi screamer achibuda muroom mangu

Ndakamhanya ndichida kumuteera asi foni yangu


yakabva ya ringer ndichindotarisa ndakaona ari
Rolix uyo aingoda kunzwa kuti ndiri sei zvake.
Takatanga zvedu kuita nyaya kusvika
ndatokangamwa nezva Bianca . Rolix achikata
foni ndakabva ndatopinda mumagumbezi
ndokuzvirarira .

Mangwana makuseni ndakashamisika ndichiona


door rakakiiwa. Ende ndainyatsokuziva kuti
pakabuda Bianca handina kuzomboenda ku door
zvakandinetsa kuti zviri kumbofamba sei.

*Gono*

"Harleen ! Harleen ! Harleen " who is she exactly?

Ndakazvibvunza mubvunzo uyu mushure mekunge


adeedzera kuti ndimuvhurire gedhi.

Ndakanyatsoona kuti musikana uyu haandizive


aitoda kundifananidza na Addie waanoita zvaanoda
nhai. Ndakaramba ndakamira ndichimirira kuburuka
kwake mumota. Achingoburuka ndakabva
ndamubvunza kuti "Olga aripi?" Ko ndanga
ndaunzwa na Bianca makuseni kuti aona
Harleen achiisa Olga mumota ya Addie.

Pandakaudzwa na Bianca hana yangu yakarova


nokuti zvinhu zvacho zvanga zvaitwa ndakavarairwa
apa ndanga ndambofonerwa na Jemedza
achindiudza kuti ndimudzinge pamba . Munhu
wacho airatidza kuva nemukonyo saka
ndakambomusiya, ndakangoti regai ndimirire Adiie
aende na Bianca ku Harare then ndozotangira
ipapo kwakachena.

Zvakaratidza kuti ndakanga ndatangirwa nokuti


ndakazongonzwa konzi abuda na Olga ,
ndakatanga kuzvibvunza kuti anenge aenda naye
kupi?

Nguva dzandakaudzwa ndakamhanya ku Cottage


ndichingosvika ndakanzwa mai Tee vachiridza
mhere yekuvharisa cottage yese ndakavabvunza
chavaitinyangadzira ndakanzwa vachiti "Murume
wangu kani?"

Ndakavabvunza kuti "murume wavo kudii kwake?"

Ndakanzwa vachiti "Mai Rockstar vangouya


vakamusenga vakamuisa mumota handizive kuti
vaendepi naye"

Nhai mai hwee ! Vakatangawo kuchema vakabata


musoro vakatarisa kugate.

Ndakanzwa kusvibirirwa ndakamhanya kuna Addie


ndichida kundonzwisisa kuti aigopa munhu mota
yekusenga muroyi achimubvisa pamba sei?
Ndichisvika ndakawanikwa Addie achitoridza ka
muridzo achizvi sprayer akabva atoti "morning
father , let's hope muroora wenyu apedza
kugadzirira ? tinoda kufamba kuchakachena"
pakadero Addie ndakabva ndaona kuti aitova
murima zvake

Ndakamubvunza kuti " zvino Harare yacho


muchaenda nei mota zvayabuda na Harleen"

Adfie akaseka akati "father Harleen anogobuda


nemota achienda nayo kupi , Asi moti ku driver
mota ku controller madhongi aripa ngoro kayi?"
Akabvunza achitarisa pa table anenge aitsvaka ma
keys nekuti paakaona pasina akatanga kutozuza
zuza imba yese.

Akazomhanya ku garage akawanikwa mota pasina,


ndakanzwa ava kuita mhere mhere achideedza mai
Tee.

Mai Tee vakauya vachimhanya vakasvika vakati


"bamunini mandideedza?"

Addie akati "Hongu maiguru , ko mavhurira


Harleen gedhe akabuda nemota yangu without
my permission sei?"
Mai Tee vakatanga kuwedzera mhere vakabva vati
"wanguwo murume atotorwa without my
permission gedhe avhura ega uyo"

Addie akatanga kukava madziro airatidza


kurwadziwa chaizvo . Akamhanya mumba
akadzoka akabata musoro akati nefoni yangu
yaenda zvekare ndanga ndichida kuti vakomana va
trace mota yangu vadzoke nayo!

"Ohh Harleen , i will kill you today" aidero Addie


achibvisa bhutsu dzinenge dzanga
dzavakumushinya

Akazozama kumufonera asi haana kubata foni


nguva dzacho. Tese takamirira kugedhi kusvika
tanzwa nezuva .

Papera nguva ndipo patakazonzwa huta ku gate


kundodai ndi village girl asvika

Kunyangadza kwazvo akangosvika achiti

"Father in law ,open the gate for me !"

Ndakanzwa kunge ndichaitira tsvina mumuromo


make chaimo nekunyangadzirwa "what an insult !"

"Where is my son ?" Ndiro shoko rangu


rekutanga achiburuka.

Musikana akarasa muromo akatanga zvake


kuwanzira Bianca kwanzi ndeipi yawanga uchida
kunditamba makuseni? Ndakatoshaya kuti Bianca
anga achida kumuitei makuseni acho nokuti anga
asina kumbondiudza nezvazvo ndakati
ndichazomubvunza.

Addie airatidza kunyangadzwa nemota yake yanga


yatorwa ndakaona achivhomora bhande ndakangoti
nechemumoyo "That's my son!" Ndaitoda kuti
amurove kana apedza ndobva ndamusungisa kuti
abuda nemwana wangu haana kudzoka naye!
Ndaiziva ndingangomuisa ku chitokisi chete ma
problems angu ese anenge a disappear.

Addie achingosimudza bhande ndakaona chinonzi


chishamiso

Olga achibuda mumota , aifamba achiita zvishoma


nezvishoma achiuya kwandaive. Ndakatoona kuti
ndikaramba ndakamira inofa kwangu nokuti
ndakanga ndisingazive kuti kwaandorapiwa ikoko
andoudzwa kuti chii.

Ndaka driver mota yangu ndokuenda kwa Akash


ndichisvika ndakakumbira kuti andiperekedze kwa
Jemedza inini ndaitotya kuendako ndoga nokuti
ndakanga ndambopiwa chenjedzo kuti ndidzinge
Harleen ndikaverengera.

Ndaitoziva kuti sahwira wangu anondida


anondomira neni kwa Jemedza ikoko. Ndichisvika
kwa Akash ndakamurondodzera nyaya yangu
sezvairi kuti Addie akauya nemusikana arikuita
zvinogara zvakadero pamba pangu.

Akash akabvunza kuti musikana uyu chii cha Addie


inini ndakangotaurawo semurondedzerwo
wandakaitwa na Addie kuti "Harleen akatema
mota yake, akaenda naye kutown se punishment
manje ava kumuti adzokere iye haachade ava
kutozviita mai Rockstar "

Akash akati kana iri iyo nyaya hapana chakaipa.


Akapinda mumota yangu tikabva taenda kwa
Jemedza tichisvika Jemedza akabva ati "Gono
handina rubatsiro rwandinokupa ,ndakakuudza kuti
dzinga munhu aripamba pako asati atomboisa
hope iwewe chii chawakaita , handi wakaona kunge
inini ndava kupenga!"

Ndakapfugama ndikati " ruregerero Jemedza ,


yaisave nyaya yekuona kunge munopenga asi
ndakanga ndakamirira kuti Bianca aende na Addie
ku Chirungu then ndozowana kumudzinga."

Akash akapfugamawo akabva ati "Ruregerero


chokwadi , mwana wenyu anotoda rubatsiro
rwunobva kwamuri tinoziva kuti akatadza asi imimi
hamukundikane"

Jemedza akatanga kutaura zvaaitaura akabva


andipa mvura yaakati ndigeze maoko

"Ndakangotora nekukurumidza ndokugeza maoko


ese mvura iyi yaiva nekakunhuwa , ndichipedza
ndakatanga kunzwa kupindwa nechando zvakaipa!
" ndainzwa kunge munhu avharirwa mu fridge
ndakatanga kuhuta apa kwaitove nezuva
ndakanzwa Jemedza achiti "Chii chawakaita
Gono?" Ohhh noo you dig your own grave

Ndakavhura maziso ndokubva ndikati


"Munoreveiko kana muchiti ndachera guva rangu
ndega"

Jemedza akadzungudza musoro ndokubva akati "


Wakatamba ukatambisisa Gono !chii chawakaita
nhaiwe? "

Akash akatarisa kuna Jemedza akati mava


kundibvundutsa akaiteiko?
Jemedza akadira mvura pasi akati

"Gono ndiye akatozomitisa Bianca pane kuti mwana


wake aiite basa semutarirwo we mhiko!"

Akash akasimuka ndokubva akati

"Hezvo ,nhaiwe Gono ukati haushure !"

Aibvunza akanditsvukisira ziso.

Inini ndakatanga kuhuta ndakapfugama ndakanga


ndisina kumbofunga kuti Bianca angava atova
nenhumbu.

Ndakatanga kuti "sorry Akash ndaiti ndiri


kuchengetedzawo Bianca kuti asaenda kunze
nokuti akakanga ava kunetsera kuda murume,
wangu mwana aingotsvedza tsvedza semuramba"

Akash akatanga kuti "i don't care kuti wakarara na


Bianca inini asi chandinoda kungokuudza
ndechekuti wakapusa Gono , wakatadza
kutambawo wakachenjera here? Zvino uchaita sei
nokuti waputsa mhiko wega"

Manje mari ichauya sei mumaoko ako?Wachera


guva rako wega Gono .
" Pliz usanditsvaka kana zvavakukuomera
ndaenda inini " aidero achitofamba

Ndakamhanya ndikandobvugama paari ndichida


kumukumbira ruregerero , ndaisada kuti
hushamwari hwedu huputsike nekuda kwe mistake
yangu.

Akash akandisundira kure ndokubva akati "Kutanga


nhasi handide kukuuona muupenyu hwangu Gono ,
ndofunga wava munhu mukuru chizvionera pane
zvese " aidero achitofamba kubva pataive.

Ndakada kumuteera asi akatofambisa achienda.


Ndakanzwa kuzvituka kuti ndatadzira shamwari
yangu.

Asizve nerimwe divi ndakanga ndisinawo choice


kuti ndisiyezve Bianca achindopiwa chikafu kunze
mhiko dzacho dzaingoputsika zvekare . Ndakagara
pasi ndikatanga kufunga kuti zvino ndichaita sei?

Ndakaenda paive na Jemedza ndokubva ndikati


"Help me Jemedza , pliz help me"

"Unoda kuti ndikubatsire nei nhai Gono ?"


Akabvunza Jemedza
"ndinoda kuti zvese zvamakandivimbisa
zvizadzise .Ndinoda mota dzakawanda , ndinodawo
imba yakaita seya Akash mudhorobha chaimo ,
ndinoda zvekare kuti ndive nemari yakawanda
kudarika yandinayo zita rangu rikurewo. Itai
zvichaita kuti Bianca azvare chikwambo mari yangu
iwedzere. "

Kana Addie ari iye ega anokwanisa kuzvarisa


Bianca chikwambo kuti ndiite pfuma zhinji , i am
willing kubvisa nhumbu yaanayo ndoita kuti Addie
arare naye nokukurumidza . Pliz Jemedza
ndibetserewo zvese zvizadziswe . Addie mwana
wangu i know how to handle him , anotorara naye
chete Bianca asingade achida Chingondiudza kuti
ndinofanira kuita sei kuti zvese zvifambe zvakanaka.

Jemedza akanditarisa ndokubva akati

"kubvisa nhumbu ya Bianca hazvichagone ." Iwewe


chizogara naye pamba pako kusvika azvara
tozotangira ipapo.

Chandoda kukuudza ndechekuti kuti uve nerugare


dzinga musikana aripamba pako apo nokuti
akaramba aripo ndaona riri dambudziko .

" Bianca chaiye anotomutya haagone chero


kutarisana naye . Ende Bianca achapedzisira abva
pamba pako nekuda kwemusikana iyeye. Once
Bianca angobva pamba pako handide kukunyepera
zvinhu zvese zvichakudzokera, zvichabuda
pachena " akadero Jemedza achiridza miromo yake
kuratidza kuti nyaya yacho i hombe.

"Handide kukunyepera Jemedza , kudzinga


musikana uyu zvinogona kunditorera nguva

hapana here solution ingaita kuti Bianca ava


nesimba rekumurwisa nokuti ndinoziva kuti iye
Bianca pachake i mhare?" Ndakabvunza

Jemedza akatanga kutaura nemutauro wake


ndakaona achiseka akabva ati

"Ita kuti bvudzi riri mumusoro make ribve ! Bvudzi


iroro ndiro rinomupa simba asi iye muridzi waro
haatozvizive."

Tora mushonga uyu ,uchingosvika zora maoko ako


kuti uwane simba rekugera musoro wake.

Once bvudzi rabva mumusoro make uchaona


musikana uyu achitiza pamba pako ega.
Achaoneswa moto na Bianca zvekuti achademba
zuva raakatanga kuziva Addie
Chepiri usatendera zvekare Addie ne musikana
uyu vachirara vese nokuti vakangorara vese chete
Addie achatanga kuteerera zvese zvinotaurwa
nemusikana uyu kudarika zvaunotaura iwewe!

"Go now , undogera musikana bvudzi iye asati


aziva kukosha kwaro Go!" Akadero Jemedza
achideedzera.

Ndakangotora mushonga ndokubva pana Jemedza


ndichimhanya Ndichisvika pa gate ndakabva
ndazora maoko angu mushonga uya.

Ndakangosvika ndichideedzera Addie achibuda


ndakabvunza kwaive na Harleen chigero ndakanga
ndakatoisa muhomwe kare ndaisatoda
zvekunonokera.

Ndakanzwa Olga ava kutondiudza kuti Harleen


atoenda nechekare.

Ndakangoona ndava kunyemwerera ndakanzwa


kufurwa nemhepo nekuti ndakaona zvinhu zvangu
zvese zvadzokera pa position.

End of chapter 12

Keep comments guys nhasi ndanyora ndisiri


kunzwa zvakanaka saka mukaona ma mistakes
musarasa tariro
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow our channel for more:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103#

Chapter **

*Harleen*

Pandakanzi na mai va Addie ndiri mhepo


ndakanzwa kurwadziwa asi handina kuda
kuzvitaridza. Ndakafunga zvekare Addie achida
kundirova nebhande ndakabva ndaona kuti
zvirinane ndiende zvangu na tete avo vandanga
ndangofarira nezuva rimwe chete randanga
ndatanga kuvaona. Addie akada kundirambidza
paakanzwa ndichiti ndiri kuenda na tete manje
nekutsamwa kwandanga ndakaita handina kuda
kuzviteerera. Ndakatotanga kutungamira ,tete
vakazoteera vapedza kuonekana nehama dzavo.
Tisati taenda kumba kwavo vakadarika
nekumashops vakanditengera zambia , hat
ndinogara ndinayo mumusoro kuvhara bvudzi rangu
iro randinodisisa randakangokura ndichinzi na
mhamha ndisarigera. Ihombe kwazvo saka
ndinorisunga ndopfeka hat kuitira kuti risazara
tsvina. Tete vachiona hat mumusoro vakatofara
vakati "magona mauya ne hat yenyu masaver wo ka
mari ka tete venyu, sambuyawasha hamufanire
kuonekwa musoro wenyu kumba kwandakaroorwa
kana masvika motosunga zambia iri" vaidero
vachinditambidza.

Inini ndakangoti "maita basa tete


ndichigamuchira ,ndakabva ndatosunga tisati
tatomboenda kure "

Takazondokwira kombi yaienda kwaMadzore


kwakaroorwa tete, tichisvika ndakashamisika mhuri
yese yekwa Madzore ichingovapo apa tete vanga
vamboti vari vega vachiudza Addie.

Handina zvangu kuda kuvabvunza


takagamuchirwa zvakanaka. Hama dzatete
vairatidza kuva vanhu vane rudo ende vese zvavo
vairatidza kuda tete zvakanyanya zvekuti
ndakazviyemurira.
Vamwene vavo vaipa muroora wavo respect vaiita
nyaya vachiseka inini semunhu wa mbuyawasha
ndakanga ndakangonyarara.

Tete vakabetserana nevamwe vavo kubika, paive


pakaita paguta saka waitove musha muhombe.
Vachipedza kubika takapakurirwa tikadya.

Manheru achisvika mhuri yese yakaungana


pamwe chete, vamwe nevamwe vakabva
mudzimba dzavo vachiuya mu room yandaive.
Ndakazonzwa kwava kutoimbwa

*Ishe Jesu mutinzwire urombo tiri vana venyu*


ndikabva ndaziva kuti vava kuda kunamata.

Nziyo yakaimbwa zvayo iyoyo manzwi aripamwe


chete zvekuti ndakanzwa kuti kubata kwa Mwari
kuri muvanhu.

Vachipedza kuimba vakabva vanamata, neniwo


ndakanamata asi ndainamatira mumoyo nokuti
ndaitya zvangu kuzonyadzisa, ndava kunamata
zvakasiyana nevamwe.

Ndakanamatira vese varipedyo neni vandinongoti


hama dzangu kuti vaitirwe zvakanaka na Mwari.
Handina zvekare kukangamwa kunamatira
Rockstar anoita kuti ndidye, ndakanamatira
ruchengetedzo rwake.

Ndakashamisika ndichitonamata zvakanaka


pasina kana zvana dhabhurakadhabhura izvo.

Tichipedza takabva tazoenda ku guest room na


tete . Murume wavo aisavepo saka vakati
vacharara neni ikoko. Takarara zvedu tichingoitawo
nyaya dziri general pamusoro perudo rwangu na
Addie. Pane zvese ndaingopindura nhema sezvo
ndaisada kuti vazive kuti tiri ku faker marriage.
Vakazondibvunza nezva Bianca kuti akauya rinhi
ndakangopindurawo kuti ndakawanikwa aripo.
Havana zvizhinji zvavakataura asi vakandiraisisa
kuti chero zvooma sei vanokumbira kuti ndisasiya
mwana waamai vavo. Inini ndaingotendedzera
chero ndaiziva zvangu kuti anytime ndiri
kuzomusiya ,pamba pavo ndakangoendera
kuwachisa Addie chete anozviti haabvire asi any
time ndaiziva kuti ndaizopabva. Takazobatwa
nehope tambotandara , mangwana makuseni
takamutswa neruzha rwerumbo rwaiimbwa zvine
mutsindo chaizvo ruchinzi "muka Jona tinamate"

tete vakamuka vakasunga dhuku yavo vakabva


vati "Ndava kuenda kumunamato maiguru ,
Mufundisi vanouya kuzonamata nesu Mangwanani
ega ega ndivo vava kutoimba muka Jona avo"

Inini ndainzwa hope ende kwaive nekachando


saka ndakabva ndapfinyira
mumagumbezi .Ndakangosimudza musoro
ndikabva ndati "okay tete toona madzoka." Ivo
hava kuzomira vakabva vaita zvekumhanya
vanenge vanga vanonoka.

Muka Jona ichipedza kuimbwa , kwakabva


kwateera kuimbwa yekuti

"nhamo yatinayo ndeyemadzinza anoramba kuti


tinamate"

Nziyo yakaimbwa zvayo iyoyo ndaive zvangu


mumagumbezi asi ndainzwa moyo wangu uri kune
vamwe ikoko.

Vachipedza kuimba vakabva vatanga kunamata ,


nekuwanda kwemanzwi evanhu zvaingonzwika kuti
panga pakawakandiwa yakanga isisiri mhuri yekwa
Madzore yega.

Vanhu vakanamata zvekuti ndakanga ndava


kunzwa kudikitira ndiri mumagumbezi.

Ndakafuga musoro ndikavhara nzeve kuti


ndisanzwa ku Shimanda asi ndainzwa iri mhere
mhere.

Inzwi randakambodzwa richinamata pafoni


ndakanzwa richiita kunge rainamatira munzeve
dzangu chaimo ipapo ndakabva ndaziva kuti ndivo
Mufundisi vanga vachiimba muka Jona.

Ndakambozama kutsungirira kuvhara nzeve kuti


ndisanzwa Mufundisi vainamata nema tounges
manje ivo vaiitoita ruzha zvekuti ndakanzwa kunge
vakamira pa door chaipo. Zvimwe zvese
zvavainamata handina kuzviisa mumusoro asi
pavakazoti

"Gremente Harintoshia Skaravash"

Ndakamuka ndichirasira magumbezi kure,


ndamhanya ndichibuda panze.

Ndakasvika pa door ndikawanikwa pasina munhu,


ndakamhanya ndichienda kwaibva neinzwi raitaura
zve "Gremente"

Ndichipinda muimba yatakanamatira manheru


ndakaona makazara vanhu. Vakanga vakapfugama
vese vakanyarara mufundisi chete ndivo
vaingonamata.
Inini ndakangosvika ndikatanga ku Shimanda ndiri
kumberi kwevanhu zvekuti ndiri muenzi pamba apa
ndakatombozvikangamwa. Ndakanamata zvekuti
ndega ndainzwa kuti ndakazanzwa nemweya
mutsvene. Ndaingoona chiedza chega chega
kumberi kwangu.

Mufundisi vakauya vakandibata musoro vachiti


"Glory Glory "

Inini ndakatanga kuwedzera kunamata ndichiti

"YE-YE-YE VOSIA VOSENDERE


ADHOSKARAVASH " HE--I ndaidero ndichiombera
maoko angu.

Vanhu vese vakatanga kunamata zvekare, kana


vari sa tete ndaisazivawo kuti vanotonamatawo
zvakadero.

Umwe neumwe akatanga kuzvinamatira mufundisi


vaingodeedzera

"Pray , Pray ,Pray mwana Mwari usunungurwe


muhonde dzerima muzuva ranhasi"

Ndakanamata zvandisati ndakamboita ndakava


connected na Jehovha panguva iyoyo zvekuti
ndakazviudza kuti church inonamata vanhu ava
ndinofanira kutoitendeuka chete. Tichipedza
kunamata, mufundisi vakazoti kune vese varikuda
kupinda pamutsanyo we 3 days simudzai ruoko
titotanga nhasi"

Akanga ari mangwanani pasina anga amboti adya


zvekuti mhuri yese yekwaMadzore yakatenderana
kuzvinyima zvekudya vese vakasimudza maoko,
neniwo ndakaona zvakanaka kupinda pamutsanyo
nevamwe. Ndainzwa ndichida kudzidzira
kuzvinamatira . Ndaive ndatenderana na tete kuti
ndichangorara usiku humwe chete ndodzokera
kumurume manje nokuda kwemutsanyo wanga
warongwa ndakatoudza tete kuti ndichatomboita
one week ndinavo.

Ndakaona tete vachifara chaizvo vakabva


vatondiudza kuti "maita sarudzo kwayo maiguru
kana wada zvemusha wototsunga kunamata kuti
usaparara uchengetwe na Mwari"

Ndakangogutsurira musoro wangu ndokubva


ndasimudzawo ruoko . Mufundisi vakanamata nesu
tese taida kupinda pamutsanyo vachinamatira
rusimbiso.

Vachipedza vakazooneka vakati vachadzoka kuma


11 votitora kuenda nesu kugomo. Vasati vaenda
vakandiraisisa kuti ndinofanira kugara ndichinamata
kuti ndizochengetedza varipedyo neni , uye kuti
ndikwanise kubetsera vanotambudzika sezvo ndine
chipo chandakazvarwa ndakapfumbata.

Zvakandinetsa kuti chingava chipo cheiko


chingavawo pandiri ndakazofunga kuti pazvibhakera
ndinomira ndakabva ndaseka zvangu kuti

"hoo chipo chedhudhu,ndichibetsera vese


vanotambudzwa nhai " ndakangoti ndichaita
sekudero mufundisi

Tichibva pama prayers tete vakamhanya nefoni


yavo vakabva vati "Maiguru Addie anoda kutaura
nemi kwanzi mouya nguvai "

Ndakangoridza tsamwa ndikaudza tete kuti vadzime


foni yavo ndaisada zvekunyangadziwa zvachose.
Zvekuenda kumba kwana Addie ndakanga
ndisingachade ndaitoda zvangu kugara na tete.

Tete vakangoseka vakabva vadzima foni yavo, kuma


past 10 takatanga kugadzirira kuti tiende kugomo
takazongonzwa huta ku gedhe .

Tete vakamhanya kubuda mumba vakabva vati vana


Mufundisi vanenge vatouya maiguru pfekai bhutsu
dzenyu tiende. Ndakamhanya kupfeka ndikatobuda
panze ndakarohwa nehana ndichiona ari Addie
zvake anga auya.

Ndakaramba ndakamutarisa ndichifunga kuti


ndimukave bhutsu here kana kuti ndiite zvekumu
hedha nokuti zvaive pachena kuti anga atevera inini.

Ndakazofunga kuti tiri pamba pevanhu ndakabva


ndadzikama ndikasiyana naye.

Iye akasvika akamhoresa vanhu, tete


vakatomhanya vachida kumubikira iye akabva ati
"handigare ndauya kuzotora mhuri yangu?"

Ndakanzwa chifuva kuvira asi kuti ndirambe


zvaisaita

Tete vakangouya pandaive vanenge vakazviona


kuti ndatsamwa vakabva vati "mofamba zvakanaka
maiguru, pliz muchengetedze mukoma vangu
musazokangamwa kunamata. Musabatikana nekuti
vauya kuzokutorai munongondopedzisa mutsanyo
wenyu muri kumba kwenyu ikoko chero musina
kuzokwanisa kukwira gomo Mwari anongonzwa
minamato yenyu." Vakandidzisa mutsanyiro wavo
uye nguva dzekunamata pamwe chete nedzeku
breaker.
Vakazondiudza kuti ndinofanira kukumbira Addie
kuuya ku church kwavo ma Sundays vakabva
vandiudza kune church yavo.

Ndakangombundukira tete vangu, ndaisada


kuparadzana navo zvachose asi Addie anga
azvidira jecha zvekuti ndakanzwa kumuvenga.
Tete vakazondipa holy water iyo yavakati
ndinofanira kupota ndichigeza nayo.
Ndakangogamuchira ndokubva ndapinda mumota
ku back seat ndaisada zvekutarisana ne face ya
Addie.

Iye airatidza kufara nekundiona nekuti akabva ati


"zvawakafitwa nezambia zve nhai muzukuru
wambuya Harleen " aidero achiseka

Inini handina kudaira ndakaramba ndakanyarara


ndichitofunga kuti " chokwadi munhu atondikonesa
kuenda kugomo nevamwe." Ndakanyatso radzika
musoro wangu pa seat ndichifunga kuti ndingaitira
zvipi Addie kuti atsamwe.

Akatanga ku driver mota ndakaona achisiya nzira


yeku Headlands akabva atora yeku Harare.

Handina kana kuda kubvunza kuti afungepi


ndakango tsinzinha maziso angu.
Aka driver kubva mudust kupinda mutara ,
paakangoona kuti tava kure nekumba kwana tete
akabva amisa mota.

Inini ndakaramba ndakavhara maziso


angu ,akanditakura kundibvisa kumashure akabva
andiisa ku mother seat ndoku locker ma doors.
Akandibata matama kuda aifunga kuti
ndichamusekerera manje ndakaramba
ndakanyarara.

Ndakazonzwa ava kuti "Ko matsamweiko


mukadero nhai mai Rockstar , munomboziva kuti
ndanga ndakusuwai here?"

Paakadero hana yangu yakarova nokuti kubva


ndichitanga kuziva Addie ndiko kutanga
kutomunzwawo achitaura zvekuti andisuwa.
Ndakasvinura maziso angu ndokubva ndikamutarisa
ndakaona akanyatso kundiyeva. Ndakamhanyira
kutarisa kuside ndokubva ndikati "why wanditora
kumba kwa tete kwandanga ndazviwanira rugare,
kune vanhu vanondiratidza rudo ?"

Ndakaona achiseka akabva ati "Hezvo unogowana


rugare kumba kwevakwasha uchiti murume wasiya
nani?"
"Murume wani, wakazotanga kuita mukadzi we
village girl sarinhi?

Addie handisi mudzimai wako usakangamwa


zvakandiunza kwenyu. "

Zuro waida kundizvambaradza nebhande nekuda


kwechimugojo chako chandanga ndabuda nacho
kuti ndindorapisa mukoma vako ! Nhasi uno
urikundiudza kuti wandisuwa

" pliz mwana wa Gono handide nemashoko angu,


kana ndakanyarara ndisiye ndakadero ndidzosere
kwa tete iwewe udzokere kumukadzi wako!
Usakangamwa kuti unogara wakandiudza kuti
hauna basa neni une mukadzi kare" ndakadero
ndava kupopota chandaingoda ndechekuti
andidzosere kwatete ndaisatoda zvekumusekerera.

Iye haana kutaura zvakawanda akangoti

" Sorry pane zvese zvandakakutadzira , chokwadi


ndechekuti handichatogone kuswera ndisina
kumbokuona . Nhasi ndinoda kutomboenda newe
kuHarare ndimboswera ndichikuona , ndinoda kuti
umbondoona tonas"

Paakataura zvekuti anoda kuenda neni ku Harare


ndakabva ndanyarara. Ndaitoda kuti kana tasvika
ikoko ndondotora mota yangu kumba kwedu
ndimuratidze kuti kugara kumamisha hazvirevi
kutambura ndaitoda kumuwachisa chete.

Iye akaona ndanyarara akabva andibata maoko


akati "Munoda kuitirwei mai mwana kuti
mundiregerere" aitaura akanditarisa anenge aida
kunzwa zvandaizomupindura.

Ndakarasira maoko ake kure ndokubva ndikati

"Unonditi mai mwana unemwana neni here iwewe!


Dai waizvara zvaive nane, ndaizoti zvimwe
urikutaura achazouya. Manje zvausingakwanise
chero kumutsa chidhongorosi chako kuchiisa
mandiri mwana wauri kutaura nezvake ndeupi.
Changosara pauri kufa wovigwa negonzo kuti
usazomuka chipoko chinoboba vanhu usiku ,siya
kunditi mai mwana izvozvo zvinodeedzwa
nevanomitisa chete!" Ndakadero ndichitaurira
pamusoro nokuti anga andibhowa.

Ndakaona Addie achibata musoro wake .


Akatanga kuchema zvekuti neniwo ndakarohwa
nehana. Kubva ndichimuziva tinongositukana asi
handisati ndakambomuona ari pa state yakadero.
Ndakangoramba ndakamutarisa ndichida kuona
kana ainyepedzera. Akachema kwenguva refu
kwazvo zvekuti ndakashaya kuti ndomunyaradza
sei.

Papera chinguva ndakazoona achitora ma wipes


akabva apukuta maziso ake ndokuvhura door.
Akauya akanditakura akabva andidzosera
kumashure kwaanga anditora.

Akatanga zvake kudriver mota akanyarara. Akabva


a turner ndokutora nzira yeku Headlands aka
driver mota kusvika asvika pamba pavo.

Achisvika ndakaona achimhanya kuenda kuroom


kwake , zvakandinetsa kuti anga anyanyotsamwei
chaizvo nokuti kutukana i game yedu kubva
tichitanga kuzivana.

Ndakambosara ndiri mumota ndichifunga kuti


ndoita sei chaizvo , zvanga zviri pachena kuti
ndanga ndataura zvamubaya pamoyo.
Ndakazobuda mumota ndokubva ndananga ku
Cottage kwaive na Maiguru. Ndichisvika
vakashamisika vakabva vati ko matodzoka mainini?

Ndakangoti "Hongu Addie anditeera"


Maiguru vakaseka vakabva vati "Aiwa paita
zverudo, bamunini vangu vanokudai mainini chero
zvikaita sei musazovasiya" Kubva vachiita
mudzimai handisati ndakambovaona vachitadza
kudya breakfast nekuti vari kumhanyira mudzimai
"you are very luck mai Rocky"

Ndakangozvimanikidzira ku smiler ndokubva ndikati


"Asi vakamboita umwe mukadzi asiri Bianca?"

Maiguru vakanditarisa vakabva vati "Asi havana


kukuudzai , vakamboita vatatu vese asi vakashaya "
pakadero maiguru hana yangu yakabva yati bha-a .
Inini kubva ndichitanga kugara na Addie handitozive
history yake chaakangondiudza ndechekuti ane
mukadzi chete ende zveshuwawo ndakasvika
ndichiona Bianca zvekuti akamboita vamwe
vakashaya yaitove new story kwandiri.

Ndakanyatso garisika ndokubva ndikati "vaifa neiko


vairwara here?"ndakabvunza

Maiguru mai Tee voda kundirondedzera bamukuru


vakabva vapinda ndokubva vakati

"Vakadzi vake vese vaifa musi wekuzvara


ndokusaka muchiona asina mwana, Bianca
akatoita zvekumuroorerwa na baba iye akanga ati
ava kusiyana nazvo takatoshamisika muchiuya
makadungamidzana kuti akazokuroorai zvaita sei"

Ndichinzwa bamukuru vachidero ndakaona ndava


kuyeredza musodzi , ndakanyatso ku feeler pain ina
Addie nekumutuka kwandanga ndaita.

Ndakachema ndiri mumba ma bamukuru,


ndakanzwa ivo vachiti " Please mainini zvamaziva
chokwadi musazosiyawo mwana waamai vangu
anotodawo rubatsiro , Bianca haanei naye
anongoona kuti ava nemari ndosaka akabvuma
kugara pano.

Kutaura chokwadi Bianca anenge anozivana na


baba nokuti mai Tee vakambovawanikidza
vachibatana , hatina zvedu proof yakazara asi
chatinoziva Bianca haangakwanise kuva mudzimai
wa Addie tinofanira kubatana timudzinge pano! "

Ndakangopukuta musodzi ndokubva ndakatanga


kufamba ndichibva pana maiguru na bamukuru ,
ndainyatso kunzwa kuti ndatadzira Addie
zvakanyanya.

Hongu ndinombovenga hunhu hwake asi moyo


wangu wangu paripo pandinonzwa kumuda.
Ndakazviudza kuti ndini ndinofanira kuva
munyaradzi wa Addie

Kana zvichitoita kuti atore virginity yangu kuti


abatewo mwana muruoko ndingamutendera
zvangu .

Satani aitozvinyepera zvake kana aifunga kuti


Addie angafa asina mwana.

Ndakatanga kufamba ndichienda ku room kwake


ndisati ndasvika ndakaona Gono vakagara pasofa
vachimwa hwahwa vachiita nyaya na Bianca
vachiseka. Vamwene vaive busy kubika
vachiimbirira kanziyo vachiratidza kuti zvese zviri
kuvafambira zvakanaka

"Maswera sei baba ?" Ndakabvunza ndakamira


kumberi kwavo

Ndakaona Va Gono vachisimudza musoro


vachidonhedza glass ndakanzwa richiti "pwa
kuputsika"

Vakasimuka ndokubva vakati " You, what are you


doing here?

Wadzoka nguvai pano ende ndiyani akuvhurira


gedhi
"Munorevei kana muchiti ndiri kudei pano?"
Ndakabvunza ndakanyatsomira

Gono vakatanga kufamba famba vakabva vati

"Hazvigone , Olga !" Vakadeedzera zvine ruzha

"Baba " vakadaira bamukuru vachimhanya

Vachisvika Gono vakabva vati "Ndiyani avhurira


tsvina iyi gedhe, abva nekupi munhu uyu handi
wakati aenda here iwewe?" Vakabvunza
vakatsvukisira bamukuru ziso.

Bamukuru vakaita kunge vanga vatotangawo


kundiona vakabva vati "Hezvo ko ndimi here
vandaona muchiburuka mumota ya Addie , sorry
father Harleen nezuro akati iye anzi imhepo na
mhamha saka ava kuenda handina kumbofunga
kuti angadzoka inini .

Believe me mogona chero kubvunza mhamha


nokuti akatobva pano varipo"

Mai Gono vava kuda kudaira ndakabva ndati

"Hongu ndanga ndaenda asi murume wangu


anditeera, Addie ndiye andiunza pano" ndaidero
ndichotofamba kuenda ku room kwa Addie.
Ndichisvika ndakawanikwa asiko ndakanzwa
achiridza Keyboard yake akagara ku shade
achiimba.

Ndakafamba ndichienda ikoko ndaida kutomuudza


zviri pamoyo pangu, yanga yava nguva
yekumukumbira ruregerero kana asizoratidza kuti
haade nezvangu ndaigona zvangu kuenda kwa
mbuya vangu zvekuramba ndichimurwadzisa
ndakanga ndisingade.

Ndichisvika ndakaona achinditarisa akaramba


zvake achiimba song yake yekuti "Situation" iyo
yaive nemashoko anodzimba moyo kwazvo ,
ndakaramba ndakamutarisa ndichimunzwira tsitsi.
Pandakazoda kuti nditaure naye ndakanzwa Gono
vachiti "Addie!" Vaideedzera vachiuya kwataive
vakasvika vakaenda kwaari vakatsamwa
zvekurevesa.

Vakasimudza ruoko vachida kumuridza


mbama ,ipapo ndakabva ndasvetukira kwavari
yanga yava nguva yekuti ndichishandisa chipo
changa charehwa na mufundisi manje.

Ndakasvika pana Gono ndokubva ndikagamuchira


ruoko rwake rwusati rwasvika pana Addie ndakabva
nda...
End of chapter *13*

Vanonzi mai Rockstar ivavo havade zvisina basa.


Pavakabata ruoko vakabva vaita seiko ngatimirirei
next chapter nhaika.
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

please follow our channel for more:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +2765 840 7103 #

Chapter **

*Harleen*

Pandakaona kuti Gono vava kuda kurova Addie


ndakaona uri uyo mukana wekushandisa chipo
changu chandanga ndaunzwa na Mufundisi.
Semunhu aive pamutsanyo ndakaona kuvarova
kusingaite asi ngungovaratidza chete tarenta rangu
randakazvarwa ndakapfumbata.

Ndakavajambira ndikabata ruoko rwavo ndikarasira


kwakadero. Ndakaona vachinditarisa vakabva vati
siyana neni mwanasikana wava kuda kutamba
nemadhaka pasina mvura haundirambidze kurova
mwana wangu wandakabereka.

"Iwe Addie , sei uchiramba uchidzosa munhu uyu


pano?" Vakabvunza vachiswedera pedyo naye.

Addie akangoramba akatarisa baba vake


asingavapindure.

" Taura neni chikomana!" vakadero Gono


vachisimudza gumbo vairatidza kuti vaida
kumukava bhutsu pakati pemakumbo,
ndakangogamuchira bhutsu yavo negumbo rangu
zvine simba zvekuti ndakaona vachiti dzedzere
dzedzere vakada kundowira kuna bamukuru asi
bamukuru vakanzvenga vakabva vandoti nyondo
pasi nemuromo.

Vanhu vese vakavhunduka nemudonhero wavanga


vaita zvekuti ndakaona vachibata miromo.

Neniwo ndakatobatawo muromo wangu


ndichishamisika ndakanga ndisingafungire kuti
vangadonha zvakadero. Gono vakatanga kugomera
vakabata gumbo ravo iro ranga ratozvimba
nechekare muromo wanga waita bhechu zvekare.

Inini nechemumoyo ndakangoti


" zvimwe zvipo zvedu zvichatiparira izvi"

Mai va Addie vakamhanya vakandotora mvura


inopisa vakatanga kutova murume wavo.

Nguva idzodzo Addie akandicheukira akabva


afamba akauya pandaive akasvika akati "who are
you Harleen, to interfere nyaya dza baba ne mwana
wavo?"

Ndakangotarisa pasi, ndikaramba ndakanyarara.

Akasimudza musoro wangu akati

"Ndiudze kuti ndiyani akupa go ahead yekukava


baba. Unoda kuzviita ani pano iwewe? "
akabvunza akandibuditsira ziso

Ndakatoshamisika kuti Addie munhu akaita sei inini


ndanga ndichizama kutorwira iye ,ava kutoda
kundinyadzisira pavanhu.

Ndakazvishingisa kudzikamisa inzwi ndikabva ndati


"Inga Addie wanyatsoona zvaitika ,baba vanga
vachida kukukava manhlalala ndikaona zvakanaka
ku..." ndisina kupedzisa kutaura ndanzwa
ndaridzwa mucheka padama

Akandirova mbama mwana wa Gono ndokubva


akati "vako here baba vacho? Chero vanga vachida
kundirova iwewe waikwana papi nyaya yacho ,
hindava uchida kuzviita kunge unoziva zvese iwewe"

Ndakabata dama rangu iro raiita kushinyira


ndokubva ndati "Addie!"

"Quite!" Aidero achisimudza ruoko airatidza kuti


aida kutondipamha zvekare.

Ndakaona bamukuru vachimubata ruoko vakabva


vati "That's enough Adiie , haunzwe kunyara here
kurova mudzimai wako pazviso zvevanhu
zvakawanda kudai?" Vaidero vachimusundira kure

Addie akafamba akauya pandiri akabva andibaya


huma akati "musikana uyu haasi mukadzi wangu
mukoma ,can't you see she is not even my type "

"Haasi mukadzi wako saka chii chako , inga akati


wakamuroora wani. Kune munhu anganyepa
zvinhu zvakadero here achinyatsodei chaizvo? "
vakabvunza bamukuru

"Handina kumbomuroora inini, ndashaya zvekuita


nemari here zvekuti ndingaroora munhu anopfugura
hapwa pese paari. Munhu anozviitira weti
mumagumbezi. Nyatsai kumutarisisa muone, she
is not even my type. I am the Rockstar i really
deserve better not this thing" akadero
achinditendeka nezvigumwe zvake zvese apa
achifinyamisa kumeso kunge arikuona chinhu
chakaora.

Ndakanzwa bamukuru vachiti hezvo "what are you


saying Addie ,saka urikuzama kutaura kuti mainini
vanonyepa here kuti wakavaroora" Vakabvunza
vachitoratidza kuvhiringika

Addie akaswedera pedyo namukoma vake,


ndakashamisika asingavaudze chokwadi sezvachiri
anyatsokuti

"Hongu anonyepa , musikana uyu akatema mota


yangu ndaenda ku show ku village kwavo.
Ndakamutora ndichifunga kuti vabereki vake
vangateera mwana wavo vakandibhadhara mota
yangu. Pandakazonzwa kuti anotogara na mbuya
vanotozvitamburirawo havana chavo ndakabva
ndamuti achidzokera kumba kwavo manje
akaramba akabva anditeera ndosaka makaona
achibuda mu booty"

Akaenderera kumberi achiti

"I have no relationship with this girl , ikozvino yava


nguva yekuti Harleen achidzokera kumba kwavo. I
had enough of her dramas and i am tired , this girl
is abnormal i can not take it anymore nxii!"
Akadero achiridza zitsamwa akanditarisa ende
maziso ake airatidza ruvengo rwakapetwa kwazvo

Ndakanzwa kuda kuchema pandakafungisisa


mashoko ake , ndakanhuwidza hapwa dzangu
kuti ndinzwe kana dzainhuwawo zema zezvaanga
ataura.

Ndakanzwa ndisina kana ka smell kaibuda pandiri


ndakabva ndaziva kuti Addie andivenga
zvekurevesa, ava kungoona ndiri chinhu
chinonhuwa pamberi pake.

Ndakatanga kufunga kuti "munhu anonzi ari


Abnormal anenge aita sei chaizvo, ndakagara pasi
nekuti ndanga ndapererwa "

Ndakazviudza kuti yava nguva yekuti ndichienda


kumba kwedu , chandaitofira nekutambudzira
mweya wangu ndaisachiona.

Imagine inini mwana wa Chikara kunzi ndinonhuwa


hapwa , Addie anga andigona chaizvo.

Ndakasimuka ndikatanga kufamba nguva yekuti


ndichidzokera kwa mbuya Harini yanga yakwana.

Ndisina nekure kwandasvika ndakanzwa Gono


vachiti

"mai Addie ndipe phone yangu ndifonere


mapurisa , ndava kufanira kusungisa Harleen abve
pamba pangu for good. "

Ndakanzwa mai Gono vachiti "Good idea


bamwana she must rot in Jail , anofanira kuziva kuti
Gono ndiyani ava kuenderera musikana uyu"

Bamukuru vakaenda kuna baba vavo vakabva vati

"Noo father,kana musingamude pano madii kuti


aende zvake. Yemapurisa yamava kupinza haiite
zvachose. Pliz Addie do something Harleen
haangambosungwe takatarisa zvirinane aende
zvake kumba kwavo " vaidero vachiratidza kutya
zvakanyanya

Addie akanditarisa ndokubva akati "She is nobody


to me , baba itai zvamafunga i really don't care"
aidero achitofamba kuenda.

"Thank you son " vakadero

Gono vachifonera maPurisa.


Vachipedza kutaura nemapurisa , ndakaona
vachiratidza kufara chaizvo. Vakabva vatodeedzera
vakati "gedhe ngarivharwe mapurisa awanikwe
Harleen aripano, anofanira kundoorera kujeri toda
kuona kuti achazokwanisa kupindira nyaya dzisi
dzake sei? "

Mai Gono vakaseka vakati "Gegege seka zvako


mwana wehwiza , anofanira kuziva kuti kuno hakusi
ku village kwaanoita zvaanoda ,
akambondosvuurwa zvimagadziko ne butterstick
anopinda mugwara"

Bamukuru vakatanga kukumbira ruregerero,


vakapfugamira Gono ,kuti vadzore moyo wavo asi
Gono vakarambisisa.

Pandakanzwa nyaya yemapurisa ndakazviudza kuti


pamba pa Gono handichatobve .

Iyoyo nyaya yekuda kundingwarisira ndiyo


yandisingade zvachose. Ndanga ndafunga
kuzvibvira ndega manje vanhu votondibetserana
kuti ndiendeswe kujeri kunge ndiri gororo, aiwa ndiri
mwana wa Pretty inini handitambwe iyoyo!

Ndakamhanya ndikandotora foni ya Addie ,


ndakafonera mbuya Harini straight.
Mbuya vangu vakafara chaizvo kutaura neni.

Ndakazovaudza main reason yandanga ndanyaya


kuvafonera , ndakataura ma points andaiziva kuti
vachasiya zvese zvavari kuita vakauya chete ku
Headlands.

Chandinoziva mbuya vangu vanondida ende


vanokoshesa happiness yangu zvakanyanyisa.

Ndichipedza kuvarondedzera nyaya yangu vakabva


vati "saka mapurisa acho unofunga kuti
angangosvika zvenguvai?"

"Handizive mbuya ,pliz try by all means kuzorwira


marriage yangu, murume wangu anondida inini
ndinomudawo asi vabereki vake havandide vanoti
ndiri village girl" ndakadero ndichiitira kuti vanzwe
hasha, ndaitoziva chete kuti kana kuri kuuya
vachauya vakanyatso chena chandoziva chembere
yacho haide zvekushorerwa muzukuru wayo.

Ndakanzwa vachiti "don't worry Harleen, you are


my priority i will do something usatya. Handi
pfuma akabvisa ega zvake muri nechepapi mu
Headlands?"

Pandakanzwa vachibvunza kudero


ndakangosekerera, ndakabva ndaziva kuti "Zvese
zvanaka" ndakavaudza patiri chaipo chaipo.

Havana kuzoramba vachitaura vakabva vatokata


foni yavo.

Ndakagadzika phone pasi ndichiziva kuti zvese


zvarongeka. Ndakanyatsogara zvangu pa sofa
ndakamirira drama racho.

Mai va Addie vakauya pandiri vakati " Magare ma


sofa angu uchiziva kuti ndiko kekupedzisira"

Ndakasimuka ndikaenda pavari ndokubva ndikati


"Why makandivenga kudero mhamha ?"

"Hey stop calling me mhamha handisi mai vako


inini, wakauya kuzokanganisa upenyu hwemwana
wangu pano ndiri kunonokerwa nekuti ubviswe
pano tiwane kufurwa nemhepo"

Ndakavatarisa ndikadzungudza musoro ndokubva


ndati "Do yu really think, kuti ndakauya
kuzoparadza upenyu hwemwana wenyu here ?"

"That is obvious ,what else chaungada pano iwewe


village girl.
Kungonzwa kuti munhu ane mari wava
kutoteererana naye. Manje pano haubudirire Addie
agara ane mukadzi wake nechekare. Chaunofanira
kuziva ndechekuti Bianca haana kupinda murudo
na Addie nekuti ava Rockstar ,akada mwana
wangu nemoyo wake wese akabvuma kuroorwa
naye" vakadero mai va Addie vachiratidza
kuyemurira muroora wavo.

Ndakangovatarisa ndokubva ndikati

"Bianca wenyu wamunoda uyu izuva rimwe chete


muchasvimha misodzi imimi , Mark my words "
ndakadero ndichibva pavari ndichifamba kuenda
ku room kwa Addie.

Ndichisvika ndakawanikwa akamira akatarisa ku


window. Inini ndakarara zvangu pa bed ndakatarisa
mudenga. Ndainyatsofunga kuti ndichabudirira here
Gono zvavakazvimba gumbo muromo wakaita
bhechu zvekare? Ko Addie achandiregererawo
here?

Ndakasimuka pa bed ndokubva ndikaenda pana


Addie ndaida kumukumbira ruregerero sezvo
ndaiziva kuti akanditsamwira , ndichisvika ndakati
"Addie ndinokumbirawo u..."

Ndisina nekutaura zvacho zvandaida , akauya


anditendeka akati

" handina kana chimwe chete chandinoda kunzwa


chinobuda mumuromo mako, inini newe hatina
ukama . Stop acting like you are my wife because
you are not! What ever happens between me and
my father it's non of your business. Please don't
involve yourself, Do yu hear me ?" Akadero nenzwi
riri pamusoro achiratidza kugumbuka.

Ndakaramba ndakamira ndakamutarisa ndichinzwa


kuda kuchema, iye akafamba akabuda panze.

Ndakatanga kudzokera kumashure ndikandobata


madziro. Ndakanyatsoona kuti Addie haachandide
pamba pavo ndanga ndamubhowa zvekurevesa.
Hakuna chinhu chinorwadza sekutukwa nemunhu
waunenge uchiti ndiye wawakavinga panzvimbo.
Ndakabata musoro wangu ndikaenda kundovhara
door .

Ndakanzwa misodzi yava kuda kubuda , ndakaona


kuti kuchema hakuna zvakunobatsira .
Chandakagona kupfugama ndikataura na Mwari
kuti vandipe solution ye dambudziko iri. Hongu
kumba kwedu ndaikwanisa kuenda ende
ndaindogamuchirwa zvakanaka sezvo yaisave
mhosva yangu kuti ndizonzi ndaroorwa .

Asi Addie zve airatidza kuti anoda rubetsero


rwakasimba.

Ndakanyatso namata nemoyo wangu unorevesa


ndichinamatira "Solution"

Ndichipedza kunamata ndakasimuka ndikarangarira


mashoko a Addie ekuti anga andisuwa ndakaona
ndava kungosekerera. Ndakazviudza kuti "I am not
going to give up on him , kusvika awona ma
intentions anoita kuti ndirambe ndiri pamba pavo."

Ndakafunda maoko angu ndikazviudza kuti kuva


Violence ndiyo yega nzira ichaita kuti ndibudirire
kugara pamba apa. Vese vanofanira kutoona kuti i
am very brave ende zuva rega rega simba rangu
richange richiwedzera.

Ndakagara pabed ndichifunga next move yangu


ndakaona kuti kutodeedza zita ra Mwari iroro
risingadiwe pamusha apa ,ndokuorora Gono
nemhuri yake. Ndakazorara zvangu ndakatarisa
mudenga ndichironga tsoro yangu, papera
chinguva ndakazonzwa yava mhere mhere panze .
Mai va Addie ndivo vainyanya kunzwika
vachitaurisa ndakateerera ndikanzwa kuti vairaira
ma purisa mu room yandaive.

Ndakatomuka pa bed nekukurumidza ndakabva


ndafamba ndichienda ikoko. Ndichisvika Gono
vakabva vati Officers musikana wacho ndiyeyi
arikuuya kuno ndiye andiremadza kudai, pliz arrest
her.

Inini ndakaramba ndichifamba pandakasvika pedyo


ndakabva ndati "Makadini vanoremekedzwa ?"
Ndaivamhoresa ndakadzikamira ndichigara pasi

Mupurisa umwe airatidza kuva mukuru anga


akapfeka uniform yanga yakasiyana nevamwe
akabva ati "Tiudze musikana uri chii chepano uye
sei waremadza baba vepano?"

Semunhu ndaiziva kuti handina mhosva


ndakataura ndakadzikama ndikabva ndati " Ndiri
muroora wepano, mukadzi wa Rockstar . Vatezvara
vangu vanetsana nemwana wavo saka pavazoda
kundokava pakati pemakumbo pa daddy Rocky
ndaona kuti ndikasamira mira ndingasara ndiri
chirikadzi, murume aremadzwa hubaba hwese.
Ndangoisa gumbo rangu kuti gumbo ravatezvara
risazvika kwakakosha. Pakuisa gumbo ndinoona
kunge ndipo pandazoresva nokuti baba vandokava
chitsitsinho changu nemupambari wavo , Ipapo
ndipo pazoita kuti gumbo ravo rive zidende kudai"

Ndakaona mapurisa achitarisana inini ndakabva


ndaenderera kumberi ndichiti

"Kutaura chokwadi kukuvara kwaita baba

it was an accident, ndanga ndichingo defender


kuti vekwanguwo vave safe. Ndofunga ma officers
mava vanhu vakuru murikunzwisisa nyaya yandiri
kuzama kutaura" ndakadero ndakanyatso vatarisa
ndingamboratidze kutya

Mupurisa uya akatarisa gumbo ra Gono akatarisa


vamwe vake ,ndakaona vese vachigutsurira misoro
kuratidza ku believer zvandaitaura. Akatanga
kunyora nyora akabva ati "Mr Gono yava nguva
yenyu yekutaurawo side renyu then toenzanisa
nyaya, nokuti hatingosunge munhu tisina kuona
paatadza"

Gono vakatanga kuti

"Officers nyaya iripo ndeyekuti musikana uyu


arikuteerera mwana wangu nokuti ndi Rockstar,
arikuzama nepaanogona napo kuti ave pano .
Muroora wangu chaiye haachina rugare nekuda
kwake." Gono vakatanga kurondedzera nhema
dzese dzavakaudzwa na Addie uye kuti
ndakazosvika sei pamba pavo vachipedza
mapurisa akabva ati "kana iri iyo nyaya yacho
yekuti , arikuramba kudzokera kumba kwavo iye
asiri mukadzi wemwana wenyu anokodzera
kusungwa."

" we will arrest her , for harassment "

Achagara muchitokisi kwe mwedzi mitatu


tichimuranga zvakasimba zvekuti paanozobuda
haafe akanetsa vanhu .

" Young lady let's go !" Akadero umwe wemapurisa

Ndakasimuka ndokubva ndikati

"Going where?" Ndakabvunza kunge ndanga


ndisina kunzwa nyaya yacho

"Hey muno munyika yedu hatibvumire hunhu


hwawakaita , kunyepa kuti wakaroorwa nemunhu
iwewe usina uchingoda kushungurudza vanhu vari
pamba pavo. Kamani famba tiende" vaidero
vachindibatairana
ndakaona Gono vachisekerera, kana vari sa mai
va Addie hatichataure . Addie aive akatarisa ku
side kunge aisaona zvaiitika . Bamukuru
nemukadzi wavo ndivo vaichema vachikumbira kuti
ndisaendwa neni.

"But i am not lying i am his wife ! Akandiroora


nemombe nhatu uyu . Please Addie tell them kuti
ndiri mukadzi wako" ndakadero ndichifunga kuti
mwana wa Gono achandiyamurawo sezvo ari iye
akandisenga kubva neni ku Birchenough.
Ndakaona achitofamba kubva pataive

Ndakanyatsoona kuti zvadhakwa , kuti ndishandise


chipo changu kumapurisa ndakona kuti Jeri racho
handizoribude. Ende nyaya dzacho dzinozokura
zvekuti dzinopedzisira dzasvika nemunzeve
dzababa vangu ndikapinda pama 1 na Chikara.

Ndakangosiya mapurisa achiita zvaaida neni,


vakandizvuya vachindikwekweredza kubva neni
mumba yataive kusvika kuGedhi. Patakangoti pa
gedhe ndakanzwa huta yemota yairidzwa
zvenharo panze.

Nechemumoyo ndakangofunga kuti zvimwe imota


yemapurisa yava kuuya kuzotitira, pakavhura
maiguru mai Tee gedhe ndakashamisika vari
mbuya va Harini vaipinda nebango ravo remota.

Mbuya vangu havasi munhu anozvitorera


pamusoro asi vanemota dzinokwana kuita nhatu
dzavasingamboshandise.

Fortuner yavakauya vachi driver inongogara ku


Garage kwa sekuru T.J havangoishandise pese
pese nokuti vanoti iri special .

Mota iyoyo vakaitengerwa nemuzukuru wavo


akaroorwa nemwana wa Hero vanova sisi Lah.

Ndakangosekerera chembere ichimonya streering


ichipinda mukati. Vanhu vese vakamira
vachitoshamisika kuti ndiyani.

Mbuya Harini vakazobuda mumota vakarova ma


serious apa chiona kuchena kwavanga vakaita
nembatya dzechi soilder chibhareta chakapfekerwa
paside , mutsoka maive neimwe bhutsu yakaita
jombo dzinopfekwa nema soilder dziya kwaitovawo
kutanga kuiona bhutsu iyoyo

ndakangoti nechemumoyo

" come on Gogrie , varatidze mwanasikana?

Vatanga kufamba zvishoma nezvishoma vachiuya


kwataive vakasvika vakanditarisa vakabva vati..

Ndakanzwa police yava kuti...

Ndikabva ndaziva kuti..

Kkk

End of chapter *14*

Tikapedza zvese next chapter tozonyorei

Stay tuned , wedzerai ma votes ku face book uko


link riripamusoro ndiroro vasati vavhota bayai link
mundo liker pakanzi let's vote for mai Lex book
redu Betrayal rinoda ma votes akawand akuti
rihwine itai plan
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103#

Chapter **

*Harleen*

Pakanditarisa mbuya vangu vakabva vati "Harleen"


vakamira nechekure neni, inini ndakangoramba
ndakanyarara sezvo ndaive mumaoko emapurisa.

"Ndainzwa kuda kuseka ne kombati ya daddy


yavanga vakapfeka . Baba vangu mukuru kuru
wema Soilder saka mbuyà vangu munhu
anoremekedzwa nekuti akazvara gamba. Ukaona
vapfeka kombati iyoyo chero bhutsu vanokukanda
kana ukavabhowa, ende nyaya yacho hakuna
kwaunondoi reporter ikabudirira nokuti ivo
vanotoverengwawo kuma soilder ikoko. Vane
dzimwe hondo dzavakamboendawo kundorwa
vachibetsera mwana wavo vakadzikunda ipapo
ndipo pakaita kuti vawane chinzvimbo ku Army saka
vanotozikamwa.

Gogo vakafamba vakasvika pedyo nepandaive


vakaramba vakamira vakanditarisa, ndakanzwa
mupurisa aive muhombe kuvamwe achiti

"Mai Gunners what are you doing here?

Ivo vakamutarisa vakarova ma serious vakabva vati

"Ndauya kuzoona muzukuru wangu akaroorwa


pano,kubva zvaakaroorwa handina kumbomuona
saka nhasi ndamurangarira ndosaka ndauya "

Officer vakasekerera vakabva vati " munoreva here


kuti marooro aya atakadya nyama kusvika tanzwa
mudumbu , muzukuru wenyu akaroorwa pano ?"
Akabvunza achitoshamisika

"Hongu , ipo pano " vapindura gogo

Mupurisa uya akabvunza akati

"Arikupi ? tinoda kutomutenda nokuti mapurisa ese


e Marusape takabatwa zvakanakisa pamarooro
emuzukuru wenyu, hazvigonekamwe nevazhinji
zvamakaita paya. We will forever grateful mai
Gunners "

Mamwe mapurisa ese akabva atiwo "Ichokwadi we


wish kuona muzukuru wenyu akadadisa zvakadero,
zuva riya hatimbofe takarikangamwa"

Mbuya vakatendeka kwandaive vakabva vati

"Wamakabata iyeye ndiye muzukuru wangu, ndiye


Harleen gotwe ra Chikara zvino zvandaona kunge
murikumuumburudza kwakanaka here?"
Vakabvunza

Mapurisa achinzwa mbuya vachiti ndiri muzukuru


wavo akamhanyira kundiregedza "Vese
vakatarisana vakabata miromo yavo "

vakabva vaenderana kuti "what?"

Gogo vakatora phone yavo vakabva vati "No


musamuregedza rambai makamubatirana , ndiwane
kutora video go on"

Mapurisa akamhanya akabata tsoka dza gogo


akabva ati "Please mai Gunners tinokumbirawo
mutiregerere hatina kumboziva kuti musikana uyu
muzukuru wenyu"

Ipapo ndakamhanya ndikaenda pana mbuya vangu


ndakabva ndandovati mbunde , ndikatanga
kuchema ndiri mu ma arms avo. "Munongozivawo
kuti misodzi ine manyawi , pane pamwe pekuti
ukaonawo wekwako zvinongokutuma zvega
kuchema"

Mbuya vakandinyararidza vakabva vati "Chinyarara


ruva rangu zvino zvowogochema unoda ndiite seiko,
vana Mupurisa chionai zvamakonzeresa muzukuru
wangu ava kuchema nyaya iyi haifanire
kungoperera pano?"

Mapurisa akatanga kuzvironga akaita line


ndakaona vava ku saluter gogo vangu . Vapedza
vakabva vati "zvirokwazvo tine hurombo mai
Chikara hatina kumboziva kuti muzukuru wenyu.
Tadeedzwa nababa vepano vachiti , pane village
girl anetsa nekuteerera mwana wavo isusu
nekusaziva tanga tichida kumusungira ku harrasa
vanhu pamba pavo"

Mbuya vakatora phone yavo vakabva vatanga


kubaya vakati "Mese nhasi basa riri kupera ndiri
kufonera mukuru wenyu ndimuudze nezvenyaya iyi.
Murikutadza kusunga , mbavha nemhondi
dzinorepa vanhu kunze uku muchiita busy
kuteererana nenyaya dzemumamisha dzisinei nemi.

Saka imimi mukatonga nyaya dzana atezvara


nevaroora ko masabhuku memadzishe voita ripi
basa !"

Vaidero vachiisa foni panzeve.

Mukuru wemapurisa akamhanya akapfugama


akabva ati chokwadi tiregerereiwo mai Gunners
hatina kumboziva kuti Gono arikutinyepera , dai
tazviziva tisina kumbotambisa nguva yedu.

"Kana muchida kuregererwa munofanira kushanda


na Gono wacho zvakasimba, ndofunga
murimapurisa munoziva zvandiri kureva" vakadero
gogo vachiisa foni yavo muhombe

Mupurisa uya akasimuka akati tinotenda mai


Gunners akafamba akaenda kuna Gono akabva ati

"Gono waona nhema dzako kwadzatisvitsa , sei


wanga uchiramba kuti haasi muroora wako iwewe
uchiziva chokwadi kuti makandomuroora?"

"Haasi muroora wangu, inga ndakuudzai wani kuti


angoriwo village girl arikuteera mwana wangu
chembere iyi inenge yarasika pekuuya " Akadero
Gono

Ndakanzwa Gono varidzwa mucheka wembama


nemupurisa akabva anzi"Urikuziva here kuti
chembere yaunoti inonyepa ndiyani?"

"Gono vakatanga kukwiza dama ravo , vakasimuka


vakabva vamisidzana nemapurisa"

Mai Gono vakabva vaitengawo vakati "Ichokwadi


mwana wedu haaroore tsvina dzakadai mukadzi
wake chaiye ndiye uyo wamuri kuona ari a..."
vasina kupedzisa vakabatwa nemapurisa echikadzi
ndakaona vava kurohwa magaro nechi butter stick
zvakasimba. Ndakasekera mumoyo zvangu kuti
zvaiwana ngwarati

"zvavanga vachishuvira kuti zviitwe kwandiri


vavakuzviitwa ivo." Chembere yakarohwa magaro
zvekuti yakanga yava kutadza kugara pasi
zvakanaka vakanga vavakugara nedivi mapurisa
achipedza kuvarova akabva ati

"Musikana wamunoti village girl murikunyatso


muziva here kuti mwana wani?" Ko ivo mbuya
vake munovaziva here kuti ndiyani?
Gono akadzungudza musoro wake akabva ati
"Handizive officer"

Officer vakamubata chirebvu vakabva vati "Kana


wakambonzwa zva Sinor Commander munyika
yedu muno anonzi Philip Chikara, akazvarwa
nechembere iyeyi"

Musikana wawanga uchida kuti timusunge uyu


mwana wake . Ndiudze kuti kana uchiti mwana wa
sinor commander ari kuteerera mari yemwana wako
unorevei, nokuti kuziva kwedu gotwe ra Chikara
rine mari yakawanda kwazvo zvekuita mota
dzemando dzakasiyana siyana.

Why uchida kutamba nenjere dzedu, uchitipinzisa


pakaoma iwewe.

Gono vakanditarisa vakatarisa kumapurisa vakabva


vati

"I don't believe this officer , i am sure you are


mistaken"

"Nyarara Gono! Hongu tingatadza kuziva mwana


wa Chikara , asi amai vake tinovaziva ende hapana
pavangambotaura zvemanyepo"
Pamarooro emwanasikana isusu vemutemo
takatodeedzwa tichimiririra Chikara sezvo ari
kunze kwenyika seruremekedzo rwekuti mwana
sikana wake aroorwa .

"Ndiudze kana iwewe uchiti haasi muroora wako


unorevei , iyo pfuma yakabviswa pamaziso edu?"
Akadero mupurisa akatsvukisira Gono maziso
achida kutonzwisisa . Ndakaona mai Gono
vachienda nechekure vachipeta muswe ndakabva
ndaziva kuti chi butterstick chapinda , ivo Gono
mbune vakabva vati Addie mwanawangu tell them
kuti vaita mistake.

Addie akafamba akati "Hongu vaita mistake father ,


nhai muchembere makamboonawo chiso changu
kumba kwenyu here inini?" Akabvunza

Mbuya va Harini vairatidza kuti vanga vauya


vakagadzirira, ndakaona vachiridza chigumwe
vachiridzira divi reku gedhe.

Pavakaridza pakabva pakapinda mukomana aive


akabata book mumaoko iro raive ne list ye roora.

Mukomana uya akazotaura kuti akatumwa na


Rockstar kubvisa roora. Ma audio airongwa na
Addie zvepfuma yaaida kuti ibviswe aivepo.
Ndakaona Addie achibuditsa ziso achishamisika.

Mapurisa achiona proof yekuti Addie akandiroora


asi ava kuda kundiramba zvisiri pamutemo akabva
atoti ngaaiswe njema pamwe chete na baba vake.

Mbuya va Harini vakati " aiwa musavasunga


zvenyu , endai munotsvaka zvekuita iyi case
chisiirai inini"

Vakamboda kuti "But mai Gunners madii marega


tavadzidzisa chidzidzo"

Mbuya vakati "Kasirai kunyangarika, zvepano


matopedza"

Mapurisa akatanga ku saluter , akamacha kubva


pana mbuya vangu kusvika asvika ku gedhe
akabva anyangarika nekukurumidza sezvaanga
audzwa.

Mbuya vakandibata ruoko vakati "Let's go Harleen,


pano hapana chako muzukuru wangu " Murume
wako akuramba ndichinzwa nedzangu nzeve.
Vakatora book re list reroora vakabva vakandira
pana Addie.

Inini kuenda na mbuya ndaisada sezvo ndaitodawo


nezve pa Gono ,manje kuti ndivarambire zvaisaita.
Ndakatanga kufamba zvishoma nezvishoma ,
ndakacheuka ndikaona Gono vachisekerera.

Ndakanyatsoona kuti dhara rabudirira zvaro,


bamukuru vayieredza misodzi vaoonekwa kuti
vaisada kuti ndiende.

Takafamba tikasvika pamota tava kuda kupinda


ndakabva ndati "I love my husband gogo madii
mangondisiya ,mava kurwadzisa moyo wangu"

Mbuya vakandimbundukira vakati "Dai murume


wako aikuda aisakuramba pavanhu, let's go
Harleen kana murume wako achikuda achateera"
Vaidero vachitopinda mumota

Inini ndakafunga kutukwa kwandanga ndaitwa na


Addie ,ndakaona zvakanaka kuenda na mbuya
vangu. Ndichingoda kuti gumbo mumota
ndakanzwa Addie achiti

"Harleen wait"

Ndakamira ndakamutarisa ndichida kuona kuti


aindideedzerei " Addie akatanga kumhanya
akasvika anditi mbunde" akabva ati
"please don't leave me Harleen, i can not live
without you"

Akatanga kuchema akandimbundukira zvekuti


ndakatoshamisika , ndakaona bamukuru vachiisa
chipiyaniso vachitarisa mudenga vachiratidza
kufara .

Ndakanzwa Gono vachiti "Addie!" Vaideedzea


vachiuya kwataive .

Vakasvika vakati " let her go na mbuya vake


nokuti relationship iyi handife
ndakaigamuchira ,iwewe une mukadzi wako kare
watinoziva isusu"

Addie akawedzera kundimbundukira akabva ati


"Noo father, Harleen is my wife ! She is the
daughter in law of this family " Ndakamuroora
nepfuma yangu saka hakuna kwaanoenda verengai
list yandakandobvisa iyi kana musingagutsikane"
Aidero achikandira baba vake book ranga rauya
na mbuya Harini .

Gono vakatanga kushaker vakatarisa kwaari


vakabva vati

" i can see you have lost your mind, ungasiya


mukadzi wako nokuda kwe tsvina idzodzi.
Unomudii munhu anomisidzana nevanhu rume.
Handina muroora gay inini siya aenda!" Vaidero
vachitaurira pamusoro.

Mbuya vangu vakabuda mumota vakabva vati

"MR Gonoria ndinokunyarai chaizvo kuti muri baba


vakaberekera muzukuru wangu murume , dai zvisiri
izvozvo ndaisiya ndakushandira izvezvi"
Ndinokuratidzai zvishandwa masikati ano handina
kana mangwana , musada kundinzwa zvenyu

Wamuri kuti gay ndiyani ? Handitukirwe muzukuru


wangu ndichinzwa .

"Ndinyareiwo kuti ndigokwanisa kukunyarai."


Vakadero mbuya Harini vachitambisa gumbo ende
rinenge raitososonera kukava chaiko

Gono vakaseka vakabva vati

"Yu see what i mean Addie, mhuri iyi haisi


yekuroorera. Siya zviende mhani iwewe uchada
kukwidza hasha dzangu" vakadero votsvukisirawo
wavo mwana ziso

"Noo father, say what ever you want to say asi


zivai kuti hazvindikonese kuda Harleen. Bianca
mukadzi wenyu nekuti ndimi makandomuroora
mega"

"Harleen mudzimai wangu , nokuti ndini


ndakandomuroora ndega saka hakuna
kwaanoenda!" Akadero Addie achiratidza
kurevesa

"Adrian! Wasengedzwa mamhepo here iwewe"


vakabvunza Gono vachisimudza ruoko rwavo
vairatidza kuti vaida kurova Addie.

Ndakaona Addie arubata akabva ati

"Not anymore father! I respect you nokuti muri


baba vangu ndinokudai chaizvo, kana muchida kuti
ndirambe ndiine rudo rwandinarwo pamuri kutanga
nhasi respect zvinodiwa nemoyo wangu ." Aidero
achirasira ruoko rwababa vake kure.

Ivo vakatanga kurwutarisa vachishamisika.

Ndakaona bamukuru Olga vachidodomera kuti


vanyatsoona. Vakarovana nemukadzi wavo maoko
vachiseka.

Mai Gono vakabva vati "Addie wapindwa neiko


iwewe!"
Gono vakatanga kuti "noo this can not happening,
not my Adrian " Let's go Bianca

Mai Gono vakabva vati

" zvino mava kuenda kupiko?"

Gono vakatanga kutsvobidika vachienda kumota


vairatidza kugumbuka zvakaipa .

Bianca akabva avateera vakabuda vese nemota.

Mai Addie vakamhanya vachibudawo panze


hamenowo kwavanga vafunga kuda vaiteera
murume wavo. Addie akatanga kuchema ari muma
Arms angu .

Mbuya vakauya pataive vakabva vati

"Ndava kuenda Harleen muzukuru wangu ,


zvazvadai mabvi ngaazova sahwira wako mukuru
sekuru vako vati ugare uchienda ku church nokuti
ukasadero hondo dzacho dzichakumomotera."
Ndakabva muma Arms a Addie ndikambundukira
mbuya vangu ndatanga kuchema.

Mbuya vakandibvunza kana ndaida kuenda navo ,


ndakangovaudza kuti "noo gogo chinouya
chichaona ini nokuti murume wangu ndinomuda"
Mbuya vakazoeneka vakabva vati vava kuenda.

Addie akapfugama akakumbira ruregerero ne


behavior yake yekuvanza chokwadi, Mbuya
vakangoseka vakati "My Rockstar handisati
ndakuziva , gadzirira imwe roora handi waiti
wakangwara uchituma munhu asiri iye"

Addie akaseka akati ndinozviziva mbuya


ndichagadzidisa , akazopa mbuya mari ye petrol

Mbuya vakamboiramba "Addie akakumbira kuti


vaitore nokuti anga avapa ne moyo wake wese,

Gogo vakazogamuchira vakati havachagare" Vasati


vaenda vakanditambidza foni yangu vakabva vati

"HARLEEN foni yako hakuna anomboishandisa


ndatoona kuti zvirinane ndiuye nayo, chero iyo
imwe mota yava kufanira ku...." vasina kupedzisa
ndakavhara muromo wavo eish zva mbuyawo
ndaisada kuzikamwa kuti ndine mota.

