Musoro
Mataridziko
Musoro kana soro (head) inhengo pamhuka yakatakura dzimwe nhengo dzinoti, mhuno, mazino, maziso nenzeve. Nhengo idzi ndidzo dzine hunzwi hunosanganisira kunhuhwidza, kuona, kunzwa. Shure kwemusoro kuri nechamusoro pemutsipa kunodanwa kunzi gotsi. Mberi kwemusoro kuri nechepamusoro pemaziso kunodanwa kunzi huma.
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Bandamba, bangure, dzoro, mudzoro zvinotaura musoro muhombe.
- Nzumura (big head - of person or animal) zvichireva dzoro kana musoro muhombe. Ane nzumura yomusoro.
- Chimusoro kana gundumure zvinoreva munhu ane musoro muhombe.
- Mhanza kana huma (forehead) kureva nzvimbo iri mberi kwemusoro kubva pane tsiye kusvika panotangira vhudzi.
- Munhu asina vhudzi panzvimbo inofanirwa kumera vhudzi mumusoro anonzi ane mhanza kana baro. Vamwe vanoti mukunguru.
- Kushunama kana kusunama (stand on head).
- Chikope (overhanging forehead) guma.
- Mbambanda kana kakazhi (Ideophone of being obstinate).
Tsumo
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Manenji kuona mukadzi ane mhanza. It is astounding to see a woman with a bald head.
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Digo vanoti chitswa (head) vachireva musoro. Kinande vanoti emisunamire (way of squatting).
- Tumbuka neVaChewa vanoti mutu (head) vachireva musoro. VaGuru vanoti ditwi (n. head) kureva musoro.
- Chuabo inoti omusolro kureva musoro. KiZaramo inoti pala kureva musoro. Hadiyya vanoti horoore kureva musoro.
- Kinyarwanda inoti umutwe (head) kureva musoro. Maconde inoti mutwe kana myutwe (head) kureva musoro.
- Kinyarwanda inoti ubutware (chieftainship, authority, inheritance). VaRwanda vanoti umutware (chief, authority, heir) kureva Ishe..