Ndakavaperekedza mumota ndikabva


ndavabhabhaisa ,

Ivo vakangoseka vakati " dzichakandirira huku


uchidzivanza kudero mwana wa Chikara unoda
kutodza aniko iwewe!" Ndakangoseka ndikati
ndiyani umwe wandingatodza kunze kwenyu
Gogrie mufambe zvakanaka ndaidero ndichivapa
katsvodi.

Vakatanga zvavo kudhumisa mota yavo,


vakamboirevha mbichana vakatibhabhaisa vakabva
varova pasi.

Vachienda ndakangosara ndakavatarisa ndakanzwa


matama angu ava kutopisa nemisodzi .

Bamukuru nemudzimai wavo vakangodhonzana


vakaenda ndakasara nemwana wa Gono.

Addie akanditarisa akaona ndichichema akabva


auya pandaive akati "Murikuchemeiko nhai mai
Rocky? Sorry mudzimai wangu pakukutuka
kwandamboita ndozviziva kuti ndozviri
kukuchemedza" aidero achindipukuta misodzi

Ndakanzwa hana yangu ichirova zvekurevesa


nokuti aive aripedyo neni zvakanyanya,
ndakazvibvisa paari ndokubva ndikati "Neniwo
ndoda kungoti sorry pane zvandakutuka tichibva
kwana tete ndaona kuti hazvina kukubata
zvakanaka "
" Handina zvangu kutsamwa madam " aidero
akanditarisa

Inini ndakashaya kuti ndomuti chiiwo


ndakangoramba ndaka sticker ndakamutarisawo
ndakazonzwa oti "Saka ndombuya Harini vaya ?"
Akabvunza achiseka

Ndakaseka ndokubva ndikati "ndivo zvavo vari


mukombati"

Akawedzera kuseka akati "Ndatoona kuti ndikaita


zvekutamba ukaendwa newe ndotumirwa mapurisa
ndikasungirwa kidnapping, chembere iya ndaona
kuti haisi yekutamba nayo yakangwarirsa .

Ka salute karohwa nana Officer kanga kari


kekutya mabhutsu,

imagine inini munhu wa Rockstar ndozikamwa kuti


ndaive ndaka kidnapper it will ruin my carrier for
real "

Pakadero Addie ndakamutarisa ndokubva ndikati

"So you mean yu were faking kuti unondida, you


don't love me at all asi watya kusungiswa"
ndakangokaruka ndabvunza
Ndakanzwa Addie achiti "Zvabva kupi izvozvo asi
iwewe unondida?" Aibvunza achiseka

Kuzodero Ndakabva paari ndikatotanga kufamba,


ndaipindura kuti chii zvangu.

Nguva dzanga dzafamba saka ndakabva ndaenda


ku kitchen kundogadzirira supper.

"Ndakatanga kubika mai va Addie vakazodarika


nemandaive vakamudhura"

Iro raitova dambudziko ravovo ,zvaisatoda inini


zvekuti vakanditsamwira .

Chero zvavo vaiona proof yekuti ndiri Daughter in


law ndichaita wekunyan'anya gore rino
vanondiguta .

Ndakabika ndikapedza, ndakabva ndaenda


kundogeza ndichipedza ndakazonzwa mota panze
ndakadongorera ndikaona vari Gono vaipinda.

Vachiburuka vairatidza kuti vaive vega,


chakandinetsa kumeso kwavo vaiita kunge vakanga
vakazora mazimbe. Ndakaramba ndakavatarisa
ndikanzwa bvudzi rangu richimira zvakanyanya.
Ndakaramba ndakavatarisa ivo vakabva
vanditarisawo.
Mai Gono pavakanzwa kuti murume wavo asvika
vakabuda panze vakasvika vakati "ko Bianca
mamusiyepi?"

"Achadzoka zvake" vakadero vachitofamba kuenda


mumba

Inini ndakaenda kuna Addie ndikati " Vuya uone


baba vadzoka vakazora mazimbe kwakanaka
here?" Addie akauya achimhanya akavatarisa
akati "Asi wava kupenga vakambozora mazimbe
ivava?"

Ndakanyatso tarisa Gono ndikaona zvechokwadi


vakazora mazimbe, ndakamhanya ndikaudza
maiguru mai Tee kuti vauye kuzoona vatezvara vavo
vakazora mazimbe. Maiguru mai Tee vakavatarisa
vakabva vati "Mazimbe api mainini handina andiri
kuona inini "

Ndakabata musoro wangu ndikafunga kuti asi


ndava kupengawo zvechokwadi, ndakazonzwa
voice ra bamukuru richiti "pamwe pane
zvavakazora spiritually zvamunoona imimi mega
mainini,

Zvazvadai motonamata kuti munyatsoona zviri


kuda kuitika ."
Ndakangoti hameno bamukuru ndakabva ndapa
vanhu chikafu, veku cottage ndakangopakura
ndikandovapira ikoko sezvo vaisabvumidzwa kudya
nevamwe.

Vanhu vachidya inini ndakaenda kundonamata


kuseri kweimba.

Ndichidzoka ndaka joiner vamwe patafura.

Hapana aitaura neumwe , pandakasvika Gono


nemukadzi wavo vakasimuka.

"Addie akabva ati aneta ava kuenda kundorarawo.

Inini ndaisada zvekurara mu room yake sezvo


ndaida kumuka ndichinamata usiku.
Ndakangoenda mu spare maisatombova chero
nemu bhedha. Ndakawaridza ma sheets ndikabva
ndarara. Hope hadzina kumbononoka kundibata.

Pakati pehusiku ndakatanga kunzwa madzikirira


ndiri kuhope. Ndainyatso kunzwa ndichitsikirirwa
zvekuti ndaisakwanisa kumuka mweya wangu waiita
kunge uri kuenda mbichana mbichana.

Ndakatanga kutambudzika ndiri kuhope ikoko


ndichichema.
Ndakazongonzwa ndava kuti ndisiyei mhani

"Ndinoraira moto right now ! Every evil spirit come


out " Buda iwe nezita ra Jesu

"ABHURAKADHABHURA ADHOSKARAVASH,
VORANDA VOSIA SITEREVETE "

HA YAYAYYA !! Ndaidero ndichitomuka

Ndichimuka ndakashamisika kuona Gono vakamira


kumberi kwangu . Ndakapukuta maziso ndokubva
ndikavatarisa ndikati

"WHY ARE YU HERE , ASI MUNOROYA!"

Ndakaona Gono vachidonhedza chigero pasi


vakabva vati..

End of chapter *15*

Thank nema comments

Prophetess Harleen hoye


https://chat.whatsapp.com/
Kmxs5hIhkum4J2wczMSuqA

*BETRAYAL*

written by

Amai Lex

#+27 65 840 7103 #

Chapter *16*

*Gono*

Ndakaona kuti ndikaita zvekutamba nyaya yacho


inogona kundishatira. "Addie kundibata ruoko
rwangu achirwurasira kwakadero aiwa hazvigone!"
Ndakadeedza Bianca tikabva taenda kwa Jemedza
straight, tichisvika takawanika akamira pa gedhe
airatidza kuti kune kwaaida kuenda paakandiona
akabva ati "Urikudei pano Gono nemunhu uyu?"
Akabvunza achiratidza kusafara kuona Bianca

Ndakapfugama ndokubva ndikati "Ndibetsereiwo


Great one ,kumba kwangu hakuna kumira
zvakanaka "Addie wandaifunga kuti ndiye
wandichashandisa kuti ndiite mari ava
kundipandukira, anoratidza kuti ava ku supporter
munza musha kuti igare pamba pangu."

Zano handichina ndapererwa , munoziva kuti ndimi


baba vedu pazviooma tinouya kwamuri kuti
mutibetsere"

Jemedza akanditarisa akabva ati

"saka mwana wa Akash wauya naye pano


kuzoitei ? "

Ndakakotamisa chiso ndokubva ndikati

"Ndafunga kuti ndikauya naye mungamupawo


simba akandibetsera kurwa hondo iyi.

Munhu anonzi Harleen andishungurudza, ende


ndinoona kuti zvichamutorera nguva kubva pamba
pangu nekuti Addie akamubvisira roora."

Jemedza akadonhedza tsvimbo yaanga akabata ,


akaratidza kuvhunduka akabva ati

"Uri kuti chiiko iwewe Gono?" Unoreva here kuti


unokurirwa masimba nemwana wawakazvara!
Wakaregerei Addie achibvisira musikana uyoyo
pfuma
" Ohh Gono uchazvidemba iwewe, ukangoona
musikana iyeye akarara nemwana wako chiziva kuti
pako pakuperera. Hauzokwanise zvekare ku
controller Addie follow me now! " akadero
Jemedza achifamba kuenda muimba yaanoitira ma
rituals

Ndakateera ndichimhanya , Bianca akada kukanda


gumbo pachivanze akabva anzi "iwewe sara ikoko
ndichaona zvekuita newe.

Zvawakatakura hazvibvumidzwe kupinda nazvo


muno.

Bianca haana kuita nharo akangosara akamira,


ndakakanda nharu mbiri ndikacheuka ndikaona
asisiri pandanga ndamusiya. Zvakandinetsa kuti
anga anyangarika akaendepi ndakatanga kufamba
ndakazoshamisika ndichimuona atova kumberi
kwedu.

Jemedza paakaona Bianca arikumberi kwedu


akabva ati "Eish ,this stubborn spirit! "

Akatendeka chitsvimbo chake kuna Bianca


mwanasikana aka screamer akabata musoro
wake , akabva atanga kuita kunge arikupepereswa
nemhepo kuenda mudenga akazobva andopfakama
mumuti.
Pakapfakama Bianca Ndakanzwa kutya,

Handina kunyatso kuzvinzwisisa. "ndakazvibvunza


kuti Jemedza anogoti Bianca i spirit pakuti chii
chaizvo?"

Kwaingovawo kutamba nenguva nekuti


ndaizvibvunza mubvunzo usina anopindira.

Jemedza paakaona kuti Bianca apfakama akabva


ati "Next time kana uchiita zvinhu zvako utange
wabvunza Gono, waisafanira kuuya na Bianca
pano unoti kwangu kupusa here kumurega
achiitwa sechituta kumba kwako.

Bianca akakurwira hondo dzako, ziva kuti


ucharasikirwa neimwe hama yako.

Mwana wa Akash ari very dangerous once


ndangomutuma kuti atange kurwisa vavengi vako
unofanira kutouraya umwe munhu pamba pako.
Ndaikunzwira tsitsi kuti sezvo wakadeura ropa
revaroora nevana vavo wava kufanira kumbozorora
uchimirira kudya mari pasina rufu rwaitika mumhuri
mako.

Manje zvawauya na Bianca wega kudai hameno


kuti uchauraya ani pakati pe mukadzi wako,
mwana , muzukuru kana muroora.

Bianca zvaatosvika pano kudai haachabvume


kudzokera kumba kwako , kana ndisina
kumuvimbisa zvirinane .

Ndakatarisa Bianca uyo aizama kuzvibvisa mumuti


airatidza kutsamwa kwazvo ,ipapo ndakaona kuti
zvechokwadi ndaigochera pautsi ndaizochekeresa
ani inini ndakanga ndati ndazvipedza pana
Masithole sekuvimbiswa kwandakanga ndaitwa.

Ndakatanga kufunga ndikabva ndapererwa


nezano. Ndakangoti ndichazonzwa naiye Jemedza
wacho kuti tinofanira kuchekeresa ano . Inini
chandinongoda imari zvekuzoti vanhu varikufa
handinei nazvo.

Takazosiya Bianca achichema ari mumuti takabva


taenda muimba yema rituals .

Tichipinda Jemedza akandipa mushonga waakati


ndizore kumeso kuti ndizokwanisa kugera bvudzi ra
Harleen.

Ndakangozora nekukurumidza, ndakaona


uchindisvibisa kumeso kwese ,ndakabvunza kuti
"zvino vanhu vachati chii vachiona kumeso kwangu
kuri kutema kudero"

Jemedza akandipindura akati "Usatya zvako


hakuna achamboona kuti une zvawazora , vanhu
vachaona kumeso kwako kuchingova normal
semazuva ese"

"Thank you , Great one " ndakadero ndichiwedzera


kuzora umwe mushonga chandaitoda kubudirira
chete patsoro dzangu.

Jemedza akandiraisisa akati

"kana wagera bvudzi ra Harleen , unofanira


kudzoka naro ku Shrine nekukurumidza ndine
zvandichada kuita naro nokuti bvudzi iroro
rinokosha"

Ndakangogutsurira musoro , ndichikwenenzvera


kumeso kuti mushonga unyatso zoreka zvese
nemumaziso.

Jemedza akambotaura taura zvaaitaura nechirudzi


chake akazobva ati

"Ungaenda zvako nokuti ndatopedza newe,

kana ukangobudirira chete kugera bvudzi


remusikana uyoyo zvese zvinenge zvakunakira."
Hakuchinazve umwe munhu achakutonga , kana
iwewe ukatadza kumugera try by all means
kukumbira Addie kuti akubvisire bvudzi iroro

Ndakangosekerera ndokubva ndikati


"Handimbokundikane Great one ,mangwana chaiko
ndiri kudzoka nebvudzi rake pano "

Jemedza akaratidza kufara akabva ati

"I trust you, enda unoita exactly zvandakuudza


uchazonditenda kana ukabudirira"

Uyo waunoti Addie musiye akadero


achapedzerana na Bianca kana ndamupa masimba,
akangorara naye chete zvese zvekuda kusimudza
musoro zvichapera.

Avo variku Cottage chizovadzinga pamba pako


nokuti ndivo vamwe varikuuita kuti zvinhu zvako
zvisafamba zvakanaka . "Varikudeedza zita ra
Mwari zuva rega rega vari ku Cottage ikoko. "

Ndichinzwa izvi ndakanzwa kuzvimba chifuva


nehasha. Olga nemukadzi wake vanga vava kuda
kundikonewa manje.

Ndakasimuka ndokubva ndikati " ko Bianca


muchaitei naye zvaari mumuti?" Uye achadzoka
rinhi kuzorara na Addie chisati chabvondoka ,
nokuti hazvifanire kuzikamwa kuti ane pamuviri
pangu.

Jemedza akatarisa kwaive na Bianca akabva ati


"Very soon arikudzoka , iwewe enda unodzinga
Olga nemukadzi wake pamba pako, kuitira kuti
usazopiwa chipomerwa kana mwana wavo afa"

Bianca kuti adzoke kuzorwa hondo seshuviro yako


anofanira kumwa ropa ,ndatsvaka ropa ringamupa
rusimbiso ndikaona kuti remwana wa Olga ndiro
rinoita.

Iye anozviti haabvire haadyirwe vana asi

gore rino ndinoda kuzviona .

Ndinoda kunyatsoona kuti ndiyani mukuru inini na


Mwari wake.

Kana akafirwa nemwana ndinoda kuona kuti


acharamba achirideedza here zita ra Jehovha
pamba pako , Hakuna chinonzi Mwari pasi rino !
Ende hakuna zvekare anemasimba anodarika angu.

"Zita rangu ndinonzi Jemedza! The great son of the


Dark land ,Go now Gono undoita zvandakuudza.
Kwandiri hapana chinokona ndini ndine masimba
ese ." Akadero Jemedza neinzwi riri pamusoro
soro achirovera tsvimbo yake pasi ,achitaura nechi
Yerobu

Mumba make makatanga kudengenyeka zvekuti


ndakangosimuka ndichimhanya ndakabva
ndananga kumba .

Ndichisvika ndaitya kuti zvimwe vanhu vachanditiza


vachiona ndakasviba kumeso.

Ndakafara ndichiona mai Addie vachindimhanyira,


ndakabva ndaziva kuti zvese zvakarongeka.

Ndakangosekerera ndikati

"thank you Great one , you are too much"

Kwakandinonokera kudoka kuti ndiwane kuzogera


Harleen musoro wake. Nguva dzekundorara
ndakafara ndichimuona achienda ku room kwake
ega. Ndakaziva kuti ndowana kumugera pasina ma
disturbance mushonga wandanga ndakazora
waive wekuti asapepuka kusvika ndapedza naye.

Nguva dzichingosvika pakati pehusiku,


ndakadongorera ndikaona mai va Addie varara.

Ndakamuka ndikafamba kuenda ku spare


room ,chigero changu ndakabata mumaoko.
Ndichisvika pa door ndakavhura ndikapinda nyore
sezvo paisakiiwa .

Ndichingopinda ndakaona Harleen achitanga


kushanyarika zvakaipa. Airatidza kuti aitsikirirwa
ndakaona uri iwo mukana wekumugera asati
amuka .

Ndakaswedera pedyo naye, ndava kuda kumugera


ndakanzwa ava kutaura chimwe chimutauro
chandakashaya kuti akachidzidzirepi.

Paaitaura ndainzwa kunge ndiri kurohwa nema


getsi ,zvakandipa kudonhedza chigero pasi.

Nguva iyoyo zvakanga zvisisina kundimirira


zvakanaka.

Ndakatanga kufamba chinhendesure kuti ndibude


ndiende, kumeso kwangu ndainzwa kuchitsva
zvakanyanya.

Ndakaona iye achimuka ipapo ndakabva ndamira.


Akatanga kupukuta maziso ake akabva ati "Hezvo ,
ko imimi muri kudei muno asi munoroya kani?"
Paakabvunza kudero hana yangu yakarova
ndakaona kuti ndikaita zvekutamba ndinobatwa ma
dhiri angu.

Akasimuka akatanga kufamba achiuya kwandaive


akabva ati "ndiudzei kuti muri kudei muno , asi
ndimi vaya vasingabvarure machira !" Aitaurira
pamusoro zvekuti vanhu vaigona kuzvinzwa
ndakaona zvakanaka kutodeedzera

"ADDIE iwe ! , mbuya va Tee vuyai kuno"

Ndakanzwa mitsindo yevanhu vaimhanya vachiuya .


Ndakashamisika na Olga wandanga ndisina
kudeedza achitoita number one kupinda mu room.
Zvakandinetsa kuti anga abva ku Cottage nguvai.

Addie akasvika achimhanya kunge achabondera ,


akasvika akati "chii father murikuitei muno?"

Ndakamutarisa ndikabva ndati "What is she doing


here? Ndanzwa mhere mhere ndikati ndione kuti
ndiyani arikuchema manje ndashamisika ndichiona
musikana uyu ari muno. Ndiudze kuti arikuitei mu
spare muno husiku huno? Kwaita sei ku room
kwako?"
Addie akatarisa Harleen akabva aseka akati "Sorry
father , Harleen ati anoda kurara muno , manje
anenge asina kujaira kurara pasi ndosaka anga
achiita ruzha .

Remember muzukuru wa mbuya Gunner ka uyu


let's go mai Rocky mundorara pa fantasi renyu
ramakajaira " aidero Addie achibata Harleen
ruoko.

Iye Harleen akangonditarisa akabva ati "It's not


over Dhiyabhurosi"

Addie akaseka akati

"What are you saying Harleen? Wamuona kupiko


Dhiyabhurosi " aidero achiwedzera kuseka ,
airatidza kuti aitonakirwa na Harleen. Apa inini
ndainzwa hasha kuti ,zvandanga ndichida kuita
zvakona.

Harleen akaseka akabva ati kupikowo "Kutonyara


zvangu kuti ndava kunetsa vanhu usiku , sorry
father in law handichafe ndakaita noise
inokumutsai" aidero achinhonga chigero changu
achifamba kuenda kuroom kwa Addie.
Olga akangodzungudza musoro , akabva aenda
kwakewo

Inini ndakazoenda kwangu asi hope hadzina


kumbondibata ndichifunga plan B .

Kuchiedza makuseni ndakamuka ndikaenda


kundogara pama chairs aive panze. Ndakatanga
zvangu kuzvimwira doro rangu, ndakazoona Addie
achiuya kwandaive.

Akasvika akati "Morning father? achigara pa chair"

Ndakangomutarisa ndikaramba ndakanyarara,


akandimhoresa kepiri ndikabva ndatosimuka .
Ndaida kumuratidza kuti ndakamutsamwira chaizvo
neruoko rwangu rwaakanga andibata nezuro.

Pandakasimuka akandibata ruoko akabva ati


"Please father hear me out "aidero achindigadzika
pasi

Ndakangogara ndikatanga kumwa hwahwa hwangu


ndakanyarara "Addie akandibata ruoko akabva ati ,
sorry baba nezvandakaita nezuro.

Chokwadi ndechekuti ndaona kuti ndikaramba


Harleen pamberi pa mbuya vake , iyo proof iripo
mbuya iya ichandisungisa."

Hapana pandingambokurasai muri baba vangu


imimi, kuti ndive zvandiri nhasi uno ndimi.

Harleen achaenda zvake kumba kwavo ega ndine


ma plans angu kare. I am the Rockstar
handitambudzwe nemunhu wandisingade.

Akabata nzeve dzake akabva ati "Forgive me


Father ndine big concert next week ku Chegutu
ndinoda kuzoenda mandiregerera.

Shamwari yangu iri kuuya nhasi kubva ku Harare


kuti tizo practicer saka ndinogona kuzoshaya nguva
yekutaura nemi zvakanyanya nokuti ndichange
ndava busy kutanga mangwana.

Ndakangomutarisa ndokubva ndikati "what can i


say , uri mwana wangu ende ndinokuda"

Kukuregerera ndinokwanisa but only on one


condition

"I condition yei iyoyo baba , let's hope hamusi kuda


kuti ndirambe Harleen nokuti ndakuudzai kuti
achabva ega " akadero Addie achiswededzera
chair pedyo neni.
"Noo handisi kuda kuti umurambe, asi ndinoda kuti
umbomuwachisawo sekuwachiswa kwandaitwa
nezuro na mbuya vake. Chokwadi kunditi Gonoria
inini "

ndakadero ndichikutura bhotoro rangu redoro.

Ndaisada kuratidza Addie kuti zvandinoda


kumutuma zviri important kwandiri.

Addie akaseka akabva ati "Mbuya Harini wo futi


hanzi Gonorria " akawedzera kuseka.

Ndakamutarisa ndikabva ndati

" inga zvinoratidza kukuitira funny"

Iye akapindura akati

"No my lovely father , just tell me kuti mundoda


kuitirwei kuti mundiregerere." Aidero achibata
muromo kuvhara setswa.

"Ndinoda kuti umbon'urun'uzha musoro wese wa


Harleen , unofanira kumugera zviri funny
zvaunoona kuti zvingangofadza inini."

Ndinoda kuti akambosekwawo ndiko kuti neniwo


ndinzwe kusununguka " ndakadero
ndakamusvorera ndakanzwa Addie achiti

" Gegege ndizvo zvega munoda here baba ?"


Aibvunza achiratidza kunakirwa zvake mwana
wangu

Ndakangoseka ndikati " Hongu kana wamugera


bvudzi racho wondipa , i can not wait
kumbomuseka ndakabata bvudzi rake mumaoko
angu"

Addie akandi shaker ruoko akabva ati "consider it


done papa, me too i can not wait kumbotsamwisa
Harleen ndamuita pattern mumusoro" aidero
achindimbundukira achiratidza kufara

Ndakamumbundukirawo ndokubva ndikati

" Kana zvadero maregererwa Chirandu "


ndakanzwa kufara nokuti ndaiziva kuti Addie
anotomugera chete.

Ndakazopedzisa doro rangu ndichingosekerera.


Ndiri pakati pekuzhinya

Harleen akauya pandaive akabva ati "Mamuka sei


baba?"

Musikana wacho anongoita , se dindindi


anongokaruka anyuka.

Ndakamutarisa ndikati

"Ndamuka zvakanaka muroora "

Ndakadaira ndakafara , ndaisada kuti aone kuti


ndine zvandiri kumurongera.

Iye akaseka akabva ati "Saka list rakanaka, mava


kubvuma kuti ndiri muroora wenyu manje" anyway
hazvisi izvo zvandavinga kwamuri

" Ndauya kuzokupai chigero ichi , i realise kuti


ndimi makauya nacho ku room yandaive nezuro ,
nokuti pandakapinda maisave nechigero " aidero
achinditambidza chigero mumaoko.

Ndakangogamuchira ndikaramba ndakachitarisa ,


ndakaona iye achinditarisa akabva ati "Maichidii
chigero kuma 12 dzehusiku father in law?"
Akabvunza

"Ndakaramba ndakanyarara nokuti ndaitoshaya kuti


ndingamupindura kuti chii ?"

Iye akaseka abva ati

"Gegege , let's hope maisafunga kugera bvudzi


rangu zvenyu? Regai ndikuudzei kuitira kuti
muzasoita mistake, inini ndiri Samson wechikadzi
baba .

Kubva ndichizvarwa handisati ndakambogerwa


musoro, ikozvino ndava ne 18yrs bvudzi rangu
rehucheche ndichingova naro. Bvudzi rangu
ndinorida chaizvo zvekuti wese achada kutambira
pedyo naro ndichamuratidza chipo changu "
akadero ava kufamba

Asina kure kwaasvika akabva ati

By the way sorry kukubvunzai madeko kuti asi muri


muroyi , ndanga ndangoshamisika kuti ndamboona
kumeso kwenyu kwakaita kunge chimupanzi .
Ndorohwa nemadzikirira ndozongoona imimi
kumberi kwangu chero manga muri imimi
pakadero hamaikona kufungira.

"Ndinovimba muchandiregerera baba , regai


ndiende ndinogadzirira daddy Rocky breakfast"
akadero achifamba kuenda. Apa chiona step yacho
waingoona kuti imhepo dzega dzega.

Ndakasimuka ndokubva ndikatora bhotoro redoro


ndikarirovera pasi . Nguva dzese idzi ndanga
ndisina kuona kuti Olga anga achinzwa zvese .
Ndakazongonzwa ava kuseka ari kumashure
kwangu akabva ati

"Easy father , asi maidawo kugera bvudzi


remuroora kayi ?" Muchatinyadzisa imimi

"Ndakasimudza rimwe bhotoro ndokubva


ndapotsera kuna Olga .

Ndaitoda kumupedzera shungu dzangu dzese ,


nokuti aionekwa kuti pamuromo pake . Hapasati
papera"

pandakapotsera akanzvenga ndokubva akati

"nzve-e , this time ndiri tsuro magen'a handibatike


zvekudero " aidero achimhanya kubva pandaive

Ndakasara ndikatanga kusunda table , ndikatora ma


chair ndichorovera pasi ndainzwa ndiine hasha
dzekuda kuuraya munhu chaiko.

Pandakaona kuti ma chair ndeesimbi haasi


kupwanyika ndakatanga kufambisa ndichimuteera
ku Cottage .

Ndisati ndasvika ndakamuona ariku seri kweimba


achiudza Harleen kuti azochengetedza bvudzi rake
nokuti rinokosha.
Ndakanyatsoona kuti Olga itori nyoka pamba pangu
Jemedza was right, kuti ndinofanira kumudzinga.

Ndakasiya vaviri vachirondedzerana ndakaenda


nekuseri kwavasingandione ndakabva ndaenda ku
Cottage.

Ndichisvika ndakaudza mai Tee kuti vachibva


pamba pangu handichade kuvaona.

Mai Tee vakapfugama vakabva vati nhai baba,


munoda kuti tiendepi chaizvo inga munoziva kuti
ndimi maingotichengeta kubva kare.

Ndakatanga kutobuditsa zvinhu ndiri inini


ndaisatoda zvekusekerera vanhu.

Mai Tee vakatanga kuridza mhere ndakaona Olga


achiuya achimhanya pamwe chete na Harleen.

Olga akasvika akati "Ko mati tadiniko baba


zvamava kubuditsa zvinhu munoda kuti tiendepi?"

"Non of my business wava munhu mukuru uchaona


yekutamba" ndakadero ndichiwedzera kubuditsa

Olga akatanga kuchema akabva ati "Seiko Mwari


vakandipa baba vane moyo wakasindimara
sewenyu"
Ndakamukwiza mbama ndikabva ndati

" zita iroro ndiro randiri kukudzingira pano, hakuna


chinonzi Mwari"

Harleen akatanga kugamuchira zvinhu


zvandaiburitsa achimhanya nazvo ku main House
apa achiimba chinziyo chekuti

"Tinoti Ebenezer matisvitsa pano Mwari"

Ndakamira ndichida kuona kuti musikana uyu


anoda kuita sei chaizvo iye akabva ati

"Come on father hamumire zvee , ndipei ma


blankets ayo ndinoda kushanda kusati kwadziya
inini"

Ndakarasira zvinhu zva Olga pasi ndikamhanya


ndichienda ku room kwa Addie ndakasvika ndikati...

End of chapter *16*

Thanks nema comments , stay tuned


https://chat.whatsapp.com/
Kmxs5hIhkum4J2wczMSuqA

https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Mazuva ano ndine kamwe kamufaro kandinako,


Harleen adzosa mufaro mukuru muupenyu
hwangu. Ndichitanga kusangana naye ndainzwa
achindibhowa asi ikozvino ndine kamwe
kakumufarira kandinoita , zvekuti handitode kuti
aende kure neni. Ane mamwe ma drama aanoita
anongoita kuti ndigare ndakaisa mazino panze.

Ikozvino chero zvekuti kunomwiwa doro kubvisa


stress handichambozvizive.

Inino ndiri munhu anorarama upenyu hwakagozha ,


especially nyaya yekuti handikwanise kurara
nemukadzi inondishungurudza nyaya iyoyo .

Dzimwe nguva ndinonzwa kuda kumwa doro kuti


ndikangamwe nezvazvo, asi ndikangobuda panze
chete ndinototi ndisangane na Harleen achiita
something chinosetsa.

Baba vangu ndinoona kuti havade kuti Harleen


agare pamba pedu,inini handione dambudziko
nokuti ma drama ake iwayo anondiitira chaizvo.

Semunhu asingade kurasikirwa na baba vake


ndinongovavimbisa ndichiti

" Musatya baba ndichaita something kuti Harleen


aende , asi chokwadi ndechekuti handina zvangu
zvandichaita. Ndichangorega Harleen achiita yaari
kuita baba vakabvunza ndovaudza kuti i am trying
father mirirai zvichaita. Ko pane asingazive here
kuti Harleen akaoma musoro , haagonekamwi
zvekukurumidza ndoziva kuti vachapedzisira
vajaira vava kumufarirawo"

Izvezvi ndine task yandapiwa yekumugera


musoro ,ndichamboona kuti ndomubata sei.
Kumugera handirege zvangu nokuti neniwo ndoda
kuwana kumbomutsamwisa mbichana, ndasuwa
kutsamwirwa naye ndototenda baba vandipa njere
idzodzo.

Kungofunga nyaya yekugera Harleen ndakasimuka


ndikabva ndaenda ku study room ndakasvika
ndikatora kaputseki kangu ndikabva ndaisa pasi
pepillow. Ndakatarisa nguva ndikaona dzava kuti
10 a.m ndakaziva kuti Rolix ava pa half way kuti
asvike pamba.

Ndakafamba kupinda mu bathroon kuti ndigeze,


ndisati ndambokumura nembatya ndakanzwa baba
vachindideedza vari panze

"Addie ! Iwe Adrain " vaideedzera nenzwi riri


pamusoro ndakangobuda ndichimhanya ndikabva
ndati "ndiri pano baba , kwakanaka here?"

"Kunogonakeiko naiye Violence wako, vuya kuno


uone. " Vakadero vachindidhonza ruoko
kundiendesa ku cottage

Tichisvika takawanikwa Harleen ari busy


kusengana nemitundu ya mukoma Olga
achiiunganidza pavherenda.
Apa chiona ziya zvaro airatidza kuti anga anguva
atanga.

Mukoma Olga vanga vakazvipeta varikumadziro.


Mudzimai wavo ndiye aingodzadzana akamira
panzvimbo imwe chete. Ndichisvika
ndakamubvunza ndikati

" ko nhai mai Rocky kwakanaka here?"

Harleen : "kwakanaka daddy , ndanzwa baba


vachiti havachade bamukuru kuti vagare muno ,
saka ndati ndimboita chimbi chimbi
kuvarongedzesa kuvaendesa ku main house

Ndakamirira kuti muuye kuzodya breakfast sezvo


ndapedza kubika " akadero achipukuta ziya.

Paakadero ndakaseka ndikati "Hindava mukoma


mune hutsinye imimi, chokwadi kurega mukadzi wa
Rockstar achitakurana nezvinorema ega imimi
nemukadzi wenyu makamira ipapo. Aiwa ka
hatidero veduwe"

Babe siya vanhu vazvirongedzere zvinhu zvavo


vega, iwewe enda unogeza fast ndine muenzi ari
kusvika pano within 30mins .
"Muenzi uyoyo anondikoshera ,ndinongomutora
semupfanha wangu saka hazvizoite kuti aone mai
Rockstar vasinawo kuchena . Mukoma Olga carry
on pasiirwa na mainini venyu wangu mukadzi
ndomboenda naye" Ndaidero ndichimutorera zi
table raanga asimudza ndichirigadzika pasi
ndakabva ndamudhonzera kwandaive.

Baba vakauya pandaive vakati " Addie urikuti


chiiko iwewe , dai waiziva zvaita Violence wako uyu
waisambodero. I hate this girl" vakadero
vachitendeka Harleen

"Ko aita sei manje , Musakangamwa ka kuti


muroora wenyu wamuri kuti munovenga uyu "
ndakadero ndichida kuseka ruvengo rwa Harleen
na baba vangu rwunondinakidza zvakanyanya.

Baba vakaridza tsamwa vakati "Ndati handichade


Olga pamba pano , ndaburitsira zvinhu panze kuti
aende. Violence wako nemukundo arikutora zvinhu
achindoisa ku main house ndiudzewo kuti
kudherera kwakadini ikoko?"

Ndakatarisa baba vangu ndokubva ndikati "Inini


handione chaaresva muroora wenyu, ko imimi
manga muchizodzingawo mukoma maida kuti
vaendepi handi vaida kusara kumusha mukati
munhu wese kuchirungu.

Nhasi uno vava kuchirungu kwacho moda


kuvadzingirira futi ,vapara yei this time? "
ndakabvunza ndava kushaya kuti yava ipi iri kuita
mudhara, chero ukanetsana nemwana
ungamudzinga pamusha here.

"Addie uri kuside rani iwewe?" Vakabvunza baba


vava kuda kundikwidzira inzwi

"Sorry father kana ndakutadzira asi


musakangamwa kuti Olga ndimukoma vangu,
chero akanzi haana mari asi mwana wepano . Inini
zvangu handina side asi ndiri kutaurawo zvandiri
kuona zviri right.

Hamudzinge mwana pamusha nekuti


akutadzirai ,sababa munofanira kutiranga
muchitidzoredzera panzvimbo imwe chete"

Izvo zvekurimirana miganhu vanhu vamwe chete


inini handione zvichibuda hangu.

"Mukoma ibvai muchi corner muende kundoisa


zvinhu zvenyu muroom yenyu ye kare. Motoita
nekukurumidza Roxie asati asvika. Mai Rocky let's
go"
ndaidero ndichidzonza Harleen

Ndakaona baba vachiratidza kutsamwa asi


masimba ekuti varambe vachipikisa vakanga
vasina. Ndakatora Harleen ndikaenda naye ku
room ndakamuudza kuti aite fast kugeza,
akangogeza nekukurumidza ndokubva apfeka
mbatya dzakanaka ndakamboramba
ndakamutarisa iye aive busy nezvaaiita.
Ndakanyatsoona kuti Harleen misikadzwa chete asi
anotova mukadzi akarongeka.

Dai ndisina kusekwa , ndingadai ndomutora


kumuita mudzimai wangu chaiye chaiye.

Chimwe chinhu chandinomudira ,anoonekwa kuti


arikuzama kubatanidza mhuri yedu asi iye
anozoshandisa chisimba chete ndosaka
akavengwa na baba vangu.

Ndakagara pasi ndichinyatsofunga kuti


zvichazondinakirawo rinhi , sinhi ndakasungwa.
Ndiyani angada munhu asingakwanise kumufadza.
Hongu ndiri Rockstar ndine mari asizve mari haina
zvainobatsira kana usina mufaro . Kungofunga
izvozvo ndakaona ndava kungoyeredza misodzi

"Harleen akasimuka pa dressing table paakanga


akagara , akandidongerera akaona ndichichema
ndakaona achisekerera. Zvakatondinetsa kuti chii
changa chamunakidza, akatanga kuridza kamuridzo
kake.

Akadzokera pa girazi akabvisa ka hat ako


kandisati ndakambomuona achibvisa mumusoro
kubva ndichitanga kumuziva.

Akatanga kukama bvudzi rake, ndakashamisika


ndichiona ane bvudzi rainanavira kusvika
kumagadziko apa richipenya riridema dema. Kubva
ndichikura handisati ndakamboona munhu mutema
anebvudzi rakareba kudero ndakaramba
ndakamuyeva iye akabva ati

" tell me Advance munhu arikuuya pano akaroora


here?"

Advance ndo kamudeedzero kaanondiita kana tiri


vaviri. Pakangoita baba vangu kana mai ndinenge
ndava kutonzi daddy Rocky

Paakabvunza ndakaramba ndakanyarara


ndakangomutarisa , iye akacheuka akafamba
akauya pandaive akagara pedyo neni akabva ati
"Asi hauzive life history yeshamwari yako, anyway
kana usingazive hapana chakaipa ndichabvunza
ndega chindiudza kuti arisei akanaka here?"

Ndakadzungudza musoro kupererwa chaiko


ndakabva ndati "Obvious akanaka , wakamboona
Rockstar achitamba nemunhu akangodero dero
here?

Pandakadero aka smiler akabva ati

"perfect , tell me how do i look ?"

Ndakada kuseka nokuti ndakanga ndisina


kumbofunga kuti angandibvunza kudero,
pachokwadi mwana wevanhu anga akanyatsobuda
kunaka kwese akazviisa ka light make up zvekuti
dai muchini waishanda ndaimubata chibharo
chete . Ndakangomedzerera mate ndokubva ndikati
"Yaa ndizvowo sei wabvunza?"

Akatora girazi akadzokorora kuzvitarisa akabva ati


"Ndinoda kuti shamwari yako izokwanisa
kundicheuka, remember i am single ka.
Ndinotodawo anondiroora , unoti chero ndiri mvana
handidewo muchato here?" Akabvunza
achiwedzera kuzora lip balm pamuromo
achizvigadzirisa tsiye .

Ndakasimuka pamubhedha ndine hasha ,


ndakasvika ndikamubata ndikamudhonzera
pamubhedha.

Ndakatanga kumudya ma Lips ake pasina


kutenderana, ndaitoda kumubhowa nekuti iye anga
andigumbura zvekurevesa.

Ndakashamisika achinyatsotsinzinira maziso


achigamuchira kiss yangu bho.

Ndakamukisa mwana kusvika ndava kunzwa kuti


muchini wa charger , ndakashamisika kuti ndini
here Addie ndamukirwawo kudero ndakabvarura
chivhara ngozi cha Harleen ndaitoda kupinda maari.

Pandakangoti pamukova yakabva yati forototo


kunge vhiri rapera mweya. Harleen akasimuka
akabva atanga kuseka zvake akatanga kuti "ohh
Rockstar , dai waigona ku servicer wakandibata
chibharo kare. Inga wandivavarira mwana wa Gono
kana woda kuti muchini wako ushande uende
undobvunza ba... akabata muromo ndokubva akati
"ahh" atanga kuseka.

Ndakanzwa kurwadziwa kusekerwa urema


hwangu , ndakamubata ndokubva ndikamutsikirira
makumbo nemaoko kumuwachisa ndaitoda kugera
bvudzi rinovhairwa naro iroro.
Chigero changa chagara chiri pa bed saka
zvakandiitira nyore . Pandakamutsikirira iye aiseka
zvake airatidza kusarwadziwa paakazoona ndabata
chigero akabva ati

"Ko chigero urikuchidini manje?" Aibvunza


akadzikama

Ndakamutarisa ndokubva ndikati "handi wanga


uchida kuonererwa, ndoda kugera bvudzi
rinokuvhaidza iroro ndoda kuona kuti
uchaonererwa nei?"

Akanditarisa asinganyename ndokubva akati

"Unoziva chii Addie , zvimwe zvese


ndingakusekerera asi uko kwawava kuda kutambira
unofira mahara"

Ndichinzwa achidero ndakabva ndatowedzera


kumutsikirira , bvudzi ndorandaitomugera zvangu.
Ndakaswededza chigero pedyo naye ndava kuda
kuti ndichipinda mukati mebvunzi ndakaona
andibata ruoko.

Ndakashaya kuti simba racho anga ariwanepi


rekubvisa pandanga ndamutsikirira.
Akanditsvukisira ziso ndokubva akati
"Ndokumbirawo ubve pamusoro pangu,
hauchagone kutamba manje"

Ndakaseka ndikazama kuda kumugera zvakare


akasimuka ndiri pamusoro pake akabva andiwisira
pasi. Ndakanyatsoona kuti Harleen anemamhepo
ndakadonha zvakandirwadza zvekuti ndakamuka
ndine hasha.

Inini zvekujairirwa nemukadzi handizvide.

Ndakamuridza mbama , ndakaona achindidzosera


chibhakera mudumbu chaimo. Ndakabuditsa ziso
nekuti chibhakera changa chapinda zvacho
ichocho. Ndakamurova chibhakera akabva
andikava bhutsu. Pandakada kundoti bhutsu
akazvenga ndokubva ndakava wardrobe iye
akadzoka achimhanya aka andiurukira
ndokundikava imwe iri heavy .

Ndakadonhera pasi ndokubva ndatanga kugomera.


Akauya pamusoro pangu akatanga kundidhinda
zvakaipa . Ndakamusiya achindirova pandakazoona
kuti aneta ndakabva ndamudonhedzera pasi ,
ndanga ndatsamwa zvekuti ndaida kumubvisa
mazino . Ndakavhura drawer rinogara ma tools
angu ndokubva ndadhonza sando
pandakaisumudza ndakanzwa ava kuchema achiti
"sorry Addie , wanga wandirwadzisa hako kuda
kugera bvudzi rangu ndokusaka ndakurova . Bvudzi
rangu ndorida kudarika zvese i can do anything kuri
protector.

Kubva ndichizvarwa handisati ndakamborigerwa ,


ende mai vangu vakati ndiri chengetedze nokuti
rakakosha

Ndiregererewo ndiende zvangu kumba kwedu


nokuti ndaona kuti haundide. Shuwa ungada
kundingondawo nesando here, wadii kuti
tipedzerane nemaoko?

Paakadero ndakakandira sando pasi ndokubva


ndasimuka pamusoro pake ndikati

"Unoda kuzviita murume here iwewe zvekuti


ungada kumisidzana neni?" Ndakabvunza
ndichimutakura kumuisa pamubhedha .

"Iye akaramba achingoyeredza musodzi , akabva


azoti " Addie Ndokumbirawo kuti ndichienda
kumba kwedu zvimwe zvese ndingakwanisa
kuzvigamuchira asi kana zvava zvekugerwa bvudzi
rangu handide naro.
Ndaona kuti iwewe une simba kundidarika, saka
ndava kutotya zvangu kuramba ndiri pano.

"Kana uchida kudzoserwa mari yako nemombe


dzako dzawakabvisa rinovira zvese zvadzoka
mumaoko ako , thanks nenguva yatakambova tese
" aidero achifamba kuenda kune foni yake

Akatanga kubaya number akaisa panzeve ende


aionekwa kuti akanga asingatambe.

Ndakamubvutira foni ndokubva ndikati "uri kuda


kufonera ani?"

Ndipe foni yangu Addie , ndoda kufonera driver


auye kuzonditora .

Ndakadzima foni ndokubva ndikati "hauna


kwaunoenda Harleen" sorry nekukubatira sando

Iye akatanga kuchema ndokubva akati "Siya


kundishungurudza Addie , ndiri kutamba nenguva
ndiri pano ndiudze kuti kubva zvandakauya pano
chii chandawana kunze kwema insults ega ega .
Let me go" aidero achindipusha

Ndakanyatsoona kuti ndikaita zvekutamba inofa


kwangu. Ndakaona zvirinane kuudza Harleen zviri
pamoyo pangu . Ndakaswedera pedyo naye
ndikamupukuta misodzi ndokubva ndikati
"Harleen ndinokuda , this marriage is not fake
nokuti ndakakuroora ndichikuda"

Dambudziko randinaro nderekuti ndingoriwo munhu


akasekwa, vakadzi vese vandakaroora vakafa
pamazuva avo ekusununguka.

Ikozvino zvatova worse nokuda kwekuti


handikwanise kufadza chero chinonzi mukadzi ,
ndokufunga newewo unongozvionawo.

"Shungu ndinadzo dzekuti ndivewo nemhuri asi


zvinoramba, i think you are right Harleen
zvirinane zvako uende nokuti handioni
chandokushungurudzira nekukuchengeta pano,
ndisingazokwanise kukufadza" ndakadero ndava
kuchema ndainyatso kunzwa kurwadziwa .

Hakuna chinhu chinorwadza sekusungwa mudziyo


nokuti ndipo pane upenyu hwemurume wese .
Ndakachema ndikaona Harleen ava kuchemawo.

Takambohwihwidza tiri pamwe chete kwenguva refu

Harleen akazondimbundukira ndokubva akati


"Zvese zvichanaka Addie hauna kumboremara
iwewe , kana neniwo ndinokuda ende hakuna
kwandinoenda ndichikusiya. Ndinoda kunamata
kuna Mwari kuti vakudzosere vana vako vatatu
vakatsakatika ndinoda kuti vese ndivatakure
mudumbu mangu" aidero achindikisa padama

Ndakasimudza musoro ndokubva ndikati "Do you


think kuti Mwari vanotovakowo here Harleen ?"
Ndakabvunza ndaisa musoro paside

Harleen aka smiler akabva ati "Hey , unoti dai


Mwari vasiko waizowaniswa mukadzi Samson
here ? next week ndinoda kuti uzopfugamawo
uchitenda Mwari wako ndinoda kunamatira
kusunungurwa kwako mudiwa wangu. Zambuko
ndiro randinoda kutonamatira , yava nguva yekuti
tichitanga kugadzira vana vedu."

"Zvenyu zvekuti ndava ready kukudai jamuko


anorara ,zvinofanira kupera izvo" aidero achiseka
zvake

Ndakamudhonza ndikabva ndati

"come here , ndakatanga kumukisa ndiine


mufaro." Ndikabva ndati ndinokudai mai Rocky
Iye akatanga kunyarira akati

"neniwo ndinokudai zvakanyanya daddy Rocky"

"Ndakanzwa kufara nemashoko ake. Zvekuti


ndichazokwanisa kurara naye handina
kuzvibvuma ,asi zvekuti iye anondidawo ndaizviona
mumaziso ake"

Takamboita kanguva takambundukirana,


ndakazomuudza kuti achibvisa make up
achigadzirira kuzogamuchira muenzi.

Iye akaseka akati "Don't tell me kuti une jealous "


ndakangoseka ndikati

" handina jelaous babe , asi make up haina


kukufita " ndaidero ndichitomhanyira ku bath room .

Ndakarova ka quick shower kangu ndokubva


ndapfeka mbatya dzaimatcher nedza madam.

Takazobva muroom medu tavakuenda ku dinning.

Tisati tasvika mudhara vakandideedza vakabva vati


ndanzwa mhere mhere kwanga kwakanaka here?

Ndakaseka ndikati "nyaya yebvudzi yanetsa baba,


ndazama kuribvisa asi yoo ndapotsa ndabviswa
mazino haa bvudzi haribvisike zvekudero
mudhara , motoronga zvimwe "

Ndakaona mudhara vachiratidza kudikitira inini


ndakawedzera kuseka ndikati

"Asi ranga rakakukosherai zvakanyanya here,


zvekuti mungadikitira kudero"

Baba vakabata madziro vakabva vati "ummm , noo


ndiri kufunga kuti ndichamugona sei ?"

Ndakaswedera pedyo navo ndikabva ndati

"Chingoitai give up father , ndi Samson uyo simba


rake riri mubvudzi imomo saka haade kuona
richigumiwa " ndakadero ndichinyatso wedzera
kuseka kaku shaker kaiita mudhara
kaingondinakidza . Vanhu vakuru so , zvimwe
zvima grudge zvavanoita bodo.

Baba vakaridza tsamwa vakati

"Nxii hauna nyaya " vakadero vachindisunda


kuenda ku dinning.

Inini ndakavateera zino richingova panze, semunhu


ari muma thandweni.
Ko ndini ndadini zvangu, regai ndifare ndichiri
kurarama.

Harleen akazouya ne chikafu pa table ndakabva


ndamu chonya , ndakaona achinyarira achifamba
kundotora mvura yekugeza.

Mukoma ne mhuri yavo, vakauya vakagara pa


table vairatidza kuti vanga vapedza kurongedza.
Moms vakauya takangovamutsa hope vakadairira
pasi pasi vairatidza kuti vaisada zvekutaura
vanenge vanga vakatsamwira Bianca kuti haapo.

Ndakangoti muchatsamwuruka zvenyu


mhamha ,nechemumoyo.

Iyo mbeu ndoyandaisada kunzwa zvangu kubva


zvaakauya achida kurara neni akazobuda nepa
door rakakiiwa handimuchenesi. Zvemunhu anoita
sechipoko bodo vakagona zvavo baba
vakandomusiya kwavakamusiya ikoko.

Harleen aka disher chikafu achipedza takanzwa


huta ku gedhe, maiguru mai Tee vakasimuka
vachida mumhanya Harleen akabva ati
"Noo maiguru regai ndinovhura zvanhasi chete ,
pliz father in law muchitsvaka gate man izvi
zvekuti isusu varoora tomhanya kundovhurana
mema gedhe hazviite" aidero achitomhanya

"Mukoma Olga vakasara vachiseka neniwo


ndakatosekawo baba vakabva vatosimuka
patafura , vairatidza kuti varamwa chikafu "

Maiguru mai Tee vakasimuka vakati regai ndinoisa


chikafu chababa mu oven vanozodya kana vava
nenzara.

Vachingoenda Harleen akabva asvika


akadungamidzana na Rolix.

Ndakafara nekuona umwe wangu. Ndakapa ma


Introductions ndichipedza

iye akabva ati

" ndaneta buddy ndinoda kumbozorora"

Ndakamutora ndikabva ndaenda naye ku guest


room . Harleen ndiye akazouya nechikafu changu
ndakabva ndadyira imomo.

Ndakatandara neumwe wangu nyaya dzichitsva ,


kusvika masikati.
Ndakazomusiya akazorora ndikamboita busy
nebasa.

Ava madekwani nguva dze supper ndakaenda


mundomumutsa .

Ndichisvika ndakawanikwa achinamata


ndakangoseka ndikati mukomana akanzwika na
mudhara zvichaburana chete.

Achipedza ndakazomuudza kuti supper yava ready

Akadeedzea akati

" ndirikuteera buddy ndinoda kumbotanga ndageza"

Ndakangomusiya ndikaenda kutafura.

Tava kuda kupedza kudya ndakazongonzwa ne


perfume kuti Rolix ava kuuya. Ndakamugadzirira
chair yake yekugara ndokubva ndikati Harleen
amuisire chikafu chake.

Paakabudikira ndakaona achifamba zvishoma


nezvishoma ,paakasvika pedyo netable akatarisa
kwaive na maiguru mai Tee ndakaona achidonhera
pasi ndakangonzwa kuti dhi-i.

Zvakandinetsa kuti abatwa nezvipusha here ,


ndakamhanya kutora mvura ndokubva ndamudira.

Vanhu vese vakamhanya vachida kuona changa


chamudonhedza .

Maiguru mai Tee pavakatarisa Rolix ndakaonawo


vachiti dhi-i ini yohwe..

Ndakamhanya kutora foni kuti ndifonere doctor


nekuti zvakanga zvava kuitika ndakanga
ndisingachazvinzwisise

Pandakato Hello Doctor , ndakanzwa Rolix achiti

Hazvide doctor kani iwe kudhonha kwemufaro uku.

Ndakakata foni yangu ndichitoshamisika kuti


mufaro rudzii unodonhedza vanhu vakuru,
ndakagara pasi ndatobhoikana nehunhu hwa Rolix
ndakaona iye achindimhanyira akandimbundukira
ndokubva akati thank you buddy handizive kuti
ndingakutenda nei. Handina kuda kumusekerera
ndakamudhonzera kusina vanhu ndakanzwa
maiguru mai Tee vachiti...

End of chapter *17*

Stay tuned
Vasati vaisa ma votes click link riripamusoro
muende kundovhotera book redu kuface book
*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103#

Chapter **

*Harleen*

"Ohhh yess , ndini zvangu mwana wa Pretty


ndawana favour mumaziso a Rockstar uyo
anoremekedzwa pese paasvika."

Addie paakandiudza kuti anondida ndakaramba


ndakamutarisa ndichitoshamisika kuti angava
achirevesa here kuda munhu awaimboti anonhuwa
hapwa.

Ndakaona ndava kukiswa ndikabva ndaziva kuti


Rockstar vapenyerwa neni. Ndakanzwa kufara
mumoyo wangu , inini kubva ndichikura handina
kumbobvira ndakaita mukomana vese vaitya
kuswedera pedyo neni nokuda kwekuti kungotaura
neni zvinopedzisira zvava zvibhakera.

Na Rockstar takatukana tikamborovana asi


ikozvino tava murudo.

Musi wandakatanga kudana na Addie ndiwo musi


wakasvika shamwari yake Rolix kubva ku Harare
iyo yatakazoziva kuti itori hanzvadzi yamaiguru
mai Tee.

Vaviri vakafara nekusangana after a long time


zvekusvika pakutombofenda chaiko.
Vakazotirondedzera kuti vakanga vaparadzana
nekuda kwekushaiwa cheuviri sezvo vaive nherera.

Rolix akanga aenda ku Harare kundotsvaka basa


hanzvadzi ikasara ikaroorwawo sezvo, pakati pavo
pakanga pasina aive nephone nguva dzacho
vakabva vatadza kuzoonana zvekare. Rolix
akatenda Shamwari yake ende anoratidza kuva
munhu anovimba na Mwari nokuti atanga
kutonamata achitenda kuzadzisirwa zvishuviro
zvemoyo wake.

Mukomana akanamata zvekuti neniwo ndakanzwa


ndichida kutotaura na Mwari nguva idzodzo.
Ndakatanga kutonamata pamwe chete na Rolix.

Vatezvara pavakanzwa tichinamata vakabva vati "


Ko tava kunyangadzirweiko pamba pano ?"
Vakabvunza zvine hasha mukati

Kubvunza kwavakaita kwakaita kuti Rolix ati amen.

Inini hazvina kundigurisira munanato wangu

ndakaramba tichingonamata ndichiti

"Makanaka Jesu ivai nesu pamba pano pa Gono ,


mweya yese yerima ngaidzokere kwayakabva.
Hondo dzese dzichatokundwa nemi. Ndava
kunamatira navatezvara vangu kuti vakuzivei
Jehovha! Muri Mwari samasimba ose munoita kuti
zvacho zvinonzi hazviite zviitike. Mweya
yezvikwambo mweya wehurombwa haina simba
mukati meimba ino baba"

"Aleluya Aleluya " ndaidero ndava kurova maoko


ndichifamba famba.

Ndakanyatso namata munamato wangu kusvika


ndava kunzwa kuti wanzwika wasvika kuna Mwari.
Pandakapedza kunamata ndakabva

ndabva ndati Amen.

Ndakatarisa kwaive na vatezvara ndokubva ndikati

"manga muchiti chii nhai baba?" Ndakabvunza


ndichigara pedyo nemudiwa uyo aive akatsikitsira
achiseka kuda aifunga kuti ndaiita ma funnies
asingazive kuti ndaitonamata nemoyo unorevesa.

Gono vakaswededza chair yavo vakabva vati

"Ndafara chaizvo kuti mai Tee mawana bhudhi


venyu asi ndinokumbirawo kuti kana munhu
ashanya azive mutemo wepamba paasvika !"

Pano pamba panoti Gono mutemo yese inotoiswa


neni.

Harleen na Rolix muri vaenzi vepano zvamaita


ngazvive zvekutanga nekuguma. Pano
hapadeedzwe zita rinonzi ra Mwari nokuti hakuna
chinonzi Mwari.

"Kana mafunga kutaura nezvezita iroro moto maker


sure kuti mabva pamba pangu mondoritaurira
kudzimba dzenyu ndinovimba tiri kunzwanana"
Vaidero vachitarisa kuna Rolix vakabva tarisa
nekwandiri zvekare.

Rolix akakosorera akabva ati "Ndinotenda baba


nekutaura kwenyu musha uno ndewenyu
handipikise mutemo wepano. Inini ndiri munhu
akakura ari nherera saka nehunherera hwangu
hama yangu yandakaisa padhuze neni ndi Mwari.

Ndiye ega wandinoona anotonzwa zvishuviro


zvemoyo wangu .

Kana imimi mati pano hamude kuti nditaure neuyo


wandinovimba maari aiwa ndava kudzokera
kwandabva".

Akasimuka akati "Mwana waamai vangu ndafara


nekusangana newe uri mupenyu, ndafara chaizvo
kuti wakaroorwa nemukoma wa sahwira wangu.
Inini handide kukuparadzanisa nemurume wako
saka ndinongoti wakasununguka kuzouya kune
imba yangu mu Harare kana uchida kushanya inini
ndava kuenda"

Rolix akafamba aka huger Addie akabva ati

"Sahwira wangu ndafara nekundisanganisa


kwawaita nemwana waamai vangu, yanga iri
shuviro yangu kuti ndigare pano manje mitemo
yenyu yamunayo handingaigone ndinongoti wosara
zvakanaka inini ndava kuenda. Kana wava kuda
kuti ti practice wozouya zvako ku Harare
wakasununguka chaizvo " aidero achifamba

Maiguru mai Tee vakasimuka vakabva vati

" Wait Bhudhi " vaideedzera vakamira apa


vachisvimha musodzi.

Rolix akamira akatarisa hanzvadzi yake , airatidza


kuti airwadziwa nekumusiya .

Olga akasimuka pa chair paave akamhanya


akabata tsoka dza Rolix akabva ati

"Ndaikumbirawo muende neni nemhuri yangu


zvimwe mungandichinjirawo upenyu. Ndinoziva ndiri
mukwasha murombo asi ndinovimba kuti nerimwe
remakore ndichavawo nemari ndikazokutendai
neminamato yamainamata iyo yakaita kuti nesuwo
tizochengetedzwa"

"Please bambo musatisiya pano" aidero


achiyeredza misodzi

Addie akasimuka akandobata Olga akabva ati

"Chiregai kuchema mukoma , Rolix ndini


ndamudeedza pano hakuna kwaanoenda nokuti i
guest yangu"

"Tichagara naye kusvika iye angoneta kuva


nesu ,hapana angamudzinga pano achamudzinga
anenge atodzingawo neni.

Rolix sahwira gara pano uchiita zvaunoda kana


iwewe uchivimba kuti kuna Mwari namata Mwari
wako hakuna anokurambidza not even my father
havana simba iroro."

Rolix akambundukira Addie akabva ati "Thank you


buddy , kana wadero uri iwewe hakuna
kwandichaenda uyo achandirambidza kunamata
ndichamuudza kuti ataure newe"

Addie akasekerera akabva ati "Good boy"

Achigara pasi.

"Hey show some respect , ndiri bambo vako


makatora hanzvadzi yangu ndakatomirira marooro
misoro miviri yamakaunzirwa mumhuri yenyu haisi
yekutamba nayo " akadero Rolix achiwanzirana
neshamwari yake.

Nguva idzodzo ndakasimuka ndikabva ndati "Inini


ndava kuenda nokuti handigone kugara
ndisingataure zita ra Jehovha Jaire " ndaidero
ndichotofamba ndaida kuona kuti Addie achaita sei

Addie akauya akandibata ruoko akabva ati

"Mai Rocky chiiko newe, ndiwe uchabva pano here


usakangamwa kuti ndakabvisa mombe dzangu
kana usisade zvepano woto maker sure kuti mombe
dzangu dzadzoka pano neruvara
rwadzo ,zvakadyiwa zvotorutsiwa " akadero
achindichonya achiseka

Ndakamutarisa ndikabva ndati

" noo hun, handide kutsamwisa vatezvara vangu


saka ndava kumbondodeedza zita ra Mwari ndiri
kuvabereki vangu"

Addie akatarisa baba vake avo vaive vakafuta


akabva ati "baba uyu muroora wenyu, list
makarioona saka chizomuregai aite zvaanoda siyai
anamate Mwari wake handione zvichiuraya munhu
zvekuti pazodeedzwa zita ra Mwari

Gono vakaramba vakanyarara, Addie akabva ati


"Tiri kutenderana here baba? Kana kuti ndoenda
nevese imimi mosara nemudzimai wenyu muri vaviri
pano?" Akabvunza akatarisa baba vake.

Gono vakarova table vakabva vati " Fine ! Ita


zvaunoda Addie , asi usazochema kana zvava
kukushatira nekuda kwevanhu vako ava" vaidero
vachitosimuka kuenda.

Addie akasara akati " Forgive my father guys


vanorwadziwawo ne situation yakandakasangana
nayo muupenyu saka havachade kunzwa chinonzi
Mwari. Neniwo handibvume kuti kuna Mwari
ndakangofanana na baba vangu handiione reason
yekumunamata. " Aidero achikotamisa uso aiita
kunge aida kuchema

Rolix akamubhabhadzira akabva ati " Every thing


will be okay buddy "

Rockstar akaseka akabva ati " Inofanira kuita nziyo


yedu itsva iyoyo "

Inini ndakasimuka ndikabva ndabata spoon se mic


ndakabva ndaisa pamuromo ndikati

I want to pray for my success

And i believe , and i believe everything will be


okay
Ndichidero ndakanzwa Rolix achiti

" Oo--h oo--h " Be with us Lord

Addie akasimuka akabva ati " Yo-u are the creator


our only hope be with us pa-a -pa

Takatanga zvedu kutoita noise nokuti tanga tato


former nziyo sekutamba sekuseka.

Rockstar vakauya vakanditakura vakabva vati

"Muri mai Rockstar zvechokwadi next concert


ndofanira kuenda newe mudzimai wangu" Inini
ndakangosekerera zvangu, zvekuimba ndozvangu
kuchikoro ndaiita music asi vabereki vangu
vakanga vasingade kuti ndi practice zvakanyanya
vaiti ndikaita muimbi , kana mutambi
handizombofunge kuita musha "

Manje apa ndatoroorwa nemurume anoimba


ndichatozadzisa zvishuviro zvangu. Takazomboita
nyaya maiguru na bhudhi vavo vachimboyemerana
sevanhu vanga vava nemakore vasina kuonana.

Tisati tandorara takatanga tamboimba nziyo


dzerutendo Addie akasimuka akabva ati

"You guys , itai zvamuri kuita inini ndava


mumbondozorora"
Achienda takasara tikaimba zvine mutsindo
tichipedza takabva tanamata .

Takanamata kusvika tanzwa parere moyo.


Ndakambofamba nemvura mu cup ndichikusha ma
door ese mvura, kusanganisira neravatezvara iroro.

Tichipedza vamwe nevamwe vakazoenda


kundozorora.

Mangwana acho yaive sunday saka inini ndaitoda


kukurumidza kuzorora kuti ndizowana kumuka
ndichienda ku church.

Ndichisvika ku room ndakawanikwa Addie


atobatirwa ne hope, inini ndakanyatsorara
nechekure naye kuti ndisamumutsa. Handina
kutora nguva ndakabva ndatobatwawo ne hope
mangwana makuseni ndichimuka ndakaita basa
ndichibetserana na maiguru.

Ndichipedza ndakabika break fast, ndikazodeedza


vanhu kuti vauye patafura.

Break fast yedu takaidya pakanyararwa nokuti baba


vemusha vaive vakatsamwa. Vamwenewo kubva
zvavakarohwa ne chibutterstick havana nyaya
nemunhu.
Tichipedza kudya ndakabva ndazoudza vanhu kuti
sezvo iri sunday ndiri kuenda ku kereke.

Gono vakangoramba vakanditarisa vasingapindure


apa ndivo vandainyanya kutoidza .

Addie akangoti hapana chakaipa madam motora


mari ye kombi nokuti inini ndichange ndiri busy ku
practicer handikwanise kukuperekedzai ende mota
ndichada kuishandisa kundotora boys rangu saka
hamungakwanise kuenda nayo.

Paakadero handina kudaira ndakaramba


ndakanyarara nokuti inini zvekufamba ne kombi
handizvifarire ndakanga ndatova ne plan yangu
kare.

Maiguru mai Tee nemurume wavo vaionekwa kuti


vaida kutoenda neni asi vaitya baba vavo
ndakangoti izuva rimwe chete ndichavatora zvangu
ndoenda navo. Tichipedza kudya ndakazoita fast
kugadzirira kuenda kuchurch pandakapedza
ndakafonera tete vakandiudza kuti vatova kuchurch
kare inotanga na 10 ndakatarisa nguva ndikaona
kwasara 30mins .

Ndakaoneka Addie akabva atondipa mari ye kombi


ndakangotora mari iya ndikaiisa mu handbag
ndanga ndatowana mari ye offering sezvo ndisina
mari muhomwe mangu mazuva ano. Ndakazoenda
kuna vatezvara ndichisvika ndakawanikwa vari pa
call vairatidza kuti vaisandiona ndakanzwa vachiti

"Noo Jemedza next week kunotova kure


ndakakombwa ende zvinhu hazvina kumira
zvakanaka dai waita kuti Bianca achidzoka !"

Ndakaramba ndakamira ndichida kunzwa nyaya


dzavo , manje wacho ainzi Jemedza zvaaitaura
handina kuzvinzwa.

Ivo vanenge vakazvinzwa kuti kumashure kwavo


kune munhu nokuti ndakaona vachicheuka
vakavhura meso.

Pavakangoona kuti ndini vakabva vati "totaura time


time ndichasvikako" vaidero vachikata foni vachiisa
muhomwe .

Vakafamba vakauya kwandaive vakabva vati

"Stop being detective ,pamba pangu. Urikudei pa


door rangu?"

Ndakafamba ndichitopinda mukati ,ko handi inini


ndakaudzwa kuti mumba mavatezvara mu bedroom
ndomusingapindwe manje umu maitove mu study
room .

Ndakasvika ndikati "Ndava kuenda church baba "


ndaidero ndichityora muzura

"Kana uchienda kuchurch , saka kudini?"


Vakabvunza vachiratidzwa kunyangadzwa

Ndakavatarisa ndikati " mupindurire rudzii


wamunoita munhu we muroora uyoyu , asi
ndaresva kuuya kuzokuonekai ?" Ndakabvunza
ndakanyatsomira ,zvavo zvekuti havade munhu
anoenda kuchurch ndezvavo izvozvo.

Zuva rakanditakura mwana wavo ,ndozuva rakafira


tsoro yavo. Inini ndombozvoda here zvemadhara
anoita kunge anoshandisa vana pakadai
ndinoshandisa chi Samson chese kusvika vanhu
vatwasanuka. Mazuva ano ndine mavision
andoratidzwa pamusoro pavo kusazoziva kuti
ichokwadi here kana kuti kufungira kwangu. Manje
nekuramba kunamata kwavo ukoku i have my
suspicions.

Gono vakauya pandaive vakabva vati

"Chekutanga uzive kuti inini handisi Addie, ramba


uchiita zvauri kuita mwanasikana asi ndinoda
kukuvimbisa chinhu chimwe chete"

"Chinhu chimwe chete chei? " Ndakabvunza


ndakanyatsovatarisa mhazha iyoyo
ndisingamboratidze kuvatya

Ndakanzwa vachiti "ita zvako asi pano uchabva


watonhora ,mbuya vako vachauya kuzokutaura
waoma iwewe.

Ndiri Gono akakwana handibvume kuenderwa


kumberi nezera rakaita serako. Waita mwana
mudiki chaizvo dai uri umwe wasiyana nezvaunoda
kuita"

Ndakafamba ndikaenda kwavari ndikabva ndati


"Musafunga kuti kana muchigona kusunga vana
moti mungagona neniwo, zita rangu ndinonzi
Prophettes Harleen ndiri kutotanga kuoneswa
tuma vision. Musi wandichakuvigirai chidhori
chamakasunga ne wire muchideedza zita ra Addie
ndiwo musi wamuchaona kuti simba ra Mwari
ihombe"

Itai zvenyu asi zvese zvichakona !


Muchandivengera chokwadi pamba pano,
muchandizama asi muchandikonewa.
Pane zvese zvamunoita , musazokangamwa kuti
mune muporofita wedenga wamunaye pamba
pano. "Be very careful , because i am watching
you nemaziso emweya " ndaidero ndichitendeka
maziso angu nezvigumwe zviviri ndichitendeka
kwavari

Gono vakazvizuva vakabva vandifumha netsvimbo.


Yakasvika ichirova patable ndakanzwa kuti pwaa!

Addie akauya achimhanya akabva ati "Chiiko mu


study room umo"

Inini ndakangotora ma keys emota ya Gono


ndakabva ndatoti "Nothing hun ndanga
ndichikumbira baba mota yavo sezvo nguva
dzafamba makombi anonoka bye ,see yu later"
ndaidero ndichimupa katsvodi padama ndakabva
ndamhanya ndichibuda

Ndakaona Gono vachigara pasi , inini ndakabva


ndatomutsa mota yavo ndokuenda ku church.
Ndichisvika ndakawanikwa vanhu vari pakati
pekunzwa shoko. Ende mufundisi vaiparidza
zvaikomborera vaitaura nyaya yekunamatira
zvakavanzika kuti zvifumuke.

Ndakagara pasi ndikanyatsoteerera kutaura


kwemuranda wa Mwari . Munhu wa Mwari
akaparidza shoko rekuti vanhu vakanga vava
kungopukuta misodzi vakafamba neshoko
vakadzikisa gejo vakati

"Usavimba nemunhu mwana wa Mwari nokuti


munhu angori munhu, ende munhu anosanduka.
Vakaenderera kumberi vakati angava sahwira
wako , mwana wamai vako , baba vako kana chero
mai vako chaivo vakakubereka usavimba navo
nokuti izuva rimwe chete vanosanduka."

Vakadeedzera vakati "Muupenyu vimba na


Jehovha Mwari wako , ndiye ega akaona
zvakakodzera kuti uve pasi rino ndiye achakurwira
muhondo dzese.

Chese chakunetsa udza Mwari usavimba


nemunhu chero akaratidza kukufarira zvinengei
nokuti hauzive zvaanokufungira. Regedza
kuzochemedzwa nevawakaisa pamoyo vakuurayira
ramangwana rako. Vacho vaunofunga kuti vanokuda
izuva rimwe chete rauchazoona kuti varikutoku
betrayer

"The saddest thing about betrayal is that, it never


comes from your enemies " Hama dzako dzepedyo
ndivo vadyi vemufaro wako
"Amen kune varikunzwa shoko" vakadero
vachisimudza maoko avo

Pavakadero vanhu vakabva vati "Amen mufundisi ,


fambai naro shoko"

Ndakatsikitsira nguva idzodzo ndikatanga kunamata


ndakagara pasi. Mufundisi vaingoparidza chete
inini ndichinamata .

Ndakazonzwa mufundisi vava kuti "zuva ranhasi


ndinoda kuti umwe neumwe ambotakurira umwe
mutoro,

Wana waunoda kunamatira nhasi kuti


asunungurwe muhondo dzerima and it shall be well
with you" vachingodero munhu wese akatanga
kunamata

Vainamata ne matounges vakanga vakawanda


zvekuti ndakava very connected pama tounges
ipapo. Ndakasimuka ndikatanga kubata vanhu
misoro kune vese vandaiona vakaputirwa nerima

Ndaingosvika ndichiti "buda uende iwe nezita ra


Jesu " muregedze , muregedze , murege famba ,
famba , famba. COME OUT IN THE NAME OF
JESUS !
Kungodero chete vanhu vaibva vatanga ku
screamer vachidonha nema demon vano
manifester vachi manifester. Ndainyatso kunzwa
kuti ndiri kushandiswa nesimba ra Mwari.

Ndakanamatirira vanhu vese vaive mu church kune


vanoroya ndaibva ndangoti endai munotora makona
enyu tipise mutere Jesu muponesi. Kune vasingade
kufumurwa waingoona nekusveverereka vachibuda
avo ndakanga ndisinga teere , ndaivasiya nokuti
nyaive nguva yavo.

Ndichipedza kunamatirira vanhu ndakabva


ndandogara pasi, ndakaona tete vachinditarisa
vachiratidza kushamisika mufundisi vakazoenda
kumberi vakandideedza vakabva vati " Pfugama
ndikunamatire mwana wangu ndinoda kuti ugone
kukunda hondo , uone ma visions ezviri kumberi
kwako . Asi kana waona ndinoti chizorwa
neminamato hapasi pese panoda maoko kurwa
hondo"

Mufundisi vakandinamatira kwenguva refu


vachipedza vakabva vati

"Nhasi uchisvika enda undobvunza murume wako


kune matongo avo , kana zvichigona enda naye
ikoko zvizhinji zvichangouya mumaziso ako."
Enda unosunungura murume wako azotendawo
kuti Mwari ariko kuchema kwake kwanzwika na
Musiki wazvese. Kuna Mwari hakuna chinokona,
zvinganonoka nekuda kwezvinangwa asi
zvichizoita. Murume wako akashungurudzika
chaizvo asi zvaive nechinangwa chekuti
azosangana newe uzokwanisawo kumutendeutsa
naizvozvo zambuko renyu razarurwa masvingo
adonhedzwa na Mwari .

Musazovarairwa nokuti mukadarika usiku hwanhasi


musina zvamaita muchatangirwa ende mhepo iri
kuuya nesimba ndatenda zvangu tinokumbirawo
close praise and worship"

Muimbi akatotanga kuimba apa ndaida kunzwisisa


kuti pastor varikuzama kurevei nokuti vanga
vataura nemadimikira .

Ndakaushaya mukana wekubvunza church ichipera


vanhu vakabva vatopandakara nokuti kwairatidza
kuti kunoda kunaya. Tete vakauya vachida kutaura
neni takangomhoresana pandakazobvunza kana
vahwisisisawo zvataurwa na Mufundisi kwakabva
kwatotanga kutinhira vakatotanga kuti bye bye
maiguru fambai kusati kwanaya mungavharirwa
nemvura. Ndakazo driver mota yangu ndichisvika
ndakawanikwa Bianca adzoka ndakaenda kwaaive
ndikaona achinditarisa ende aisamboita zvake
zvekunditiza. Ndakasvika ndikati

"Ndeip? "

"Yaa wadii zvako?" Akapindura

"Ndiribho ,wadzoka manje?" Ndakabvunza

"Asi ndakanga ndakamboenda?" Akapindura

Ndakashaya kuti ndingamuti chii, ndakamusiya


ndikabva ndatanga kutofamba kuenda kuna
tezvara. Ndichisvika vairatidza kuva nemufaro
ndakasiya ma keys emota yavo vakatanga
kundipopotera vakandituka zvekuti ndakanzwa
kushatirwa ndakaruchaya runhare ku Harare kuti
imwe mota yangu itsva yacho iuye, ndaida
kutovaratidza kuti handina nhamo zvekudero.

Ndanga ndaneta saka handina kuda kupindurana


navo ende semunhu anga abva ku church
dzimwewo mharidzo dzedzidziso dzaitobata
muromo wangu.

Ndakageza ndikabva ndaenda kundobika semazuva


ese, tichipedza kudya Addie akabva ati Harleen
nhasi ndiri kurara kwa Bianca sezvaunoziva kuti
muri vaviri pano.

Munoziva hana yangu yakarova ndakarwadziwa


zvekuti ndakasundira chair kure ndichiramwa .

Ndakamhanya ku room ndikazvikiira ndaifunga kuti


Addie achauya asi haana kuita sekudero .
Ndakatozviidza kuti ndava kumusiya achiita
zvaanoda na Bianca wacho pakazoti pava pakati
pehusiku ndakanzwa Rolix achinamata arimu
room make.

Mwanakomana akanamata achichema nemweya


mutsvene ndakazongonzwa mashoko amufundisi
ava kudzoka munjere dzangu. Ndakabuda
mumagumbezi ndikabva ndafamba ndichienda
kuroom kwaive na Bianca ndakatsamwa. Yanga
yasvika nguva yekuti ndirwire zvacho zvandinoti
ndezvangu ndichisvika pa door ndakanzwa ma
moaning sounds ndakapera simba ndakabva
ndango..

End of chapter *18*

Stay tuned guys


https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

let's follow our channel for more:

*BETRAYAL*

written by

*Amai Lex*

# +27 65 8407103 #

Chapter **

*Harleen*

Pandakanzwa sound yairatidza kuti vanhu


varikufadza nyama dzavo ndakagara pasi.
Ndakarwadziwa zvandisati ndakamboita muupenyu,
Addie ndakanga ndamuisa pamoyo wangu zvekuti
ndakanga ndisingafunge kuti angandidero.
Ndakatanga kuchema ndakagara pasi,
ndakazonzwa voice rechirume richigomera
kuratidza kuti anga ava panumber yekupedzisira
yekunakirwa.
Ndakasimuka ndokubva ndafunda zvibhakera
ndakatsamwa , ndakasunda door zvine simba
richivhurika chete ndakasvika ndichigadzika
murume zibhutsu nechekumusana nokuti ndiye
aive pamusoro.

Ndakanzwa voice richiti "Yohwe , ndiyaniko?"

Nekukora kweinzwi chete ndakabva ndaziva kuti


ndivatezvara.

Ndakashamisika nokuti ndakanga ndisina


kutarisira kuti ndingavaona imomo. Ndakangobata
muromo ndichidzokera kumashure , chokwadi
chaive chisi unonekwe muupenyu hwangu kuona
vatezvara vanorara nemuroora.

Ndakamira pa door ndikanzwa vatezvara vachiti

"Hey ndati ndiyani ?" vakabvunza zvekare


vachiburuka pamusoro pa Bianca.

Ndakatozotarisa pasi kuti ndisaona zvisingaonekwi.

Pandakaona vachida kubatidza light

ndakangotora trouse ravo ndikabva ndabuda naro


panze.
Ndichibuda ndakavhara door nekunze ma key
ndikatakura , ndakaona kuti hunhu hwavatezvara
vakadai hunotoda kubuditswa pachena ukarega
vakadero vanoenderera.

Gono vakasara vachipopota inini ndakabva


ndamhanya kuna vamwene ndichisvika ndakavapa
ma keys ndikabva ndavaudza kuti vandovhurira
Addie door mu room ya Bianca ndaitoda kuti
vandozvionera vega.

Vamwene vakabvuta ma keys vakati "What have


you done this time , regedza mwana wangu
azvifarire nemukadzi wake. Kana riri

door ndichatozondovhura mangwana chaiko"


vaidero vachindisundira panze. Ndakaramba
ndakamira ndakaona vachikusha munyu mu room
mavo kuda vaifunga kuti ndinoroya here hameno,
vakabva vavhara door ravo.

Ndakasara ndakamira ndapusa ndichinyatsofunga


kuti Addie angava aenda kupi chaizvo.

Ndakamutsvaka kwese asi handina kumuwana.


Ndakaenda ku room kwa Rolix ndika knocker asi
haana kundidaira.
Pandakaona kuti ndamushaya kwese ndakazoenda
ku room kwangu , ndisina kana mufaro.

Ndichisvika ndakawanikwa Addie avemo apa ari


busy pa laptop yake, ndakamumhanyira ndikasvika
ndikati

"Wanga waenda kupi Addie? Inini ndichikutsvaka "

Addie akasimuka akaseka akabva ati "Musazodero


mai Rockstar munoti ndingaendepi zvangu ,
ndanga ndine basa randanga ndichida kupedzisa
saka ndanga ndiri ku study room ".

Ndakaisa musoro paside ndikabva ndati

"Manga mandityisa ndanzwa muchitaura kuti tiri


vaviri saka mava kumboenda kwa Bianca ndanga
ndoti zvimwe ndokwamaenda ka inini"

Addie akaseka abva ati "Hey , don't tell me kuti


Miss Violence vanotoitawo jealous. Ndanga
ndichifara hun kuti ndiri kurara kwa Bianca.

Baba vaswera vachindipa pressure kuti ndinofanira


kuita zviri fair sezvo ndada zvevakadzi vaviri. Inini
zvekupikisana na baba vangu handizvifarire
ndosaka ndangotaurawo zvekuti vafare. Hongu
kuna Bianca ndaenda asi handina
kumbogarisamo , ndangoitawo nyaya dziri general
pandaona ava kuda zvekurara neni ndabva
ndangobuda mu room make"

"I only love yu Harleen , no one else " akadero


achindimbundukira.

Ndakanzwa kurerukirwa paakadero ndakabva


ndati "Are you 100 % sure kuti unondida Addie ?"
Ndakabvunza ndichigara pa bed

Addie akanditevera akandibata mafudzi akabva ati "i


am very sure babe , hakuna umwe munhu
wandinomboda kunze kwako"

Kana ari sa Bianca usambotya zvako nekuti


handina ma interests naye.

Kubva zvaakauya pano handina kumbobvira


ndakarara naye.

To be honestly speaking akambozama


pawakaenda kwa tete paya asi sezvaunongoziva
kuti ndakasungwa mudziyo wakaramba kushanda.

"Ende musi uyoyo unoziva Bianca akandishamisa


ndikakuudza ndinogona kuita kunge ndinonyepa asi
ndichitorevesa." Akadero Addie

"Akaita sei ? " ndakabvunza sezvo ndaida


kutonzwisisa

Addie akadzungudza musoro akabva ati "zvinonzi


zviwira vanhu babe , ndakakiya door ndikazvirarira
ndakazongoona Bianca ava muroom mangu.
Paakazama kurara neni zvikakona akabuda nepa
door rakakiiwa kudero "

Paakadero ndakaseka nokuti nyaya yake yaisa


maker sense.

Iye akanditarisa akarova maserious akabva ati

" Ndinozviziva unogona kufunga kuti ndava


kukunyepera asi ndichitorevesa, i know what i am
talking about. BIANCA kana asingaroye chipoko
chete , wakamboonepi munhu anopinda nekubuda
pa door rakavharwa. Nyaya iyi ndinofanira
kuzomboiudza baba vangu"

Pakadero Addie ndakawedzera kuseka,

asi ndakanga ndava nekakutya mandiri nokuti


neniwo ndakambomuona kuma Past 3
dzemangwanani
Addie akanditarisa akabva ati "Babe unotoseka
ndichikuudza chokwadi here ,Bianca
handimuchenesi zvangu inini. Dai kwanga kuchinzi
haana kuunzwa pano na baba vangu ndingadai
ndakatomudzingirira kare manje zvinhu zvinenge
zvakarongwa nemadhara zvinonetsa kuti
ungozviramba nyore apa ivo vanenge vachitoti
varikundibetsera."

Ndakaswedera pedyo naye ndikabva ndati

"Handisi kukuseka hun, asi nyaya iyi yangondiitira


fuuny"

Ndakasimuka ndokubva ndikamupa tight hug.


Handina kuda kumuudza zvandanga ndasangana
nazvo mu room ya Bianca ndaida kuti kana
achizozvinzwa anzwe neumwe munhu asiri inini.

Ndakamboramba ndakamu hunger ndanyarara


ndichifunga mashoko a Mufundisi. Ndakabva
ndazoti "Ndinokuda Addie ende uchava mudiwa
wangu kusvika taparadzaniswa nerufu."

Addie akanditendeutsa akabva ati "Kana neni


ndinokudai mai Rocky, ndiwe wega munhu
anorovesa hana yangu zvekuti ndinonyatso
kuzvinzwa kuti handina kuita mistake kudanana
newe"
Ndakamutarisa mumaziso chaimo ndikabva ndati
"Are you serious?"

Addie akandibata matama angu nemaoko maviri


akabva ati " Nemoyo wese vamasigwede"
akadero achitondi kisser munhu wacho ma lips
haanonoki kumadhonzera pedyo.

Akandikisa asi handina kumupa mukana kwenguva


refu , ndakabva ndatomumisa.

Ndaitoda kuita zvandanga ndaudzwa namufundisi


zvekuenda kumatongo.

Hongu pakutanga ndanga ndisina kuzvitora serious


asi pandazonzwa Addie achiti Bianca akambobuda
nepa door rakakiiwa ndakabva ndaona kuti ndiye
mhepo anga achirehwa.

Nyaya yacho inoratidza kuti vatezvara na Bianca


vanotozivana, nekuti ndambonzwa Gono vachiti
Jemedza aite kuti Bianca achidzoka nokuti zvinhu
hazvina kumira zvakanaka.

"What must i do?" Ndakatanga kufunga


ndakatarisa Addie,

ndakatanga kufamba neimba yese ndichifunga kuti


ndingamuudza sei kuti tiende kumatongo apa
hwanga hwava usiku.

Nyaya dzacho ndanga ndadzinonokera ,


ndakatanga kutura mafemo kasingaperi
ndichifamba neimba yese .

Addie ndiye akazoti "Ko zvaita sei nhai mudzimai


wangu , zvaunogoita kunge uchaperera tsoka
uchingofamba panzvimbo imwe chete "

Paakadero ndakaona zvakanaka kumuudza


chokwadi nokuti pakanga pasina imwe nzira
yekumuudza nayo, ndakaenda paaive ndokubva
ndikati

"I know Addie hauvimbe kuti kuna Mwari ,asi nhasi


ku church ndaudzwa na Mufundisi kuti
undiperekedze ku matongo kwenyu ndiko kune
zambuko rako"

Addie akaseka akabva ati " Zambuko ndochii nhai


mai Rockstar?"

Inini ndakasekawo ndikati

"handitombozivewo kuti zambuko chii ufunge zvako


mudiwa wangu, ndangonzi ndikuudze kuti
undiperekedze zvizhinji zvichangozviita zvega
tasvika ikoko. Kwanzi kana zvazoita
usazokangamwa kuti kuna Mwari kudenga"

Addie akaseka zvekare akabva ati "Ahh heya saka


tichazozviona mangwana dai kusina kusviba
tatoenda hakusi kure zvako "

"No daddy ,zvinotoda nhasi mangwana


munowanika zambuko aenda " ndakadero
ndichiswedera pedyo naye ndakatanga kumukisa
muhuro zviri soft iri nzira yekumunyengerera kuti
abvume

Akambotanga achiramba kuti haafambire zvisina


basa husiku, ndakazoramba ndichimunyengerera
kusvika abvuma. Takapfeka ma jackets edu sezvo
kwaipfunha ndokubva tabuda. Takadarika neku
room kwa Bianca ndikanzwa kune runyararo.

Ndakakumbira kundotorerwa Apple ku fridge na


daddy Rocky ndaida kusara ndichiona kuti
vatezvara vangu vari kuzvigona sei.

Addie achingoenda ku kitchen inini ndakabva


ndamhanya pa door ndakatanga kudongorera sezvo
ma keys ndanga ndasiira vamwene. Ndakaona pa
door pakakiwa , ndakafara nokuti ndakaziva kuti
Gono vachirimo mukati ndakatanga kufamba
ndichienda kwaive na Addie ndisina kwandasvika
ndakanzwa ndabatwa mafudzi ende munhu anga
akandibata aive nemaoko aitonhora kwazvo.
Ndakacheuka fast ndichida kuona kuti ndiyani,
ndakashamisika kuona ari Bianca .

Zvakandinetsa kuti anga abuda nepi nokuti ndanga


ndamukiira muroom make ndakangovhura maziso
ndikabva ndati "You" ndichimutendeka

Iye akanditarisa ndokubva akati

"Yeah ndini ,ndipewozve ma keys awatora ndinoda


kuti Gono abude muroom mangu pasina ati
amuona." Akadero Bianca achihwaira maziso ake
ayo aipenya kunge chitai tai

Ndakaridza tsamwa ndikabva ndati " Nxaa ko iwe


wambobuda sei , enda ka unobuditsa mudiwa wako
nepawabuda napo asi unotya kuti kukaedza
achirimo hauzokwanise kunyangarika gegege gore
rino ndichaonerera" ndakadero ndava kuseka

Bianca akatanga kudedera nehasha akabva ati


"Harleen handide zvekunetsana newe kasira
kundiudza pawaisa ma keys ndisati ndakuuraya
izvezvi!" Aidero achindidzvinya huro
Ndakatanga kugomera ndakaburitsa ziso.
Ndakabuditsa mweya kasingaperi nekuti ndakanga
ndakabatwa chihurokuro chaicho, ndakazama kuda
kumubvisa asi ndakakundikana.

Ndakagwadama pasi ndichiwedzera kubudutsa


mweya kuti zvimwe ndingawana kufema.

Bianca akawedzera kundidzvinya akabva ati

"Ma keys wamaisa payi , kasira kundiudza Addie


asati adzoka"

Ndakatanga kukosora ndokubva ndikati

"Ndapa maiguru vako, vanova vamwene vangu "


ndaidero ndichitendeka kuroom kwa mai va Addie

Bianca akasimudza maoko ake akabva ati

"Damit! Handikwanise kupinda imomo mamwayiwa


munyu enda unotora iwewe uuye nawo pano"
akadero achibvisa maoko ake pa huro pangu

Inini pandakaona andiregedza ndakabva ndati

"Noo enda iwewe , inini handikwanise ndine


rwendo rwangu" ndakadero ndava kutofamba
Bianca akandipinga akabva akandinyudza nzara
dzake muhuro akabva ati "Ukaona mangwana
akasvika Gono ari mumba mangu uchazvidemba
iwewe,

ndaikuregerera pese apa uchindiita chero yawada


nokuti ndakanga ndisina masimba ekukurwisa.
Ikozvino zvandava nesimba ndinoti sorry kwauri"

Dai uri umwe wabva pamba pano zvichakanaka


nokuti inini handizeze kukuuraya.

"Uyo waunoti Addie murume wangu , ndiye


wandakavinga pano siya zvauri kuda kuita. Enda
unotora ma keys ndinoda kuvhurira Gono abude
pachine nguva ,handide kuti Addie azive kuti
ndinorara na baba vake nokuti nhasi chaiko
ndinofanira kurara naye"

Pandakanzwa Bianca achiti anoda kurara na Addie


ndakabvisa maoko ake ndikabva ndati "Never !
Wangu murume haumubate izvo ndaramba "

Bianca akandisimudza akandirovera pasi akabva


ati "Hakuna anondirambidza kuita zvandinoda
pamba pano, nokuti ndakaudzwa kuti ndepangu"

Ndakatanga kugomera ndokubva ndikati


"BIANCA uri muroyi iwewe"

Bianca akaseka ndokubva akati "Musi


wandichauraya mhuri yese iri pano ndopauchaziva
kuti zvechokwadi ndinoroya parizvino
chimbonyarara zvako ita zvandiri kukutuma handina
nguva yekunetsana newe"

Ndakatanga kuridza mhere nokuti ndainzwa


musoro wangu uchirwadza pamwe chete ne huro.
Pandakachema ndakanzwa Addie achiti "ko waita
sei Harleen ?" Aideedzera achimhanya kuuya
pandaive .

Nguva dzakadeedzea Addie,

Bianca akabva anyangarika akaenda.

Inini ndakaramba ndichingochema nokuti zvinhu


zvakanga zvisina kundimirira zvakanaka , Addie
akanditakura akabva adeedza bamukuru Olga .
Ndakangomuvhara muromo ndikabva ndati "noo
Addie handei kwatanga tichienda, i will explain later
usamutsa vanhu"

"You are bleeding muhuro HARLEEN, toendepi


wakadai ndiudze kuti waita seiko nenguva shoma
yandakusiya iyeyi ?" Akadero Addie achiratidza
kupererwa chaiko.

Ndakazvibvisa mumaoko ake ndikabva ndatanga


kufamba ndichienda kumota ,Addie akateera
achimhanya ndakabva ndamuudza kuti a drive
mota nekukasira.

Paakamutsa mota ndakaona Bianca akamira


kumberi kwegedhe ,ndakanyatsoona kuti Addie aka
driver ari iye mota inokudumuka chete .

Ndakabva pandaive ndikabva ndaudza Addie kuti


andipe ma Key ndi drive inini.

Addie akatanga kuita nharo ndakangomusimudza


nesimba rangu rese , ndichimuisa ku seat re
passenger ndakabva ndabata steering.

Addie akatanga kuti

"Harleen chiiko newe , ndipe ndi drive inini vona


wakuvara apa kwasviba zvekare."

Paakadero handina kumboda kumuteerera


ndakakiya ma doors ndokubva ndaridza hooter kuti
Bianca adzuvure .

Ndakaona achiramba akamira ndakarevha mota


ndichiti kuda achavhunduka , ndakaona ava
kuchinja kuita mombe ini yohwee zvinhu zviya
zvatanga.

Ndakatanga kunamatira mumoyo ndichinamata


nema tounges , ndakaona pa ghedhi paiita kunonzi
kushoshwa nemoto ipapo ndipo pandakaona kuti
Bianca anotova nenharo chaidzo hatode zvekuti
ndiende na Addie.

Ndakatsinzinha ndokubva ndikatanga ku driver


mota yangu ndichiti

*ABHURAKADHABHURA , ADHOSKARAVASH*

*VOSIYA VOSENDEREKA SITARAVASH*

Ndakasvinura ndikaona moto uchiwedzera.


Ndakaregedza streering ndikatanga

Kuombera ndichinamata apa ndakatsika mafuta


ndichidarika nepanemoto ipapo.

Ndakanzwa voice ra Rolix achishimandawo ari ku


room kwake ndakabva ndaziva kuti atomuka.

Ndakadriver ndichienda ku kumatongo kwana Addie


uko kwandakanga ndisingazive. Ndega ndainyatso
kunzwa kuti handisi ndega , nekuda kwekuti ndai
driver munzira mese ndichizvipa ma directions.
Ndaka driver from Headlands to Chendambuya
ndichingonamata chete apa ndaioneswa ma
visions akasiyana siyana.

Addie akamboda kuwanza achiti mutauro rudzii


wauri kutaura nawo Harleen zvauchatituka , inini
handina kumupindira ndakaramba ndichingonamata
ndaisave pakutamba.

Ndichisvika mu Chendambuya ndakananga pamba


pana Addie straight ndakamisa mota ndasvika pa
gedhe.

Ndichingomisa mota ndakabuda ndichimhanya


ndakanga ku danga remombe.

Addie akabva anditeera.

Ndakasvika pa danga remombe ndikatanga


kuyeredza misodzi ndakatarisa kudivi
rekuruboshwe , ndainzwa kuremerwa nezvandaiona
ipapo.

Addie akauya pandaive akabva ati

"Chii chiri kuitika Harleen ndava kuvhiringika manje


pamwe chete nekutya. Kubva ndichikuziva
handisati ndakambokuona uchichema zvakadai "
Ndakapukuta misodzi ndokubva ndikati

"Musatya chirandu chete vanhu takasikwa


zvakasiyana. Ndine zvandinooneswa
zvamusingagone kuona imimi"

Munhu akakusungai akashandisa chidhori


chaakacherera pasi pasi pevhu kuti pasawana
anogona kuchiona.

Manje inini ndiri kuoneswa pachiri ndozviri


kunyanya kundichemedza.

Addie akabuditsa ziso akabva ati "Chiri papi nhai


Harleen inga zviri serious "

Ndakatendeka pandaichiona ndokubva ndikati

"Pakarohwerwa mbambo Ipapo ndipo pachiri"

Addie akanditarisa achidzungudza musoro,


airatidza kuti aishaya kuti zviri kufamba sei?

Ndakamutarisa ndikabva ndati

"cherai zvenyu pamusuwo ipapo pane mbambo."


Addie akatora spade akatanga kuchera semunhu
aichera nefoshoro akanonoka kuchibata chidhori
chacho paakazochiona ndakaona achigara pasi
achichema.

Chaitove chidhori chechirume chaive chakasungwa


newaya yakakora ku sinhi racho ikoko.

Ndakatanga kunamata nema tounges


ndichisunungura waya dziya. Pandakangopedza
chete ndakaona rima ndokubva ndatanga kunzwa
dzungu ndakadzedzereka ndikabva ndadonhera
pasi.

Zvakaitika nguva dzandakadonha handina


kuzvirangarira ndakazongonzwa ndava kudirwa
mvura mumusoro.

Pandakasvinura maziso ndakaona ndiri mumarms a


Addie , apa umwe murume ndiye aindidira mvura.

Addie paakaona ndamuka akabva ati " thank you


Lord ,wamuka Harleen ndanga ndava kutya kuti
mudiwa wangu wava kundisiya"

Ndakasekerera ndikati

"ndokusiyai ndichiendepi daddy ndiripo zvangu.


Ko Lord wamuri kutenda ndeupi uyu"

Addie akaseka akabva ati "Zviya zvekuramba kuti


hakuna Mwari unenge usina kumboona
zvishamiso , akanditakura akabva audza murume
airatidza kuti ndiye anochengeta pamba kuti
agadzire bedroom."

Murume uya akangoti endai zvenyu hapana


aimboshandisa bedroom renyu saka zvese
zvakarongeka.

Addie akazotenda murume uya akabva atanga


kufamba akanyatsonditarisa achienda neni.
Akasvika akandiradzika pabed akabva ati

"Mava kunzwa sei mai Rocky?"

Ndakangotarisa pasi ndichinyarira ndikabva ndati


"Ndiribho daddy huro chete ndidzo dziri kupota
dzichirwadza ndanga nda attakwa nezveusiku."

Handina kuda kumuudza kuti zveusiku zvacho ndi


Bianca, pane dzimwe nyaya dzekuti ukada
kudzitaura iwewe ndiwe unozosara wava muipi.

Addie akandimbundukira akabva ati "Handina


kumboziva kuti utori blessing pauri ipapo
Harleen , ndinogara ndichikutarisira pasi asi nhasi
you prove me wrong "

Ndakakura ndisingabvume kuti kuna Mwari asi


nokuda kwezvawandiitira ndichatanga kumunamata
Mwari wako.

"Kubva zvawasunungura chidhori chiya, sabhuku


havachagone kuzorora vava kungo saluter pese
pese zvavakaguma kuita kudhara" aidero achimana
mu trouse kuda airadzika sabhuku vacho here
hameno.

Inini ndakangotarisa pasi ,ndaitonzwa kunyara


dzimwe nyaya ndichiri mudiki madziri."

Takazorara asi hana yangu yairova nokuti ndaiziva


kuti baba vanaka,

vakada kungochitangidza kunoedza ndaitwa


mukadzi. Ndakafara pandakanzwa achiti

"Hey rarai komunoita kunge muri kuvhunduka wani


handina zvandinombokuita i am still your Rockstar
anongorara akakumbundukira kusvika kwaedza
pasina zvaakuita"

Pandakanzwa achidero ndakabva ndavhara maziso


kuti ndirare , ndakamufuratira ndikanzwa
ndichibaiwa kumashure. Handina kuda kumuratidza
kuti pane zvandanzwa ndakaramba ndakatsitsinha
nhema.

Addie akatanga kushanyarika achifemera muhuro


mangu, ndakazonzwa ava kuti

"Umm ndibetsereiwo babe ndakuvara ,ndava


kukundikana inini"

Paakadero ndakatanga kuridza ngonono, apa hana


achiita kurova .

Ndakaona Addie achiswedera pedyo neni


zvakanyanya achifemera munzeve dzangu akabva
a...

End of chapter *19*

Stay tuned Rockstar vadini zvee avo

Pliz vatsigiri ndinokumbirawo rubatsiro foni yangu


yakafa haisi kuita saka ndinotonyora book nefoni
dzevamwe.

Mazuva ano handina mari yekuti ndingatenga


foni ,ndinoziva kuti tese hatiwane zvakafanana asi
zamaiwo nepamawana ipapo.
Kune grup rakagadzirwa nevamwe vakaronga kuita
zvema contribution kubvisa pavanapo kuti
ndikwanise kutenga foni kana uchidawo kubatsira
inbox me ndokuisai mugrup racho.

Kana vanongoda kuisa mari dzavo vasinei


nekupinda mugrup ririkurongwa zvekutenga foni
munongoisa pama details andiri kuisa pazasi ayo

Zim munoisa apo +263 771562979 inobuditsa zita


rekuti Priviledge Sinokwanyana

Munoisa Ecocash kana kuti inbucks pamawana


ipapo mari yese inobatsira.

S.A number dzangu ndidzedzi 065 840 7103


munoita zve E-wallet

Kana vasinawo ma Bank vari mu S.A mukaenda


mu Pep mukati munoda kusenda mari ne money
market vanokubvunzai number dzamunoda
kusendera munongoisa pa same number dzangu
idzedzi.

Zve money market zvakareruka hazvinei ne chitupa


kana passport zvinongoda number dzemunhu
chete. Then vanokupai pin ne 10 digits
ndozvamunozondisendera kuti ndikwanise kutora
mari yacho

Wedzeraiwo pakabviswa nevamwe guys mari ye


foni ikwane, kana mabvisa munoudza proof
kwandiri ivai ne moyo wekubetsera

Ndini wenyu mai Lex

Vasina havanawo musazvinetsa nekuchema chema


ndoziva kuti kuwana hakufanani pane yabviswa
ikatadza kutenga foni book tongoisawo onsale
nokuti zvakafanana harinyoreke pasina foni
ndatenda zvangu
*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Mr Gono*

Pandakaona kuti handingakwanise kudzinga Rolix


na Harleen ndakafonera Jemedza ndichikumbira
kuti aunze Bianca . Jemedza akandiudza kuti
Bianca anofanira kutanga amwa ropa ndokuti
abvume kuuya. Ndakamuudza kuti ngauye auraye
Tariro mwana wa Olga hapana anomurambidza.
Jemedza akati regedza nditaure naye ndione kana
achibvuma.

Ndakamukumbirisira kuti auye nokuti zvinhu


hazvina kundimirira zvakanaka , Jemedza akati

" fine ndichaona kuti ndoita sei"

Paakadero ndakabva ndaziva kuti anotomunza


chete,
ndisati ndakata foni ndakazongoona Harleen
akamira kumashure kwangu.

Ndakanzwa kusvotwa achitaura kuti auya


kuzondieneka kuti ava kuenda ku church,
ndakadikitira neshure yese nokuti nyaya yeku
church handide kuinzwa.

Ndakatora tsvimbo ndichida kumupaza musoro


uyoyo wakazara mvura manje ndakamutadza
akadzvenga .

Ndakazongoona Addie ava kuuya achimhanya,


Harleen akatora ma key emota yangu pasina
kutenderana akabva aenda.

Ndakasara ndichi dzvova asi hazvina kubatsira


musikana anga atoenda.

Ndakatoona zvirinane kusara ndichinetsana na


Addie.

Ndakamuudza kuti anofanira kuto maker sure kuti


afadza Bianca nokuti mukadzi wake. Addie
akamboda kuti Bianca wacho aripi wamunoda kuti
ndiite mukadzi handi makamusiya kwamunoziva
mega, ndisati ndapindira ndakanzwa Bianca achiti
"I am here my love " akapindura akamira pa door .
Zvakandinetsa kuti anga auya nguvai.

Nerimwe divi ndakatofara nokuti anga auya nguva


dzakanaka HARLEEN asipo, ndakazama kuda kupa
vavairi ava mukana kuti sezvo panga pava nema
days vasina kuonana vaigona kungopisana
masikati iwayo zvangu zvikafaya.

Ndakabuda panze ndikabva ndati "Aiwa sarai


muchikurukura , ndichingobuda ndakaona imwe
mhepo yasvika Rolix ava kutakurana na Addie"

Akangosvika achiti "yava nguva ye practice


zvekuonana mozozviita later handina kuuya kuno
kuzotamba"

"Shit"ndakanzwa kuvenga Rolix ndoumwe anoita


kuti zvinhu zvangu zvidzokere kumashure.

Zvisinei manheru achisvika dzimudzangara


rakadzoka nemota yangu.

Ndakamuudzisa zvekuti ndakaona achitarisa


pasi ,ndikaziva kuti amanzwa mashoko
haaizozvipamha zvekare.

Tichipedza kudya chikafu chemanheru ndakafara


Addie achiudza Harleen kuti arikurara kwa Bianca.
Nerimwe divi ndainzwa godo kuti mupfanha
achange achidya na mambo asi nerimwe divi
zvekare ndaifara kuti mhiko dzichazadziswa.

Chandinoziva ,once Addie angorara na Bianca,


anenge atova webato redu.

Chero akazoziva kuti ndini ndakauraya vakadzi


vake kuti ndiite mari haazombosimudze musoro
nokuti iye anenge atombourayawo wake tinenge
tafanana.

"What a wow" ndakangoona ndava kunyemwerera


ndakagara pangu ndega ende paitomboda
Champaign ye celebration.

Ndakakurumidza kusimuka pa table ndichisiya


vamwe , ndakapinda mu bedroom mangu
ndikatanga kumboseredzera nezvinotonhorera.
Pandakaona mai Addie vauya ndakabva ndaenda
ku bathroom kubva zvandakatanga kurara na
BIANCA ndinonzwa mukadzi wangu achindisvota.
Iye haanei nekundibata asi ndinenge ndichingona
kuti anotoda nezvangu, inini ndiri munhu
anongogara achityisa nguva dzese saka anoshaya
kuti anganditanga sei?

Ndichipinda mu bathroom ndakatanga kugeza


ndichiridza kamuridzo semunhu aive nemufaro,
pandakasimudza musoro ndakarohwa nehana
ndichiona Bianca akamira kumberi kwe shower.

Ndakamhanya kuzvipukuta ndichibuda mu shower


ndakaenda paaive ndikamubvunza kuti anga apinda
nguvai , uye sei?

Iye haana kupindura zvandanga ndamubvunza


akangoti " uchipedza kugeza ndiri kukuda kuroom
kwangu ,mwana wako atadza kundipa zvandanga
ndichida."

Ndakaswedera pedyo naye ndikabva ndati

"What are you saying Bianca ,inga Addie ati


arikuuya kwauri wani nhasi?" Ndakasara ndava
kutaura ndega munhu atoenda kare.

Handina kuzombodzokera kundopedzisa kugeza


ndakabva ndatobuda mu shower ndikaenda mu
bedroom, ndichisvika ndakawanikwa mai Addie
vakasvinura. Zvakandinetsa kuti Bianca anga
adarika sei chembere yakasvinura kudero.
Ndakangosvika ndichiti "aenda kupi?"

Mai Addie vakasimudza musoro vakabva vati


"Ndiyani iyeye?"
Ndakaona kuti ndakanga ndava kutoda kubuda
musaga ndakabva ndangoti

" never mind" ndichipfeka mbatya dzangu.

Mai Addie vakanditarisa vakati "Hezvo , ko


zvamusiri kupfeka ma pyjamas andaisa apo asi
hamusi kurara izvezvi"

Ndakafinyamisa kumeso ndikabva ndati "Noo ,


ndine meeting ndokwandiri kuda kuenda.
Kangamwa zvekurara handidye kurara ka inini "
ndaidero ndichitaura zvine rough mukati.

Ndakaona mai Addie vachizvipeta vari mu corner


havana kuzombotaura zvekare.

Inini ndakatotora ma keys angu ndokubuda panze.

Ndakangodhumisa mota zvenhema, ndokubva


ndaidzima ndichidzokera ku room kwa Bianca.
Ndichisvika ndakawanikwa akavhura makumbo
rimwe rakakandirwa kwakadero rimwe kwakadero
apa munhu achingori chiberekerwa hazvina
kunditorera nguva ku charger ndakabva ndatobvisa
mbatya ndokutanga kurima munda zvinyoro nyoro.

Ndakaridzikisa gejo kusvika ndava kunzwa kuti


ndava panumber. Ndakatanga kugomera sezvo
ndakanga ndava kuda kudira mbeu.
Ndakazongonzwa ndanamwa nayo bhutsu
nechekumusana ipapo ndakabva ndapera simba.

Ndakanga ndisingafunge kuti pane munhu


angandikanganisa nguva yakanaka kudero,
ndakasimudza musoro ndine kakutya ndaifunga
kuti zvimwe ndi Addie anga auya kuna Bianca
manje ndichisimudza musoro ndakaona ari Harleen
apa anga akatsikitsira.

"Hmm , type yembeu ya Harleen unototadza kuziva


kuti akadzvarwa nguvai ipi chaiyo"

Ndakada kumupopotera asi ndakasara ndichitaura


ndega iye anga aenda apa kungwara kwake akabva
akiya door nekunze akatakura trouse rangu.

Bianca akasara achibon'a zvekuti room yese yese


yaidairira , aizvikwabvura muviri wese zvehasha
asi zvakanga zvisingachabetsere.

Ndakatanga kuhuta ndakamira pa door nokuti


ndakanga ndatoona kuti zvandishatira.
Ndakaenda pana BIANCA ndikabva ndati
"Ndibetsereiwo ndichaita sei , Addie akaziva kuti
ndakarara muno ndipo panoperera sarungano"

Bianca akauya pandaive akabva ati "Don't worry


ndine ma mysterious powers andakapiwa na
Jemedza kuti ndikwanise kurwisa Harleen saka
ndichandotora ma key ndouya ndokuvhurira
wobuda woenda"

Paakadero ndakanzwa kurerukirwa ndakaona


achibuda nepa door rakakiiwa ipapo ndakabva
ndafuga gumbezi musoro nekutya.

Kubva ndichizvarwa handisati ndakamboona


zvakadero, ndinongoziva zvipoko chete kuti ndizvo
zvinoita zvinanara zvekudero manje apa zvanga
zvoitwa na Bianca pamaziso angu.

Hongu ndaida kubetsereka asi Bianca


akandivhundutsa nguva idzodzo. Akatora chinguva
aripanze ndakazongonzwa ava kufemera pamusoro
ava mu room kuratidza kuti anga adzoka.

Ndakafugura musoro ndikabva ndati "How far


wauya nawo here ma key Bianca ndiwane kuenda"

Bianca akauya pandaive akabva ati "noo


ndakundikana ende Harleen atobuda na Addie"

"Aenda naye kupi usiku huno?" Ndakabvunza


ndichitoshaya kuti vangava vaenda kupi

"Handina chokwadi , asi chandinoziva vanogona


kurara vese nhasi i can feel it"

Paakadero ndakaseka ndikabva ndati "Zvekuti


vangarara vese kangamwa zvako, Addie
ndakapedza naye kare ende hapana anogona
kumuyamura"

"Une chokwadi nazvo here Gono, nokuti unoziva


kuti Addie akarara na Harleen hauzokwanise kumu
controller ende haazombofe akava umwe wedu"
akabvunza Bianca achida kutonzwisisa

Ndakawedzera kuseka ndikabva ndati "Usatya


Addie ndakamusunga ne wire yakakora zvekuti
haipudzunuke zvekudero. Siya vaende
vanongodzoka vasina zvavaita i am very sure "

Bianca akabvisa mbatya dzake akabva ati if you say


so "Let's play "

Asi tisati tatanga kutamba ziva kuti mangwana


mukadzi wako ndiri kumuita bofu handina dzimwe
nzira, nokuti ndikasadero she will expose us ndiye
ane ma key.

"Ma Key amawanepi ?" Ndakadero ndava kudedera

Bianca akabva ati

"Apiwa na Harleen, ende handikwanise kupinda


mumba macho kuti ndinomatora."

Mangwana pachauya mukadzi wako kana akauya


zuva rabuda handikwanise kunyangarika zvekare ,
dai aiuya usiku huno ndaizokusiya wega inini
ndoenda hawaizoshaya zvekutaura.

"Nxixixi Harleen, i will teach her a lesson that she


will never forget in her entire life.

No one expose me and get away with it never!"


Akadero Bianca achi lighter imba yese nemaziso
ake

Hana yangu yakarova nezvaaiita ndakabva ndati

"Hmmm Bianca unotova munhu mupenyu here


iwewe ? Ndakangoerekana nda bvunza"

Ndakanzwa Bianca achiti


" what do you mean?" Akadero akanditarisa naiyo
torch reziso

"Sorry zvako kana ndabvunza zvausingafarire,


chete ma powers ako anekakutyisa mukati"
ndakadero ndichizviswededza kure naye

Iye akauya akabva atokwira pamusoro pangu,


akatanga kuchukucha chiunu chake kusvika
kwaedza kuti hwee. Musi uyu ndakademba zuva
randakatanga kuziva Akash, zviye zvekuti bonde
rinonaka rinoda kana uchiriita uchizorora , kwete
one way yandakaitirwa na Bianca.

Paakaona kwaedza machongwe ava kukuma


akabva aburuka akati "Next time usandibvunza
zvisina basa Gono, ndiwe wakachemera kuti
ndiuye pano"

" Ndinokupa punshiment yakadarika iyi, tora skin


tight yangu upfeke nokuti mukadzi wako ava kuuya .

Hazvizoite kuti awanike zvombo zvese zviri


panze." Aidero achinditambidza chi leg in chake.

Ndakangogamuchira ndikabva ndapfeka,


ndaitonzwa kumutya Bianca. Zvombo zvacho
zvandainzi ndivhare zvanga zvaita zvitende
nekuzvimba apa zvaitorwadza zvekurevesa.

Zvoti chi tight chaimana ndakanga ndaiswa


panguva yakaoma.

Bianca akaenda pa bed akabva arara nedumbu


akaisa musoro pasi , ndakazonzwa mai va Addie
vachinoka vachideedzera zita ra Addie.

"Iwe Addie ndini mai vako ndati ndizokuvhurira


door, Bianca muroora warara sei umo?" Vaidero
vachiwedzera kugugudza.

Bianca akadeedzera akati "Kiinurai zvenyu


door ,musiye rakadero"

Ndakanzwa mai Addie vachikiinura door


chakandinetsa vakabva vatovhura nekutopinda
mukati, kuda vanga vasina kunzwa zvanga
zvataurwa na Bianca.

Vakamira pamusuwo vakatarisa kwandaive


vakabva vati "What?" Vakabata muromo

Bianca akasimudza maziso ake ,akatendeka


kwavaive vakabva vatoita bofu ipapo ipapo.

Ndakaona vachibata madziro vachichema vakabva


vati "What have you done Gono ? and you Bianca
nerudo rwandaikupa ndiyo thanks yacho here iyi
you Betrayed me"

Vakagara pasi vakatanga kuzhamba vakadeedzera


vachiti "chii chandakaita inga Harleen
akambondiudza ndikaisa zvitanda munzeve nhai
Mwari wangu ndozviudza aniko inini" vaidero vabata
musoro

Bianca akabata mai Addie pahuro akabva ati


"Nyarara , hapana waunoudza nezvenyaya iyi
otherwise you will die pamwe chete nevana vako
vese"

Kubva nhasi handide kukuona uchiswedera pedyo


na Gono nokuti ndi baba vemwana wangu
unondidzwa.

Mai Addie vakatanga kugutsurira musoro apa


misodzi ichiyerera kunge mvura iri kubuda pa
pombi.

Bianca akabva ati " very good, get out " aidero
achivasundura panze. Nguva idzodzo
ndakanyatsoona kuti munhu anonzi Bianca ari
dangerous kudarika zvandaifunga.

Mai Addie vachibuda akasara akatanga kuseka


akabva ati " mangwana ndiri kuda
zvandakavimbiswa na Jemedza ndakaita
huomerwa pahuro. Uyo achada mundirambidza
ndiye wandichashanda naye"

"As long zita rangu richiri kunzi Bianca hapana


anokwanisa kundi exposer. Chero avo vanoti
vanonamata Mwari kuti vakunde inini
vanozvinyepera nokuti hakuna chinonzi Mwari!

Dai kuna Mwari ndisiri pandiri nhasi uno, chero


Akash angadai asina kubudirira patsoro dzake."

" I will destroy everyone who crosses my path,


ndichaparadza umwe neumwe anoda kugura
mufaro wangu! Ndakapiwa second chance yekuva
pasi rino saka handide kutambisa uyoyu mukana.
Hahaha " akadero achiseka zvaityisa apa
achitatamura maoko ake.

Ndakadzeya mashoko ake ,asi handina kana


chimwe chete chandakanzwisisa. Chandakagona
ndechekuti

"Calm down Bianca " ndaidero ndichizama


kumubata ndakanzwa iye achiti

"Go away ! You good for nothing ,you lie to me kuti


Addie haakwanise kurara na Harleen manje nhasi
ndezvipi" aidero achindisundira panze.

Ndakatoshaya kuti anorevei kana achiti manje


ndezvipi nekuti ndine chokwadi kuti Addie
haamborare neumwe munhu asiri Bianca.

Ndakatoona kuti kunongova kutsamwa kwa Bianca ,


she will come around.

Ndakatanga kufamba ndichibuda mu room


make ,ndakabva ndasangana na Olga achienda ku
Kitchen paakandiona akabva amira akanditarisa.

Ndakatanga kufamba ndichienda ku room kwangu


iye akati ofa zvake nekuseka.

Olga akaseka zvekugara pasi chaipo, anoratidza


kuti leg in yangu yanga yamunakidza.
Ndakangomutarisa ndikabva ndati inguva shoma
uchifara very soon uchachema misodzi ye ropa
iwewe.

Akawedzera kuseka akabva ati " Mwari wangu


anenge andisiya nani , pandakachema pakakwana
mudhara. Ndingatadza kufara zvangu dhara hombe
rakaita semi richipfeka chimutorogodo chevakadzi.
Regai makazonzi Gonoria na mbuya Harini haa
mudhara munosvodesa imimi, munoda kuti vakadzi
vedu vatarise kupi manje makamaniwa kudero
Gegegegge" akadero achiwedzera kuseka

Ndakatoona kuti Olga pamuromo panze ndakabva


ndangosiyana naye, ndakatanga kudhadhaira
ndichifamba ndakafuratira

Ndakanzwa mai Tee vachiti

"hezvo , ko avo vanoita kunge vakamana toilet


vachienda ku room kwa vatezvara vangu ndiyani?"

Olga akaseka akati "ndivo ka tezvara vako,


zvinenge zvava kuvadzokera unoti kupfeka
kwemunhu ari normal ukoku. Zvava kadya zvava
kupfuka"

Ndakanzwa mai Tee vachiti "nhasi zvangu, let's


hope handina kunzwika"

Hameno kuti Olga akazosara achiti chii handina


kuzvinzwa nokuti ndakanga ndapinda mu room
yangu.

Ndichipinda ndakaona mai Addie vakagara pa floor


vachichema, pavakanzwa ma foot steps
vakapukuta misodzi vakabva vatsvangadzira
vakati " Ndiyani apinda muno"

Ndakaramba ndakanyarara ndakavatarisa, vakabva


vawedzera kuchema handina kuzoda kumiramo
ndakangotora foni yangu ndaida kufonera Addie
kuti ndimubvunze kuti aripi"

Ndichibata foni ndakawanikwa ine

*15 missed calls* from Jemedza

Dzairatidza kuti dzanga dzafonewa usiku

+ 1 sms

Ndakavhura msg ndikawanikwa yakanyorwa kuti


"Nhasi musikana anogona kusunungura Addie ,
vuya ndikupe masimba vatadze kurara vese"

Ndichipedza kuiverenga ndakabva ndangoenda


kumba kwake. Ndichisvika akawanikwa achiratidza
kuti haana mufaro. Ndakamurondedzera kuti
ndanga ndakiirwa kusina foni yangu. Haana
zvizhinji zvaakataura akabva andipa tambo iyo
yaakati ndisunge mudumbu mangu kuti chero
varara vese asabata pamuviri , kana kuri kwekuti
patobata panofanira kupudzunuka.
Akandiudza kuti once yangobva chete nhumbu
yavo yekutanga , dzimwe dzese dzichange
dzichingobva seyekutanga iyoyo ebde havazombofe
vakabata mwana muruoko.

Ndakapfugama ndokubva ndati ndinotenda great


one

"asi handifunge kana vakarara vese , nokuti hurume


hwa Addie ndakahucherera pasingazikamwe
nyangwe nani zvake"

Jemedza akangoti "just in case vakarara vese tava


kungozama zvese zvinoodza moyo wa Addie ,
anofanira kuisa ziso pana Bianca kuti tsoro yedu
ibudirire"

Ndakasimudza musoro ndikabva ndati talking about


Bianca great one sei achiita kunge aka... ndisina
kupedzisa Jemedza akabva ati

"You can go"

Ndakangosimuka ndokubva ndadzokera kumba.

Ndakagara mazuva maviri Addie na Harleen vasina


kudzoka apa foni yavo yaisaita.

Day rechi 3 ndakazongoona vasvika. Addie


airatidza kuva nemufaro wakapetwa.

Akasvika akandimhanyira akabva ati "Father "


aidero achindimbundukira.

Akatanga kujamba akabva ati

" i am so happy baba , where is mom?" Akabvunza


achimhanya nechivanze chese.

Ndakangoramba ndakamutarisa ,dai aiziva kuti mai


rava bofu aisambouruka kudero.

Achienda ndakabva ndatarisa kuna Harleen iye


akabva aseka akati "Makadini tezvara?"

Handina kumudaira ndakaramba ndakamutarisa


iye akabva ati "Ndofunga murikushamisika kuti
Addie afarirei akadero , well semuroora wenyu regai
ndikuudzei Addie afarira this" aidero
achinditambidza chidhori chandakanga ndakasunga
nacho Addie

Ndakatanga kupukuta maziso ndokubva ndikati


"wachiwana kupi? Don't tell me kuti warara na
Addie"

Harleen akaseka akabva ati "Why not iye ava ku


functioner. " dzimwe nyaya musandibvunza muri
tezvara imimi ndasiyana na Bianca ka
anokuvhurirai makumbo.

Pu-u aidero achindipfira kumeso

Ndakacheuka ndikaona pasina aitiona ndakabva


ndati "Ndiudze kuti wachiwanepi chidhori ichi"
ndaitaura ndakamubata dress

Harleen akaseka akati

"Kkk pamakanga makachiisa, inga ndakakuudzai


wani kuti ndichauya nacho"

Ndakasimudza ruoko ndichida kumurova


ndakanzwa Addie achiti " Father!"

Ndakadzikisa ruoko rwangu mbichana mbichana


asi ndainzwa kushatirwa zvakanyanya.

Addie akauya akati "Musaita mistake yekuda


kundirovera mukadzi wangu ngazvigume
tinganetsana pamba pano"

"Varikupi mhamha ? handisi kuvaona"

Ndakangotarisa Addie ndichitambisa chifuva iye


akabva atakura Harleen akabva ati "You are not
well babe , you must rest" aidero achitoenda naye
ku room kwake

Ndakasara ndikatanga kufamba famba,


ndakazongonzwa Olga ava kuseka ari kumashure
kwangu.

End of chapter *20*

Stay tuned

Musakangamwa kuuya ku inbox kuzowedzera mari


ye phone , yasara mbichana

Inbox number dzangu idzedzi dziri pa book


ndiwanewo phone ndikwanise kukunyorererai book
every day ivai nemoyo wekupa
https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

mukaona ndisina kuisa bhuku mugrup , view my


channel munoona ririko

*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Pandakaona Harleen achivhomorana nechidhori


muvhu ndakabva ndaona kuti mwana wevanhu
haasi ega ane zvinomutuma kuti aite sekudero.

Imagine munhu akakurira ku Birchenough


asingazive nezveupenyu hwangu akakwanisa
kudriver mota kubva ku Headlands kusvika asvika
kumatongo kwedu without my help.

Achisvika akanyukurana nechidhori pasi peivhu,


ndakatanga kufunga musi waakatanga kundiudza
nezvekusungwa kwangu ndikamurova
ndakazvidemba kuti kumwe kusateerera kunoparira.

Ndakazviudza kuti chero zvoita sei ndichatanga


kuteera kutaura kwa Harleen ndakaona simba
maari.

Paakasunungura chidhori mudziyo watanga kumira


kasingaperi , wakanga usingakone zvawo nokuti
ndanga ndava ne gore nedzimwe mwedzi
ndisingazive chinonzi mukadzi.

Kubva zvakashaya mudzimai wangu wekupedzisira


handina kuzombobvira ndakarara neumwe munhu.

Ndakazama kutsungirira kuzvibata kuti ndisarara na


Harleen , ndaisada kuti afunge kuti zvimwe ndava
kumutorera Advantage ndakatsinzina asi hazvina
kubatsira.

Addie mudiki aito saluter zvekurevesa kunge


achandidamburira chipfeko chemukati.

Ndakatanga kushanyarika kasingapere kupedzisira


ndava kukumbira Harleen kuti andiyamurewo.

Ndakataura ndakadzikama sezvo ndaitya mabhutsu


nokuti munhu wacho haana mangwana .
Pandakamukumbira akarambisisa, ndakaziva kuti
ndichamuhwinha chete sezvo akamborara
nevakati wandei mutambo wacho unenge usiri
mutsva kwaari.

Ndakatanga kubata munhu wangu zvinyoro nyoro


pandaiziva kuti nyama dzichatodairira , sezvinei
nenguva shoma ndakaona ava kutsinzinira maziso
ndikaziva kuti zvangu zvaita.

Handina kuda kutambisa mukana,


ndakangomukumura mbatya nekukurumidza
akatsinzinira kudero, ndokubva ndakwira pamusoro
pake.

Ndakamhanyira kubuditsa Jamuko ndokunangisa


paari ,ndaifanira kuita zvekukurumidza njere dzake
dzisati dzadzoka panzvimbo .

Ndakamuvhura makumbo ndikabva ndabairira


ndaitoda zve kuenda kumberi mberi zvekuti
haaizombondibvisa. Ndakashamisika ndichi stucker
ndichiri pamukova, ndakafunga kuti zvimwe ndakuta
ndikaisa paside. Ndakatombozviseka
ndichitsvangadzira pandakaona kuti ndipo chaipo
ndakabva ndapinza zvekare, pandakada
kundosundira mukati Harleen akabva aridza mhere.
Ndakavhunduka ndokubva ndaburuka
ndichimhanya, inini kuziva kwangu kurara nemunhu
hakumbonetsi zvakandinetsa kuti sei pana Harleen
ndakundikana kudero. Ndichiburuka Harleen
akatanga kubuditsa misodzi ndakamupukuta
ndikamubvunza chaaichema akabva ati "Muri
kundirwadzisa handisati ndakambozviita"

"What?" Ndakabvunza ndichibatidza light rephone ,


iye akagutsurira musoro akabva ati "ichokwadi
ndichiri mhandara zvamava kutondiita zvitsva
kwandiri. "

Ndakatanga kudikitira , ndainzwa kutsva pamwe


chete nemufaro zvanga zvasangana.

Ndakazotanga kumunyengerera ndichimubata


muviri wese kusvika ndaona kuti ava ready.
Zvakazondiitira nyore ndakabva ndamudambura
akavarairwa.

Akachema zvake asi ndakamunyengerera pamwe


chete nekumukumbira kuti anditendere kuita
zvandinoda nokuti ndiye ega wandinoda.

Ndichipedza kurara naye akanga asingataure neni


izvo zvakazoita kuti ndimbo spender dzimwe 2 days
kumatongo ndichinyengerera. Zvimwe zvese
ndingatadza zvangu asi kwete kufadza mukadzi
wandinoda ,haa ipapo ndinoita zvidavado.

Pandakazomubata kepiri pa day rechi 2, ndakaona


ava kundiswededza pedyo achindibatirira ndikabva
ndaziva kuti yava kunzwika nemuto wayo.

Pandakaona kuti apinda mugwara ndabva


ndamuudza kuti yava nguva yekudzokera kumba
ndaida kundo practicer sezvo ndaive ne big
Concert.

Ndaitofanira kutanga ku recorder nekukurumidza


nekuti pa 3dys dzaitevera ndaida kundoimbira
varungu vaibva ku New York.

Varungu ava mwana wavo akaroora munhu


mutema ku Chegutu saka vaive ne anniversary
party yavo , ende ndini ndaitofanira kundofadza
ruzhinji ne mimanzi.

Ndaitoziva kuti pachabuda mari yakawanda saka


ndaifanira kugadzirira.

Tichipinda mumota kuti tiende Harleen akabva ati


"wait daddy ndasiya something mu room yatanga
tiri"
Ndakamutendera kuti andotora chinhu chacho
ndakashamisika achidzoka ne chidhori chiya
chandakanga ndakasungwa nacho.
Ndakamubvunza kuti aichidini akabva angoti aida
kuchiita che display . Handina kuda kumurambidza
kuchitakura ndakangomutarisa ndikaona akarova
ma serious.

Ndakazoi driver mota ndichienda kumba tichisvika


baba vakaita zvekundimhanyira ndichiri kugedhi.

Inini ndaive nemufaro wakapetwa ndakatanga


kutsvaka mhamha, ndaida kuti ndivaudze good
news asi ndakavashaya

Harleen aifanira ku tretwa sa mambokadzi, mukore


uno haumuwane pese pese mukadzi virgin ane
makore 18.

Inini ndakamuwana ndisina fungidziro saka


ndaitofanira kumukoshesa munhu wangu.

Harleen handide naye zvangu ,akandidadisa


zvandisingakangamwe zveupenyu hwangu hwese.

Pandakashaya mhamha ndakabva ndadzoka kuna


mudhara ndaida kuziva kwavanga vaenda.
Ndichisvika ndakavawanikidza vachida kurova
Harleen ndakanzwa hasha izvozvo ndizvo
zvandisingade zvekutambudzirwa mukadzi
wangu ,vaisaziva here kuti aisanzwa zvakanaka.

Ndakangosvika ndikavabudira pachena kuti


vatambe nezvimwe ,wangu mukadzi vasiyane naye.
Vakaratidza kubatikana asi ndaisave nebasa
nazvo ,ndinozviziva kuti Harleen anomborasika
kutaura asi kumurova haisi iyo solution.

Kana akatadza ndinoziva murovero wandinomuita


saka muchidumbu regai ndingoti

"ndinozvirovera ndega soup yangu."

Ndakatakura Harleen ndikaenda naye ku bedroom


kwedu, ndakamuradzika pa bed ndikabva
ndamufukidza magumbezi aifanira kutombozorora.

Pandakafamba ndoda kubuda panze akabva ati


"Daddy" akadeedza nenzwi rakanyorovera zvekuti
ndakamerera ndakacheuka ndikabva ndati "Yes
babe"

Akasimudza musoro achiratidza kuda kumuka


akabva ati

"Varikupi mhamha?"
Ndakamhanya paaive ndikabva ndati

"No no no , pliz don't wake up you are not well


babe chimbozorora vamwene vako hameno
kwavaenda"

Iye akamuka akagara pasi akabva ati "mhamha is


in trouble , vatsvakei kusvika mavawana mubve
mandideedza"

Ndakangoti "okay hun" ndakabva ndamusiya


ndikaenda kuna Rolix ndaitofunga zveku practicer.
Zvekutsvaka mhamha yaitova imwe nyaya , time
was not on my side

Ndichisvika ku room yaRolix akabva ati "Yoo


wakanga waendepi Addie ,pamba penyu pakarema
pano for the past 3 days handisi kumborara
zvachose"

Ndakangorondedzera Rolix kwandaive handina


kana chandakasiya iye akabva ati "Dai uri umwe
wadzidzirawo munamata Addie , inini handisi
muporofita ndingoriwo prayer worrier rinovimba
kuti kuna Mwari"

Zvizhinji zvinozosara kuitika asi ndatombonzwa


feeling , ndosaka uchiona nguva dzangu zhinji
ndichifarira kunamata.

Izvezvi handina chokwadi chakazara kuti zviri


kufamba sei ,asi chandinoziva tikasasimba
kunamata ndaona padeuka ropa pamba pano
ndakarota dziri hope"

Paakadero ndakamutarisa ndichifunga kuti ndiyani


angava achivenga mhuri yedu zvakadero ,
ndakaona zvakanaka kuenda kuna baba vangu
ndaifanira kutombovaudza nezvenyaya yandanga
ndaunzwa na Rolix.

Ndichisvika mu study room ndawanikwa vakagara


vakatarisa ku window vairatidza kuti pfungwa
dzavo dziri kure chaizvo. Pavakaona ndapinda
vakabva vanditarisa kuti kunde-e .

Zvakandinetsa kuti vakanga vakanditarisirei


ndakabva ndati "what's wrong Father ?

Pandakadero vakatanga kupukuta misodzi


vairatidza kuti vaichema, ndakaswedera pedyo navo
ndikabva ndati "Ko maitwa sei baba?"

Vakanditarisa vakabva vati " Handisi baba vako ,dai


ndiri baba zvimwe waizonditererawo"
Ndakatoona kuti nyaya yacho iri serious ndakabva
ndati "of course you are my father, and i love yu so
much. Sei mava kuda kundiomesera nhai baba
nemashoko anorema kudero . Kana mava kuti
hamusi baba vangu munorevei ? Chii chaizvo
chandakutadzirai chazoita kuti musandiona
semwana wenyu" ndakabvunza ndava kunzwa
kurwadziwa inini baba vangu ndinovada zvekuti
handitarisire kuti vandirambe kudero.

Baba vangu vakasimuka ndokubva vakati "noo


Addie handina mwana asingateereri wakanditadzira
chaizvo " Ndakakutsvakira mukadzi panguva yako
yekutambudzika ,ndichiti zvimwe ungafara asi chii
chawakaita.

Wakasarudza kundinyepera kuti uchafadza Bianca


iwewe uchiziva kuti uchaenda na Harleen.

Pavakadero ndakabva ndati "Sorry father, handina


kumboziva kuti Harleen angada kuperekedzwa
kumatongo usiku.

Kutaura idi kuna Bianca ndaida kuenda asi


zvakazongoendawo nepamwe ruregerero baba
vangu" ndakadero ndakadzikamiswa inzwi

Gono vakakwidza inzwi vakabva vati "Sorry yako


haichabetseri Addie dai waiziva zvakasara zvikaitika
waisava ne ma guts ekukumbira sorry"

"Chii chakaitika , tell me father " ndakadero


ndavakuda kutonzwisisa

Baba vangu vakatanga kuchema vakabva vati

"Because of you hapana kana chiri


kumbondifambira, upenyu hwuri kurwadza
kurarama nekuda kwako. I hate you Addie !
Ndinodemba zuva randakatanga kurasira mbeu
yangu mudumbu raamai vako kuti iwewe uvepo"

Ndakasimuka ndokubva ndati "Zvambonyanya kuita


sei nhai baba , ko madireiko kundipa munyama
mukadero zvinhu zvangu hazvifambe zvakanaka
kana mukanditsamwira"

Makomborero mazhinji anobva kuvabereki, zvino


imimi baba vangu mukandivenga zvinobuda here ?

"Please father , ndiregererewo ndinogadzirisa ma


mistakes angu. Ndinokumbirawo musandiramba
kuti handisi mwana wenyu munorwadzisa moyo
wangu" ndakadero ndava kutozenga misodzi
mumaziso.
Gono vakandisundira panze vakabva vati "Get out !
Handide kukuona pedyo neni , you ruined my life
already "

Ndakatanga kudzedzereka ndakananga kumadziro ,


ndakazoita luck rekuti ndakawira mumaoko a
mhamha vangu. Ndakavambundukira ndikatanga
kuchema.

Ndakashamisika mai vangu vachindibata bata


vairatidza kuti vaitsvangadzira kutsvaka kumeso
kwangu. Hana yangu yakatanga kurova
ndakavatarisa ndikaona maziso avo akavhara
kuratidza kuti vava bofu.

Ndakatanga ku screamer ndokubva ndikati


"mhamha! Mhaiwee ko makaita seiko?"

Mai vangu vakatanga kungoyerera misodzi mukoma


Olga vakauya achimhanya vakabva vati " Vatova
nemazuva matatu vakadai , takazama kuvabvunza
kuti vakaita sei asi havasi kutaura"

Ndakawedzera kuchema ndikati

"Pliz call the doctor mukoma, amai vedu


havangamboite bofu"
Moms vakapukuta misodzi vakabva vati

"No my son, doctor havakwanise kundibatsira


where is my daughter in law?"

Mukoma vakatanga kudeedza maiguru mai Tee


mhamha vabva vati "I mean my new daughter in
law , pliz nditendereiwo nditaure naye"

Pavakadero ndakabva ndatoziva kuti vanoreva


Bianca nokuti ndiye wavanodisisa ndakabva ndati
"Magona maiguru mauya Ndokumbirawo
mundondideedzera Bianca mhamha vanoda
kutaura naye"

Pandakadero vakabva vati "No Addie ndinoda


kutaura nemudzimai wako chaiye chaiye, muroora
wangu Harleen "

Ndakashamisika kunzwa mai vangu vachiti vanoda


kutaura na Harleen nemuvengero wavanomoita .

Ndakazongovabata ruoko ndokubva ndaenda navo


ku room kwangu.

Tichisvika vakamira pa door ndakaona Harleen


achisimuka paanga akagara akabva auya pataive.
Akambomira akatarisa mhamha ivo vanenge
vakazvinzwa kuti asvika nekuti vakabva vapfugama
vakatanga kuyeredza misodzi vakatsikitsira.

Harleen akauya akavabata ruoko akabva ati

"Sorry mhamha ko makapofamadzwa nei inga


ndakangokusiyai makanaka wani?"

Mai vakatanga kuchema vakabva vati "Kudai


ndakanzwa kutaura kwako mwanawangu, zvimwe
ndingadai ndisina kuzovarairwa"

Nhasi uno ndangova bofu ,handichakwanise kuona


kana chii zvacho . Moyo wanga wakaramerwa
please mwana wangu ndiregererewo pane pese
zvandakakutadzira .

"Ndinoda kuti mweya wangu uwane zororo, kana


ndichinge ndazofa , ko ndakaiteiko inini." Vakadero
vachiwedzera kuchema .

Munhu wese aive mumba akatanga kupukuta


musodzi , Harleen akambundukira mhamha akabva
ati "Pasi pano hapana anogona mai vangu asi
chandinoziva Mwari vanonzwira tsitsi avo
vanobvuma kuti vakatadza. Hamumbofe
zvekukurumidza mhamha, kana musati mabata
vazukuru venyu vana ve mwana wenyu Addie"
Chandava kukumbira ndechekuti tese tizobatana
paminamato zvese zvakavanzika zvizobuda
pachena. Tinoda kuti uyo ari kutsvinyira mhuri ino ,
atsve neminamato auye ega kuzotaura nyaya
dzake .

"Chimbodeedzerai Fire mhamha ndione kuti mava


nesu"

Mhamha vakasimuka vakabva vambundukira


muroora wavo vakabva vati "Fire vachichema"

Vaviri ava vakamboita chinguva vakambundukirana


iri misodzi yega yega moms vakazobva vati "Mwana
wangu une maziso ekuona zvakanaka zvega
zvega, kubva kare handina kumboziva kuti
wakatiunzira ngirozi mumhuri yedu pliz
ndiregererewo Addie" vaidero vachichema zvekare

Ndakaenda pavari ndikabva ndati "Chiregai


kuramba muchichema mhai , just tell us chii
chakambonyanyo itika chaizvo"

Moms vakangodzungudza musoro wavo vakabva


vati "Kuti ndizvitaure ndinotya , munhu
akandipofamadza ari very dangerous.
Ndikamufumura anogona kundiuraya nhasi chaiko.
Chandava kungochema ndechekuti Addie
usazosiya mukadzi wako uyu"

Pavakadero ndaka smiler ndakatarisa mai Rocky ,


ndakarangarira mashoko avo vachiti

*Pliz mava kundirwadzisa handisati


ndakambozviita*

Ndakaona ndava kuwedzera kusekerera mukoma


Olga ndivo vakazoti

"Someone is in love , na village girl Ouuch"

Pavakadero ndakavadhonza nzeve ndikati


"Wamuri village girl ndiyani mukoma"

Ivo vakatanga zvavo kutiza vachiseka vakabva vati "


Rockstar vakapinda murudo nenzara dzese ,gore
rino tichaonerera"

Munhu wese akatanga kuseka , takazotora


mhamha tikaenda navo ku sitting room.

Takatanha kuita nyaya tichitandara kuti vasanyanya


kufunga nezveubofu hwavo.

Harleen aive busy kusona chisonwa chake


nemaoko. Chaive chidiki asi chaive chakanaka
chaizvo.
Inini na Rolix taive busy ku recorder music yedu.

Mukoma Olga nemukadzi wavo vaivewo busy


nezvavo.

Harleen achipedza kusona akabva atanga kubika


zvemanheru ndakamurambidza asi akarambisisa
akati haacharware.

Mudzimai wangu pakushanda ishasha, ndakatosiya


zveku recorder ndakabva ndatanga kumubetsera.

Ndaimutambidza ma ingredients aaida iye achibika


supper yake. Apedza akabva arundisa chikafu pa
table , inini ndaibetsera nema plates nezvimwe
zvinodikamwa.

Ndini ndakatozodeedza vanhu vese , kuti vazodya.

Vanhu vachisvika umwe neumwe akagara


pachigaro chake. Inini ndakasunda chair yekuti
Harleen agare Bianca akabva atogara ipapo pedyo
neni. Ndakada kusumuka baba vangu vakabva vati
"What's wrong Addie wava kuchinja nzvimbo
nekuti Bianca agara ipapo here"

Harleen akaseka zvake , akatarisa baba vangu


akadzungudza musoro. Akazouya pandaive
akabva ati "Don't worry hun tichandodyira chikafu
chedu ku bedroom " regedza ndikatanga
ndatsvakira mwana wangu nzvimbo yekugara.

Akatanga kupfekedza chidhori chake chisonwa


chehembe dzaanga asona. Achipedza akabva
achiisa pakati pe table akati "vehama
ndokumbirawo pasawana anosudurutsa chidhori
ichi , nokuti ndakachiwana ndatambura chaizvo"

Baba vangu vakasumuka vakabva vati "What is the


meaning of this Harleen ? Unoda kuti tigare
takatarisana nechidhori tichidya here usada kutiita
vana vako unozvinzwa"

Harleen akaseka akabva ati "It's not a big deal


vatezvara vangu ,chingori simple chidhori ichi"

Baba vakachitora vakabva vachikandira divi reku


window, Harleen akachidhaivhira akabva achigama
akati "Why father?"

Sei muchida kunditsamwisa manheru ano nhai ,


after a long struggling kuti ndive nechidhori ichi
moda kuchikandira panze

"No way , i will not allow you!"


Gono vadeedza Harleen zveku screamer chaizvo
vakabva vati "Harleen"

Inini ndakanyatsogarisika ndichiona drama


remahara "nyaya yechidhori yakanetsa"

Harleen akafamba akaenda paive na baba akabva


ati "deedzerai zita rangu pasi , munoda kuti
ndizonetswa nezveusiku here?"

Gono vakatendeka Harleen vakabva vashama


muromo vachida kutaura asi vakatangirwa naye
akabva ati "nhasi mune simba chose, iko
makazobuda nguvaiko mu room ma Bianca"

"Eh Mother in law , makazovavhurira door nguvai


vanhu ava?"

Paakadero ndakasimuka ndokubva ndikati

"Inyaya ipi yauri kutaura nezvayo Harleen ?"

Harleen akagara pasi akatarisa Bianca akabva ati


"Musi wawakati uri kurara kuna Bianca ndakaenda
ku room kwake ndichikutsvaka, ndikawana
vatezvara vari pamusoro pake. Saka apa ndava
kubvunza vamwene kuti vakazovaburitsa nguvai
nokuti ndovandakapa makeys , isusu tichienda
kumatongo"
Harleen paakadero munhu wese akasimuka
achiratidza kuvhunduka, baba vakadira
HARLEEN mbama padama .

Vakabva vati "How dare you to accuse me such a


thing"

Inini ndakatadza kuigamha nokuti ndaitovawo


mushock.

Harleen akabata dama rake akabva ati

"Inini handitaure zvemanyepo, Bianca taura


chokwadi handina kukuwanikidzai here imimi"

Bianca akasimuka akabva ati "Harleen haunyari


here ku creater nyaya"

Paakadero vanhu vakatanga kuitisana nharo


mumba , Olga aiti mainini vanotaura chokwadi
baba ndakavaonawo zvechokwadi vakapfeka
chimutorogodo cha Bianca

Ndakatanga kubata musoro wangu uyo wakanga


wava kutenderera "inini ndinovimba na baba vangu ,
more than my self "

Idzi nyaya dzakanga dzava kundivhiringidza


zvakanyanya. Ndakanga ndisingachazive kuti ndo
believer ani chaizvo

Harleen akauya pandaive akabva ati

"believe me hun , inini handitaure zvemanyepo"

Akafamba akaenda pana mhamha akabva ati

"Please mama musatya kutaura chokwadi , tell


your sons zvakaitika chaizvo hamumbofi.

Anochengeta munhu ndi Mwari taurai exactly


zvamakaona"

Mhamha vakatanga kuchema vakabva vati


"ichokwadi ndini ndakandovhura door ra Bianca
marimwezuro.

ndakamuona Gono ari muroom ya Bianca. Harleen


arikutaura chokwadi "

Bianca na baba vako vakarara vese , mai Tee


vakazotaurawo zvavaiziva.

Ndakatarisa kwaive nababa vangu ndikabva


ndafemera pamusoro, ndakazviudza kuti ndicha
dealer navo kana ndapedza na Bianca.

Ndakatanga kudhonza Bianca ndichienda naye ku


gedhi, vanhu vainditeera vachimhanya . Vaizama
kuda kundidzora asi ndakanga ndisingadzoreki.

Ndichisvika pagedhi ndakabva ndati "Bianca


handichade kukuona rutsoka rwako pano Go away
" ndaidero ndichimusundira kunze

Akangobva mumaoko angu chete asi haana


kwaakaenda. Akanyatsomira akabva ati...

Nguva idzodzo ndakangotanga kuona rima


ndokubva ndikadonhera pasi . Zvakazoitika
handichazive asi ndichimuka ndakaona mai mai
Rocky vakarara pasi apa vakazara ropa muviri
wese .

Mukoma baba Tee , maiguru na mhamha vairidza


mhere.

Vakambundukirana.

Ndakangoona ndava kuchema ndichienda paive ne


mukadzi.

Handina kuzvigamuchira kuti chokwadi ato...

End of chapter *21*

Mai Rocky vadini veduwe, let's hope havana


kuenda kunyika dzimu, dzungu vanoriwanza yoo.

Let's find out pa chapter inoteera , nyaya iya yava


kupisa manje

Pliz note kuti munyori haana foni vadikani


musanetsera book ndongounzawo pandawanira
mukana wekurinyora.

Vuyai muzadzise pakabviswa nevamwe mari ye


phone ikwane Zim mongobvisawo Ecocash or
inbuck yamawana.

S.A ndizvozvo zvekare vese varikuda kubatana


nevamwe inbox me pa number dzangu Dziri pa
book idzedzi 065 840 7103 tine grup revari
kubatana kubvisa mari yekuti phone izokwanisa
kutengwa book riuye every day

Thank yu kune vakatobvisa uye vachazobvisa


*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Mr Gono*

Harleen ndakaona kuti anoda kukwidza hasha


dzangu paakaisa chidhori pa table. Ndakatanga
kumutuka nekuti aiva oda kuenderera, ndakati
ndaadenha mago zvangu ndisina fungidziro.

Pandakamutuka akabva atanga kutondibvunza kuti


ndakazobuda nguvai muroom ya Bianca .

Ndakatarisa pasi nekunyara asi ndakazama kuzvi


defender, nguva idzodzo pakamboita kakupokana
sezvo Addie aisabvuma kuti ndingaita zvakadero.

Chokwadi chakazobuda zvacho pachena sezvo


munhu wese aive against inini na Binaca. Addie
akaratidza kubatikana zvakanyanya
akakwekweredza Bianca achienda naye kugedhi
paakada kumurasira kunze Bianca akabva ati "I
am not going anywhere Addie , nokuti
ndakazvitakura nenhumbu ya baba vako. Pano
ndopatova pamba pangu , dai uri umwe wadzinga
bemhapemha iri ndorisingakodzere kuva pano
ngavaende ku ma streets kundopemha uko!"
Aidero achitendeka mai va Addie

Addie akatarisa kuna mai vake akaona vachichema


akabva atanga kubata musoro wake , airatidza kuti
anga abatwa nedzungu akabva adonha.

Achidonhera pasi Harleen akabva ati "What have


you done Bianca!"

Bianca akaenda pana Harleen akabva amurova


mbama yakasimba.

Harleen akatanga kuzeya asi haana kudonha


akandomira kuti dzii akabva ati "Bianca dzokera
kwawakabva ndisati ndakufumura , ikozvino ndava
kuziva kwawakabva chaiko chaiko"

Bianca akabata Harleen nzeve achidzimonya


akabva ati

"You will not do such a thing, I am no longer the old


Bianca aisimbokutiza. Ikozvino ndava umwe munhu
akasiyana newawaiziva"
Hauna simba rekurwidzana neni Harleen, uchine
mukaka pamhino iwewe.

Dai uri umwe wadzokera kuvabereki vako uchiri


mutano kudai. Nokuti pahondo iyi hapana achamira
newe.

Harleen akaseka akabva ati "ndiri mwana mudiki


panyama asi pamweya ndiri muhombe. Ndiri
mwana wa Mwari inini ndakadiwa nedenga handina
hondo inondikunda"

Bianca akaridza tsamwa akabva ati

"Varipi Mwari vako vaunotemba navo , dai wakadiwa


nedenga wakatadza nei kusvinudza bofu riripedyo
newe iri."

Harleen akatarisa kuna mai vaAddie, akabva


atsinzinha maziso ake.

Bianca akaseka akabva ati

"Hahaha , tibvire apo hauna zvaunombokwanisa


kuita.

Let me tell you something , by the time i will finish


with you vanhu vese varipano ndipo pavachazoziva
kuti ndinonzi ani"

Akatanga kutorcher ma ziso ake akataridza kuna


Harleen. Iye Harleen akangomutarisa akabva
amusiya achiita zvaaiita akabva aenda pana mai
va Addie.

Achisvika akabata maziso avo akabva ati

"Makatendeka Jehovha Mwari, zviratidzei nguva


dzemadekwana ano hukuru hwenyu huoneke. Ishe
handina simba asi ndinokumbira simba rinobva
kwamuri. Muri Mwari wechirikadzi, nenherera
zvirema nemapofu. Ndimi baba vedu ende
hamutinyadzise kana tichivimba mamuri.

Svunudzai murandakadzi wenyu kuti nyika ikuzivei


kuti hamuna nhoroondo yekukundikana" akadero
achivhura maziso amai va Addie

Akatanga kuafuridza ese ari maviri.

Achipedza akabva "Thank you Lord "

Ndakanzwa mai va Addie vachi screamer nemufaro


vachiti "Thank you Jesus i can see"

Thank you Lord , i can see again


Vakatanga kuombera maoko vakati "Makanaka
Jesu , mbiri nerumbidzo ngazvipihwe kwamuri"

Vanhu vese vakanga vakangotarisa kwavaive


nokuti vaiita kunge munhu ava kurasika njere uri
mufaro.

Vakazonyarara vaona Addie akarara .Vakaenda


kwaari vatanga kumuzungunutsa vachiti "wake up
my son uone zvataitirwa ne denga. I got my
eyesight back , i can see now"

"Pliz my super star , wake up" vakadero vava


kutochema.

Bianca akavatarisa akabva ati "uyo achazomuka


ava kundopfutsira chitunha cha Harleen musiyei
akadero" aidero achifurudzira mhepo kuna Addie .

Harleen akamhanya akaenda pana Addie achida


kundomumutsa asi akarambidzwa na Bianca akati
"Not now! akatanga kukuma semombe."

Achiri mukukuma kudero , Harleen akabva


amukava bhutsu akati "dzokera kumakuva uko,
vona zvawaita baba vevana vangu.

Vakafa nevapenyu havambofe vakadyidzana.


Pakadero Harleen hana yangu yakatanga
kurova ,ndakatanga kufunga kuti zvechokwadi
Bianca angava chipoko here zvaanonzi adzokere
kumakuva.

Ndakadzungudza musoro wangu ndikabva ndati


"No hazvigone , Akash haangambondipe mwana
wake akafa kuti aroorwe nemwana wangu never i
trust my friend. Ndakatoona kuti Harleen kuda
kundivhundutsira chete.

Bianca akaenda kuna Harleen akabva ati "Ngakuve


kekutanga nekupedzisira, kunditaurira zvemakuva
unondinzwa!"

Harleen akarovanisa maoko akabva ati "what will


you do? Unoda kuzondinyudza nzara dzako
sezvawakaita last time kuti tiite zvipoko
takawanda , pandiri haubudirire mwanasikana"

Paakadero Bianca akabva ati "Ndinoda kumbokupa


chidzidzo muupenyu, punshiment yako ndichauraya
uyo aripamoyo pako. Next time uchadzidza
kuvhara gaba rako " aidero achienda pana Addie.

Achingosvika chete Harleen akabva amusundira


kure.
Vaviri ava vakatanga kukikiritsana ende pakariwa
zvakanyanya.

Bianca akazotanga kukuma semombe akanga


asingachaite zvekurova asi aitunga sebhuru .
Harleen akatungwa kusvika adonhera pasi akanga
ava kubuda ropa muviri wese. Aizama kudzosera
asi akapedzisira apfanyiwa muhuro zvekuti akanga
angorara asingadzosere.

Akatanga kuhwaira maziso ake kusvika amira,


akabva aavhura ndokuisa rurimi padivi kuratidza
kuti afa

Nguva idzodzo ndakatanga kusekerera, ndakafara


chaizvo zvisina akamboona. Bianca anga
andidzosera mufaro wangu wandakaguma kuva
nawo kare ,pachokwadi Harleen anga
andishungurudza.

Mai Addie vakaenda pana Harleen vakatanga kuisa


nzeve dzavo kuda kunzwa kana aifema ndakaona
vachibvapo vachimhanya vakabva vati "muroora
wangu kani! Harleen atisiya Olga iwe " vaidero
vachidzanha dzanha.
Vakaenda pana Bianca vakabva vati "Bianca uri
muroyi, wandiurayira muroora wangu ! God will
punish you denga hauripinde iwewe " vaidero vava
kuchema

Baba Tee nemukadzi wavo vakaenda pana mai


Addie "vatatu ava vakatanga kuchema vakaisa
musoro pamwe chete semakwai."

Hanzvadzi yamai Tee yakatanga kudzungudza


musoro wayo ,

akatanga kufamba achienda ku room kwake.


Mukomana wacho anongoita zvinhu zviri weird
hameno aindoitei ku room achisiya vamwe vari busy
kuchema.

Bianca akanditarisa akabva ati "The Job is done


Gono, Enda undotora chigero ubvise bvudzi rese iri"

"Harleen haafanire kupinda mu coffin nebvudzi


iri ,chipoko chake chinokurwisa ukaona moto.
Regedza ndimboshanda neimwe problem yaenda
uko iyo" aidero achiteera Rolix

Ndakangosekerera ndokubva ndati "thank you


madam " ndaidero ndichimhanya kundotora
chigero, ndaiita kunonomerwa nekuudza Jemedza
good news

Ndichisvika kuroom kwangu ndakangotora chigero


nekukurumidza, ndava kudzoka ndakanzwa Bianca
na Rolix vachiratidza kunetsana asi vaitaura
nemutauro wandaisanzwa .

Handina kuda kumirira kuvateerera ndaitoziva kuti


Bianca anokunda chete kana ambogona Harleen
hapana paangakundwa na Rolix zvake.

Ndichidzoka ku gedhe kwaiva na Harleen


ndakawanikwa Addie amuka akaisa Harleen
pamakumbo achichema zvakaipa.

Mai Addie vanga varara pasi vachiumburuka,


vachichema zvakanyanya, kufa kwa Harleen
kwanga kwarwadza chaizvo.

Baba Tee vaive busy kufona hameno wavaiudza


nezverufu rwa Harleen kuda ihama dzake. Mai Tee
vanga vakagara vakatarisana nemutumbi wa
Harleen misodzi iri ichichiruruka kunge rwizi
rwadira.

Inini ndakangomira ndava kushaya kuti ndogera


bvudzi ra Harleen sei iye Addie amuka.
Ndaitoziva kuti Addie haatendere kuti ndiswedere
pedyo naye.

Addie akasimudza musoro wake akanditarisa


akabva ati "Are you happy father? Mudzimai
wangu afa nokuda kwenyu! Ndimi makaunza
mwana wa Akash pano chionai zvazoitika"

Akatanga kuchema akabva ati

"mai Rocky pliz wake mukadzi wangu i can not live


without you babe. You are my oxygen , my life
partner , my everything wake up hun."aidero
achidonhedzera misodzi yake pamutumbi wa
Harleen

Inini ndakaenda paari ndokubva ndikati "Inzira yedu


tese mwanawangu tac a heart , umwe neumwe
anemufiro wake wotogamuchira kuti ndozviripo.

"Noo , i will not except kuti Harleen andisiya


never!" Akadero Addie achiwedzera kuchema.

Ndakamubata mafudzi ndokubva ndikati

" Ndafonera ve Doves kuti vazotakura mutumbi


wake , vaende nawo ku mochari .

Asati asengwa tinofanira kumugera musoro


hazviite kuti avigwe ane bvudzi rake rehucheche
iri ,zvinozopa munyama mumhuri yedu" ndaidero
ndichitobata vhudzi ra Harleen kuti ndiri undure.

Ndakanzwa kunge raicheka sejeka cheka asi


handina kuda kuzviisa mumusoro, ndakaramba
ndakabata kuti ndiwane kurigera sezvo ranga
rakakurisa raitoda kuti nditsvake pekupinza napo
chigero."

Ndakazonzwa ndakavirwa kwakadero, ndakacheuka


ndikaona ari Olga akabva ati "Mainini hamusi
kuzovagera bvudzi iroro , kana vachipinda mu guva
vachapinda naro. Addie , usabvuma mukadzi wako
achigerwa iwewe . Kana achigerwa achagerwa
nevabereki vake kwete na Gono"

Addie akaratidza kusazviteerera akaramba


achichema, aive busy nekuzama kumutsa Harleen
kumubvisa kuvafi.

Ndakatora mukana uyoyo ndika ignore kutaura


kwa Olga ndakabva ndadzokera nechigero changu.

Pandakada kundogera Addie akabva andimonya


ruoko akati "Siye kuchema munhu atisiya ,busy
nekuda kumugera bvudzi
what is so special pa bvudzi ra Harleen
chamunonyanya kuvavarira. Siyanai ne bvudzi ra
Harleen wangu, Olga is right kana mukadzi wangu
achigerwa achagerwa nevabereki vake ende ndine
feeling yekuti Mwari vachanzwa kuchema kwangu,
vachandidzosera Harleen wangu back"

Aidero achibata bata Harleen akabva ati

"Muka babe, i need you " aidero achiwedzera


kuchema.

Nguva idzodzo dzakamboita dzemariro vanhu


vachiungudza, ndakatoona kuti bvudzi ra Harleen
harigereki ndakafamba ndichienda kuna Bianca
ndaida kumuudza nezvekumuka kwa Addie.

Ndichisvika ndakawanikwa agara pachituro, Rolix


akarara pasi anoratidza kuti anga amuuraya.

Ndakanzwa kufara Bianca anga auya hot hot this


time, ndakangosvika ndikamuudza nezvekumuka
kwa Addie uye kundirambidza kugera bvudzi
kwaaita.

Iye akabva ati "Enda unogamuchira vauya


kuzotakura chitunha avo ,uvaudze vatumire imwe
mota nekuti zvitunha zvava zviviri inini ndichauyako"
Paakadero ndakabuda ndichimhanya ndichisvika
ndakawanikwa vakomana vandanga ndafonera
vasvika vakabva vasunda Addie vakati "Vauya
kuzosenga mutumbi"

Addie akatanga kuvarova achivaudza kuti Harleen


haana kufa mupenyu saka haana kwaanoendwa
naye. Ndakatoona kuti ndikasasimba Harleen
aisasengwa ndakabva ndaudza vakomana kuti
"vamurove netsvimbo nokuti arasika njere"

"Vakomana vakati hatikwanise kumurova nokuti ndi


Rockstar tingasungwa nemutemo, chatingagona
kumusunga nengetani tozomuendesa kuchipatara
chevarwere vepfungwa." Vaitaura vachitomusunga..

Vachipedza vachabva vabatirana Mutumbi wa


Harleen pavakada kumupinza mu Coffin
ndakanzwa voice rakati "One minute please"

Ndakacheuka kwanga kwabva neinzwi ndakaona


munhu wacho achideedzera achibuda mumota
akasvika akati "Muradzikei pasi ! Ko munoda kuisa
munhu mupenyu mu Coffin sei?"

Ndakaswedera pedyo na baba vaya vaitaura


zvekupenga ndikabva ndati "Ko imimi mabva nepi?
Munogoti Harleen mupenyu sei iye angova chando
chega chega"

Baba vaya vakasundira vakomana ve Policy


vakabva vati "Sei muchida kuisa munhu mupenyu
mu Coffin munoziva kuti ndinokusungisai here
izvezvi!"

Mumwe mukomana akati "Munhu uyu afa batai


munzwe kana body yake yatonhora." Baba vaya
vakabata Harleen vakabva vati angatadza
kutonhora here nemhepo iriko iyeye, chamunofanira
kuziva haasati anyatsosimba achangobva
mukutorwa humhandara hwake , ende akazvitakura
nenhumbu ine mazuva matatu. Ichangobata saka
inomupinzisa nechando" vaidero vachibata
Harleen musoro .

Nguva dzakataurwa zvenhumbu Addie akabva ati


"Babe Pliz ,muka uzadzise zvivimbiso zvako! Muka
nana 3 vedu kani"

Ndakada kuseka zvangu kuti Addie anomboshuta


ma films, baba vaya vakanditarisa vakabva vati "He
is right, uyu muzukuru wangu ende akatora ropa
ramhamha vangu vakabatsirwa nema triplets saka
kumhuri kwedu zviriko!"

Vakafamba vakaenda kuna Harleen vakabva vati


"Ko wada kurara murariro rudziiko nhai muzukuru
wangu , chiona wava kuda kuvigwa uri mupenyu"

Vakatanga kumuzungunutsa vakati "Prophettes !


Prophettes mukai" pavakadero Harleen akabva
ati atanga kuhotsira akati

"Sekuru T.J you are here" aidero achimuka


paakanga akaradzikwa achivambundukira.

Vacho vainzi Sekuru vakangonyemwerera vakati "ko


unondifambisireiko nehusiku muzukuru wangu,
inga unoziva zviripo ko wadirei kurwa panyama"

Harleen akatanga kuchema akati "I am sorry


uncle chete ndikatsamwa handigone kuzvidzora ,
where is my husband ?" Aibvunza achicheuka
cheuka.

Olga akamhanya akabvisa chain yakanga


akasunga Addie, paakangomubvisa chete Addie
akabva amhayira Harleen.

Vaviri ava vakambochema kwechinguva vari


pamwe chete. Addie akakotamisa huso ari pana
sekuru va Harleen akabva ati "Handizive
ndingakutendai neyi Archie Bishop handina
kumbobvira ndakaziva kuti muri sekuru va Harleen
ndichazouya kumba kwenyu kwakachena ndine
zvandinoda kunzwisisa pa profecy
yamakambondipa makare"

Bishop vaya vakabva vati "You are always


welcome kumba kwangu muzukuru inini ndava
kuenda "

Ndisati ndaenda ndinoda kukuraisisa kuti


usabvuma bvudzi remudzimai wako richigerwa
chero nani zvake nokuti ndiro rinomuchengetedza.

Addie paakaudzwa kudero akanditarisa neziso


rinotaura chaiko , akazogutsirira musoro akabva ati
" musatya Bishop wacho achada mugera mudzimai
wangu anofanira kutanga asangana neni first "
Aidero akanditarisa zvakare. Hana yangu
yakatanga kurova kosei Addie aiita kunge ane
zvaabatanidza zvee nhai veduwe.

Olga akaenda kuvakomana ve Policy akabva ati


"Imimi ibvai pano as you can see munhu wamanga
mavinga amuka , kamani! " aidero achivasundira
kunze kwe gedhi.

Bianca akatanga kudeedzera akabva ati


"Musavadzinga zvenyu basa ravo riripo"
"Meaning what Bianca , HARLEEN wawazama
kuuraya aripo uyu, saka vachadei pano?"
Akabvunza Olga

"Nokuti mutumbi wa Rolix wakavamirira mumba


umo !" Akadero achitaura akakwidza inzwi nokuti
aive nechekure .

Mai Tee vachinzwa izvi vakabva vangofenda ipapo


ipapo.

Harleen akaenda pavari akabva ati "Musatya


maiguru hakuna simba ra satani rinokunda ra
Mwari ,devil is a liar" aidero ava kuda kufamba
achienda ku room kwaive na Rolix

Bishop vakaenda paari vakabva vati

"Harleen usaita zvinhu zvako nehasha ndosaka


uchizokurirwa , tanga wabvunza denga usati
warwisa muvengi.

Mweya werima wasima Bomber muimba ina Rolix


ukangosvika pamukova chete iye arimo achabva
atsvira mumba imomo ozonyatsokufa zvekurevesa.

Vakasimudza bible ravo vakatendeka ku main


house vakabva vati
"Ndava kudeedza ruoko rwakamutsa Razaro
marimwe zuro, ndinoti ngaruuye rwumutse Rolix
right now!"

Harleen akatanga kutaura chimutauro chake


chema "bhuraka" achibetserana na Bishop.

Ndakazongoona Rolix achifamba kubva mumba


achiuya kwataive.

BIANCA akatanga kuti "How dare you T.J , mwana


wa Winstage Hrrrr" aidero achi screamer

Rolix akabva ati "Wazvigokera wega moto muziso


pawabata muzukuru wake , uchagara uri mumhepo
sezvo uri mhepo nechekare" aidero achito joiner
vamwe pamunamato.

Mai Addie , Addie wacho, mai Tee , na baba Tee


vakabva vajoiner pama prayers ndakaona neve
policy vogadzika coffin pasi vorovawo maoko
vachinamata.

Ndakangosara ndakamira ndiri ndega hana yangu


ichirova. Ndainyatso kunzwa kuti zvinhu zvangu
zvichafumurwa chete pakanga pasisina kumira
zvakanaka.
Bishop vakaswedera kuna Bianca vakabva vati
"Chisingade mweya we tsvina ku exposwa chete,
You evil spirit wakamirira kumwa ropa mukati
meimba ino

Be exposed right now by the power in the blood of


jesus, fire"

"Ndinotumira moto wedenga right now , fire!"


Dzokera kune akakutuma umuudze kuti pamba
pevanamati hapachagarika! Enda unonetsa
varikukutuma ivavo Hayayaya "

Vachidero umwe neumwe akanga ava


kungonamata , kana ari sa Addie mwana wangu
ndakamukangamwa kuti ndiye nokuti akanga
akakwidza inzwi kudarika vamwe.

Ndakanzwa Bianca ava kukuma semombe


akatanga ku lighter nzvimbo yese yataive, akabva
a screamer akanyangarika.

Nguva dzaakanyangarika inini ndakabva ndatanga


kufamba ndichida kuenda ku room kwangu

Ndakanzwa Bishop vachiti " Mr Gono"

Hana yangu yakabva yati bhaa...


Ivo vakabva vati...

Ndakanzwa Addie achiti...

End of chapter *22*

Pliz stay tuned tinzwe kuti "Gono " varikuzvifambisa


sei?
*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Pakaenda Bianca ndakanzwa Bishop vachiti "Mr


Gono ndava kuda kuenda , asi ndisati ndaenda
handizive kana mune zvamunoda kutaura , kana
kuudza vana venyu zvakavanzika especially
murume wemuzukuru wangu uyu"

Baba vakacheuka vakabva vatanga kukosora vakati


"Hmmm , hapana zvandinoda kutaura maita
zvenyu nekundipawo mukana"

Bishop vakavatarisa vakati

"Mune chokwadi here baba vangu ,


makasununguka kutaura chero chipi zvacho
mapiwa mukana na Mwari"

Pavakadero ndakabva ndatoenda pana baba


ndikabva ndati "Is the anything you are not telling
us father?" Ndaitobvunza ndakagumbuka nokuti
kubva zvakataurwa nyaya yebvudzi ra Harleen kuti
rinokosha, nemumanikidziro wavakamboita kuti
ndirigere ndakanyatsoona kuti baba vangu vane
zvavari kuvanza chete.

Ndakanzwa vachiti " I am sorry my son


nekukuvanzira zvimwe zvinhu, Bishop is right hongu
zviripo zvandinoda kutaura zvandaikuvanzira"

Mukoma Olga vakatomhanyira kuti

"Takupai nzeve dzedu" vakadero vachimira paside


neni. Inini ndakatanga kuhuta ndaingonzwa hasha
hameno sei ndakazorerukirwa ndanzwa baba vachiti

" Nyaya iripo ndeyekuti ndaizviziva kuti Bianca


might be dangerous asi handina kuda kutaura
nekuti ndini ndakanga ndakamuunza pano .
Ndakazova nechokwadi paakaita mudzimai wangu
bofu asi ndakanyarara. Nhasi paandituma kugera
HARLEEN ndangobvuma nekuti ndanga
ndichitomutyawo. Sorry mwana wangu
ndiregererewo" pavakadero ndakanzwa kurerukirwa
zvandanga ndafungira zvanga zvisiri izvo.
Ndaifunga kuti ndivo vakauraya vakadzi vangu haa
chokwadi kana zvanga zviri izvo ndaivagadzika
bhemba chairo.

Ndakavambundukira ndokubva ndikati

" aiwa musatya baba izvo zvatodarika , nemiwo


next time chizodzidzai chidzidzo. Chionai makarara
nemuroyi anamatirirwa nhasi aka disappear
zvichapa chimiro chipi kuvakadzi vedu uye kuna
mhamha."

Gono vakatanga kuchema vakati " Chirega kudero


Addie andizive kuti ndichatangira papi kukumbira
ruregerero kuna mai vako" ndakanzwira tsitsi baba
vangu vanenge vanga vatofuridzirwa mushonga
chete na Bianca kuti varare naye.

Bishop vakatarisa kwavari vakabva vati "Hazvina


mhosva mataurawo zvamunokwanisa "

Vakatora bible vakanditambidza vakati

"tora bible iri uritendeke mudenga , ndinoda kuti


udaidze mazita evakadzi vako vese vakashaika
uchikumbira kuti mweya yavo izorwisa uyo
akavauraya"

Pandakaudzwa kudero ndakabva pana baba vangu


ndakatora bible ndikatendeka mudenga pandanga
ndoda kutaura , ndakanzwa baba vangu vachiti
"Ee Addie mira nditaure zvaka..." vasina nekutaura
zvacho zvavanga vandimisira foni yavo yakabva
yaringer.

Ndakanzwa vachiti "Hello ...." aifona wacho


handina kumudzwa kuti aiti chii ndakazongonzwa
ivo vachiti " I am coming now!" Vaitaurira
pamusoro vachimhanyira kune mota yavo, vakabva
vato driver vakaenda.

Inini ndakasara ndikaita zvandanga ndanzi ndiite na


Bishop ndichipedza ndakaona Nyeredzi nhatu
dzichidonhera kuside reku Chendambuya
kumatongo kwedu.

Bishop vakatarisa mudenga vakabva vati "It is


done pangu ndapedza, inini ndava kuenda
musazokangamwa kusara muchinamata nokuti
wakaipa haana nguva yezororo. Chaanoita kutsvaka
nzira dzekukuvaraidzai kuti awane kudzoka
zvekare mamuri. Imimi sevana vaMwari garai
muchinamata wakaipa ngaatambire kure nemi,
ngaagare achiziva kuti pamuri hapasvikike pane
moto."

Ndakateerera mashoko a Bishop ndikamachengeta


muhana mangu

Ndakavatenda kasingaperi vakabva vati


"wototenda mwana wa mhamha vangu
andideedza, i hasha chete asi munhu akanaka
chaizvo. Chizondichengeteraiwo ruva remumhuri
medu nekudenga kuchakutendai"

Ndakanyemwerera zvangu ndikati "don't worry


Bishop ndichange ndinaro ruva renyu , remember
she is the mother of my unborn children's "

ndaitaura ndakatarisa mai Rocky avo vaive vakati


kwati pana Bishop.

Bishop vakabata matama avo vakabva vati "Ndava


kuenda vaMasinda mosara zvakanaka , garai
muchiziva kuti

hanzvadzi yenyu inokudai"

Pavakadero ndakashaya kuti zviri kufamba sei,


ndakatoti regai ndibvunze ndinzwisise ndakabva
ndati "Ko nhai sekuru sei muchiti Harleen i
hanzvadzi , muchimuti zvekare muzukuru i am little
bit confused"

Bishop vakaseka vakati "Hezvo mukwasha hatina


kukuona kumarooro woda kutoziva zvakawanda
wanda nezve mufamily medu"

Ndakaona kuti Bishop munhu akasununguka


ndakabva ndatotorawo mukana uyoyo wekutaura
zvandinoda ndakabva ndati "Sekuru ndimi maive
number one kusvina matumbu paroora
randakatumira , saka ndidairei apo ndisati
ndakurutsisai zvikafu zvangu zvamakadya.

Kuzodero Bishop vakanditarisa vakaseka vakabva


vati "gegege hakuna Mukwasha akadai regedza
ndikuudze ndisati ndabukuriswa chiropa naivo mai
Rocky ava ve violence"

Inini ndiri bhudhi va Harleen vana amai vedu


masisters.

Kumhuri kwedu ndini ndega mwana akakura akati


siyanei nevamwe. Ndaigara ndakanyarara nguva
dzangu zhinji, asi pakasvika muroyi ndaitaura zvese
handina chandaisiya. Vamwe vachienda ku church
inini ndaisazvifarira saka ndakazosvika
pakunemerwa ne family yese kuti ndiri sekuru
muchengetedzi wemusha.

Kubva ndine 5yrs ndichingonzi sekuru. Vanhu


vakazosiya kundideedza sekuru ndava kuenda ku
church , pandakakomborerwa na Mwari ndikava
Bishop ndakabva ndatanga kudeedzwa Bishop.

Izvozvo zvakakonekamwa ne mudzimai wako


akaramba achingondideedza sekuru namanje
anongoti sekuru haachagone kuzvirega saka
uchinzwa ndichiti ndiri sekuru uye hanzvadzi ya
Harleen zvavawo kwamuri "Mr Rockstar kuti
mondideedza zvipi"

Pavakadero ndakaseka ndikati "haa matsano


anombobhaiza dzimwe nguva at least sekuru
rinodikamwa nemudzimai wangu ndorinoita"

Harleen akauya kwandaive akabva ati "Thank you


my Partner"

Akatarisa kuna Bishop akabva ati "you see even


my husband supports me , you will always my
sekuru not my brother "

Bishop vaka smiler vakabva vati " but why Harleen ,


hazvisi fair asi "

Iye akaseka akati

"ndinokuitai sekuru nokuda kwe zvimitemo temo


zvenyu zvemadhara zvamunondipa kana ndikauya
kumba kwenyu.

Hee Harleen this , Harleen that, usazoita izvi blah


blah blah i can not stand it yooh sekuru Kaguvi
vanosara pasi chaiko" aidero Harleen achigadzirira
kutiza anenge akazviona kuti aida kudhonzwa
nzeve. Vaviri ava vairatidza kuva ma bests friends
chaiwo.

Bishop vakaseka vakati "Heya nyengerana


nemurume wako , musi wandichauya ndichironda
pfuma ndopauchaona kuti ndiri bhudhi vako bye
bye regai ndifambe ndakamirirwa kumba kwangu"
vaidero vachiseka vachienda kumota yavo.

Harleen akaseka akabva ati "Tiri pa safe side,


mbuya Harini vakatisiira list saka hamuihwine
nyaya yacho khulu " takazoonekana na Archie
Bishop uri mufaro wega wega .

Ndakazonyatsonzwisisa kuti mbuya Harini vairevei


pavaaiti Harleen ndi rich village girl.

Bishop Tashinga munhu ane zvinhu zvake , vano


leader church hombe kwazvo asi havadade munhu
akangokomborerwa na Mwari.

Vachienda takasara tikamboita midnight prayer


tikabva tazondozorora.

Ndakarara ndakagumbatira Harleen ndainyatso


kunzwa kuti murudo ndanyura kwete
zvekunyepedzera. Makuseni ndini ndakatanga
kumuka ndikabva ndamutsa vamwe kuti tiite
munamato wemangwanani. Tichipedza kunamata
moms vakabva vatiudza kuti baba havana kudzoka
madeko pavakabuda. Ndakazama kuvafonera asi
foni yavo yaisapinda zvayo.

Ndakaudza mhamha kuti vachauya zvavo kana


vapedza zvavakafambira.

Ndakatanga kuita busy na Rolix ku practicer sezvo


mazuva e concert anga ava pedyo.

Takashanda nesimba tichibatsirwa nemudzimai


wangu airatidza kuti zvekuimba zviri maari. Zuva
rekundoimba rakasvika pakukwana baba vasina
kudzoka.

Kunamata taisarega , takaenda kundoenda tiri 3


sezvo mukoma Olga vanga vakumbira kuenda
nesu.

Rwendo rwedu rwakafamba zvakanaka takafadza


vanhu zvekuti takasiya mbiri muChegutu.
Mari yedu takanga tabhadharwa kare saka
tichipedza takanga tisina chekumirira takabva
tadzokera ku Headlands.

Patakasvika kumba takawanikwa vamwe varara ,


mudhara vanga vadzoka ndivo vega vaive mu
sitting room vachiona T.V.

Ndakavabvunza kwavakanga vakaenda vakabva


vangoti vaive busy ne business , vaive nekamwe
kakutyisa kavaive nako asi sababa vangu handina
kuda kuvavhunduka zvangu.

Ndakangoenda ku room kwangu ndanga ndasuwa


mai Rocky vangu. Ndakawanika vakazvirarira
pandakangopinda ndakaona vachinditarisa vakabva
vatomuka vakati "ndanga ndakusuwa murume
wangu usazodero kuswera zuva rese ndisina
kumbokuona ritori dambudziko chairo" vaidero
vakaisa musoro paside .

Ndakaziva zvavaida semunhu ane munhu wake


ndaitoziva zvinoda umwe wangu.
Ndakangogadzirisa chikaranga chacho ndikaona
munhu nehope ndikabva ndaziva kuti zvaita.

Mangwana makuseni ndini ndakatanga kutoenda


ku prayer room , ndakabva ndatoshaura muka Jona
tinamate ndakaona team yangu rasvika. Takatanga
kunamata semazuva ose takati ndiri pakati
pekunamata takaona mudhara vachiuya kwataive
"Vachichema vachiti leave me, vaimhanya
vachikwenya muviri wese kunge munhu airohwa."

Zvakandinetsa kuti zviri kufamba sei nekuti inini


handina munhu wandaiona , ndakabvunza vamwe
vangu vakati havanawo wavaiona.

Ndakaenda pavaive ndokubva ndikati "Ndiyani


wamauri kuti akusiyei baba zviri kufamba sei?"
Vakandisundira kure vakabva vati

"you ruined my life Addie ,you will pay "

Vamwe vakati ndivasiye vakadero ndakaona


zvakanaka kuteerera vamwe vangu,

ndakangovasiya ndokutora mai Rocky vangu kuti


tindogeza.

Taida kugadzirira sezvo taida kuperekedza

Rolix ,anga ava kuda kudzokera ku Harare.

Hazvina kutora nguva kuti tipedze kupfeka,


tichipedza takabva taenda ku kitchen kundogadzira
breakfast .
Chababa takaisa mu Microwave sezvo vaisada
kudya vaingovhunduka zvaisanzwisisika kana vari
patiri.

Takadya breakfast yedu zvakanaka tichipedza


takabva taenda kumota kuti tiperekedze Rolix. Tava
kuda kubuda gedhi takashamiswa va Ncube
vachisvika , vaimbova muridzi weimba yedu
vakakumbira kutaura na baba. Takatombosiya
zvekuperekedza Rolix tikabva tadzokera mumba
nokuti va Ncube vairatidza kutsamwa chaizvo.

Ndakandodeedza baba vachisvika va Ncube


vakabva vapotsera brief case remari kuna baba
vakati "Mr Gono , sei makatora advantage
yekuchembera kwangu mukandipa mari ye fake
mari isingatenge!"

Baba vakasimuka vakabata Ncube cola vakati


"what nonsense are you talking about old man?"

Va Ncube vakasimuka vakati " ndiregedze


Gono ,ma U.s ese awakandipa ndakanga
ndakangomachengeta kuti ndizotenga tarakita
yangu yekurimisa kumapurazi.

Nhasi pandaenda ndichida kundoibhadhara ndipo


pandaudzwa kuti mari iyi ndeye fake. Ndapotsa
ndatosungwa memapurisa tora mari yako
undidzosere imba yangu pasina izvozvo i will
involve the Poris !"

Ndakasimuka ndikatarisa mari ndikaona


zvechokwadi iri yefake , ndaona kuti nyaya iyi
ikaenda kumapurisa baba vangu havaihwine
ndakabva ndati "Makaiwanepi mari iyi baba?"

Ndakaona vachitsenga tsenga rurimi ndikabva


ndaona kuti pane nyaya ndakabva ndatovaudza kuti
" vadzosere Mr Ncube imba yavo"

Gono vakandotora mapaper lawyer ra Ncube


rikavasainisa kuti imba haichaisi yavo vakapiwa 2
days yekuburitsa zvinhu nokuti Ncube vakati

"vanoda kutengesa imba yavo iri empty."

Ncube vava kuenda Rolix akabva abvunza kuti


imarii imba yavo.

Ncube vakataura price Rolix akabva atonyora


check akavatambidza akati "there you go, mari
muchandozvitorera mega ku bank."

Lawyer akatarisa check akaona risiri re fake,


akabva atora mapaper akatambidza Roxie.
Rolix akagamuchira akatambidza Olga akabva ati
"this is your gift mukwasha yekugona kumira
nemwana waamai vangu nguva dzese. Imba ino
ichava yako nemhuri yako. I Will open a hardware
muno mu Headlands yenyu motanga business
zvekugara zvapera nhasi"

Mukoma Olga nemukadzi wavo vakapfugama


vakatanga kuchema vachitenda Rolix, inini
ndakaona kuti handingakurirwe na Rolix ndakabva
ndatora ma keys emota yangu isina chero mwedzi
miviri ndaitenga ndakavatambidza nemoyo wangu
wese ndikati "munhu wa business man haazoende
kubasa netsoka mukoma ,mota yangu iyo torai ive
yenyu" pandakadero baba vangu vakabva vati
"What??"

Harleen akaseka akati " awwwe, kuzarurirwa


nedenga baba minamato yavo yanzwika imimi
muchiti hakuna Mwari vamwe vachito
komborerwa ."

Inini zvangu ndaramba kukurirwa na daddy Rocky


ndinoda kupa Maiguru mai Tee phone yangu iyi,
inodhura kudarika mota musaishoora zvenyu
muchiiona yakadai vanhu takaseka zvedu nokuti
taive nemufaro. Phone ya Harleen yaisadarika
mari ye mota asi yainanavira ndakatoshamiswawo
nerudo rwake mudzimai wangu nokuti foni
yakadero haisi yekungopa munhu njee kuti tora.

Imba yakaiswa zita ramukoma nemhuri yavo. Mr


Ncube vakazotorana ne lawyer ravo vakabva
vaenda. Ndakaona Gono vachitsikitsira pasi inini
ndakaenda pavari ndikati "baba hazvina mhosva
maramba zvenyu kutaura kwamakawana mari ,
ndava kuchikumbira kuti mugamuchire Harleen
semuroora wenyu. Ndaingoitira kuti ivo
vakanzwanana nemudzimai wangu ndinozokumbira
Harleen kuti tivatengere imba yavo chero
maRusape or kwa Mutare manje ndashamisika
vachiti "never , I won't except Harleen as my
daughter in law."

Pavakadero mukoma Olga vakabva vati " Fine


chitotangai zvenyu kututa mbatya dzenyu
muchidzibvisa pamba pangu pano , dziendesa ku
Chendambuya."

Paakadero ndakamborwadziwa asi ndakazofunga


kuti baba vakaoma musoro, vakaenda kuruzevha
vaizodzidza chidzidzo chete.

Baba vakasimuka vakatarisa mukoma vakati "Olga


une chokwadi chekudzinga baba vako iwewe , you
will suffer " vaidero vachitofamba kuenda ku
bedroom kwavo vakadzoka vakabata chi suitcase
muruoko.

Vakaenda kumota vakazama kuimutsa ikaramba


kumuka vakabva vatanga kufamba vachienda.
Pavakangosvika pa gedhe mota yakabva yatanga
kubuda chiutsi ikabva yatanga kubvira.

Gono vakakandira chibhegi pasi vakauya kwataive


vakati "pliz Olga allow me to stay here, ndikaenda
ku Chendambuya they will kill me " vaidero vava
kudzana dzana vachitanga kukwenya.

"Ndisiyei kani !" Vakabata nzeve vakati


"Nyararidzai vana venyu" vaidero vachitsokota
nzveve dzavo vachidzana dzana

Olga kaenda pavaive akabva ati

"Easy hapana vana varikuchema apa "

Baba vakatanga kubvisa maoko munzeve mbichana


mbichana vakati "What is happening to me ? Do
you think i lost it..."

Olga akaseka akati

"noo baba hamusati marasika njere muchiri normal


chinzwai nyaya iripano,ndagara ndichitodawo
kutsvaka gate man saka zvamada kugara
muchange muchigara ku cottage uko
muchindivhura gedhe . Kana mukadzi wangu
nevana vachibuda netsoka dzavo kuenda ku market
munofanira kuvavhurira zvekare hameno kana
muchizvikwanisawo?" Vakabvunza

Nguva idzodzo ndakanzwa kurwadziwa ndakaenda


kuna mukoma ndikavabvunza kuti ndeyipi yavava
kuda kuitira mudhara.

Mukoma vakandizevezera vakati "siyira zvese inini


mwana mai , kuona kwangu mudhara vedu vane
zvavari kuvanza zvavasingade kuti tizive chete.
Pavanzi vareurure na Bishop vanenge vasina
kutaura chokwadi paya.

Vona mari yefake yavadzoserwa iyo plus mota


yangotsva zvisina tsarukano. Izvezvi varikungoti
leave me kunge munhu ariku attakwa.

Vakanyatso rwadziwa vachataura chokwadi chete.


Imwe nyaya sei vachiramba vachivenga mainini
Harleen munhu akazvitakura nevazukuru vavo
vatatu vese something is Fishy , vhurai meso baba
nhanha"

Ndakanyatsodzeya mashoko amukoma vangu


ndikabva ndaona kuti vari right. Gono vakabvuma
kuenda ku Cottage vakati havana choice.
Vachienda inini , mai Rocky na Rolix takabva
tazooneka tava kupinda mumota kuenda ku Harare.
Ndakaudza vanhu kuti ndichamboita week rese
ndiri kudhorobha nemudzimai wangu. Mhamha
vakaenekana nemuroora wavo. Maiguru mai Tee
vaive busy nephone vachidzidzisana nemurume
wavo vairatidza kunakirwa nehupenyu hutsva
hwavanga vava kurarama. Ndakafara kuona
mufaro pachiso chemwana wamai vangu.

Rolix akazo driver mota tikabva tananga


kudhorobha ndaitononokerwa nekuti tisvike
ndiratidza mai Rocky zi mansion ravo.

End of chapter *23*

Help Gono neminamato guys chakakala gegeggege


i wonder chii chiri kuitika mu life make.

Stay tuned phone handisati ndatenga mari haisati


yakwana saka musanetsera book.

Netserai pekuisa mari ku inbox kana ndangowana


mukana wekupinda pa App ndinenge ndichikudairai
ndatenda.
*BETRAYAL* https://chat.whatsapp.com/
LRIVolMEBIuBgKNF6yPM5C active link

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Mr Akash*

Kubva zvandakasangana na Gono upenyu hwangu


hwuri kunyatsoendeka. Chipoko chemwana wangu
changa chandishungurudza asi Jemedza akamira
mira chaizvo akawana kwekuchiisa .

Finally ndava kuchibatawo mwana gore rino.

Mari dzekupfuma neropa unombodya asi unenge


washungurudzika. Pandakatanga kuziva Jemedza
ndakamupira nyaya yangu kuti nhamo yandisvuura
akabva ati ndiuraye vabereki vangu kana
ndichichida kuti zviite.

Semunhu aifamba nemanyatera achitodawo


bhasikoro handina kuda kuzesa ndakavauraya
pasina kana kutanga ndambofunga. Vachingofa
ndakabva ndatangawo kuita mari asi yaisave
yakawanda zvayo. Jemedza akati ndiuraye zvekare
mwana wangu umwe chete wega wandaive naye .
Ndakabva ndauraya Bianca ipapo mari yakabva
yatanga kumuka irimo mumba zvekuti
ndakakwanisawo kutenga mota neka 3 roomed
kangu maRusape. Mai Bianca hameno
vakazozvibatanidza sei kuti ndini ndakauraya
mwana wedu vakabva vati vava kundoudza hama
dzese ndakaona kuti ndikapusa inofa kwangu
ndakabva ndangovapfuudza. Kufa kwaiita vanhu
nemariwo yaiwedzera kuwanda zvekuti
ndakazopedzisira ndatenga imba hombe.

Pane vese vakafa Jemedza akagona kuitsipika


mweya yavo, kuti isandimukira asi wa Bianca
wakaramba zvachose uyo wakandishungurudza.

Ndakamuuraya achiri musikana asina kumboziva


murume saka mweya wake wakaramba
kuvharirwa , aitova nehasha dzekurevesa zvekuti
ndaimuka achitoda kurara neni baba vake.

Jemedza aindiudza kuti ndikangorara nechipoko


chake chete , achatobata nhumbu yaanozozvara
chitokoroshi icho chichazondiuraya .

Akandiraisisa kuti chero zvikaita sei ndisabvuma


kurara naye nekuti shuviro yake iye ndeyekungonzi
mai saka nhumbu achatoibata chete.

Ndichinzwa izvi ndakazviudza kuti ndichatongwarira


kuti ndisarara na Bianca ndaitofanira kumutsvakira
murume.

Sezvinei ndakabva ndazoitawo lucky


ndokusangana na Gono. Mudhara akandiratidza
kuda zvinhu iyeye aingoti kwati kwati neni kana
ndikaenda kuma village kwavo kundotenga donje.
Aigara achiyemurira mota dzangu, upenyu
hwandinorarama kuzosvika akumbira kuti
ndimudzidzise kupanda mari.

Ipapo ndakafara , ndakatomhanya kuna Jemedza


ndichisvika akangobvunza zita ndikamuudza
akabva atanga ku searcher Gono kuti munhu
akaita sei akabva andiudza kuti "Munhu wauri
kutaura nezvake kutambura kwake ndekwenguva
shoma chaizvo, akaropafadzwa akapiwa mwana
anechipo chekuimba zvekuti mwana wake iyeye
achamuitisa mupfumi"

Akaenderera kumberi achiti

Gono uyu achaita mari yakasviba nekuda


kwemwana wake , inguva shoma chete
arimurombo asi ruoko rwake rwakaropafadzwa na
Mwari.

Pandakanzwa kudero ndakanzwa chikodo pahuro,


kuti zvokwadi inini ndakaita mari nokuda
kwekuuraya mhuri yangu umwe munhu
ozongofuma pasina kuteura ropa never !
Ndakazviramba izvozvo.

Ndakabva ndatoona zvakanaka kuudza Gono kuti


kana achida kuita mari anofanira kushandisa
Addie.

Ndaiziva kuti Addie ndiye atakura hupfumi hwese


hwekwa Gono , saka akafirwa nevana uye
tikazomupa Bianca Gono pake panenge
pamuperera.

Gono nekuda zvinhu havana kumboramba,


vakatondiudza kuti chavanongoda imari ndanonoka
ndisati ndataura . Ndakaseka zvangu ndikati
kumwe kupusa so.

Ndakatanga kuenda na Gono kwa Jemedza


kusvika ava kuitawo zvimari ndaiona mufaro mukuru
pachiso chake. Chaasina kuziva ndechekuti
panodeuka ropa rekwake inini ndini ndinowana ma
shares akawanda. Paakazoenda ku Headlands
ndakabva ndatomupa Bianca kuti inini
ndichizororawo.

Bianca anga andishungurudza nokuti ndanga


ndongoti ndikawana mukadzi achingoita nhumbu
ine 3 months aibva amuuraya , vakadzi vese
vakapera kunditiza.

Paakazoenda kwa Gono ndakabva ndaroora


mukadzi , ikozvino atova mu 9months zvekuti
anytime ndiri kubatawo mwana.

Gono akandiudza kuti akazorara na Bianca kuitira


kuti asazoenda kune vamwe varume sezvo Addie
ainonokz

ndakangoseka zvangu, nokuti ndaiziva kuti Bianca


pachangozvara chitongwana chake Gono anotofuga
rake ega.

Jemedza akanga akamunyepera kuti Bianca


haafanire kurara nemumwe munhu asiri wekwa
Gono , iye haana kuziva kuti aizviitirei chokwadi
ndechekuti tiripo pakuparadza Gono. Takaona kuti
Bianca akandotakura chitongwana neumwe munhu
anobva auraya kunze ikoko osiya Gono.

Saka takaziva kuti mwana wa Gono akarara naye


kana iye Gono wacho ese anenge achingori
machena. Ko ndinebasa naye here, iye
akamuudza kuti munhu ukaita hushamwari naye
chiteedzera nzira dzaanofamba nadzo ndiyani
Gono handisati ndapedza naye.

Pandakatoona oda kukumbira ruregerero

ndakangomuudza kuti kumba kwangu handide


kumuona aifanira kusatomboziva nezvekuti Bianca
chipoko kusvika afa akanyanya kudzima
zvakanyanya.

Ndizvo zvinoita kuchiva upenyu hwevamwe vanhu


ikoko.

Dai akamirira nguva yaanga akanzi azoita mari


ikozvino mwana ava Rockstar angadai ava
kungodya mutambara tede ruchiva rwunoparira.
"Hahaha regai ndiseke zvangu at least inini handina
kuchiva munhu ndakakumbira Jemedza kuti
andiitise mari ndosaka ndava nedzimota hobho uye
imba hombe ma Rusape."

"Ndiyani asingazive nezva Akash , the Billionaire i


am so proud of my self " ndakatanga zvangu
nyemwerera ndakatarisa mudenga ndichifunga
nyaya dzangu. Ndakazobviswa mundangariro na
madam avo vakati

"Ko nhai daddy , ndanguva ndati ndiri kuda Juice


asi hamuna kundidaira kwakanaka here?" aibvunza
mukadzi wangu achifamba kuuya kwandaive

Ndakamhanya ndikamubata ruoko ndikati


"Becareful , ko wadzikire wega watadza
kundideedza ndikakusimudza here.

Wava kuda kundikuvadzira mwana wangu manje


hauone kuti wakurirwa here iwewe ?" Ndakadero
ndichimhanya kumugadzika pasofa.

Iye akaseka akati , asi nhumbu yacho iri mutsoka


here zvekuti ndingatadze kufamba ndega.
Ndanguva ndadeedzera kuti ndiri kuda Juice asi
ndaona kuti pfungwa dzenyu dziri parefu chaizvo
ndosaka ndadzika ndega.

Ndakaseka ndikati "Don't mind me hun, ndanga


ndichifunga kuti mwana wedu tichamupa zita rekuti
chii regedza ndinokutorera Juice " ndakadero
ndichimhanya ku fridge.

Ndichisvika ndakanzwa kunge munhu aichema ari


ku seri kwe door, zvakandinetsa kuti angava ani
handina kuda kuzviisa mumusoro. Ndakangodira
Juice rangu ndikaenda naro kuna madam.

Ndichisvika ndakashamisika vava kutomwa juice ,


apa vachipuridzira dumbu ravo.

Ndakamhanya kwavari ndikati "Ko Juice wapiwa


nani inga ndanga ndichiuya naro wani"

Iye akakutura glass akabva akagadzika pasi akati


"Handi matuma naro nemusikana here?" Ndiye
andipa

"Musikana upi ?" Ndakabvunza ndava


kutovhiringika

Ndakanzwa iye achiti "musikana wedu webasa ka


nhai"

Paakadero hana yangu yakarova nokuti musikana


wedu anga andorara kare sezvo kwanga kwatoka
ende haarare mu main house ane room yake
kunze.

Zvakandinetsa kuti musikana arikutaurwa namai


mwana ndeupi.

Ndakamhanya ku door ndichideedzera "Vongie!"


Ndozita rake
Ndaitoda kunzwa kuti anga azvifambisa sei nokuti
ndanga ndisina kumuona , ndichingoti pa door
ndakanzwa mukadzi wangu ava ku chema
zvineruzha. Ndakadzoka ndichimhanya ndichisvika
ndakarohwa ne hana ndichiona Bianca akabata
mwana wangu mumaoko , ende mukadzi wangu
anga afa.

Ndakatanga kuchema ndichimhanya kubuda


mumba, ndakananga mu mota . Ndakanzwa
Bianca achiita ruzha arimo mumba mangu
achiseka zvekuvharisa imba yese.

Ndakango driver ndakananga kwa Jemedza


ndichisvika pagedhi ndakaburuka ndokubva
ndakatanga kumhanya ndakanzwa ndatuzwa
nemunhu airatidza kumhanyirawo kundoona
Jemedza.

Ndakamuka pandanga ndadonhera , ndichizama


kusunda munhu uya kuti nditange inini kubatsirwa
na Jemedza.

Ndakasvotwa chaizvo ndichiona ari Gono anga


andidhuma, handizive ndaizoitanga sei nyaya
yangu nokuti ndaisada kuti Gono vazive kuti Bianca
chipoko ende adzoka mumusha mangu.
Ndakangomutarisa ndikatanga kufamba, iye
akatevera achimhanya kundipindira.
Ndakamhanyawo sezvo ndiri ini ndaida kutanga
kusevhewa . Ndakanzwa Jemedza achiti easy
ndinokubatsirai mese.

Iwe Akash dambudziko rako ndariona harisi hombe


zvaro.

Ndakatanga kuhuta muviri wese ndichichema


ndikati "unoreveiko Jemedza kana uchiti
dambudziko harisi hombe inini ndafirwa nemukadzi
plus mwana izvezvi " Jemedza akaseka akati
zvitsva here Akash kufirwa nemukadzi.
Chaunofanira kuziva ndechekuti kufa kweumwe
kunouya umwe . Tora mushonga uyu unondouisa
mumvura wokusha chivanze chese uye mumba
mese ndinoda kuti mhepo iyo idzokere
kwatakairaira kuti igare.

Ndakangogamuchira mushonga uya asi ndainzwa


kutya mandiri. Spirit ya Bianca iri very dangerous
i wonder Gono anga agona sei kuidzosa kumba
kwangu. Kuti ndimubvunze zvaisaita ndaitya kuti
anozozvibatanidza akamhanyira kundoudza vana
vake chokwadi chese chaakaita ende akangotaura
chete, ma 1 ese anenge asarira inini .
Ndakaramba ndakanyarara ndakamirira Jemedza
kuti achindiudza kuti ndiende.

Gono vakada kutaura vakabva vanzi "iwewe


uchambogara pano zvimazuva, dzako hondo
ihombe nekuti wakabvumidza kuisa vanhu
vanodeedza Mwari mumba mako.

Nhamo yese yatiri kuona iri kukonzerwa newe


ndakakuyambira zvichambotanga asi wakanditora
sebedzi. Ndichaona kuti ndokuitira zvipi kuti
tikunde hondo yamira kumba kwako uko.

Kana zvikaramba ndichauya ndega kuzoirwa


hondo yacho ndimene , nokuti vana va Addie
vaakasima mudumbu remusikana uyo havafanire
kuzvarwa.

Tambo iya wakasungirira muchiunu handi?"


Akabvunza Jemedza

Gono vakabvuma nemusoro asi airatidza kutya .

Jemedza vakati "usaita mistake yekuidambura


kana kurega umwe munhu achiidambura unofanira
kugeza uchiikwesha nedombo kuti izokwanisa
kudambuka yega. Musi wainodambuka nhumbu ya
Harleen ndipo paichabva inini ndipo pandichauya
kumba kwako kuti ndizomuparadza. Vese vachange
vasina simba rekunamata vachange vari busy
kuchema vana saka ipapo ndinoihwina chete"
akadero Jemedza achisekerera

Ndakaona Gono achibata hana zviya zvekuti at


least ndararama.

Inini ndakabva ndanzi ndichidzokera ndisiye Gono


achishandirwa, ndakapiwa mavhiki maviri
ndisingasvike pamba pa Jemedza. Handina
zvangu kuda kupikisa semunhu anga apiwawo
something.

Ndichisvika kumba ndakaisa mushonga wangu


mumvura pandanga ndava kuda kuukusha
ndakaona Bianca achinditorera chidish chiya
akabva atora mushonga uya akandourasira kunze
kwe gedhi

Akadzoka akatsamwa akabva andikwiza mbama


yekuti ndakaona nyika kutenderera akabva ati

"Tanga wandoudza hama dza mhamha vangu kuti


ndiwe wakauraya mwana wavo!" Kana wapedza
woudza vanhu vese vanokuremekedza kuti hupfumi
hwaunahwo wakahwuwanepi pasina izvozvo
hauwani rugare pamba pano!
Waiti wakandigona ukandiendesa kwa Gono, aiwa
wadzva nokuti ndadzoka.

Ndichange ndinewe ndichiona every movement


yako ndakamirira kuti mazuva angu ekusununguka
akwane ndidzokera kwa Gono ndimbondoranga
musha wese.

This time handina tsitsi, ndichauraya munhu wese


ari against inini.

"Handitye kuuraya nekuti neniwo ndakatourawa


kare. Gore rino ndichadeura ropa rakawanda
kwazvo vanhu vazhinji vanofanira kurasikirwa
nehupenyu sezvandakaita inini"

"Pandichazozvara my special son mweya wangu


uchazorora. Iye ndiye achange achienderera mberi
neku revenger kufa kwangu , achauraya ropa rese
risina mhaka." aidero achifamba kuenda pa couch
akasvika akagara akabatidza T.V akatanga kuona

Ndakamhanya kutarisa mukadzi wangu pandanga


ndamusiya ari ndichienda kwa Jemedza ndakaona
asisipo. Bianca akanditarisa akabva ati "Don't
worry ndandosiya mutumbi wake kumba kwavo.
Mangwana makuseni vabereki vake varikumukira
pano" aidero achiseka akabhara 4 achimwa
zvaaimwa izvo zvandisina kuda kutarisisa kuti zvinyi.

Ndakangomusiya ndikaenda ku room kwangu ,


ndakasvika ndokurara negotsi ndakatarisa
mudenga ndainyatso kunzwa kurwadziwa nerufu
rwemukadzi wangu.

Handina kuona kuti ndakazobatirwa nehope nguvai


ndakazongovhundutswa na Bianca anga akwira
pamusoro pangu. Ndakazama kumubvisa asi
ndakakundikana akanga anesimba rakawanda
kwazvo. Bianca akatanga kurara neni akazondisiya
utunga hwotanga kutsvuka . Ndainyatso kunzwa
kuti zvinhu hazvina kundimirira zvakanaka zvombo
zvangu zvanga zvazvimba. Ndakanyatsoona kuti
Bianca haana tsitsi ndaitofanira kutaura na
Jemedza andiitire plan.

Achingobuda ndakambosara ndikarara ,


ndakazomuka late ndichienda ku kitchen kuti
ndibike something chekuti ndidye sezvo Vongie
anga andiisira msg yekuti aenda kumba kwavo mai
vake va rwara ndakatoziva kuti mabasa a Bianca
ndiye anga amudzinga chete.

Ndichisvika ndakashamiswa mumba muchipenya


kuratidza kuti anga a cleaner , chikafu changa
chabikwa chakatovharirwa makanaka.
Ndakangochitora ndikakuturira kubin hapana
pandaizombotya chikafu chechipoko ndichiziva
never!

Pandakanga ndoda kuti nditange kubika Bianca


akatanga kutaura ari kuseri kwe door akabva ati "
don't you dare! Zvawarasa chikafu wotoswera nayo
nzara"

Handina kuda kumupikisa ndakangobuda mu


kitchen ndikaenda kunogeza, ndichidzoka ndaida
kumborova zvi round kuti zvinwe ndingawana
chekundodya pandakati pa gedhi ndakaona hama
dzemudzimai wangu dzakazara panze.

Vaida kutonzwa chakanga chauraya mwana wavo,


ndakavasiya vachidya maratya pandakazoona kuti
hasha dzavo dzaserera ndakabva ndavaudza kuti
mwana wavo akabva pamba pangu zvakanaka
achiti arikundovaona chakazomuuraya handichizive.
Ndakatanga kutobata baba vacho cola
ndichivaudza kuti ndoda mukadzi wangu.

Ndakaona vese vachitarisana ndikabva ndaziva kuti


ndabudirira vakazokumbira ruregerero vakati
ndivabetsere kurongazve funeral. Inini mari
mapaper saka kuronga funeral chinhu chidiki
kwazvo. Ndakangovapa mari vakabva vandoviga
mwana wavo vega.

Ndakazogara vhiki yese Bianca


achindishungurudza. Ndakafonera Jemedza
ndichimuudza situation yandaive na Bianca iye
akandiudza kuti "Munhu umwe chete anokwanisa
kundiyamura kudzosera Bianca kumakuva ndi
Gono"

Ndakamubvunza kuti azondibetsera sei akabva ati "


ndinofanira kuuraya Gono, ropa rake ndo maker
shuwa kuti ndarimwisa Bianca. Once Bianca
angomwa ropa rababa vechitongwana chake
anobva angoparara ipapo ipapo. Anodzokera
kumakuva haazofe akadzoka zvekare "

Ndakaudza Jemedza kuti kuuraya Gono haisi


nyaya hombe anourayika nyore asi dambudziko
nderekuti kana akafa , Bianca anozobvuma here
kumwa ropa ra Gono.

Jemedza akaseka akati

"siira zvese kwandiri iwewe ita plan yekuuraya Gono


chete wobva waziva kuti matambudziko ako ese
apera" ndichinzwa izvi ndakanzwa kufara.

Ndakaenda kwa Gono ndikamuwanikwa akagara


pachituro. Pandakaridza huta ndiye akamhanya
akavhura gedhe. Ndakashaya kuti zviri
kumbofamba sei nokuti akanga akapfeka mapata
pata ane akasungwa newire. Apa trouse rake
rakanga rakabooka magaro ese.

Paakandiona akafara chaizvo akandirondedzera,


kutorwa kweimba yake, kutsvirwa nemota uye kuva
muvhuri we gedhi pamba apa.

Ndakada kuseka asi ndakaona kuti nguva yacho


yaisave yekuseka. Ndakangomusimbisa kuti
zvichanaka chero ndaiziva kuti ndaida
kutondomupedzisa kuti zvindinakire inini.

Takazomboita nyaya , Olga nemukadzi wake vaive


busy kutamba bhora nevana vavo vachifara . Asi
maziso avo aive kwatiri nguva dzandakazoti Gono
andiperekedze ndakanga ndatonyorera msg vanhu
vandaida kuti vazogura musoro wake.

Iye akabvunza kuti tiri kuenda kupi ndakabva


ndangomunyepera kuti tiri kumbondofurwa
nemhepo tichimwa madrinks. Ndakaona achindi
huger akabva ati "Thank you my truly friend you
really care for me , handizive kuti ndingakutenda nei
chaizvo" aidero ava kutoda kubuda musodzi.
Ndakangoti nechemumoyo , true friend mwana
wako kwete inini ! Aisatondiziva zvakanaka
murume uyu.

Ndakazopinda mumota iye achiteera paakada kuti


gumbo pa door ndakanzwa voice ra Olga richiti

"And then!" Aideedzera achiuya kwataive.

Akasvika akadhonza Gono akabva ati hakuna


kwaunoenda mudhara unoda kusiya basa nani?
Hamudye sadza remahara ka pano apa imi
mukabva pano achavhura gedhe ndiyani?

Nguva idzodzo ndakanzwa kututuma nehasha ,


ndakaburuka mumota ndikabva ndaudza Olga kuti
asiye baba vake vaiite zvavanoda.

Iye akabva ati " Akash hautonge pano , unotonga


ku mansion kwako uko. Siyana na Gono ari pa
basa hakuna kwaanoenda. Basa rake harina Off
ndozvatakatenderana saka usafunga kuti ungawana
mukana wekumutora ."

Paakadero ndakabva ndati

"Hey Olga ! Usakangamwa kuti Gono ndibaba vako


kuti uve zvauri izvozvo ndivo. Sei uchivarambidza
kubuda neni. Inini shamwari yavo yemakore"
ndakadero ndichitaurira pamusoro kuti zvimwe
anganditya.

Ndakaona Olga ava kundisundira mumota yangu


akabva ati "Get out ! and never return to my house
" aidero achivhura gedhe kuti ndibude . Ndakaona
Gono vava kutofamba kundogara pa bench
vasingaite nharo

Ndakanyatsoona kuti chidhara chava kutongwa


nemwana kuti ndiite nharo zvaisaita
ndakangozviudza kuti ndichamubata chete Gono
zvaava gate man ndaizotuma vanhu vanomu
kidnapper chete inini handipererwi nemaplans.

Ndakadriver mota yangu ndikabva ndaenda kumba.


Semazuva ese Bianca aingondionesa chitsvuku
achirara neni paadira apa asingaburuku zvekudero.
Izvi zvaindipa pressure yekutsvaka way yekuti
ndikwanise kundotora Gono ndimuuraye.
Handingamborwadziwe neupenyu solution ndinayo
zve inini. Ndakagara mazuva matatu ndabva kwa
Gono ndakatuma munhu kuti andonzwisisa kuti
Olga anobuda nguvai pamba apa.

Ndakafara ndichiudzwa kuti makuseni ega ega


anobuda kuenda mu growth point paari kugadzira
kuti avhure Hardware. Harleen na Addie vainzi vari
Harare saka pamba panongosara iye Gono
nevakadzi. Ndichinzwa izvi ndakafara ndakatanga
kutsvaka vanhu vandaiziva kuti vaizokwanisa
kutaura Gono kuuya naye ku base. Ndichingowana
boys randaivimba , ndakabva ndaripa mari
ndikavaudza zuva randaida Gono. Ndakatovaudza
kuti handide ma stories

Musi wandaiziva kuti Gono achandotorwa


ndakamukira ku base ndokubva ndagara ndiri
ikoko. Vakomana vangu ndakavafonera
vakandiudza kuti zvese zvakarongeka ndakabva
ndamirira kuuya kwavo .

Akazoti ava masikati sikati ndakaona vava kuuya


vakaremberedza Gono ipapo ndakabva
ndangobudikira ndikati "Manonoswa nei chaizvo
ndangova ndamirira"

Umwe wevakomana akabva andiudza kuti "Kune


musikana anga achiratidza kunyumwa chaizvo anga
achingoto gare gare ouya ku gedhe saka mukana
wacho wanga uchishaikwa.

Zvakandinetsa kuti musikana wacho angava ani ,


sezvinei ndakazongoti chakakosha ndechekuti
vazobudirira ndakabva ndati vavhure Gono kumeso
uyo aingochema.

Gono achivhurwa akabva ati

"You Akash , chii chaizvo chandakakutadzira


zvekuti ungada kundiuraya..."

Paakadero ndakaseka zvangu ndokubva ndikatora


banga rangu ndikatendeka pahuro pake ndikati...

End of Chapter *24*

Stay tuned thanks ne support vatsigiri.

Ko Gono achapapuda here apo.?

Kana kune varikuchiva upenyu hwevamwe vanhu


ibvai kunzira idzodzo , chionai Poor Gono ava kufa
asina kana kumbo enjoyer upfumi hwacho

muupenyu tenda nezvawakapiwa na Mwari kuti


urege kupindana nenjodzi.

Anzwa dzidziso Amen


*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Tichisvika ku Harare , Rolix akabva atomhanyira


kumba kwake aiti anoda kusanganisa mari agoenda
ku Dubai kundohodha mafoni. Mukomana wacho
akangwarira kana tisiri kuenda ku show anenge ari
busy kuita zvema phone , akavhura shop hombe ye
foni chete mu Harare.

Anondozvitorera ega ku Dubai nemutengo


wakaderera ouya achitengesa nemari iri pamusoro
zvekuti anoita profit yakawanda chaizvo.

Inini nemudzimai wangu takabva tananga kumba


kwedu. Tichisvika mai Rocky vakafara chaizvo
vachiona imba yavo.

Takazoita busy kugadzira mumba medu tichiisa


furniture yaienderana ne colour yavaida.
Tichipedza takabva tamborova zvima rounds apa
tanga takachena zvekurevesa. Takapfeka hembe
dzamamecha kubva mumusoro kusvika kutsoka.

Taingoti pese patasvika tikaburuka mumota vanhu


vaitoda kuti titorwe maself navo. Ndakazopedzisira
ndaudza mukadzi wangu kuti handikwanise
kuramba ndichiburuka mumota nekuti
handingawane rugare.

Ndakanga ndava kuda kudzokera kumba , mu


Harare masiyana neku Headlands kwekuti
unofamba zvaunoda pasina kuvhiringidzwa
havanyanye kuziva nezvema celebrity.

Harleen akangoseka akati "don't worry daddy ,


hatingadzokere kumba izvezvi i have a plan ndipei
ndi drive inini " aidero achitobata streering

Inini ndakazogara paakanga ari ndikabva ndati

"Babe ukandibheura ndisati ndaona vana vangu


ndokumukira chipoko ,muno mutown mune mota
dzakawandisa masiyana neku Headlands
kwamunenge muchipesana nengoro" ndaidero
ndichimuwanzira ndichiseka zvangu.

Iye akasekawo akati "Harare ndemangu muno


baba mwana ndingatokuudzai nezvemo ndini ,
sungai belt tirove pasi" aidero achitorova reverse
kubva pa parking.

Ndakazosunga belt ndakayeva mudzimai


wangu ,iye akatanga kudriver achindiendesa
kwakasiyana siyana. Taisaburuka mumota asi
aingondiratidza nzvimbo ondiudza kuti panonzi
pachii uye panoitwa nezvei.

Ndakanzwa kufara nekuti dzimwe nzvimbo zhinji


ndaisatodziziva.

Tiri pakati pekuita nyaya ndakazongoona amisa


mota pane rimwe ziimba zihombe. Akabuda akabva
ati ndimuteere, ndakangoteera kumashure
ndichitoshaya kuti aipazivirepi pamba pakanaka
kudero.

Tichisvika pa gedhe akabva asimudza ruoko


achinyemwerera akatarisa pa camera.
Ndakazongoona gedhe ratovhurwa. Tichingopinda
mukati takatanga kugamuchirwa nevashandi vepo,
avo vakanga vakapfeka ma uniforms akanaka
chaizvo zvekuti kana usina kutarisisa waisamboona
kuti ma servants.

Vese vairatidza kufarira Harleen nokuti vakaita


zvekumumhanyira vachimumbundukira. Inini
ndaingogutsa maziso ndichiyeva maruva akanga
akachekererwa zvakanakisa. Pamba apa
ndakapayemurira nokuti pakanga pakanaka . Zvese
zvaivepo zvakanga zvakarongeka

Ndiri pakati pekutarisa ndakazongoona Harleen


adzvinya umwe murume huro. Murume wacho
chiso chake chaisava chitsva kwandiri asi
ndaishaya kuti ndakanga ndakambomuona kupi
chaizvo.

Harleen akatanga kudonhedzera murume uya pasi


akabva ati "Dhaikoro , sei usina kuuya nemota
yangu yandakakuudza kare kare kuti ndiri kuida
waiti handikubate here?"

Paakadero ndakabva ndarangarira kuti murume uyu


ndakambomuona paakambouya ku Headlands ne
mota yaakati ndeya Ma'am Harleen
ndikamudzingirira . Ndaitofunga kuti ainyepa.

Ndakatanga kushaker ndichitonzwa kutya.

Kuti ndibvise Harleen ndaitya kuti murume uya


akandiona anotaura kuti ndini ndakamudzingirira
zvikasarira kwandiri. Ipapo ndakaramba
ndakatsikitsira ndichinzwa
Dhaikoro wacho aingobowa achatsikwa huro na
madam.

Vashandi vese vanga vati kwati nemadziro vanenge


vaitya Harleen nokuti hapana akada kubata.

Pakazobuda umwe murume mumba achimhanya


ndiye akazosvika akati "Iwe Harleen unopenga
here iwewe , wauya nguvai unongosvika
nekushaiwisa vana vevanhu mufaro , uchakura
rinhiko iwe?" Aidero achibvisa Harleen
achimumisa kwakadero.

Harleen akatarisa murume uya akabva ati "Ahh


bhudhi , iye Dhaikoro akaregerei kuuya nemota
yangu.?"

Paakadero ndanzwa rimwe inzwi rakadeedzera


richibva mumba richiti "Ruzha rweiko panze apo ?"
Ndakatarisa kwaibuda neinzwi ndikaona umwe
murume airatidza kuva nezera neni asi aive
akafanana neumwe anga atanga kubuda.

Uya anga abvisa Harleen abva ati "kwaaniko


mukoma zvaari muzukuru wa mbuya Harini asvika
ne violence, vona zvaitwa Dhaikoro huro dzazvimba
chero chi supper nhasi hachidziki" aidero achiseka
"Hezvo saka iwewe unosekerera gotwe ramai vako
richikuvadza munhu, iwe Harleen hausvike pano
nemusindo handi Dhaikoro akauya ne mota yako
akadzingirirwa nevanhu vekumba kwako saka waida
kuti aite sei"

pavakadero ndakaona Harleen achinditarisa inini


ndakabva ndangoti " Ichokwadi sorry babe mota
yakasvika , handina kuziva kuti airevesa kuti
ndeyako. I was so jealous kuti pamwe munhu anoda
kukukwezva nemota nekuti handina kumbonzwa
uchitaura nezvavo."

Pandakadero ndakaona varume vachinditarisa.


Vese vakabva vatanga kupukuta maziso avo
vaenderana kuti "Rockstar !!" inini ndakango
smiler ndikati "Ndini zvangu"

Umwe wacho aive mudiki akamhanya akatora


phone akabva ati " i am your fan Rockstar i can not
believe mauyawo pamba pedu nhasi, timbotora self
please i can not wait ku poster pa social media"
aidero achitonamira pandaive achitora pa photos.

Ndakazongosekerera semunhu aitorwa ma photos


tichipedza. Vakomana vakatanga kuwanzira
Harleen vachiti " ko iwewe hauchataure kuti
murume wako ndi Rockstar watinoziva.
" Aiwa unorema mwana wamai, ne Violence yako
iyoyi wakaba moyo we famous singer " vaidero
vese vachi huger Harleen vachimupa tsvodi pa
huma

Harleen akaseka zvake akabva ati "Hey chiiko


imimi , muchiri kungondiona sekacheche namanje
here" aidero achivatiza achienda pana Dhaikoro
akasvika akati " Sorry darling handina kumboziva
kuti wakazosvika ku Headlands ka inini
ndiregererewo.

Ugoona ndiwe wandanga ndanyanya kufambira


kuuya pano , ndagarisa mhani ndisina
kumboshandisa chipo changu saka maoko anga
ava kumbovavira" aidero achibata matama a
Dhaikoro.

Vanhu vese vakatanga kuseka Dhaikoro


akasimuka akati "asi medhemu hamudero ,huro
dzangu dzava kurwadza ka idzi"

Harleen aka sekerera akabva ati "Sorry shaa,


wochitora motor bike yangu iya ive yako".

Ndakanzwa Dhaikoro achiti "Are you serious?"


aidero achiuruka , akaratidza kufara chaizvo.
Harleen akamutarisa akati

"ndinorevesa"

Dhaikoro akabva ati "thank you so much ma'am "


aidero achimhanya kuenda ku garage

Umwe wema guards akabva ati "haa wafira zviripo


wangu, dai ndiri inini zvangu."

Takazosiya vashandi vachiita nyaya ye


chimudhudhu changa chapiwa Dhaikoro.

Harleen akazondibata ruoko tikabva taenda mu


lounge.

Tichipinda ndakagamuchirwa nema photos aive


kumadziro airatidza kuti ndeemhuri Harleen na
mbuya vake vaivepowo . Ende ndakatozonzwisisa
kuti pamba apa ndipo pana Harleen chete.

Takazobikirwa chikafu chemhando yepamusoro


tikadya. Ma introduction akazoitwa tagutsa
matumbu kare , ndakazoziva kuti vakomana vanga
vandifarira ndivana bhudhi va Harleen.

Zvairatidza kuti mumba mana Harleen vanongova 4


ari iye gotwe. Vakomana vaviri vasikana vaviri.
Vabereki vake ndakaudzwa kuti ndichavaona kana
vauya , vainzi varikunze kwenyika.

Takazobva pamba pana Halreen nguva dzafamba.


Semukwasha patanga tava kubva ndakasiira vana
tsano yekutenga zvavanoda. Hongu vanhu vane
mari dzavo asi hazvaindikonesa kuvapawo
something. Izvi ndizvo zvatakakura tichidzidziswa
nemadzisekuru edu kuti mukwasha muvonde.

Vana tsano vakatenda kwazvo nemari yandakanga


ndavapa uye kuvaona kwatanga taita.

Vakandiudza kuti vachamirira vamwe vavo kana


vaungana vachawana zuva ravachauya kuzotiona.

Ende zvairatidza kuti family yese vakasangana


vakawanda chaizvo pamurondedzerwo
wandaiitwa. Vana tsano vakandiratidza rudo
rwandisingakangamwe.

Takazobva tikananga kundotenga chikafu chedu


chekudya week rese , sezvo taisazoda kubuda
gedhe taida kumbonakirwa tiri indoors zvedu.
Tichipedza shopping takaenda

kumba sezvo kwanga kwava kutodoka.


Tichisvika hatina kubika takabva tangonamata
ndokuzvizororera.

Takagara mazuva matatu tichibata minamato


seminato Rolix akanga aenda ku Dubai saka ndiye
umwe wataitonamatira kuti afambe zvakanaka.

Rudo rwangu rwaiwedzera zuva nezuva


pamudzimai wangu , rakazoti zuva rechina
ndakambofunga kuti timbomwa wine na mai
mwana. Just kungo enjoyer life yedu, pakutanga
Harleen akamboramba asi ndakamunyengerera
kusvika abvuma.

Takatanga kumwa kusvika ava masikati ndaingo


maker sure kuti asadhakwa zvakanyanya sezvo
akazvitakura. Musi uyu takaswera nyaya dzichitsva
tichinakirwa, kana kunamata hatina kusvika
tazongorara. Zuva remangwana Harleen ndiye
akatotanga akati "chibhodhoro daddy mbichana ,
ndakambomurambidza asi akakumbira kusvika
ndazongoti ngatimwe."

Takatanga kunwa tichiridza music tichifara ,


nyama taigocha tichiidyira pamoto ipapo.

Takanakirwa kusvika kwadoka hatina kuzonamata


takabva tangorara. Day 6 ndakamuka masikati
chaiwo , zviya zvekumukira Jona zvinoda warara uri
sober apa ndainzwa nyama dzangu kuneta ndaiti
ndichazozviona.

Ndakamuka ndikawanikwa Harleen atogadzirira


breakfast akanga akangomirira kuti ndimuke
tigodya. Takadya tichiita nyaya tichipedza ava
kusuka maplates

mukadzi wangu akabva atanga kurwara


nemudumbu.

Ndakadedza Doctor vakamupa mapiritsi asi


hazvina kushanda vakabva vati "vatopererwawo
nekuti pama tests avanga vaita zvese zvairatidza
kuti zviri bho."

Ndakangovati vaende zvavo, ndakasara ndikazama


kufonera mukoma Olga. Phone yavo yaipinda asi
vaisaibata

Number dzana Tsano ndaive nadzo asi kuti


ndivafonere zvaindiremera. Harleen aingochema
akabata dumbu rake achiti vana vangu kani.

Ndakatanga kudzadzana ndakamira ndichishaya


kuti ndoita sei. Iye Harleen akatanga kuumburuka
neniwo ndakapedzisira ndagara pasi ndakamubata
maoko ndikabva ndati "Chirega kuramba
uchichema Harleen unoita zvakanaka" iye
aingochema chete. Akachema kupedzisira inzwi
rake ratsvetera akabva angorara akabata mudumbu
make. Aionekwa kuti akarara zvake asi
arikurwadziwa.

Paakarara ndakabva ndatanga kuungudza


ndichinamata.

Ndaizvinzwa kuti ndiri kunamata zvangu asi


handisi connected na Mwari zvachose
ndakapedzisira ndisisanamate asi ndava
kungochema. Kurasikirwa na Harleen ndaisada.

Ndiri pakati pekuchema ndakanzwa munhu ainoka


pagedhi. Pakutanga ndakambozvi ignore asi
munhu wacho aitove nenharo aingo knocker chete.

Ndakazobuda ndikandovhura gedhe, ndakaona


murume akanga akaita wechikuru mbichana ,
akanga akapfeka zvimbatya zvakasefeka zviri
zvichena , aka crosser mucheka wake muchena
muhombe apa aive nendebvu dzakasvibira.

Murume uya akambonditarisa kwechinguva


akadzungudza musoro wake akabva ati "Kana
zvaipa ndipo pamunoda kumudeedza Mwari nhai?"
Aidero achitopinda mukati megedhe

Ndakashamiswa nehunhu hwake ndakabva ndangoti

"Who are you?" Ndowakava mubvunzo wangu


wekutanga.

Murume uya akangondisundira kwakadero akabva


ati "Usandibvunza zvisina basa , akatanga kufamba
achienda mumba mandanga ndasiya Harleen."

Achisvika pa door ndakamudhonzera kunze.


Ndakatoona kuti anenge airwara ne njere chete.

Kuita kwake kwaitotaura kwega. Ndakanga


ndisingamuzive iye asingandizive asi aimhanyira
kuda kupinda mumba mangu without my
permission, izvozvo ndakazviramba.

Pandakamudhonza , handina kuona kuti


ndakarohwa double kick sei ndakazongona ndawira
kwakadero. Inini nharo ndinotovawo nadzo ,
ndakamuka ndikazama kumukava asi akanzvenga.

Ndakanzwa hasha ndakatora dombo, ndakabva


ndamupotsera chandinoziva inini handipotse manje
apa ndakashamisika murume uya achiita
zvekuurukira akabva arigamha dombo riya.
Akaritarisa akabva aripfira , akandisikiza na left
ipapo ndakabva ndamhanyira kudonha pasi nokuti
ndakanga ndaona pangu pandiperera.

Paakaona ndawira pasi akakandira dombo kunze


kwe gedhe akati "Unofira mahara mupfanha
wangu, ramba wakarara ipapo usamuka kusvika
ndadzoka" aidero achitofamba kuenda mukati
meimba. Paakangoti gumbo rimwe ndakabva
ndatanga kumuteera.

Ndakaona achicheuka akabva adzoka akati


"zvaunotova nenharo nhaiwe, akandipingira pasi
akatanga kundisungirira pamuti nemucheka wake
zvakasimba."

Ndakazama kubvisa , asi ndakakundikana.

Ndakatanga kuridza mhere ndichideedzera


Harleen. Ndainzwira mukadzi wangu tsitsi
aizoponeswa here nemupengo uyo, ndakademba
chandakanga ndauyira ku Harare.

Ndanzwa murume uya ava kuti "Winstage,


Ginatsio , Andiria Moses titititi" aidero achitopinda
mukati. Haana kumbotora chinguva akabva abuda.

Akauya pandaive akandisunungura akati "Garai


muchinamata kuti murwirwe nedenga. Mukadzi
wako apora parizvino asi zvichatanga zvekare "

Nhasi chaiko dzokerai ku Headlands.

Kana masvika udambure tambo iri muchiunu


chababa vako ukaverengera ikadambuka yega
nhumbu ine mukadzi wako ichabva!" Aidero
achitosunga mucheka wake achiita zvekuu crosser

Inini ndakamira ndikabva ndati

"Tambo yeiko ina baba vangu , ndiwe ani?"

Murume uya akatanga kufamba akati "Ndini


*Ndururani* vazhinji vanoziva nezvangu" aidero
achitobuda gedhe

"Ndururani? Hmmm what a strange name to a


strange man" ndakadero ndakatarisa murume
uya. Iye akanga atopota

Ndamhanya ndikaenda muroom , ndakawanikwa


Harleen achitozvizamura zvake akamira airatidza
kuti kurwara kwanga kwapera akabva ati
"Bamukuru vambosvika pano here?"

Ndakamutarisa ndikati " bamukuru ani Olga here?"


Iye akabva ati "ndoreva bamukuru Dee?"
Ndakafunga murume anga auya zvaakanga
akapfeka zvacho ndikaona kuti havangamboite
bamukuru va Harleen ivavo

Ndakabva ndati " Aiwa pano hapana kumbosvika


bamukuru vako , asi padarika neumwe mupengo
atombondisungirira pamuti"

Harleen akaseka akati "Hoo , saka ndaresva


kunzwa ndanga ndoti zvimwe Serchby
ambotishanyira ,ndanzwa seinzwi ravo pandanga
ndiri kuhope "

Inini ndakabva ndati

"Havana kuuya babe , wava sei mudumbu?"


Ndakabvunza ndichimubata kuti agare pasi

Iye akabva ati "ndava bho daddy" asi ndava kuda


kudzokera ku Headlands.

Ndakabva ndati "good idea hun , let's go"

Ndakazo driver ndini kusvika ku Headlands


tichisvika Gono ndovakavhura gedhe. Ndakaita
sendichabuda musodzi pa week rimwe chete
randanga ndabva baba vangu vakanga vava
kutopfeka bhurugwa rakabooka rakasungwa ne gavi.

Handina kuda kutaura navo zvakawanda,


ndakangovakwazisa chete ndichitofunga kuti
ndingavaitira zvipi kuvachinjira upenyu.
Chavakatadza handichione baba vangu zvekuti
vangatambura kusvika pakadero.

Muchembere na mukoma vakafara chaizvo


nekudzoka kwedu.

Musi wekudzoka kubva ku Harare takarara


tichinamata baba vakati vatanga zvavo zvekuita
kunge munhu aitandaniswa.

Ndakanyatsoshaya kuti zviri pai chaizvo, ndakada


kuvabvunzisisa asi mukoma Olga akabva ati
ndivasiye vakadero.

Ndakazongovasiya tikaenda kundozorora,


makuseni ndakamuka ndichinamata nemudzimai
wangu.

Harleen akabva ati tinofanira kutsanya hope


dzaarota hadzina kunaka.

Inini zvekutsanya ndakanga ndisina kuzvijaira asi


for the sake of my family ndakazviudza kuti
ndichazama chete.

Mhamha vakati varikubatana nesu pamutsanyo,


mukoma na maiguru vakatiudza kuti vanga vagara
varipamazuva matatu saka vanesu.

Musi uyu takaswera tichinamata , Harleen


aingotambira ku gedhi kuna baba vangu. Handizive
sei , ivo vairatidza kusamuda padhuze nokuti
vaipopota iye akanyarara.

Zvakazondipa kuti ndimutore , ndimbofamba famba


naye.

Pandakamutora akabva ati " Handizive sei


ndinongonzwa kunge vatezvara vangu vari
kurondwa ,ndosaka ndanga ndisingade kubva
pedyo navo" akadero akaisa musoro paside.

Ndakamutarisa ndikaona achirevesa pachiso


chake , izvi zvakazondipa kumuudza kuti tidzokere
tese ku gedhe kwacho.

Tichisvika takawanikwa mudhara vasiri pabench,


Harleen akabva ati "Ohh noo, let's follow that car
fast vatotorwa"

Aidero achitomhanya kugedhe , ndakamuudza kuti


netsoka hatimbovabate vanhu vacho, takabva
tangotenderana kuteera neyeduwo mota.

Mota yacho yaifamba asi ndakateera zvekurevesa ,


tafamba chinhambwe ndakazoona yamira pakaita
sango nesuwo takabva tamisawo yedu tiri
nechekure. Ndakanzwa hasha ndichiona vakomana
vashanu vachidhonza baba vangu vachipinda navo
musango.

Harleen akandiudza kuti

"ngatinamate mudiwa wangu tisati tateera kuti


Mweya mutsvene utitungamirire. "

Takabatana maoko tikatanga kunamata. Harleen


aishimanda inini ndainamata nemunamatiro wangu
ndichikumbira ruchengetedzo . Tichipedza takabva
tateera musango muya.

Tichisvika pedyo Harleen akati timbomira


takavandira , ndakashamisika Akash akabata
zibanga akaritendekera pahuro pa baba vangu
achiti "Your time is up Gono, handichina rugare
kumba kwangu nokuda kwako. Sei wakatendera
kuunza vanamati mumba mako!"

Gono vakatanga kuchema vakati "Ndiregerewo


umwe wangu kwaisava kuda kwangu , inga wani
ndakambozamawo nepandakagona napo asi
ndakakundikana. I am your best friend Akash
haungambondiuraye"

Akash akatanga kupinza banga pahuro akati "Noo


Gono, hushamwari hwedu hwunofanira kuti inini
ndiwane ma benefits kwete kuti nditambudzike
nhasi ndiri kukuuraya nokuti ropa rako ndiro rega
richakwanisa kundinunura" aidero achisimudza
banga mudenga kuti abaye baba vangu

Ndakangoona ndava kumhanya kundonunura baba


vangu ndisati ndabudukira Harleen akandidhonza
akati "Wait daddy mweya mutsvene wati , yedu
nguva haisati yakwana chimbomirai"

Ndakangomira ndichinzwa ropa kuvira nehasha,


ndainzwa kuvenga Akash zvakapetwa. Chaaida
kuurayira baba vangu ndaisachiona banga
parakanga rava kusvika pahuro ndakazongoona
chamupupuri chihombe chichisviko mhikura banga
chichirikandira kure. Ndakanzwa Harleen achiti
"Perfect" akabatanidza maoko.

Chamupupuri chambotenderera pavanhu


pachakapera ndakashamisika ndichiona Bianca
akamira pakati pevanhu akatsamwa chaizvo.
Akash akauruka akabva ati "You" achitendeka
Bianca ....

End of chapter *25*

Stay tuned

Tinzwe kuti Akash akati achii kuna Bianca.


*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Akash paakaona Bianca akabva ati "You !why are


you here?"

Bianca akatanga kuseka akabva ati


"ndingatobvunza iwewe , sei uchida kuuraya baba
vemwana wangu?"

Akash akatanga kutetemera akabata banga


akanyarara Bianca akaswedera pedyo naye akabva
ati "Hoo hauchagone kutaura nokuti ndasvika,
regedza ndikurangaridze Akash pamwe
wakangamwa. "

Uyu munhu wauri kuda kuuraya ndibaba vemwana


wangu. Mhiko iripo ndeyekuti musi wandinozvara
mwana wangu anofanira kutanga kumwa ropa
rababa vake.
"Ndiudze kuti iwewe ukauraya Gono izvezvi , ko
mwana wangu achazoita sei kana ava panyika?"
Aidero Bianca akabuditsa ziso akabata huro Akash

Akaenderera kumberi achiti " you cross all the


limits Akash , i won't spare you this time!" Aidero
achibatanidza maoko ake pahuro dzababa vake
akatanga kuvadzvinya zvine simba.

Ndakaona boys dzese dza Akash dzichitiza .


Akash akatanga kuchema achikumbira ruregerero.

Bianca akatanga kukuma semombe airatidza kuti


anga atsamwa chaizvo akabva ati "I will kill you
today , the same way you killed me " paakadero
ndakaona Gono vachimuka vachindomira
kwakadero vakabva vati "what ?" Unoreva here
kuti wakafa pauri ipapo Bianca.

Bianca akatarisa kuna Gono akabva ati "what do


you think you fool, of course i am a spirit. Your so
called friend , killed me long time ago.

" Kutondiuyisa kumba kwako kwaiva kuda kuwana


kuzorora. Wakamboonepi munhu anedzakakwana
anongoendesa mwana wake mahara pasina roora
kungoti tora zvako."
Paakadero ndakakabva ndagara pasi chaipo
ndichifunganya.

Harleen akauya akandibata mafudzi akabva ati "


take it easy hun."

Ndakatanga kuchema ndikati "Handina kumboziva


kuti baba vangu vakanga vakandopiwa Bianca
mahara, vangandinyepera babe kuti
vakandiroorera mukadzi but why?"

Harleen akandimbundukira akabva ati "we will find


out today, just take a heart " aidero achipukuta
misodzi yangu.

Ndakagara pasi ndichingoyeredza misodzi


ndakatarira kuna "Bianca, Akash na Gono"

Bianca akaendera kumberi achiti

"wototenda that good for nothing Harleen akauya


pamba pako , dai zvisiri izvozvo waifanira kufa uri
murima iwewe!"

Paakadero ndakatanga kubata musoro


ndichichema. Inga Mwari vakanditungamirira saka
ndingadai ndakaroora chipoko here chokwadi.

Gono vakasimuka vakaenda pana Akash vakabva


vamubata huro vakati "You betrayed me Akash ,
how dare you kuunza chipoko pamba pangu!
Pamusoro pazvo kana kundiudza kusvika ndarara
nacho"

Akash akabvisa maoko a baba vangu akabva ati


"You too you Betrayed your son , vhara gaba rako !
Hauna chaunoziva nezve betrayal"

Gono vakatanga kuchema vakabata musoro wavo.


Akash akatora banga achida kubaya Gono airatidza
kuti aisambodzora tsvimbo zvachose. Bianca
akasimudza ruoko rwake akati "Be warned Akash
unoda kundituma kukuuraya manje ! banga
rakatadza kubaya Gono rakatanga kuenda
mudenga rega"

Bianca akasimudza ruoko rwake zvekare akabva


ati "you are so stubborn Akash you deserve to die
now!" Aidero achi controller banga neruoko rwake
kuti rindobaya Akash

Ndakaona Muporofita watakamboenda kwaari na


baba vangu achisvika akabva abata banga riya
akaripeta peta akati
"You have no rights yekuita izvi Bianca , go now
before i destroy you !" Ndakaona Bianca achitunga
pasi airatidza kuva nehasha.

Jemedza akatanga kutaura mutauro wake we ku


Nigeria , Bianca akatanga kuwedzera kukuma
semombe. Jemedza akabva ati "You know me very
well, go now!"

Bianca akaratidza kutya nguva idzodzo akabva ati


"I am going , but i won't rest kusvika mese maripa
kundiuraya kwamakaita " aidero achito disappear.

Nguva dzaenda Bianca Akash akapfugama akabva


ati "Thank you Great one mauya nenguva
yakafanira chaiyo. I was so scared" aidero achibata
tsoka dza Jemedza.

Jemedza akabata Akash musoro akabva ati


"Anything for you son , be happy "

Gono vakasimuka vakabva vati " Saka Jemedza


kare kwese kwaiziva kuti Bianca chipoko. Why
mune hutsinye vanhu imimi"

Jemedza akaseka akabva ati

"Ndiwe wakatadza kuteerera ndakakuudza kuti


usarega musikana uya achirara nemwana wako.

Nekuti ndaizviziva kuti uchasara uri pazero vona


manje wava kufamba nemabhurugwa akabooka
nekusateera kwako. Akash akapinda kare mu dhiri
haana kana dambudziko asi iwewe wava kutotanga
kuona nhamo yakadarika yaaaimbove nayo. You are
really disgusting me "

Wakasarudza kuita basa raifanira kuitwa nemwana


wako chiona manje wakazomitisa Chipoko.
Usafunga kuti Bainca anonyepa kana achiti Musi
waanozvara ndiwo musi wauchafa.

"Aifanira kufa mwana wako iwewe woita mari manje


wakatadza kuita simple task you dersve to die ,
Akash! " akadeedzera Jemedza neinzwi riri
pamusoro kunge aideedza munhu ari kure naye.

Akash akaenda paaive akati "Great one


achikotamisa chiso"

Jemedza akabva atambidza Akash banga akati


basa ngaritange .

Nguva idzodzo inini ndaingonzwa hasha ndaitoda


ku fesana na baba vangu kuti vandiudze nyaya
dzavo .
Manje Harleen aindirambidza akatondiudza kuti
yava nguva yekuti tichitaura na Mwari nokuti
Jemedza ari dangerous.

Akandiudza kuti "I n'anga hombe yeku Dark land ,


ane ma simba a Lucifer zvekuti tikasasimba
taiurawa tese rakacheka nyika."

Akash akasvika akaradzika Gono pasi ,

Harleen akabva atanga kuti

"The Devil is a liar "

Akatanga kunamata achiti

"Mwari ratidzai simba renyu vabayane pachavo.


Ndinonamatira kuti mupukunyise vatezvara vangu
pahondo iyi. Ndinoziva naivo mutadzi asi
chizovarangai nemurango urinane kwete werufu.
Vapeiwo mazuva akawanda ekurarama vagoziva
kunaka kwenyu Mwari "

Mukadzi wangu akanamata inini ndakanga


ndakangogara simba racho ndakanga ndisina.

Akash paakada kubaya baba vangu "Harleen


akatanga kutaura nema tounges "
Paakanamata nema tounges ndakaona Jemedza
achibvutira Akash banga akabva amubaya naro
pafudzi"

Akash akatanga kuchema,

Harleen haana kumira kunamata "Jemedza


akapfugama akabata Akash akabva ati

"sorry Akash i don't know, what came over me


zvandatokukuvadza nhai" aidero achitarisa paruoko
rwaanga abaya akabva ati

"You are bleeding so hard , hande ku shrine


ndinokurapa Gono ndicha dealer naye later" aidero
achitotakura Akash achienda naye.

Asati aenda akabata Gono huro akabva ati "Usafa


wakati bufu muromo wako nezve ma deal atinawo,
ukangotaura chete ndinomupisira mumba" aidero
achibuditsa chitsvimbo chaaive nacho vakabva
vanyangarika.

Gono vakasara vachimuka , vakatanga kumhanya


kunge munhu aidzingirirwa. I am sure hana
kutombotiona asi vakadarika nepataive.

Harleen akazosara akandinyararidza akabva ati


"Addie ndinokuda nemoyo wangu wese ,
ndinotenda Mwari akaita kuti ugone kuzvinamatira"
ndofunga wangozvionera wega kuti tikasamira
neminamato chero vana vedu chaivo
hatimbovabate. Takaita kunonzi kukombwa ikozvino
yava nguva yekuti tiende kumba tindonzwisisa kuti

"connection ya baba na Jemedza iri papi nokuti


that man is very dangerous handide
kunyepera ,ndosaka ndisina kuda kubudikira.
Zvandaoneswa zvikukutu vanhu vaakauraya
murume uya vakawandisa." Akaenderera mumberi
achiti

"Inini handimutye zvangu, nokuti


ndakachengetedzwa neropa ra Jesu. Ndinonyanya
kutyira vamwe kumba uko kunyanya vatezvara
vangu. Vanogona kuurawa tisina kufungidzira
nokuti ndivo vasati vagona kuzvinamatira dai Mwari
atibetsera" akadero mukadzi wangu akatarisa
mudenga.

Paakadero ndakangomuisa mumaoko angu.


Mukadzi wangu munhu ane moyo yakasiyana
nevamwe. Nemuvengerwo waanoitwa na baba
vangu still anongovashuvira zvakanaka.

Ndakatanga kuchema, ndainzwa ndine hasha


dzekuda kuurauya munhu chaiko. Nyaya dzababa
vangu ndaisadzinzwisisa asi mashoko a Akash
ekuti

"You betrayed your son" haana kubva mumusoro


mangu.

Ndakazotanga ku driver ndichienda kumba ,


ndichisvika ndakawanikwa Gono vatogara pa
bench ravo. Vakavhura gedhe kunge munhu anga
agara aripa duty nguva dzese. Inini handina kuda
kuwanza dzungu ndaiziva pandaizovabatira.
Ndakangovaswedza vakabva vabvunza kwataibva.

Handina kupindura zvavakabvunza , asi


ndakatovabvunzawo mubvunzo ndikati "Nhasi
mambobva pano here baba?" Vakanditarisa vakati
kubva pano "hmm noo, why wabvunza"

"Hapana kuda kutongoziva " ndaitodero


ndichifamba kuenda.

Ndichipinda mumba mhamha vakada kuziva


kwatanga taenda ndainzwa ndisina kana simba
rekuvapindura ndakangofamba ndichienda mu room
mangu. Vamwe vakazobata minamato kusvika va
breaker na 6 inini ndaingova ndakarara ndakatarisa
mudenga ndainzwa ndine hasha nekunyepa kwa
baba vangu"

Ndaiti ndikafunga kuremara kwakamboita mukoma


Olga ndainzwa misodzi ichibuda. Saka baba
vaitozivana na Jemedza kubva kare vachinditora
sebenzi nhai achindibatisa mushonga.

Chokwadi mukoma vangu vachazvitambira sei


vakaziva kuti ndini ndikambovaremadza.

Ndakazviudza kuti nhasi haparariwe kana ndisina


kuudzwa chokwadi chese . Zviya zvekuti mubereki
haarohwe kunyeperana kuya. Inini ndaida kuzviona
zvangu.

Akazoti ava manheru nguva dzekudya. Hongu baba


vaigara ku cottage asi pachikafu vaingouya
patafura pane vamwe. Takatanga zvedu kudya,
vamwe vaitaura nyaya vachiseka asi inini ndaive
ndakanyarara ndichifunga kuti mukoma Olga
ndichavatanga sei kuvaudza chokwadi.

Ndaida kuti titange tapedza kudya ndizotanga nyaya


yacho.

Tisati tambopedza kudya Harleen akatanga kubata


mudumbu make achiridza mhere. Airatidza kuti
kurwara kwakambomubata tiri ku Harare kwanga
kwatanga zvekare. Mhamha vakamubata ruoko
vakabva vati " Chii muroora wangu " vaidero
achimukwiza mudumbu nemunyu iye angoshinyira.

Nguva idzodzo ndakasimuka ndikabva ndakumura


baba vangu t-shirt vakavarairwa. Ndaida kuona
kana vaive ne tambo yandakanga ndakaudzwa ku
Harare.

Ivo vakasimuka vakati "Addie wava kupenga here


iwewe?" Inini ndakamhanyira kutarisa muchiunu
ndikaona zvechokwadi muchiunu makasungirirwa
tambo yakanga ine zvitsvuku nezvitema. Apa
yakaga yakato n'en'eka zvekuti anytime yaigona
kudambuka.

Ndakamhanya ndikadambura tambo iya


pandakangoidambura chete Harleen akabva abata
dumbu rake akati " wow what a miracle,
zvandatopora nhaimi. Ko mhamha
hamuchandiudze kuti mwana wenyu munzwi
wekudenga anoita zvinanara " aidero
achimbundukira vamwene vake achiseka.

Mhamha vanaratidza kufara, Ipapo ndakava


nechokwadi kuti tambo yanga ina Gono ndiyo
yairwarisa Harleen. Hasha dzangu dzakawedzera
ndakaenda pana baba vangu ndokubva ndikati
"what is this father?" Ndaidero ndichivataridza
tambo yandanga ndabvisa muchiunu chavo.

Gono vakatanga kundandama vachipfeka hembe


yavo , ndakabva ndaswederera pedyo navo ndikati
"tiri ku Harare mukadzi wangu akarwara kunge
achafa. "

Nhumbu yake yakasara padiki kuti ibve.


Pakazongouyawo strange man ndiye akandiudza
kuti "Baba mune tambo yamunayo muchiunu
yamakasungirira kuti nhumbu ya Harleen ibve."

Pandakazviudzwa handina kuzvibvuma ende


handina kuzviisa mumusoro nokuti ndaikuvimbai
baba . Ndainyatsoziva kuti baba vangu hapana
pamungamboita zvakadero asi nhasi mandi prover
wrong nokuti tambo ndaibvisa ndega muchiunu
chenyu.

Pandakadero mukoma Olga vakasimuka ndokubva


vakati "Old man , you better start talking now. Taura
nesu chii chiri kuitika pano!" vaidero vatobata gavi
rakanga rakasungisa Gono pabhurugwa ravo.

Gono vakatanga kuchema vakati "Zvamunofunga


hazvisi izvo vana vangu , hapana pandingambova
muurayi kani. Tambo iyi yanga iri yeruchengetedzo
zvino zvamaidambura aiwa ndava kuenda" vaidero
vachimhanya vachiratidza kuda kubuda panze.

Pavakangosvika pa door vakabva vatanga


kuzvikwenya kwenya kunge munhu irohwa.
Ndakaona vachidzoka

vachimhanya vakabva vati

"Noo , no , no handikwanise kubuda vakandigarira


pamukova"

Mhamha vakaenda pana Gono vakabva vati


"makagarirwa naniko , zvamava kuita kunge mava
kutorwara nepfungwa. Kana mune zvamakabata
hamungotaure here "

GONO vakauruka vakakwira pamusoro pe table


vakati "pliz don't kill me, i will confess!!" Vaidero
vachijamba jamba apa vachikwenya zvakaipa

Vakaburuka pa table , vakaenda pana Harleen


vakati kwati naye vachiti " Help me Prophettes avo
vava kuuya vese vakabata zvana muruoko,
ndibetserewo vanhu wee ndourawa kani " vaidero
vachimusiya.

Vakatanga kumhanya neimba yese vachichema.


Vakazotanga kubata nzeve dzavo vakabva vati
"Nyaradzai vana venyu, chindindisiyai ndazvinzwa
regai nditaure zvese."

Mirai kani ndinotaura seiko kana muchindirova "shu--


u" vaidero vachikwenya muviri wese apa
vachiumburuka .

Inini ndakangomira ndarohwa ne confusion, kuti


nditi baba vangu vakanga vava kupenga ndakanga
ndisingachazvinzwisise.

Ndakazoona vapfugama vakabva vati


"Ndiregererewo vana vangu, kwaingovewo kutsvaka
kurarama"

Pavakadero ndakabva ndaona kuti vane hombe


dzavanoda kutaura nesu.

Ndakamhanya mumba ndikandotora bhemba


ndakabva ndati "Start talking father nokuti
pamaenda kusango kuna Akash ndanga ndiinemi!"

"Pazosvika Jemedza nezvese zvaitika ndazviona,


ndanga ndakamirira nguva chete yekuti
muzondiudza mega nyaya dzenyu. Ndinovimba
nguva yakwana manje" Ndaidero ndava kurodzera
bhemba rangu pa floor
Gono vakatanga kuhuta vakabva vati ...

Ipapo ndakangosimudza bhemba rangu ndikabva


nda..

Ndakazongoona Harleen ava ku flyer ndikabva


ndaziva kuti nyaya yacho yatanga.

End of chapter *26*

Keep comments guys musaneta .

Ndinonoka kuunza book nokuti handina foni asi


zvichaita rambai makachengeta zvamunenge
maverenga muchandiregererawo.
*BETRAYAL* https://chat.whatsapp.com/
LRIVolMEBIuBgKNF6yPM5C

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Harleen*

Pakauya Bamukuru vakandibata dumbu rangu tiri


ku Harare ndakabva ndapora ipapo ipapo .

Hana yangu yakatanga kurova nokuti ndaizviziva


kuti bamukuru vangu havangofambire nhando
ukaona vasvika panzvimbo woziva kuti nyaya yacho
i hombe .

Ndakasimudza musoro ndokubva ndikati


"Bamukuru mauya?" Ndaidero ndichinzwa kuda
kuchema.

Vakandibata dumbu rangu vakabva vati


"Chimbosiyai zvemafaro mainini, nguva yamuri
inoda kuti mutsunge kunamata. Regai vanofara
vafare asi imimi garai muchinyengetera kuti muridzi
wenyu azokucheukai"

Ndasiya ndasungirira murume wenyu kuti asanzwa


zvandichakuudzai pano,

Vatezvara venyu ndivo varikukurwarisai. Mukaita


zvekutamba vana venyu hamuvabate , nhasi chaiko
dzokerai mundodambura tambo iri muchiunu chavo.

Ndaona kuti ndikaenda ndiri inini nyaya yacho


haizopere zvakanaka ndosaka ndasarudza kuuya
kuno kuzokupai yambiro.

Inini ndava kuenda asi chizogarai muchirangarira


mashoko angu "Namatai munamatise kuti
muchengetedzwe nengirozi dzedenga. Izvi zvamava
kuda kudzidzira kumwa zvinodhakwa
zvichakupesanisai nemuchengetedzi wenyu .

Hondo dziri kumberi kwenyu dzakakurisa


hadzitombode mafaro zvachose." Vakadero
bamukuru vachitobuda mu room yandaive
vachienda. Vairatidza kusafara pachiso chavo
ende ndakazviudza kuti ndinofanira kuchinja maitiro.
Izvo zvekumwa wine zvandanga ndava kudzidzira ,
ndakachera chikomba ndikapfira pasi.

Inini murume wangu ndinomuda nemoyo wangu


wese, handitarisire kuti titadze kunzwanana nekuda
kwenyaya dzemumhuri. Kuti ndimuudze nyaya
yekuti baba vake ndivo vaita kuti ndirware ndakaona
zvisingaite.

Ndakamira pa door ndichifunga zano, sezvinei


ndakazonzwa bamukuru vachimuudza kuti baba
vake vane tambo muchiunu ipapo ndakafara
chaizvo. Ndizvo zvandinoda kuti Addie azvibatire
ega asaita zvekunzwa neni.

Paakazouya ndakanyepedzera kunge ndaiva


ndisina kuona bamukuru ndakaseka achiti mupengo
ndiye asvika. Ndakangoti nechemumoyo
muchazivana zvenyu. Patakaenda ku Headlands
tichisvika ndaiti zvimwe achasvika nekudambura
tambo manje ndakaona kuti murume wangu
akanyanya kuvarairwa zvake.

Takasvika pakurara , kusvika kwaedza asingataure


nezvazvo airatidza kuti anga asina kutozviisa
mumusoro make.

Inini nekungwara mangwana acho ndakafonera


tete kuti vauye, ndaitoda kuti nyaya dzacho kana
dzoitika vange varipo vasazonzwa nemakuhwa.

Ava madekwana nguva dzekudya tete vakandiisira


msg vakati vava munzira, ipapo ndakabva ndatanga
kugomera nhema. Ndaitoziva chete kuti Addie
achaita action ndaigomera ndakamusvorera
mudumbu ndakabata .

Ndakaona Addie achiuruka achindobvisa hembe ya


baba vake achidambura tambo ipapo ipapo.

Ndakabatwa nesetswa nemujambire waanga aita.

Gono vakaratidza kuvhunduka chaizvo vanenge


vanga vasina kutarisira kuti Addie angavadamutira
mutimwi wavo. Ndakaona vachingwenda vakamira ,
vakomana vakati zvavo voda kunzwisisa
nezvetambo iyi.

Vatezvara vakada kumbooma musoro vachiramba


kuti havana chavanoziva.

Ndakatanga kunamatira mumoyo ndichinamata


kuna Mwari kuti zvipoko zviuye zvibate basa.
Chandaida ndechekuti munhu areurure apone
nokuti hondo yana Jemedza ndaitoziva kuti iri
munzira.

Mwari hapana paaizomborwira vatezvara vangu


kana vasina kubvuma vega kuti vakatadza. Ndichiri
kunamata ndakazongoona panze yava ngai ngai
ndikabva ndaziva kuti munamato wangu wadairwa
na ipapo ndakabva ndangoti Amen
ndichinyatsogarisika kuti ndione drama rese.

Mweya yevakadzi va Addie yakatanga kuranga


mudhara Gono ne zvamboko zvakasimba vaiita
zvekuchinjana , ndakabva ndaziva kuti
havapabude vachareurura chete.

Gono vakatanga kuzhamba Bamukuru vakabva


vati "taurai nesu mudhara ." Vaidero vachitora
sando mu drawer raive pedyo navo.

Kutaura kwavo vairatidza kuti vaitozviziva chete kuti


baba vavo vanobata bata.

Gono vakatanga kumhanya neimba yese, vakauya


kwandiri vakati Prophettes help "ipapo
vaitozvinyepera zvavo hapana rubatsiro
rwandaimbovapa , inini ndaitodawo kuti vareurure
saka ndakatotaura nemweya yevafi kuti iwedzere
kurova chaizvo!"

Vakambobhubha bhubha zvavo asi

vakazopedzisira vati "chindiregai nditaure."

Vakapfugama vakatanga kuchema , Addie


akamhanya akandotora bhemba mumba.

Yakava batai batai nguvai idzodzo ,

Gono vakakotamisa uso hwavo vakabva vati


"hakuna kusiri kufa vana vangu, ndinokumbirawo
Addie undipe mukana nditaure nyaya dzangu kana
uchizondiuraya wondiuraya ndapedza kureurura
zvese zvandakatadza"

Bamukuru Olga vakaenda pavaive vakabva vati


"Murikuwanza ngano , tiudzei zvatinoda kunzwa !"

Vatezvara vakambochema , vachiri pakati


pekuchema tete vakandiisira msg vachiti vasvika.

Ndakamhanya sendichagumbirwa ndichindovhura


gedhe, ndaitoda kukurumidza kudzoka kuti
ndiwanikwe nyaya dzacho dzisati dzatanga.

Pandakavhura gedhe ndakadhonza tete


ndakavaudza kuti tozomhorosana tava mumba .
Tichisvika mu dining tezvara vakanga vachiri
kungochema vairatidza kuti vakanga vasati vatanga
kutaura.

Tete Cherry vakamhanya vakabva vati "Ko chiiko


varikuchemei baba " vaidero vachida kundovabata
Addie ndakavadhonza akabva ati "Vane nyaya
dzavo dzavanoda kutiudza chimbovasiya "

Vatezvara vakatarisa pasi vakabva vati "Ichokwadi


mwanasikana wangu, nhasi ndichakuudzai
zvamusingafungire kuti zvingava zvakaitwa neni
baba venyu"

Zvamunoona ndichikura ndaingoshuvirawo kuva


munhu akabudirira manje nokuda kwekushaya
dzidzo ndakava mutamburi wekupedzisira. Izvo
zvakazondipa kuti ndive mubati wezvose.

Pavakadero bamukuru vakabva vati "You are not


saying anything Old man, regedza kutitambisira
nguva tiudze chaizvo zvatinoda kunzwa"

Gono vakapukuta musodzi vakabva vati

"Ndakazosangana nasahwira wangu Akash


ndikamukumbira kuti andidzidzisewo kupanda mari
kuti ndive mupfumi saiye. "

"Akash akandiendesa kwa Jemedza inova n'anga


yake." Pavakadero Addie akabva ati "Sound so
nteresting , makabva maita sei?" Aibvunza
achigara pasi akavatarisa
Gono vakabva vati "Jemedza akandiudza kuti kana
ndichida kuita mari ndinofanira kushandisa mwana
wangu umwe chete."

Vamwene vakasimuka vakabva vati "Manje


makabva maita sei pamakaudzwa kudero?" Vaidero
vatsvukisa ziso

Gono vakatarisa pasi vakabva vati

" Akash ndiye akandiudza kuti ndinofanira


kushandisa Addie , nekuti haanone ane
ramangwana rakajeka.

Inini semunhu aida mari ndakangobvuma.


Ndakatanga kufarira Addie kudarika Cherry na
Olga sezvo ndakanga ndaudzwa kuti Addie ndiye
achaita kuti ndive mupfumi."

Pakutanga handina kuziva kuti kushandisa kwacho


kuteura ropa ndakazoziva pakafa mukadzi wa
Addie wekutanga.

Pavakadero Addie akaburitsa ziso akabva ati

"Munorevei kana muchiti makazoziva pakafa


mukadzi wangu wekutanga?"

Gono vakatangidza kuchema vakabva vati


"Ichokwadi mwana wangu, pakafa Masiziba ndipo
pandakaudzwa kuti nda sacrificer kuvaridzi ve dark
land kuti nditange kuita mari. Machuma na
masithole ndakatozouraya ndiri inini semhiko kuti
mari iwedzere" pavakadero tete Cherry na mhamha
vakatanga kuchema.

Addie akabuditsa ziso , akaramba akavatarisa .

Bamukuru vakabva vati "I knew it ! I knew kuti


ndimi makauraya vakadzi va Addie ne vana
ndosaka makandiremadza kuti ndisataura
chokwadi"

Makatora mwana mukaenda naye kwa Jemedza


kun'anga yenyu muchinyepa kuti muporofita.

Zvese ndakazviudzwa na Bishop asi handina


wandakada kuudza.

"Makaunza Chipoko pamba pano , mukasunga


Addie kuti asamborara neumwe mukadzi kunze kwa
Bianca.

Maida kugera bvudzi ra mainini Harleen kuti


vapere simba vasaramba vachioneswa mabasa
enyu."
Pavakadero Gono vakabva vati "Trust me mwana
wangu , handina kuunza Bianca ndichiziva kuti
chipoko" vaidero vachiwedzeresa kuchema
vachidzungudza musoro wavo.

Bamukuru vakaenda pavaive vakabva vati "Stop


calling me your son, hamuna mwana imimi. Addie
mwana wa mai vangu ,waigara uchizvidya moyo
kuti ndiyani aive akakusunga sinhi rako ndofunga
nhasi answer waiwana yakazara "Your so called
father betrayed you! ndivo vaive behind pama
problems ako ese.

Vainyepedzera kukuda ivo vachikushandisa."

"Nhasi ndinoda kumboshanda nemi mudhara,


ndimi muchaudza vamwe kuti kubata mushonga
kwakashata" vaidero bamukuru vachitora tambo
dzema getsi.

Vakatanga kurova Gono zvakaipa . Addie aingova


akavazvondora asingataure chinhu bhemba
akabata muruoko.

Maiguru, mhamha na tete vaichema


vakambundukirana vairatidza kuti vakanga
varwadziwa nekuita kwa Gono.
Inini ndaive ndakatarisa murume wangu ndiye
wandakanga ndava kunzwira tsitsi zvakanyanya.

Airatidza kuti anga abatwa neshock chaiyo.

Bamukuru vakarova baba vavo kusvikira


vasingachabude misodzi vakanga
vavakungogomera vakanyarara, Ipapo
ndakazovatorera tambo dzavaivarova nadzo
ndikakandira panze.

Ndakaenda kuna Addie ndokubva ndati "Sorry


hun , ndakaona kuti ndikauudza kuti baba ndivo
vaive vakakusunga ndingaputsa ukama hwenyu.
Ukarangarira kare kare ndakambokuudza kuti enda
unobvunza baba vako asi unenge usina kuzviisa
mumusoro."

Addie akatanga ku screamer zvakaita kuti mazen'e


adairire akabva ati "I will kill you today Gono"
aidero achisimudza bhemba ende aitoda
zvekuvatema nemudumbu chaimo.

Ipapo ndakauruka ndikabva ndabata bhemba kuti


dzvi-i. Inini zveku defender fight ndozvangu zvee
ndakakura ndichidzidziswa kurwa na bamukuru
Dee . Kumhuri kwedu hakuna asingagone kurwa
saka hazvina kundinetsa kutorera murume wangu
bhemba. Hapana pandaizombomusiya achiuraya
baba vake ndichiona .

Addie akauya pandaive akabva ati "Ndisiye


Harleen!"

Inini ndakabva ndati "Noo , hun unoda kuuraya


ugoenda ku jeri ndigosara nani. Hongu baba
vakatadza asi still ndibaba vedu tichiri kuvada
panyika handikutenderi uchitora mweya wavo"
ndaidero ndichirasira bhemba kure ndichitarisana
naye

Addie akandisundira kure akabva afamba achienda


pana baba vake akatanga kuvadzvinya ende aitoda
zvekuvauraya. Ndakasvika ndichimubvisa akabva
andikwiza mbama yakasimba. Ndakatoona kuti
nehasha dzaanadzo ndikatadza kudzosera tese
tinopera kupedzerwa shungu.

Ndakamudhinda chibhakera changu


nechemudumbu.

Akauya akatanga kundiridza mambama ndakabva


ndamira semukono , ndakatanga kumukava ma
double kick akasimba chaizvo.

Takatanga kurovana na Addie , bamukuru vakabva


vati "Mava kuona zvamava kukonzeresa
mudhara . Mukadzi nemurume vava kurwa nekuda
kwenyu"

Gono vakatanga kuchema vakati

" ruregerero vana vangu , chokwadi handina


kumboziva kuti zvichazondisvitsa pakadai
ndinokuvimbisai kuti handichazvipamhe zvakare.
Ndangomirira zuva rekufa kwangu kudai Mwari
vanditora chero nhasi chaiko mweya wangu
wazorora" vaidero vachitangidza kuchema.

Bamukuru Olga vakatanga kuvarova zvekare


vakabva vati "Nyararai apo, zimuroyi. Ndizvo
zvinokupai kurara nechipoko, misodzi yenyu
ichadzosa vana vevanhu vamakadya here?"

Vakasiya kuvarova vakabva vati "Mai Tee , enda


panze unovesa moto ugadze chi drum chemvura
nhasi Gono vanofanira kufa rufu rwunorwadza .
Tinoda kuva boiler mumvura vachirarama" maiguru
vakamboramba vakamira vakabva varidzwa mbama
vakanzi "Enda izvezvi , haurambe wakamira
ndichikutuma !" Ndakaona vachitanga kumhanya
vachienda

Bamukuru vakatora sando vakati " mvura ichifana


kuvira ,ndinoda kugwenya mazino ese iwayo
aikunyengerai kutsenga nyama dzevana vevanhu"
vaidero vachitovaradzika pasi

Inini ndakaona kuti vatezvara vangu vava panguva


yakaoma , kuti ndinorovana na bamukuru ndakaona
zvisingaite ipapo ndakabva ndatanga kubata
mudumbu mangu.

Ndakasiya zvekurovana na Addie ndikabva ndati


"Daddy mandirova zvakaipa kani " ndaidero
ndichigara pasi ndakabata mudumbu

Bamukuru vakasiya baba vavo vakauya kwandiri


vakabva vati "Mainini" vaidero vachindizungunutsa

Addie akandisimudza akandigadzika pa chair


akabva ati "Are you okay babe, sorry mukadzi
wangu i didn't mean kurwa newe chete ndango
looser controll." Aidero ava kuva kuchema.

Inini ndakazendama pa chair ndikatanga


kuchema , ndaiziva kuti iye achatochemawo chete.
Ende chandaida ndechekuti abude misodzi apedze
shungu.

Ndaiziva kuti baba vake vanga vamurwadzisa


zvakanyanya, kana akasachema shungu dzake
dzaisambopera.
Ndakachema ndichibata mudumbu kunge munhu
arohwa zvakaipa. Ndakaona Addie ava kuchema
akabva ati "ne chandanga ndava kukudzosererawo
mukadzi wangu, ndaiteiko nhai Mwari." Akachema
kwenguva refu pandakaona kuti abuditsa misodzi
yakawanda shungu dzaserera ndakabva ndati "ndiri
kuda mvura yekumwa " wakava muromo umwe
chete akamhanya akandochera mvura achienda
ndakabva ndaudza tezvara kuti vaende ku cottage
kwavo nyaya tichazodzitaura mangwana.

Ndaida kurara ndichionesa umwe wangu kuti


kutadza kuri muvanhu. Bamukuru vakada kuti
hakuna kwavanoenda kusvika tava boiler
muchikanga . Ndakangovaudza kuti

"wangu murume ndichiri kumuda bamukuru,


akaenda ku jeri nokuda kwekuti akuvadza baba
vake moziva kuti neniwo ndichandogara ku jeri
ikoko"

Bamukuru vakada kuti "But mainini"

Ndakabva ndavaudza kuti "No buts. Ndakatoona


kuti nyaya yacho inotomboda ma threats kuti zviite"

Inini ndiri mwana wa commissioner saka dzimwe


nyaya ndinoziva mutongerwo wadzo.
Pane pamwe panoda ka violence kana uchitoda
kuti zviite.

Baba vangu mukuru wema Solider, amai mukuru


wema purisa saka ma cases mazhinji takakura
vachitidzidzisa kugadzirisa nyaya.

Gono vakasimuka vakaenda. Daddy Rocky


vakabva vauya nemvura. Ndichipedza kumwa
ndakavaudza kuti ndava kuda kuzorora ndaneta.

Vakandisimudza kuenda neni ku room, inini


ndakapa sign kuna bamukuru yekuti any mistake
yekukanganisa vatezvara vangu vaizondiona.
Ndakangaoona vachishama muromo ndikabva
ndaziva kuti ndabudirira.

Tichisvika ku room , mudiwa wangu akandiradzika


pa bed . Inini ndakabva ndavhara maziso semunhu
arara. Akandisiya ndokubva akatanga kuchema .
Akachema zvekuti ndakamunzwira tsitsi
ndakaenda paaive ndokubva ndikati "Usanyanya
kuzvidya moyo mudiwa wangu ndozvinoita upenyu.
Chandava kungokumbira dai uri umwe waregerera
baba vako kuti nesuwo tive neramangwana
rakajeka. Kana ukauraya baba vako nhasi unoenda
ku jeri inini ndichaita sei ? Ko vana vedu
ndichavaudza kuti baba vavo varipi, Noo hun
usarwadzisa moyo wangu uchidero. I can not live
without you " ndaidero ndava kuchema.
Ndainyatso kunzwa kuremerwa ndaiti ndikafunga
pain yaive neumwe wangu ndainzwa neniwo
ndichizarirwa.

Addie akasimuka ndokubva akaenda paive nema


books aaive akatongedzera mu suitcase.

Akauya akabata ma photos matatu aive nevakadzi


vakanga vakazvitakura. Akatanga kuchema
akamatarisa akabva ati "Vana vevanhu vakafira
nhamo nokuda kwangu, kudai Mwari andiregerera
mweya yavo yazorora. Pese pavaifa vaizama kuda
kundiudza chokwadi asi inini nekupusa handina
kuda kuzvitsvakurudza " aidero ava kuwedzera
kuchema

"Ndakamumbundukira ndikamunyararidza.
Ndakamuudza kuti zvese zvichanaka. Ndosaka
ndichikuonesa kuti baba havafanire kufa,
vanofanira kuenda kuvabereki vevafi vandotaura
chokwadi , kana pachida kuripwa voripa ngozi
dzavo vega."

Addie akanditarisa , akandikisa pa forehead akabva


ati "You are an Angel Harleen , moyo wako hauna
vakawanda. Dai Mwari azadzisa zvishuviro
zvemoyo wako"

Ndaka smiler ndokubva ndikati "Shuviro yangu


ndeyekuti baba nevana vavo varegererane titange
upenyu hutsva tiri happy family " pandakadero
haana kudaira ndakabva ndaziva kuti haade
kuzvinzwa.

Ndakazochinja nyaya ndokubva ndikati vana vedu


muchavapa mazita anoti chii?

Addie akauya akakisa dumbu rangu akabva ati

Chibaba chinonzi *Rocky* two princesses vanonzi


*Ruvarashe na Rutendo* ndakaseka zvangu
ndikabva ndati "Hezvo saka inini handina
wekutumidzawo here veduwe"

Aka smiler akabva ati " noo mai Rue , kana muchida
zvekupawo wenyu zita pamunobara vatatu vangu
ava mobva matakura imwe nhumbu"

Ndakaseka zvangu ndikabva ndati " at least Rocky


ndini ndakatanga naro" ndaidero ndichirara.

Ndakarara ndakambundukirwa zvekuti handina


kunonoka kubatirwa nehope. Ndakazomuka pakati
peusiku ndichiita zvekuvhunduka .
Ndanga ndaroteswa vision ya Jemedza achiita
kunge anga aenda kuvakuru vake kundopiwa
masimba. Chakandinetsa anga adzoka
achindirwisa pandakanga ndava kuda kumukunda
ndakabva ndatanga kunzwa labour pain zvekuti
ndakangowira pasi. Jemedza akatora mukana
uyoyo akaswedera achida kundiuraya ndipo
pandapepuka.

Ndakapepuka ndichiita kudikitira ndakamuka


ndikanamata. Ndakazodzokera pa bed
ndokuwanika Addie achichema. Aichema zvake asi
aive kuhope ndakaona kuti nyaya ya baba vake
yakanga ichiri kumu affecter. Ndakatanga
kumubhabhadzira zvishoma nezvishoma kusvika
arara.

Mangwana makuseni ndichimuka ndakamudza


hope dzangu , ndakakumbira kuti andiperekedze
kwa Jemedza ndaida kuona kana zveshuwa asiko.

Addie akati tinofanira kutanga tanamata. Takaenda


panze panzvimbo yatakagadzira kuti tinamatire.

Takatanga kumutsa Jona , vamwe vedu vakabva


vauya kusanganisira na tete. Takatanga kuimba
zvinemutsindo, tiri pakati pekuimba takazongoona
Gono vachikamhinha vachiuya kwataive. Vakasvika
vakagwadama vari kure nevanwe ndakanzwa
bamukuru vachiti "What's the Hell?"

Inini ndakabva ndati "Nzvimbo ino yatiri


yakaropadzwa, hapana anorambidzwa kusvika
pano saka tinokumbira runyararo"

Ndakaona bamukuru vachinyarara asi vakanga


vakabuditsira ziso Gono

Tete Cherry vakatotanga kuimba "Hatirambe


zvamaronga baba" tese takabvumira ndakaona
Gono vava kuomberawo maoko ndikabva ndaziva
kuti "kuronga kwa Mwari hakuna anopikisa"

Ndakabva ndatanga kunamata nema tounges


ndikabva ndatanga kupa Gono chiporofita
chandaioneswa.

Ndakanzwa ivo vachiti...

End of chapter *27*

Stay tuned tione kuti Gono havasi ku pretender here


avo kkk nyaya dzacho dzinoti kusekesa dzigoti
kusuwisa.

Pane book rinonzi *Game of war* randakanyora


ndiro rine ma Gafa atava kupinza vana Ndururani
avo ndiko kwakabva hama dza Harleen it's a free
book vasina kuriverenga munouya ndokupai pdf
racho handichina ma chapters .

Kana mauya inbox yangu musangoti "hie"


handina nguva yekuwanza nyaya just straight to the
point ndokwanisa kukubatsirai

Ndatenda
*BETRAYAL* https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103

Chapter **

*Gono*

Pandakanzi na Harleen ndiende kundorara


ndakabva ndananga ku Cottage kwangu.
Ndakasvika ndikagara pamusoro pe bucket
raivemo ndichinyatso kufunga kuti hupenyu
hwangu hwuchazonakawo here.

Ndakanyatsoona kutadza kwangu, ndaiti ndikafunga


mwana Addie misodzi yaingotanga kuyerera.
Chokwadi ndakanga ndakanyanya kumurwadzisa.

Olga aitombove nane nokuti handina ropa rake


randakanga ndakateura ende anga andirova
zvekuti shungu dzake dzanga dzaserera.
Addie ndiye wandainzwira tsitsi, ndaizotarisana
naye sei muzuva ramangwana nerudo rwese
rwaaindipa. Ndakafunga kupfuudza mweya wangu.
Ndakaona zvirinane kuzviuraya. Ndakasimuka
ndikaenda ku garage uko kwataichengetera
mushonga. Ndakasvika ndikatora mushonga we
cotton ndakabva ndangodururira muchivharo.
Nguva dzandakanga ndava kuda kumwa mushonga
uya wakapumhurirwa kure nezvipoko zvevakadzi va
Addie. Ndakapfugama ndokubva ndikati "Chii
chimwe chamuchada kwandiri , inga wani ndaita
zvamareva kutaura chokwadi kuvanhu kuti ndini
ndakakuurayai."

"Zvandareurura zvitadzo zvangu chiregai


ndichizorodza mweya wangu , nokuti
handichagone kuramba ndichirarama pasi rino."
Ndakadero ndava kuchema

Ndakaona vafi vachibata maoko vakabva vati

"Hatikutendere uchifa nokuti uchine basa kune


vakatibereka. Kana uchida rugare

enda kuvabereki vedu undotaura kuti ndiwe


wakatiuraya. Vachakupa mitongo yavachakupa kana
uchinge wakwanisa kuripa mitongo iyoyo ndizvo
zvichaita kuti mweya yedu izorore. Hauzotione
zvekare tichikumukira " vakadero vachito
disappear vachienda.

Ndakasara ndikatarisa mudenga ndikabva ndati


"Mwari ndibatsirei , zviya zvekuti hakuna Mwari
unenge usati waiona tsekwende. Kun'anga kwa
Jemedza kwandaifunga kuti ndiko kune yese nhasi
uno ndiko kwava kuita kuti ndivengane ne vana
vangu"

Ndakachera chikomba pa floor kusvika ndapabata


ivhu, ndakapfira mate ndikafutsira . Ndakazviudza
kuti handichafe ndakaita chinonzi ruchiva. Zvirinane
ndigare nenhamo yangu . Ndakazofamba
ndikaenda ku room yandinorara ndichisvika
ndakambogara ndakatarisa madziro.
Ndichinyatsofunga kuti zvichazondinakirawo here.
Ndichiri mukufunga ndakaona bible richidonha
kubva kuseri kwe curtain, ndakaritora ndikaona rine
guruva ndakabva ndaziva kuti Olga nemukadzi
wake vakarikangamwa pa window.

Pandakada kuribata rakabva ratanga kungovhurika


rega. Ndakarisiya kusvika razomira pa page raive
rakanyorwa kuti *Mabasa e Vapositori* ndakada
kurivhara nekuti inini zve bible hazvisi zvangu ,
ndichiri mukuda kuvhara ndakaona pane nyaya
yainzi Kuchinjwa kwa Sauro . Ndakagara pasi
ndikatanga kuverenga nyaya iyi.

Ndakangona misodzi yangu yava kutanga kubuda ,


Sauro airatidza kuti aive muurayi asi Mwari
akamunzwira tsitsi akasvika pakuchinjwa zita
akanzi Pauro.

Nyaya iyi yakandibata bata chaizvo nokuti


ndakaona yakafanana ne situation yangu,
ndakabata bible ndikaisa pachifuva changu.
Ndakatanga kusekerera nokuti ndakanga ndava
ne hope yekuti upenyu hwangu hwuchachinja. Ndiri
mukusekerera ndakazongoona chamupupuri
chakasvika muroom yandaive.

Ipapo ndakabva ndaziva kuti hakuna umwe kunzwe


kwa Jemedza presence yake ndinoiziva
zvakanyanya. Handina zvangu kuda kuvhunduka
ndakaramba ndakagara ndakatarisa paive
chamupupuri.

Chamupupuri chichipera Jemedza akabva amira


kumberi kwangu inini ndakabva ndati "Why are you
here Jemedza?"

Jemedza akauya akandibata huro akabva ati "Sei


waudza vana vako chokwadi kuti wakabata
mushonga. Handina kukuudza here kuti uvhare
gaba rako , ende uri kuda kuzama ku prover chii
kana uchiverenga bible" aidero achiita kuhutisa
muviri wese achindidzvinya

Ndakamutarisa ndikabva ndati "Stop shaking


Jemedza , kill me already mweya wangu uzorore.
Ko ndaigotadza kuvaudza sei inini ndakabata
mushonga zvechokwadi . By the way sei uchiramba
kuti chokwadi chitaurwe asi unotya Mwari wavo
kayi ?" Ndakabvunza zvine kakubhowa kuti aite
hasha ndaitoda kuti andiuraye.

Jemedza akasiya kundidzvinya akabva akandibaya


nechitsvimbo chake, zvekuti ndakatanga kunzwa
mabayo akabva ati "Waita mistake Gono ,
nditevere izvezvi unofanira kumwa ropa kuti
udzokere muchirongwa.

Bible rawabata watosviba chaizvo nokuda kwaro,


ukasamwa ropa nhasi you will die!"

Paakadero ndakaseka ndikarova maoko ndikabva


ndati "Rufu ndorwandiri kutotsvaka ndichorushaya,
ungandibetsera chaizvo ukandiuraya. I am no
longer the Old Gono wamaishandisa achibvuma
zvese zvese."

" Kutanga nhasi ndava kunamata Mwari


anonamatwa nevangu, kana Mwari iyeye akagona
kuti zvandinoita zvifumuke angatadza nei kundirwira
muhondo dzako "

Zuva ranhasi ndinonzwa kurerukirwa nokuti


ndazvarwa patsva, ndinozviziva kuti ndakatadza asi
hazvina kutanga nekwandiri. Nemakare mu bible
yaitovekowo mhondi yainzi Sauro akasvika
pakuchinjwa zita akanzi Pauro kuti mabasa ake
asaramba achimuteerera.

Neniwo nhasi ndichachinja zita rekuti Gono ndava


kuzviti "Gaddi" zita remu bible

pachi hebrew zvinoreva kuti "Luck". Ndakaita


rombo rakanaka chaizvo ndikapiwa mukana
wekugadzirisa ma mistakes angu.

"Usafa wakafunga kuti zvandaziva kuti


maindishandisa ndicharamba ndichishandisika."

"Your time has expired Jemedza , buda muno.


Enda unotsvaka Mwari achiri kuwanikwa " ndaidero
ndichitomusunda.

Jemedza akandiswederera akabva ati "You lied


Gono, kana wapinda mu team redu haubude
zvekudero let's go " aidero achinditendeka neka
tsvimbo kake.

Ndakangoitawo zvivindi ndikambundukira bible


ndakatarisana naye. Ndakanzwa achiti "How dare
you , to challenge the son of the Darkness"

Ipapo ndakabva ndati "Fire ndichitendeka Bible


kwaari" ndakanga ndisina chokwadi nezvandaiita
asi ndakazongonzwa ava kuti

"You will pay for this Gono! Ndichaparadza chese


chinoti iwewe " aidero achito disappear

Ndakasara ndikabata madziro ziya richichururuka.


Ndaitoziva kuti zvivindi zvandaiita ndadenha mago
chaiwo. Jemedza ndomuziva haasi munhu anoita
give up zvekudero.

Ndakafunga kuti zvimwe ndichamuka ndakaoma


manje ndakashamisika ndichitomuka ndiri
mupenyu, zvese zviri bho ndakangoti Mwari
kudziwai.

Ndichimuka ndakanzwa vana vangu vachiimba,


ndakaona zvakanaka kuenda pane vamwe ipapo.

Akati iye munhu akatadza haabvumirwe kuenda


pane vamwe ndiyani?
Ndichisvika Olga akada kumbotaurisa, ndakanzwa
Prophettes vaitenga ndikabva ndaziva kuti at least
ndine munhu umwe chetewo anombomira neni.

Nziyo dzerumbidzo dzakaimbwa inini ndaiombera


maoko ndakanzwa Prophettes vava kunamata
nechimutauro chavo. Vamwe vese vakatanga
kunamata inini ndaingove ndakanyara . Papera
chinguva ndakazonzwa Prophettes vava kuti "
Vuyai mupfugame apa baba " ndakamhanya
ndikapfugama pedyo navo ivo vakabva vati "manga
moda kuzviendesa kwamupfiga nebwe here?"

Pavakadero ndakaramba ndakanyarara


vakaenderera kumberi vachiti "Hamufanire
kuzviuraya nokuti Mwari wenyu anokudai.
Makakomborerwa kubva kare muchikura, Mwari
akaona zvishiviro zvemoyo wenyu akakupai mwana
Famous Rockstar. Kudai makamirira nguva ya
Mwari kutaura kuno mune mari yakasviba . Addie
angadai akatanga kuimba kare kare achiri mudiki,
asi Akash aizama nepaanogona napo kuvhara
chipo chake kuti imimi musabudirira. Paakakuudzai
kuti shandisai Addie imimi hamuna kuzviziva kuti
aizviitire , kutanga nhasi ndinoda kuti mudzidze
kunamata Mwari kuitira kuti agokurwirai muhondo
dzese dza Rusifa. Muchibva pano endai
munozadzisa zvishuviro zvevana sikana handi
vakakuudzai zvamunofanira kuita madeko?"
Vakabvunza

Ndakangogutsurira musoro ndaitonzwa kuda


kuchema. Ndainyatsokunzwa kuti ndiri kutaura
nemunhu wa Mwari. Prophettes vakazondikusha
mvura kumeso vakabva vati ndichienda. Inini
handina kuenda ndakangosimuka ndikagara
pandanga ndakabva ko ndaigoendepi vamwe
vasati vabva. Prophettes vakazotanga kunamata
vakabva vaudza vamwe vavo kuti Jemedza
akaenda ku Dark land vaifanira kugara
vakagadzirira nokuti anytime aizodzoka.

Pavakadero ndakanzwa kutya nokuti nzvimbo


inonzi Dark land ndaingoinzwa nembiri na Akash
akandiudza kuti akamboendako kamwe chete kuna
God father va Jemedza.

Prophettes vachipedza kutaura vanhu


vakazosimuka vachienda. Pakati pavo vese hapana
akada kutaura neni. Neniwo ndakangoramba
ndakanyarara ndaitonyara ndega kuti ndotanga
nyaya dzacho ndichiti chii uye kunani wacho.

Nguva dze breakfast semazuva ese ndakaenda pa


table ipapo ndipo pandakachitsvara Olga
akandisundira kure akandiudza kuti handikodzere
kudya nokuti ndichakaguta nenyama dzevanhu
dzandakadya. Ndakazama kukumbira kuti
andipewo mafufu zvawo sezvo ndakanga ndava
kufenda nenzara. Madeko ndakanga ndisina
kuzokwanisa kudya nokuda kwenyonga nyonga
ndakanga ndarara nayo apa futi ndonyimwa chikafu.

Harleen akasimudza chake chikafu akati torai


zvenyu changu baba , Addie akaenda paaive
akabva ati "Harleen ndinoku respecter chose nokuti
ndinokuda , asi kana uchida kuti ndirambe
ndichikuremekedza siya zvauri kuita"

"Uyu murume hatina ukama naye hatimuzive pano,


saka haakodzere kugara pano kana kudya chikafu
chepano !" Aidero achirova table akanyatso
kubuditsa ziso zvaive pachena kuti akanga
achakanditsamwira.

Harleen akasimuka achichema akabva aramwa


chikafu chacho achienda ku room kwake. Addie
akanditarisa akabva ati "Because of you mukadzi
wangu arikuchema, you will pay for this " aidero
achinditendeka

Olga akasimuka akabva ati "Why don't you just


leave us alone, you are really disgusting" aidero
achiratidza kubhoikana neni
Ndakatoona kuti hondo yacho haiperi ndakasimuka
ndokubva ndikati "Kana zviri izvo zvamunoda vana
vangu hapana chakaipa , ndava kuenda
handichafezve ndakauya muupenyu hwenyu"

Ndakapfugama pana mai va Addie ndikabva ndati


"Ndinokumbirawo undiregerere mukadzi wangu,
nezvese zvandakakutadzira ndava kuenda asi gara
uchiziva kuti murume wako anokuda" ndaidero
ndava kufamba

Cherry akasimuka akabva ati "Manje munoenda


kupi baba , Hamuchakuvadzwe nana Jemedza
vacho here?"

Ndakaenda paari ndikamumbundukira ndikabva


ndati "Usatya mwana wangu kudai ndiri wekufa
ndingadai ndakafa kare. Ndiregererewo mwana
wangu " ndaidero ndichimusiya

Mai va Addie vakatanga kuchema vakanditarisa


inini ndakabva ndatofamba ndikabuda gedhe. Kuti
ndirambe ndichitambudza vana vangu ndakanga
ndisingade .

Ndakatanga kufamba netsoka ndichienda kumba


kwakanga kwakaroorera Addie kwekutanga kwa
masiziba. Zvakanditorera nguva kuti ndisvikeko
semunhu aifamba netsoka ndichisvika
vakashamisika kuona ndichifamba nema pata pata
ane waya. Vakandigamuchira zvakanaka chaizvo
zvekuti ndakanzwa kuzvinyarira. Ndakapiwa
chikafu ndikadirirwa ne cold drink ndakada
kumboramba sezvo ndaiziva kuti nyaya yandaenda
nayo yaisafadza manje vakandimanikidza kusvika
ndadya. Ndichipedza ndakazopinza nyaya yangu
mudariro vanhu vacho vanoratidza kuva vanhu
vanonamata vakabva vandiudza kuti "Hapana
chavanoda chokwadi chandataura ndicho chega
chavanga vakamirira kuudzwa, sezvo vaizviziva
nechekare " vakabva vandiudza kuti vandiregerera

Ndakatadza kuzvibvuma inini kuti vanhu


vangandiregerera "just like that "

Ndakazobvapo ndikatanga kufamba ndichikumbira


ma lift kuenda kumba kwamachuma.

Mhuri yeikoko yakati wandei machangani saka


ndaitozviziva kuti ndichambooneswa nhamo.
Zvisinei handina kuda kutya ndakasvika
ndikandotaura nyaya yangu "Vakangondiiudza kuti
vanoda mombe Gumi dzinotsika , kana ndichida
kuti vandiregerere" ndakavavimbisa kuti ndinouya
nadzo sezvo ndaiziva kuti kudanga ndine mombe
dzinodarika ipapo. Ndakazviudza kuti zvirinane
ndisare ndisina chandinacho asi ngozi
yandakapara ndapedza kuripa.

Ndichibvapo ndakazoenda kwa masithole kuma


Ndebele . Ndichiri ku gedhe ndakabva ndamiswa
ikoko ndikanzi nditaure nyaya yangu. Pandakataura
ndakatanga kurohwa nemipinyi , matanda uye
tyava. Vakazondisiya vaona kuti handichagone
kana kusanduruka. Ndakagarapo mazuva matatu
vachinditova pavakaona kuti ndava nane ndava
kugona kufamba vakabva vandiudza kuti vanoda
mombe gumi ne shanu pamwe chete ne mbudzi
mbiri kana ndichida kuti vandiregerere .

Ndakavavimbisa kuti ndaizovapa ndakabva


ndaenda ku Chendambuya.

Ndichisvika ndakashamisika zvipfuyo zvese


zvakafa. Mombe , mbudzi , hwai, madhongi ,
pamwe chete ne huku! Hapana kana chairarama.
Ndakabvunza kushandi akabva andiudza kuti
zvava ne 4 days zvafa.

Kwanzi kwakangoita mheni yakarova kumatanga


nekuchirugu ndiko kuparara kwazvakaita.

Ndakagara pasi ndikatanga kuchema ndakaona


kuti mabasa a Jemedza hakuna umwe.
Ndakarwadziwa zvisina akamboona , hongu
zvimwe zvipfuyo ndakazviwana nemari
yemushonga asiwo dzimwe mombe mbiri ndakanga
ndatengawo nemari yangu ye cotton kudai
akachindisiirawo idzodzo handi ndaizowana
pekutangira.

Mukomana webasa paakaona ndasvika akabva


arongedza chi bhegi chake akabva ati ava kuenda
zvekugara pamba pangu haachazvikwanise.

Handina kana kumudaira ndakangoramba


ndichichema ndakatarisa kudanga remombe.

Vanhu mudunhu vakati vouya vachitaura


zvavanoda inini ndakaenda kuroom kwangu ndaida
kumbozorodza pfungwa.

Ndakasvika ndikarara .

Ndakarara flat handina kumbopepuka kusvika


kwaedza. Ndakatozomuka masikati chaiwo
ndichifunga kuti ndoita sei kuti ndibhadhare
vabereki vevafi. Kungofunga izvozvo chete
ndakatanga kunzwa matama angu kupisa ndikabva
ndaziva kuti ndava kuchema. Ndiri pakati
pekuchema ndakazongoona mota mbiri dzichisvika
dzakadungamidzana imwe yacho yakamira
necheure.
Ndakashaya kuti ndivanani vanga vandishanyira
ndakazongoona ari Akash aiburuka mumota
yekutanga ne boys rake.

Akash akasvika akatuma umwe wevakomana


kutora rupasa , mukomana uya akarwutora
akarwuwaridza pasi ndakaona achidurura mari
yakawanda kwazvo zvekuti chero mombe 30
yaikwanisa kutenga mari iyoyo. Akash akabva ati
"Sorry friend nezvese zvandakakutadzira , please
tora mari iyi undobhadhara vabereki vevafi udzoke
mu game"

Paakadero ndakasimuka ndikamuridza mbama ,


ndakabva ndamuudza kuti "Handina mari yako
yandinotora Akash , izvezvi ndiri munyatwa dzese
idzi nokuda kwako!"

" Tora mapaper ako uende usiyane nehupenyu


hwangu!" Ndakadero ndichirasira zvimari zvake
kure ndainzwa ku boiler nehasha.

Pandakadero Akash akaseka akabva apukuta


muromo wake wakanga wava kubuda ropa akabva
ati "You left me with no other option Gono , boys
kill him right now" ropa rake muise muchi dish
nokuti rine basa
Pavakadero vakomana vakandibatira
vakandiradzika pasi pavakazoda kuti vandiise
banga ndakanzwa voice rakati "You will not do
such a thing , to my father in law" ndakacheuka
ndokuona ari Harleen

Ndakanzwa Akash achiti "What?" This little small


brat akatojaidzwa chaiko. She always interfere like
a detective

"*MAFIAS!!*" aidero achideedza boys rake.

Vakomana vakabva vati "Boss" vaidero


vachiswedera pedyo , vamwe vacho vaibuda
nemuzvisango anoratidza kuti anga a higher boys
rakati wandei nokuti vaitodarika vashanu
vaanowanzofamba navo.

Akash akabva ati "attack her ,musamusiya ari


mupenyu" aidero achigara pavherenda akatarisa
achiseka

Inini ndakatarisa Harleen ndikaona ari ega


ndakabva ndati "Tiza Harleen uchine mukana ,
vanokuuraya kani" ndaidero ndava kuchema.

Iye akanditarisa akabva ati "No, father handina


kwandinoenda ndisina imimi kana ndichifa
ndourawa ndazama" akadero achifamba zvishoma
nezvishoma achiuya kwataive.

Akamhanya akakwira pamusoro pedanga akatanga


ku flyer ari mudenga . Akasvika akandopinda mu
room ya Addie nepa Window.

Ndakatadza kuziva kuti anoda kuita sei chaizvo.

Ndakazoongoona ava kubuda akapfeka


chikabudura mumusoro akasunga chibhande che
red akabva ati "ndiri musikana we Montana ,
handina nhoroondo yekukundwa pa hondo inini
bring it on ndione zvamakatakura vakoma ve
Mafias" paakadero Akash akaseka akabva ati
"Ava ndi drama Qeen chaivo."

"Vakomana , buditsai matumbu musamusiya kana


asina kufa!" Aidero achisimuka kuti anyatsoona
chaiko

Vakomana vaya vakambotarisana ndakaona vava


kuvinga Harleen ...

Iye nguva idzodzo akabva agara 180 akati...

End of chapter *28*

Stay tuned , keep comments


Vanoda book rakanzi game of war nera runway
Bride munopinda mu link rakanzi previous iro
ndichange ndichiisamo every day .
*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103

Chapter **

*Harleen*

Pakabva vatezvara pamba ndakafonera Dhaikoro


kuti auye nemota yangu , yanga yava nguva yekuti
ndigare ndiri Alert nokuti ndaitoziva kuti Akash
haambozorore. Mweya wa Bianca ndakauratidzwa
wakaturikwa mumuti na Jemedza saka ndaitoziva
kuti uyo haringave dambudziko kwandiri.

Mota yangu ichiuya ndakaenda ku Birchnough


kundotora shamwari yangu Brege ndaida kuti agare
pedyo neni sezvo na Addie takanga
tisingataudzane nenyaya dzake dzekutsamwira
baba vake.

Bridget akafara chaizvo nekundiona wakava


muromo umwe chete kumukumbira kuvabereki
vake vakabva vabvuma.
Handina kuzoda kugarisa ndakabva ndaonekana
na mbuya Harini tikabva tapinda muroad.

Tichisvika ku Headlands ndakangovaudza


zvaivepo kuti Bridget i shamwari yangu she is like a
sister to me.

Maiguru mai Tee vakaratidza kufarira Brege


zvakanyanya ndakangovaudza kuti vatambire kure
nekuti zvavaifarira ndaizviziva zvangu.

Ndakagara mazuva matatu ndichitsvaka vatezvara


ndichivashaya , ndaitadza kuziva kuti vanga vaenda
kupi chaizvo.

Rakazoti zuva rechina ndakati regai ndimboenda


kwa Akash ndaifunga kuti pamwe ndiye akavatora
ndichisvika ndakawanikwa ari pa call airatidza kuti
anoda kuenda ku Chendambuya.

Ndakashaya kuti aida kundoiteiko ndakangozviudza


kuti ndichatomuteerera chete.

Iye achibuda inini ndakabva ndateera kumashure


asingandiona , ndakaona achimbomira mutown
achibhadhara mari dzimwe ndimba ndimba
dzaakaudza kuti dzinofanira kuzouraya Gono at any
cost.
Pandakanzwa zita ravatezvara Ndakabva ndatanga
kuto driver.

Ndakaenda ku Headlands kundotora Bridget


ndakabva ndamhanyisa mota ndakananga ku
Chendambuya.

Ndava kusvika pedyo ndakaona Akash achiratidza


kuti naiye anga achangosvika ndakabva ndati
"Perfect" ndakanyatsotarisa kwavaive ndiri
nechekure.

Akash akapa vatezvara mari ndichiona,


ndakatanga kutetemera ndichitya kuti zvimwe
Gono havasati vachinja hunhu hwavo.

Ndakatsitsinha ndichifunga kuti kana vakatora mari


ndaizoita sei navo.

Ndakazviudza kuti ndaitovabuditsa ndove chete,


zvekuti nditezvara ndaimboisa paside.

Pandakasvinura ndakafara ndichiona vachiiramba ,


vakatomuudza kuti ngaaende kwaabva .

Akash akatuma vakomana kuti vavauraye ipapo


ndipo pandakabuda mumota.

Bridget akada kuti "Harleen handikusiye uri wega


ndinotoendawo newe chete" ndakangomudzosera
mumota ndikabva ndamukiira mukati. Hondo
dzangu ndaitoda kudzirwa ndega, Brege is so
innocent ndi Mai Mufundisi zvavo zve fight
havazvizive.

Ndakaona achiratidza kuda kuvhura mota,asi


achikundikana ndakabva ndangomusiya
ndikamhanya ndichienda kundonunura sekuru
vevana vangu.

Ndichisvika ndakaona kuti kurwa ndakapfeka dress


hazvaigona , paitoda chinhu chakavharika nokuti
kana ndava kurova ma Karate ndinoita kunonzi
kuuruka chaiko handimbozvitsvake kuti gumbo riri
kuenda kupi.

Ndakatanga kumhanya ndakananga kudanga sezvo


ma Mafia anga akaungana pamusuwo. Ndichipinda
mumba ma Addie ndakangosarudza mbatya
dzandaioona dzaiita kuti ndive comfortable
pakurwa.

Ndichipedza kupfeka ndakasunga mucheka


mumusoro , kamucheka ikako ndinogara ndinako
asi handikasunge pese pese. Ndinosunga kana
ndikaona kuti hondo yandinoda kurwa yakati kurei.
Ukaona ndasunga mucheka watinoshandisa ku "
team redu remontana, hakuna munhu anondirova
izvovo hazvife zvakaitika"

Ku team redu vanotondiziva kuti kuna Montana


Girl , nditori young master kuchikwata ndino leader
varume veko munhu umwe chete anondirova ndi
Ndururani mwana wa Gaga ndiye master wanguwo
vamwe vese vacheche.

Ndichipedza kusunga chimucheka ndakagara 180 ,


ndakasimuka ndikabva nda spiner katatu ndisina
kumbozorora . Ndakazotunga pasi nemusoro
makumbo ari mudenga, ndakatanga kufamba
nemaoko chete kusvika ndasvika pavaive
ndakaona vese vachidzokera kumashure.

Vakanga vakabata tezvara vakabva vakandira


banga pasi vachivasiya.

Akash ndiye akazovaudza kuti

"varambe vakabata Gono asapudzunuka ,chero


zvikaita sei?"

Paakadero ndakasimuka ndikaseka ndikabva ndati


"Come on Mafias , vuyai nezvamakatakura ndione
kuti munorema kusvika papi"

Umwe we Mafia airatidza kuva muhombe


akanditarisa akabva aenda kuna Akash akati
"Boss , musikana uyu anoratidza kuva dangerous
madii mamupa zvacho zvaari kuda masiyana naye "

Paakadero Akash akamuridza mbama akabva ati


"Mhungu ! hatisi pakutamba pano . Vonai
zvamungaita vakomana nokuti ndiri kutoda ropa ra
Gono nhasi chaiye"

"Mweya we musikana uya ukaburuka mumuti ndisati


ndava neropa ra Gono ndingaoneswa moto".

"Gono uyoyu ndiye ega solution yandinayo, saka


make sure kuti madira ropa rake mudish umu "
aidero achimupa chidish mumaoko pamwe chete
nebanga.

Mhungu wacho akagamuchira akabva ati kuvamwe


vake vandirove iye achifana kuuraya Gono.

Vakomana vakatanga kundivinga vachida


kundirova asi vakakundikana , ndatanga kutambira
mudenga .
Ndaingouruka ndichirova ma double kick vaviri ,
vaviri.

Ndakanakirwa zvangu vese vachipera kurukutika ,


vairatidza kuti vana chaiko pakurwa.

Ndichipedza kurova rimwe boys rese , Mhungu


akabva akandira banga pasi akati "Iam out Akash
pamadhiri ako, this girl is very dangerous. Ndiri
murwi zvangu asi handisati ndakambomoona
mvumba yakadai. She is a monster i can not stand
her" aidero achitopinda muzvitenhere achitiza
neupenyu hwake.

Akash paakaona kuti waanga achitemba naye


atiza akabva atanga kudzokera kumashure airatidza
kuti aitodawo kumhanya.

Ndakaaenda paaive ndikabva ndati "Not so fast old


man ,munoenda kana mambowana twekwenyu"
ndaitodero ndichimupingira pasi ndakatanga
kumukava mabhutsu.

Ndainyatso kunzwa hasha dzichizara mandiri.

Ndakamurova zvekuti akanga ava kungogomera


achipindura maziso. Gono vakanga vati kwati vari
kuseri kwengoro vairatidza kutya chaizvo.
Ndakazosiya kumurova ndikabva ndati "siya
mabasa ako Akash nokuti ukasadero uchafa rufu
rwunorwadza, siyana na Jemedza wako nokuti
achakupandukira kwaakaenda uko achadzoka
achida sacrifice yemunhu akaromba kwaari ende
munhu waachatanga kufunga ndiwe!"

"Surrender upfumi hwese hwaunahwo udzoke kuva


murombo , Mwari akwanise kukuregerera."
Ndaidero ndichisiya zvekumurova

Akash akasimuka akabva ati "Never ! Chero


zvoita sei handisiyane na Great Jemedza ndiye
munhu anoita kuti zvese zvindinakire ndiye Mwari
wangu iyeye" aidero achidzereka inini
ndakangomutarisa ndikadzungudza musoro
ndakabva ndati "hazvina mhosva ita zvaunoda
upenyu mwene wahwo"

Ndakatarisa kuna Gono ndikabvandati

"Let's go father , pano hapachisina chenyu"

Vatezvara vakatanga kufamba zvishoma


nezvishoma vairatidza kunyara chaiko vakasvika
pandaive vakapfugama vakabva vati "Thank you
muroora ,handina kumboziva kuti ungava protector
wangu " nekukuvenga kwese kwandakaita hauna
kuda kuzvitsvaka unongondibetsera zvakaoma
kudero.

Ndakavasimudza pavakanga vakapfugama


ndikabva ndati "Chiregai kundipfugamira muri
baba vangu, sekuru vevana vangu hapana
pandingasiya muchitambudzwa ndiripo
ndinotozama nepandinogona napo kuti zviite"
ndaidero ndichitofamba kuenda kumota.

Ivo vakamboramba vakamira ndakabva ndati


"Handei , musatya zvenyu hatisi kuenda ku
Headlands" ndaidero ndichitokiinura mota

Ndichipinda mukati Bridget akauya pandaive


akabva ati "are you okay best?" Aidero
achindimbundukira achichema

Ndakango smiler ndichimupukuta misodzi ndikati "


Violence angaonei zvake, chirega kundichema ndiri
mupenyu"

Iye akazosekerera akabva ati "Finally i am relieved"

Ipapo ndakabva ndati

"Best ,meet my father in law " ndaidero


ndichimutendekera kuna sekuru va Tee
Bridget akacheuka kwavaive akabva ati "Makadini
baba?"

Ivo vakapindura asi vaitaurira pasi ndakabva


ndaziva kuti kunyara .

Aiwa ndakanga ndakatovaregerera kare zvangu.

Inini mhamha vangu vanogara vakandiudza kuti


ukagara uchiregerera vanokutadzira maropafadzo
haaperi muupenyu hwako.

Mashoko amai vangu ndinomachengetedza nokuti


ndinoziva kuti anondivaka.

Ndakazo driver mota yangu tisati tava kure


ndakanzwa Akash achiti "it's not Over Gono, i will
not give up easily . Don't forget my name is
Akash i am more poisoners than snake !" Aidero
achideedzera.

Ndakangoti nechemumoyo "we shall see, ndakabva


ndatsika mafuta takananga ku Harare"

Ndirimunzira Bridget akabva ati " Tell me Harleen


wakadzidzira kupi kurwa iwewe, i know zvangu kuti
unogona kurwa asi kamurwiro kawaita nhasi aka
zvinoratidza kuti pane zvizhinji zvandisati tandiziva
pamusoro pako"

"Akusi kurwa kuri kwega uku" akadero akanyatso


nditarisa.

Paakadero ndakangoseka ndikabva ndati "chipo


sahwira wangu, ndakangozvarwa ndakafunda
zvibhakera kuratidza kuti ndiri murwi"
ndaisatomboda kuti arambe achindibvunza bvunza

Ndaizviziva zvangu kuti haangakone kushamisika.


Mafia randanga ndarova i mafia rinemukurumbira
asi inini ndanga ndaripedzera ndega.

Inini ndiri murwi mukuru , kutofarira kugara


kumaruzevha ndaitoitira kuti vabereki vangu
vasaziva kuti ndakazo Joiner Army ye Montana.

Ndakavakumbira vakaramba vachiti hakuna


mukadzi anoita zve army plus ndichiri mudiki.

Bamukuru vangu mukuru we Montana ndivo


vakazonditora zve secret ndatovaanetsa chaiko,
vakatanga kundi trainer ndine 15yrs.

Pavakaona ndava kugona vakabva vandiita Junior


Master mutevedzeri wavo. Vana bhudhi vangu
vakatanga kuda kunditeerera, vanoratidza kuti
vaindi suspector ipapo

ndakabva ndatonyanya kufarira ku Birchnough


kumaruzevha. Ndaitoziva kuti vakomana vacho
vakazviziva vanoudza baba zvikadhakwa, manje
kana ndiri kumaruzevha havaimbondifungira.

Ndakatanga kugara na Mbuya Harini vangu,

Ku Harare ndaienda zve secret pasina anoziva kana


pamuka basa.

Army yedu tiri 10 chete , ndini ndega wechikadzi


pahu 10 hwedu .

Tiri vachengetedzi venyika asi vasingazikamwe


neruzhinji.

Tinongobudikira pahondo dzinenge dzanzi


dzakakurisa.

Tinoenda zvekare kundorwa kune dzimwe nyika


dzekunze , tichipiwa mari.

Pa 3 yrs dzandaka joiner chikwata che montana


ndava nemari yakawanda chaizvo isingazikamwe
nevabereki vangu.

Ndinotova neimba yangu hombe, uye vashandi


vanogara ikoko.

Uku ndiko kwandinoda kundoisa vatezvara vangu


ndinoziva kuti vachange vari safe nokuti kune
security yakakura. Vanokwanisa kuchengetedzeka
pahondo ya Akash sezvo achiratidza kuti
haazozorere kana asina kuvauraya.

Bridget anenge akazviona kuti handide kuramba


ndichitaura nezvekurwa kwangu akabva
angondiyeva akanyarara inini ndakabva ndaisa
music. Ndaka driver ndakananga ku Harare kune
imba yangu, tichisvika takagamuchirwa nevashandi
vangu.

Yaingove "Welcome boss" pese patasvika.

Dhaikoro ndiye wandinonyanya kufarira, zvekuti


ndakanga ndatomuudza kuti aite plan auye.

Uyu ndiye anoziva ma secrets angu ese


anoshandira baba vangu sa driver wangu
vachimupa mari , asi inini ndine dzanguwo
dzandinomupa pamusoro sa Personal assistant
wangu.

Izvi hazvina anozviziva kumhuri kwedu, ndinogara


ndakamudira mambama kuti vanhu
vasazvibatanidza iye haatombotsamwe nokuti
anodzidziva nyaya dzacho. Kuti ndini big boss vake.

Ndakatomupa mota yake yaanoshandisa


isingazikamwe na baba vangu , ikozvino
zvandaroorwawo ndiye achaona nezvatezvara

Pandakamufonera ndakamuudza kuti audze baba


vangu kuti anoda live ye 1 month ndaitoziva kuti pa
mwedzi umwe chete zvandinoda zvinenge zvaita.

Ndakafara achindiudza kuti baba vangu vabvuma


kuti atore live, akabva ati ari munzira kuzosangana
neni.

Ndakagara zvangu pasi ndakamirira kusvika kwake,

Gono vaingotarisa tarisa ndakabva ndavaudza kuti


"Garisikai zvenyu baba pano pamba pangu hapana
anozokubvunzai kuti sei muri pano"

Ivo vakakosorera vakabva vati " Munoreva here kuti


ndipo pamba pevabereki venyu pano " vaidero
vachiratidza kushamisika

Inini ndakaseka ndikabva ndati "Kwevabereki


vangu muchakuziva zvenyu, this is my house.

I am the owner here. Those people you saw


outside they are my servants ndini
ndinotovabhadhara"

Ndakanzwa Gono vese na Bridget vachienderana


kuti "What?"

Inini ndakabva ndati "Yes , i am a village girl but


that doesn't mean i am poor"

I am more than rich , kudarika zvamunofungira.

Zvamauya pano baba ndimi muchange


muchindichengetera pamba pangu makamirirawo
kutenga penyu.

Nguva yatava haichasi yekufunga zvekumashure ,


rangarirai mune mhosva dzamunoda kuzondoripa

"ndinokumbirawo muzoteerera murume uyu, ndiye


achaita kuti upenyu hwenyu huvewo parinane"
ndaidero ndichitendeka kuna Dhaikoro nokuti anga
asvika.

Ndakatarisa kuna Dhaikoro ndikabva ndati


"Dhaikoro ava ndivo vava boss vako kutanga nhasi,
wo maker sure kuti wavachengetedza inini
ndirikudzokera nhasi ku Headlands ndava kuvasiya
mumaoko ako tirikunzwanana!"
Dhaikoro akagara pa sofar akabva ati "Musatya
Big Boss zvese ndichange ndichi manager , kana
pane pandikunda ndichakuzivisai"

Ndakati "good" ndichisimuka kubva pavanhu.

Ndakaita phone yangu on , ndikaisa panzeve


ndichifonera bamukuru.

Pavakangoti "Hello " ndakabva ndati "Bamukuru


Ndokumbirawo rubatsiro ndine munhu wandinoda
kuti afane kundibatira chinzvimbo changu pa hondo
ye Russia inofanira kuendwa next month inini
handione ndikakunda nokuti murume wangu haasati
aziva basa rangu"

Bamukuru vakatanga kupopota vakabva vati


"That's why ndairamba kuti upinde muchikwata ,
ndiudze kuti munhu wako ndomu trainer nguvai
vanhu vanenge vachida kushandirwa ku Kirawa
apa mwedzi haumbotane kukwana.

Hondo iya hatifanire kuenda takashota nokuti yakati


kurei. You know my father is Old now
havachakwanise kuita zve kurwa"

Ndakatanga kunyengerera ndikati "Sorry kani


babamwana inga muri Ndururani wani ,
hamukundikane kubatanidza zvese . Mobetserwa
na *Young Mastermind* uye *Junior Talent* help
me bamukuru munhu wandiri kutaura nezvake
hangosi munhu njee asi ndi tezvara vangu.

Vari pama 1, vane dzimwe mvi-i mvi-i


dzavakaporomora dzavanofarira kuripa.

Saka vanotoda cash yakakura ndosaka ndafunga


kuvaisa ipapo.

Pandakadero bamukuru vakaseka vakabva vati


"Ko hauchandiudze kuti ndi madzibaba Goddie
vauri kutaura nezvavo aiwa kana vari avo ndino
trainer ndimene handinzwe usimbe. Mangwana
chaiko na 4 o'clock ndiri kuvada pa ground."

"Ndakaseka ndikati matanga madzibaba Goddie


ndiyani ivavo "

Ivo vakabva vati "Mubati wembiya vachange


vachifamba nemutumwa Serchby"

Pavakadero ndakawedzera kuseka , naivo Mwari


vakashaya munhu wekupa chiporofita chokwadi .
Bamukuru vangu indururani chaiyo

Ndazobva ndati "Madii machinjawo nguva veduwe ,


4 hunenge huchiri husiku havasi mwana mudiki
seni ka wekuti vanhu vaizosara kumuka ndatobva
pa training"

Bamukuru vakabva vati "Munoda rubatsiro rwangu


here mainini kana kuti mo trainer tezvara venyu
mega."

Pavakadero ndakabva ndati "Oky kwacho, na 4


Dhaikoro achauya navo"

"Good " vakadero vachikata foni.

Vachingokata ndakabva ndatoidzima kuitira Addie,


ndaitoziva kuti arikunditsvaka chete.

Ndakazodzokera kwaive na Dhaikoro ndakabva


ndangomuudza zvacho zvaaifanira kuita
mangwana.

Vatezvara ndakabva ndavaudza kuti vawana basa


asi vanofanira kutanga training saka mangwana
kuma to 3 vanofanira kunge vatomuka kugadzirira.

Havana kuda kubvunza zvakawanda ,


vakangonditenda .

Ndakabva ndavaudza kuti inini ndava kuenda


Dhaikoro ndiye achavapa zvese kubva kumbatya
kusvika kuchikafu . Ndakavaraisisa kuti vasaudza
vana vavo kuti variku Harare ndine zvandaizviitira.

Munhu akakukumbira sorry kunzwisisa


kwakangonaka , kwete kuda kuoma musoro kwaiita
Addie na bhudhi vake dai ndisina chipo chekurova
kutaura kuno Gono vakatotisiya vaifanira kuziva kuti
chero baba vakava vakatadza asi ndibaba .

Vatezvara vakazondiperekedza kusvika kugedhe


vachingonditenda , ndakavaudza kuti vakateerera
murume wavari kundosangana naye mangwana
vachazonyatsonditenda nokuti vanenge vava
kuitawo mari yesimba ravo.

Ndaiziva zvangu kuti Bamukuru Dee zviri zveku


trainer vane chipo. Munhu akangozvarwa achigona
kurova vakatora chipo chababa vavo saka Gono
vaitozopinzwa mugwara chete.

Ndakazobva pamba pangu ndoenda ku Headlands


ndichisvika Addie akabva ati "Babe wanga waende
kupi ndichikutsvaka number yako yanga ichiramba
kupinda"

Ndakamutarisa ndikabva ndati "Ndanga ndaenda


kundotsvaka vatezvara vangu , pandasvika ku
Chendambuya ndanzwa kuti vatorwa nerimwe
boys ndavatsvaka ndikavashaya sekuru vevana
vangu kani" ndaidero ndava kutochema

Ko madrama handitane zvangu icho chipo.

Bamukuru Olga vakauruka pa chair vakabva vati


"Akash!!" Let's hope haana kuuraya baba vedu

Addie akabva ati "Shit! Takaitei nhai Mukoma


kurega baba vachibva pano let's go" aidero
achidhonza mukoma vake

Vaviri vakatorana vakapinda mumota hameno


kwavaindotsvaka baba vavo. Ndakazoona manheru
vodzoka vakaremberedza zviso.

Ndakavabvunza changa chaitika vakabva vati


"Vabva ku Chendambuya , vakaudzwa nevamwe
vana kuti baba vavo vakaradzikwa vachigurwa
musoro nevamwe varume" vaidero vese vava
kuchema.

Ndakangovatarisa zvangu ndikabva ndati


nechemumoyo"Muchinyanya kuda kutonga kunge
ndimi mava Mwari"

Vamwene vakatanga kuikwetsura mhere,


ndainyatsoona kuti murume achiri kudiwa
vakachema zvakandisiririsa asi ndakati
handimbovaudze kuna tezvara vangu.

Addie akabva azoti "musachema mhamha baba


havana kufa , vana vacho vanga vachitaura
zvisinganzwisisike vanenge vakatorwa chete na
Akash mangwana tichamukira kundovatsvaka
zvekare"

Bamukuru vakabva vati "ichokwadi hatizorore


kusvika tawana baba vedu"

Inini ndakaramba ndakanyarara ndichimakwapa


kkk.

Manheru ndakabika vese vakati vakaguta, inini


ndakabva ndanyatso kuchidya chikafu kusvika
chitumbu chati tende ,ko kutadza nei zvangu
ndichiziva kuti

"Tezvara varikutodya nenyama kudhorobha uko"

Iri team ndaida kumborionesa moto , kuzoona


mwedzi wakwana vanenge vambozwa butter chete.

End of chapter *29*

Thank yu vaverengi
*BETRAYAL* https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103#

Chapter

*Harleen*

Takarara Addie achingoshanyarika aimbomuka


pakati peusiku achizama number dza baba vake ,
akanzwa dzisingapinde otanga kutura mafemo.

Ndainyatsoona kuti murume wangu arikutambidzika


asi ndakati handimbotaure kuna vatezvara.

Takarara tikamuka mangwanani tichiita basa


inini ,Bridget na maiguru semazuva ese.

Addie na mukoma vake vakangomuka vakati vava


kuenda kumapurisa kundo reporter kushaikwa
baba vavo.

Tete vanga vadzokera kwavo sezvo ku shop


kwaisava nemunhu.
Vana Addie vakadzoka ava masikati vachiti
mapurisa azama kumbovatsvaka kwa Akash manje
Akash wacho anonzi haasi pamba pake
haazikamwe kuti arikupi sezvo gedhe rakatokiiwa
nekunze.

Takagara mazuva matatu , Addie na mukoma vake


vasingazorori kutsvaka baba vavo. Vaimuka
makuseni vodzoka radoka.

Pazuva retatu bamukuru vakakumbira Addie kuti


afonere Rolix pamwe aigona kuzovabetserawo
nemazano.

Rolix achingonzwa kuti Gono havasi kuwanikwa


munzvimbo akabva ati ari kutouya.

Takambogara chinguva zuva rava kuda kundodoka


ndakabva ndandogara zvangu ku balcony
ndichifurwa nemhepo. Ndaitove ndakapfeka dress
rakabvaruka nechekumusana sezvo ndainzwa
kutsva , ndini ndakatoridambura kuti ripinde mhepo.

Ku kitchen kwaibikwa hove saka ndaisatambira


ikoko nokuti mweya wadzo waisandiitira.

Ikozvino ndinongoti munhu akabata hove nyoro,


akasanyatsogeza maoko ake akauya pedyo neni
ndinorutsa zvakaipa.

Hove dzava kutondirambawo pamwe inyaya


yekuzvitakura kwandakaita saka ndinoto maker sure
kuti kana vachibika hove dzavo inini ndinotambira
kure kusvika dzaibva.

Addie na bamukuru vakauya vakagara pandaive,


maiguru mai Tee vakabva vauyawo vachizotandara
neni.

Bridget na vamwene ndivo vaive busy kubika.


Vamwene ndovanoziva zvandinofarira kudya, saka
kana ndisina kupinda mukitchen ivo vanoto maker
sure kuti vapinda vondibikira something nice.

Takatanga zvedu kutandara tichiita nyaya ,


Bamukuru vakambopinza yavatezvara vachitaurawo
zvavari kunzwa padundundu ravo . Addie achiti

"chokwadi baba vakatadza asi havakodzere kufa ,


moyo wangu hauna zororo kana ndisingazive kuti
varikupi"

Pavakadero ndakabva ndavaudza kuti

"ndoda tezvara vangu kana vasina kuvawana


vasataura neni nekuti ndivo vakaita kuti vabve
pamba." Ndaidero ndakaremberedza miromo

Addie akatanga kundinyengerera zvekuti bamukuru


na maiguru vakapedzisira vava kungoseka.

Takazosiya dzavatezvara totaura dzeku hardware


kwa bamukuru sezvo vakazopedza kuisa
stock ,chasara izuva rekuti vachivhura shop yavo
vatange kutengesa.

Tichiri pakati pekutaura takazoona mota ya Rolix


yasvika. Tese takasimuka tichindomugamuchira.

Tichisvika akabuda mumota achiratidza kufara ,


akanga akachena as usually.

Paakaburuka akabva amhanya kuenda ku mother


seat akabva avhura door ndokutambanudza ruoko
rwake mukati kuratidza kugamuchira munhu kuti
abude mumota.

Ndakatoshaya kuti ndiyani anga aremekedzwa


zvakadero , ndakaramba ndakatarisa.

Ndakatanga kuona gogo chete ichitsika pasi iyo


yaive yakaita semunongoro .

Hazvina hazvo kundivhundutsa nekuti kana neni


kuchena ndokuziva ,kusangoda chete semunhu
ndakangokura ndisingazvitorere pamusoro.

Ndakaramba ndakatarisa ndichida kutoona aibuda


imomo, ndakazoona mava kubuda musikana uyo
aive akapfeka ma sheds.

Chimiro chake ,uye mapfekero ake


ndakangofungudzira kuti ndinenge ndinomuziva.

Musikana uya paakazomira akatitarisa achibvisa ma


girazi ipapo ndipo pandakava nechokwadi kuti ndi
Veronica mwana wa Sherima. Mukuru weku
*women boxing* munyika medu.

Ikozvino haachatorwire mu Zimbabwe , ava kurwa


ari ku Japane kana vanofarira zvepa media
vanotomuziva..

Zita rake akatochinjwa ava kunzi Katie Sherima


nenyaya yekuti kana orwa anoita sechikiti chaicho.

Ndakatadza kuziva kuti Rolix anga amuwanepi


munhu iyeye nokuti ari very arrogant. Chipo chake
chekurwa chakamupandusa kumuita chipembere
chaicho.

Veronica akatanga kufamba achiuya kwataive,


murume wangu akabata muromo akabva ati " wow
Ms Sherima, i can not believe this, Roxie
wamuwanepi munhu uyu.?"

Rolix akangoseka zvake akati

" hey ngatindotaurai tiri mumba."

Veronica akatarisa Addie akabva ati

"the *Rockstar* is it really you" aidero


achimumbundukira.

Ipapo ndakanzwa chifuva changu kuvira,


zvekudyirwa ma half angu ndichiona handide
zvangu. Ndakafunga kumu haka , asi ndakazoona
kuti hazvina kunaka.

Addie akatanga kubata cola achitenderera akabva


ati "It's me" aidero achimbundukirawo Veronica
zvekare.

Vaviri ava vakaratidza kufarirana chaizvo.

Vachipedza inini ndakaenda paive na Veronica


ndikati "Hie Veronica " ndaidero ndakanenekedza
ruoko, zvine rudo mukati

Ndakaona achifinyamisa kumeso akabva ati "who


are you ? unondideedza nezita remadunhurirwa"
Ende unonenekedza ruoko rwako rwune man'a you
want to spoil my softs hands "isn't ?" Aidero
achinzvengesa ruoko rwake kuti ndisamumhorosa.

Ndakanyatsoona kuti mwana wa Sherima imhepo


chaiyo, i used kumuona pa T.V achiita hunhu hwake
manje apa ndazosangana naye live.

Ndakamutarisa ndikati "Unopenga here iwewe, zita


rawakapiwa ne vabereki vako usati waziva zve
karate ndiro rawava kuti remadunhurirwa nhasi kuti
zviite sei?"

Iwewe ndiwe "Vhoro ndoratoziva , zvako zvekuzviti


Katie dzatovawo ngano idzo"

Ndakaona achiratidza kutosvibirirwa nekutaura


kwangu nokuti akabva ati

"Never in your life insult me again , my name is


Katie! Katie Sherima. The daughter of the most
billionaire"

Ndakada kuseka zvangu asi ndakaona kuti benzi


ukarisekerera rinotoenderera. Isusu vamwe titori ma
unknown Millionaire, munhu otaura zvekuti the
Daughter of Billionaire what nonsense.
Ndakangoti regai ndisiyane naye ndaizomubata,
aisandiziva zvake kuti ndinonzi "Violence" zita iri
handina kungoripiwirwa pasina.

Ndakaenda paaive ndikabva ndati "I am sorry


Katie , i used to follow you papage rako ndipo
pandaona zita rako handina kuziva kuti haucharide"

Iye akatarisa kuna Addie akabva ati "Rockstar who


is she kwauri, Is she your maid ?"

Addie akaseka akauya kwandaive akabva andikisa


akati "She is my beautiful humble qeen,
unomuwanepi maid akanaka kudai kwana Katie"
aidero achiwedzera kuseka.

Katie akatarisa Addie akabva ati "Yooh, famous


Rockstar like you marry a low life. Vona kana iro
dress rakapfekwa"

Paakadero ndakatanga kutofamba ndichibva


pavaive, kana Rolix handina kuzomumhorosa.
Ndaiona kuti ndikaramba ndiripo nyaya yacho
haizopere zvakanaka.

Ikozvino ndinonzwa ndine hasha dzakapetwa


chaizvo, zvekuti handide zvisina basa.
Ndichifamba Addie akamhanya akanditakura
akabva ati "Babe hauna kuneta here vuya
ndikutakure mukadzi wangu" aidero
achitondisimudza achienda neni pa chair

Veronica akabvati "What? Asi wakadyiswa


mushonga Rockstar . Ungatakurana ne village girl
iyi pakazara vanhu "

Addie akaseka akabva ati " haungazvinzwisise


Katie , ndezvemoyo izvi" aidero
achitondondigadzika pa chair

Ndichigara pa chair Rolix ndipo


paakazondikwazisa.

Ndakadaira ndokubva ndikati "ko nhai bambo


Roxie na Vhoro makazivirana kupi ?"

Veronica akada kutaura ndikabva ndati " Haisati


yasvika nekwamuri ndinokumbirawo
mumbonyarara , mbuya nehanda"

Pandakadero akasimuka achindivinga ndakaramba


ndakagara zvangu ndakazongoona Rolix ava
kumudhonza akabva ati "ndo chii nhai Katie,
hindava uchida kundinyadzisa pavanhu.
Ndozvawanga uchichemera kuuya kuti uzo
misbehavior seizvi here gara pasi"

Vhoro akatarisa Rolix akabva ati "But ,bae"

Rolix akabva ati "no, buts gara pasi "

Maiguru mai Tee vakabata Rolix ruoko vakabva vati


"ndo chii nhai bhudhi , Katie wacho ambori chii
chenyu zvaanoratidza kuti haatorina nehunhu
hwese"

Rolix akagadzika hanzvadzi yake pasi akabva ati


"Actually Katie is my....."

Asina kupedzisa Brege akabva asvika achiti food is


ready "mai Rocky muri kuda kudyei mhamha
vabika ma favourites enyu ese." Aidero akamira pa
door

Ndakaona Rolix achicheuka , akaramba akatarisa


kuna Bridget airatidza kuyeverwa chaizvo.

Maiguru mai Tee vakabva vati "Thank you Brege ,


mainini vavigirei liver ndanzwa vachitaura nezvayo"

Bridget akabva ati "Okay achidzokera kundotora


chikafu"

Maiguru vakatarisa kuna Rolix vakabva vati "Ee


bhudhi, hamuna kuzodaira mubvunzo wangu kaa"

Rolix akatendeka kwaive na Bridget akabva


ari"who is she?"

Maiguru vakabva vati "mubvunzo haubvunze umwe


mubvunzo bhudhi "

Rolix akatanga kupukuta ziya akabva ati "manga


muchiti chiiko tete , ndakangamwa zvamabvunza
inini"

Maiguru vakamutarisa vakabva vatendeka kuna


Katie vakati "Ndati slay qeen vamauya navo avo
chii chenyu?"

Rolix akatanga kudhonza muromo akazobva ati

"What can i say, umm chokwadi ndechekuti ndiri


fan rake musikana uyu ndi Champion anoita
zvekurwa."..

Ndaingomufarira kubva kare ndichimuona pa T.V


saka patakazosangana ku Dubai ndopatakatanga
kutamba tese ikozvino tava kushanda tese "

Pachidimbu regai ndingoti "she is my business


partner " aidero achimwa mvura.
"Business Partner you say ! ndozvega
zvaungakwanisa kuudza vanhu here Rolix "
akadero Katie achiratidza kusafara zvachose.

Rolix akamutarisa akabva ati "For now,


ndinomboudza sisi vangu ndichidero nokuti ndichiri
kudzidza hunhu hwako.

Rangarira zvandakakuudza kuti sisi vangu ndoega


mubereki wandinaye saka handide kumutsamwisa"
aidero achigadzika tumbler pasi.

Bridget akazouya nechikafu , achigadzika pa table


akabva atarisa kuna Rolix anoratidza kuti anga
asina kuzvi noticer kuti kune vanhu vawedzera.

Akatambanudza ruoko akabva ati "Makadini?"

Rolix akabata ruoko rwa Brege akaramba


akangorwubata. Ndakaona Bridget achitambudzika
kurwubvisa akatozita luck ramhamha vakasvika
vachiti "Ahh ko mauya nguvai? Mai Tee
hamuchataure kuti bambo vauya nemuenzi"

"Makadinizve?" Vakabvunza mufaro mhamha kuna


Veronica iye akabva angoti "Hello"

Ndakaona vachitarisa kuna maiguru inini ndakabva


ndatotarisa pasi zvangu.

Takazotanga kudya vanhu vachingotaura nyaya dziri


general, tichipedza kudya murume wangu akabva
andipa glass rakazadzwa nemukaka ndikatanga
kumwa.

Ndakazonzwa Katie achiti "ko wangu uripi? "

Bamukuru vakabva vati "Mai Rocky vakazvitakura


saka ndivo vega vanomwa mukaka pano manheru
ega ega"

"Hameno, kana imimi munapowo pamuviri.?"


Vakabvunza

Katie akasimuka akabva ati "I am a champion


fighter , handibvumirwe kutakura nhumbu
zvinouraya image yangu"

Maiguru vakabva vati " Inga zvakanaka chose,


ndanga ndarohwa nehana ndichiti zvimwe bhudhi
vangu vakaita bofu vakasarudza kuti mupinde
murudo.".

Katie akavatarisa akabva ati " of course we are


lovers, that's why ndatouya kuno ati anoda kuzondi
introducer kwamuri"
Maiguru vakada kutaura, Addie akabva avatangira
akati "wagona wauya sahwira wangu, nyaya
yandakuudza ndiyoyo baba hatisi kuvaona.
Akatanga kurondedzera zvese zvakaitika kuzosvika
vabuda gedhe. Paakapedzisira kutaura akanga
ava kutochema"

Rolix akatanga kumuvaraidza, akamuudza kuti


tears won't solve anything tinotofanira kusimba
pamunamato kuitira kuti vachengetedzwe kwavari.

Takazosimuka tikabva tandonamata , muenzi


akakumbira kuenda ku guest room sezvo
zvekunamata akati hazvisi zvake.

Mhamha vakangoenda naye pavakadzoka


takatanga kunamata zvedu, Bridget ndiye aiimba
musikana wacho kana zvava zvekushumira Mwari
chaiko hausunde. Even kuparidza anoparidza
zvakaipa ane chipo chake egawo sahwira wangu.

Tichipedza kunamata Addie akauya akapfugama


pandaive akabva ati "ndinokumbirawo
kuvhenekerwa kuti baba vangu varikupi"

Pakadero ndakada kuseka kana ndimiwo


ndaivheneka kuti chii zvangu ndakangomuudza kuti
handina chandiri kuonesa asi asazvidya moyo
nenyaya iyi.

Baba kwavari ndioona vari safe nokuti dai vasiri


ndingadai ndatozviratidzwa

Akazotenda akaudzawo mukoma vake kuti


vambosiya nyaya yekutsvaka baba vavo.
Vangosimba pamunamato kuti vachengetedzwe.

Tichibva kundonamata takabva taenda kundorara.


Adiie akarara akandimbundukira semazuva ese.
Murume wangu ndozvandomudira he is a caring
hubby haana kana zuva raanotadza kundiratidza
rudo.

Takarara akatanga kutaura pamusoro peshamwari


yake kuti anenge anofarira Bridget. Inini
ndakabvawo ndamuudza kuti ndaona kudero manje
Bridget is so innocent zvekuti haangamisidzane na
Vhoro anorohwa akafa.

Addie akabva ati tinofanira kuita plan yekudzinga


Katie kuti Rolix awane ku expresser ma feelings ake
kuna Brege.

Takazotenderana kudero sezvo tese taitoda kuti


Bridget na Rolix vadanane. Rolix munhu ane moyo
une rudo ano deserver zvirinane kwete musikana
wekuti anomu controller nguva dzese nenyaya
yekuti anogona kurwa uye vabereki vake vane mari
hazviko izvozvo.

Tichipedza kutaura ndakazopiwa rudo rwangu ,


ikozvino ndava kunzwa kuoma gotsi chaiko kana
baba vachishanda basa zvekuti ndinonyatso ku
enjoyer. Vachipedza ndakabva ndati thank you
daddy ivo vakabva vatiwo "thank you more my
qeen munondiitira ndanyatsonakirwa nhasi, i love
always babe" aidero achindiswededza pedyo naye.

Akazotanga kundiimbira akabata dumbu rangu


semazuva ese kwanzi ndiri kurarisa vana. Sezvinei
ndikangoimbirwa na daddy handitane kurara uye
piritsi randinenge ndambopiwa ndinobva
ndangorara flat.

Mangwana makuseni ndakada kumuka semazuva


ese Addie akabva andirambidza akati "hakuna
kwaunoenda chimbozorora."

Handina kuda kupikisa ndakaramba ndakarara


zvangu nemurume wangu tichitamba.

Takatozomuka kuma 10 tava kugeza tese,


tichipedza takapfeka mbatya dzedu dzino matcher
dzingori simple.
Mhamha pavakaona tava kuenda ku sitting room
vakabva vamhanya kuzoona kana ndiri bho
vaitoziva kuti inini handiwanzo nonoka kumuka.
Vakafara chaizvo kuona ndiri mutano
ndakazoenda ndokuwana breakfast iri ready yangu
ndivo vanga vagadzira kare.

Rudo rwunondipa vamwene vangu ndinonzwa


kufara narwo, ndinongonamata kuna Mwari kuti
varambe vachizadzisirwa zvishuvo zvemoyo wavo
uye kuti vasachinja.

Takadya zvedu se family nyaya dzichitsva , Adiie


ndiye aindidyisa komazuva ano ndinotwa semwana
chaiye kunge nhumbu yangu iri mumaoko.

Vhoro akati oda kuchenama kuna Rolix akabva ati


"saka Roxie hauchandibate zvakanaka nokuti
ndauya kumba kwasisi vako? Now you treat me like
a stranger unokangamwa kuti ndini ani here iwewe"

Maiguru mai Tee vakabvunza vakati "chii


chamaitwa nhai Champion?"

Iye akabva ati "tete inini na Rolix tinodanana ,


ndakatomu introducer kuvabereki vangu
vakamuziva. Ikozvino yava turn yake yekukuzivisai
nezverudo rwedu manje arikungoita kunge
arikunzvenga nzvenga. He is no longer romantic
sezvataita kare patakatanga kudanana"

Inini ndakasimudza musoro ndikabva ndati "table


manners please".

Akabva anyarara but achiratidza kutsamwa,


takazodya pasina aitaura. Veronica aingondisvorera
achiratidza ruvengo kwandiri.

Tichipedza Bridget akasimudza maplates,


ndakaona Rolix ava kuzvisimudzira yake akadhonza
neya Katie akabva ati "ndipe ndinokuisira
kukitchen, Vhoro akaisunda akabva ati better!"

Rolix akango smiler mhamha vakada kuti "yohwe,


muritsano zvino morongedzawo ndiro here
chokwadi" ndakangovachonya nokuti ndaitoona kuti
vari murima.

Ndakaona vachibata muromo vachisekerera,


vanenge vanga vazvibatanidza.

Rolix akazoenda kwaiva na Bridget ndakazonzwa


yava gwendere gwendere ikoko vairatidza kuti
vakanga vava kubetserana kusuka. Brege ndiye
aingonzwika kugegedzera. Nguva dzakaseka
Bridget chikwee ndakaona Vhoro obata nzveve
dzake kuti anyatsokunzwa, akabva atosimuka
achienda ikoko. Ndakaona achidhonza Rolix
achimuudza kuti yava nguva yekuti vachidzokera ku
Harare.

Rolix akapa Vhoro ma keys akabva ati enda iwewe


inini ndichine basa pano. Vhovho arambisisa akati
haana kwaanoenda achimusiya , Roxie akabva ati

"saka kana uchida zvekuva pano wotodzikama."

Vaviri vakambokandidzana mashoko kuzosvika


Rolix aramwa aenda kuroom kwake.

Takagara mazuva maviri Rolix achizama


kuswedera pedyo na Bridget ende kuona kwangu
Brege airatidza kufarira Rolix zvakanyanya.

Rakazoti day 4 ndakafonera bamukuru ndichida


kunzwa kuti tezvara vangu vari kuzvigona sei,
bamukuru vakandiudza kuti ndisatya zvese zviri
kufamba zvakanaka pane ma improvements aripo.

Ndichibva pa foni ndakadeedzwa na Addie

akabva ati ndimuperekedze kwa Rusape ane ma


papers aaida kundo signer ikoko na Rolix vaive
vakokwa ku Shurugwi vaifanira kundoipa vari pedyo
ne Boterekwa kupera kwemwedzi, kune varungu
vanga vavadaidza.

Inini handina kuramba ndakabva ndatopfeka


mbatya dzandanga ndanzi ndipfeke dzaienderana
nedza daddy takabva tabuda.

Vana Addie vachiita zvema paper avo inini ndaive


busy kutengera Bridget mbatya dzakanaka sezvo
anga asina kutakura dzakawanda.

Pandakazopedza ndakaenda kwaive nana Addie


ndakasvika Rolix aripafoni achitaura na Bridget
vachiseka. Ndakasvika ndikagara pa chair
ndakamirira Rolix kuti apedze kutaura tiende, achiri
pakuseka ndakazonzwa oti "Shit"

Ndakasimuka ndikati "what's wrong "

ndakaona akavhura maziso kuratidza kutya chaiko.

Ndakabvuta foni ndikaisa pa loud ndakanzwa


Bridget achibongomora mhere, Veronica ndiye aiti
"pamurume wangu ndokudira Acid chete
haundizive zvakanaka naka"

Ndakanzwa voice ramaiguru rava kudeedzea richiti


"Addie dzokai kuno hakuna kumira zvakanaka,
Bridget arohwa zvakaipa"

Ndakamhanya ndikaenda mumota , vana Addie


vakazosara kuteera ndatomutsa mota kare zvekuti
vakapinda mota ichifamba.

Izvo zvekuti Veronica ndikati Katie ndaida kuzviona


inini handirohwere munhu wandinoda ndikaramba
ndakanyarara.

Vana Addie vachipinda ndakatanga kumhanyisa


mota , ndichingo over taker pese pese. Pa robot
ndaisamira, musoro wangu wakanga usingachatore
zvakanaka yakati zvayo traffic yava kunditeerera.

Handina kuda kumira ndakati ndaizopedzerana


nayo ndasvika kumba.

Ndichimisa mota pagedhe ve traffic vakabva


vapakawo yavo pa side vachiuya kwandaive.

Inini ndakafamba ndichimhanya mumba, umwe


wavo akabva andibata achiti

"Mirai amai manga muchi driver zvisiri pamutemo


ipapo."

Ndisati ndavapindura ndakanzwa voice ra Bridget


richichema ndakabva ndatovasiya ndikatanga
kumhanya.
Varume vaya vakamhanya vakandidhonza vakabva
vati "Ma'am muri kupikisana nemutemo here?"

Yooo ndakanzwa ropa ku boiler chaizvo,


kutondibata zvavo apa inini ndainonokerwa
nekundomhara Vhoro.

Ndakamira ndakavatarisa ndikabva ndati


ndinokumbirawo mumbondisiya handisi pakuda
kunetsana nemi.

Umwe wema purisa e traffic ,akabva atondibata


kuda kundiisa njema

Hehehe vakati zvavo vandidenha ndakabva


ndango...

End of chapter *30*

Stay tuned , keep comments zvino Bridget zvaaona


kuti Katie ari dangerous akazokandwa shoko na
Rolix achabvuma here veduwe?
*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Harleen*

Ndakatoona kuti vakomana ve traffic vava kuda


kundivhiringidza kuti ndisasvika mumba nenguva
pavakabuditsa njema vachida kundisunga.

Ndainzwa hasha asi ndaisada zvekunetsana navo


nokuti ndinoziva mutemo.

Ukarova varume ve traffic unombopinzwa


mumatare chero uchizobuda zvako , izvozvo
ndozvandaisada.

I.D yangu ye army aibvumidzwe kuonekwa


nemunhu wese wese nokuti zvine njodzi ,manje
varume ava vakandituma kuti ndivaratidze.

Vachiona I.D vakabva vapfugama vese vakati


"Sorry shefu" hatina kuziva kuti murivebati iri
obvious hapana pamungamhanyisira mota pasina
itai zvenyu basa renyu ramavinga.

Ndakavatarisa ndikati "simukai mubve pano


izvezvi!"

Vese vakasimuka vakati "Thank you Shefu


ruregerero " vaidero vachimhanyira kumota yavo
vachienda.

Addie na Rolix vakatarisa zviya zvekushaya kuti


zvirikumbofamba sei. Inini ndakangovatarisa neziso
riya rekuti handide kubvunzwa Addie aisafanira
kuziva kuti ndinoita nezvei "at least not now."

Ndakamhanya ndichienda mumba ndichisvika


ndakaita kunonzi kutyoka mabhonzo chaiko
ndichioma

Vhoro achirova maiguru maiTee.

Chero hasha dzandainzwa dzakambotiza nguva


idzodzo nokuti handina kufunga kuti Veronica
angaita hunhu hwakadero.

Inini zvangu vanhu vanoti ndine Violence asi


ndakaona ndiri nane pana Veronica.

Akandiratidza kuti anemamhepo mangoromera


chaiwo.
Chero ndimiwo ungarova hanzvadzi yemunhu
wauno clamer kuti unoda.

Rolix achipinda akaona Vhoro akagarira hanzvadzi


yake akangoenda paaive akabva amudhonza.

Akatanga kumurova asi haana kupiwa mukana


musikana wacho aitavira zvibhakera zvekurevesa
zvekusvika pakupingira Rolix pasi.

Bamukuru vachisvika vakawanikwa Rolix agarirwa


achipiwa zvinhu zvake. Vakangokandira ma key
kwakadero vakandomhara Veronica manje
musikana wacho airatidza kuti zvibhakera ndiko
kudya kwake.

Inini ndakagara pasi ndichinyatsoona marwiro ake ,


pachokwadi zvisina godo mukati ndakanyatsoona
kuti Veronica imvumba chaiyo. Zvandaisiona achiita
pa T.V haasi mafunnies asi kuti i reality.
Akandirovera bamukuru Olga na Rolix ndakatarisa
zvekuti ndakamwira mvura.

Addie paakaona bamukuru Olga vava kuda


kutyorwa gumbo akabva apindira. Murume wangu
anozviti haabvire pamaoko asi

Vhoro akamupedzera.
Akati oita zvake sechikiti mwanasikana
akanyan'anya .

Aisvetuka obva akava 3 kicks nguva imwe chete


kuvanhu vatatu.

Bamukuru,Addie na Rolix vakapedzerwa vese na


Vhoro iye ari ega. Kurwadza kwazvo vakarohwa
vasina kana kupiwa mukana wekumurova.

Veronica achipedza kuvadonhedza , akamhanya


neimba yese akabva atanga ku spiner ndakaona
mhamha vava kugwadama vachimukumbira
ruregerero.

Pavakamukumbira ruregerero

ndakabva ndasimuka ndakavabata ndikati "Noo,


mhamha kana pane anofanira kukumbira
ruregerero nhasi ndi Vhoro nokuti ndiye akauya
pamba pedu auya pano pacho ava kushaiwisa
vanhu mufaro"

Ndiudze Vhoro hunhu rudzii hwauri kuita uhwu"sei


warova Bridget zvekusvika pakumukuvadza kudai,
anga akutadzirei chaizvo?"

"Ko ivo maiguru zvavo , wega haunzwe kunyara


here kurova sisi vemunhu waunoda kuzoroorwa
naye.?"

Ndakabvunza ndakatarisa shamwari yangu iyo


yaive mudziva reropa airatidza kuti anga arohwa
zvakaipa.

Veronica akasiya kumhanya akabva ati "Who are


you to ask me such stupid question , ndiwe wasara
iwewe unoratidza kuti unemukonyo chose.Hauna
kana Fear na Champion unotoda kumisidzana neni
handi?" aidero achiswedera kwandaive
achitasamura maoko ake.

Addie akasimuka akabva ati "Katie please spare my


wife , she is pregnant we are sorry"

Inini ndakamutarisa ndikabva ndati "Siya


zvekundityisa Vhovho ndati waroverei Bridget ?"

Addie akauya pandaive akabva ati "Please babe


ndokumbirawo unyarare , Katie asiyana nerimwe
gen'a raunombojairira this women is very
dangerous"

Iye Veronica achinzwa Addie achimuti ari


dangerous akabva atowedzera manyawi akati
"For your information regedza ndikuudze zvaitika,
ndasvika Bridget achitaura na Rolix pafoni
ndamubvunza kuti sei achitaura nemurume wangu.
Iye Bridget abva ati "handisati ndava wife wa ya
Rolix yet , kudanana kwandiri kuita naye hazvirevi
kuti ndiye achava murume wangu saka ndidzikame"

Paakadero ndakabva ndati

"saka ndozvaungamurovera here izvozvo, pane


paanyepa here?"

Chokwadi chemahara wani chaataura Brege ,


Rolix is not married to you .

Ende anekodzero yekutaura nemunhu waanoda


nenguva dzaanoda saka Brege was 100% right
wanga usina need yekumurova. "Apologise to her
now"

Ndakadero ndakamutarisa ndisingaseke

Ndakaona achivhura maziso achiratidza


kushamisika akabva ati "wait a minute, what did
just said to me?"

"Ndati kumbira ruregerero kuna Bridget Vhovho


nokuti wamurovera pasina!"
Pandakadero akabva ati "Over my dead body to
say sorry to somebody! that's not my style Goosh"

Do you even know who i am?

Paakabvunza Rolix akabva amuka akati

" zvekuti ndiwe ani hazvina kana basa, you are


Region! Demon herself " aidero achienda pana
Bridget akasvika akati "Sorry Brege , handina
kumboziva kuti ungakuvadzwa ne monster iyi.
Please forgive me my Angel" aidero achisunga
ruoko rwake raibuda ropa.

Achipedza kumusunga akabva aenda pana


Veronica akati " Katie inini nezvako handichada ,
ndinokumbirawo uende zvako kuvabereki vako.
Handikwanise kuramba ndichidanana nemhuka
yakaita sewe"

Takanga tichiri pakudzidzana manje waita zvako


basa ,wandiratidza ma true colours ako tisati
taenda kure.

Paakadero Veronica akaseka akati "urikuramba


inini here?"
Rolix akabva ati "Yes ndiri kuramba iwewe Katie ,
tine mwedzi umwe chete tadanana ndofunga
unonyatsoziva kuti handina kumbobvira
ndakakubata kana kukudyira chako , saka
handitadze kukuramba.

Hunhu hwako handingahukwanise zvangu."

Look at my sister ,now vava ne ma bruise nokuda


kwako ndiudze kuti ndinotarisana navo sei ndini
ndakakuunza pano. Ko iye Brege zvake mwana
wevanhu vona kumusakadza kwawaita.

Wanditadzira chaizvo Katie i used to like but not


anymore uri muurayi chaiye

"look at my face kuzvimba kwandaita nekuda


kwekundirova kwawaita."

Ndiudze kuti ndinokuroora sei iwewe usina kana


matyira zvako.

Katie akaswedera pedyo na Rolix akabva ati "Saka


zvausingachandide wava kuda ani manje?"

Rolix akanyatsomutarisa akabva ati

"Ndinoda Bridget , my heart beat for her ndanga


ndakamirira nguva chete yekuzvitaura .
"Ndaida kuti titange tajairana then ndozomuudza
zviri pamoyo pangu." Aidero Rolix achimutsa
Bridget akaenderera kumberi achiti

" please Brege ndinokumbirawo usanditsamwira


zvachose , chokwadi ndechekuti ndinokuda."

Bridget akatanga kuyeredza misodzi arimumaoko a


Rolix akatarisa Katie, zvekuti Rolix akapedzisira
ava kutochemawo.

Ndakaenda pana Bridget ndikamupukuta misodzi


yake nemaoko angu ndikabva ndati "Be strong
hun, kana uchidawo Rolix taura zviri pamoyo pako
hapana anokurambidza. I will support every
decision yu make because i love you"

Bridget akanditarisa akabva agutsurira musoro


wake, akatanga kupukuta misodzi ya Rolix akabva
ati "Please don't cry, kana uchindida nemoyo
wako wese neniwo ndinokudawo" aidero
achimumbundukira.

Ndakaona maiguru mai Tee vachienda kwaive


nevaviri ava ,vakabva vahagana pamwe chete vari
vatatu .

Inini ndakafunga kuti zvazvadero Veronica


achaenda kundotangidza kurova vaviri ava zvekuti
ndakanga ndatogadzira fight nechekare .

Manje ndakashamisika achiti "Hazvina mhosva


dananai zvenyu , zvagara munokodzerana. As for
me i love someone else."

Paakadero hana yangu yakarova , handina kuziva


kuti sei ndakarohwa nehana zvakadero ndakabva
ndatogara pasi chaipo. Ndaingonzwa kupera simba
muma bhonzo mbichana mbichana.

Bamukuru vakazosimuka pavaive vakabva vati


"Zvawataura chokwadi uri wega kuti haude tsano
Rolix zvanaka , tinokumbirawo uchibva pamba pano
utisiye murugare"

Veronica akafamba akandotora ma key akabva ati


"Consider it done ,asi musakangamwa kuti ndati
pane wandinoda asiri Roxie"

Bamukuru vakabva vati "Non of our business, izvo


zvatovawo zvako izvo "

Veronica akaseka akabva ati "It is your business


because i love your brother ,

let's go love " aidero achibata Addie ruoko


Ndakanzwa vamwene vangu vachiti "Hezvo, munoti
mwana uyu haashure here?"

Veronica akavatarisa akabva ati "Watch your


tounge old women. I love Rockstar with all my
heart, rudo rwandinarwo kwaari ndinogona
kungouraya munhu. Do you understand me?"

Ndakaona vamwene vangu vachitsikitsira pasi


kuratidza kutya Veronica.

Iye akaenderera kumberi achiti

"Dai ndanga ndichida Rolix the same way


yandinoda nayo Rockstar , uyu wamunoti Bridget
ndingadai ndamuendesa kumakuva kare kare "

Nguva dzandamurova ndamurovera pamuromo


pake kwete kuti ndamurovera Rolix aiwa hazvisiri
izvo.

Wandinoda ndi *Addie Moyo.* The Famous


Rockstar. He is my crush since achitanga kuimba.
I love his song especially yekuti

"Be mine , ndinoida chaizvo.

Song iyoyo ndinoisa ma earphones ndotanga


kuiterera ndiri muring ende hapana anondirova
kana ndichiinzwa ndinotohwina chete"

Akaenda pana Addie akabva ati

"Rockstar be mine, i am a celebrity you are the


same saka tinokodzera kuva tese muupenyu"
Pachirungu ndingangoti , we made for each can't
you see that.

Rolix aingovawo bridge pakati pedu rekuti isusu


tiyambuke tiwane kusangana asi chokwadi
ndechekuti i don't feel anything for him.

Ndakaona Addie achinditarisa akabva agara pasi


chaipo , apa achihutisa makumbo ake. Ndakaona
kuti murume wangu ashamisika anga asina
kuzvitarisira.

Katie akaenda paari akabva ati "I am serious


Addie. I am deeply in love with you .

You don't have to say anything for now babe i know


hausi kuzvibvuma adi ndinotorevesa"

" Ndinokumbirawo tiende kuHarare tindotanga


upenyu hwedu hutsva" aidero ava kutoda
kumusimudza , handina kunzwisisa kuti aida kuita
musenga bere here kana kuti aimusimudza kuti
afambe ega. Chandakangonzwisisa ndechekuti
aida kutoenda na Addie kumota.

Ipapo ndakasimuka ndikaenda paaive ndikabva


ndati "Iwe chisikana enda unopengera
kwawakaroirwa. Iye akakuudza kuti ukava murovi
wava kuita zvaunoda ndiyani?" Kuzikamwa nenyika
yese kuti unorova hazvirevi chinhu. Vamwe
kungomashaya ma certificate asi zvipo tinazvo.

This Famous Rockstar is mine , only mine alone


hapana umwezve anokodzera kuva naye kusvika
taparadzaniswa nerufu.

Kwandakabva nerudo urwu nemurume wangu kure


chaizvo zvekuti handitarisire kunzwa nonsense .
Chipoko chaiko chinorwa spiritually chakatadza
kumutora ko kuzoti iwewevo zvako.

"Don't even try to taste my tamper because i


swear to God, i will kill you pamurume wangu."
Ndaidero ndava kufemera pamusoro ndainzwa
ndiine hasha dzekuda kuuraya munhu chaiko

Veronica akasimudza ruoko achida kundirova


ndakabva ndarubata kuti dzvi-i ruoko ndikati

" Don't even try it , kwira mumota mako uende kwa


Sherima munezvakanaka or kudzokera ku Japane
kwawakabva ndisati ndakuratidza the other side of
me."

Ndakadero ndichirwurasira pasi

Addie akauya pandaive achichema akabva ati


"Babe please enda mumba , i will call the police"

Iye akaseka akabva ati "Police won't solve


anything pamusoro pangu, i have connection
every where. Pese pandasvika ndinongohwina so
Mr Rockstar fambai tiende" aidero achidhonzwa
Addie

Ndakafamba ndikaenda paaive ndakabva


ndamurova zenya akavarairwa.

Chandinoziva munhu anorwa boxing haatendere


kurohwa mbama anenge achiti anyanya kujairirwa
zvekuti hasha dzake dzinokwira.

Ndakaona achibata dama rake achiratidza


kushamisika akabva ati "what on earth?"

Ndakaswedera pedyo naye ndikabva ndati "are yu


surprised?"

Akaramba akanyarara akanditarisa inini ndakabva


ndati "Do you like it?"

Veronica akauya pandaive akabva ada kundimonya


ruoko rwanga rwamurova mbama manje skiri iroro
ndorizivisa ndakabva ndanzvenga.

Ndakatanga kuuruka zvekubva pasi ndichienda


mudenga chaimo,

Zvekuti ndakasvika ndichinamira pa roofing,


ndakatanga kuremberedza makumbo angu
mbichana ndikasara ndakabata nhungo.

Pandakaona kuti nda balancer zvakanaka ndakabva


ndatanga kukava Vhoro maoko akabatira panhungo.

Iye paakada kuuruka ndakabva ndamudzvinya huro


nemakumbo angu ese ndikadonha naye ende
handina kumupudzunura.

Ndakanzwa achigomera achizama kuzvibvisa


ndikabva ndaziva kuti haandizive zvakanaka ,

ndakawedzera kumudzvanyidzira pahuro idzodzo


zvinesimba.

Ndakaona achiri kubhubha ndikaona kuti handina


kunyatso kumupina zvakanaka naka.
Ndakatanga kufunga mashoko ake ekuti anoda
Addie, ndakanzwa maungira munzeve dzangu
zvekuti hasha dzangu dzakawedzera.

Ndakafambisa makumbo ndikabva ndadzvanyidzira


pahurokuro, ndakaona asiya kubhubha ndikaziva
kuti ndasvika ipopo chaipo pandakadzidziswa na
Master vangu.

Ndichakamudzvinya ndakazongonzwa imba yese


vava kukanda mweya ipapo ndakaziva kuti
ararama anga azviitira tsvina.

Ndakazomusiya ndikabva ndamubata ruoko


ndikati "My name is Violence ,

ndofunga wanga usati wakambonzwa nezvangu

I am Rockstar's wife that makes me mai Rocky."

" Welcome to my tricks Vhorosi" ndakadero


ndichida kudenha.

Iye haana kutaura akatanga kutasamura huro dzake


airatidza kuti airwadziwa ndakabva ndamuti
"Zvandakuuita zvishoma izvo, ramba uchida
kuswedera pedyo nemurume wangu ndibve
ndakuratidza kuti ndini ani chaiye chaiye"
"Simuka uone kuti wabvisa ndove dzawaseta
kumashure uko , enda unogeza ubve pano izvezvi "

ndaidero ndava kutobva paaive.

Ndakaona vanhu vese vachinditarisa iye Veronica


akabva atanga kufemera pamusoro.

Akatanga kufamba achienda kubathroom apa


kumashure kwanga kwakarembera katundu. Lucky
aive zvake ne svi trouse saka hakana
kuzodonhera pasi.

Perfume ndoyega yaanga ongotikuvadza nayo,


zvekuti ndainzwa moyo wangu kumira.

Achienda kundogeza Addie akabva


andimbundukira akati "Are you okay babe?"
Ndakamutarisa ndikabva ndati "Violence
vangaonei zvavo daddy. Veronica anofanira kubva
pano nokuti ari dangerous haasi munhu wekugara
naye pamusha"

Mhamha vakabva vati "Let's hope anoenda nokuti


tingaitirwa zvimwe pano "

Takagara chinguva, Rolix achitova Bridget


ndakazoona Veronica ava kugogodeka achiuya
anga atochinja mbatya dzake.

Achisvika akatambidza Rolix ma key emota akabva


aisa phone panze akabva ati "Ndiri kuda helicopter
in 15mins" location ndasenda pa what's App
penyu.

Achipedza ku requester chikopokopo akabva auya


pandaive akati "Who are you? " aibvunza
akanyatsonditarisa mumaziso chaimo

Ndakamutarisa ndokubva ndati "sei wabvunza?"

Iye akabva ati "zvawaita nezvauri hazvikodzere


ndosaka ndabvunza ndati ndiwe ani?"

Ndakaseka ndokubva ndati "Gegege, maiti ndimi


mune yese here sisi vhovho. Inga ndataura wani
kuti ndinonzi Violence , women samson kana usina
kugutsikana ndokupa ground tombonzwanana
nasimba.

Usazofa wakafunga kuti zvimwe ndakujumha


ndozvanditori izvozvo zvawavona handichinje"

Veronica akadzungudza musoro wake akabva ati


"Watch your back then, i will never forget this
insult" aidero achitobuda panze chikopokopo
chairatidza kuti changa chasvika chainzwika
kudhuma.

Ava pamukova akacheuka akabva ati "i won't give


up easily, i love Rockstar nemoyo wangu wese
zvekuti anytime ndomutora.

Once angova mumaoko angu trust me haufe


wakamuona zvekare!" Akadero achitobuda panze

Ndakadeedzera ndikati "in your dream Bitch.! Stop


your madness"

Iye akabva ati "We shall see" aitofamba step yechi


soldier chaicho.

Takazonzwa chikopokopo chodhuma ndakamhanya


kudongorera ndikaona chatova mudenga ndikabva
ndaziva kuti aenda.

Ndakaramba ndakatarisa mudenga ndichifunga kuti


"Veronica anga achirevei chaizvo paati , i must
watch my back "

Ndakazoona Addie ava kuuya pandaive akasvika


akandimbundukira, Rolix akatanga kukumbira
ruregerero ndakabva ndangomuudza kuti asatya
zvake zvinoitika muupenyu.
Nyaya yanga yavepo ndeyekutarisa kumashure
kwandanga ndaudzwa na Veronica.

Chandinoziva zvangu musikana wacho ari


dangerous uye anotemba na baba vake nokuti
vanofamba nema Green bomber vakomana
vanozikamwa nekuuraya ivavo havazeze.

Ndakaona kuti ndingatotemeseka musoro


ndakazongozviudza kuti anochengeta munhu ndi
Mwari.

Ndakabva paive na Addie ndakabva ndaisa phone


panzeve ndichifonera bamukuru ndaida kutovazivisa
nezvenyaya iyi.

Phone ichidairwa chete ndakabva ndati...

End of chapter *31*

Keep comments , stay tuned


*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Mr Gono*

Ndichisiiwa nemuroora wangu , ndakapiwa mbatya


itsva dzinodhura dzaive dzisina kutobviswa ma tag
ema price.

Ndakamboramba ndakadzibata ndichifunga kuti


ndini here nehutsinye hwangu ndava kuchengetwa
nemuroora. Ndakazogeza ndokupiwa chikafu kana
iri nyama ndakangodya kuitarisa.

Ndichipedza ndakabva ndarara ndakatarisa


mudenga zvakanditorera nguva kubatirwa nehope
kwava kuda kutondoedza ndopandakazokotsira.

Hope padzanga dzava kunaka ndakanzwa knock


pa door. Ndakadairira pasi ndiri kuhope
ndakanzwa voice ra Dhaikoro richiti "Boss mukai
mugadzirire nguva dzafamba"
Ndakangomuka fast ndikageza ndakabva ndaenda
kwaaive akatarisa nguva akabva ati "10mins to 4
nguva hatidzibate tikaita zvekutamba, ma 1 angu
na Ndururani nhasi." Aidero achitomutsa mota.

"Ndururani ndiyani ?" Ndakabvunza ndichigara


mumota

Iye akabva ati "Muchamuona zvenyu ndokwatiri


kuenda ikoko"

Handina kuda kuzobvunza zvakawanda , Dhaikoro


akaimhanyisa mota zvemufirimu apa achitarisa
nguva. Aiita kunonzi kuhuta zvekuti ndakatadza
kuziva kuti Ndururani wacho munhu akaita sei
anotyiwa kudero.

Mu road maisave ne traffic sezvo aive


mangwanani saka aifamba zvaanoda ,
ndakaozongoona ava kupinda pane rimwe building
rairatidza kuti ranga risina kupera kuvakwa.

Tichisvika akabva ati "finally" achibuda mumota .

Inini ndakabva ndatobudawo, ndichingobuda chete


ndakanzwa inzwi remunhu rakati "You are late ne
2mins Dhaikoro "
Dhaikoro akakotamisa huso akabva ati
"Ruregerero boss"

Inini ndakatanga kunjeva njeva ndichitsvaka


kwanga kwabuda neinzwi ndakabva ndatadza
kuona munhu wacho paaive.

Ndakazonzwa munhu uya ava kuti "murikutsva inini


here madzibaba Goddie"

Ndakacheuka ndichishaya kuti madzibaba Goldie


vacho varipi vanorehwa asi handina munhu
wandakaona.

Ndakazonzwa munhu ava kuti "Hwi-iiii, voice


richibuda nechepamusoro peimba "

Pandakatarisa ndipo pandakaona munhu ai flyer


achibva padenga denga , hana yangu yakarova kuti
munhu ari normal anga kwira pamusoro pe roofing
imba ine stairs kudero here?

Murume uya aka flyer achitenderera kusvika ati dzi-i


pedyo neni, inini ndakabva ndabata hana yangu.

Iye akabva ati "Zvino mukatya kuona umwe munhu


achi flyer ko imimi pandichazokukwidzai pamusoro
apo muchaburuka sei. Munotofa ka mukarisiya
sadza muponesi?"

Handina kuda kumupindura ndaingofemera


pamusoro , ndainzwa kutya kwakanyanya .
Ndaitoshaya kuti Dhaikoro anga andiunzirei
pamunhu anorwara pfungwa kudero.

Murume uya akabva ati "Basa mangwanani tava


kufanira kutanga."

Ndofunga hatingashande tisingazivane inini


ndinonzi *Ndururani* kana tiri kuno kubasa.
Rekumasowe ndinonzi madzibaba *Serchby*
randakapiwa nevabereki vangu ndinonzi *Divine*
ndofunga manzwisisa ipapo.

Ndakangogutsurira musoro, ndakanzwa iye achiti


"good , imimi hamuna need yekundiudza renyu zita
ndokuti ndinoriziva nechekare rebasa munonzi
*Gonoria* kana tava kumasowe nekumba
muchange muchinzi *madzibaba Goddie*

Nokuti muri goridhe kuna baba . Makadiwa


nedenga chaizvo

Nhasi tiri kutanga training yedu.

Tichibva pano tiri kuenda kumasowe. Tichibva


kumasowe tichaenda kugomo. Tichibva kugomo
todzoka pano pa training tiri kunzwanana.!

Ndakavhura maziso ndakamutarisa.

Iye akabva ati "tirikunzwanana here?"

Ipapo ndakazongogutsurira musoro asi ndisina


chokwadi kuti ndingazvigona zvese izvozvo.

Iye akabva ati good "bvisai mudhebhe


wamakapfeka mupfeke mbatya dzeuto idzo. " aidero
achinditambidza zi trouse rakanga rakafaranuka uye
hembe yacho. Nemucheka we red ndakango pfeka
fast ndikasunga mucheka uya.

Iye akabva ati right "Dhaikoro pako wapedza


ungaenda zvako"

Dhaikoro akabva ati "thank you boss" achitoenda.

Murume uya akatanga kundimhanyisa nezi building


kubva na 4 kusvika na 5 1hr yese
ndichingotenderedzwa pamwe chete.

Ndakanga ndaneta chifuva chava kuvira asi


pakanga pasingamirike aive akabata zijamhu raine
neminzwa.
Akandiudza kuti akandibata anondinama naro
kumusana.

Ndichipedza kumhanya akabva atora book anyora


nyora zvaainyora.

Achipedza akatanga kuuruka pamwe

paive ne zvitanda zvaive zvakarongerwe se table


hombe pasi pacho pane munzwa. Akauruka
kusvika apedza pese akabva ati "It's your turn
Gonoria!"

Ndakatanga kuteedzera sezvaaiita ndaingoti


ndikatadza kuuruka ndobaiwa , ndakapedzisira
ndava kuchema . Ndakazviudza kuti ndichidzokera
kumba handibvume kuuya zvakare ndaitofanira
kufonera muroora wangu azonditora
handaizvikwanisa zvangu. Aiwa chero iri mari
ngaigare zvayo.

Ndakazopedza tsoka dzava kurwadza apa dzaita


kuzvimba. Iye akabva ati "Murume haacheme
Gonoria ungatadza kuita zvinhu zvakapusa izvezvi?"

Ipapo ndakapukuta misodzi ndikabva ndati "


hapana chakapusa apa ndiyani umwe anozvigona
kunze kwako?"
Ndururani akaseka , akaisa phone panzeve akabva
ati boys vuyai kuno. Ndakaona vakomana vaive 8
vachisvika. Vakatanga kuuruka pandanga
ndatadza. Vaitoita nezvimwe zvandanga ndisati
ndasvika pazviri.

Ndakangobata muromo ndichishamisika kuti


vanhu vakazvidzira kupi zvese izvozvo.
Dzichingoti 6 o'clock vese vakabva vakumura
mbatya dzavaive vakapfeka ndokupfeka magemenzi
avo vakatanga kuimba ndakaona kuti hazvichade
kuudzirwa ndakangopfugamawo paive
ndokubvumira madzibaba ndovaivamba vapedza
vakabva vatanga kunamata vamwe
ndokunamatawo neniwo ndabva ndangonamatawo
munamato wangu mudiki.

Tichipedza ndakazopiwa ma Introduction kune


vamwe vakomana vanga vasvika vaive zvavo
vechidiki vese zvekuti Ndurunani ndiye aive
muhombe pane vese ivavo.

Iye Ndururani anemazera ana Olga kana achiita


muhombe anongoita muhombe zvishoma zvekuti
ndongomuona semwana wangu.

Ma Introduction achipera ndakafunga kuti zvimwe


ndava kuendeswa kumba kwangu ndakashamisika
Ndururani achitondiudza kuti ndava kugara kumba
kwake kuitira kubata nguva. Ndakanzwa kusvotwa
nekuti dhiri rangu raisazobudirira rekuti mai Rue
vazonditora.

Ndakaenda naye kumba kwake uko kwandakaona


kuti zvechokwadi pamba pa Ndururani
hazvaibvunzwa , pamba pacho paive pakanaka.

Sekutaura kwake tichingosvika takabva


tatogadzirira kuenda kumasowe. Tichibva
kumasowe takabvataenda kugomo aive nevanhu
vaaida kuitira muteuro. Apa ndini ndaimhanyiswa
nemakate emvura zvinhu zvandisingambozive.
Ndaiti ndikanonoka ndorohwa rohwa chifuva obva
ati ndiri kusimbiswa nemweya.

Murume aidherera zvake iyeye , zera rangu nezera


rake hazvaimbobatana kuti andiitise zvese izvozvo.
Ndainyatsoona kuti muroora wangu andikandira
mumuromo meshumba chaimo.

Ndainzwa kubhoikana chaizvo asi ndakanga ndisina


choice, Musoro ndanga ndatobatwa kare ndisina
nekubvuma, gemenzi ndikapfekedzwa iro rainzi
ndere mudare Jojola akafa kare kare. Zvinhu
zvacho so.
Ndakagara mazuva maviri ndiri kwa Ndururani day
rechi 3 akabva ati arikundorara ku Zoto haakwanise
kuenda neni nokuti ndinofanira kutanga
ndambopasa training zvandatotanga hazvichade
kuzorora akabva ati achandondisiya kwa baba
vake. .

Ndakafara chaizvo kuti at least ndombozororawo


kumutswa usiku. Ndichisvika kwa baba vake
vakaratidza kufara kusangana neni ende aitove
munhu mukuru zvekuva pedyo nekubata mudonzvo
asi aisava nawo.

Ndakanamatira kuti Ndururani ambogara mazuva


matatu asipo ndifurwe nemhepo , ko mudhara wa
Ndururani aigo trainer chii zvake munhu
achembera kudero. Ndaitoziva kuti ndaizoita madiro.

Ndururani achienda ndakabva ndatomhanyira


kundorara ,room yangu ndanga ndapiwa kare.

Ndakanyatsorara zvangu dzehumambo kana Alarm


handina ku seta ndichiti ndiri kumba kwe harahwa
hakuna pressure.

Ndakarara ndakazoshamisika ndonzwa kutonhorwa


kundobata magumbezi angu kudai anga atota
nemvura . Ndakamuka ndiine hasha , ndokuona
baba va Ndururani vakamira kumberi kwangu
vakabva vati "It's 3 o'clock already sei
uchakarara?"

Ndakanyatsoona kuti kadhara kari serious kudarika


mwana wako. Ndakangokatarisa ndichinzwa kuda
kukakava bhutsu chaiyo ndakazongoonzwa ndava
kumonyewa ruoko.

Ndakatanga kudhonzwerwa mumota takasvika mai


va Ndururani varimo nechekare kushaya kuti
nechemberewo dzinotadza kurara dzichiti
dzinoendepi.

Chembere yaka driver mota kusvika ku Zi building


rinoitirwa ma trainings vachisvika mukadzi
nemurume vakatanga ku kwira stairs pamusoro
chaipo ndakaona vava ku flyer sezvandakaona
mwana wavo achiita .

Vachipedza vakaita ma trainings ese


andaidzidziswa na Ndururani ndichitadza apa
vakanga vakabatana maoko.

Ndakagara pasi chaipo ndichishamisika ivo vakabva


vati "Mr Gonoria hatisi kukuitirai utsinye kana
muchida kugona izvi ziva kwamakabva , uye
kwamuri kuenda. You can do it hapana chinonetsa
apa mungakundwa nesu tangochembera here tava
nevazukuru."

Ndakavatarisa ndikabva ndati "Nyatsoi kundiudza


makadzidzira kupi zvese izvi?"

Baba Va Ndururani vakaseka vakabva vati


"Mumaoko awakapinda hamungopindwe neruzhinji
irombo rakanaka kupinda mumaoko edu, inini ndini
the Hero anozikamwa nembiri world yese nyika
dzese dzinondiziva kuti kuna The Hero" the great
fighter

"This is my lovely wife Gaga, zvekurova zviri


muropa kumhuri kwangu ndosaka uchoona Dee
asingatangike"

Pavakadero ndakazovhura maziso


ndichinyatsotarisisa ndakaona ndava kubata
muromo ndichishamisika "The Hero? Wow i can
not believe this."

Iye akaseka akandirova matama akabva ati


"wakakomborerwa mupfanha , chikwata chawava ku
Joiner ndeche Montana wava kufamba nevana
vedu"

For the sake of our beloved Montana Girl


tichazama nepatinogona napo kukubatsira kuti
ugone kurwa.

Zvatatouya pano training yatotanga unofanira


kutotsunga nokuti mai vandauya navo training yavo
iri very hard kudarika ya Ndururani , asi
uchazovatenda nerimwe ramaziva.

" Are you ready? " akabvunza Hero

Ndakangobatanidza maoko ndikabva ndati more


than ready.

Ndichiri ndakabatanidza maoko ndakanzwa


ndatokahwa bhutsu na Gaga ndakavarairwa.

Pandakada kuti Shu-u Hero akabva andibhutsira


nerimwe divi.

Pandakati ndikwenye ndakaona vese vava kuita


makwikwi ekundikava ndakaona kuti ndikaramba
ndakamira inofa kwangu ndakapedzisira ndava
kutavira , ndichivatiza.

Ndaitiza ndichiuruka matable aya aive nemidzwa


pasi ivo vachiteera. Ndakafara chaizvo kugona
kuuruka ese ndisina kana kutsika minzwa dziya.
Ndakaona Hero achisekerera akabva ati nice
improvements Gonoria.

Takamboita chinguva vachindidzidzisa kurova uye


kunzvenga mabara kana munhu akada kushandisa
pfuti.

Zvese izvozvo hazvina kunditorera nguva


ndakakurumidza kuzvibata.

Vakandiudza kuti chikwata chavo hachishandise


pfuti vanoshandisa maoko nemakumbo chete
kusvika munhu a surrender ega sezvo
vasingabvumidzwe kuurauya mukurwa kwavo.

Takazobva pa training ndichingosekerera kufarira


kuti ndapindawo mumaoko ana the Hero.

Ndakagara pamba pa Hero week rese


ndichimutswa na 3 o'clock ndakapedzisira ndajaira
zvekuti ndakanga ndava kutovamutsa ndiri ini.

Pakauya Ndururani kuzonditora ndakanga ndava


kunyatsogona kurwa chaiko zvekuti pandakapinda
naye pa ground akatombotsunga kuti
andidonhedze.

Stairs yandaimbotya kukwira nekudzika ndakanga


ndisingachaione sechinhu.
Tichipedza training na Ndururani akabva andiudza
kuti mwana wangu apindana nedzimwe zvekuti
anytime tinofanira kutarisira hondo, saka ndaifanira
kuwedzera kudarika pandiri nokuti ma Green
bomber anoshandisa pfuti ende havazeze kuuraya.

Ndichinzwa izvi ndakanga ndava kutozvi trainer


ndega chero ndiri kumba kuti ndisimbe chaiko.
Ndaisamirira kudedzwa ku training Ndururani
aizosara kuuya na 4 inini ndatombomhanya kana
kwe hour rese.

Yakava vhiki, ukava mwedzi ndichiendeswa ku


training. Ndakanga ndava shasha zvekuti rimwe
boys rese rechidiki raitozviziva kuti ndini shefu
chero Ndururani asipo vaitotora order inobva
kwandiri.

Ndakadzidzira kurwa ndine shungu


dzekushungurudzwa na Akash saka zvakandipa
kuti ndinyatsogona.

Kumasowe ndini ndaiturikira mweya madzibaba


vachieresa vanhu ini ndaitambidza muteuro.

Zvese ndakanga ndava kugona zvekuti ndainzwa


kuti kunamata chipo chikomborero chikuru.
Ndaitombozviseka kuti ndini here ndaimboti hakuna
Mwari.
Ne muroora wangu taingotaura achindiudza zvese
zvaiitika kumba, mwedzi uchipera ne vhiki rimwe
chete takabva taenda ku Russia uko kwairwirwa
treasure. Vanhu ve Germany vaida kudzvanyirira
ve Russia.

Russia yakabva yakoka Montana boys. Takaenda


takagadzirira tichisvika munzvimbo ye Russia
takatanga tanamata tisati tatanga hondo .
Tichipedza takabva taenda kwairwirwa hondo
yacho takawanikwa ma soilder e Russia aita
murakatira vazhinji vanga vaurawa..

Ndururani akabva atotanga kutipa ma sign


achitiratidza kwataifanira kuenda nako kuti tikunde
Germany. Handide kunyepa hondo yacho yaive
hombe haisi nyore kurwa nemaoko uchirwisa vanhu
vane pfuti.

Taitambira mudenga tichinzvenga mabara kusvika


pfuti dzavo dzapera basa, ipapo ndipo
patakazovadonhera tava kuita zvatakadzidziswa na
Master wedu.

Takatanga kurakasha vanhu zvekuti nenguva


shoma tanga tadonhedza Army yese ye Germany.

Tichipedza kukurira Germany mukuru wenyika ye


Russia akafara chaizvo akabva audza Master
Ndururani kuti atutsira mari pane yavakanga
vakataurirana.

Hatina kuzogarapo takabva takwira ndege yedu


ndokudzokera ku Zim.

Inini ndakarurama kumba kwe muroora wangu


ndokwandanga ndava kugara kubva
zvandakazotanga kugona kurwa.

Day 2 after tabva kuhondo ndakazongoona mu


account yandanga ndavhurirwa na Ndururani
mapinda mari. Ndakambopukuta maziso kuti
ndinyatsoonesesa nokuti mazeros acho akanga ava
kundi confuser kuti mari iyoyo ingabatwawo
nemunhu munyika yedu ye Zimbabwe here.

Ndururani akabva andifonera akati "Madzibaba


Goddie ndofunga pay yenyu maiona. Moitawo
zvine musoro nemari yenyu basa redu
haringomuke pese pese asi kana ramuka tinobata
parefu. Tinogona kana kutogara mwedzi mishanu
tisina kana kwatamboenda ndinovimba manzwisisa
point yangu "

Paakadero ndakangomutenda.
Achikata foni ndakabva ndafonera mai Rocky
ndaida kuvatenda uye kuti vandibetsere kundoripa
mhosva dzangu ndochinhu chekutanga.

Mai Rocky vakandiudza kuti vana Addie vari busy


kugadzirira Concert saka ivo vari free kuuya ku
Harare.

Ndakatovakumbira kuti vauye nekukurumidza


ndaitononokerwa nekuenda kundoripa vakadzi va
Addie.

Zuva rakazosara kukwira muroora wangu asvika


na Bridget. Ndakamuudza pay yandanga ndapiwa
akabva andiudza kuti tava kufanira kutondotenga
mombe.

Takaenda kuma Farm ndikandotenga mombe


dzacho dzaidiwa. Ndaka higher lorry ikadzitakura
ndikandosiya kwaMasithole uye nekwa Machuma.
Pamombe dzavakanga va charger ndaiwedzera
mbasera imwe chete kuti vanyatsondiregerera.

Kwa Masiziba vakanga vakati havana chavanoda


ndakaona zvakanaka kuvasiira mari yakawanda
chaizvo zvekuti yaikwana kutenga chero mombe
dzakawanda.
Vakada kumboiramba asi ndakavakumbirisisa kuti
vaitore moyo wangu uzorore ndiko kuti
ndinyatsoona kuti zvechokwadi vandiregerera.

Miripo yedu yakafamba zvakanaka ende vabereki


vevafi vakaratidza kufara zvekuti neniwo moyo
wangu wakabva wapembenuka.

Takazodzokera ku Harare zvese zvarongeka mai


Rocky vanga vaudza Addie kuti varikurara
kuvabereki vavo saka taive tisina chekutya. Taiziva
kuti tainyatsoronga tsoro dzedu tisingamhanye.

Ndaida kuzoudza vana vangu kuti ndiri mupenyu


ndagadzirisa zvese ndava kundotora mukadzi
wangu.

Tiri munzira ndakaona semota ya Akash yaititevera


kumashure ,handina kuda kuzviisa mumusoro.

Tichisvika kumba mota iya yakabva yapfumbura


ichirova pasi ndakangoti hameno kana ari iye
tichasangana zvedu.

Tanga taneta saka takabva tangozorora, mangwana


makuseni muroora wangu akatarisa mu Account
akabva ati mari yandasara nayo ndava kufanira
kutenga Imba uye kutanga business.
Ndakatenderana naye nokuti mashoko a Ndururani
ndakanga ndichakamabata ekuti hatiwane mari
pese pese saka kana yawanikwa
ndeyekutobatisisa.

Ndakatanga kutsvaka imba yangu ndikabva


ndaiwanira ku Glenview 5 bedrooms yese yave
ine 12 rooms. Ndakataura ma Owner wacho
akabva andipa ma directions takaenda kundoina
ndakaifarira chaizvo. Yaisafe imba hombe hombe
asi yaive imba yakanaka chaizvo , chero yard
yacho yaiyevedza zvekuti ye Headlands
ndaitoipima kaviri.

Handina kumboda kutanga ndafunga ndakabva


ndangobhara mari yavo ma papers akava mumaoko
angu.

Tichibuda gedhe ndakaona mota yaisimukawo,


yairatidza kuti yakanga yakamira pa gedhe.
Ndakakaziva kuti Akash arikundivhima mybe
aimirira kuti mai Rocky vaende azokwanisa kundi
attacker haana kuziva zvake kuti ndakanga
ndakamumirira nemaoko maviri.

Muroora wangu akazoti mari yandasara nayo


ndava kufanira kufunga business randingatanga
rinozogara richindipa mari.
Ndakangovaudza kuti ndichamboti mirei
ndichifunga kana ndava nema ideas ndichataura
navo, ivo vakabva vaati hapana chakaipa.

Takabva tadzokera kumba.

Tichisvika takawanikaa Ndururani akatimirira


achiti ane suprise yangu. Ndakafara chaizvo kuona
achinditambidza ma keys emota. Takatanga
kupemberera tichifarira mota yandanga ndapiwa tiri
mukupemberera Addie akabva afonera Harleen
achiti avhure T.V sezvo vaizobuda pa Live
vachiimba.

Tese takamhanya mu sitting room tichida kundoona


Rockstar vachibuda pa T.V.

Mai Rocky vachivhura T.V performance yanga


yatotanga kare.

Addie aitaura mudiro waanoita family yake uye


vese vanomu supporter akabva azoti
ndisingakangamwe my beloved wife *Mai
Rockstar* "i love you so much my Qeen"

Akatanga kuchema akabva apukuta musodzi akati


"Baba vangu handizive kana muchindiona right
now , garai muchiziva kuti makandisiira ronda
risingapore mumoyo please father come back to
me

i really miss you" .

"I am going to sing this song for you my father"


aidero achipukuta misodzi akabva anyemwerera
akatarisa pa screen . Akarova rova mic yake akati

"Oh my father, i am sorry i..... " paakati "i"


ndakatanga kunzwa ma gushot mu T.V

Umwe murume aive akapfeka zvitema akazvivhara


kumeso akabva asimudza Addie.

Rolix akasvetuka achibva pa keyboard akada


kutora Addie akabva akahwa achitakurwa naiyewo
neumwe akanga akazvivhara kumeso zvekare.

Ndakatoshaya kuti zviri kufamba sei ipapo

ndakasimuka ndikabva ndati

" what is happening?"

Harleen akasimuka akabva ati "Ohhh God!"

Hondo iya yatanga "Vhoro!!" I will not spare her


today
Ndakaenda paaive ndikabva ndati "Vhoro ndiyani?"

Iye akaenda pana Ndururani akabva ati


"Bamukuru please connect Emergency call group
right now! We need boys hatina nguva"

"Let me call my father !" Aidero achitoisa foni


panzeve

Inini ndakamhanya ndikatopfeka mbatya dzangu.


Ndururani akatanga kutoura nendimi akabva ati
"Hondo ya nhasi icharwiwa Spiritually and
physically uyo wamunoti Bianca akwanisa kuburuka
mumuti zvino agara pamutumbi wa Veronica ende
akatsamwa zvekuda kuparadza Gono's family dai
Mwari atibetsera ndiri kuona ropa hakuna kumira
zvakanaka " aidero achitanga kunamata.

Harleen akapinda mumba akadzoka akapfeka


unform yake ye Montana apa ane rimwe Jombo
rekuti wega waiona kuti hondo yatanga.

Achibuda mumba boys ranga ratozara panze kare,


zvikopo kopo iri bviriri bviriri .

Ndururani akaenda pana Harleen akabva ati


musatya mainini tirikudzoka nemurume wenyu
arimupeyu. Yava nguva yekudonhedza Sherima
manje ndaimuregerera kubva kare let's go
vakomana vatomirira isusu panze..

Tichibuda Bridget akabva ati "Please take me with


you mudiwa wangu kani" aidero achichema.

Harleen akambundukira Bridget akabva ati


"Usatya Addie na Rolix todzoka navo vari vapenyu
asi iwewe hakuna kwaunoenda"

Bridget akachema zvekuti Ndururani akapedzisira


akati

" regai tiende naye ,asi ndiri kuona tabva takabata


ropa handizive kuti iropa rani randiri kuona
rakazara pa ground let's hope tichadzoka tese tiri
vatano" aidero achitokwira mu ndege.

Harleen akambomira akatarisa ndege yake


ichienda akabva ati "Dai wasara Bridget
madzibaba Serchby havangooneswe ropa pasina
kwava kuenda mauto chete uko"

Bridget akarambisisa akabva ati arikuendawo chete .

Harleen akazomumbundukira akabva ati "Wotova


strong kana wada kuteera let's go guys!" Aidero
achikwira tese tichiteera kumashure kwake.
Harleen ndiye aive ne tracker ya Addie saka ndiye
aipa ma directions kwataizovawana.

Inini ndaingonamatira kuti mwana wangu


achengetedzwe , hondo yema green bomber
ndakainzwa nembiri kuti varume ivavo vanotyisa.

Kuzotiwo chipoko Bianca changa chagara


pamutumbi wa Katie hameno.

Handizive seiko zvada kudarikawo nemumaoko


emwana wangu, zvinoita upenyu so . Hameno
regai tindoona kuti kwakamira sei?

Tokuudzai ma results tasvika ndinokumbirawo


mutinamatirirewo tidzoke tese tiri vatano

End of chapter *32*

Keep comments , stay tuned !


*BETRAYAL* https://chat.whatsapp.com/
LRIVolMEBIuBgKNF6yPM5C

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter **

*Addie*

Pakaenda Katie takasara tiri happy family. Rolix na


Bridget rudo rwakanga rwava kunyatsobvira zvekuti
pakazopera mwedzi tanga tatoenda kumba kwana
Brege kundovazivisa nezverudo rwevaviri ava.

Takavaudza kuti vagare vakagadzirira ,marooro ari


munzira kuuya. Taitoziva kuti tichipedza
kundoimba ku Shurugwi tinenge tine mari
yakawanda zvekukwanisa kuroora uye kukumbira
muchato.

Vabereki va Bridget vachinzwa izvi vakafara


chaizvo, takatanga kuita busy kugadzirira kuenda
ku Shurugwi sezvo mazuva acho akanga ava
pedyo.
Zuva rekuti mangwana ndokune Concert mai Rue
vakati vanoda kuendawo nesu.

Inini ndaingonzwa moyo wangu uchindirambira kuti


ndiende navo ndakavaudza kuti "hakuna
kwavanoenda vaifanira kusara vaizondionera pa T.V
zvaive nane."

Akada kumbochema asi ndakamuudza kuti ku


Boterekwa kuri dangerous ,hakuite kuti aende.

Akazobvuma kusara ,akandikumbira kuenda ku


Harare .

Handina kumurambira ndakangomuudza kuti


aende, sezvo aienda na Bridget ndaiziva kuti
haazobhoikane.

Asati aenda akambondimbundukira kwechinguva,


ndakanzwa kunge akandibairira chinhu kumusana
zvekuti ndakatovhunduka.

Zvaive nekakurwadza asi kwete zvakanyaya


ndakamubvunza kuti andiitei akabva ati
"Ndakutsunyai daddy" aidero achitobva pandiri
achimhanyira kumota yake achiseka.

Ndakasara ndichingonyemwerera ndakamutarisa.


Achienda ndakasurukirwa chaizvo ,ndanga ndajaira
kugara nemudzimai wangu pedyo.

Takazosara na Roxie tichigadzirira zvekundoimba ,


takatozopedza late kurongedzera ndokuenda
kundorara.

Usiku handina kunyatsorara pamba pedu paingoita


rimwe zimhepo randaisanzwisisa kuti nderei.

Mangwana makuseni ndakabvunza vamwe kana


vakanzwa zimhepo randakanzwawo, Rolix akabva
ati haana kunzwa mhepo asi arota Bianca adzoka
muupenyu hwedu zvekare.

Mhamha vachinzwa zva Bianca vakabva vati "kana


madzoka Addie tinofanira kuenda kwamufundisi kuti
vatiudze zvatingaita kuti mweya wa Bianca ubve
muupenyu hwedu zvachose"

Takatenderana kudero musha wese takabva


tanamata tisati tasimuka.

Mukoma Olga vaive busy ne business ravo sezvo


vakanga vava kutanga kutengesa saka hatina
kukwanisa kuenda navo.

Tichipedza takapinda mutown ,tichindotora


vakomana vaizotibetsera kuridza ma drums

Takawanikwa vatopedza kugadzirira vamirira


isusu.

Hatina kuzoda kumira Rolix abva atanga ku driver


takananga ku Shurugwi.

Tichisvika takawanikwa pataizoimbira


pakagadzirwa zvakanaka chaizvo.

Pakanga pakanaka zvekuti hawaibvuma kuti


nzvimbo iyoyo pasango .

Varungu vakanga vakarongera ma tende avo ne


order , vairatidza kuti vakakanga vaka kemba
nezuro kwacho.

Tichisvika takagamuchirwa zvakanaka, ma Guards


aiita basa kuti tikwanise kuenda pa stage pasina
kukanganiswa sezvo ruzhinji rwaida kutoswedera
pedyo neni.

Ndisati ndamira pa stage ndakafonera mukadzi


wangu ndichimuudza kuti ndava kutanga kuimba.

Ndaingonzwa ndiri nervous handina kuziva kuti sei


ndainzwa kudero.
Ndakapiwa dariro ndikabva ndabata mic yangu,
ndakatanga kutaura zvaive pamoyo pangu.

Pandakanga ndava kuda kutanga kuimba


ndakanzwa pfuti yakaridzirwa mudenga.

Pandakati ndicheuke kwanga kwabva ne


gunshot ,ndakazongonzwa ndavharwa kumeso
nekamucheka kaiita kunge kane guruva.

Ndakatanga kunzwa kupera simba zvekuti handina


kuzoziva kuti zvakafamba sei,
ndakazongopembenuka ndichiona ndiri mumba
maive mune mhindo.

Pandakasimudza musoro ndakaona ndakakombwa


nevarume vakanga vakawanda chaizvo vaive
vakapfeka hembe tema muviri wese.

Ndakabva ndati

"Tiri kupi? uye ndaunzwa nani pano?" Ndaibvunza


ndichitosimuka

Pandakasimuka ndakaona Rolix akasungirirwa pa


chair , ndakamhanya ndikaenda paaive ndikabva
ndati "Roxie wasungirirwa nani, chiiko chiri kuitika
pano?"
Rolix akatanga kuyeredza musodzi akabva ati
"Handizive ndiyani atitumira ma Goons Addie,
nhasi pedu patiperera munyama rudziiko wataita
uyu."

Paakadero ndakatsvaka phone yangu ndichida


kufonera Harleen ndakaona ndisina .

Ndakatanga kufamba ndichienda kune umwe


wevarume vaive pandiri ndakatanga kumuzuza
zuza ndikati "Ndiudze kuti matitorerei kwatanga tiri,
munodei chaizvo kwatiri?"

Murume uye akanditendekera pfuti , handizive kuti


aida kundipfura here kana kuti aingondivhundutsira.

Inini handina kumboratidza kutya ndakamira


ndakamutarisa ndikati

"Go ahead, ndipfure ka nhai ko urikutambisirei


nguva yako uchiramba wakanditarisa."

Murume uya akangoramba akanyarara


ndakazongoona mu room yataive mava nechiedza.
Ndakatarisa ku door ndikaona Katie akamira
akatarisa kwataive.

Ndakangovhura maziso ndichishamisika kuti anga


auya nguvai , zvaive pachena kuti ndiye anga atuma
vanhu kuzoti kidnapper.

Katie akatanga kufamba achiuya kwataive


akasvika akati " welcome my future husband"
Aidero achizama kundikisa padama.

Ndakamutarisa ndikabva ndamupfira kumeso


ndikati "what is the meaning of this Katie ,are you
insane?"

Pandakadero akaseka akabva atanga kutora mate


andanga ndamupfira akatanga kuadya akabva ati "
Ndiri kupengeswa nerudo babe, i was missing you
so much . 1 month is not a joke ndisina
kumbokuona ruva remoyo wangu ."

At least tasangana zvekare ende this time hapana


anotikonesa kuti tidanane.

Handina kuda kuramba ndichinetsana naye,


ndakangomusiya ndikabva ndaenda
kundosunungura Rolix ndakabva ndati

"Let's go Roxie" ndaidero ndichitobuda muroom


iya.

Ndainzwa kuvenga Katie zvekuti ndakazviudza kuti


zvirinane andiuraye pane kuteedzera zvaanoda.

Paakambouya ku Headlands ndaimusiya achitaura


zvaanoda ndisingapindure nokuti ndaitya
kukuvadzirwa mukadzi wangu.

Apa zvanga zvanakira kuti Harleen aisavepo.

Tichisvika panze takawanikwa chivanze


chisingatarisike nema guards aive akabata pfuti.

Ndakabata ruoko Rolix ndikabva ndamuudza kuti


yava nguva yekunamata kuti Mwari atirwire
muhondo iyi.

Rolix akanditarisa akabva ati "You are right Addie


let's pray" takatanga kunamata tichinamatira
mumoyo. Takanga tisingazive kuti Mwari achitirwira
sei asi taive nekuvimba kuti panobudika.

Tichipedza kunamata ndakatanga kufamba


ndichienda ku gedhe , pandakasvika ndakabva
ndati kuna gate man "Ndinokumbirawo mutivhurire
gedhe tiende"

Gateman akatarisa kuna Katie uyo aiva


akabatanidza maoko aripamukova akabva ati
"Ndoita sei nevanhu boss?."
Katie akatanga kufamba achiuya kwataive akasvika
akati "Why are yu so stubborn nhai mudiwa
wangu, sei uchirwadzisa moyo wangu Addie
hauzvione here kuti ndinokuda nemoyo wangu
wese" aidero akanyatsonditarisa mumaziso
chaimo apa akarova serious kuratidza kurevesa.

Ndakaenda paaive ndikabva ndati " titendere tiende


Katie , inini handina umwe munhu wandichada
kunze kwa Harleen. My world starts with her and it
will end with her zvirinane undiuraye zvako pane
kuramba ichindimanikidza kuita zvinhu
zvandisingade love is not by force my dea"

Katie akandibata cola akabva ati "Bvuma


zvandinoda Addie nokuti , hapana munhu
anombokwanisa kuzokununurai not even your low
life village girl dai uri umwe wadzikama.

Let's go to my bedroom now,

kubva kare ndichikuda ndichikushaya nhasi


zvandakuwana handisi kuzotambisa mukana"
aidero achitanga kufamba.

Akatuma ma guards ake kuti andidhonze.

Vakomana vakatanga kundikwekweredza, ipapo


ndakatanga kuchema. Ndakatanga kufunga kuti
why upenyu hwangu hwuchingori hwekubuda
misodzi ndanga ndotiwo ndawana Harleen zvese
zvanaka manje izvi zvava zvipiko.

Rolix akada kundirwira asi akarohwa zvakaipa


nema guards a Katie.

Ndakatanga kuchema ndichimuudza kuti asarasa


tariro Mwari achatirwira chete.

Ndiri mukudhonzwa ndakangotanga kunamata


ndichiti

"Mwari ndirwirei muhondo ya Katie iyi.


Ndichengetedzei pasawana chakaipa chinoitika
kwandiri kusvika ndadzokera ku mudzimai wangu."

Ndainamata ndine tariro kuti zvese zvichafamba


zvakanaka.

Ndainyatsoziva kuti kwataive hakuna munhu


aizokwanisa kutibetsera kunze kwaiye Musika
vanhu.

Yanga yava nguva yekusiira zvese mumaoko a


Mwari.

Ndava kupinzwa mumba ndakanzwa voice rakati


"VERONICA SHERIMA !! OPEN THE GATE FOR
ME"

Voice racho rakadeedzera zvine ruzha zvekuti


ndakabva ndabata hana yangu.

Ndakazviziva chete kuti hakuna umwe kunze kwa


mai Rocky .

Katie akacheuka zvishoma nezvishoma akabva


ati "What the fuck!"

Umwe wema guards a Katie akabva ati " who could


be?"

Katie akanditarisa akabva andikava bhutsu negogo


yake mumbabvu akabva ati "did you call her?"
Aidero achindizungunutsa

Ndakasimuka ndikatarisana naye ndikabva ndati


"Asi uri kumutya mukadzi wangu?" ndaibvunza
ndichiseka zvekuzvotesa . Ndakatanga kupukuta
mabvi angu aive neguruva ndikatanga kufamba kuti
ndinosangana na Harleen wangu. Yanga yava
nguva yekuti ndibetserane nemukadzi wangu
kurwisa Katie.

Ndisati ndaenda kure Katie akatuma guard


kundisecha aida kuona kuti nda connecter sei na
Harleen . Guard akandisecha muviri wese akabva
ati "Munhu uyu haana chaanacho boss"

Katie akamuridza mambama akabva ati "You fool


enda unosecha umwe wacho"

Guard akamhanya achienda kuna Rolix akadzoka


akabva ati haana chaanacho uyo.

Katie akauya pandaive akabva andikumura t-shirt


akabva atanga kutendeka kamwe kanhu muviri
wangu wese airatidza kuti ai scanner paakasvika
kumusana akabva " Eish Rockstar ane

*Micro Hornet* uyu that's why a trekwa.

Paakadero ndakawedzera kuseka ndaitoziva kuti


mabasa a mai Rocky ese iwayo ndakapfeka
hembe yangu ndikabva ndatanga kufamba.

Katie akaridza tsamwa akabva andibata akati


"Where do you think you are going.?"
Ndakamusundira kure ndikamuudza kuti asiyane
neni.

Akauya akatanga kundirova ipapo ndakabva


ndamira semurume ndakatanga kurovana naye.
Semunhu ndairwa nemunhu anoita ma trainings
handina kudzorera kwenguva refu anga
atondidonhedzera pasi.

Ndakatanga kuchema ndikati "Pliz mai Rocky help


me mukadzi wangu ndourawa!" Ndaidero
ndichichema ndakakwidza voice kuti Harleen aiite
hasha.

Mukadzi wangu ndovimba naye ndaitoziva kuti


achaita something chete kuti apinde mukati.

Ko ndozvakanakira kuroora Women Samson ka


nhai masimba haaperi.

Pandakadero

ndakaona Harleen achiuruka gedhe


achirimudenga ndakabva ndati

"Becareful babe" ndaidero ndichisundira Katie


kure ndichimhanyira kundomugamha kuti atsike
pasi zvakanaka asakuvara.

Harleen akandimbundukira akabva ati "Are you


okay hun, let's hope she didn't hurt you?"

Ndakatanga kuyeredza misodzi ndikabva ndati


"She is a monster babe, handifunge tikamukunda
Katie ane vanhu vakawanda."

Harleen akandibata pachipfuva akabva ati "Be


strong hun na Mwari tinokunda chete" aidero

achikumura zi dress raakanga akapfeka akabva


asara akapfeka mbatya dzeuto.

Ndakabata muromo ndikabva ndati "Hezvo"


ndaitoshamisika kuti Harleen ndiye musikana
wandaigara ndichiona pa T.V achirwa akapfeka
mask anofamba nevarume vanomwe vanodeedzwa
kuti Montana boys.

Ndakaona Katie achidududza kudzokera


kumashure akabva ati " No no no, tell me i am
dreaming."

"You are a Montana Girl?" Akaibvunza


achidzadzarika dai asina kutozobatwa aidonha
chete.

Harleen akamuvinga akabva ati "You are not


dreaming Vhoro , the unknown montana girl
waunoziva nekunetsa kunyika dzakasiyana siyana
ndini. I am the same person ndakakupa warning
ku Headlands kuti usiyane nemurume wangu. This
time you cross all the Limits Veronica. I want to
teach you a big lesson that yu will never forget in
your life"

aidero Harleen achiurukira maguards ese aKatie ,


ivo nekupusa vakanga vaungana panzvimbo imwe
chete kuitira kuti boss wavo asarohwa.

Zvakatozoitira mukadzi wangu nyore kuva attacker.

Harleen

aisavarova asi aivabvutira pfuti,

akavatorera pfuti dzavo dzese vakavarairwa


akabva adzikandira pamusoro peimba.

Achipedza akabva aridza muridzo.

Ndakaona varume ve Montana vachiuruka kupinda


nepamusoro pe gedhe vari 9 , umwe wavo aive
akapfeka akazvivhara kumeso kwese zvekuti
aisaonekwa waingoona maziso chete kuti munhu.

Vakomana vakatanga kurova ma Guards a Katie


zvekuti ndakanzwa tsitsi. Umwe wacho aive
akazvivhara kumese kwese ndiye ainyaya kukava
mabhutsu zvekuti ndaishuvira kuona face yake
murume akanga akanyanya mhani iyeye.
Vachipedza kuvarova vakabva vavatakura vese
vakandovavharira muimba vakakiya door nekunze.

Katie akabva asara ari ega akatarisana na Harleen.


Ndakaona achiisa phone yake panzeve akabva ati
"I need your help father, ndavingwa ne Montana
boys saka zamai kuunza ma Green bomber akati
wandei " achipedza akabva aisa phone munzeve
akabva ati "Handikwanise kumira newe Montana
Girl asi baba vangu vachakudzidzisa chidzodzo just
wait and see!"

Aidero achigara pasi achitanga kusvuta fodya yake.

Harleen akangoridza tsamwa akabva ati "Let's go


hun, tora Rolix tiende gwara randitya iri
handikwanise kurovana nemunhu abvuma defeat "

Ndakangomhanya ndikasimudza Rolix nokuti


akanga akarara anga arohwa zvakaipa ne ma
Guards a Katie nguva dzaakanga achida
kundirwira.

Tichisvika pa gedhe Harleen achizama kukiinura


gedhe

Katie akatanga kuzvikwabvura , akatanga kukuma


semombe sezvaiita Bianca. Ndakanzwa Rolix
achiti she is possess tinofanira kutonamata kuti
mweya wa Bianca ubve paari ndiise pasi Addie.

Ndakagadzika Rolix pasi , Harleen achipedza


kuvhura gedhe paakanga ava kuda kubuda akabva
adhonzwa na Katie.

Akatanga kumutunga zvakaipa mumudumbu


zvekuti akadonhera pasi.

Ndakabatana na Rolix maoko tikatanga kunamata,


Harleen akanga ava kugomera achizvondora
maziso.

Ndakasiya maoko a Rolix ndikabva ndamhanya


kuna Harleen ndaitofanira kubvisa Katie nokuti
aigona kuuraya Harleen kana kumubvisa nhumbu
nokuti mutungiro wacho waive very dangerous.

Ndichisvika ndakada kubata Katie ndakanzwa voice


rakataura richibva nekugedhe rakabva rati
"Usamubata anokukuvadza"

Ndakacheuka ndikaona ari murume wendebvu


wekundiudza kuti Gono vane tambo muchiunu.

Aiuya akabereka chibhegi chichena


akadungamidzana na Bridget akasvika akatanga
kunamata nendimi achideedzera mazita emachinda
ega ega.

Akasvika pana Katie akabva ati "Bianca buda maari


uzvimiririre wega!"

"Buda ! Buda !Buda!" Aidero achibaya Katie


pahuma."

Ndakanzwa mweya wa Bianca uchitaura pana Katie


uchiti "Ndisiye Serchby unoda kuti ndiende kupi
nhai, Vanhu ava vakandiurayira upenyu hwangu
handina kwandinoenda kana ndisina kuvauraya
vese . Ndine ronda pamoyo zvekuti handina kana
tsitsi , nhasi ndichashanda ndiri muna Katie
anorarama zvekuti hapana anondikunda not even
you Serchby !" Aidero achiseka achirova maoko,
aizvongonyoka kuratidza kunakirwa chaizvo.

Serchby akaisa chibhegi chaanga akabereka pasi


akabva ati "pfekai magemenzi varume mweya uyu
une shungu zvekuti tikasatsunga tinokurirwa "

Varume vaya pavakapfeka magemenzi avo


ndakashamisika kuona murume ainyaya kurova
vari baba vangu.

Ndakatanga kubuda misodzi yekufara ndakanga


ndisina kumbofunga kuti baba vangu vakanga vava
kuchikwata chemontana.

Ndakatarisa mukadzi wangu aive akarara


ndikatanga kusekerera ndichienda paari.

Zvaive pachena kuti mai Rocky ndivo vakanga


vakaendesa baba vangu kuchikwata ichi. Dai
Mwari varamba vachindichengetera ruva remoyo
wangu.

Havachawanikwe pese pese vakadzi vakaita sa


Harleen.

Sezvo Katie anga asiya kumutunga ndakaenda


ndichida kundomuutsa ndaitoda kumutenda nerudo
rwake.

Ndichisvika pedyo naye madzibaba Serchby


vakabva ati "Musiyei akadero achamutswa
nengirozi mukangomukanganisa chete anogona
kurara zvachose. Hondo iri pano idiki pakuiona
nemeso asi yakakura kwazvo tikaiita zvekutamba
hatidzokere takakwana." Vaidero vachitopfugama
vakatarisa mumabva zuva.

Varume vane Gumi vakasuma Hossana yavo isusu


takabva tapfugamawo takatarisa kumabvazuva
kwaive kwakatarisa vamwe. Harleen aingove
akarara.

Vachipedza vakabva vatanga kunamata, nesuwo


takabva tatangawo kunamatawo navo.

Madzibaba Serchby vakatanga kunamata nendimi


vakatendeka tsvimbo yavo pachamweya.

Vainamata vachibuda musodzi zvekuti ndega


ndainzwa muviri wangu kupindwa ne chando.
Ndakatarisa kuna Rolix ndikaona abuda
chizarume.

Bianca aiseka nguva dzainamata madzibaba


Serchby.

Madzibaba vakatanga kufamba neibvi rimwe chete


vakasvika vakapfugama pana Harleen vakatanga
ku namata vachideedza "Ginatsio Andiria na
Moses" Harleen haana kumuka akaramba akarara.

Ndakaona vasimuka vakabva vatarisa mudenga


vachinamata vakazouya vakabata Rolix musoro.

Rolix akabva adonha , paakamuka akatanga


kushimanda achienda pana Harleen.

Akasvika akabata musoro wa Harleen achinamata


nema tounges ndakazongonzwa Harleen achiti
"Abhurakadhabhura Adhoskaravash achimuka"

Rolix akatanga kunamata ne ma tounges


zvakanyanya aienderana nea Harleen .

Vaviri ava vakatanga kubvumirana

zvekuti ndakatozoona kuti "Rolix na Harleen vane


Connection pamweya vairatidza kuti vese vari
kudivi re Pentecost nokuti vaisanamata
vachideedza machinda sezvaiita Madzibaba"

Harleen akaenda kuna Katie akabva ati "You


demonic evil spirit, i command you right now to
come out !"

Nguva yako yekuti uchizorora kufamba pasi rino


yakwana , vanhu vauri kuda kukuvadza vana va
Mwari havabatike vanopisa buda uyende"

Aidero achibata Katie pahuma. Takazongoona


mhepo zhinji yakasimudza Katie yakabva
yamurovera pasi ipapo akatanga kuzvitasamura
akaita straight.

Paakapedza akabva arara akazvibatanidza maoko ,


chamupupuri chakazobva paari chikabva chatanga
kutenderera chiri kure.

Chamupupuri chichipera ndakaona Bianca


akagwadama akapfugama pasi zvairatidza kuti
anga abuda muna Katie.

Akasimuka akatanga kufamba achiuya kuna


Harleen apa maziso ake aiita kuyerera ropa.
Harleen akatanga kuwedzera kunamata zvekuti
tese takava connected zvaisada kuudziirwa
namatai.

Kana vari sa baba vangu waizomboziva here kuti


ndi Gono vaive vakapfugama vari pane vamwe
vachideedzea zita ra Mwari ndovainamatira
pamusoro soro kudarika vamwe.

Bianca akatanga kudzedzereka, akagara pasi


akabva atanga ku screamer.

Madzibaba Serchby vakabva vati "Gomera


chawakatakura icho!" Vaidero vachimutenda
netsvimbo

Bianca akatanga kugomera akabva aburitsa ropa


rakaita magadhi, madzibaba Serchby
vaingonamata chete Harleen na Rolix
vachishimanda.
Bianca akaburitsa ropa rakawanda kwazvo apa
achigomera kunge munhu ari kuzvara mwana.
Achipedza akabva atanga kumwa ropa rake iroro,
ndakanzwa madzibaba vachiti "Wazvidyira mwana
wako wega hauchina chawasiya pano panyika
chienda"

Bianca akasimuka akabva ati "No , i am not going


anywhere ndichine zvakawanda zvandinoda
kupedzisa "

Harleen akatanga kuti "Your time has expired , Go


now forever and never return ..!"

Madzibaba Serchby vakatora tsvimbo yavo


vakabva vamubaya nayo mumusoro vakati "Tititi
Moses, Eria Ginatsio! Edha , Edha!" vaidero
vachimubaya zvine simba

Bianca atanga kuscreamer akabva atanga


kuchinja kuita guruva. Akatanga kupepereka
achienda mudenga. Pakapera guruva vakabva
vakandira tsvimbo yavo mudenga,

yakabva yaendawo zvachose .

Ndakanzwa vachiti "Zvakanaka mambo!"


Harleen akabva ati "thank you Jesus "

Rolix akabva ati "Tinodzosera mbiri yese kwamuri


Mwari"

Madzibaba vakazoti tinamate pamwe chete


tichitenda Mwari nokuti aya ndomagumo a
Bianca , hakuchinazve munhu anonzi BIANCA
akachadzoka muupenyu hwedu" takatanga
kunamata.

Tichipedza ndakamhanya ndikandombundukira


baba vangu ndichifara.

Gono vakaratidza kufara kusangana neni vakabva


vandikisa pa Forehead ndakaramba ndakanamira
pavari ndikabva ndati "Ndanga ndakusuwai baba
zvakafamba sei kuti musangane nevanhu ava "

Baba vangu vakangosekerera vakabva vati "all


thanks kumuroora wangu Addie ,
tichazonyatsokurukura tabva pano"

Vana madzibaba vakazobvisa ma gemenzi vakabva


vati yava nguva yekuti tiende basa tapedza.

Rolix akaenda pana Katie anga akarara abva ati


akotama achiteerera kana aifema akabva ati "She
is unconscious asi after 5 mins anomuka handei"
aidero achitoda kubva paari.

Paakangosimudza musoro takanzwa ndege


mudenga, yairatidza kuti yaiva muzasi chaizvo
pamudhumiro wayo.

Ndichiri mukutarisa ndakanzwa Gunshot


rakaridzwa raive rakananga pana rolix ndakanzwa
Bridget achiti "Roxie!!" Aidero achimhanya
kundosundira Rolix kure , bara rakabva ramurova
nechekumusana akabva adonhera pasi.

Tese takaramba takamira kutopera simba chaiko,


madzibaba ndivo vakamhanya vachienda pana
Bridget.

Rolix akagara pasi achichema akatendeka kuna


Bridget, ndakaona Harleen achitarisa mudenga
maive ne denge yakanga yava kutomhara aiita
kuhuta muviri wese kuratidza hasha akabva ati
"Sherima auya kumwana wake . Hondo iyi haisi
yedu yava nguva yekuti Baba vangu Chikwapuro
vaendese Sherima ku Jail he will pay for this"
aidero achiisa phone yake panzeve.

Akatanga kutaura na baba vake hameno


zvaakavaudza achipedza akabva ati "Guys hondo
iyi haisi yedu hatina munhu watiri kurwa naye let's
focus na Bridget kumubetsera kumubvisa bullet "

Tese takamhanyira pana Bridget aive


angozvondora akatarisa kwatiri asingataure.

Young Talent umwe we Montana ainzi ndi Doctor


akaenda pana Bridget akateerera mufemero wake
akabva adzungudza musoro akabva ati ....

Tese takatanga kuridza mhere , madzibaba


Serchby vakanga vakagara vakatsikitsira vakabata
musoro wavo.

Nenguva shoma takazongona chivanze chese


chazara nevanhu vakapfeka Green ma green
bomber anga ashosha pese pese.

SHERIMA akafamba akaenda kune mwana wake


akabva ati....

End of chapter *33*

Yoo chapter yacho haringapere ndikauudzai


zvakataurwa na Mudhara Sherima.

Thank yu ne ma comments pliz note kuti book


redu rava kuda kuenda kumagumo.
Poor Brege apa wava padhuze nekuroorwa waita
sei manje
*BETRAYAL*

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103

Chapter **

*Harleen*

Young Talent akaenda pana Bridget akabva ati


bullet rarova parinane zvekuti tikakwanisa kuribvisa
anorarama.

Tinofanira kutenda Mwari kuti rarova


nechekumusana kwemwanasikana dai rasvika pana
Rolix ringadai rarova pamoyo zvekuti tingadai tava
kutotataura zvimwe.

Vanhu vachinzwa kudero vakatanga kuchema kuti


Rolix angadai atisiya here chokwadi apa tanga
tichitomborambidza Bridget kuuya.
Ndozvamunoona kuti kuronga kwedu isusu vanhu
venyama hakusi iko kuronga kwa Mwari.

Taiti Bridget haagone kurwa ngaasare hatina


kuziva kuti kuvapo kwake kucha saver upenyu
hweumwe munhu.

Addie akamhanya na baba vake vakatanga


kubetserana kubvisa bullet finally vakabudirira.

Vachipedza Young T akabva atanga kurapa Bridget


kuti asanyanya kubuda ropa, lucky anofamba nema
kit ake kana tichienda kuhondo.

Nguva idzodzo Sherima akasvika akaenda pane


mwana wake, akawanikwa akarara akabva ati
"Mauraya mwana wangu iyi muchairipa chete"
ndakada kutomboseka kuti kufa vanokuziva here
nokuti Vhoro akanga ari mupenyu.

Chete musikana wacho nedzungu rake anga


angoshandisiwawo na Bianca.

Nguva dzaakagara pasi achisvuta fodya nekunditya


ndakatooneswa Bianca achipinda maari .

Ndakaona kuti Madzibaba Serchby vanga


vaoneswa chokwadi nguva dzavakati Bianca
aburuka mumuti.

Kuenda kwakazoita Bianca ndiko kwanga kwaita


kuti afende asi hazvaireva kuti anga afa.

Sherima akatanga kuzungunutsa mwana wake


atanga kuridza mhere achimudeedza "Katie my
daughter ! Open your eyes my Princess " Veronica
haana kumuka .

Nguva idzodzo Sherima akasiya Katie akabva


afamba achiuya kwataive. Akaburitsa pfuti yake
akabva ati "Montana Girl , ndiwe wauraya mwana
wangu handi?"

Bamukuru Dee vakasimuka kubva pavanga


vakagara vakabva vasvika pana Sherima vakati
"urikuzama kuda kuita sei nhai Sherima?"

Ma green Bomber akatanga kuunganira bamukuru


vakavatendekera pfuti mumusoro, varume vese ve
Montana vakabva vatoenda pane ma Green bomber
Sherima akamisa vanhu vake akabva ati
"chimbodzoserai pfuti vakomana ndinoda kunzwa
kuti uyu aurayirei mwana wangu first tisati tatanga
kurwa navo"

Inini ndakamira ndakamutarisa ndikabva ndati


"mwana wacho wamuri kutaura nezvake asarudza
kusiisa murume wangu kuimba achimu kidnapper
kumuunza pano "

SHERIMA akabva ati "Saka waoona zvakanaka


kumuuruya here?"
Inini ndakabva ndati "Mwana wako haana kufa
angofenda chete any time anomuka"
pandakadero Sherima akabva akoka pfuti yake
akati "handisi mwana mudiki waunonyepera
unozvinzwa , unokodzera kufa sezvaita mwana
wangu" aidero achitoridzira pfuti kwandiri.

Zvekunzvenga pfuti ndozvandinonzwisisa manje,


ndakanzvenga pfuti bara rikandopferenyura gedhe.

Paakada kukoka rechi two

ndakaona ndege ye military yamhara , ndakabva


ndaziva kuti baba vangu vasvika.

Ndakamhanya ndichienda ku denge ikoko


ndichisvika baba vangu vakabva vati "what is this
Harleen unondiudza kuti wakazo joiner chikwata
chemontana without my permission here iwewe.

Ndozvawairambira kuenda nesu kunze izvozvo


uchinyepera kugara ku village nhai" Nguva idzodzo
ndakavambundukira ndikabva ndati "Sorry father
idzodzo tozodzitaura later pliz help me na Sherima
arikuda kundiurayira mwana wake mupenyu "

Baba vangu vakatanga kufamba vakakombwa nema


soja vachienda kwakanga kuna Sherima vakasvika
vakati "Chii chauri kuda kuzama kuita pamwana
wangu nhai Sherima hauone kuti wava kuda
kutambira kusiri iko here?"

Sherima akatanga kuvhura maziso akabva ati "Mr


Philip what are yu doing here?"

Baba vangu vakabva vati "ndauya kumwana wangu


inyaya dzipi dzandiri kunzwa idzi?"

Sherima akakandira pfuti pasi akabva ati "Montana


girl mwana wenyu here?"

Baba vangu vakaswedera padhuze naye vakabva


ati "Yes she is my daughter"

Sherima akabva ati

"Your daughter killed my Daughter" Akadero


achiratidza kutsamwa.

Nguva dzaakadero Katie akabva ati "ndiyani


aurawa father?" Aidero achitomuka paakanga
akarara .

Sherima akaratidza kushamisika akabva ati Katie


mwana wangu urimupenyu?

Katie akaenda pavari akabva ati "Ndiri mupenyu


daddy hameno chaitika kwandiri, ndaguma kuziva
nguva dzandagara pasi ndichisvuta fodya zvimwe
zvese handichazive kuti zvafamba sei kuzowanikda
ndarara pasi"

Ndakaenda paive na Katie ndikatanga


kumurondedzera kushandiswa kwaaitwa na Bianca.
Ndakaona ava kuchema akabva akumbira
ruregerero kwandiri uye kuna Addie.

Nguva idzodzo akabva atoti anokumbira kuendesa


Bridget kuchipatara sezvo akuvara nekuda kwake.

Inini ndakarambisisa nokuti ndainzwa kumuvenga


munhu wepi anoda zvisiri zvake.

Sherima akazokumbira ruregerero kuna baba


vangu ivo vakabva vati vamuregerera ngaaende
zvake.

Paakanga ava kuda kuti aende ndakaona

mota dzemapurisa dzazara panze ndakabva


ndaziva kuti mai vangu vasvika nokuti ndivo
vanofamba ne Police.

Ndakanyatsoona kuti ma1 angu atanga nekuti


ndakanga ndichapfeka uniform ye Montana.
Dai vari baba chete vandiona zvaive nane nokuti
baba vangu haasi munhu anonyanya kutsamwa
manje muchembere aitova ma 1 chaiwo.

Ndivo vakatotanga kuramba kuti ndiite ma


trainings ekurwa,

ndaitoshaya kuti baba vanga vavaudzirei kuti vauye


kwataive.

Moms vakafamba vachiuya kwataive vakasvika


vakanditarira neziso rinotaura asi havana
zvavakataura neni.

Vakaenda pana Sherima vakabva vati "Mr


Sherima you are under arrest nenyaya yekufamba
muchiita hondo nema Green bomber zvisiri
pamutemo muchiuraya vanhu" vakatanga
kuvavhuria ma files airatidza kuti zvavaiita
zvaisave pamutemo.

Ende Sherima airatidza kuti akanga akateura ropa


rakawandisa achibudirira.

Mapurisa aingonzwa nemakuhwa kuti kune mhondi


inonzi Sherima asi vakanga vasina proof vaiti
pakaurawa vanhu pavaizoenda kunzvimbo dzacho
vaiwanikwa Sherima anyangarika kare ne ma green
bomber ake, manje apa vanga vabatwa vari
panzvimbo ende pfuti yavakanga vashandisa
kufurisa Bridget yaisave pamutemo.

Mr Sherima vachisungwa ne ma green bomber ake


Katie akabva anzi haachabvumidzwe kurwa ku
Boxing zvichireva kuti her dreams was stuttered.

Katie akatanga kuchema apa ma journalist akanga


azara achitora nhau dzacho dzese.

Muchembere vazoenda na Sherima nemamwe


mapurisa vakasiya vandiudza kuti vaizondida
kumba kwavo .

Baba vakabva vaenda nema soilder avo isusu


takasara tichitora Bridget kuenda naye kuchipatara
akanga ava kutotaura.

Katie takasiya achichema achinyararidzwa nema


guards ake sezvo vanga vabuda mavakanga
vavharirwa.

Aionekwa zvake kuti ayi regretter asi zvakanga


zvisingachabetsere.

Bamukuru vakatiudza kuti timuregerere nokuti


zvaaita haachazviite aingofunga kuti zvaanogona
kurwa ndiye ane yese zvekuti anogona kuita
zvaanoda nenguva yaanoda.

Haana kuziva kuti there is a limit for everything.

Ndakaudza murume wangu ndichiti

"Daddy tinofanira kuregerera Vhoro sezvo tiri


vanhu vanonamata anotonga ndi Mwari.

Vonai munhu aive nembiri yekurova zvekutorwira


dzimwe nyika dziri kunze , ava kutonzi
haachabvumirwe kupinda mustage zvachose
akangoonekwa anosungwa"

Murume wangu akatenderana neni ,


ndakazomukumbira kuti amirewo neni kana taenda
kwana mhamha.

Ndakamuudza chokwadi changu chese kuti


ndakaita ma trainings ekuva ku team ye Montana
vasingazive.

Ndakamuudza pazvakatangira kuzowanikwavo


ndive murwi uye kuzogara na gogo vangu ndichitiza
nyaya idzodzo.

Addie akandivimbisa kuti achazomira neni uye


haachade kuti ndirambe ndichiita zvekurwa sezvo
nhumbu yangu yava mu 4 months ndava
kushandira 5 zvekuti dumbu rava kukura.

Ndakamuudza kuti asatya pachinzvimbo changu


ndakaisa vatezvara vangu.

Murume wangu akaratidza kufara chaizvo nerudo


rwangu takazoenda kuchipatara na Bridget tichida
kuti aonekwe pamachine kana asina kukanganisika.

Tichisvika takafara chaizvo Doctor vachiti zvese


zvakanaka tinogona kutoenda naye kumba.

Ndakazoudza Rolix kuti ndava kuenda na Bridget


kumba kwangu manje akarambisisa akakumbira
kuenda naye kumba kwake akativimbisa kuti
achamubata zvakanaka haana chakaipa
chaachazosangana nacho.

Ndakabvunza Bridget kana akanga akasungunuka


kuenda nemudiwa wake akandiudza kuti
anomuvimba, angafara chaizvo ndikavatendera
kuenda vese. Ndakasiiwa ndisina choice
ndakapedzisira ndabvuma kuti vaviri ava vaende
vese.

Bamukuru nechikwata chavo vakaenda kwavo,


vatezvara vangu vakabva vaenda kumba kwangu
sezvo kwavo vakanga vasati vava kugarako ndini
ndaingomisa zvinhu sezvo ndaive ne surprise
yavo.

Tisati taenda kuhondo dza Katie ndakavaendesa ku


Glenview kumba kwa Dhaikoro ndichiti ndoimba
yavo ndichinyepa, zvese ndakazvironga na
Dhaikoro kuposter imba yake pa facebook.
Ndikatova convincer kuti yakanaka.

Papi pandingagarisa vatezvara vangu ku Ghetto ,


yavo imba chaiyo iri ku Mount Pleasant kubva kare
Addie achishuvira kuvatengera imba ikoko
ndakaona zvakanaka kuzadzisa zvishuviro
zvemurume wangu.

Imba yavo ndakatoibhadhara ma paper


ndoavanayo asi havana kuzviona kuti imba
yavakaona haisi iyo iri pama papers.
Chavakangochiva ma ruva pamba pa Dhaikoro
havana kuziva kuti yavo chaiyo vakaiona vanobuda
misodzi nemufaro.

Addie zvaava kuziva chokwadi kuti baba vake


vapenyu zvanaka ndozvandakanga ndakamirira ,
kuti tironge party then tobatanidza baba naamai
tovasiya kumba kwavo chaiko votanga upenyu
hwavo hutsva.
Handide kuti kana vana vangu vouya panyika
vawanikwe zvinhu zviri manyama amire nerongo.

Tichisvika kumba kwedu Addie ndakamuudza


nezveimba ya tezvara vangu .

Addie akabva ati "ndinofanira kukudzosera mari


yako babe, zvawakandiitira zvizvinji muupenyu
ikozvino yava nguva yekuti ndimboitawo sa baba
vemusha."

Ndakamuudza kuti asatya inini ndakakomborerwa


kare na Mwari pandinobvisa mari inongouya imwe
yakawanda kudarika yandabvisa.

Ende apa Tezvara vangu ndanga ndavatengera


imba iyoyo nemoyo wangu wese, handina kutenga
imba yacho nemari yangu yese ivo vakanga
vabvisa yavowo.

Inini chandakazoita kungotutsira kuti vawanewo


imba hombe yeupenyu hwavo hwese , kuitira kuti
chero tikazoshanyawo nevana vedu tive
takasungunuka nokuti ma room acho anenge
akawanda.

Addie akanditenda akabva ati ndiye acharonga


party uye kumutsirawo baba vake business akati
achavaitira filling station uye garage rekuti
vachange vachigadzirira mota ipapo.

Akatanga kuto calculator mari dzacho akaona mari


yacho yaidiwa.

Achipedza akabva ati "Apo tapedza babe yava


nguva yekuti tigare tiri happy family Bianca
zvaakaenda zvava nane kwasara Jemedza ndiye
watongonamatira kuti asadzoka muupenyu hwedu"
Akash taitoziva kuti uyo na tezvara
zvichapedzerana takanga tisingamutyire.

Takazogeza tikabva tatanga kubika chikafu


tichipedza nguva dzekurara varungu vakanga
vabhadhara Addie mari vakabva vati vari kuda mari
yavo back sezvo akanga asina kuzokwanisa
kuimba.

Ndakaona Addie achiratidza kusurukirwa nokuti


mari yacho akanga atoiisa pama plans ake.

Ndakamuudza kuti tinofanira kunamata hatifanire


kudzokera kumashure nokuti pane chakanaka
hapashaikwe chakaipa.

Fungai mari iyoyo Rolix aka tarisira kundoroora


Brege wake uye kukumbira muchato.
Ikozvino zvava kuenda nepamwe nekuda kwa
Veronica.

Inini zvangu ndiri munhu anovimba na Mwari.


Chese chandinoita ndinotungamidza Musiki
kumberi. Zvekunamata zvaisave mandiri
ndichimbotadza kunzwanana na bhudhi vangu
Bishop ndichiti vanonetsa asi pandakazotanga
kugara pamba pana Addie ndakazonyatsonzwisisa
kuti sei kuchinzi tivimbe na Mwari pane zvese.

Hondo dzacho dzakanga dzakaoma asi na Mwari


tiri kungokunda zvishoma nezvishoma.

Takazonamata nemudiwa wangu tichipedza takabva


tarara achironga kuzoi transfer back mangwana.

Takarara zvedu zvakanaka mangwana makuseni


tichimuka Addie akatora phone yake achida ku
transfer mari dzevarungu akazongowanikwa mune
msg yekuti "We are sorry Mr Rockstar , Ms Katie
explain everything to us and we understand. We
will come back after 3 months for the another trip
please take your time to prepare and you must
keep the money"

Addie achipedza kuverenga akabva atanga


kudzana dzana achindisimudza.
Ndakatanga kufara chaizvo neni ndakanyatsoona
kuti chokwadi Katie anga aona kutadza kwake.

Ndakangonamatira kuti Mwari amuregerere


sekuziva kwedu tese kutadza kuri muvanhu asi uyo
ano realiser ma mistakes ake Mwari
anozomurangarirawo nerimwe ramakore.

Sevanhu vaive nemufaro takagadzirira kundoona


Bridget kuti amuka sei.

Tichisvika takawanikwa mwana achibatwa


samambokadzi twese twunonaka twuri pa table.

Hatina kuzomboda kugarisa takabva takumbira


Rolix kuti atiperekedze kuvabereki vangu.
Semukwasha akanga asati ambosangana nana
baba kubva zvaakandiroora hazvaizoita kuenda
ega.

Takadarika nemutown Addie akatenga zvaakatenga


zvekusvika akabata. Takabva tazoenda manje
kumba kwevabereki vangu yanga yava nguva
yekuti ndindopedza nyaya dzangu.

Baba ndaisanyanya kuvatya nokuti ndinoziva kuti


vanonyanya kundida.
Damumbiko ndaitotya muchembere mai vangu
vanorova havaite zvekutamba.

Kana vava kurova vanokuudza kuti inini


ndinotungamirirwa nemweya yevashakabvu saka
chero ndikakurova ndikakuuraya haundimukire
chipoko.

Mhamha Munhu akakura arinherera saka


hunherera hwavo hwakaita kuti vave gamba.

Tongotenda Mwari akaita kuti vanamate


vakangadai vachitiitira zvimwe.

Ndinoona kuti chero neni chipo chekurova


ndokwachakabva nokuti handizeze kubva ndiri ku
primary ndaingorova chikoro chese.
Pandakazoenda Secondary vaitondiziva kuti kuna
bully girl.

Pandakazonyora form 4 ndine 15yrs ndakabva


ndatanga kufarira kuenda kuna bamukuru
kundodzidzira kurwa ipapo ndakabva ndaita worse.
Zvekuti havana kumboramba kushanda neni.

Vamwe venyu mungashaya kuti zvinofamba sei ,


zera rangu nenyaya dzangu zvinogona kusabatana
zvachose asi zivai kuti zvangu ndezvenyasha
pamwe Mwari akanga aona kuti ndinofanira
kuzobetsera mhuri yekwa Gono ndosaka ndakaita
zvandiri izvi.

Ndakatanga kuendeswa grade 1 ndine 5yrs nokuda


kwekungwarisa, zvekuti pa 15yrs ndanga
ndisingachanyanye kuita busy ne chikoro.

Hongu ndakanyora O'level zvangu asi


ndakazosara kunyora ndava kutoita mari.

Ndakaita gore ndiri pa training pa 16yrs ndiri


underage kudero ndakanga ndava kutopfekedzwa
mask ndichienda kuhondo na bamukuru nerimwe
team.

Semunhu aingovawo nechipo chake ndaingodzoka


ndiri mutano ndosaka muchiona ndichimboita kunge
ndiri Abnormal ndinouruka chero gedhe
ndakazvidzidzira kare ndikazvipasa izvozvo saka
chero ndava nenhumbu handitadze kurova kana
pane panoda kurohwa munhu.

Ndakazosara kuroorwa na Addie ndarongeka pane


zvese, zvekuti zvakandibatsira kubetserawo
vatezvara vangu handina kuzonetseka.

Ndozvinoita Mwari izvozvo zvimwe zvipo


tinozvipiwirwa kuti tibetsere varipedyo nesu.

Musazoti kana makomborerwa na Mwari mapiwa


chipo chinokuitisai mari mobva matanga kuomera
munovharira mamwe maropafadzo.

Tichisvika kumba ndakawanikwa vabereki vangu


vese varipo uye ma brothers angu. Sisi Lah
mukadzi wa (bamukuru Ndurunani) vaitovepo
nevana vavo two.

Vanga vanzwa kuti ndiri kuuya saka vanga vauya


kuzoona bamunini vavo.

Takagamuchirwa zvakanaka chose, ndakafara


vabereki vangu vachiratidza kufarira murume
wangu.

Takapiwa chikafu tikadya tichipedza ndakabva


ndatotanga kukumbira ruregerero mhamha vasati
vaitanga nyaya yacho.

Vakandiudza kuti vandiregerera sezvo ndava


mudzimai wemunhu dai ndanga ndisati ndaroorwa
zvekugara kwa mbuya Harini zvingadai zvatopera.

Vana bhudhi vangu vakatanga kuitisana nharo


mudiki achiti "mukoma Kelvin ndakakuudzai kuti
Violence wenyu kufarira kwa gogo kwaari kuita
pane zvaari kutiza chete, ndakanga ndava pedyo
kumubata asi maingoti ndisiye mwana mava
kumaona ka ma results dai akaurawa ku hondo
maizoti chii manje"

Baba vakaseka vakabva vati "Inini ndaizviziva kuti


kamuurikiro ke Montana girl iropa rangu chete iri.

Ko inini ndiri Chikwapuro rangarirai


vakambondidzinga makare kuchi soilder asi
vakapedzisira vakandideedza zvekare vakabva
vandipfekedza nyembe yehukuru kuti vasandi
looser. I am proud of you my Princess , wakagona
kurwa vona wakarwira murume wako pamwana wa
Sherima handi dai usingagone kurova kutaura kuno
Rockstar vakaenda ava " vakadero daddy vangu
vachiseka

Vanhu vese vakabva vati bvu-u kuseka


kusanganisira nevakwasha vana Addie
vakasekawo. Ko ndo adii zvake murume wangu
ndakaona kuti akanakirwa chaizvo.

Takazobva pamba pedu nguva dzafamba tiri


munzira Addie akabva ati "Ndinofanira kuita
something big kuvabereki vako Harleen
kundigamuchira kwavaita ndanzwa kufara nako
chaizvo "

Rolix akamuzevezera munzeve hameno


zvavakaudzana zvavasina kuda kuti ndinzwe
ndakazongonzwa Adiie ava kuti "ndagara
ndichizvironga shaa rega tizviite mwedzi unouya"
vakabva varovana maoko.

Ndakangovasvorera ndichida kutonzwawo manje


vakaitsika tsika nyaya yacho.

Takazoenda kumba kwangu sezvo Addie aida


kundokuona , uye achiona baba vake tichisvika
takawanika kune shura guru chaizvo.

Handina kuziva kuti Akash anga asvika sei pamba


pangu, ndakawanikwa akaita kupiniwa muhuro
chaimo na vatezvara vangu apa chi dish ne banga
zvakarasirwa kwakadero.

Ndakanyatsoona kuti kune vanhu vasingachinje


hunhu chokwadi.

Akash akanga achiri kungoda ropa ra Gono


namanje haana kuziva kuti vava Mr Gonoria the
big fighter aizofira mahara uyo Gegege akanga
asangana nazvo.
Dai aiziva kuti munhu waari kudira ropa racho
akaenda kudenga aisambozvinetsa zvake.

Ndakafambisa ndichienda kwaive na tezvara na


Akash

ndakanzwa Adiie achiti "ngatimbomirai nechekure


tichiona firimu remahara" aidero achiseka.

Inini ndakatoona kuti Addie haasati azvinzwisisa


kuti chii chinonzi montana chokwadi munhu
aikuvadzwa takatarisa.

Ndakamusiya achiseka ndikabva ndamhanya


chaiko ndakasvika ndikati "zvakwana baba ,
mhandu haifanira kufa siyai Mwari vatonge
vamene !" ndaidero ndakatogwadama kuti
vachisiya Akash . Pavakanzwa inzwi rangu
ndakaoona vava kumusiya.

Akash paakasiiwa akabva arova bara , ndakanzwa


Addie achiti "masiya banga nechi dish Mr Akash"
aidero achiseka murume wangu

Akash haana kana kucheuka akabva apfumbura


mhute achirova pasi waingoona guruva chete ku
pwititika kkkk anonzi Gonorira iyeye.
Zvinoita upenyu soo ndiyani aizomboziva kuti
Akash achazotizawo vatezvara vangu vaaimboita
yese.

Addie akamhanya akambundukira baba vake


achiseka akabva ati " Ndimi here Gono?"

Vatezvara vangu vakangozvizuza guruva vachiseka


zvavo vakabva vati "masiya ava kunzwa sei
Bridget?"

End of Chapter *34*

Stay tuned , keep comments tiwane kupedzisa


book redu

two or three chapters topendera nokuti Hu Betrayal


hwapera apa .

kkk yava nguva yekuti vanhu vambofarawo sezvo


vava kuziva Mwari vana Gono hameno zvavo vana
Akash vanorambira kuzvivi busy kuda ropa ra Gono
iye Bianca wacho akaenda kare kusaziva kufa
chokwadi
*BETRAYAL* https://chat.whatsapp.com/
LRIVolMEBIuBgKNF6yPM5C

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

Chapter

*Madzibaba Goddie*

Pandakaona mwana wangu Addie Ndakanzwa


kufara ndichiona achiratidza kuti anga andisuwa,
zvaive pachena kuti anga andiregerera.

Ndichienda kumba ndakasvika ndikambozorora


maneto ehondo. Mangwana rungwanai ndakabva
ndaenda ku Glenview kune imba yangu kuti
ndinoona kana vanhu vacho vabva sezvo ndaida
kuzo surpriser mhuri yangu. Ndaida kutofana
kugadzirira kuisa mudziyo pamari shoma yandanga
ndasara nayo kuitira kana ndodeedza vanhu
vawanike zvese zvakarongeka.

Ndichisvika ndakanzwa hasha ndichiona


pachiratidza kuti hapana kana chambobviswa
panzvimbo.
Vanhu vacho vairatidza kuti havana kutombututa
zvinhu zvavo.

Ndakapinda mukati me gedhe ndichiita kufemera


pamusoro nehasha, pandakaburuka mumota
ndakaona muchembere achibuda mumba.

Ndakaenda kwaaive ndikabva ndadzora hasha


ndokumukwasiza zvakanaka.

Iye akandidarira ,akaramba akanditarisa zviya


zvekuti muri vepi?

Inini ndakabva ndamubvunza kuti sei vasati vatanga


kurongedza twavo twese sezvo imba yava yangu.

Muchembere uya akawedzera kunditarisisa


akabva azoti "Torongedza tichiendepi?" Hauna
kurasika here mwana wangu.

Ndakanyatsogara pasi , ndikapa gogo vaya


mapaper ndikavauudza kuti

" imba ino yava yangu gogo , saka dai zvaigona


maudza vana venyu vachitanga kubvisa zvinhu
zvavo nokuti neniwo ndinotodawo kuunza mhuri
yangu."

Muchembere uya akadeedza kamwe ka mwana


akabva ati

"Muzukuru chitoenda unodeedza baba vako, zviri


kutaura murume uyu handisi kana
kumbozvinzwisisa."

Mukomana uya akamhanya achienda akabva


adzoka neumwe murume aive wechidiki kwandiri
aive akatozara ma dhaka kuratidza kuti aibva
kundo vaka.

Achisvika akandikwaziva akabva ati "kwakanaka


here kwamava kundisiisa basa?"

Muchembere uya akatanga kumurondedzera


zvandanga ndamuudza murume uya akabva
atosimuka akati

"Pamba pano ndepangu ,ende handina kumbobvira


ndakapatengesa."

Akanditorera mapaper eimba yacho akabva ati


nditarise imba uye zvakanyorwa pa bepa.
Ndakatarisa ndikaona zvechokwadi zvakafanana
imba yacho yaisambosvika kana 12 rooms
sezvakanga zvakanyorwa bepa randaive naro
handizive sei ndisina kuzviona musi wekutanga.
Ndakabuda panze ndikatarisisa pamba
pandakanga ndapinda ndikaona kuti zvechokwadi
ndipo pamba pandakabhadharira mari.

Murume uya akabva ati

"zvamaona kuti zvakasiyana ndokumbirawo


muchibuda gedhe rangu ndinoda kudzokera
kubasa izvezvi "

Handina kuda kunetsana naye nokuti haasi iye


wandakanga ndakapa mari ,ndakaona zvakanaka
kuenda kumba ndondoudza muroora wangu.

Ndaive nechokwadi kuti achandibetsera sezvo


achiziva nezvemu Harare zvakanyanya kudarika
inini.

Ndakangobuda gedhe racho sezvaaida,


ndakamhanyisa mota yangu ndakananga kumba.

Ndichisvika ndakanzwa kututira nehasha ndichiona


Akash akandigarira pagedhe ne ma mafia ake.

This time anga auya nevamwe vatsva asi vairatidza


kuti vakadya vakaguta chaizvo.

Handina kuda kutaura naye ndakangomisa mota


ndikaridza huta ,ndakavhurirwa gedhe nevashandi.
Ndakapinda ndika parker mota yangu .

Ndakaona Akash achimhanyira kupinda nendimba


ndimba dzake apa akatobata dish nebanga.

Ndakaziva kuti achiri murima chaimo, haazive kuti


pamwedzi ne half yandakabva ku Headlands
ndakatanga kuita nezvei.

Ndaifanira kutomuratidza kuti ropa rangu


haariwane zvachose.

Ndakagara pa chair ndikabva ndati "Why are you


here Akash?"

Pandakabvunza akaseka akabva ati "Nhasi


achakurwira ndiyani Gono? ndanguva ndakuvhima
kubva makuseni ende ndine chokwadi kuti Harleen
haasi pauri nhasi"

Handide kutambisa nguva yangu.

Jemedza akandifonera akati arikuuya mwedzi


dzinotevera idzo ende kana ava kuuya anoda
kuwanikwa ropa rako ndakariisa mu fridge obva
aburutsa Bianca mumuti omuendesa zvachose asati
adzoka kumba kwangu.

Sezvaunoziva mwedzi hadzimbotane kupera


ndosaka ndauya nhasi ,ndauya kuzotora ropa rako.

Mufaro wangu uri mauri Gono ,dai iwewe usipo


ndingadai ndisiri chinhu pasi rino.

Ndakatarisa Akash achitaura zvaaitaura


ndakatanga kufunga ku betrayer kwandakaita mhuri
yangu yese nekuda kwake. Ndakasimuka ndiine
hasha ndakabva ndamukava bhutsu nechepakati
pemakumbo.

Akash akatanga kubowa akatuma Mafia rake kuti


rindirove.

Ipapo ndakatanga kurova vakomana vake


akatarisa zvekuti ndakaona angoburitsa ziso
akashama muromo wake kunge uchapindwa
nenhunzi.

Mafia rake harina kuda kumira rakabva ratiza,


richingoenda chete ndakatanga kurova Akash
zvakaipa.

Ndaitovawo nehasha dzanguwo dzeku Glenview


kwandanga ndabva zvoti iye Akash anga asvika
nguva isiri iyo.

Ndakamurova zvekutoda kumuvhuna makumbo


iwayo anofambira zvisina basa.

Handaimukira na 3 kwa Ndururani ndichienda


kuma trainings pasina zve,

zvekuti ndingarohwa nedzetse rakaita sa Akash.

Ndakamurova kusvika asisacheme akazoita luck


rana Addie vakasvika nenguva.

Pandakazonzwa inzwi remuroora wangu ndipo


pandakamusiya.

Mai Rue ndinomuremekedza zvakanyanya hapana


pandaizoramba ndichirova Akash iye achikumbira
kuti ndichimurega.

Pandakamusiya akabva amhanya achienda, zvekuti


chi dish chake nebanga zvakasara zvakati
gwendere pasi .

Addie akaseka zvake mwanawangu zvekugara pasi


chaiko akatendeka kuna Akash uyo aimhanya
asingacheuke.

Akash achienda Rolix akabva ati "Uyo


haachadzoke zvekare muupenyu hwenyu Mr
Gonoria gegege" aidero achiseka.
Addie akabva atanga kuteedzera Akash kumhanya
akadhasha makumbo. Kuzodero tese takabva
taseka zvedu.

Takazopinda mumba ndikabva ndaudza vana vangu


nyaya yandakanga ndasangana nayo ku Glenview,
mai Rue vakabva ati

"mushure memazuva matatu imba yenyu munenge


maiwana saka musazvidya moyo."

Handina kuda kubvunza kuti ndichaiwana sei


nokuda kweti muroora wangu ndinovimba naye.

Mai Rue vakazobika vachibetserana na Addie


tikabva tadya vachipedza vakabva vapinda pa nzira
vachiti varikumhanyira kundoona Bridget kuti
aswera sei.

Ndakangovaudza kuti kana vava kudzokera ku


Headlands vasandisiyawo ndanga ndasuwa kuona
vazukuru vangu , mwana wangu ne muroora uye
Mai vevana.

Vaviri ava vakangotarisana vakabva vati "Musatya


baba nezuva retatu touya tokutorai ndipo
patinodzokera ku Headlands."vaidero vachitoenda.
Inini ndakasara ndichienda pamunamato nenguva
dze nhanhatu , Dhaikoro anonamata masowe saka
ndiye wandinoenda naye pamutero.

Takateura zvedu tichipedza ndakabva ndandozorora


semunhu asina stress ndakanyatsorara
dzehumambo.

Day 2 ndakaswera kumasowe na madzibaba


Serchby vachindikurudzira kunamata.

Vakandiudza kuti zvandava kunamata kudai


miedzo inogona kusapera kwandiri.

Zvibingiridzo zvinounzwa newakaipa kuti


ndidzokere kumashure pakunamata.

Vakandikumbirisa kuti inini semusoro weimba


ndinofanira kukurudzira mhuri yangu kugara
iripamunamato nokuti wakaipa achiri kutsvaka
nzira dzekuuya nadzo mumhuri yangu.

Ende kana ouya achauya anesimba rakapetwa


achataimira kusvika pasina kana anefungidziro
zvekuti anogona kusvika nekuparadza.

Ndichinzwa izvi ndakanzwa kutya kwakanyanya


munhu wandaitoziva kuti achadzoka muupenyu
hwangu ndi Jemedza chete.

Kuti ndizive kuti achadzoka nenzira dzipi handina


kuziva.

Ndakazongotenda mweya waitaura uri pana


madzibaba Serchby ndakabva ndazogara pasi.

Masowe achipera ndakadzokera kumba. Muzuva


remangwana Rolix na Bridget vakanditora masikati
vachiti Adiie nemukadzi wake vatoenda ku
Headlands ivo ndivo vaizoteera neni.

Ndakanzwa kufara kuti ndava kundoona mhuri


yangu after a long time. Zvinongofadza kuziva kuti
mhuri yese munowirirana hapana chakavanzika
chiripo.

Ndakapfeka mbatya dzakanaka uye bhutsu


yaipenya kwazvo, kuti chero maimwana vaone kuti
ndiri munhu achinjawo.

Ndakapinda mumota ndichinzwa kuti zvokwadi ndiri


Gonoria.

Rolix akatanga ku driver mota yake ndakaona


otora nzira yeku north side akambofamba chinguva
achingoteedza kwaive nedzimba dzakanaka dzega
dzega.
Ndakazoona amisa mota yake kunze kwe gedhe
pedyo neimwe imba yaive hombe kwazvo.

Akaburuka akabva ati " Handei tese pane zvandiri


kuda pamba apa"

Inini na Bridget takaburuka takatanga kufamba


tichipinda mukati me gedhe.

Pamba apa paive pakanaka chaizvo mukati maive


mune maruva akachekererwa zvakanyatsonaka.

Maive zvekare ne lawn yaive green yakanga


yakagurirwirwa zvakanaka.

Divi rekwaive ne imba yaive yakanyorwa kuti

"Welcome to Moyo's family"

handide kunyepa pamba ndakapayemurira zvangu


ipapo.

Ndakanyatsoona kuti mu Harare mune vanhu vane


zvinhu zvavo ku garden mvura yaingodira pese
pese imba yakanga yakakomberedzwa nemiti
yemichero.

Ndaitomboda kutenderera ndichigutsa meso asi


ndakazonyara vana vandakanga ndichifamba navo
kuti vanozoti chii.

Divi rekumadokero kwaive ne parking kwakanga


kwakatopakwa mota gumi.

Ndakazoteverera Rolix na Bridget avo vaifamba


vachipinda mumba, pandakangoti gumbo mukati
meimba ndakanzwa vanhu vakati "surprise!!"
nemanzwi ari pamusoro.

Ndakambobatwa nechadzimira nguva iyoyo nekuti


ndakanga ndisina kutarisira kuona vana vangu vese
varipo uye mudzimai wangu.

Hero na Gaga nemhuri yake vaivepowo kubva kuna


Ndurunani kusvika kuvana vake ndingangoti team
yese ye Montana yaivepo.

Family ya Bishop T.J nevabereki vavo vaivepo.

Mbuya Harini nevabereki va mai Rue nema


brothers avo vakanga varipo vese.

Mumba makanga makawandiwa chiri chehukama


chete zvekuti ndakatozoziva kuti kumhuri kwana
mai Rue kwakawandiwa ende vanhu vacho
vanoratidza kuva nemari waingoona nematumbu
chete.
Vachipedza kuti surprise ma Introduction akaitwa
kubva kuvacheche kusvika kuvakuru nemumiriro
wehukama hwacho.

Ma Intro achipedza mwana wangu Addie akabva


asimuka akatenda vese vatenderwa na Ishe kuuya
ku Party.

Akasimudza mudzimai wake vaviri ava vakabva vati


vanoda kuimba kutanga vasati vataura zvavaitira
party yavo.

Mai Rockstar na Rockstar wavo vakaimba Rolix


achiridza keyboard yakava mhere mhere vanhu
vachifara.

Maizomboti pakasangana vakarahwa nevakwasha


here vanhu vakanakirwa zvavo waingoona
nemazino panze kuratidza kuti munhu wese
arikufara.

Vachipedza vakabva vazoti tinokumbirawo tese


tiomberere amai na baba Moyo vachiuya kumberi
vabereki vedu vanotikoshera.

Vana amai vakatanga mhururu , vana baba miridzo


vana vadiki vaiitawo noise nekuombera maoko.
Mai Rue vakabata mudzimai wangu ruoko, Addie
akabva auya achindibata ruoko vakabva vatimisa
kumberi kwechaunga vakatibatanidza maoko.

Ndakaona mbuya va Tee vachindisvorera nemaziso


akazara rudo.

Ndakangovachonya ndikaona vachisekerera, ko


ndanga ndafunga kare kwangu ndichiri
chimupfanha ndaimbonetsa zvangu.

Takatanga kutaurirana nemaziso chete zvekuti


ndakanga ndava mudenga rangu ndega
ndakatozovhundutswa na Addie akati "Imba ino i
surprise yatakatengera baba na mai vedu aya ndo
ma papers acho" aidero achinditambidza ma paper.

Ndakatanga kuverenga ndikaona mapaper andaive


nawo achi fanana neandanga ndapiwa na Addie.

Angu aitoratidza kuti aive ma copy chete ma


Originals ndiwo andakanga ndakapiwa na Addie.

Ndakavhara maziso, ndikabva ndati "vanhu wee


ndimutseiwo kuhope dzandiri. Handisi kukwanisa
kuzvibvuma inini kuti ndingavawo neimba yakakura
kudai"
Olga akauya akabva andimbundukira akati
"ichokwadi baba imba ino ndeyenyu hamusi
kurota. Tatova ne 2 days tiri pano tichigadzirira kuti
muwanike zvese zvakarongeka. Munogona
kubvunza mhamha"

Mbuya va Tee vakandibata ruoko vakabva vati

"Ichokwadi moyo ndizvo , muroora akawedzera


pamari yamaida kutenga imba akakutengerai
hombe iyi"

Ndakatarisa mai Rue ndikabva ndati "saka muroora


wangu wakaenda neni kumba kwaniko paya"

Ivo vakaseka vakabva vati "ndipo pamba pa


Dhaikoro ipapo paya "

Ndakaona Dhaikoro achiseka ndakabva ndaziva


kuti ndakatambwa yakapenga. What a lovely
surprise.

Ndakatanga kutenda rudo rwevana vangu


nemisodzi chaiyo ndakanzwa Adiie achiti "sezvo
muroora wenyu akakutengerai imba inini na
mukoma Olga tava kukuvhurirai filling station muno
mu Mountain pleasant .
Hero akadairira akabva ati "Munenge magona
vakomana , muno munogara vanhu vane mari imota
dzega dzega saka munoziva kuti munenge mapawo
baba venyu upfumi hweupenyu hwese.

Isusu taichabetsera pakuvaka Garage apo


panouya pachi parker mota dzinenge dzichida
kugadzirwa.

Ndakanga ndisina kumbozvitarisira kuti vanhu


vangandida zvakadero nemutadziro wandakaita
ndakazvibvunza kuti

"Ndini here ndava kungorangarirwa pese pese.'

Vamwe ne vamwe vaka volunteer kubvisa pavanapo


kuti Garage hombe rivakwe.

Vakarahwa havana kuzvitarisa kuti takatora


mwana wavo vakati vanotodawo kubvisa zvekuti
ndakazviudza kuti mai Rue ndichavaitira zvidhafu
chete kufadza vabereki vavo.

Vakarahwa vashoma vanobvuma kubetsera


kuvakwasha ndakanyatsoona kuti sei mhuri iyi
yakakomborerwa havagozherwe zvavo
nekutambanudza maoko avo.
Takazotanga kufara , vanogocha vachigocha
tichidya. Ma 100% juice nemamwe ema cold drinks
achimwiwa.

Pakanga pasingamwiwe zvinodhaka nenyaya yekuti


takanga takasangana ma Kristu ega ega.

Takanga takangosiyana kuti vamwe nevamwe


vanenge vachinamata church yavo.

Vanhu vakatozopandakara muzuva rava kudoka.

Vamwe nevamwe vakapinda mumota dzavo, vasati


vasimuka ndakaona mai va Bishop T.J vachiburuka
mumota vakadzoka kwataive vachimhanya.

Vakasvika pana mai Rue vakabva vaumba


chipiyaniso padumbu ravo katatu vakabva
vatodzokera kumota kwavanga vabva ndokubva
vaenda zvavo..

Ndakashaya kuti zvairevei zvavakaita mai Rue


ndivo vakazoti " ndinovimba zvese zvichafamba
zvakanaka pavana vangu. Nokuti madzimai
Winstage havangoyerese pese pese "

Ndakatoshamisika ndikabva ndati

"muporofita here?"
Ndakabvunza nokuti ndaisingovaona kumasowe
asi handisati ndakamboona vachishandira vanhu.

Mai Rue vakabva vati "Hongu muporofita asi


havazviratidze zvavo, ukaona paitwa mhiko
dzikafambirwa nemutumbi wavo moziva kuti
panofiwa" vaidero vakatarisa mota yavo yakanga
yava kutopota airatidza kuti ane zvaaifunga
muroora wangu.

Vaenzi vachienda ndakazosara ne family yangu


yese.

Takasara tichirongedzera property yandakanga nda


order sezvo mari yandaida kushandisa pa
bussiness ndakanga ndavhurirwa nevane rudo.

Mukadzi wangu anga andiregerera nemoyo wese


saka yaingove happy happy kumunhu wese.

Cherry gotwe rangu ndiye aive busy kuita zve


decoration mumba sezvo sisi vacho vari
vemucheno, vaibetserana na maiguru vavo mai
Tee.

Mai Rue nhumbu yavo inombopota ichivararisa


saka vakanga vaenda kundozorora zvavo.
Tichipedza kurongedzera ma furnitures inini ,
Rolix , Olga na Addie takabva tambobuda tichida
kuona patingaisa garage redu.

Taisa panenge pachiratidza kuti panoita busy


kufamba mota.

Tiri munzira Addie akabva ati

" baba tafunga kuti next week tindoroora Bridget


nekukumbira muchato then after 3 month's
tobatanidza muchato wangu na Roxie."

Paakadero ndakaseka ndaitoziva kuti mai Rue pa


3 month's dzinorehwa vanenge vava kundonavira
kundozvara saka hazvaibudi. Zvaive nane kuita wa
Bridget na Rolix then mai Rue na mai Tee
tozovaitira wavo pamwe chete kana mai Rue
vabetserwa.

Ende inini panguva yacho ndinovimba kana


zvifamba zvakanaka ndinenge ndavawo nemari
yakawanda zvese ndini ndinobva ndaronga kufadza
vana vangu.

Handina kuda kuvapikisa ndakasiya vachirongana


inini ndichingoseka .
Ndaiziva kuti havasi kuverenga mwedzi yenhumbu
yamai Rue ndosaka vainyeperara zvavo.

Takazosvika pakati nepakati pataida tikabvunza


ground rataida kuvaka Garage uye kuisa filling
station.

Ground raidhura zvaro asi ndakaita lucky kuti


ndakanga ndichine kamari plus yanga yakandwa pa
party.

Yakabva yakwana ndikabhadhara ground rangu


ipapo ndakabva ndapedza.

Mangwana basa rakatotangwa hazvina kutora


nguva kuvakwa kwe garage Hero akatuma
company yake ye construction ndivo vakaita zvese.

Week richikwana takaenda kwana Bridget tirimo


muma suits .

Rolix haana vabereki saka tisu taitova hama dzake


takabva tandoroora zvakasiya mbiri mu Manicaland
mese. Kutaura chokwadi takaita zvakadadisa.

Takakumbira muchato tikapiwa vakati vanoda


5month's dzekugadzirira vabereki va Brege sezvo
mwana wavo ari very special kwavari.
Ipapo ndakafara nokuti ndakaziva kuti vana Addie
havachabudirire madhiri avo ekuda kubatanidza
muchato.

Adiie achinzwa madays akabva audza Rolix kuti


zvavaifunga hazvichaite vava kuchata vakasiyana.

Ndakangoti yess nechemumoyo nokuti muchato


wake ndini ndoda kutouronga nemukadzi wangu .

Rudo rwakandiitira vana vangu rwukuru ndinofanira


kudzosera favour chete.

Tichibva kumaroro Brege takazomusiya kumba


kwavo.

Mai Tee na baba Tee ku Headlands vakati vanoda


kuita busy nebasa sezvo baba Tee vane chidzoro
chekuzofadzawo Rolix.

Addie na mai Rue vake vakabva vaenda kwavo inini


nemukadzi wangu takabva taenda kwedu ku Mount
pleasant.

Zvakatora mwedzi miviri yese kuti Garage rangu


rinyatsopera uye filling station itange kushanda.

Handinde kunyepe Ndururani nevabereki vake


vakandibetsera chaizvo kuti nditange kuva business
man.
Garage rangu richipera ndakatanga kutengesa
oil , petrol ne diesel.

Ndakatsvaka vashandi vangu 3 vanoziva nezve


mechanic ndivo vaive ku garage.

Company yangu ndakaitumidza zita rekuti *Plush*

Zvinhu zvina Mwari zvinongoita mutserendende.

After e week pa Garage mota dzakanga dzava


kuzara dzinoda kugadzirwa, zvekuti pakanga pava
busy ndakapedzisira ndatsvaka vamwe vashandi 9
kuti vave 12.

Ndakatanga kuita busy zvakanyanya ku plush


ndakapedzisira ndavhura special car wash
zvekare.

Basa rakatanga kufamba zvekuti 5 month's


padzakakwana ndakanga ndaunganidza mari
yakawanda chaizvo.

Ndakanyatsoona kuti zviya zvekutevererana


nen'anga uchiromba uchiteura ropa kutamba
nenguva.

Kana kune varikunzwa story yangu vachiri


kutsvakana nemakwenzi kuti vaite mari ndinoti siyai
zvese hazvina maturo.

Tsvakai Jesu achiri kuwanikwa anokuzarurirai nzira


kwayo yekufamba nayo.

Zvinhu zvenyu zvinotambanuka chete neropa


rehwaya kwete neropa revanhu.

Kuna Mwari hakuna chinokona, pamunofunga kuti


mapererwa kana muchitenda kuna Mwari ruoko
rwake rwunobva rwatangirawo kubaga ipapo.

Munotanga kungotumirwa ma Destiny helpers


makavarairwa musina kana fungidziro.

Izvezvi ndakatengera mukadzi wangu mota


yake ,ndiye ano manager ku car wash ndinoitira
kuti aite mufamba nyore zvinova zvinhu
zvandakatadza ndichiri kuvimba na Jemedza.

Ndinonzwa kubuda musodzi ndikafunga


kwandakabva hama dzangu.

MWARI UYU NDI MWARI WEMINANA.

ANOSIMIDZA MAROMBE KUBVA MUGURUVA


NDI MESSIAH ASINA NHOROONDO
YEKUKUNDIKANA.
Ngatisanganei next week kumuchato wa Rolix na
Bridget...

Mai Rue vava mu 9 month's anytime ndiri kutarisira


kubata vazukuru...

End of chapter *35*

Stay tuned guys tipedzise book

Only 2 chapters left saka moisa comment


muchindiudza pamunoda kunyatso kunzwa

Zvekupendera book zviri muropa musandityira


zvenyu

Mai lex loves yu all


*BETRAYAL* https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O

Written by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

*SEMI FINALE*

*MR AKASH*

Pandakaona kuti Gono haachatangike ava munhu


asiyana newandajaira ndakatanga kuda kuziva kuti
anomboita nezvei.

Ndakatsvaka kusvika ndawana information yese


pamusoro pehupenyu hwake.

Ndakaita kugara pasi pandakaona kuti akajoiner


chikwata chemontana.

Ipapo ndakabva ndaona kuti ndakanga


ndichitambisa nguva yangu ku higher vanhu kuti
vamuuraye.

Ndakanzwa kuvenga montana girl nokuti ndiye


akanga akonzeresa zvese izvi.
Ndakatsvaka muvengi wemusikana uyu
ndikamuwana , uyo airatidza kuti aivewo membiri
yekurova.

Ndakanzwa kufara chaizvo ndichinzwa kuti


mazuva apera kwakatomboita hondo iyo yakazoita
kuti baba va Champion vasungwe nokuda kwa
Harleen.

Ndakaziva kuti ndikakumbira kushandidzana


nemusikana uyu haatomborambe nekuti anenge
achitodawo ku revenger baba vake vari ku Jere.

Ndakaitora mota ndakananga kumba kwemuvengi


wa Harleen, nyaya dzese ndakanga ndadziwana pa
news.

Ndakanga ndazo contactor umwe wema journalist


ndiye akazondipakurira nyaya dzacho zvizere
zvekuti handina kutambudzika kusvika kumba Katie.

Ndichisvika kumba kwa Katie ndakawanikwa aripo


achizvimwira juce , handina kuda kutambisa nguva
ndakangomuudza zvandakanga ndafambira uye kuti
ndinoda ku attacker Montana girl.

Ndichipedza kutaura ndakazongonzwa musoro


wangu kutenderera.
Nguva idzodzo handina kuziva kuti ndakarohwa
nesimbi here kana kuti nemaoko asi
chandakangonzwisisa ndechekuti ndakarohwa.

Ndakabata musoro wangu ndichiona rima zvishoma


nezvishoma pandakazopembenuka ndipo
pandakaona kuti Katie akanga asina chaakabata
kuratidza kuti anga andidira mbama nemaoko ake.

Ndakanyatsoona kuti musikana wacho anotova


dangerous kudarika zvandaifunga.

Handina kuda kumutiza nekuti chandaida rubatsiro


rwake .

Ndakaramba ndakagara ndichimirira kuti dzungu


randainzwa rinyatsopera.

Pandakazoona kuti ndava bho ndakabva ndati

"Ko mandiroverei nhai Champion? Inini


chandinongoda kushandidzana nemi tokwanisa
kudonhedza montana girl kana akadonha chete
ndinoziva kuti zvandinoda zvinobva zvaita!"
ndaidero ndichitaurira pamusoro kuti aone kuti
nditori nezvivindiwo.

Katie akanditarisa akabva ati "zita rako ndiwe ani?"


Ndakasekerera ndikabva ndati "Akash " ndaidero
ndichitoziva kuti zvangu zvaita.

Ndakanzwa achiti "Mr Akash dzokerai kumba


kwenyu"

Ndakasimuka ndikabva ndati "Zvichireva kuti


mabvuma kushandidzana neni here, saka
ndozodzoka rinhi?" Ndakabvunza

Katie akatadzungudza musoro wake akabva ati

" Kudzoka kupi kwamunoda kudzoka!

Ndakateerera mhuri yana Addie nekusaziva kuti


mukadzi wake anoita nezvei.

Ikozvino zvandaziva handichafe ndakadzokorora


mistake iyoyo. "

"Harleen mwana wa Police commissioner, baba


vake mukuru wema Solider, iye pachake
arikuchikwata chemontana.

Ari related zvekare na the Hero anozikamwa ne


world yese kuti haana hondo inomukunda chero
achembera."

Mistake yandakaita kuda kushungurudza mhuri


yekwa Gono yakandiurayira upenyu.

"baba vangu vanga vava nemakore vachiita zve


robbery kuti tirarame

upenyu hwepamusoro vakasungwa nokuda kwangu"

Ndakazama nepandinogona napo kuda kuvaburitsa


mu jere asi ndakakundikana.

Look at me now ndangovawo munhu anongofamba .

Certificate rangu rehu Champion ndakaturika


nokuda kwekufunga kuti ndini ndine yese, apa
kurwa ndiko kwega kwaindipa mari.

Baba handichina vava kuorera ku jere ! Basa


raindipa mari handichina.! Ndiudzei kuti
ndichararama sei.

Ndinofanira kuenda kuna Harleen ndinomukumbira


ruregerero zvekare, pamwe ndiye achaita kuti
ndidzokere pabasa rangu.

"Dai vaisave ne party kuswera mangwana


ndingadai ndaendako manje handizode
kukanganisa vanhu vanenge vachizvifarira zvavo. "
akadero Katie
Ndakamutarisa ndikabva ndati

" i party yei manje yavanoda kuita"

Pandakapindurwa , ndakaita sendichadurura


ndichinzwa kuti Gono ava neimba ku Mountain
pleasant ndoyavachange vachipemberera.

Ndakabata Katie matama ndikabva ndamuzuza


zuza ndichiti "unonzwa sei Katie kana vanhu
vakakuurayira upenyu vachiita kunonzi ku enjoyer
life."

Vona iwewe urikuchema neupenyu hwako


hwatsakatiswa , unofanira ku revenger Katie.

" Together we can do this!" Ndaidero ndichinzwa


hasha.

Gono kutenga imba kuma sabhabha

noo handaizvitendera izvozvo aifanira kusatoigara


chete imba iyoyo.

Katie aifanira kutondibetsera kurwa hondo dzangu.

Pandakamuzuza ndakaona achisimuka akabva ati


"garai zvenyu ipapo Mr Akash ndiri kudzoka
tonyatsotaura. Munenge mune point inobatika imimi
" paakadero ndakapiringanidza makumbo
ndikanyadzogarisika.

Zvandaida zvakakanga zvaita manje, Katie


achienda ndakasara ndichimwa Juice rake raanga
asiya patable.

Haana kumbotora nguva ndakazonzwa ava kuti


"Unoda kuzviita ani unotadza kunzwisisa kuti
hakuna munhu ano defeater montana girl , unoda
kundiendesa kumakuva ndichiri mwanamudiki
haikona" aidero akanditendekera pfuti

Ndakaona kuti anoda kundivhundutsira ndakaenda


paaive ndikabva ndati "unoda kuita sei Katie?"

Iye akabva ati "Leave from here Akash ,move!"

Nguva idzodzo ndakaseka musikana wacho aitova


drama qeen zvake.

Nenguva dzatanga tichitenderana ozongopanduka


frm nowhere aiwa ka hakuna zvakadero
ndakaramba ndakamira.

Ndakaona andiridzira bara pa gumbo akabva ati


"Ibva pano ndisati ndakupedzisa, aidero
anditendeka pfuti mumusoro"
Ipapo ndakanyatsoona kuti ndaitamba nenguva
musikana wacho akanga asingade zvekuenda
against mhuri ya Gono. Ndakaona zvirinane
kubvapo ndisati ndaurawa.

Zvaive nane kuti ndingomirira Jemedza, ndoega


munhu wandaivimba naye kuti aikwanisa
kuzondibetsera.

Ndakatanga kukamhina ndichienda kumota ,


pandakapinda mumota akabva ati "Usafa
wakadzoka pano zvekare !" Aidero achideedzera.

Inini handina kupindura ndaive mumarwadzo


chaimo.

Ndakatsunga ku driver ndikaenda kuchipatara


doctor vakakwanisa kubvisa bara asi vakandiudza
kuti

"handichakwanise kufamba zvakanaka zvekare


muupenyu hwangu hwese, nokuti bara rarova
pachitsitsinho"

Ndatanga kuchema ndikabva ndati

"muri kuti chiiko doctor munoreva here kuti


ndatova chirema?"
Doctor vakanditarisa vakabva vati

" ichokwadi Mr Akash, mava kutofamba


nemadondoro pese pamuri .

Pandasona napo apa mukashaya madondoro


hamukwanise kufambisa gumbo. I am sorry "
vaidero vachinditambidza ma dondoro.

Ndainzwa kuti kuita chirema hazvigone, ndakazama


kuda kutsika ndisina madondoro ndakabva
ndadonha.

Chiremba vakauya pandiri vakabva vati


"Motogamuchira zviripo Mr Akash pasina
madondoro hapana kwamunokwanisa kuenda"
vaidero vachindirova rova mafudzi kundisimbisa
vakabva vaenda.

Ndakatora madondoro ndikabva ndatanga


kukamhinha ndichienda kumota .

Zvemu Harare ndakanga ndisingachazvide Gono


ndaizomuona kana Jemedza auya.

Munhu wandaifungira kuti angangondibetsera ndiye


waro anga adai mundiremadza.

Ndaka driver mota ndakananga kwa Rusape


kumba kwangu, ndaida kumbondozorora ndiriko.

Ndichisvika ndakasangana neshura guru vabereki


vevakadzi vese vandakanga ndakaroora vakafa
vaivepo.

Pandakaburuka mumota vakati votanga zvavo


mhere mhere vachiti vana vavo vandakauraya
vakavaudza chokwadi kuti ndini ndakakonzeresa
kufa kwavo.

Ndakada kumboramba asi ndakarohwa kunge


nyoka yapinda mumba vakabva vati "ndofunga
unongoona kuti tabva kwakasiyana siyana asi
muudzirwo watakaitwa nezvipoko ndeumwe chete .

Iwewe wakaromba kuti uite mari nevana vedu


waifunga kuti hazvibude pachena here?"

Vakatanga kutora petrol vamwe parafin


vachimwaya imba yese vakapedza vakabva
vatungidza imba yangu .

Vakaenda kunogara mota vakabva vatungidza


dzese kusanganisira neyandakanga ndabva nayo
ku Harare.

Ndakagara pasi chaipo ndichichema mapurisa


akauya akaudzwa kuti

"zvipoko ndozvatungidza imba yese dzokerai


zvenyu vemutemo, nyaya dzehurombwa
hamungadzinzwisise"

Mapurisa achinzwa nyaya yezvipoko akabva


anyangarika nekukurumidza , ndakanyatsoona kuti
handichina kana changu.

Safer yacho yandaivharira mari yaive mumba


yanga yatungidzwa.

Ndakafunga kuudza vanhu ava chokwadi , upfumi


hwacho hwandaitovanzira nyaya yangu ndihwo
hwanga hwapadzwa.

Pandakasimuka ndichida kutaura foni yangu yaka


ringer kundotarisa kudai ndakaona vari Great one
Jemedza. Ndakadaira ndichichema iye akabva ati
"Simuka ipapo mwana wangu uende kundogara ku
Shrine kwangu ,ndinouya anytime.

Usafa wakaudza chero ani zvake kuti wakaromba


nokuti pandinodzoka uchaita mari yakawanda
kudarika yawaive nayo"

Ndichinzwa Jemedza achidero ndakangosekerera.


That's why ndichivimba naye "he is so great ,
anoona zvese chero arikure .

Ende rudo rwaanondipa rwukuru.

Pachokwadi handigone zvangu na Great one


ndinonzwa moyo wangu kuzorora kana
achitungamira muupenyu hwangu"

Ndakasiya hama dzevafi dzichikuchidzira moto kuti


zvese zvinyatsokutsva.

Ndakatanga kufamba ndichienda kwa Jemedza. Iko


kwandakagara mwedzi mina nemamwe mazuva
Jemedza achingoti anouya asingauye zvake.

Hupenyu hwakatanga kundiomera ndiri ikoko


zvekuti ndakafunga kundokumbira ruregerero
Gono uyo anga ava nembiri yeku runner ma
bissiness ari mu Harare zvekutobuda nepama
newspaper.

Ndaiziva kuti ndakanga ndakamutadzira asi


ndaivimba kuti achandiregerera.

Ndakatanga kukamhinha ndichienda kumba kwa


Olga mu Headlands kwaisave kure zvakanyanya
neku Shrine kwa Jemedza asi semunhu akaremara
zvakanditorera ma hour mashanu kuti ndisvikeko.

Ndichisvika ndakawanikwa pane runyararo


kuratidza kuti paisave nevanhu.

Ndakabvunza vavakidzana vakandiudza kuti mhuri


yepo yaenda kumuchato kwa Rusape bhudhi va Mai
Tee vari kuchata.

Ndaisave kana nemari muhomwe ndakamira pa


road ndichikumbira ma lift kuenda kwaive
nemuchato.

Nenyaya yekuremara kwangu vanhu vakandinzwira


tsitsi, vakandikwidza mota mahara kusvika
kwaRusape.

Ndichisvika pamuchato pakanga pasingatarisike


pakawanda vanhu ende muchato wairatidza kuti
wakanga wava nenguva watanga nekuti
ndakasvika vanhu vava kutobvisa zvipo.

Vachati vakanga vakachena zvaimwisa mvura


pamwe chete nevaperekedzi vavo.

Zvipo zvaibviswa ipapo ndainyatsoona kuti i


competition hapana aida kusara pasi.

Kana ari sa Olga ndiye akabvisa zvakashamisa


ruzhinji zvekuti ndakashaya kuti mari yakawanda
kudero akanga aiwanepi.

Vachipedza kubvisa zvipo vakabva vazocheka cake


ravo , vanhu vakatanga kudya.

Vachipedza ve catering vakabva vatanga


kumhanya nezvikafu vachipa vanhu waizomboti
inyama here.

Apa ndakanga ndakaguma kudya nyama kare kare


ndakaita kunge ndikachazviruma zvigumwe .

Pandakazodzvuta coca cola rakabva ratanga


kundikachidza zvekuti vanhu vese vakapa attention
kwandiri.

Ndakanzwa Gono achiti "You" ndikaziva kuti anga


andiona.

Nguva idzodzo ndakaona iro iyo nguva


yekukumbira ruregerero ndakabva ndagadzika
bhotoro re drink pasi ndikabva ndati "Zvaunoona
Gono nda..." ndisina kupedzisa phone yangu
yakapinda msg

Ndakatarisa ndikaona ari Jemedza akanga


akanyora kuti
"Ndakakumirira kunze kwe gedhe vuya kuno tiende
mwana wangu . Nguva yekuita mari yakwana"

Pandakanzwa zvemari ndakasekerera kuti at least


Jemedza adzoka ndakabva ndaziva kuti zvese
zvanaka. Ndakasimuka ndikatanga kufamba

Gono akandimisa akabva ati " Tell me Akash


wanga uchida kuti chii?"

Nguva idzodzo ndakangoridza tsamwa


ndikaenderera mberi nekufamba.

Ndakapesana nevachati avo vainzi vava kuenda


kunze kwenyika ku Honeymoon yavo.

Inini ndakatanga kukamhinha ndichienda kuna


Jemedza.

Ndichisvika ndakawanikwa akandimirira kunze


kwaakanga ataura.

Ndakatoshamisika kuona achi driver mota kubva


ndichiziva Jemedza haawanzo kufamba nemota
anongoita zvemasaramusi kunyangarika
panzvimbo obudira kwaanoda.

Manje apa anga auya achinja


Ndakasvika ndikamukwazisa akabva adaira akati
"Ko sei uchida kungondifambisa ,wanga wavingei
kuno?"

Handina kuda kumuudza chokwadi ndakabva


ndanyepa ndikati "Ndangoda kufurwa nemhepo
ndikati ndisvike kuno"

Iye haana kuda kuzotaura zvekare akabva atanga


ku driver mota yake akanyarara .

Ndakamubvunza kuti tiri kuenda kupi nokuti


takanga tisingatore nzira yeku Shrine kwake iye
akabva ati "Hatina need yekuenda ku shrine
kwangu , mweya wa Bianca wakazorodzwa kare
nana Gono nemhuri yake."

Apa ndiri kuda kuita zvandakanzi na God father


vangu ndiite kuti ndikwanise kuwedzera masimba
ndizouraya vana va Addie sezvo vachiuya panyika
mangwana.

Paakadero ndakabva ndati "Ohh really?" Ndainzwa


kufara kuti Bianca haachasi muupenyu hwangu.

Jemedza akabva ati "Hongu " aidero achitokona


paive nechisango. Akabva ati buruka unditeere.
"Tavakuendepi manje?" Ndakabvunza

Iye akabva ati "asi hauchade kuva mupfumi


zvakare?"

Inini ndakabva ndati "Hongu ndinoda " ndaidero


ndava kutokamhinha ndichifambisa ndichimuteera.

Jemedza ndaivimba naye , chandaiziva ndechekuti


zvaadzoka kudai zvese zvanaka.

Takasvika pakati nepakati pesango ndakaona


achicheuka cheuka hana yangu yakatanga kurova
asi ndakazvishingisa.

Jemedza akamira akabva ati "Sorry Akash ndava


kukugurisira upenyu hwako, handina
zvandingakwanisa kuita nokuti ndinotoda kuti
ndishandise mweya wako kuparadza mhuri yekwa
Gono!

Ivo vachange vachizama kuparadza inini


vasingazive kuti ndakapfeka spirit yako mandiri. "

Paakadero ndakabuditsa ziso ndikabva ndati


"urikuzama kuti chiiko Jemedza , inga
ndaingokuvimbawo wani sei wava kuda kundiuraya
have mercy on me please" ndaidero ndava
kuyeredza misodzi ndakanyatsoona kuti munhu
munhu haasi wekuvimba naye.

Mashoko a Harleen ekuti Jemedza achibva ku dark


land munhu waanotanga kufunga kuuraya ndini
akadzoka mumusoro.

Ndakagara pasi chaipo ndichichema dai ndanga


ndaziva zvangu kuti Jemedza avinga
kuzondiurauraya ,ndingadai ndangokumbira Gono
kuti andidzidzisewo kunamata Mwari wake zvimwe
Jemedza aizotya kusvika pandiri.

Pandakagara pasi Jemedza akabva tendeka


tsvimbo yake kwandaive .

Ndakatanga kunzwa kunge ndaidzvinyiwa muhuro


ipapo ndakabva ndati "You betrayed me
Jemedza , why asi?"

Iye akaseka akabva ati "i can do anything for power


my boy, die now!" aidero achitaura nechirudzi
chake che Nigeria .

Ndakatanga kunzwa kutsva muviri wese ndikabva


ndati "Ndiregererewo Jemedza , pliz let me go"

Jemedza akatendeka maoko ake ese mudenga


akatanga kuti "heeeeeeeeeee" aidero zvine ruzha.

Ndakaona mheni ichiburuka kubva mudenga


yakasvika ichiwira pandiri.

Ipapo ndakatanga kuchema nekuti ndairwadziwa


zvakanyanya . Muviri wangu wakatanga kuchinja
kuita mutema.

Ndainyatso kunzwa kuti rufu rwava kunhuwira


pandiri ,

ndakazongotanga kunzwa mweya wangu uchipera


zvishoma nezvishoma"

*Harleen*

Ndakanzwa kufara chaizvo neshamwari yangu


yakadadisa.

Muchato wa Bridget na Rolix wakafamba


zvakanaka zvekuti vabereki va Brege vakanditenda
kuti handina kuenda nemwana wavo kudhorobha
kundomuurayira upenyu.

Bridget na Rolix vachipedza ku chata vakabva


vabatana na Madzibaba Serchby kuenda ku China.

Vana Brege vaienda ku Honeymoon, madzibaba


vane zvavaifambirawo ikoko maererano ne team
yavo ye Montana.

Ndakavaudza kuti vachidzoka kubva ikoko


vanofanira kutora Katie azova montana girl sezvo
inini na daddy Rocky takanga takatenderana kuti
ndichasiya zvekurwa ndoita zvekuimba navo.

Vanhu vakatanga kupandakara vamwe nevamwe


vachienda kwavo vatezvara vangu na vamwene
vakati havasi kuenda ku Harare vanoda kuenda ku
Headlands kumbondoona vana Tee.

Inini ndainzwa kuremerwa nedumbu rangu saka


ndakazviudza kuti ndotombo gara kwa Bishop ivo
vaisavepo vaive vakafamba nesangano rekuchurch
saka ndaisara zvangu na mai Bishop.

Addie akati haana kwaanoenda pandiri ndopaari.

Vanhu vakapandakara vamwe nevamwe vachienda


kwavo.

Mbuya Harini vaitondiwanzira vachiti dumbu rangu


raremberera saka hakuna kwavanoenda kusvika
ndabatsirwa .

Inini ndaiziva zvangu kuti 9 month's dzangu


dzakwana asi kuti ndizoziva kuti ndichasununguka
rinhi ndakanga ndisina chezivo.

Addie aka driver mota kusvika tasvika kwa Bishop ,


tichisvika takawanikwa mai T.J varipo (Madzimai
Winstage).

Vakandigamuchira kumota vakandibata maoko


kusvika mu lounge vakabva vati "Inga wakasimba
chose uchiri kapfeka ma heals nairo bhazi rako
iroro rava pedyo kubheuka."

Ndakangoti

"ahh mhamha ko imimi masarirei paenda vamwe"


ndaidero ndichiseka ndichikumura hiri .

Ko ndini ndanga ndadini zvangu ndaitodawo


kuchena pamuchato wasahwira wangu.

Zvekuti munhu ane nhumbu haapfeke zvakakwirira


ndezvekupenga izvp kuti nhumbu yacho yaive
mumaoko here

Madzimai vakaseka vakabva vati "Ndasara nokuti


ndirikunzwa makumbo , ndati ndizoenda mangwana
ndaona kuti handingakwanise ku driver nhasi"

Vanhu vakatanga kuita nyaya vachiseka, mbuya


Harini vachinemera Adiie inini handina kuona kuti
ndakabatirwa nehope nguvai ndakazongoona
mangwana makuseni ndava kumuka ndiri pabed.

Addie akarara pedyo neni, ndakamuka ndikaenda


panze ndikawanikwa mai Bishop vachitovhara
gedhe vachiti vamwene vavo vachangobva kuenda.

Ndakatanga kunzwa kusurukirwa handizive sei,


kungovapo kwa madzimai Winstage ndainzwa ndiri
protected manje apa zvavanga vava kunzi vaenda
ndainzwa kahushoma mandiri.

Ndakaenda mumba ndikatora phone yangu


ndokufonera vamwene vangu kuti vauye ,
ndichipedza ndakabatidza T.v pane chirongwa
chemangwanani chandinofarira kugara ndichiona.

Ndakawana chisati chatanga paitove news zvadzo.

Inini zve news handinei nazvo asi apa ndakaona


pane nyaya yaisiririsa yemurume airatidza kuti
akarohwa nemheni akafira musango.

Zvakandinetsa kuti imheni rudzii nokuti


kwaisambonaya.

Pakazonzi
"kana pane vanoziva murume uyu tibetsereiwo ,
nekuti hama dzake hadzisi kuwanikwa munotibata
pa number dzinoti +236......... "

Ndakasimudza musoro kuti ndione murume wacho


airehwa , pandakandoti baa ndakarohwa nehasha
kuona ari Akash ndakatanga kunzwa kudikitira.

Ndakatanga kutetemera muviri wese,


ndakavhunduka zvekuti nenguva shoma ndakanzwa
chiunu changu chichirwadza.

Musana wangu wakatanga kubaya baya zvekuti


zvinhu zvakanga zvisisina kundimirira zvakanaka.

Ndakanzwa chibayo chakauya chichiti dyu


muchidya zvakaita kuti ndigare pasi.

Ndakatanga kurova rova chidya ,kumeso


ndakasunga sezvo pain yacho yaiwedzera.

Addie akamuka akabva ati "Ko chii babe


wakagarirei pa floor panotonhora nhai?"
ndakamutarisa ndikabva ndati "Ndiri kurwadziwa
daddy"

Addie akabva ati "What , Labour pain here?"


Ndakamutarisa ndikabva ndati "Aiwa mafaro pain ,
iye munhu angabvunza zvaaingoona here
Chokwadi aitoda kundinzwa chete"

Pandakadero akabva ati "Harleen usaita ma


funnies pasingade ma funnies veduwe ndoda
kuwana kuudza gogo"

Paakadero ndakatanga kufamba neimba yese


ndichirova chidya.

Zvairwadza asi ndakazviudza kuti handisi


kuzochema ndaitotsunga chete.

Vana vacho vaiita kutamba dhikinya umwe akakava


nedivi umwe nedivi pandaiti vandizorodza ndainzwa
pasi pe guvhu pachitubvura zvekare.

Ndakazviudza kuti handichazvipamhe kuvhurira


murume makumbo.

Addie akamhanya akadeedza mbuya ivo vakabva


vati handei naye kwa dhokotera.

Ndakasimudzwa ndikaiswa mumota, ndichisvika


kuchipatara ndakabva ndaiswa mu room yangu
ndega. Vamwe vese vakanzi vabude.

Chiremba akapima ma cm vakabva ati


"ndakananga handina rupfumbira, anytime
ndinobatsirwa."

Vakatanga kutogadzira zvekuzobatisa vana doctor


paakabuda akasiya ati ndirare nedivi
ndisapinduruka kusvika adzoka.

Pandakarara nedivi ndakanzwa mhepo yakatanga


kuvhuvhuta muroom yandaive zvekudonhedza ma
files aive pa table.

Mudumbu mangu makatanga kusungana sungana.

Zvakandinetsa kuti imhepo rudziiko pakadzoka


doctor yakabva yamira.

Doctor vatanga kundipima ma cm kuti vaone kuti


ndava papi vachipedza vakashama muromo
vakabva vati "Tine hurombo mai Rockstar vana
vamira kusunda zvekuti munogona kuswera muno.
Your situation is very critical kana zvikaramba
zvakadero munenge motoenda kuchigero"

Ndakangoti

"OPERATION! Ndichishamisika" Ivo vakabva vati


hongu vana va crosser ava anga achifanira kutanga
kubuda apinduruka abva aisa makumbo pasi
musoro mudenga saka avharira vamwe.

Munoziva ndakapererwa , ndakatarisa mudenga


ndichinzwa mweya wangu uchipera zvishoma
nezvishoma.

Marwadzo andainzwa ipapo ndaingoti kudai zvavo


Mwari vazorodza mweya wangu.

Kuti ndishame muromo ndinamate ndainzwa


ndichiremerwa mu room yandaive ndainzwa kuti
ine kurema kwainako.

Doc vakazobuda vachiti vava kundodeedza Addie ,


vachingobuda chete ndakaona munhu
akakandirovesa nehana akanga akamira kumberi
kwangu akabva ati

"Tasangana zvekare mwanasikana! Hahahaha"

Nguva idzodzo ndakabva ndatanga kufemera


pamusoro

Doc vakapinda vachimhanya na Addie vakabva


vati "her blood pressure is too high haakwanise
kuitwa operation akadai"

Manje vana vakaneta musunda vanobva vangofira


mufumbu raamai vavo.
Murume wangu akagara pasi akabva ati "Nhai
Mwari moda kunditorera zvekare here?" Aidero
achichema

Ndakangoona ndava kubuditsa musodzi


ndakamutarisa simba rekutaura ndaisave naro

End of chapter

Stay tuned keep comments


*BETRAYAL*

https://whatsapp.com/
channel/0029VaFhlo91CYoJTe70A63O Written
by

*Amai Lex*

# +27 65 840 7103 #

*Final chapter*

*Addie*

Pandakauya ndikatorwa na doctor vakabva vati


"Mr Adrian zvinhu hazvina kumira zvakanaka
zvachose.

Mudzimai wenyu ari panguva yakaoma , vana va


crosser mudumbu zvekuti vavhara nzira."

Havachakwanise kusunda vachibuda panze, vava


kungosundana vachitenderera panzvimbo imwe
chete , vachapedzisira vakaneta vagofira mudumbu
raamai vavo.

Ndichinzwa izvozvo ndakagara pasi chaiko ,


ndainzwa kupera simba.
Ndakazvibvunza kuti

"Saka zvinoreva here kuti inini handibvumirwe


kubata vana muupenyu.?" Ndakatanga kufunga
mushaikiro wakamboita vakadzi vangu ndikabva
ndaona kuti zvava kuda kuitika zvekare pana
Harleen ndakawedzera kuchema.

Mufaro wese wandive nawo wekuva baba


wakatanga kupera.

Doctor vakandisimudza vakati "nguva ino


haichade kuti mugare pasi muchichema, handei
tese mundo singer ma papers e operation pamwe
tingakwanisa kusaver amai kana kuti vana.
Ndokunge taita zvinhu zvedu nenguva"

Nguva idzodzo ndakamisa doctor ndikabva ndati


ndinoda kumbofonera baba vangu.

Ndakaitora foni yangu ndikafonera baba


ndikavaudza kuti Harleen arikurwadziwa ende vana
havana kugara zvakanaka ava kuenda ku
operation.

Baba vangu vakandiudza kuti ndisamuendesa ku


Operation vava munzira kuuya. Ndakavaudza kuti
vauye na mukoma Olga uye vafonere tete Cherry
vauyewo.
Ipapo vakabva vati "Olga aenda ku Harare kuma
lessons mwana wangu, ndichauya nevaripo
usazvidya moyo"

Ndakabva ndaziva kuti mukoma vaenda ku chikoro

"ikozvino varikupota vachienda kundodzidza


kuchikoro chevakuru, sezvo vari ku runner
business rakati kurei rinotoda maths.

Zvizhinji vava kugona sezvo vakatanga kare


chasara i maths chete ndodzinombovavhara saka
ndokuma lessons kwavainzi vaenda"

Ndakakata phone kuti mudhara vawane kuudza


vamwe vauye, ndakabva ndafonera vabereki va
Harleen kuti vauye.

Wakava muromo umwe chete kuti mwana wavo ari


kurwadziwa ende ane ma complications vakabva
vandiisa pa hold.

Ndakatoshaya kuti vazviitirei handina kuda


kudropper call after 2 mins vakabva vadzoka back
vakabva vati "ndanga ndichitaura na madzibaba
Serchby nezuro havana kuzokwanisa kuenda ku
China munhu wavaida kundoona akati vauye next
week saka tiri kutouya navo izvezvi.
Tichashandisa ndege inokurumidza zvekuti in
20mins tichange tatova ikoko" vaidero vachikata
foni yavo.

Ndakafonera mukoma Olga kuti vaende kumba kwa


madzibaba Serchby vabatane navo vauye.

Ndichikata foni Doctor vakabva vati

"Mava kutonoka Mr Adrian hurry up"

Ndakangomhanya ndichivateera pandakasvika


ndichiona mukadzi wangu akarara akatarisa
kwandaive ndakanzwa kupera simba.

Ndainyatso kunzwa pain yake, paakazoburitsa


musodzi ndakaenda kwaaive ndikabva ndati
"Chirega kuchema mudiwa wangu, please be
strong for me nothing will happen to you" ndaidero
ndichimupukuta musodzi.

Akazama kumuka asi akakundikana akabva ati


"ndava kufa murume wangu, ndiri kurwadziwa
kani,

please do something hun the pain is too much . Ita


kuti kurwadziwa kwandiri kunzwa kudarike."
aidero
achi shanyarika

Doctor vakandipa ma papers vakabva vati "sign


here Mr Addie ,tiwane kutanga basa"

Pavakadero ndakavakumbira kumirira baba vangu.

Inini zvekuti Harleen aitwe operation ndainzwa


zvichindirambira.

Doctor vakabva vati "as you wish Mr Addie, asi


chizorangarirai mashoko angu. Kana vana
vakaneta kupusher ichasvika nguva yekuti vachafira
mudumbu raamai vavo"

Zvine risk zvekuti tinogona ku looser vana zvese


naamai. Nguva dzavakadero ndakaona Harleen
achishama muromo akabva ati "Jemedza wadireiko
kundiparadza" aidero achitovhara maziso ake.

Inini ndakabva ndati "Jemedza !" Ndaitodero


ndichitoshamisika ndakarangarira hope dza
Harleen dzaaiti arota Jemedza ipapo ndakabva
ndaona kuti hondo dziya dzatanga.

Ndakatora ma paper , ndichitoda ku signer nekuti


hapana pandaizorega mukadzi wangu achifa
ndakatarisa.
Pandakabata bhilo ndakanzwa baba vangu vachiti
"Handina muroora anobara ne operation , satani
anonyepa zvake" vaidero vachipinda nevamwe
vavanga vauya navo.

Ndakamhanya ndikavambundikira ndikabva ndati


"Jemedza adzoka kuzotiparadza baba" ndaidero
ndichichema.

Mai vangu vakabva vati nguva yatiri ino haisi


yekubuda musodzi mwana wangu tava kufanira
kutonamata chaiko.

Baba vangu vakapfeka magemenzi avo na


mhamha sezvo vakanga vava kunamata masowe .

Vakatanga kusuma Hossana iyo yavakati utori


munamato wakazvimiririra.

Vachipedza vakabva vatanga kunamata, inini ,


maiguru , mai Bishop na mbuya Harini tabva ta
joiner pamunamato.

Doctor vakauya tichiri kunamata vakabva vati


"Vanhu imimi muri kutamba nenguva, vana vava
pedyo kuneta zvekuti anytime vese vanobva vafa
nguva imwe chete.
Vakafa mai vavo ndivo vachateera

"please itai zveku saina ma paper e Operation


aya ,siyai zvekunamata hazvina zvazvichachinja"

Baba vangu vakati Amen tese tikabva tati Amen.

Vakavhara munamato wavo vakabva vasimuka


vakati "Doctor tinokumbirawo mutisiire mwana
wedu mumaoko edu, endai zvenyu mundorapa
vamwe"

Doctor vakangodzungudza musoro wavo vakabva


vatoenda vachitisiya.

Nguva idzodzo ndakaenda paive na baba ndikabva


ndati " baba hatina imwe option , vana va crosser
mudumbu Harleen ari unconscious haakwanise
kuzvara akadai.

Way imwe chete yatinayo ndeye operation


yataurwa na Doctor.

Saka murikuzama kuti chii kana muchiti doctor


vaende"

Baba vakandibata mafudzi vakabva vati "no my son


handina muroora anoitwa operation inini , Mwari
watinonamata mukuru zvava kungoda kuti
tichivimba maari"

Nguva dzavakadero mu room yataive makatanga


kuita mhepo yekuti tese takambovhara maziso.

Pakapera mhepo ndakaona Jemedza akamira


kumberi kwaive na Harleen akabata katsvimbo
kake.

Baba vangu vakabva vati "Saka ndiwe zvako


urikukonzeresa zvese izvi?"

Jemedza akaseka akabva ati "hongu ndini, nhasi


ndiri kuda kuurauya Prophettes ava kuti masimba
angu awedzere.

Kufa kuchaita musikana uyu kuchaita kuti zita


rangu rikunzwe kunyika kwangu."

Paakadero ndakaenda paari ndikabva ndati "please


Jemedza spare my wife."

Ita kuti vana vangu vazvarwe mukadzi wangu


ararame , ukakwanisa kuita izvozvo ndichakuitira
chese chaunoda muupenyu hwako.

"Kana uchida mari yese yandinayo ndinokupa


zvangu please regedza kuuraya mukadzi wangu,
ndiye ega wandinoraramira panyika pano kana
akafa handione neniwo ndikararama" ndaidero
ndava kuchema ndakabata tsoka dzake.

Mukadzi wangu akanga akangovhara maziso


zvekuti handaiona kurarama kwake.

Zvaive pa chena kuti Jemedza anga auya nesimba.

Baba vangu vakauya vakandisimudza vakabva vati


"Yava nguva yekunamata Addie , regedza
kutendera kushandiswa newakaipa hapana
paangararamisa Harleen akabvuma kukuitira
zvitsvene muupenyu hwako.

Bvunza inini ndakabva neko kumhunga hakuna


ipwa" vaidero baba vangu vachiisa muchinjiko
vachipfugama.

Nguva idzodzo Jemedza akatendeka chitsvimbo


chake kwavari , vakabva vatanga kugomera
vakadonhera pasi.

Ndakada kumhanya pavari mbuya Harini vakabva


vati "Vasiye vakadero vachamutswa nemweya!"

Ndakangoramba ndakamira ndichihuta. Jemedza


akatanga kufamba achienda kuna Harleen nguva
idzodzo ndakatanga kunamatira moyo.
Paakatendeka tsvimbo yake kwaari ndakanzwa
munhu aiimba achiti

"Auya machinda edenga , auya ahh auya. Auya


kuzotinunura" aiimba achipinda mataive.

Ndakagurisira munamato wangu panzira ndichida


kuona kuti aive ani.?

Ndakaona vari madzibaba Serchby vanga vapinda


vakatungamirira boka revanhu kusanganisira na
mukoma Olga.

Hama dzese dzandinoziva dzeku Harare dza


Harleen dzaivepo kusara kwa madzimai Winstage
ndivo chete vakanga vasipo.

Team ramadzibaba richipinda Bishop T.J vakabva


vapindawo nechikwata chavo cheku church kwavo.

Vachingopinda tete Cherry vakabva vapinda


nevekuchurch kwavo kusanganisira na mufundisi
wavo.

Room yakaita diki zvekuti vamwe vakasara panze.

Vanhu vakanga vauya vakawanda chaizvo.


Ndakanyatsoona kuti satani anga atambira pasiri
ipo.
Munhu anonzi Harleen munhu anodiwa na Mwari
pamwe chete ne vanhu, ipapo ndakanzwa simba
rekunamata nekuti ndakanga ndaona kuti Jemedza
haapabude chete.

Vanhu vakatanga kubvumira madzibaba Serchby ,


inini ndakanga ndava kutonamata.

Ndakaona baba vangu vasimuka pavakanga


vapfugamiswa na Jemedza ende vairatidza kuti
vavanga vava bho.

Vanhu vakazotanga kunamata vanonamata ne


ndimi vachideedzera ndimi dzavo. Umwe neumwe
ainamata zvaanogona asi tese tainamatira kumuka
kwa Harleen.

Jemedza akanga akangomira akatarisa kwataive


achiseka , achitambisa katsvimbo kake.

Vanhu tichipedza kunamata madzibaba Serchby


vakazotanga kudeedza zita ra "Winstage !"
Vakarideedza zvineruzha zvekuvharisa mu room
yataive.

Vakadeedza kekutanga , vakadeedza kepiri,


pavakazodeedzera ketatu ndakaona madzimai
Winstage vachipinda vakapfeka magemenzi avo
vachirovera musamariya wavo pasi. Uyo wakanga
wakareba zvekurevesa.

Vakasvika vakatanga kunamata nendimi


vachitenderera pana Harleen.

Vainamata vachidungudzirana na madzibaba


Serchby pamwe chete na Bishop.

Madzibaba Serchby vakaenda pana mufundisi


wekwana sisi Cherry vakabva vaeresa maoko avo
vachipedza vakabva vatanga kutaura nemutauro
wavainzwanana vega.

Ndakaona Mufundisi vava kufamba vachienda pana


Harleen, vakasvika vakamubata pahuma
vachinamata nema tounges.

Nguva idzodzo Harleen achisvinura maziso


ake ,ayo aive akatsvuka kuti piro.

Akabva asimudza musoro wake bvudzi rake


rakatanga kuvaima apa richitasamuka kunge
raindonzwa rakasvika richindorovera kuna
Jemedza.

Ndakaona katsvimbo kaaive akabata kachidonha.

Nguva idzodzo Jemedza akatanga ku screamer


Bishop T.J vakatora katsvimbo kaya vakabva
vatendeka kuna Jemedza vachiti "Ndinoraira
mweya wakagara pauri kuti ubude uyende nezita ra
Jesu"

Jemedza akarara pasi akatanga kupfiza achichema,


ndakazongoona mweya wa Akash uchibuda maari
Bishop vakatendeka chitsvimbo cha Jemedza
ichocho kune mweya uya vachiuraira kuti uende.

Mweya wa Akash wakatanga kuita kamvuri


wakatanga kupepereka zvishoma nezvishoma
uchibuda nepa window kusvika waenda.
Pawakaenda Bishop vakabva vapotsera katsvimbo
kaya nepawindow vakabva vati

"Teera mweya wemufi"

Pakapotserwa katsvimbo

Jemedza akabva atanga kuzhamba achiti "


Ndiregerereiwo Mwari wenyu mukuru ndamutadza.

I am a sinner handikodzere kurarama. Ropa


randakateura rakawanda kwazvo ndichitsvaka
masimba.

Ndine church hombe ku Nigeria zvekuti ndinotonzi


pastor J.J . Ndiri munhu anembiri yekuporesa uye
ndinoremekedzwa kana ndasvika pa church
yandaka former.

Masimba angu ndinomawana ku Dark land uko


kunogara ma spirits ese andinenge ndauraya.

Kuno ku Zimbabwe ndakauya kuzotsvaka ropa riri


special kuti ndiwedzere masimba angu.

Ndakaona kuti ndega handingazvigone ndosaka


ndaitsvaka vanhu vandirombesa ndovapa fake
money inini ndouraya hama dzavo simba rangu
rowedzerwa!

Gono nemhuri yako handina kuziva kuti ungafumura


zvinhu zvangu kudai ndakaziva ndakasiyana newe
kare , chindiregerai ndanzwa nekutsva.

Taurai na Mwari wenyu achindirega yava nguva


yekuti ndichindoudza vanhu chokwadi kunyika
kwangu,parizvino vanhu vandauraya vanokwana
kuita 25 ndichiverenga vakuru nevadiki mweya
yavo vese iroko ku dark Land !

Munoziva vanhu vakangoti hezvo, kutoshamisika


chaiko nemabasa Jemedza.
Chokwadi n'anga yemakoko inotopiwa chigaro
chehu pastor aiwa denga vamwe vanhu
havaripinde.

Munhu kuvaka church achinyepera kunamata


Mwari iye achibata bata kudero.

Madzibaba Serchby vakaenda paari vakamusunga


mbira dzakondo nemucheka wavo vakabva vati

"varume tese tiri kutoenda nemurume uyu izvezvi


ku Lagos"

Vaidero vachisunga dare mumusoro mababa vangu.

Inini ndakatarisa kuna Harleen uyo airatidza kuti


akanga atanga kurwadziwa.

Madzimai Winstage vakatanga kumukanya


mudumbu make vachitaura nendimi vapedza
vakabva vati "ndinokumbirawo mese mubude ,
ndichasara na mbuya Harleen chete muno vana
vava pedyo kubuda"

Tese takabuda panze nenguva shoma takazonzwa


vana vava kuchema.

Ndakamhanya ndikandodeedza Doctor pavakauya


vakapinda vachimhanya ndakazoona vava kudzoka
vachisekerera vakabva vati "Congratulations Mr
Addie mudzimai wenyu abetserwa vana vatatu ,
vese vatano hapana kana ane dambudziko
vasikana vaviri mukomana ndeumwe chete. Aiwa
Mwari wenyu ndomudawo uyu, ichichishamiso
kubva ndichitanga kushanda pano hazvisati
zvakamboitika"

Ndakanzwa kufara vanhu vakatanga


kundiunganira umwe neumwe achingoti "Congrats "
inini ndaingosekerera .

Ndakakumbira kundoona vana pamwe chete


nemukadzi wangu Doctor vakabva vati
"makasununguka ,vana nyamukuta ndasvika
vapedza basa kare zvese nekutovapfekedza"

Ndakangomhanya ndichipinda mukati


ndakawanikwa mukadzi wangu akarara anoratidza
kuti anga aneta.

Vana ndivo vaive muma bassinet avo vasikana


umwe neumwe aive akarara pake.

Mukomana ndiye akanga akamuka akabatwa na


mbuya Harleen ,

ndakasvika ndine mufaro ndichida kutovabata vese


nguva imwe chete ndakanzwa madzibaba Serchby
vachiti takumirira murume.

Hezvo chibaba chaitopenga ndaiendepi ndisati


ndaona vana vangu.

Ndakaramba ndichienda pana mbuya Harini,


ndakakumbira kuti vandipe Rocky wangu.

Ndava kuda kumubatwa ndakadhonzwa na


Madzibaba vakabva vati "zvichatitorera 9hrs kubva
pano nendege kuenda ku Lagos ,saka tinoda
kuenda nguva tigokwanisa kudzoka nhasi handei
tione!" Vaidero vava kundisunda

Ndururani so , ndakamhanya kukisa mukadzi


ndikabva ndaenda kwacho kwataifanira kuenda.

Takakwira vana baba chete tikabva taenda


kundosiya Jemedza. Zvakatitorera nguva refu
kusvikako asi takasvika zvedu , ende takafamba
zvakanaka.

Madzibaba Serchby ndovakatungamirira nyaya


dzacho dzese.

Vaitotaura nevanhu nemutauro weku Nigera uyoyo


ndakaona kuti Indururani zvayo vairatidza zvavo kuti
vaive pamweya.

Jemedza akazobvunzwa nevanhu vaaitungamirira


ku church yake, akabva ataura chokwadi chake
chese.

Vanhu vakatanga kuchema, nyaya dzacho


dzakazoendeswa kumberi vemutemo veko vakabva
vati anofanira kupiswa.

Takazama kuda kumukumbirira kuti vamunzwire


tsitsi manje takakundikana.

Mutemo we ku Nigera unoti uyo achabatwa kuti


muurayi anofanira kufa nekupiswa nemoto.

Moto wakaveswa tiripo Jemedza akapiswa kusvika


aitwa dota.

Madzibaba vakakumbira kuti dota rake rindorasirwa


ku Dark land kuti mweya yaakavharira ikoko
izorodzwe.

Vanhu vekuchurch kwa Jemedza vakati vachaita


sekudero nokuti ku Dark land kwacho ndiko kwainzi
ku holy ground kwavo.

Vaiti kutsikako waifanira kubvisa mari kuti uporeswe


saka vaikuziva.
Vakatitenda chaizvo nerubatsiro rwatakanga tavapo.

Madzibaba vakabva vati

"musatitenda zvedu , tendai Mwari wenyu"


vakataura neshona ipapo ndakabva ndaona kuti
mweya waitaura pavari wanga waenda.

Pane ainzwa chishona aive ikoko, akabva azotutikira


vamwe vake.

Hatina kuzogara takabva taenda kundege,


ndokudzokera kwedu ku Zimbabwe.

Takasvika kuma 4 makuseni, tanga taneta zvekuti


takasvika tichirara. Inini dzakambobata here
ndaitoda zvekuenda kundoona mhuri yangu.

Kuma 6 ndanga ndatomuka kare. Ndakabva


ndaenda , ndichisvika ndakaudzwa kuti momira
visiting hour ya 9 ma security aitozvinyepra zvavo
iwawo.

Ndakangokanda mari pa table ndikabva


ndamhanya ndichienda.

Vakazoda kuti hey inini ndapota kare ndakasvika


mukadzi wangu akamuka.
Paakandiona akabva asekerera ndakamutenda
chaizvo nekundiunzira mufaro panyika.

Ndakaenda kunevana ndikavasimudza vese vari


vatatu.

Ndakatanga kuvapa mazita ndichiti "uyu ndi Rocky


kureva mukomana. Ndakabva ndazoti uyu ndi
Rutendo , uyu ndi Ruvarashe" Harleen
aingosekerera zvake akarara pa bed.

Ndakaita 1 hour ndirimo ndichi enjoyer kuona mhuri


yangu. Ndaingonzwa ndine mufaro wakapetwa.

Vamwe vese vakazouya pa visiting hour vakatakura


twunonaka. Baba na mai vangu vaiva nemufaro
wakapetwa kana ari sa Cherry hatichataure.

Harleen akagara week rese ari muchipatara


achidzidziswa kubata vana zvakanaka.

Inini ndakazondoimba concert iye yeku Shurugwi


ndikabva ndawedzerwa mari.

Ndichingowana mari ndakaenda kundoroora patsva


izvo zvakadadisa kuvakarahwa.

Pandakazotaura zvemuchato baba vakati


ndimbomira vana vati kurei sezvo vaida kubatanidza
muchato wangu newa mukoma Olga.

*AFTER 5 YEARS*

*MAI RUE*

"Iwe Rocky ! siya zvauri kuita zvekukwira


pamusoro petable unodonha mhani iwewe.

Kasira kuenda kundogeza uko vana Rue vatopedza


kare kwasara iwewe nhasi izuva guru
rinotikoshera." Ndaidero ndichinetsana nemwana
wangu uyo anemusoro unenge chigogodza.

Pachokwadi Rocky anonetsa handide kunyepa


zvangu. Ava ne 6 yrs chete asi anoita
kushungurudza.

Takambomuendesa kwa Bamukuru Dee tichiti


zvimwe angadzoka ari munhu ari nane manje
ndakatoona kuti takatomuresva.

Ikozvino anorova vana kuchikoro ku grade zero


kwaari kuenda.

Zvinhu zvese anoti anoda kuzviitira


ndinombozama kumurova asi hazvishande plus
baba vake havade.
Nhasi izuva rangu nemuchato vanhu vakaronga
kuti ndichate vana vangu vakura.

Isusu tatopedza kugadzirira kwasara iye Rocky


uyoyu ,anga achitomboshaikwa nema maids
ndazongomuuona akamira pamusoro pe table
hameno anga abva nepi, ma basa chaiwo.

Ndakazoita wekudhonza ndiri inini


ndokundomugezera, ndapedza ndakamupfekedza
suit yake sezvo vari ivo vachatungamirira
vaperekedzi.

Muchato wedu tinoutungamirurwa nevana vedu


ndivo vachange vachititambira ma steps kumberi
vaperekedzi vachiteera, zvese izvozvo
vakatodzidziswa vanogona.

Vana Rue ndo ma flower girls. Bridget na Rolix


vakazoita mwana musikana ndiye achange
achifamba na Rocky.

Regai ndingotenda vatezvara vangu vakamira mira


kutifadza zvese ndivo vakaronga kuti inini na
maiguru mai Tee tichate pamwe chete.

Tichipedza kugadzirira maiguru vakabva vasvika


nevaperekedzi vavo.
Bamukuru na Baba Rue vanga vatoenda kare.

Hatina kuzotora nguva takabva tatoendawo ku


Venue hombe remu Harare ndiko kwataizochatira.

Ndaitoziva kuti kuchange kwakawandiwa nokuti


murume wangu ndi Rockstar anodikamwa
nevazhinji kuzoti isusu pahukama hwedu tagara
takawanda chaizvo.

Tichisvika ndakashamisika kuona pane ndudzi


nendudzi dzevanhu vakasiyana siyana varungu, ma
Indians, ma kaladhi .. kuzoti vatema hatichataure.

Paive pakawandiwa kudarika zvandaifunga inini,


pakanga pakagadzirwa zvakanaka chaizvo.

Ma flower girls akatanga kufamba achikanda


maruva, vana Rocky vachiteera vachitamba.

Vaperekadzi vachitambawo isusu tichiteera


takabatwa maoko nevabereki vedu mhururu
dzichiridzwa .

Takafamba kusvika tasvika kwaive nevarume vedu.


Ndaiona wangu murume achisekerera , bamukuru
vaingo smiler wo vari mu suit vakatarisa getsi ravo.

Takazosvika tikabatanidzwa umwe neumwe


pamurume wake muchato ukatanga.

Takabvisirwa ma gifts akawanda chaizvo kana vari


sevarungu mema kaladhi vaiita competition
yekubvisa mari.

Vabereki vanguwo vakati naivo havade kukundwa.

Rolix aibhejawo nema Us ane mukadzi wake.


Katie wo akabvisa paakagona napo, haaikona
zvake nokuti ndakanga ndakamuendesa kuchikwata
chemontana saka tanga tava ma bests friend.

Kuzoti sekuru va Tee hatichataure avo


ndovaikwikwidzana nevarungu vakataura vakati
zvirinane vasare homwe dzakabooka asi vaenda
pamusoro nokuti vane mufaro wakapetwa.

Muchato wedu wakafamba zvakanaka tichipedza


takangoitira honeymoon yedu mu Harare imomo.

Patakazodzokera kumba takabva tasheyana ma


gifts Bamukuru nemudzimai wavo zvavo.

Isusu takasara nezvedu.

Vamwe nevamwe vakazotanga kuita upenyu hwavo


nemhuri yavo
Inini ma Daddy Rockstar tirimo mu Harare nana 3
vedu. Imba yangu ndakaisa munhu anoi renta
achindipa mari kupera kwemwedzi.

Na daddy tava kuenda kundoimba kunzvimbo


dzakasiyana siyana tichiita mari. Ndava mai
Rockstar vanozikamwa manje zve montana girl
zvakapera.

Rocky ava kugara na mbuya vake ndivo vega


vanomugona nokuti mwana wangu anongogara
achida zvezvibhakera pese paari.

Baba Rue vanogara vakaseka kuti akatoredzera


inini hu violence.

Maiguru na bamukuru variko ku Headlands kwavo,


uko vakati havabve.

Tete Cherry variko kumurume wavo nemhuri yavo.

Mbuya Harleen vakura havachagare zvavo


kumaruzevha vava kugara na Mukoma T.J kwa
Rusape vakati zveku Harare bodo.

Mai Tindo varimo mu Harare nemurume wavo wavo


Rolix rudo rwuri kubvira.

Ende Rolix ndiye ava mufundisi wedu


akaropafadzwa na Mwari akavhura church ye
Pentecost ndiko kwandava kunamata nemhuri
yangu sezvo zvemasowe zvakanditadzawo.

Handisi kuti hakuna Mwari asi inini


ndakangozvarwa ndiri we Pentecostal.

Vatezvara zvangu navamwene ndivo vanoenda


kumasowe.

Regai nditore mukana uno kutenda Mwari


anotichengecheta zvakanga zvakaoma asi
takabuda.

Kumhuri kwedu hakuna anochema umwe neumwe


angova nemufaro paari nokuda kwekunamata .

Mwari ndiMwari vanerudo vanoda uyo anovadavo.

Ukakwanisa kuregerera uyo anokutadzira


maropafadzo haazombopere muupenyu hwako.

Anotonga ndi Mwari nokuti ndiye anoziva mubairo


weumwe neumwe.

Iwe kana watadzirwa vudza Mwari wako kuti tongai


munene baba uchaona zvaunoitirwa nedenga.

Ngatiregei kurambirira muzvivi kuti tenzi vatinzwire


ngoni.
Kana watadza reurura nemoyo wako wese urege
kudzokera zvekare kuzvivi uvone kuri Mwari
havachinje upenyu hwako here.

Ndinoda kudzosera mbiri yese kuna Mwari

Ndini wenyu *Mai Rockstar..* love yu guys kana


kune ashungurudza kumhuri kwenyu ndibatei pa
no" dzangu dzinoti

+263 77 123 4567... # kkk

jokes number dzangu hadziwanike pese pese

bvunzai mai Lex vanoziva nezvangu.

Ikozvino hu Violence ndasiya zvasarira mwana


wangu Rocky ndiye ava kunditambudza pakaipa..

*Magumo ebook redu* *BETRAYAL*

Ndinotenda nerudo rwenyu vaverengi.

Ngatisanganei kunext book rinonzi

*My soulmate* handisati ndatanga kurinyora asi


story line yavapo saka kutanga pa next week
rinenge ra buda.
Thanks kune avo vakandipawo mari kuti
ndikwanise kutenda Foni dai Mwari akuitirai
zvidhafu chaizvo.

Ndinokudai chaizvo ... Rambai muchinditsigira


musaneta . Pane ma mistakes
mongondigadzirisawo zvisina hasha kuti neniwo
ndidzidze semunyori

Bye bye umwaa

Lot's of love to yu all

You might also like

pFad - Phonifier reborn

Pfad - The Proxy pFad of © 2024 Garber Painting. All rights reserved.

Note: This service is not intended for secure transactions such as banking, social media, email, or purchasing. Use at your own risk. We assume no liability whatsoever for broken pages.


Alternative Proxies:

Alternative Proxy

pFad Proxy

pFad v3 Proxy

pFad v4 Proxy